• All e-books and audiobooks on The New Life Mission website are free
  • Explore multilingual sermons in global languages
  • Two new revised editions in English have been released
  • Check out our website translated into 27 languages
Search

Sermons

Musoro 1 : Chivi

[1-1] Tinofanira Kutanga Taziva Nezve Zvivi Zvedu Kuti Tidzikinurwe (Marko 7:8-9, 7:20-23)

2021.04.12 47
(Marko 7:8-9)
“Makasiya mirayiro yaMwari uye mukachengetedza tsika dzavanhu. Uye akati kwavari, ‘Mune nzira chaiyo yokuisa parutivi nayo mirayiro yaMwari kuitira kuti mucherechedze tsika dzenyuwo.’”
 
(Marko 7:20-23)
“Akaenderera mberi achiti, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa. Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyoyavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi, noupenzi. Zvakaipa izvozvi zvose zvinobuda kubva mukati uye ‘zvinosvibisa munhu.’”
 
 
Regai nditange nekutsanangura kuti chii chinozi chivi. Pane zvivi zvinodudzirwa naMwari, kozoita zvivi zvinodudzirwa nevanhu. Inzwi rekuti chivi, rinonzi ‘harmartia’ muchiGiriki chakare, rinoreva kuti “kupotsa pakanangwa.” Mune mamwemanzwi, zvinoreva kuita chimwe chinhu nenzira isiri iyo. Kutori kutadza kusatevedza zvinenge zvatemwa naMwari. Ngatitange nekucherechedza maonero anoita munhu chivi.
 
Chii chinonzi chivi?
Chivi kusatevedza zvinenge zvatemwa naMwari.
 
Vanhu tinocherechedza chivi kuburikidza nehana dzedu. Asi, chipimo chemunhu chechivi chinosiyana zvichienderana nekwaakakurira, mamiriro epfungwa dzake, mamiriro ezvinhu uye hana yake.
Naizvozvo, dudziro yechivi inosiyana pakati pevanhu. Chinhu chimwechete chinogona kunzi chivi neumwe asi umwe achiti hachisi chivi, zvichienderana nechipimo chemunhu nemunhu. Ndiko kusaka Mwari vakatipa zvipango zvine mazana matanhatu ane gumi nemitatu (613) eMurairo kuti zvishandiswe nechipimo chechivi.
Mupikicha uyu unotsanangura zvakaita zvivi zvevanhu
 
Murairo waMwari
Hana yemunhu, zvaanofunga
kuva zvakaipa uye netsika dzake
Mutemo wenyika
 
Hatifaniri kutema chipimo chechivi kubva pamarovero anoita hana yedu kana tichnge taita chimwe chinhu kana kubva patsika dzedu.
Zvivi zvehana yedu hazvibvi padudziro yaMwari yekuti chii chinonzi chivi. Naizvozvo, hatifaniri kuterera kuhana dzedu, asi tinofanira kushandisa chipimo chechivi chinobva pamirairo yaMwari.
Mumwe nemumwe wedu ane mafungiro ake akuti chii chinonzi chivi. Vamwe vanofunga kuti chivi zvinhu zvakanenge vakundikana kuita uye vamwe vachifunga kuti chivi hunhu hwakafumuka.
Semuenzaniso, kunyika yeKorea, kana vanhu vakafirwa nevabereki vavo vanodyara maruva akanaka pamakuva avo uye vachigara vachiendako kundogadzira makuva aya kusvika ivo pavachazofavo. Asi kunyika yePapua New Guinea, kune rumwe rudzi rwuchiri nechinyakare charwo chekuti kana vakashaikirwa nevabereki vavo, vanovaremekedza nenzira yekudya mitumbi yavo. (Handinatsoziva kuti vanotanga vabika mitumbi yacho here.) Ndinodavira kuti izvi vanozviitira kuti mitumbi yehama dzavo irege kudyiwa nehonye. Tsika dzakadai dzinoratidza kuti dudziro yechivi kana tichishandisa chipimo chemunhu yakasiyana siyana kunzvimbo dzakasiyana siyana.
Chiito chinonzi chakanaka mune imwe nzvimbo chinogona kunzi mashura kune imwevo nzvimbo. Asi, Bhaibheri rinotiudza kuti, kusatevedza zvakatemwa naMwari chivi. “Makasiya mirayiro yaMwari uye mukachengetedza tsika dzavanhu. Uye akati kwavari, ‘Mune nzira chaiyo yokuisa parutivi nayo mirayiro yaMwari kuitira kuti mucherechedze tsika dzenyuwo’” (Marko 7:8-9). Zvingava zvakaita miviri yedu hazvina kukosha kuna Mwari nekuti ivo vanotarisa pakadzika pemoyo yedu.
 
 
Kushandisa Chipimo Chedu Chitori Chivi Pamberi paMwari
 
Ndechipi chivi chakanyanyoipa?
Ndechekusaterera Shoko raMwari.
 
Kutadza kurarama sezvinobva pakuda kwaMwari chivi pamberi pavo. Zvakafanana nekusatenda Shoko ravo. Mwari vakataura kuti kurarama sezvinoita vaFarisi chivi, avo vairamba mirairo yaMwari vachinyanya kukoshesa dzidziso dzetsika dzavo. Jesu akadoma vaFarisi sevanyengeri.
“Munotenda kuna Mwari upi. Munonatsonamata pamwe nekukudza Inini here? Munozvikudza nezita rangu asi munondikudza zvamazvirokwazvo here?” Vanhu vanonyanyotarise pachimiro chekunze, vasingacherechedzi Shoko raMwari. Chivi chakanyanyoipisa ndechekusaterera Shoko raMwari. Unozviviva here izvi?
Mabasa akaipa anobva pakusasimba kwedu angora kudarika bedzi. Kukanganisa kwatinoita uye nezvipotswa zvatinoita nekuda kwekusakwana kwedu hazvisi zvivi zvinobva panheyo yechipimo chaMwari, asi kungori kudarika. Mwari vanopa musiyano pakati pezvivi uye nekudarika. Avo vasingatevedzeri Shoko rake ndivo vatadzi, kunyange vasina kudarika kwavanoita. Ivavo ndivo vatadzi vakuru pamberi paMwari. Ndiko kusaka Jesu akatuka vaFarisi. Mumabhuku mana ekutanga emuBhaibheri, kubva pana Genesisi kusvika pana Dhuterenomi, mune mirairo inotiudza zvinofanira kuitwa nezvisingafaniri kuitwa. Zvese izvozvo iShoko raMwari uye mirairo yake. Tinogona kutadza kuichengeta yose zvakakwana, asi tinofanira kuicherechedza semirairo yavo. Vakatipa mirairo iyoyo kubvira pamavambo uye tinofanira kuigamuchira seShoko raMwari.
“Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko raanga riri Mwari.” (Johane 1:1). Zvakare vanoti, “Chiedza ngachivepo; chiedza chikavapo.” Mwari vakasika zvinhu zvose. Mushure maizvozvo, vakabva vawumba Murairo.  
“Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu, uye Shoko rakanga riri Mwari” (Johane 1:14, 1). Ko zvino Mwari vanozviratidza kwatiri nenzira ipi? Vanozviratidza kuburikidza nemirairo yavo nekuti Mwari ndivo Shoko uye noMweya. Naizvozvo, Bhaibheri tinoridana kuti chii? Tinoridaidza kuti Shoko raMwari.
Zvataurwa pano kuti, “Makasiya mirayiro yaMwari uye mukachengetedza tsika dzavanhu.” Bhaibheri rine zvipango mazana matanhatu ane gumi nezvitatu (613) zveMurairo waMwari. Ita izvi asi izvi usaita, kudza vabereki vako…zvichidaro. Muna Revhitiko, tinoudzwa kuti varume nevaadzi vanofanira kuzvibata sei uye kuti chii chinofanira kuitwa kana chipfuwo chikawira mugomba…. Pane zvipango 613 zvakadaro muMurairo waMwari.  
Sezvo asiri mashoko aMwari, tinofanira kugara tichimafunga nguva dzose. Nyangwe zvazvo tisingakwanisi kuchengeta Murairo wavo wose, tinofanira kuigamuchira pamwe nekuterera Mwari.
Pane chikamu chimwechete here chakakanganisika muShoko raMwari. VaFarisi vaisiya mirairo yaMwari vachisarudza kuchengeta mirairo yevanhu. Mashoko evakuru vavo akanga ane chiremera chakanyanya kudarika mashoko aMwari. Izvi ndizvo zvakaonekwa naJesu paakanga ari panyika uye zvakanyanya kumurwadza ndezvekuti vanhu vakanga vachishaya hanya neShoko raMwari.
Mwari vakatipa zvipango 613 zvemurairo kuti tive neruzivo rwezvivi zvedu uye kuti varatidze kuti ivo ndivo Zvokwai; tinofanira kurarama nekutenda uye tigotenda kuna Jesu uyo akatumwa kwatiri kubva kuna Mwari nekuda kwerudo rwavo kwatiri.
Vanhu vanosiya Shoko raMwari, vachirega kutenda kwariri, ndivo vatadzi. Avo vasingagni kuchengeta Shoko ravo vatadzi zvakare, asi kuisa parutivi Shoko raMwari ndicho chivi chakaipisa. Vanhu vanoita chivi chakaipisa ichi vanopedzisira vava kugehena. Kusatenda kuShoko raMwari ndicho chitadzo chakaipisisa pamberi pavo.
 
 
Chikonzero Mwari Vakatipa Murairo
 
Nemhaka yei Mwari Vakatipa Murairo? 
Kuti tizive zvivi zvedu uye nemubairo wazvo.
 
Chikonzero nei Mwari vakatipa Murairo? Zvakaitirwa kuti tigoziva zvivi zvedu, tigodzokera kwavari. Vakatipa zvipango 613 zveMurairo kuti tigone kuziva zvivi zvedu uye tigodzikinurwa kuburikidza naJesu Kristu. Ndicho chikonzero Mwari vakatipa Murairo.
VaRoma 3:20 inoti, “Kubudikidza nomurairo tichaziviswa chivi.”
Zvino, tinowana ruzivo rwupi kubva paMurairo? Tinowana zivo yekuti hatina kusimba zvekukwanisa kuterera Murairo waMwari wose sezvauri uye kuti tiri vatadzi vakuru kwazvo pamberi pavo. Ko tinoziva chii kubva pazvipango 613 zveMurairo waMwari? Tinoziva kusasimba kwedu uye nekusagona kwedu kurarama neMurairo. Tinoziva zvakare kuti isu zvisikwa zvaMwari hatina simba uye tiri vatadzi vakaipa kwazvo pamberi pavo. Tose tinofanira kuguma tava kugehena kana tichicherechedza Murairo wavo.
Kana tichinge taziva zvivi zvedu uye kusagona kwedu kurarama neMurairo waMwari, tinobva tadii? Tinobva taedza kuva vanhu vakakwana here? Kwete. Tinofanira kubvuma kuti tiri vatadzi, totenda kuna Jesu, todzikinurwa kuburikidza neruponeso rwaMwari rwemvura noMweya uye tovatenda.
Chikonzero Mwari vakatipa Murairo chaiva chekuti tibvume zvivi zvedu uye tizive mubairo wezvivi izvozvo. Saka, tinoziva kuti hazvigoneki kuti tiponeswe kubva kugehena kana pasina Jesu. Kana tichitenda kuna Jesu seMuponesu wedu, tichadzikinurwa. Mwari vakatipa Murairo unotitungamirira kuMuponesi, Jesu.
Mwari vakawumba Murairo kuti tizive kuti takaipa zvakadzama sei uye kuti vaponese moyo yedu kubva pachivi ichocho. Vakatipa Murairo uye vakatuma Mwanakomana wavo umwe woga, Jesu, kuti atiponese kuburikidza nerubhapatidzo rwake. Kutenda kwaari kunotiponesa.
Isu tiri vatadzi vakuru vanofanira kutenda kuna Jesu kuti tisunungurwe pachivi, tova vana vake uye todzosera kubwinya kose kuna Mwari.
Tinofanira kunzwisisa, kufunga uye nekutonga kuburikidza neShoko raMwari nekuti zvinhu zvose zvinovamba kubva pavari. Zvakare tinofaniravo kunzwisisa zvokwadi yedzikinuro kuburikidza neShoko ravo. Uku ndiko kutenda chaiko uye kwechokwadi.
 

 Ko Mumoyo Memunhu Munei?
 
Tinofanira kuitei pamberi paMwari?
Tinofanira kubvuma zvivi zvedu uye tokumbira Mwari kuti vatiponese.
 
Kutenda kunofanira kutanga neShoko raMwari uye tinofanira kutenda kwavari kuburikidza neShoko ravo. Tikasadaro, tinowira muzvikanganiso. Kutenda kwakadaro handiko uye hakusi kwechokwadi.
VaFarisi nevadzidzisi vomurairo pavakaona vadzidzi vaJesu vachidya chingwa vasina kugeza maoko, vangadai vasina kuzvishora kana dai vakazvicherechedza kubva pamuono weShoko raMwari. Shoko rinotiudza kuti chinopinda mumunhu chichibva kunze hachimusvibise nekuti chinopinda nemudumbu chobva chabuda mumuviri, chisina kusvibisa moyo.
Sezvazvinorehwa muna Marko 7:20-23, “Akaenderera mberi achiti, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa. Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyoyavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi, noupenzi. Zvakaipa izvozvi zvose zvinobuda kubva mukati uye ‘zvinosvibisa munhu.’” Jesu akataura kuti vanhu vanoita vatadzi nekuti vanozvarwa vaine chivi.
Ko unonzwisisa zvazvinoreva here izvi? Tinozvarwa tiri vatadzi nekuti tose tiri vedzinza raAdhamu. Asi hatigoni kuona zvokwadi nekuti hatibvumi kana kutenda mumashoko avo ose. Saka, mumoyo memunhu munei?
Rugwaro rwataverenga pamusoro rwati, “Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyoyavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi, noupenzi.” Kuipa kwemhando dzakasiyana kunobuda kubva mukati memoyo yevanhu, kuchivasvibisa.
Muna Mapisarema zvakanyorwa kuti, “Kana ndichifunga matenga enyu, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi, zvamakarogedza panzvimbo yazvo; munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana womnhu zvamune hanya naye” (Mapisarema 8:3-4).
Nemhaka yei Mwari Pachavo vachitishanyira? Vanotishanyira nemhaka yekuti vanotida, ndivo vakatisika uye vakatinzwira tsitsi isu vatadzi. Vakadzima zvivi zvedu zvose uye vakatiita vanhu vavo. “Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!” (Mapisarema 8:1). Mambo Dhavidhi akaimba pisarema iyi muTestamende Yakare mushure mekunge aziva kuti Mwari achazova Muponesi wevatedzi.
MuTestamende Itsva, Mupostori Pauro akadzokorora pisarema rimwechete. Chinhu chinoshamisa kuti isu zvisikwa zvaMwari tinogona kuva vana veMusiki. Izvi zvinogoneka bedzi kuburikidza netsitsi dzavo kwatiri. Urwu ndirwo rudo rwaMwari.
Tinofanira kuziva kuti kuedza kurarama neMurairo waMwari kutomuzvidza. Zvakare chiito chekuzvikudza chinobva mukusaziva. Hazvina kufanira kuti urarae kunze kwerudo rwaMwari apo uchirwisana nekuda kuchengeta Murairo wavo uye uchinamata wakaperera kuti uve neupenyu hwakadaro. Kuda kwavo Mwari kuti tinofanira kuzvicherechedza sevatadzi pasi peMurairo, tigova nekutenda kudzikinuro yemvura neropa raJesu.
Shoko raMwari rinoti muna Marko 7:20-23, “Akaenderera mberi achiti, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa. Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyoyavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi, noupenzi. Zvakaipa izvozvi zvose zvinobuda kubva mukati uye ‘zvinosvibisa munhu.’”
Jesu akati zvinomuda mumunhu, zvivi zviri mukati make, ndizvo zvinomusvibisa. Chero zvekudya zvinonzi zvakan’ora zvakasikwa naMwari hazvitisvibise. Zvisikwa zvose zvakachena, asi izvo badzi zvinobuda matiri, zvinova zvivi, ndizvo zvinotisvibisa. Tose takazvarwa tiri vedzinza raAdhamu. Saka takaberekwa tiine chii matiri? Takabereka tiine mhando gumi nembiri yezvivi. Handizvo here?
Saka tingakwanisa kurarama tisingatadzi here? Tinoramba tichingotadza nekuti takazvarwa tiine chivi. Tingaregera kutadza nekuda bedzi kwekuti tinoziva Murairo here? Tingararama nemirairo here? Kwete.
Kuramba kwatinoita kuda kurarama neMurairo ndiko kutowedzera kuoma kwazvinoitawo. Tinoanira kuziva migumo yedu uye tosiya zvipimo zvemuitiro wakare. Tikadaro, tingagona kugamuchira rubhapatidzo neropa raJesu izvo zvinotiponesa, nendangariro dzakazvininipisa.
Zvipango 613 zvose zveMurairo zvakanaka uye zvakarurama. Asi vanhu vanoita vatadzi kubvira panguva yavanoumbwa muduru raamai. Kana tikaziva kuti Murairo waMwari wakanaka, asivo kuti takazvarwa tiri vatadzi vasingagoni kuva vakarurama nesimba redu, tinogona kuzivavo kuti tinotoda tsitsi dzaMwari uye nedzikinuro yaJesu muevhangeri yemvura, neropa uye noMweya. Kana tikaziva migumo yedu – kuti hatingagoni kuva vakarurama nesimba redu uye kuti tichaenda kugehena nekuna kwezvivi zvedu – tichabva tavimba nedzikinuro yaJesu, kwete nechimwe chinhu.
Tinogona kudzikinurwa. Tinofanira kuziva kuti hatikwanise kuva vakanaka kana vakarurama pamberi paMwari nekuda kwekugona kwedu. Naizvozvo, tinofanira kubvuma pamberi paMwari kuti tiri vatadzi vakatemerwa kuenda kugehena uye kuti tinofanira kunamatira tsitsi dzavo, tichiti, “Haiwa Mwari, ndapota ndiponesei pazvivi zvangu uye mundinzwire tsitsi.” Tikadaro, Mwari vachasangana nesu zvamazvirokwazvo muShoko ravo. Nenzira iyi tinodzikinurwa.
Ngaticherechedzei munamato waDhavidhi. “Kuti munzi makarurama pamunotaura uye musapomerwa mhosva pakutonga kwenyu” (Mapisarema 51:4).
Dhavidhi akanga achiziva kuti akanga ari murwi wechivi uye kuti akanga akaipa zvine faniro yekuti akandwe mugehena, asi akabvuma pamberi paMwari kuti, “Mwari, kana mukanditi mutadzi, ndiri mutadzi. Kana mukanditi ndakarurama, naizvozvo ndakarurama. Kana mukandiponesa, ndichaponeswa; uye kana mukandiendesa kugehena, ndichaguma ndava kugehena.”
Uku ndiko kutenda kwechokwadi uye nzira kwayo yekuponeswa. Izvi ndizvo zvatinofanira kunge tiri kana tiine tariro yekutenda mudzikinuro yaJesu.
 
 
Tinofanira Kuziva Kuti Zvivi Zvedu Ndezvipi Chaizvo
 
Sezvo tiri vedzinza raAdhamu, tose tine ruchiva mumoyo yedu. Asi Mwari vanotiudza kuti chii? Vanotiudza kuti hatifaniri kuita upombwe kunyange zvazvo tiine upombwe pamoyo yedu. Tine humhondi mumoyo yedu, asi Mwari vanotiudza kuti kudii? Vanotiudza kuti tisauraya. Tose hatikudzi vabereki vedu mumoyo yedu, asi Mwari vanotiudza kuti tivakudze. Tinofanira kuziva kuti Shoko raMwari nderechokwadi uye rakanaka, asi isu tine chivi mumoyo yedu.
Ichokwadi here kana kuti hachisi? Icho ndicho chokwadi chakazara. Naizvozvo, tinofanira kuitei pamberi paMwari? Tinofanira kubvuma kuti tose tiri mirwi yechivi uye vatadzi vasina tariro. Hazvina kufanira kuti ufunge kuti taiva vakarurama nezuro nekuti hatina kutadza nezuro, asi tiri vatadzi nhasi nekuti tatadza nhasi. Takazvarwa tiri vatadzi. Chero tikaita zvipi, tinoramba tiri vatadzi. Ndiko kusaka tichifanira kudzikinurwa kuburikidza nekutenda mubhapatidzo yaJesu.
Hatisi vatadzi nokuda kwemabasa edu: akaita sekuita upombwe, kuuraya, kuba, upombwe…asi tiri vatadzi nokuti takaberekwa tiri vatadzi. Takaberekwa nemipanda gumi nemiviri yezvivi uye sezvo tichizvarwa tiri vatadzi mumeso aMwari hatingambovi vanhu vakanaka kuburikidza nesimba redu. Chatingatogona kunyepedzera kuva vanhu vakanaka.
Tinozvarwa tine ndangariro dzezvivi, saka saka tingava vakarurama sei kunyange kana tikasaita zvivi izvi? Hatingambogoni kuva vakarurama pamberi paMwari nemabasa edu pachedu. Kana tikazviti takarurama, tinenge tichinyengera. Jesu akadeedza vaFarisi nevadzidzisi vemutemo achiti ‘vaFarsi nevadzidzisi vemutemo vanyengeri.’ Vanhu vanoberekwa vari vatadzi uye vanotadza pamberi paMwari pahupenyu hwavo hwese.
Aninani anozviti haasati amborwisa kana kurova munhu kana kuba tsono zvayo kune umwe munhu pahupenyu hwake hwese anenge achinyepa nekuti vanhu vakazvarwa vari vatadzi. Munhu iyeye murevi wenhema, uye mutadzi nemunyengeri. Aya ndiwo macherechedzero aanoitwa naMwari.
Munhu wese mutadzi kubvira pakuzvarwa kwake. Chero ukasaita chiito chimwechete zvacho chekutadza, zvakadaro unenge wakangotemerwa kuenda kugehena. Kana wakakwanisa kuchengeta Mutemo pamwe nemirairo mizhinji, ungori mutadzi zvakadaro akatemerwa kuenda kugehena.
Zvino tingaita Seiko kuti tishandure zvatakatemerwa izvi? Tinofanira kukumbira tsitsi dzaMwari uye tovimba navo kuti tiponeswe pazvivi zvedu.  Kana vakasatiponesa, tinoenda kugehena. Ndizvo zvatakatemerwa.
Avo bedzi vanogamuchira Shoko raMari ndivo vanobvuma kuti vakanga vari vatadzi zvirokwazvo. Vanoziva zvakare kuti vanoita vatsvene nekutenda. Saka vanozivavo kuti kushaya hanya pamwe nekusiya Shoko raMwari, usingaricherechedzi, ndicho chivi chakaipisisa. Avo vanogamuchira Shoko rake ndivo vakarurama kunyange zvazvo vaimbova vatadzi panguva yakare. Vakazvarwa patsva neShoka raMwari munyasha dzake uye ndivo vakaropazwa.
 
 
Avo Vanoedza Kudzikinurwa Nemabasa Avo Vachiri Vatadzi
 
Ndevapi vachiri vatadzi kunyange mushure mekutenda kuna Jesu?
Avo vanoedza kudzikinurwa kuburikidza nemabasa avo.
 
Ngativerengei VaGaratia 3:10-11. “Vose vanovimba nokuchengeta murairo vakatukwa, nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Vakatukwa vose vasingarambiri pakuita zvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku reMurayiro.’ Zviri pachena kuti hapana munhu anoshayirwa mhosva nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, ‘Vakarurama vachararama nokutenda.’”
Zvataurwa kuti, “…vakatukwa vose vasingarambiri pakuita zvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku reMurairo.”  Avo vanofunga kuti vanotenda kuna Jesu asi vachiedza kupembedzwa nemabasa avo vakatukwa. Varipiko avo vanoedza kupembedzwa nemabasa avo? Vari pasi pechituko chaMwari.
Nemhaka yei Mwari vakatipa Murairo.Vakatipa Murairo kuti tizive zvivi zvedu (VaRoma 3:20). Vakanga vachidawo kuti tizive kuti tiri vatadzi vomene vakatemerwa kuenda kugehena.
Tenda kurubhapatidzo rwaJesu, nekuMwanakomana waMwari ugoberekwa patsva nemvura noMweya. Uchabva waponeswa pazvivi zvako, ugova wakarurama, ugowana upenyu husingaperi pamwe nekuenda kudenga. Ivai nekutenda mumoyo yenyu.
 
 
Chivi Chekuzvikudza Chikurusa Panyika
 
Chivi chekuzvikudza chikurusa panyika ndechipi?
Ndechekuedza kurarama neMurairo.
 
Tinoropafadzwa kuburikidza nekutenda kumukomborero wake. Mwari anoponesa avo vanotenda kuShoko rake.
Asi pakati pevatendi nhasi uno pane vaKristu vazhinji vanoedza kurarama neMurairo waMwari. Chinhu chinoyemurika hacho kuti vanoedza kurarama neMurairo asi zvinogoneka sei?
Tinofanira kuziva kuti hupenzi sei kuedza kurarama neMurairo wavo. Kuramba kwatinoita tichiedza kudaro, ndiko kuwedzera kuoma kwazvinoita. Mwari vakati, “Kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa kunouya neShoko raKristu.” (VaRoma 10:7). Tinofanira kurasa kuzvikudza kwedu kuti tiponeswe.
 
 
Tinofanira Kusiya Zvipimo Chedu Kuti Tiponeswe
 
Tinofanira kuitei kuti tiponese?
Tinofanira ksiya zvipimo zvedu.
 
Ko munhu angaponeswa nenzira ipo? Zvinogoneka bedzi kana aching azvicherechedza semutadzi. Kune vazhinji vasati vadzikinurwa nekuti havagoni kusiya zvitendo zvavo zvenhema pamwe nekuedzesera kwavo.
Mwari vanotaura kuti avo vanopfumbatira Murairo vakatukwa. Avo vanotenda kuti vanogona kururamiswa zvishoma nezvishoa kuburikidza nekuedza kurarama neMurairo, mushure mekunge vatenda kuna Jesu vakatukwa. Vanotenda kuna Mwari asi vachiri kufunga kuti vanofanira kurarama maererano neMurairo kuti vaponeswe.
Wadiwa hama, tingaruramiswa nemabasa edu here? Tinoruramiswa bedzi nekutenda kuShoko raJesu; kana tadaro bedzi ndipo patinodzikinurwa. Tinodzikinurwa kuburikidza nekutenda kurubhapatidzo rwaJesu, ropa rake uye huMwari hwake, bedzi.
Ndicho chikonzero Mwari vakatiumbira murairo wekutenda senzira yekuti tive vakarurama. Dzikinuro yemvura noMweya haibvi pamabasa evanhu, asi inobva inobva pakutenda muShoko raMwari. Mwari vakatisunungura kuburikidza nekutenda uye ndiwo marongero nemazadzisiro avakaita ruponeso rwedu.  
Ko sei avo vakatenda kuna Jesu vasina kudzikinurwa? Nekuti havana kugashira shoko redzikinuro yemvura uye noMweya. Asi isu tisina kukwaniswa sezvavakanga vari, takadzikinurwa kuburikidza nekutenda kwedu kuShoko raMwari.
Kana tikange tine vanhu vaviri vari kukuya paguyo, uyo achasara acharamba achishanda, kunyange mushure mekunge umwe wake achinge abvutwa. Anenge asara ndiye anomirira uyo asati adzikinurwa. Ko sei umwe akatorwa asi umwe akasara?
Chikonzero ndechekuti umwe akaterera ndokubva atenda kuShoko raMwari, asi umwe akashanda nesimba kuchengeta Murairo ndobva azopedzisira ava kugehena. Munhu iyeye ayiedza kukambaira achienda kuna Mwari, asi vakamuzunzira kure sekuzunza kunoita munhu gonye riri kukwira pagumbo pake. Kana munhu akaedza kukambaira achienda kuna Mwari kuburikidza nekuchengeta Murairo, anokandirwa kugehena zvamazvirokwazvo.
Ndiko kusaka tichifanira kudzikinurwa kuburikidza nekutenda kuevhangeri yemvura noMweya.
“Vose vanovimba nokuchengeta murairo vakatukwa, nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Vakatukwa vose vasingarambiri pakuita zvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku reMurayiro.’ Zviri pachena kuti hapana munhu anoshayirwa mhosva nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, ‘Vakarurama vachararama nokutenda’” (VaGaratia 3:10-11, VaRoma 1:17).
Kusatenda kuShoko raMwari chivi pamberi pake. Pamusoro pezvo, chivi zvakare kusiya Shoko raMwari uchisarudza kurarama nematorero echipimo chako. Isu vanhu venyama hatigoni kurarama nemurairo waMwari nekuti tose takazvarwa sevatadzi uye tinoramba tichitadza paupenyu hwedu hwese. Tinotadza zvishoma pano, totadza zvishoma apo, nekose kwatinoenda. Tinofanira kuziva kuti tiri vanhu venyama uye kuti hatigoni asi kuti titotadza chete.
Munhu wenyama akafanana nemugomo uzere nemupfudze. Kana ukaedza kufamba wakautakura, ucharasira tsvina pese pese. Ndizvo zvatakaita. Tinoramba tichiteura chivi kwese kwatinoenda. Uri kuzvionavo here?
Ucharamba uchinyepedzera kuti uri mutsvene here? Kana dai wainatsoziva zvauri, ungadai wakasiya zvekuedzesera kuzviita mutsvene, wotenda kumvura neropa raJesu.
Avo vasati vaberekwa patsva vanofanira kurasa kutsindimara kwavo, vobvuma kuti ivo pachavo vatadzi pamberi paMwari. Kana vadaro, vanofanira kudzokera kuShoko raMwari kuti vazive kut vakaponeswa nemvura uye noMweya.