(Ruka 10:25-30)
“Mumwe musi mududziri womurayiro akasimuka kuti aedze Jesu. Akati, ‘Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka yeupenyu husingaperi?’ Iye akapindura akati, ‘Pamurairo pakanyorweiko? Unouverenga Seiko?’ Akapindura akati, ‘Ida Ishe Mwari wako nemoyo wako wose, uye nomweya wako wese, uye nesimba rako rose, nokufunga kwako kose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokud kwaunozviita iwe.’ Jesu akapindura akati, ‘Wapindura zvakanaka. Ita izvozvo ugorarama.’ Asi iye akanga achida kuzviruramisa, saka akabvunza Jesu akai, ‘Muvakidzani wangu ndianiko?’ Jesu akapindura akati ‘Mumwe murume aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguvo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa.’”
Dambudziko guru revanhu nderipi?
Vanorarama nemafungiro asiwo mazhinji
Ruka 10:28, “Ita izvozvo ugorarama.”
Vanhu vanorarama nemafungiro asiwo akawanda. Zvinoratidza kuti vanhu vazhinji vakatojairira muitiro wakadaro. Vanoratidzika sevanhu vakachenjera asi vanonyengedzeka zviri nyore uye vanoramba vasingazive nezvemativi avo akaipa. Tinozvarwa tisina ruzivo rwezvatiri, asi tinobva tada kurarama sekuti tinoziva chose. Sezvo vanhu vasingazive zvavari, Bhaibheri rinotiudza zvakajeka kuti tiri vatadzi.
Vanhu vanotaura nezvekuvepo kwezvivi zvavo. Tinoona kuti vanhu havagoni kuita chakanaka, kunyange vakada kuzvitsanangudza sevanhu vakanaka sei. Vanozvikudza pamusoro pemabasa avo akanaka uye vachizvida, nyangwe zvazvo vachitaura nemiromo yavo kuti ivo vatadzi.
Havazive kuti hava kana chakanaka mavari kana goneso zvayo yekuita chakanaka, saka vanoedza kuda kunyengedza vamwe uye dzimwe dzenguva kutozvinyengedza ivo pachavo. “Hona kani, hatingazovi vanhu vakatoipa zvachose. Matiri mune kunaka kurimowo kani.”
Kumagumo, vanotarira vamwe vanhu vobva vazviudza kuti, “Heyi, dai asina kuita zvaaita izvo. Zvingadai zviri nani kwaari dai asina kudaro. Angadai aita zviri nani dai asina kutaura sezvaaita izvi. Ndinofunga kuti zviri nani kuti aparidze evhangeri nenzira iyi. Uyu akatendeuka kumberi kwangu, saka mafungiro angu ndeekuti dai achiratidzavo kuti munhu akadzikinurwa kare. Inini hangu ndakatendeuka manje manje, asi ndiri kutoona kuti kana ndikaramba ndichidzidza zvizhinji ndichatopfuura zvaanoita izvi.”
Vanorodza mapanga mumoyo yavo pese panorwadziswa. “Mira hako uone. Uchaone kuti handina kufanana newe manje. Ungafunga hako kuti uri kumberi kwangu parizvino, asi mira zvako uone. Zvakanyorwa muBhaibheri kuti veshure vachava vemberi. Ndinoziva chose kuti ndizvo zvichaitika kwandiri. Mira hako uone, ndichakuratidza ini.” Vanhu vanozvinyengedza.
Nyangwe zvazvo aingoita zvimwechetezvo zvaitwa nemunhu anga ari pachinzvimbo chakadaro, munhu anoda kungoshoropodza zvaitwa neuyo. Kana akamira papurupiti, anozobva atanga kundandama nekuti anenge ava neruzivo rwakapfuurisa nezvehumiro hwake. Kana vachinge vabvunzwa kuti ko vanhu vane goneso yekuita chakanaka here, vanhu vazhinji vanodudza nemiroma yavo kuti kwete havana. Asi nechemumoyo mavo vanenge vachizvinyengedza kuti ivo pachavo vane goneso yacho yekuita zvakanaka. Naizvozvo vanoedza chose kuita zvakanaka kudzamara pakufa kwavo.
Vanofunga kuti zvimwe vane ‘kunaka’ mukati memoyo yavo uye kuti vane goneso yekuita chakaaka. Vanofungavo kuti ivo pachavo vakanaka chose. Zvisinei nekuti vava nenguva yakadii vachitevedza chitendero chavo, asi kutonyanya vaya vava nenguva refu pakushumira Mwari, vanofunga ivo vachiti, ‘Ndinogona kuitira Ishe chino nechocho.’
Asi kana tikabvisa Ishe mukati mehupenyu hwedu, tingagona kuita chakanaka here? Pane chakanaka chingaitwa nemunu here? Tingagona kurarama tichiita mabasa akanaka here? Vanhu venyama Havana goneso yekuita zvakanaka. Pose pavanoedza kuita zvimwe zvinhu vari voga, vanobva vatadza. Vamwe vanosundira Jesu parutivi mushure mekutenda kwaari kuti vaedze kuita zvakanaka pachavo vega. Mukati medu tose hamuna chimwe chinhu kunze kwezvakaipa bedzi, saka zvakaipa ndizvo chete zvatingagona kuita. Pachedu toda (kusanganisira kunyange vaya vakaponeswa), tinogona kungotadza bedzi. Ndiyo zvokwadi iri maringe nenyama yedu.
Nezvipi zvatinoita nguva dzose: zvakanaka kana kuti zvakaipa?
Zvakaipa
Mubhuku redu renziyo, ‘Rumbidzai Zita raJesu,’ mune nziyo ine mashoko ekuti, “Kana pasina Jesu tinongowira pasi bedzi. Tinoshaya basa sechikepe chinoda kubira kungwa chisina seiri.”
Mupostori Pauro akataura kuti, “Nokuti zvandinoita hazvisi zvakanaka zvandinoda kuita, kwete; asi zvakaipa zvandisingadi kuita, izvo ndizvo zvandinoramba ndichiita (VaRoma 7:19). Kana munhu aina Jesu, hazvina mhaka; asi kana asina chekuita naJesu, anoedza kuda kuita mabasa akanaka pamberi pake. Asi, kuramba kwaanoita achiedza kuita zvakanaka ndiko kuramba achiitavo zvakaipa.
Chero Mambo Dhavidhi akanga aine muitiro wechibarirwo wakadaro. Nyika yake payakanga iine runyararo nerugare, rimwe remadekwani akakwira pamusoro pemba achifamba famba zvake. Ari ipapo, akawona zvinhu zvakamuedza ndobva afadzwa nekuwira mazviri. Akava munhu akaita sei paakakanganwa Ishe? Akanga ari munhu akaipa zvechokwadi? Akaita upombwe naBhatisheba ndokubva aurayisa murume wake, Uriya, asi iye pachake haana kuona huipi hwakanga huri maari. Akatopa hake zvikonzero zvezviito zvake.
Asi rimwe remazuva, Natani muporofita akauya kuna Dhavidhi akati kwaari, “Pakanga pane varume vaviri mune rimwe guta, mumwe akanga akapfuma mumwe ari murombo. Mupfumi uyu akanga ane makwai mazhinji kwazvo uye nemombe zhinji. Asi murombo akanga asina chinhu kusara kwegwayana rimwechete raakanga atenga. Akarirera, rikakura naye nevana vake. Raidya pamwechete naye, richinwira pamukombe waainwira, uye richirara pamaoko ake. Rakanga rakaita somwanasikana kwaari. Zvino muenziaipfuura hake akasvika kumupfumi uya, asi mupfumi uyu haana kuda kubata rimwe ramakwai ake kana mombe kuti agadzirire zvokudya mupfuuri uyu akanga asvika kwaari. Asi iye akatora gwayana remurombo akarigadzirira uya akanga asvika kwaari” (2 Samuel 12:1-4).
Dhavidhi akapindura achiti, “Chokwadi naJehovha mupenyu, munhu akaita zvinhu zvakadai anofanira kufa!” Hasha dzake dzakavira zvikuru kwazvo, zvekuti akafunga maari akati, “Shuwa anga atori nezvipfuwo zvake zvizhinji hake; angadai angouraya chimwe chazvo. Asi pachinzvimbo chekuti adaro, asarudza hake kutora gwayana rimwechete remurombo kuti arigadzirire muenzi wake chirairo. Ngaafe zvamazvirokwazvo!” Asi Natani akabva audza Dhavidhi kuti, “Ndimi munhu uyo!”
Ndizvo zvakangoitawo vanhu vose, kunyange neavo vakatendeka. Tinodonha kuva dzose uye tichiita zvakaipa kana tisina Jesu. Saka tinotenda zvakare nhasi uno kuti Jesu akatiponesa, kunyange tiine kuipa kwaiva matiri. “Ndinoda kuzorora pasi pemumvuri weMuchinjikwa”. Moyo yedu inozorora pasi pemumvuri wedzikinuro yaKristu, asi kana tikabva pamumvuri tikatanga kuzvitutumadza, hatifi tawakana zororo.
Mwari Vakatipa Kururama Kwekutenda Pasati Pava Nemurairo
Ndechipi chakatanga kutevedzerwa: kutenda kana murairo?
Kutenda
Mupostori Pauro akautara kuti Mwari vakatipa kururama kwekutenda kubvira pamavambo. Akakupa kuna Adhamu naEva, nekuna Kaini naAbero, nekuna Seti naEnoki, naNowa, naAbrahama, naIsaka nemhuri yake kusvika kuna Jakobo nevanakomana vake gumi nevaviri. Kunyange zvazvo pakanga pasina murairo, vose ava vakava vakarurama pamberi paMwari kuburikidza nekururama kwakabva mukutenda kuShoko raMwari. Vakaropafadzwa uye vakapiwa zororo kuburikidza nekutenda kuShoko raMwari.
Nguva yakapfuura ndokubva vedzinza raJakobho vandogara muIjipita sevaranda kwemakore mazana mana nokuda kwaJosefa. Mwari akabva avabudisa muIjipita kuburikidza naMozisi kuti vapinde munyika yeKenani. Asi, panguva yemakore mazana mana ehuranda aya, vakabva vakanganwa nezvekururama kwekutenda.
Saka Mwari akaita kuti vayambuke Gungwa Dzvuku kuburikidza nemunana wake ndobva avatungamirira kurenje. Pavakasvika murenje rechivi, Mwari akavapa Murairo pagomo reSinai. Akavapa Murairo wakanga une mirairo ine gumi pamwe zvakare nezvipango mazana matanhatu ane gumi nemitatu (613) zvemirairo ine hudzamu. Mwari vakatema kuti, “Ndini Ishe Mwari wako, Mwari waAbrahama, Mwari waIsaka, Mwari waJakobo. Mozisi ngaakwire mugomo reSinai ndigomupa murairo.” Vakabva vapa Israeri Murairo.
Akavapa Murairo kuti “vaziviswe chivi” (VaRoma 3:20). Chikonzero chakanga chiri chekuvazivisa zvavaida nezvavakanga vasingadi uye kuvaratidza kururama kwavo nehutsvene kwavo.
VaIsraeri vose vakanga vatapwa muIjipita kwemakore mazana mana vakayambuka Gungwa Dzvuku. Vakanga vasati vambosangana naMwari waAbrahama, Mwari waIsaka uye Mwari waJakobho.
Pavakanga vachigara sevaranda kwemakore mazana mana iwayo, vakanga vakanganwa nezvekururama kwaMwari. Panguva iyoyo, vakanga vasina mutungamiri. Jakobho naJosefa ndivo vakanga vari vatungamiri vavo, asi vakanga vafa kwenguva refu kwazvo. Zvinoratidza sekuti Josefa akatadza kutambidza kutenda kwake kuvanakomana vake, Manase naEfuraimi.
Naizvozvo, vaIsraeri vaitofanira kutanga vatsvaga Mwari zvakare vobva vasangana naye nekuti vakanga vakanganwa kururama kwake. Tinofanira kuyeuka kuti Mwari akanga atanga kuvapa kururama kwekutenda ndokubva azovapa Murairo mushure mekunge vakanganwa kutenda. Akavapa Murairo kuti avadzosere kwaari.
Kuti aponese Israei uye kuti aviate vanhu vake, akavaudza kuti vachecheudzwe.
Chinangwa chake pakuvadana chaiva chekuvazivisa kuti iye ariko kuburikidza nekuumba Murairo uye zvakare kuti vazive kuti vaiva vatadzi pamberi pake. Mwari akanga achida kuti vaIsraeri vauye pamberi pake vagova vanhu vake kuburikidza nekudzikinurwa netsika yekubaira yaakanga avapa. Akabva vaita vanhu vake.
VaIsraeri vakadzikinurwa kuburikidza netsika yekubaira yeMurairo nekutenda kuna Mesiya wakanga achizouya. Asi tsika ykubaira yakazodzamara yaperavo nekufamba kwenguva. Ngaticherechedzeivo kuti nguva iyi ndeipi.
Muna Ruka 10:25, tinoona kuti pane gweta rakaedza Jesu. Gweta iri rakanga riri muFarisi. VaFarisi vakanga vari vanhu vaichengeta tsika dzavo dzechinyakare vachiedza kurarama neShoko raMwari. Chekutanga chavaikoshesa chaiva chekudzivirira nyika yavo, vobva vachizoita havo zvekurarama neMurairo waMwari. Zvakare kwakanga kuine vaZeroti avo vaikurumidza kutora matanho uye nguva zhinji vayiita zvemhirizhonga kuti vazadzise chinangwa chavo chekuti nyika yeIsraeri iwane rusununguko kubva kuRoma.
Jesu aida kusangana nani?
Nevatadzi vakanga vasina mufudzi
Nhasi uno tine vatungamiri vezvitendero vakadaro. Vanotungamira masangano avo avanenge vachidzidzisa donzvo rakadaro sokuti ‘nunurai vanhu vari kutambudzika pasi pose.’ Vanotenda ivo kuti Jesu akauya kuzoponesa varombo neavo vanotambudzika. Naizvozvo, mushure mekudzidza dzidziso dzeBhaibheri kukoreji, vanobva vapinda mune zvematongerwo enyika vachiedza ‘kununura vari kudzvinyirirwa’ munharaunda dzakasiyana siyana.
Vanhu vakadaro ndivo vanosimbirira kuti, “Tose ngatirarame neMurairo mutsvene uye wetsitsi…ngatirarame sezvinodiwa neMurairo, uye neShoko raMwari.” Asi havazive chinangwa chomene cheMurairo. Vanoedza kutevedzera zvose zvakadomwa neMurairo asi vasingazive zarura yepamweya yeMurairo.
Naizvozvo, tinogona kureva tichiti kwemakore mazana mana Kristu asati azvarwa muIsraeri, kwakanga kusina vaporofita kana varanda vaMwari.
Vakanga vasina Murairo uye vakanga vasina mutungamiri chaiye. Mwari havana kuzviratidza kuburikidza nevatungamiri vezvitendero veunyengeri venguva iyoyo. Nyika yakanga yava nhapwa yeHumambo hweRoma. Ndiko kusaka Jesu akaudza vanhu veIsraeri vakanga vamutevera kurenje kuti haaizovarega vachidzokera nenzara. Akanzwira tsitsi boka rakanga risina mufudzi nekuti kwakanga kune vanhu vazhinji vakanga vachitambudzika panguva iyoyo.
Magweta nevamwe vanhu vakanga vaine zvigaro ndivo vakanga vaine hupenyu huri nane nekuda kwezvinzvimbo zvavo. VaFarisi vakanga vari vechitendero chakare chichi Judaism. Vakanga vari vanhu vaizvikudza kwazvo.
Saka gweta iri rakabvunza Jesu muna Ruka 10:25, kuti, “Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka yeupenyu husingaperi?” Aifunga iye kuti hakuna mumwe munhu akarurama kupfuura iye pakati pevaIsraeri vose. Saka gweta iri (rakanga risina kuponeswa) rakatsvaga kuda kupwisa Jesu richiti, “Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka yeupenyu husingaperi?”
Gweta iri rakangofanana nezvatiri vanhu. Rakabvunza Jesu kuti, “Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka yeupenyu husingaperi?” Jesu akapindura achiti, “Pamurairo pakanyorweiko? Unouverenga seiko?”
Akabva apindura achiti, “Ida Ishe Mwari wako nemoyo wako wose, uye nomweya wako wese, uye nesimba rako rose, nokufunga kwako kose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.”
Jesu akamuudza kuti, “Wapindura zvakanaka. Ita izvozvo ugorarama.”
Akatsvaka kupwisa Jesu nyamba iye pachake asingazive kuti akanga ari munhu akaipa, chiputuru chechivi chisingafi chakagona kuita zvakanaka. Naizvozvo Jesu akamubvunza akati, “Pamurairo pakanyorweiko? Unouverenga seiko?”
Pamurairo pakanyorweiko?
Kuti tiri vatadzi vasingagoni kuchengeta Murairo.
“Unouverenga seiko?” Kuburikidza nendima iyi, Jesu anobvunza munhu, kusanganisira iwe neni, kuti anoziva pamwe nekunzwisisa murairo sei.
Sezvinoitwa nevanhu vazhinji nhasi uno, gweta iri raifungawo kuti Mwari Mwari vakaripa Murairo kuti riuchengete. Ndiko kusaka rakapindura richiti, “Ida Ishe Mwari wako nemoyo wako wose, uye nomweya wako wese, uye nesimba rako rose, nokufunga kwako kose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’”
Murairo wakanga usina chipomerwa. Mwari vakatipa Murairo wakakwana. Vakatiudza kuti tine Ishe nemoyo yedu yose uye nomweya wedu wose, nesimba redu rose, nekufunga kwedu kose uye kuti tide vavakidzani vedu sekuda kwatinozviita. Chinhu chakanaka kuti tide Mwari vedu nemoyo yedu yose uye nesimba redu rose, asi uyu murairo mutsvene usingambofi wakachengeteka.
Kuti “Unouverenga sei?” zvinoreva kuti Murairo wakanaka uye ndewechokwadi, asi iwe unounzwisisa sei? Gweta iri rakafunga kuti Mwari vakapa murairo kuti riuterere. Asi, Murairo waMwari wakapwa kwatiri kuti tizive kusasimba kwedu, kuburikidza nekuburitsa pachena zvakaipa zvedu zvose. “Iwe wakatadza. Wakauraya munhu nyangwe zvazvo ndakakuudza kuti usauraya. Ko sei usinganditereri?”
Murairo unofumura zvivi zviri mumoyo yevanhu. Ngatii pandanga ndiri munzira kuuya kuno ndaona manwiwa akatoibva mune umwe munda. Mwari vakandiyambira pamurairo kuti, “Usatemha manwiwa ayo kuti udye. Zvichandinyadzisa kwazvo kana ukadaro.” “Ndazvinzwa Baba.” “Munda uyoyo ndewaBaba nhingi nhingi, saka haufaniri kutemha manwiwa iwawo.” “Ndazvinzwa Baba.”
Nguva imwecheteyo yatinongonzwa kuti hatifaniri kutemha manwiwa, tinobva tatotanga kunzwa kamoyo kekuda kumatemha. Kana ukatsimbirira simbi yemutepfu pasi zvine simba, ichakwakukira mudenga. Zvivi zvevanhu zvakangoita saizvozvovo.
Mwari vakatiudza kuti tisaita mabasa akaipa. Mwari vanogona kutaura vachidaro nekuti ivo pachavo vatsvene, vakakwana uye vane goneso yekuita saizvozvo. Zvakaree, hazvife zvakagoneka kuti tirege kutadza kana kuti tive vanhu vakanaka zvamandorokwati. Hatina kumbofa taita vanhu vakanaka mumoyo yedu. Murairo unopiwa neshoko rekuti “usa”. Nemhaka yei? Nekuti vanhu vane ruchiva mumoyo yavo. Tinoita zvinobva pakuchiva kwedu. Tinoita upombwe nekuti tine upombwe pamoyo yedu.
Tinofanira kuverenga Bhaibheri nemazvo. Pandakatanga kuedza kuriverenga, ndairinzvera ndisingacherechedzi zaruro yemashoko aro, ndichingoverega mashoko aro sezvaari. Ndavaverenga kuti Jesu akandifira paMuchinjikwa ndobva ndatadza kumisa misodzi yangu kuti isayerera. Ndaiva munhu akaipa ndobva andifira paMuchijikwa… Moyo wangu wakarwadza zvikuru ndobva ndatenda kwaari. Ndakabva ndafunga kuti, ‘Kana ndichizotenda maererano neShoko raMwari.’
Pandakaverenga Ekisodho 20, yakati, “Usava nevamwe vamwari kunze kwangu.” Ndakabva ndanamata ndichireurura maererano nemurairo uyu. Ndakatsvaga kubva mundangariro ndichifunga kuti hapana here pandakamboita vamwe vamwari pamberi pake, kana pandakadana zita ravo pasina, kana pandakambopfugamira vamwe vamwari. Ndakabva ndaona kuti ndakagwadamira vamwe vamwari kazhinji kwazvo patayiita mabira ekutenda madzinza angu. Ndakanga ndaita chivi chekuva nevamwe vamwari.
Ndakabva ndanamata ndichireurura, “Ishe, ndakanamata zvifananidzo. Ndinofanira kutongwa nezvandakaita. Ndapota ndiregererei zvivi zvangu. Handichazozviite zvakare.” Mushure maizvozvo, chitadzo ichi chakaita senge chagadziriswa.
Ndakabva ndatanga kufunga kuti ndakambodana zita raMwari pasina here. Ndakabva ndarangarira kuti pandakatanga kutenda kuna Mwari, ndaiputa fodya. Shamwari dzangu dzakanditi, “Hausi kunyadzisa zita raMwari here nekuputa fodya kaunoita uku? Munhu wemuKristo angaputa fodya sei?”
Zvakafanana nekudana zita raMwari pasina, handizvo here? Saka ndakanamata zvakare ndichiti, “Ishe, ndakadaidza zita renyu pasina. Ndapota ndiregerereivo. Ndicharegera kuputa fodya.” Saka ndakabva ndatanga kuedza kusiya fodya asi nguva nenguva ndaizongoona ndava kuputa kwenguva ingakwana gore rose. Asi pakupedzisira ndakazokwaisa kusiya fodya zvachose. Ndakabva ndanzwa kuti chimwe chitadzo chabva pandiri.
Mumwe mutemo wakatevera waiva wekuti “Rangarira zuva reSabata kuti urichengete riri dzvene.” Izvi zvaitoreva kuti ndaisafanira kuita zvimwe zvinhu musi weSvondo; ringa basa kana nzira dzekuita nadzo mari… Saka ndakabva ndaregera saizvozvo.
Zvakare paiva newekuti “Kudza baba vako namai vako.” Ndiri kure navo ndaikwanisa kuvakudza asi pese pandaiva pedyo navo ndairwadziwa moyo. “Haiwa kani, ndakatadza pamberi paMwari. Ndapota ndiregererei Ishe.” Ndakanamata ndichireurura.
Asi ndanga ndisisakwanisi kukudza vabereki vangu nekuti vose vakanga vafa. Saka ndoita sei? “Ishe, ndapota regererai mutadzi uno. Makandifira paMuchinjikwa.” Ndakatenda chose!
Nenzira iyi ndakafunga kuti ndakanga ndagadzirisa chimwe nechimwe chezvivi zvangu. Kwakanga kune mimwe mitemo yakaita seyokuti usauraya, usaita upombwe, usachiva… Kusvika zuva randakaona kuti ndakanga ndisina kumbochengeta kana murairo mumwechete zvawo, ndakatanga kunamata husiku hwese zuva rimwe nerimwe. Asi sezvamunozivavo, munamato wekureurura hausi nyore, Ngatimbotaura nezvawo.
Ndaiti ndikafunga nezvekuroverwa kwaJesu, ndaibva ndanzwa kurwadza kwazvayiita. Kuti akafira isu takanga tisingagoni kurarama sezvinoda shoko rake. Ndaichema husiku hwese ndichifunga nezvekundida kwake uye ndichimuvonga nekundipa mufaro wechokwadi.
Gore rangu rekutanga kuenda kuchechi rakanga riri nyore, asi makore mashoma akazotevera akanga ava kuramba achiwoma kuti ndicheme ndichireurura nekuti ndaifanira kutanga ndafunga zvakadzama kuti misodzi iyerere sezvo ndakanga ndazviita kwenguva refu kakawanda.
Misodzi payakatanga kusabuda, ndakatanga kuenda kundonamata kumakomo pamwe nekutsanya kwemazuva matatu. Misodzi yakabva yadzoka zvakare. Ndayiizviyeredza nemisodzi yangu, ndobva ndadzoka kumba zvekuti ndaitanga kuchema muchechi.
Vanhu vaiva pedyo neni vakati, “Wava munhu mutsvene kwazvo nekunamata kwauri kuita kumakomo uku.” Asi misodzi yakabva yapera zvakare. Zvakabva zvatanga kuoma kwazvo pagore retatu. Ndaifunga zvakaipa zvandinenge ndaitira shamwari dzangu uye nevamwe vatendi ndobva ndatanga kuchema zvakare. Mushure memakore mana, misodzi iya yakabva yapera zvakare. Maziso angu akanga achisina misodzi yekuchema.
Mushure memakore mashanu, ndakanga ndisisakwanise kuchema, chero ndikaedza zvakaoma sei. Mheno yangu ndiyo yaitobuda madzihwa. Mushure memamwe makore mashoma akazotevera ndakabva ndatanga kusagutsikana nezvandayiita, saka Mwari vakayiita kuti ndidzokere kuBhaibheri ravo zvakare.
Murairo Unotizivisa Chivi
Chii chatinofanira kuziva nezveMurairo?
Kuti hatife takagona kuchengeta Murairo
Muna VaRoma 3:20, tinoverenga kuti, “Kubudikidza nemurairo tichaziviswa chivi.” Pakutanga ndakangofunga kuti rugwaro urwu rwaingova nechirevo badzi kuna Mupostori Pauro uye ndayiedza kutenda kumashoko andakanga ndasarudza. Asi mushure mekunge misodzi yangu yapera, ndakatadza kuramba ndichienderera mberi nehupenyu hwangu hwechitendero.
Ndakaramba ndichitadza nguva dzose kudzamara ndaona kuti ndakanga ndine chivi mumoyo mangu uye kuti zvakanga zvisingagoneki kuti ndirarame neMurairo. Ndakanga ndisingachakwanisi, asi ndanga ndisingagoni kurasa Murairo zvakare nekuti ndaidavira kuti wakapiwa kuti uchengetwe. Pamugumo, ndakabva ndaita gweta, kuita sevaya vanotaurwa muMagwaro. Zvakabva zvatanga kundiwomera kuti ndienderere mberi nehupenyu hwekutenda.
Ndakanga ndine zvivi zvizhinji kwazvo zvekuti pandaiverenga Murairo ndaibva ndatanga kuona zvivi zvose izvozvo pose pandaityora mitemo ine gumi mumoyo mangu. Kutadza mumoyo kutori kuita chitadzo, uye ndakanga ndava munhu aitenda kuMurairo ndisingazvizive.
Pandaigona kuchengeta Murairo ndaifara. Asi pandaitadza ndaibva ndatanga kunzwisisa tsitsi, ndobva ndasuwa. Pamugumo, ndakabva ndaperera paMurairo. Zvingadai zvakaita nyore sei kana dai ndakanga ndadzidziswa kubvira pakutanga ruzivo rwomene rweMurairo, kuti, “Handizvo. Kune iwe dudziro yeMurairo. Unokuratidza kuti uri murwi wechivi; kuti unokara mari, kuti unoda vakadzi kana varume pamwe nezvimwe zvinhu zvinofadza kutarira nemeso. Une zvinhu zvaunoda zvakanyanya kupfuura Mwari. Unoda kutevera zvinhu zvenyika. Hauna kupiwa murairo kuti umuchengete asi kuti asi kuti uone kuti uri mutadzi ane huipi mumoyo mako.”
Dai pakange paita munhu akandidzidzisa chokwadi ichi, ndingadai ndisina kutambudzika kwemakore anokwana gumi. Naizvozvo ndakararama pasi pemurairo kwemakore gumi ndisati ndava nezivo iyi.
Murairo wechina unoti “Rangarira zuva reSabata kuti urichengete riri dzvene.” Izvi zvinoreva kuti hatifanire kushanda musi weSabata. Pane vanodzidzisa kuti tunofanira kufamba netsoka kwete kuchaira michovha musi weSabata. Nenivo ndaiona sechinhu chakafanira uye chinokudzwa kuti ndifambe kuenda kunzvimbo dzandaindoparidza. Zvagara ndaindofanira kuparidza nezveMurairo. Saka ndakaona zvakafanira kuti ndaifanira kutevedzera zvandaiparidza. Zvakanga zvakaoma zvekuti ndakasvika pakuda kusiya.
Sezvazvakanyorwa pano, “Unouverenga seiko?” Ndakanga ndisinganzwisise mubvunzo uyu zvekuti ndakatambudzika kwemakore ane gumi. Gweta rataverenga murugwaro harina kunzwisisa mubvunzo uyo zvakarevo. Rakafunga kuti kana rikatevedzera Murairo uye richirarama nekungwarira, richaropafadzwa pamberi paMwari.
Asi Jesu akamuudza kuti, “Unouverenga sei?” Murume uyu akapindira maererano nekutenda kwake kwekukoshesa murairo. Ndokubva Jesu ati kwaari, “Wapindura zvakanaka; uri kuzvitora sekunyorwa kwazvakaita. Chiedza kuzvichengeta. Kana ukazvikwanisa uchararama, asi ukakundikana uchafa. Mubairo wechivi rufu. Uchafa kana ukatadza kumutevedzera.” (Chinopikisana neupenyu rufu, handizvo here?)
Asi gweta rakaramba risinganzwisise. Gweta iri rakangofanana nesu tose, kusanganisira iwe neni. Ini ndakafunda zvidzidzi zvebhaibheri kwemakore gumi. Ndakaendza zvese, ndikaverenga mabhuku mazhinji uye ndikaita zvese. Ndakaverenga Bhaibheri kwemakore gumi netarisiro yekuwana pundutso. Asi ndakangoramba ndiri bofu pamweya.
Ndiko kusaka mutadzi achifanira kutosangana neumwe munhu anomuzarura maziso ake, munhu iyeye ndi Ishe Jesu. Nenzira iyi, munhu anobva aziva kuti, “Hoo nhai! Hatimbofa takagona kuchengeta Murairo. Chero tikaedza zvakaoma sei kuchengeta Murairo, tinongofa tichiedza takaperera. Asi Jesu wakauya kuzotiponesa nemvura noMweya! Hareruya!” Mvura noMweya zvinotidzikinura. Ndidzo nyasha dzaMwari, chipo chaMwari. Naizvozvo tinokudza Ishe.
Ndakaita rombo rakanaka ndikakwanisa kuzosiyana nechitendero chekutevedza mutemo ichi, asi kune vamwe vanopedza hupenyu hwavo hwese vachidzidza zvidzidzo zvebhaibheri zvisina betsero uye vasingazombosvike pakuziva chokwadi kudzamara vafe. Vamwe vanhu vanoita makore ane makumi, kana kutobva pane rumwe rudzi kusvika kune rumwe rudzi, asi vasingakwanise kuberekwa patsva.
Tinobva pakuva vatadzi kana tichinge taziva kuti hatigoni kuchengeta Murairo, tobva tamira pamberi paJesu kuti tinzwe evhangeri yemvura noMweya. Kana tikasangana naJesu, tinosiya kutongwa kwese nekuzvidzwa. Tiri vatadzi vekupedzisira asi tinoruramiswa nekuti Mwari vakatiponesa nemvura neropa.
Jesu akatiudza kuti hatingambokwanise kurarama mukuda kwake. Akaudza izvi kugweta asi harina kuzvinzwisisa. Saka Jesu akariudza nyaya yekuribatsira kuti rinzwisise.
Chii chinoita kuti munhu awe muhupenyu hwekutenda?
Chivi
“Mumwe murume aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguvo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa” (Ruka 10:30). Jesu akaudza gweta mufananidzo kuti arimutsire kuruzivo rwekuti rakanga ratambudzika hupenyu hwaro hwese, sekurohwa kwakaita murume uyu akasiiwa oda kufa.
Murume akadzira kubva Jerusarema achienda kuJeriko. Jeriko inomirira nyika isina chitendero uye Jerusarema inomirira guta rechitendero; guta rekutenda rizere nevanozvikudza nemurairo. Nyaya iyi inotiudza kuti kana tichitenda kuna Kristu nenzira yekungotevedza murairo wechitendero, tichaparara.
“Mumwe murume aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguvo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa.” Jerusarema rakanga riri guta guru raigara vanhu vazhinji. Mariri makanga mune muprista mukuru, vaprista vazhinji, vaRevi pamwe nevatevedzi vezvitendero vakatsarukana. Makanga muine vanhu vakawanda vaiziva Murairo zvamandorokwati. Ikoko vayiedza kurarama maererano neMurairo asi vaizodzamara vakundikana vobva vaenda kuJeriko.Vairamba vachidzokera munyika (Jeriko) uye murwendo imomo vaiwira mumaoko ematsotsi.
Murume uyu akasonganavo nemakororo panzira yake kubva kuJerusarema achienda kuJeriko, ndokubva abviswa nguvo dzake. Kuti “vakamubvisa nguvo dzake” zvinoreva kuti akarasikirwa nekururama kwake. Hazvigoneke kuti tirarame neMurairo kaa kurarama maererano nawo. Mupostori Pauro akataura muna VaRoma 7:19-20 achiti, “Nokuti zvandinoita hazvisi zvakanaka zvandinoda kuita, kwete, asi zvakaipa zvandisingadi kuita, izvo ndizvo zvandinoramba ndichiita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handizini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chinozviita.”
Ndinoshuwira kuti dai ndaikwansa kuita zvakanaka ndigorarama mumashoko aMwari. Asi mumoyo memunhu mune mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi, noupenzi (Marko 7:21-23).
Nokuda kwekuti zvese izvi zviri mumoyo yedu uye zvinobuda pan nepo, tinowanikwa tichiita zvatisingdi kuita uye tisingaite izvo zvatinenge tichida kuita. Tinoramba tichidzokorora zvakaipa izvozvo mumoyo yedu. Dhiabhori chaanoita ndechekungotipa kahurudziro kaduku bedzi kuti titadze.
Zvivi Zviri Mumoyo Yavanhu Vose
Tingararama nemurairo here?
Kwete
Zakataurwa muna Marko 7 kuti, “Hakuna chinhu chinobva kunze chinosvibisa munhu nokupin maari. Asi icho chinobuda mumunhu ndicho chinoita kuti asvibe.”
Jesu ari kutiudza kuti mumoyo memunhu mune mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi, noupenzi.
Tine kuuraya mukati emoyo yedu. Hakuna munhu asingaurayi. Vana mai vanopopotera vana vavo vachiti, “Aewa kani. Haikona kudaro. Ndakuudza kuti usadaro, chiiko newe. Ndanguva ndakuudza kuti usadaro. Ukazviita futi ndichakuuraya. Ndati usadaro mhani.” Kutoraya ikoku. Unogona kunge waturaya mwana wako mupfungwa dzako pamusaka pemashoko ako ekusafunga.
Vana vedu vanofanira kunge vari vapenyu nekuti vanotiza kubva kwatiri nekuchimbidzika; asi kana tikasundidzira hasha dzedu dzose kwavari, tinogona kuvauraya mupfungwa dzedu. Dzimwe nguva tinozvivhundisira pachedu. “Nhai Mwari! Ko ndazviitirei?” Tinotarisa maronda pavana vedu mushure mekunge tavarova tobva tashaiwa kuti tanga tava kupenga here patadaro. Aya ndiwo maitiro atinongoita nekuti tine humhondi matiri.”
Kuti, ‘nokuti zvandinoita hazvisi zvakanaka zvandinoda kuita’ zvinoreva kuti tinoita zvakaipa nekuti tiri vanhu vakaipa. Zviri nyore kuti Satani atiyedze kuti titadze. Ngatitii munhu asati adzikinurwa agara mudumba rake kwemakore gumi, akatarisa kumadziro uye achirangarira sezvakaita Sungchol, mushumairi wechitedro chechiBuddhism kuKorea. Zvinombotanga zvakanaka apo anenge akatarisa kumadziro, asi dzimwe dzenguva pane paachada munhu anomuvigira chikafu pamwe nekumurasira chimbuzi.
Saka zvinoreva kuti panofanira kunge pane munhu waanenge achitaura naye. Harisi dambudziko kana munhu iyeye ari murume, asi ngatitii munhu wacho mukadzi akanaka. Kana akakwanisa kumbomuona chiso chake pane chimwe chinhambo, nguva yaachapedza akagara mudumba umu inenge iri yemahara. Anogona kumbofunga achiti, “Handifaniri kuita upombwe; ndinahwo mumoyo mangu asi ndinofanira kuhubvisa mandiri. Aewa! Muda mupfungwa dzangu!”
Asi zvese zvaazvitsindidza izvi zvinobuda mupfungwa dzake paanomuona zvakare. Mushure mekunge mukadzi uye aenda, anocherechedza mumoyo make zvakare. Makore mashanu ekuzvitsaura aya anege aendera pasina.
Zviri nyore kwazvo kuti Satani abvise kururama kwemunhu. Chaanongoita nedzi ndechekutungidza zvishomanana. Kana munhu asina kudzikinurwa achishingairira kuti asatadza, anongoramba achiwira muchivi zvakare. Munhu iyeye anogona kunge achibhadhara chegumi chake zvakatendeka, achitsanya kwemazuva makumi mana, achiita minamato yemangwanani kwemazuva ane zana… asi Satani angona kumuyedza nekumunyengera nezvinhu zvinoita sekunge zvakanaka muhupenyu.
“Ndinoda kukupa basa rakakosha pakambani ino, manje uri muKristu apa haukwanise kushana maSvondo, handizvo here? Ibasa hombe kwazvo. Asi dai zvayiita kuti ushande maSvondo matatu pamwedzi, wozoenda kuchechi svondo imwechete. Unobva wakwanisa kuwanawo chinzvimbo chakakwirira nekutambira mari yemashefu. Parisei ipapo?” Vanhu vose vanoudzwa zvakadai havangakwanise kuramba.
Kana izvozvo zvikasashanda, Satani anotsvaga rimwe zvano zvakare kunyaya kuvarume vaya vane ruchiva rwemadzimai. Satani anomisa mukadzi pamberi pemunhu uya zvekuti anobva atoperera paari munguva shoma, achikanganwa Mwari pakarepo. Aya ndiwo mabvisirwo anoitwa kururama pamunhu.
Kana tikaedza kurarama neMurairo, chatinongowana pamugumo maronda echivi bedzi, nemarwdzo uye nenhamo yepamweya; tinorasikirwa nekururama kwedu. “Aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguvo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa.”
Izvi zvinoreva kuti nyangwe tikaedza kumbogara muJerusarema kuburikidza nekurarama nekuda kwaMwari Mutsvene, tinowanikwa tichidonha nguva nenguva nekuda kwekusasimba kwedu uye tinopedzisira taparara.
Unogona kuramba uchinamata uchireurura pamberi paMwari. “Ishe, ndakatadza. Ndapota ndiregererei. Handichazozviita zvakare. Ndinovimbisa kuti aka ndikokekupedzisira zvachose. Ndakumbira nekudemba kuti mundiregererewo apa.”
Asi hazvimbogari kwenguva refu. Vanhu havagoni kurarama munyika muno vasingatadzi. Vanogona kumbozvidzivirira pano neapo, asi hazvigoneke kuti varegere kutadza zvakare. Hatitokwanise kunze kwekuti titadze chete. “Ishe, ndapota ndiregererei.” Kana zvakadai zvikaramba zvichiitika, vanoguma vazvisudurudzira kure nechechi uye nehupenyu hwavo hwechitendero. Vanobva pana Mwari nekuda kwezvivi zvavom vachizoguma vava kugehena.
Kuburukira kuJeriko zvinoreva kuti kuwira munyika, kuswedera padyo nenyika uchibva muJerusarema. Pakutanga, Jerusarema inenge iri padyo, asi paunoramba uchitadza uchireurura, unopededzisira wamira kumapeto kweguta reJeriko, wanyura zvako munyika.
Ndiyani anogona kuponeswa?
Ndeavo vanosiyana nekuda kuumba kururama kwavo pachavo
Ko murume uyu akasangana nani pawendo rwake kuenda kuJeriko? Akasangana nemakororo. Uyo asingazive kana kurarama nemurairo anorarama upenyu hwakafanana nehwe imbwa yakasiiwa navatenzi. Anonwa, agorara chero uye achirasira mvura chero. Imbwa iyi inomuka mangwana yobva yatanga kunwa zvakare. Imbwa yakasiiwa navatenzi inodya tsvina yayo. Ndiko kusaka munhu akadaro achinzi imbwa. Haazive nezvekunwa asi anowanikwa achinwa obva areurura mangwana makuseni, achidzokorora zvakare chiito chimwecho.
Zvakangofanana nemurume akasangana nemakororo achiburukira kuJeriko. Akasiiwa akuvara uye oda kufa. Izvi zvinoreva kuti mumoyo make mune chivi bedzi. Izvi ndizvo zakaita munhu wenyama.
Vanhu vanotenda kuna Jesu apo vachiedza kurarama nomurairo vari muJerusarema, nharaunda yechitendero, asi vanosara vachingova nechivi bedzi mumoo yavo. Chavanongoratidza bedzi pahupenyu hwavo hwechitendero maronda echivi. Avo vane chivi mumoyo yavo vachakandirwa mugehena pamagumo. Vanozviziva havo asi havazive zvekuita. Ko iwe neni hatina kumbowanikwa tiri muguta rechitendero iroro here? Takawanikwa. Takamboendako dzimwe dzenguva.
Gweta risia kunzwisisa murairo waMwari rakanga richinetsekana pahupenyu hwaro hwese, asi richizopedzisira raenda kugehena, rine ronda. Rakangofanana newe neni.
Jesu bedzi ndiye anogona kutiponesa. Munharaunda dzedu pane vanhu vakachenjera kwazvo uye vanozvitutumadza nguva zhinji pamusoro pezvavanozviti vanoziva. Vanonyepedzera kurarama neMurairo waMwari asi vasina kuvimbika kuhana dzavo. Havagoni kunatsodoma chokwadi sezvachiri, uye vanoramba vachiedza kuvandudza humiro hwavo hwekunze kuti aratidzike sevanhu vakatendeka.
Pakati pavo pane vatadzi vakananga kuJericho, avo vanorohwa nemakororo vachisiiwa voda kufa. Tinofanira kuziva kuti hatina kusimba pamberi paMwari.
Tinofanira kugamuchira pamberi paMwari kuti, “Ishe, ndinoenda kugehena kana mukasandiponesa. Ndapota ndiponesei. Ndinoenda kwese kwamati ndiende, chero kukanaya chimvuramabwe kana dutu, kana bedzi ndichinge ndanzwa evhangeri yezvokwadi. Kana mukandisiya ndiri ndoga, ndichaenda kugehena. Ndapota, ndiponesei.”
Avo vanoziva kuti vakananga kugehena uye vakasiya kuedza kutsvaga kururama kwavo, apo vachisimbirira pana Ishe, ndivo vanogona kuponeswa. Hatigoni kuponeswa kuburikidza nekuedzesera kwedu.
Tinofanira kunzwisisa kuti takafanana nemunhu akawira mumaoko emakororo.