(Marko 7:20-23)
“Akaenderera mberi achiti, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa. Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyoyavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi, noupenzi. Zvakaipa izvozvi zvose zvinobuda kubva mukati uye ‘zvinosvibisa munhu.’”
Vanhu Vakakangaidzika uye Vanorarama Nemiono Isiriyo
Ndeupi ane nyanyiso yekupomeswa?
Uyo anozvitora semutadzi wekupedzisira
Chekutanga, ndinoda kukubvunzai mubvunzo. Unozviona semunhu akaita sei? Unofunga kuti uri munhu akanaka here kana munhu akaipa? Unofunga kuti kudii?
Vanhu vose vanorara pamafungiro avo asiwo. Unogona usina kutomboipa sezvaunozvifungidzira, uye unogona kunge usiri munhu akarurama sezvaunofunga.
Ndiyani waanofunga kuti anorarama hupenyu huri nane hwekutenda? Ndeuyo anozviona semunhu akanaka here? Kana kuti ndeuyo anozviti munhu akaipa?
Ndeuyo anozviti akaipa. Regai ndibvunze mumwe mubvunzo zvakare. Ndeupi angakwanisakudzikinurwa pavanhu ava: uyo akatadza zvitadzo zvizhinji kana kuti uyo ane zvivi zvishoma? Uyo anobvuma kuti akaita zvivi zvisingaverengeki ndiye anokwanisa kudzikinurwa zvakanyanya nekuti munhu iyeye anobvuma kuti mutadzi mukuru. Munu akadaro anogamuchira Shoko redzikinuro raakagadzirirwa naJesu zviri nane.
Kana tichinatsozvicherechedza, zviri pachena kuti tiri mirwi yechivi. Ko munhu chiko? Vanhu vangori ‘vana vevaiti vezvakaipa.’ Muna Isaiah 59 zvakataurwa kuti kune mhando dzakasiyana dzezvakaipa mukati memoyo yevanhu. Naizvozvo, zviri pachena kuti vanhu mirwi yezvivi. Asi kana tikadudzira munhu semurwi wechivi, vazhinji vanogona kusabvumirana nazvo. Asi, tikadudzira tichiti vanhu ‘vana vevaiti vezvakaipa’ tinenge tadudzira zvomene. Kana tikanatsocherechedza zvatiri, zviri pachena kuti tiri vanhu vakaipa. Avo vangada kuzvibudira pachena vanosvika pakubvuma saizvozvi.
Asi, zvinoita sekuti vanhu vazhinji vanoramba kubvuma kuti zvamazvirokwazvo ivo pachavo mirwi yechivi. Vazhinji vanorarama munyorododo nekuti havazvicherechedzi sevatadzi. Sezvo tiri vaiti vezvakaipa, takawaniwa tichiumba uchenjeri hweutadzi. Kana dai chaisava chokwadi, tingadai tichitonyara kutadza. Asi, vazhinji vedu hatinyari kana tichitadza.
Kunyange zvakadaro, hana dzavo dzinoziva chokwadi. Munhu wese ane hana inomuudza kuti, “Izvi zvinonyadzisa.” Adhamu naEva vakazviviga pakati pemiti mushure mekunge vatadza. Nhasi uno, vatadzi vazhinji vanozvihwandisa pakati pevamwe vatadzi vavo kuti vadzivirire kutonga kwaMwari.
Vanhu vanonyengerwa nekunzwisisa kwavo kusiko. Vanofunga kuti ivo pachavo vakarurama kudarika vamwe. Kana vakagamuchira mashoko ezvakaipa zvaitwa neumwe,unonzwa vachishora vachiti, “Shuwa shuwa munhu rudzi anoita zvinhu zvakadaro? Munhu wemurume angadaro shuwa? Ko mumhu wemwana angadaro kuvabereki vake shuwa?” Asi ivo vanozvichenura vachiti havangamboite zvinhu zvakadaro.
Wadiwa hama, zvaaoma kuti uzive zvauri. Kuti tinatsoziva zvatiri, tinofanira kutanga tagamuchira kuregererwa kwezvivi. Zvinotora nguva refu kuti tiwane zivo yomene maringe nehumiro hwedu sevanhu, uye kune vazhinji kwazvo vasingambofi vakaziva chinhu ichi kudzamara vasvika pakufa.
Ziva Zvauri
Ko vanhu vasingazive zvavari vanorarama sei?
Vanorarama hupenyu hwekunyengera vachiedza kuhwandisa hutadzi hwavo
Dzimwe nguva tinombosangana nevanhu vasingazive zvavari. Socrates akataura kuti, “Ziva zvauri.” Asi, vazhinj vedu hatizive zviri mumoyo yedu: kuuraya, kuba, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo….
Munhu asingazive zvaari ane uturu hwenyoka parurimi rwake, nyamba achitaura zvekunaka. Chikonzero ndechekuti munhu iyeye haazive kuti akazvarwa ari mutadzi.
Pane vanhu vazhinji pasi pano vasingazive humiro hwavo chaihwo. Vakazvinyengera uye vakadzamara vavakurarama hupenyu hwavo vakafushirwa mukuzvinyengera kwavo. Havazive kuti vari kuzvikandira mugehena pachavo pamusaka pekuzvinyengera kwavo.
Vanhu Vanodeura Chivi Nguva Dzose Paupenyu Hwese
Nemhaka yei vanhu vachienda kugehena?
Nekuti havazive zvavari
Ngatitarisei Marko 7:21-23 zvakare. “Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyoyavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi, noupenzi. Zvakaipa izvozvi zvose zvinobuda kubva mukati uye ‘zvinosvibisa munhu.’”
Ngatitii moyo wemunhu wakagadzirwa negirazi rekunwira mvura uye toti girazi iri rizere nemangoya, anova chivi. Chii chinoitika kana munhu uyu akafamba achienda kumushura ozobva aenda kumberi? Mangoya aya (chivi) anoteuka achirasikira pese pese.
Isu semirwi yechivi, tinorarama upenyu hwedu saizvozvo. Tinoteura zvivi kwese kwatinoenda. Tinotadza paupenyu hwedu hwese nekuti tiri mirwi yechivi.
Dambudziko nderekuti hatizive kuti tiri mirwi yechivi, mune mamwe manzwi tiri mhodzi dzechivi. Tiri mirwi yechivi uye tine chivi mumoyo yedu kubvira pazuva ratinozvarwa.
Mirwi yechivi yakagadzirira kuyerera nguva dzese. Asi, vanhu havadi kubvuma kuti vane hutadzi mavari nguva dzose. Vanofunga kuti vamwe vanhu ndivo vanoita kuti vatadze uye naizvozvo ivo pachavo havana kuipa.
Kunyange pavanenge vachitadza vanhu vanofunga kuti chinhu chinodikanwa bedzi kuti vazvichenese ndechebvisa chivi ichocho. Vanoramba vachizvipukuta nguva dzose dzavanotadza, vachizviudza kuti haisi mhosva yavo. Asi kungozvipukuta kwatinenge taita kungareva here kuti zvakafanira kuti tirambe tichingoteura? Zvinoreva kuti tinofanira kuramba tichingopukuta nguva dzose.
Kana girazi rizere nechivi, rinoramba richingodeuka. Hazvibatsire kuti urambe uchingopukuta kunze kwaro. Kunyange tikagara tichingopukuta nguva dzose, nemabasa edu akanaka, hazvibatsire kana girazi rizere nechivi.
Tinozvarwa tiine zvivi zvizhinji kwazvo zvekuti moyo yedu haimbofa yakakuturika zvekusara isina chinhu, nyangwe tikakutura zvakawanda sei murwendo rweupeyu. Naizvozvo, tinotadza pahupenyu hwedu hwese.
Kana munhu akasaziva kuti iye pachake murwi wechivi, anoramba achivanza humiro hweutadzi hwake. Chivi chiri mumoyo yevanhu vose uye hachibve kuburikidza nekupukuta kunze kuti kuchene. Kana tichinge tadeura chivi chidiki, tinochipukuta nemucheka; uye kana tichinge tadeura zvakare, tinochipukuta nechikorobho... zvichingodaro… Tinoramba tichingofunga kuti kana tikaramba tichingopukuta tsvina yadeuka nguva dzose, pachachena, asi tinoramba tichingodeura nguva dzose.
Unofunga kuti izvi zvicharamba zvichidaro kusvika rini? Zvinoramba zvichidaro kudzamara pakufa. Vanhu vanoita zveutadzi kudzamara pavanofa. Ndicho chikonzero tichifanira kutenda kua Jesu kuti tidzikinurwe. Kuti tidzikinurwe, tinofanira kutanga taziva zvatiri.
Ndiyani angagamuchira rudo rwaJesu nemufaro?
Vatadzi vanobvuma kuti vakapara mhosva zhinji
Ngatitii pane vanhu vaviri vatingafananidza nemagirazi maviri azere nemangoya. Magirazi aya azere nezvivi. Munhu wekutanga anozvicherechedza obva ati, “Zvirokwazvo ndiri mutadzi mukuru.” Anobva azviramba, obva aenda kundotsvaga umwe munhu angamuatsire.
Asi umwe munhu wepiri anofunga haasi mutadzi zvomene. Iye pachake haagoni kuona murwi wechivi uri mukati make uye anofunga kuti iye haanyanyotadzi. Pahupenyu hwake hwese, anoramba achingopukuta zvinenge zvateuka. Anoti akapukuta divi rino, obva andopukuta rumwe rutivi… obva amhanyira kune rumwe rutivi zvakare….
Kune vazhinji vanorama upenyu hwavo nemazvo vachiedza kutadza zvishomanana kuti vasadeurira zvivi zvavo pese pese. Asi sezvo vachir nezvivi mumoyo yavo, pane chakanaka chngabuda here? Kuva wakangwarira kusatadza hakuvaswededze pedyo nedenga. ‘Kuva vakangwarira’ kunongovaisa mumugwagwa wakananga gehena bedzi.
Wadiwa hama, ‘kuva wakangwarira’ kunongoendesa kugehena bedzi. Tinofanira kuisa chidzidzo ichi mukati memoyo yedu. Kana vanhu vachingwarira kusatadza, zvivi zvavo zvinogona kusateuka hazvo zvakanyanya, asi vanongoramba vari vatadzi.
Ko mumoyo memunhu munei chaizvo? Mune chivi here? Mune hunhubu here? Hongu! Mune pfungwa dzakaipa here? Hongu! Mune humbavha here? Hongu! Mune kuzvikudza here? Hongu!
Hatikwanisi asi kuti tingobvuma kuti tiri mirwi yechivi, kunyanya paya patinozviona tichiita zveutadzi nehuipi, pasina kana neambotidzidzisa kudaro.
Zvinogona kusaratidzika tichiri vadiki. Asi patinenge tichikura zvinenge zvava sei? Patinoenda kusekondari, tobva taenda kukoreji, zvichingodaro, tinoramba tichiona chingori matiri bedzi chivi. Hachisi chokwadi here? Kana tichitaura chokwadi, zvinoreva kuti tivanze hutadzi hwedu? Unozvibvuma here? Hatigoni kuita chimwe chinhu kunze kwekudeura chivi chete. Tinobva tatanga kuzvidya moyo tichiti, “Handifanire kuita zvinhu zvakadai.” Asi, tinoona zvakaoma kuti tichinje zvemazvirokwazvo. Nemhaka yei zvichidaro. Nekuti isu tose tinozvarwa tiri mirwi yezvivi.
Hativi vanhu vakachena kuburikidza nekuva takangwarira. Chatinofanira kuziva ndechekuti tinozvarwa tiri mirwi yechivi kuti tive tinokwanisa kudzikinurwa zvakakwana. Vatadzi bedzi vanogamuchira dzikinuro yakagadzirwa naJesu vachivonga ndivo vanogona kuponiswa.
Avo vanofunga vachiti, “Handina kunyanyoita zvakaipa zvakawanda uye handina zvivi zvizhinji,” havabvumi kuti Jesu akatora zvivi zvavo zvose uye kuti vakatemerwa kuenda kugehena. Tinofanira kuziva kuti umwe neumwe wedu ane murwi wechivi mukati medu nekuti takazvarwa tine zvivi.
Kana munhu akafunga achiti, “Handina kunyanya kuita zvakaipa, ndinongoda kudzikinurwa pachivi chiduku ichochi bedzi,” angazova akasunungurwa here mumashure mazvo?
Munhu anoda kudzikinurwa anoziva kuti iye pachake murwi wechivi. Anotenda zvechokwadi kuti Jesu akatora zvivi zvedu zvose kuburikidza nekubhapatidzwa murwizi rweJorodhani uye kuti akaripa mubairo wezvivi paakatifira.
Tose tine goneso yekurarama mukuzvinyengera, zvisinei nekuti takadzikinurwa here kana kuti kwete. Tiri mirwi yechivi. Ndizvo zvatiri. Tinogona kudzikinurwa bedzi kana tikatenda kuti Jesu akatora zvivi zvedu zvose.
Mwari Havana Kudzikinura Avo Vane ‘Zvivi Zviduku’
Ndiyani anonyengera Ishe?
Ndeuyo anokumbira ruregerero rwezvivi zvake zvezuva rimwe nerimwe
Mwari haaregerere munhu anozviti ane ‘chivi chiduku.’ Mwari haatombotarise avo vanoti, “Mwari, ndingori nechivi chiduku chete.” Vanhu vaanonzira tsitsi ndeavo vanoti, “Mwari ini ndiri murwi wechivi. Ndiri kuenda kugehena. Ndapota ndiponesei.” Vatadzi vomene vanoti, “Mwari, ndingaponeswa bedzi kana muchinge mandiponesa. Handingagoni kuramba ndichinamatira dzikinuro yenyu nekuti ndinoziva kuti ndinoramba ndichingotadza nguva dzose. Ndapota ndiponesei.”
Mwari vanoponesa avo vanovimba naye nemoyo wese. Ini pachangu ndakamboedza kureurura zuva nezuva pose pandaitadza, asi minamato yeruregerero haina kumbondisunungura pachivi. Ndakabva ndapfugama pamberi paMwari ndokubva ndanamata ndichiti, “Mwari, ndapota ndinzwirei tsitsi uye ndiponesei pazvivi zvangu zvose.” Avo vanonamata nenzira iyi ndivo vanogona kuponeswa. Vanokwanisa kutenda kudzikinuro yaMwari uye nekubhapatidzo yaJesu naJohane Mubhapatidzi. Vanobva vaponeswa.
Mwari vanodzikinura vahu vanobvuma pamwe nokuziva kuti ivo pachavo mirwi yezvivi uye kuti vana vevaiti vezvakaipa. Ivo vanotaura vachiti, “Ini ndakangoita chitadzo chiduku badzi. Ndapota ndiregerereivo,” vachiri vatadzi uye Mwari haangagoni kuvaregerera. Mwari vanoponesa avo bedzi vanobvuma kuti mirwi yechivi.
Muna Isaya 59:1-2 zvakanyorwa kunzi, “Zvirokwazvo ruoko rwaJehovha haruna kupfupika kuti rukonewe kuponesa, uye nzeve yake haina kudzivira kuti irege kunzwa. Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu; zvivi zvenyu zvakavanza chiso chake kwamuri kuti arege kunzwa.”
Nekuda kwekuti tinozvarwa tiri mirwi yezvivi, Mwari haagoni kutitarisa nerudo. Chikonzero hachisi chekuti ruvoko rwavo rwakapfupika, kana kuti nzeve yavo yakadzivira, kana kuti vanenge vasingatinzwe patinenge tichikumbira kuregererwa.
Mwari vanotiudza kuti, “Zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu; zvivi zvenyu zvakavanza chiso chake kwamuri kuti arege kunzwa.” Nekuda kwekuti tine zvivi zvizhinji mumoyo yedu, hatigoni kupinda Denga kunya dai masuo aro akava akazaruka sei.
Kana isu mirwi yezvivi tikakumbira Mwari ruregerero pose patinotadza, zvinoreva kuti Mwari vanenge vava kufanira kuramba vachidzokorora kuuraya Mwanakomana wavo nguva dzose. Mwari havadi kuita saizvozvo. Vanotaura kuti, “Musauya kwandiri nezvivi zvenyu zuva nezuva. Ndakakutumirai Mwanakomana wangu kuti akudzikinurei pazvivi zenyu zvose. Chaunofanira kungoita ndechekunzwisisa kuti akatora sei zvivi zvako wobva wabvuma kuti ndicho chokwadi. Ibva watenda kuevhangeri yemvura noMweya kuti uponeswe. Urwu ndirwo rudo rukurusa rwandakakupai zvisikwa zvangu.”
Izvi ndizvo zvavari kutitarira. “Tendai kuMwanakomana wangu kuti muwane ruponeso rwezvivi zvenyu. Ini Mwari wenyu, ndakatuma Mwanakomana wangu kuti ayananisire zvivi nezvakaipa zvenyu zvose. Tendai kuMwanakomana wangu kuti muponeswe.”
Avo vasingazvitore semirwi yezvivi vanokumbira ruregerero pazvivi zvavo zviduku zvoga zvoga. Vanoenda pamberi paMwari vasingazive hudzamu hwezvivi zvavo vobva vangonamata vachiti, “Ndapota ingondiregereraivo kachitadzo kadiki diki ikaka. Handichazotadzizve.”
Zvakare, vanoedza kunyengedza Mwari neminamato yakadaro. Asika hatitadze kamwechete bedzi, asi tinoramba tichingotadza kudzamara patinofa. Tikatodaro zvinenge zvava kutoreva kuti tinenge tichifanira kuramba tichingokumbira ruregerero kusvika mazuva ekupedzisira ehupenyu hwedu, nekuti hatigoni kusatadza uye nyama yedu muranda kumurairo wechivi dakara tife.
Kuregererwa chitadzo chimwechete chiduku hakugadzirise dambudziko rechivi nekuti tinoita zvivi zvisingaverengeki zuva rimwe nerimwe. Naizvozvo, nzira bedzi yekuwana rusununguko pachivi ndeyekutambidza zvivi zvedu zvose kuna Jesu.
Munhu ane humiro hwakadii?
Murwi wezvivi
Bhaibheri rinoverenga zvivi zvevanhu richiti: “Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, minwe yenyu nezvakaipa. Miromo enyu yakareva nhema, rurimi rwenyu runonguruma zvinhu zvakaipa. Hapana anochemera kururamisira; hapana anokwidza mhaka yake nokutendeka. Vanongovimba negakava risina maturo uyo nekureva nhema; vanoita mimba yezvakashata uye vanobereka zvakaipa. Vanochochonya mazai emvumbi, uye vanoruka dandira redandemutande. Ani naani anodya mazai avo achafa, uye rimwe richaputsika, panochochonywa nyoka. Matandira avo haabatsiri pakupfeka; havagoni kuzvifukidza nezvavanogadzira. Mabasa avo mabasa akaipa, uye kuita nechisimba kuri mumaoko avo. Tsoka dzavo dzinomhanyira kundopinda muchivi; vanokurumidza kuteura ropa risina mhosva. Mirangariro yavo mirangariro yakaipa; kuputsa nokuparadza zviri munzira dzavo. Nzira yorugare havaizivi, hapaa kururamisira panakwara avo. Vakashandura nzira dzavo dzikava dzakaminama, hakuna anofamba madziri achaziva rugare.” (Isaiah 59:3-8).
Maoko evanhu akasvibiswa nezvakaipa uye vanoita zveutadzi paupenyu hwavo hwese. Zvose zvavanoita zvakaipa. Uye rurimi rwedu ‘rwakataura zvakaipa.’
“Kana (diabhori) achireva nhema, ndiwo mutauro wekwake iwoyo” (Johane 8:44). Vanhu vasina kuberekwa patsva vanofanira kuti, “Ndiri kukutaurira chokwadi… Ndiri kutokutaurira chokwadi… Zveshuwa ndiri kutorevesa… Zvandiri kutokutaurira ndezvechokwadi…” Zvakangofanana nezvazvakanyorwa. “Kana (diabhori) achireva nhema, ndiwo mutauro wekwake iwoyo” (Johane 8:44).
Vanhu vanoisa vimbo yavo mumashoko asina maturo uye vanoreva nhema. Vanhu vanoumba zvakaipa uye vanovamba zvakaipa. Vanochochonya mazai emvumbi uye vanoruka dandira redandemutande. Mwari vanoti, “Ani naani anodya mazai avo achafa, uye rimwe richaputsika, panochochonywa nyoka.” Mwari vanoti mumoyo yenyu mune mazai emvumbi. Mazai emvumbi! Mumoyo menyu mune huipi. Ndiko kusaka tichifanira kudzikinurwa kuburikidza nekugamuchira evhangeri yemvura neropa.
Pese pandinotanga kutaura nezvaMwari, pane vamwe vanoti, “Aiwa kana. Haikona kutaura neni nezvaMwari. Pese pandinoedza kuita chimwe chinhu, chivi chinodeuka kubva mandiri. Chinobva changotanga kuyerera. Handigona kufamba kana nharu imwechete ndisina kudeura chivi panzvimbo yose. Handizvigonevo ini. Ndakangozara nechivi. Handisisina tariro. Saka haikona kuda kutaura neni nezvaMwari mutsvene.”
Munhu akadai anoziva zveshuwa kuti iye pachake murwi wechivi, asi haazive kuti Mwari akamuponesa zvachose kuburikidza neevhangeri yerudo rwake. Avo bedzi vanozviona semirwi yechivi ndivo vanogona kuponeswa.
Munhu wese ndizvo zvaakatoita. Munhu wese anodeura chivi kwese kwaanoenda. Chivi chinoyerera nekuti vanhu vose mirwi yechivi. Nzira yoga yekuti tiponeswe pahumiro hwakadero ndeyekuwana simba raMwari. Hazvishamise here izvi? Vose vanoteura chivi pese [avanenge vakatsamwa, kana vakafara kana vakagadzikana vanogoa kuponeswa bedzi kuburikidza naIshe wedu Jesu Kristu. Jesu akauya kuzotiponesa.
Akabisa zvivi zvako zvose. Bvuma kuti iwe uri murwi wechivi kuti uponeswe.