(Johane 8:1-12)
“Asi Jesu akaenda kugomo reMiorivhi. Panguva dzamambakwedza akazviratidzazve mutemberi, vanhu vakamuunganira, uye akagara pasi kuti avadzidzise. Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vakapinda nomukadzi akanga abatwa achiita upombwe, vakamuita kuti amire pamberi peboka. Uye vakati kuna Jesu, ‘Mudzidzisi, mukadzi uyu abatwa achiita upombwe. MuMurayiro Mozisi akatirayira kuti titake namabwe vakadzi vakadai. Zvino imi munoti kudii?’ Vakanga vachishandisa mubvunzo uyu kuti vamuteye, vawane hwaro hwokumupa mhosva. Asi Jesu akakotama akatanga kunyora pasi nomunwe wake. Vakati varamba vachimubvunza akatwasuka akati kwavari, ‘Kana pane asina chivi pakati penyu, ngaave iye wekutanga kupotsera dombo kwaari.’ Akakotamazve akanyora pasi. Vakati vanzwa izvi, vose vakatanga kubva vachiita mumwe mumwe, kutanga vakuru, kusvikira Jesu asara oga, uye mukadzi achakangomirapo. Jesu akatwasuka akati kwaari, ‘Mhai, varipiko vaya vanga vachikupomera mhosva? Hapana akutonga here?’ Iye akati, ‘Hapana, Ishe.’ Jesu akati, ‘Nenivo handikupi mhosva. Chienda zvino uye usiye upenyu hwako hwechivi.’ Jesu achitaurazve navanhu, akati, ‘Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”
Ko Jesu akabvisa zvivi zvakawanda sei?
Akabvisa zvivi zvose zvenyika
Jesu akatipa dzikinuro yekusingaperi. Hakuna munhu pasi pano asingagoni kudzikinurwa kana achitenda kuna Jesu seMuponesi wake. Akatidzikinura tose. Kana paine mutadzi anozvidemba pazvivi zvake, chikonzero ndechekuti anenge asinganzwisise kuti Jesu akamudzikinura sei pazvivi zvake zvose kuburikidza nerubhapatidzo rwake uye nekuroverwa kwaakaitwa.
Tose tinofanira kuziva pamwe nekuenda kuchakavanzika cheruponeso. Jesu akatakura zvivi zvedu zvose nerubhapatidzo rwake uye akatakura mubairo wezvivi zvedu kuburikidza nekufira paMuchinjikwa.
Unofanira kutenda kuruponeso rwemvura noMweya, dzikinuro yekusingaperi kubva pazvivi zvose. Unofanira kutenda kurudo rwake rwukuru urwo rwakaita kuti uve wakarurama. Tenda kune zvaakaita parwizi rweJordhani uye paMuchinjikwa kuti usunungurwe.
Jesu akanga achizivawo nezvezvivi zvedu zvakanzika. Vamwe vanhu havanzwisise chivi. Vanofung ivo kuti zvimwe zvivi hazvigoni kregererwa. Jesu akadzikinua zvivi zvose, chimwe nechimwe chazvo.
Hakna chivi chaakasiya asina kudzikinura panyika pano. Zvokwadi ndeyekuti pasi pano hapasisina vatadzi nekuti Jesu akabvisa zvivi zvose. Unozviziva here kuti evhangeri yakadzikinura zvivi zvako zvose, kusanganisira zvivi zveramangwana? Tenda kwairi ugoponeswa uye ipa rukudzo rwose kuna Mwari.
Mukadzi Akabatwa Achipomba
Vanhu vangani vanoita upombwe pasi pano?
Vese
Muna Johane 8, pane nyaya yemukadzi akabatwa achipomba uye tinoona kuti Jesu akamununura sei. Tinoda kugoverana nemi nyasha dzaakagamuchira. Ko tinenge tichireva nhema here kana tikati munhu wese anotombopomba pane dzimwe nguva muhupenyu hwavo? Munhu wese anopomba?
Kana usingafungi kudaro, ingori nyaya yekuti tinopomba zvakanyanya kutodarika zvatinofunga. Nemhaka yei? Tinorarama nehupombwe huzhinji kwazvo muhupenyu hwedu?
Kana tichitarisa mudzimai ataverenga muna Johane 8, ndinotanga kunzvera kuti pane here asina umboita hupombwe pakati pedu. Hakuna munhu asina kupomba, sezvakangoit mukadzi akabatwa achipomba. Isu tose takapomba asi tinoda kunyepedzera kunge tisati tambodaro.
Unofunga kuti ndiri kureva nhema here? Kwete, handisi. Natsa kucherechedza mukati mak. Munhu wese akapomba pasi ano. Vaoita upombwe pavanotarisa vakadzi mumigwagwa, mundangariro dzavo uye muzviito zvavo, nguva dzose uye kunzvimbo dzose.
Havangozive chete kuti ndizvo zvavanenge vachitoita. Kune vanhu vazhinji vasingazive, kudzamara zuva ravanofa, kuti vakapomba kasingaverengeki muhupeny hwavo. Tisingaverenge avo vakabatwa chete, asi neavo vese vasati vambobatwa. Vanhu vese vanozviita mupfungwa dzavo uye muzviito zvavo. Haasiwo mamiriro ehupenyu hwedu here awa?
Zvakutsamwisa here izvi? Ichi ndicho chokwadi. Tinongozvivanza hedu nekuti zvinonyadzisa. Chokwadi ndechekuti mazuvano vanhu vose vanoita upombwe, asi havazive kutindizvo zvavari kuita.
Vanhu vanoita upombwe pamweya zvakare. Isu takasikwa naMwari tinorarama panyika pano tisingambozive kuti tiri kuita hupombwe hwepamweya. Kunamata vamwe vamwari zvakafanana nekuita hupombwe hwepamweya nekuti Ishe ndiye murume wega wevanhu vese.
Mukadzi akabatwa achipomba aitongovawo munhu wenyamasesu, uye akagamuchira nyasha dzaMwari, sezvakangoita isu vakadzikinurwa. Asi vaFarisi vanyengeri vakamumisa pamberi pavo vachimunongedzera sekunonzi vaiva vatongi, uye vakanga votoda kumutaka nemabwe. Vakanga vava kuda kumutsoropodza pamwe nekumutongesa kuti sezvinonzi ivo pachavo vakanga vakarurama uye vasina kumbobvira vapomba.
Hama dzinodikanwa, avo vanozvizivira kuti mirwi yezvivi havatongese vamwe pamberi paMwari. Vanogamuchira nyasha dzaMwari dzakatidzikinura tose kuburikidza nekuziva kuti kana naivo vanopomba pahupenyu hwavo hwese. Avo bedzi vanoziva kuti vatadzi vakanga vachipomba nguva dzose ndivo vanokodzera kudzikinurwa pamberi paMwari.
Ndiyani Anogashira Nyasha dzaMwari
Ko ndiyani anogashira nyasha dzaMwari?
Vasingakodzeri
Ko munhu anorarama zvakajeka asingaite upombwe ndiye anogamuchira nyasha here kana kuti ndeuyo asingakodzeri asi achibvuma kuti iye pachake ane hutadzi? Anogamuchira nyasha ndeuyo anogamuchira nyasha dzisina mugumo dzedzikinuro yaMwari. Avo vasingagoni kuzvibatsira, vasina simba nevasina mubetseri, ndivo vanowana dzikinuro. Ndivo vari munyasha dzaMwari.
Avo vanofunga kuti Havana chivi havadzikinuriki. Ko vangagashira sei nyasha dzedzikinuro yake kana pasina chekudzikinura.
Vadzidzisi vemurairo pamwe nevaFarisi vakandenderedza mukadzi akanga abatwa achipomba vachiuya naye pamberi paJesu ndobva vamumisa pakati vachiti, “Mudzidzisi, mukadzi uyu abatwa achiita upombwe. Zvino imi munoti kudii?” Ko sei vakaunza mukadzi uyu pamberi pake vachimuedza?
Ivo pachavo vakanga vakapomba nguva zhinji, asi vakanga vachiedza kutongesa nekuda kuuraya mukadzi uyu kuburikidza naJesu apo vachiedza kuzoda kupa mhosva kwaari.
Jesu akanga achiziva zvaiva mumoyo yavo uye aiziva zvese nezvemukadzi uyu. Akabva ati, “Kana pane asina chivi pakati penyu, ngaave iye wekutanga kupotsera dombo kwaari.” Ipapo vadudziri vemurairo pamwe nevaFarisi vakabva vatanga kusverereka vachibva kubvira kumukura kusvikira kumuduku, kudzamara Jesu angosara ari ega nemukadzi uyu.
Avo vakabva ndivo vadudziri vemurairo nevaFarisi, vaiva vakuru vechitendero. Vakanga vava kuda kutongesa mukadzi akanga abatwa achipomba kuita sekunonzi ivo pachavo vakanga vasiri vatadzi.
Jesu akaratidza rudo rwake munyika muno. Akanga ari mukotsvi werudo. Jesu akapa vanhu zvekudya, akamutsa vakafa, akamutsa mwanakomana weshirikadzi, akamutsawo Razaro weBhetani, akaporesa vaiva nemaperembudzi uye akaita zviratidzo kuvarombo. Akatora zvivi zvose zvevatadzi ndokubva avapa ruponeso.
Jesu anotida. Ndiye wamasimba ose anogona kuita zvinhu zvose, asi vaFarisi nevadudziri vemurairo vaifunga kuti aiva muvengi wavo. Ndiko kusaka vakamuunzira mudzimai uyu kuti vamuedze.
Vakabvunza vachiti, “MuMurayiro Mozisi akatirayira kuti titake namabwe vakadzi vakadai. Zvino imi munoti kudii?” Vakafunga ivo kuti Jesu achavaudza kuti vamutake nemabwe. Nemhaka yei? Nekuti kana dai tainzvera nezvakanyorwa mumurairo waMwari, munhu wese akapomba aitakwa nemabwe kudzamara afa.
Vanhu vese vanofanira kutakwa namabwe kudzamara vafa uye vose vakatemera kuenda kugehena. Mubairo wechivi rufu. Asi, Jesu haana kuvaudza kuti vamutake nemabwe. Pachinzvimbo chekudaro, akati, “Kana pane asina chivi pakati penyu, ngaave iye wekutanga kupotsera dombo kwaari.”
Nemhaka yei Mwari vakati zvipango 613 zvemurairo?
Kuti tizive kuti tiri vatadzi
Mutemo unounza kutsamwa. Mwari vatsvene uye Murairo wavo mutsvene. Mutemo wavo wakapiwa kwatiri muzvipango 613. Chikonzero icho Mwari vakatipa zvipango 613 zveMurairo ndechekuti tizive kuti tiri vatadzi, uye kuti hatisi vanhu vakazara. Unotidzidzisa kuti tinofanira kudokwairira nyasha dzaMwari kuti tidzikinurwe. Kana dai taisaziva izvi uye tichingofunga nezvezvakanyorwa muMurairo bedzi, taizodai tichizotakwa nemabwe sezvakanga zvoda kuitwa mukadzi akabatwa achipomba.
Vadudziri vemurairo pamwe nevaFarisi avo vakanga vasingazive zvokwadi yeMurairo waMwari vanogona kunge vakafunga kuti vanogona kungokanda matombo kumukadzi uyu zvakadaro, kana nekwatirivo. Asi ndiyani angashinga kukanda kumukadzivo zvake asina mubatsiri, kana iye pachake achikwanisa kuita zvimwechetezvo. Kunyange zvazvo akanga abatwa achitopomba, hakuna munhu pasipano akakwanisa kukandira matombo kwaari.
Kana dai mukadzi uyu pamwe nesu taitongwa sezvinobva paMurairo, tose tingadai takapiwa mutongo wakaipa kwazvo. Asi Jesu wakatiponesa isu vatadzi pazvivi zvedu uye pakutonga kwakafanira. Kana dai mutemo waMwari waishandiswa sezvauri pazvivi zvedu zvose, ndiyani pakati pedu waisara ari mupenyu? Isu tose taipedzisira taenda kugehena.
Avi vadzidzisi vemurairo pamwe nevaFarisi vakanga vachiziva nezvemurairo sekunyorwa kwawakaitwa. Kana dai Murairo waMwari waishandiswa zvomene, waivauraya sezvawaibva waita kune vavaitonga nawo. Asi zvokwadi ndeyekuti murairo waMwari wakapiwa vanhu kuti vazive zvivi zvavo, asi vanotambudzika nekuti havana kumunzwisisa uye vanoushandisa zvisizvo.
VaFarisi vanhasi uno, sezvaingoita vaFarisi vemuBhaibheri, vanongoziva Murairo sekunyorwa kwawakaitwa bedzi. Vanofanira kunzwisisa nyasha, ruramiso pamwe nezvokwadi yaMwari. Vanofanira kudzidziswa evhangeri yedzikinuro kuti vaponeswe.
VaFarisi vakati, “MuMurayiro Mozisi akatirayira kuti titake namabwe vakadzi vakadai. Zvino imi munoti kudii?’” Vakabvunza izvi vasingatombonyari apo vakabata matombo mumavoko avo. Vakafunga ivo kuti zvamazvirokazvo Jesu hapana zvaazombotaura pamusoro penyaya iyi. Vakanga vakateya kuti Jesu awire muchidzingi chavo ichi.
Kana dai Jesu akanga atonga maererano neMurairo, vaFarisi vakadai vakamutakawo nemabwe. Chinangwa chavo chakanga chiri chekumutaka pamwechete nemukadzi uyu. Kana dai Jesu akavadzivisa kutaka mukadzi uyu vangadai vakati azvidza Murairo waMwari vobva vamutaka vachiti amhura Mwari. Kwaiva kuronga kwakaipa chose!
Asi Jesu akakotama pasi ndobva atanga kunyora pasi, asi ivo vakaramba vachimubvunza vachiti, “Saka unoti kudini nazvo? Uri kunyorei pasi ipapo? Pindura mubvunzo wedu. Unoti chii nazvo?” Vakatendeka minwe yavo kuna Jesu uye vakaramba vachimukangaidza.
Jesu akabva atwasuka ndokubva avaudza kuti kana pane asina chivi pakati pavo ngaave iye wekutanga kupotsera dombo kwaari. Akabva akotama zvakare achinyora pasi nemunwe wake. Vose vakazvinzwa vakatanga kuzvidya moyo ndobva vatanga kubva vachiita mumwe mumwe kubvira kumukuru kusvikira kumudiki. Jesu akasara ari oga nemudzimai uyu amire pamberi pake.
“Kana Pane Asina Chivi Pakati Penyu, Ngaave Iye Wekutanga Kupotsera Dombo Kwaari”
Zvivi zvevanhu zvakanyorwa pai?
Pahwendefa dzemoyo yedu uye nemuBhuku reMabasa
Jesu akavaudza kuti, “Kana pane asina chivi pakati penyu, ngaave iye wekutanga kupotsera dombo kwaari,” ndokubva aramba achinyora pasi. Vari kana vatatu vechikuru vakabva vatanga kufamba vachibva. VaFarisi vechikuru avo vakanga vaita zvitadzo zvizinji, zvichida ndivo vakatanga kusveerera achienda. Nevechidiki vakaendawo. Ngatitii Jesu amire pakati pedu uye nesuvo takamira takakomba mukadzi uyu. Kana dai Jesu aiti umwe ari pakati pedu ngaatange kupotsera dombo kumukadzi uyu, wayiita sei?
Ko Jesu aimbonyorei pasi? Mwari, avo vakatisika, vanonyora zvivi zvedu pazvimbo mbiri.
Nzvimbo yekutanga yaanonyora zvivi zvedu ndeyepahwendefa dzemoyo yedu. “Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi, chakanyorwa nechinyoreso chesimbi, chakanyorwa nemuromo webwe rakapinza kwazvo, nepanyanga dzearitari dzavo” (Jeremia 17:1).
Mwari vanotaura nesu kuburikidza naJudha uy anova mumiriri wedu. Zvivi zvevanhu zvakanyorwa nechinyoreso chesimbi chine muromo webwe rakapinza kwazvo. Zvakanyorwa pahwendefa dzemoyo yedu. Jesu akakotama pasi ndokubva anyora kuti vahu vose vatadzi.
Mwari vanoziva kuti tinotadza uye anonyora zvivi pahwendefa dzemoyo yedu. Kutanga, anonyora mabasa edu, zvivi zvinenge zvaitwa, nekuti tiri vatete kwazvo pamberi peMurairo. Kana zviviz vichinge zvanyorwa mumoyo yedu, tinobva taziva kuti tiri vatadzi kana tichinge tatarira paMurairo. Sezvo akanyora zvivi mumoyo nemuhana dzedu, tinobva taziva kuti tiri vatadzi pamberi pake.
Jesu akakotama pasi kechipiri achinyora pasi. Magwaro anotiudzavo kuti zvivi zvedu zvose zvakanyorwa muBhuku reMabasa pamberi paMwari (Revelation 20:12). Zita remutadzi wese pamwe nezvivi zvake zvakanyorwa muBhuku. Zvakanyorwa zvakare pahwendefa remoyo wake. Zvivi zvedu zvakanyorwa muBhuku reMabasa uye nepahwendefa dzemoyo yedu.
Zvivi zvakanyowa pahwendefa remoyo wemunhu wese, mudiki kana mukuru. Ndiko kusaka vanhu vese vakashaya zvekutaura pamberi paJesu. Avo vakanga vachida kutaka mukadzi uyu vakarukutiswa nemashoko ake.
Ko zvivi zvedu zvakanyorwa panzvimbo mbiri zvinodzimwa kana zvaita sei?
Kana tichinge takamuchira dzikinuro yemvura neropa raJesu mumoyo yedu.
Kana uchinge wagamuchira ruponeso rwake, zvivi zvako zvose zviri muBhuku reMabasa zinodzimwa uye zita rako rinobva ranyorwa muBhuku reUpenyu. Avo vakanyorwa mazita avo muBhuku reUpenyu ndivo vanoenda kudenga. Mabasa avo akanaka, zvinhu zvavakaitira humambo hwaMwari nekururama kwake panyika pano zvakanyorwavo muBhuku yeUpenyu. Ava ndivo vanogamuchirwa kudenga. Avo vakadziknurwa zvivi zvavo vachapinda munyika yekusingaperi.
Rangarira kuti zvivi zvose zvemunhu wese zvakanyorwa panzvimbo mbiri, saka hakuna anogona kunyengedza Mwari. Hakuna munhu asina kutadza kana kupomba mumoyo make. Vanu vose vatadzi uye havana kururama.
Vaya vasina kugamuchira dzikinuro yaJesu mumoyo yavo ndivo vanongoshushikana pamusaka pezvivi zvavo. Havana ushingi. Vanotya Mwari nevamwe vanhu nekuda kwezvivi zvavo. Asi kana vakagamuchira evhangeri yedzikinuro yemvura uye noMweya mumoyo yavo, zvivi zvose zvakanyorwa pahwendefa dzemoyo yavo uye nemuBhuku reMabasa zvinocheneswa. Vanobva vasunungurwa pazvivi zvavo zvose.
Kudenga kune Bhuku reUpenyu. Mazita eavo vanotenda kuevhangeri yemvura noMweya akanyorwa mubhuku, kuti vapinde Denga. Vanopinda Denga kwete nekuti Havana kutadza panyika pano, asi nekuda kwekuti vakadzikinurwa zvivi zvavo zvose kuburikidza nedzikinuro yemvura noMweya. Uyu ndiwo ‘murairo wekutenda’ (VaRoma 3:27).
Hama dzechitendero dzinodiwa, vadudziri vemurairo pamwe nevaFarisi vakanga vari vatadzi, sezvakanga zvakaita mukadzi akabatwa ari pakati pekufeva.
Zvichida, vaiva vakatoita zvitadzo zvikuru nekuti vaizvinyengedza pachavo uye nevamwe vachitenda kuti vakanga vasiri vatadzi. Vatungamiri vezvitendero vakanga vari mbavha dzine rezinesi. Vaiva mbavha dzemoyo yevanhu; mune mamwe manzwi, vaiva mbavha dzeupenyu. Vaitoshinga kuparidzira vamwe nyangwe zvazvo ivo pachavo vakanga vasina kusunungurwa.
Hakuna munhu asina chivi kana tichitarisa pamurairo. Asi munhu anogona kuva akarurama, kwete nekuti haana kuita chitadzo asi nemhaka yekuti akadzikinurwa pazvivi zvose. Munhu iyeye akanyorwa zita rake muBhuku reUpenyu. Chinhu chakakosha ndechekuti zita rako rakanyorwa muBhuku reUpenyu here kana kuti kwete. Sezvo vanhu vasingagoni kurarama vasingatadzi paupenyu hwavo hwese, vanofanira kudzikinurwa zvachose kuti vagonyorwa mazita avo mubhuku.
Kuti uchagamuchirwa kudenga here kana kuti kwete zvinobva pakuti unotenda kuevhangeri yezvokwadi here kana kuti wkete. Kuti ugamuchire nyasha dzaMwari zvinobva pakugamuchira kwako ruponeso rwaJesu. Ko chii chakaitika kumukadzi akabatwa achipomba? Zvichida akazikandira pasi nemabvi ake ndokubva avhara mziso ake nekuti aiziva kuti akanga atarisana nerufu. Zvichida aitochema nekutya uye nekuzvidemba. Vanhu vanova nechokwadi kwavari kana vachinge vatarisana nerufu.
“Haiwa, Mwarim zvakafanira hazvo kuti ndife. Ndapota gamuchirai mweya wangu mumavoko enyu, mundinzwirewo tsitsi. Ndapota ndinzwireivo tsitsi, Jesu.” Akambera rudo rwedzikinuro kuna Jesu. “Mwari, kana mukanditonga ndichatongwa. Uye kana mukati handina chivi, zvitadzo zvangu zvichabva zvadzimwa. Zviri kwamuri.” Zvichida aitaura mashoko ose awa. Zvichida akareurura kuti zvose zvakanga zvasarira kuna Jesu.
Mukadzi akaunzwa kuna Jesu haana kuti iye, “Ndatadza, ndapota ndiregererei pahupombwe hwangu.” Akati iye, “Ndapota ndiponesei pazvivi zvangu. Kana mukandidzikinura pazvivi zvangu, ndichaponeswa. Asi mukasadaro, ndichaenda kugehena. Ndinoda dzikinuro yenyu. Ndinoda rudo rwaMwari, uye ndinoda kuti vandinzwire tsitsi.” Akavhara maziso ake ndokubva areurura hutadzi hwake.
Jesu akamubvunza achiti, “Mhai, varipiko vaya vanga vachikupomera mhosva? Hapana akutonga here?”. Mukadzi akapindura achiti, “Hapana Ishe.”
Jesu akabva ati kwaari, “Nenivo handikupi mhosva”. Jesu haana kupa mukadzi uyu mhosva nekuti akanga atora zvivi zvake nechekare kuburikidza nebhapatidzo yake parwizi rweJorodhani, uye mukadzi uyu akanga adzikinurwa nechekare. Zvino, Jesu ndiye akanga achifanira kutongwa kwete mukadzi uyu.
Jesu Akati, “Nenivo Handikupi Mhosva.”
Mukadzi uyu akapiwa mhosva naJesu here?
Kwete
Mukadzi uyu akaropafadzwa neruponeso muna Jesu. Akadzikinurwa zvivi zvake zvose. Ishe wedu Jesu anotiudza kuti akadzikinura zvivi zvedu zvose uye kuti isu tose takarurama.
Anotiudza kudaro muBhaibheri. Akafira paMuchinjikwa kuripira zvivi zvedu, izvo zvaakanga atora kuburikidza nebhapatidzo yake muJorodhani. Anotiudza zviri pachena kuti akadzikinura vose vanotenda kudzikinuro yebhapatidzo yake uye nekutongwa kwakwe paMuchinjikwa. Isu tose tinoda Shoko raJesu rakanyorwa uye tinofanira kubatirira pariri. Tikadaro tinobva taropafadzwa tose nedzikinuro.
“Mwari, handina faniro pamberi penyu. Handina chakanaka mukati mangu. Handina chimwe chekukuratidzai kunze kwezvivi zvangu. Asi ndinotenda kuti Jesu ndiye Ishe wangu wedzikinuro. Akatora zvivi zvangu zvose murwizi rweJorodhani, akazviyananisira paMuchinjikwa. Akatora zvivi zvangu zvose nebhapatidzo yake uye neropa rake. Ndinotenda kwamuri Ishe.”
Aya ndiwo maponeserwo aunoita. Jesu ‘haatipe mhosva.’ Akatipa kodzero yekuva vana vaMwari: Akatora zvivi zvose zveavo vanotenda kudzikinuro yemvura uye noMweya, akavaita vatsvene.
Wadiwa hama! Mukadzi uyu akadzikinurwa. Mukadzi akanga abatwa achipomba akaropafadzwa nedzikinuro yeIshe wedu Jesu. Nesuvo tinogona kuropafadzwa saizvozvo. Aninani anoziva zvivi zvake uye akakumbira Mwari kuti vamunzwire tsisti, uye ani zvake anotenda kudzikinuro yemvura noMweya, anogamuchira ropafadzo yedzikinuro yaMwari. Avo vanobvuma hutadzi hwavo pamberi paMwari vanodzikinurwa, asi vaya vasingazive zvivi zvavo havagoni kuropafadzwa nedzikinuro.
Jesu akabvisa zvivi zvenyika (Johane 1:29). Mutadzi wese munyika muno anogona kudzikinurwa kana akatenda kuna Jesu. Jesu akati kumukadzi uyu, “Nenivo handikupi mhosva.” Akati haamupi mhosva nekuti zvivi zvake zvose zvakanga zvatakurwa naJesu kuburikidza neBhapatidzo yake. Akatakura zvivi zvedu zvose, uye akazvitongerwa pachinzvimbo chedu.
Tinofanira Kudzikinurwa Pamber paMwari
Ndechipi chikuru: rudo rwaMwari kana kutonga kwaMwari?
Rudo rwaMwari
Vakabata matombo mumawoko avo, vaFarisi pamwe nevatungamiri vezvitendero vanhasi vanodudzira murairo zvisizvo. Vanotenda ivo kuti sezvo Murairo uchitiudza kuti hatifaniri kuita upombwe, munhu anenge aita upombwe anotofanira kutakwa nemabwe. Asi vanotarisa vakadzi nemeso azere neruchiva apo vachinyepedzera kuti havapombi. Havagoni kudzikinurwa kana kuponeswa. VaFarisi nevarairidzi vemurairo vaiva vatevedzi vetsika dzenyika. Havasivo vakanga vakadanwa naJesu. Naivo Havana kutonzwa Jesu achiti, “Nenivo handikupi mhosva.”
Mukadzi akanga abatwa achipomba bedzi ndiye akanzwa mashoko anofadza aya. Kana ukavimbika pamberi paMwari, unogona kuropafadzwavo semukadzi uyu. “Mwari, ini handigoni zvimwe asi kungopomba bedzi pahupenyu hwangu hwese. Ndingaite sendisingazvizive asi nekuda kwekuti ndinonyanyisa kuzviita. Ndinoita chitadzo ichi kakawanda zuva nezuva.”
Kana tikagamuchira murairo uye nezvokwadi yekuti tiri vatadzi vanofanira kufa, tikabva tatarisa kuna Mwari tichirevesa, tichiti, “Mwari, izvi ndizvo zvandiri. Ndapota ndiponesei,” Mwari vachatiropafadza nedzikinuro yavo.
Rudo rwaJesu, runova evhangeri yemvura noMweya, rwakakunda kutonga kwaMwari. “Nenivo handikupi mhosva.” Mwari havatipi mhosva. Vanoti ivo, “Wakadzikinurwa.” Ishe wedu Jesu Kristu ndiMwari wetsitsi. Akatisunungura pazvivi zvose zvepanyika.
Mwari wedu ndiMwari weEnzanisiro uye Mwari weRudo. Rudo rwemvura noMweya rwakakura kudarika kutonga kwavo.
Rudo Rwavo Rwakakura Kudarika Enzanisiro Yavo
Nemhaka yei Mwari vakadzikinura vanhu tose?
Nekuti rudo rwavo rwakakura kudarika enzanisiro yavo.
Kana dai Mwari vakashandira kutonga kwavo kuti vazadzise enzanisiro yavo, vangadai vakatonga vatadzi vose vakavaendesa kugehena. Asi nekuda kwekuti rudo rwaJesu, urwo rwunotiponesa kubva pakutongwa, rwukuru, Mwari vakatuma Mwanakomana wavo umwe woga, Jesu. Jesu akabvisa zvivi zvedu zvose akazvitakura uye akagamuchira kutongwa kwakarurama pachinzvimbo chedu. Zvino, aninani anotena kuna Jesu seMuponesi wake anoita mwana wake uye achiva mutsvene. Sezvo rudo rwake rwakakura kudarika enzanisiro yake, akatidzikinura tose.
Tinofanira kutenda Mwari nekuti havatitonge neenzanisiro yavo bedzi. Imwe nguva, Jesu akaudza varairidzi vemurayiro, nevaFarisi uye nevadzidzi vavo kuti, “Asi endai munodzidza kuti izvi zvinorevei zvinoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibairo.’ Nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama asi vatadzi’” (Mateo 9:13). Zvichida vamwe vanhu vanhu vachiri kuuraya mombe kana mbudzi zuva nezuva vachizvipira kuna Mwari, vachinamata vachiti, “Mwari, kanganwirai zvivi zvangu zuva nezuva.” Mwari havadi mipiro yedu, asi vanoda kutenda kwedu kudzikinuro yemvura noMweya.Vanoda kuti tidzikinurwe uye tisunungurwe. Vanoda kutipa rudo rwavo uye vachigamuchira kutenda kwedu. Zvese izvi muri kuzviona here? Jesu akatipa ruponeso rwake rwakakwana.
Jesu akavenga chivi, asi ane rudo rwunopisa kwazvo kuvanhu avo vakasikwa nomufananidzo waMwari. Akagara atema kare, nyika isati yasikwa, kutiita vana vake uye akadzima zvivi zvedu zvose kuburikidza nebhapatidzo yake uye neropa rake. Mwari vakatisika kuti vazotidzikinura panguva yakatsarukana, nekutishongedza muna Jesu uye nekutiita vana vavo. Urwu ndirwo rudo rwavanarwo kwatiri isu zvisikwa zvavo.
Kana dai Mwari vaititonga sezvinobva paMurairo wavo chete, vatadzi vose vangadai vachizofa. Asi vakatisunungura kuburikidza nebhapatidzo pamwe nekutongwa kweMwanakomana wavo paMuchinjikwa. Unozvitenda here? Ngatizvitsinhire tichishandisa mashoko anobva muTestamende Yakare.
Aroni Akaisa Maoko Ake Pambudzi Yekutakudzwa
Ndiyani akaisa zvivi zvevaIsraeri pambudzi mhenyu ari mumiriri?
MuPrista Mukuru
Zvivi zvose zvenyika ino zvakadzimwa kuburikidza nekutenda mukuturika maoko kwemuTestamende Yakare uye nekubhapatidzo yemuTestamende Itsva. MuTestamende Yakare, zvivi zvose zvepagore zvevaIsraeri zvaiyananisirwa kuburikidza neMuprista Mukuru uyu ayiisa maoko ake pamusoro wembudzi mhenyu yakanga isina mavara.
“Aroni agoisa maoko ake pamusoro wembudzi mhenyu, ndokureurura pamusoro payo zvakaipa zvose zvavana vaIsraeri nokudarika kwavo kwose, izvo zvivi zvavo zvose; ngavazviise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza, itumwe kurenje nomunhu akanga arairwa” (Revhitiko 16:21).
Aya ndiwo mayananisirwo avayiitwa mumazuva eTestamende Yakare. Kuti adzikinurwe pazvivi zvake zvezuva rimwe nerimwe, munhu ayiuya nehwayi kana mbudzi isina mavara kutabhenakere, obva ayipira paaritari. Ayiisa maoko ake pamusoro wechipiriso, zvivi zvake zvobva zvatambidzwa pachibairo. Zvadaro, chibairo chaibva chauraiwa, uye muprista aibva aisa ropa racho panyanga dzearitari.
Aritari yakanga iine nyanga kumakona ayo mana. Nyanga idzi dzinomirira Bhuku reMabasa rakanyorwa muna Zvakazarurwa 20:12. Ropa rechibairo rainge rasara raisaswa pasi zvakare. Pasi panomirira moyo wemunhu nekuti munhu akasikwa neivhu. Vanhu vaiyananisira zvivi zvavo zvezuva rimwe nerimwe nenzira iyi.
Asi vaisakwanisa kuita mipiri yezvivi nezuva nezuva, saka Mwari akarongavo kuti vayananisirwe kamwechete pagore pazvivi zvavo zvose. Izvi zvayiitwa pazuva regumi remwedzi wechinomwe, raiva Zuva Rokuyananisirwa. Pazuva iri, muPrista Mukuru, uyo akanga ari mumiriri wevaIsraeri vose, ayiuya nembudzi mbiri uye oisa maoko ake padziri kuti atambidze zvivi zvose zvevanhu kwadziri, obva adzipira kuna Mwari kuti ayananisire vaIsraeri.
“Aroni agoisa maoko ake pamusoro wembudzi mhenyu, ndokureurura pamusoro payo zvakaipa zvose zvavana vaIsraeri nokudarika kwavo kwose, izvo zvivi zvavo zvose, ngavazviise pamusoro wembudzi.”
Mwari vakanga vagadza Aroni, Muprista Mukuru, kuti ave mumiriri. Pachinzvimbo chekuti vanhu vose vaise maoko avo mumwe nemumwe pazvibairo, muprista mukuru uyo akanga ari mumiriri wevanhu ndiye ayiisa maoko ake pamusoro wembudzi mhenyu kuitira kuregererwa kwezvivi zvepagore.
Aibva areurura zvivi zvose zvevaIsraeri pamberi paMwari, achiti, “Haiwa Mwari, vana venyu veIsraeri vakatadza. Takanamata zvifananidzo, tikasatevedza zvipango zvose zvemurairo wenyu, tikadana zita renyu pasina, tikaita zvifananidzo uye tikazvida kupfuura imi. Hatina kuchengera Sabata dzvene, hatina kukudza vabereki vedu, takauraya, tikaita upombwe uye tikaba… Takaita ruchiva uye tikapokana nevamwe.”
Aidedemura zvivi zvose. “Mwari, Ini nevaIsraeri vose takatadza kuchengeta mirairo yenyu yose. Kuti tidzikinurwe pazvivi izvi, ndinoisa maoko angu pamusoro wembudzi iyi uye ndinotambidza zvivi zvose izvi kwairi.” Muprista mukuru ayiisa maoko ake pachipiriso pachinzvimbo chevanhu vose uye achitambidza zvivi zvose pamusoro wechipiriso. Kuturika mavoko, kana kuti kuisa maoko zvinoreva kuti ‘kutambidza’ (Revhitiko 1:1-4, 16:20-21).
Yananisiro yaizadziswa sei munguva yeTestamende Yakare?
Kuburikidza nekuisa maoko pamusoro wechipiriso chechivi.
Mwari vakapa tsika yekubaira kuvaIsraeri kuti vatambidze zvivi zvavo zvose vagodzikinurwa. Vakajekesa kuti munhu anofanira kuuya sechipiriso chisina mavara uye kuti chipiriso chechivi ndicho chinofanira kufa pachinzvimbo chemutadzi. Aya ndiwo mafambisirwo ayiitwa rudzikinuro rwemunhu anenge atadza pauzima.
Asi paZuva Rokuyananisirwa, chipiriso chechivi chaiuraiwa uye ropa racho rayipindwa naro muNzvimbo Tsvene, robva rasaswa pachigaro chenyasha kanomwe. VaIsraeri vaiyananisirwa zvivi zvavo zvepagore pazuva regumi remwedzi wenomwe saizvozvi.
Muprista Mukuru aipinda muNzvimbo Tsvene ari oga achipira chibairo, asi vanhu vaiungana panze vakaterera matare egoridhe aiva akasungirirwa pamupendero wejasi reefodhi reMuprista Mukuru. Matare egoridhe airira kanomwe apo ropa rinenge richisaswa pachigaro chenyasha. Zvadaro, vanhu vaibva vapemberera kuti zvivi zvavo zvose zvayananisirwa. Kurira kwematare egoridhe kunomirira maungira eevhangeri yemufaro.
Hachisi chokwadi kuti Jesu anongoda vanhu vashomanana chete vakasarudzwa uye kuti anodzikinura ivavo bedzi. Jesu akabvisa zvivi zvose zvenyika nguva imwechete nebhapatidzo yake. Akanga achida kutisunungura zvachose. Zvivi zvedu zvaisagona kudzikinurwa zuva nezuva, saka zvakadzimwa zvose kamwechete.
MuTestamende Yakare, yananisiro yakapiwa kuburikidza nekuisa maoko uye neropa rechipiriso chechivi. Aroni ayiisa maoko ake pamusoro wembudzi mhenyu, pamberi pevanhu vose, obva areurura zvivi zvose zvakanga zvaitwa nevanhu pagore rose. Aitambidza zvivi pamusoro wembudzi pamberi pevaIsraeri. Ko zvivi zvevanhu zvayienda kupi mushure mekunge muprista mukuru aisa maoko pambudzi yekutakudzwa? Zvaitambidzwa zvose pambudzi.
Zvadaro, mbudzi yaibva yaendeswa kurenje “nemunhu akanga arairwa.” Mbudzi yainge yatakura zvivi zvose zvevaIsraeri pamusoro payo yaiendeswa kurenje uko kwakanga kusina mvura kana huswa. Yaibva yagunduruka murenje maipisa kudzamara yafa. Mbudzi iyi yaifira zvivi zvevaIsraeri.
Urwu ndirwo rudo rwaMwari, rudo rwedzikinuro. Aya ndiwo mayananisirwo ezvivi zvavo zvegore rose mumazuva iwawo. Asi zvino tava kurarama munguva yeTestamende Itsva. Pava nemakore anokwana zviuru zviviri mushure mekunge Jesu auya panyika pano. Akauya akazozadzisa chipikirwa chaakanga aita muTestamende Yakare. Akauya akadzikinura zvivi zvedu zvose.
Kutidzikinura Tose
Ko kuti Jesu zvinorevei?
Zvinoreva kuti Muponesi achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo
Ngativerengei Mateo 1:20-21. “Asi achiri kufunga nezvenyaya iyi, mutumwa waIshe akauya kwaari mukurota akasvikoti, ‘Josefa, mwana waDhavhidhi, usatya kutora Maria somukadzi wako nokuti pamuviri paava napo akapabata nokuda kwesimba raMweya Mutsvene. Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo’” (Mateo 1:20-21).
Baba vedu vari kuDenga vakakwereta muviri wemhandara Maria kuti vatume Mwanakomana wavo panyika pano kuti azoshambidza zvivi zvose zvenyika. Vakatuma ngirozi kuna Maria ndobva yamuudza kuti, “Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu.”
Ko Jesu akatiponesa tose pazvivi zvedu sei? Jesu akabvisa zvivi zvose zvenyika kubirikidza nebhapatidzo yake murwizi rweJorodhani. Paakabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi, zvivi zvose zvenyika zvakabva zvatambidzwa kwaari. Ngativerengeri Mateo 3:13-17.
“Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhapatidzwa naJohane. Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti, ‘Ini ndini ndinotofanira kubhapatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?’ Jesu akati, ‘Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.’ Ipapo Johani akabvuma hake. Jesu angobhapatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari. Inzwi rakabva kudenga richiti, ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoda, wandinofarira.’”
Jesu akaenda kuna Johane Mubhapatidzi kuti adzikinure isu tose pazvivi zvedu, Akapinda mumvura ndokubva akotamisa musoro wake pamberi paJohani. ‘Johane, chindibhapatidza zvino. Zvakafanira kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kose. Sezvo ndava kuda kubvisa zvivi zvose zvenyika uye ndigodzikinura vatadzi vose pazvivi zvavo, ndinofanira kutora zvivi zvavo kuburikidza nebhapatidzo iyoyi. Chindibhapatidza zvino! Rega zviite sokudaro!”
Saizvozvo, zvakanga zvakafanira kuti kururama kose kuzadziswe. Jesu akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi murwizi rweJorodhani uye panguva imwecheteyo kururama kose kwaMwari uko kwakadzikinura zvivi zvedu kwakabva kwazadziswa. Awa ndiwo mabvisiro aakaita zvivi zvedu zvose. Zvivi zvakowo zvose zvakatambidzwa pana Jesu. Unozvinzwisisa here izvi? Tenda kudzikinuro yebhapatidzo yaJesu uye noMweya wake kuti uponeswe.
Kururama kose kwakazadziswa sei?
Kuburikidza nebhapatidzo yaJesu
Mwari vakanga vapikira vaIsraeri kuti zvivi zvose zvenyika zvichashambidzwa kuburikidza nekuisa maoko uye nekubayira chipiriso chechivi. Asivo, sezvo zvakanga zvisingagoneki kuti munhu wese aise maoko ake pamusoro wembudzi, Mwari vakagadza Aroni kuti ave muprista mukuru kuitira kuti agopira chibairo pachinzvimbo chevanhu vose. Aroni aitambidza zvivi zvose zvepagore zvevaIsraeri pamusoro wechipiriso chechivi kamwechete saizvozvo. Uyu hwaiba Uchenjeri hwaMwari uye nesimba redzikinuro. Mwari vazere neuchenjeri uye vanoshamisa.
Vakatuma Mwanakomana wavo Jesu kuti aponese nyika yose. Naizvozvo chipiriso chechivi chakanga chiripo. Asi pakanga pachifanira kunge paine mumiriri wevanhu vose, uyo aizoisa maoko ake pamusoro waJesu kuti atambidze zvivi zvose zvenyika kwaari. Zvakanyorwa muBhaibheri kuti Mwari vakatuma mumiriri wevanhu vose, Jesu asati auya.
Johane Mubhapatidzi ndiye akava muprista mukuru wekupedzisira. Sezvazvakanyorwa muna Mateo 11:11, “Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhapatidzi”. Ndiye mumiriri oga wevanhu. Mwari vakatuma Johane semumiriri wevanhu vose kuti abhapatidze Jesu uye agotambidza zvivi zvose zvenyika kwaari.
Kana dai vanhu vanokwana mabhiriyoni matanhatu vakaenda kuna Jesu zvino, umwe neumwe achiisa maoko ake pamusoro waJesu kuti atambidze zvivi zvake, chii chingadzamara chaitika kumusoro wake? Hazvingambonakidze kuona kana dai vanhu vanoraudzira mabhiriyoni matanhatu vakaisa maoko avo pamusoro waJesuVamwe vanenge vafarisa vanogona kusvika vachimudzvanyidzira zvekuti kana nebvudzi rake ringapedzisira radonha. Naizvozvo, Mwari, neuchenjeri hwavo, vakagadza Johani kuti ave mumiriri wedu uye akatambidza zvivi zvose zvenyika kuna Jesu kamwechete.
Zvakanyorwa muna Mateo 3:13 kuti, “Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhapatidzwa naJohane.” Panguva Jesu akanga ava nemakore makumi matatu. Jesu akadzingiswa mushure memazura masere ekuzvarwa kwake, uye kubvira ipapo hapana nhoroondo yake zhinji kudzamara paanosvika makore makumi matatu.
Chikonzero Jesu akatanga amirira kuti asvitse makore makumi matatu chaiva chekuti akwanise kuva Muprista Mukuru weDenga zviri pamurairo, sezvinobva muTestamende Yakare. Muna Dhuteronomi, Mwari vakaudza Mozisi kuti muprista mukuru anofanira kunge ane makore makumi matatu zvichikwira kuti kuti abate basa rehuprista mukuru. Jesu akanga ari Muprista Mukuru wekudenga. Unozvibvuma here?
MuTestamende Itsa, muna Mateo 3:13-14, zvinonzi, “Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhapatidzwa naJohane. Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti, ‘Ini ndini ndinotofanira kubhapatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?’” Ko mumiriri wevanhu vose ndiyani? NdiJohane Mubhapatidzi. Ko mumiriri weDenga ndiyani? NdiJesu Kristu. Vamiriri ava vakasangana. Asi ndeupi akakwirira kupfuura umwe? Zviri pachena kuti mumiriri weDenga ndiye akakwirira.
Tinoona kuti Johane Mubhapatidzi, uyo akanga ane simba zvekusvika pakudoma vatungamiri vezvitendero venguva iyoyo achiti, “Imi vana venyoka! Tendeukai” akabva atanga kuzvideredza pamberi paJesu.
Panguva iyoyo, Jesu akabva ati, “Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.” Jesu akauya panyika pano kuti azadzise kururama kwaMwari uye kwakazadziswa mushure mekunge Johane Mubhapatidzi amubhapatidza.
“Ipapo Johani akabvuma hake. Jesu angobhapatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari. Inzwi rakabva kudenga richiti, ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoda, wandinofarira.’”
Izvi ndizvo zvakaitika mushure mekubhapatidzwa kwake. Mazambara edenga akazaruka mushure mekubhapatidzwa kwake naJohane Mubhapatidzi achitora zvivi zvose zvenyika.
“Kubva pamazuva aJohane Mubhapatidzi kusvikira zvino, umambo hwekudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba uye varume vechisimba vanohutora” (Mateo 11:12).
Vaprofita vose nemirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani. “Kubva pamazuva aJohane Mubhapatidzi kusvikira zvino, umambo hwekudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba uye varume vechisimba vanohutora.” Munhu wese anotenda kubhapatidzo anopinda Humambo weDenga, pasina anosara.
“Nenivo Handikupi Mhosva”
Nemhaka yei Jesu akatongwa paMuchinjikwa?
Nekuti akanga atora zvivi zvedu zvose
Jesu akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi ndokubva atakura zvivi zvose zvenyika. Mushure maizvozvo, akaudza mukadzi akanga abatwa achipomba kuti, “Nenivo handikupi mhosva.” Haana kupa mukadzi uyu mhosva nekuti akatakura zvivi zvose zvenyika muJorodhani uye iye pachake, kwete mukadzi uyu, ndiye akanga ofanira kutongwa nekuda kwezvivi izvozvo.
Jesu akadzima zvivi zvose zvenyika. Tinoona kuti akanga achitya sei marwadzo aaifanira kusangana nawo paMuchinjikwa nekuti ‘mubairo wechivi rufu.’ Akanamata kuna Mwari katatu muGomo reMiorivhi kuti vabvise kutonga uku kwaari. Jesu aiva nemuviri weropa nenyama, semunhu wese, saka zvainzwisisika kuti akabatwa nekutya marwadzo. Jesu akadeura ropa rake kuti kutongwa kuzadziswe.
Sekudeura ropa kwayiita zvipiriso zvezvivi zvemuTestamende Yakare kuti zvivi zviripirwe, Jesu akabairwa paMuchinjikwa. Akanga atotakura zvivi zvose zvenyika nechekare uye zvino akanga ofanira kupa hupenyu hwake kuti tidzikinurwe. Aiziva kuti aifanira kutongwa pamberi paMwari.
Jesu akanga asina chitadzo pamoyo pake, asi zvivi zvose zvakaiswa paari kuburikidza nebhapatidzo yake; Mwari vakanga vofanira kutonga Mwanakomana wavo zvino. Nokudaro, pakutanga, enzanisiro yaMwari yakazadziswa ndokubva vatambidza rudo rwavo kwatiri kuti tiponeswe. Naizvozvo, Jesu akabva atongwa paMuchinjikwa.
“Nenivo handikupi mhosva, kana kukutonga.” Zvivi zvedu zvose, zvatakaita tichida kana kusada, zvatinoziva nezvatisingazive, zvakatongwa naMwari.
Asi Mwari Havana kutonga isu. Mwari akatonga Jesu uyo akanga atakura zvivi zvedu zvose kuburikidza nebhapatidzo yake. Mwari vaisada kutonga vatadzi nekuda kwerudo rwavo uye netsitsi dzavo. Bhapatidzo yaJesu uye neropa repa Mucjinjikwa ndizvo zvakava rudo rwake rwedzikinuro kwatiri. “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake umwe woga, kuti ani nani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi” (Johane 3:16).
Aya ndiwo maziviro atinoita rudo rwavo. Jesu haana kupa mhosva kumukadzi akabatwa achipomba.
Mukadzi uyu aiziva kuti uye pachake mutadzi nekuti akanga abatwa ari pakati pekupomba. Akanga asina chivi pamoyo pake bedzi, asi aiva akachitakura panyama zvakare. Hapana nzira yaaigona kuramba nayo chitadzo chake. Asi akatenda kuti Jesu akabvisa zvivi zvake zvose, ndokubva aponeswa. Kana tikatenda kudzikinuro yaJesu, tichaponeswa. Tenda kwairi! Zvakanakira isu.
Ndivanani vakaropafadzwa zvakanyanyisa?
Avo vasina chivi
Vanhu vose vanotadza. Vanhu vose vanoita upombwe. Asi vanhu vose havatongwi nekuda kwezvivi zvavo. Tose takatadza asi avo vanotenda kudzikinuro yaJesu Kristu Havana zvivi mumoyo yavo. Uyo anotenda kuruponeso rwaJesu ndiye ane mufaro wakanyanyisa. Avo vakasunungurwa pazvivi zvavo zvose ndivo vakaropafadzwa zvakanyanya. Mune mamwe manzwi, vakaruramiswa zvino muna Jesu.
Mwari vanotiudza nezvemufaro muna VaRoma 4:7, “Vakaropafadzwa vakaregererwa zvakaipa zvavo, vakafukidzirwa zvivi zvavo.” Tose tinotadza kudzamara panguva yekufa kwedu. Takaipa uye hatina kukwana pamberi paMwari. Tinoramba tichingotadza kunyange mushure mekuziva murairo wavo. Hatina simba.
Asi Mwari vakatisunungura nebhapatidzo yavo uye neropa reMwanakomana wavo umwechete woga, uye vanotiudza kuti hatichazi vatadzi uye kuti zvino tava vatsvene pamberi pavo. Vanotiudza kuti tiri vana vavo.
Evhangeri yemvura noMweya ndiyo evhangeri yedzikinuro yekusingaperi. Unotenda kwairi here? Kune avo vanotenda, anovadaidza kuti vakarurama, vakadzikinurwa uye vana vake. Ndiyani munhu ane mufaro wakanyanyisa panyika pano? Ndeuyo anotenda uye akasunungurwa kuburikidza nekutenda kuevhangeri yezvokwadi. Ko wakasunungurwa here?
Ko Jesu hana kutakura zvivi zvako here? Kwete, akabvisa zvivi zvako zvose. Tenda kudaro. Tenda ugodzikinurwa pazvivi zvako zvose. Ngativerengei Johane 1:29.
Kuita Sezvatsvairwa Nemutsvairo
Ko Jesu akatakura zvivi zvakawanda sei?
Akatakura zvivi zvose zvenyika
“Chifume chamangwana Johane akaona Jesu achiuya kwaari akati, ‘Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chiv chenyika!’” (Johane 1:29).
“Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chiv chenyika!’”
Johane Mubhapatidzi akatambidza zvivi zvose zvenyika pana Jesu parwizi rweJorodhani. Pazuva rakatevera, Johane akapupura kuti Jesu akanga ari Gwayana raMwari rinobvisa zvivi zvose zvenyika. Akatakurira pamafudzi ake zvivi zvose zvenyika.
zvivi zvose zvepanyika zvinoreva zvivi zvose zvinoitwa nevanhu panyika pano, kubvira pakusikwa kusvikira pamugumo. Makore angasvika zviuru zviviri apfuura, Jesu akabvisa zvivi zvenyika zvose ndokubva atidzikinura. SeGwayana raMwari, akatakura zvivi zvedu zvose ndokubva azvitongerwa.
Zvivi zvose zvatiri kutadza sevanhu zvakatambidzwa kuna Jesu nechekare. Akava Gwayana raMwari rinobvisa zvivi zvenyika.
Jesu akauya panyika pano semunhu akazvininipisa, semunhu aizoponesa vatadzi vose vepanyika. Tinoita zvivi nekuti hatina simba, uye takaipa, uye hatizive uye tine upenzi, zvakare hatina kukwana. Mune mamwe manzwi, tinotadza nekuti takagara nhaka yechivi kubva kuna tateguru redu Adhamu. Zvivi zvose izvi zvakatsvairwa ndokubva zvaiswa pamusoro waJesu kuburikidza nebhapatidzo yake paJorodhani. Akazvipedza zvose kuburikidza nekufa kwenyama yake paMuchinjikwa. Akavigwa asi Mwari vakamumutsa kuvakafa nezuva retatu.
SeMuponesi wevatadzi vose, uye seMukundi, zvakare seMutongi, agere zvino kuruvoko rwerudyi rwaMwari. Haangarambi achitidzikinura nguva nenguva. Tinofanira kungotenda kwaari bedzi kuti tiponeswe. Hupenyu husingaperi hwakamirira vanotenda uye kuparadzwa kwakamirira avo vasingatendi. Hakuna imwe sarudzo.
Jesu akakusununguai mose. Ndimi vanhu vane mufaro wakanyanyisa panyika. Hongu, uchatadza pane ramangwana nekuda kwekusasimba kwako, asi Jesu akatobvisa zvivi zvose izvozvo.
Mumoyo mako mune chivi chakasara here? - Kwete. -
Jesu akabvisa zvese here? - Hongu! Akabvisa zvose. -
Vanhu vose vakangofanana. Hakuna akarurama kupfuura muvakidzani wake. Asi sezvo vanhu vazhinji vari vanyengeri, vanofunga ivo kuti havasi vatadzi kunyange zvazvo ivo pachavo vari vatadzivo. Nyika ino ibindu rinorima zvivi.
Kana vakadzi vachibuda mudzimba dzavo, vanozora mafuta matsvuku epamuromo, vobva vapoda kumeso kwavo, vopema misoro yavo, vopfeka hembe dzakaisvonaka pamwe negogo… Varume vanogerwawo misoro yavo, vozvipa chimiro, vopfeka hembe yakanaka pamwe netayi, vobva vashaina shanu dzavo.
Asi kunyange zvazvo vangaratidzika sevana vemadzimambo kana tichitarira humiro hwekunze, mukati mavo makasviba zvakanyanya.
Ko mari inoita kuti munhu ave nemufaro here? Ko hutano hungapa munhu mufaro here? Kwete. Dzikinuro yekusingaperibedzi, nekuregererwa kwezvivi zvose, ndizvo zvinopa vanhu mufaro wezvokwadi. Kunyange munhu akaratidzika seanofara sei kunze, munhu iyeye anonzwisa tsitsi kana aine chivi mumoyo make. Munhu iyeye anorarama achitya kutongwa.
Munhu akadzikinurwa haatye seshumba, kunyange kan akapfeka mamvemwe. Mumoyo make hamuna chivi. “Makazviita Ishe, makaponesa mutadzi anenge ini. Makadzima zvivi zvangu zvose. Ndinoziva kuti handina faniro yekugamuchira nyasha dzenyu, asi ndinokurumbidzai nekundiponesa. Ndakadzikinurwa nekusingaperi pazvivi zvangu zvose. Mwari ngavakudzwe!”
Munhu anenge asunungurwa ane mufaro wezvokwadi. Munhu akaponeswa nenyasha dzedzikinuro ndiye ane mufaro.
Nochikonzero hekuti Jesu, ‘Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika,’ akatakura zvivi zvedu zvose, isu hatichina zvivi. Akazadzisa ruponeso rwedu paMuchinjikwa. Zvivi zvedu zvose, kusanganisira zvako nezvangu, zvinoverengwa pa “chivi chenyika,” saka naizvozvo tose takaponeswa.
Nekuda kwaMwari
Kana tiina Jesu mumoyo yedu tinenge tine chivi here?
Kwete, hatina.
Wadiwa hama, mukadzi akabatwa achipomba akatenda kumashoko aJesu ndobva aponeswa. Nyaya yake yakanyorwa muBhaibheri nekuti akaropafadzwa nedzikinuro yekusingaperi. Asivo, varairidzi vemurairo nevaFarisi vanyengeri vakatiza Jesu.
Kana uchitenda kuna Jesu, wakamirirwa neDenga asi kana ukasiya Jesu uchaenda kugehena. Kana ukatenda mumabasa ake ekururama zvichava seDenga kwauri asi kana ukasatenda kumabasa avo, zvichava segehena kwauri. Dzikinuro hayiuye kubva pasimba remunhu asi paruponeso rwaJesu.
Ngativerengei VaHeberu 10. “Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungatongogoni kuita kuti avo vanoswedera, vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibairo zvimwechetezvo zvavanoramba vachibaira kuna Mwari, vakwaniswe? Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwechete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga. Nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi. Naizvozvo Kristu paakauya munyika muno akati, ‘Chibayiro nechipo hamuna kuzvifarira, asi muviri wamakandigadzirira; zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi hamuna kufadzwa nazvo.’ Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano, mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvagu; ndauya kuti ndiite kuda kwenyu imi Mwari.’ Pakutanga akati, ‘Zvibayiro nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo’ (kunyange zvazvo murayiro waida kuti zviitwe). Ipapo iye akati, ‘Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.’ Akabvisa chokutanga kuti aise chechipiri. Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakabairwa kamwechete zvikapera” (VaHeberu 10:1-10).
“Nokuda kwaMwari,” Jesu akapa hupenyu hwake kuti abvise zvivi zvedu kamwechete zvikapera, uye akatongwa kamwechete ndobva amuka kuvakafa.
Naizvozvo, takaitwa vatsvene. Ndima yekuti ‘Tichaitwa vatsvene (VaHeberu 10:10)’ yakanyorwa nemutauro wenguva yanhasi. Zvinoreva kuti dzikinuro yedu yakazadzikiswa zvakazara uye kuti haifaniri kutaurwa zvakare.
“Zuva nezuva muprista mumwe nemumwe aimira ushumiri hwake nokuramba achibaira zvibairo zvimwechetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi. Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwechete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari. Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake, nokuti nechibayiro chimwecheteakaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi” (VaHeberu 10:11-14).
Mose makaitwa vatsvene nekusingperi. Kana ukatadza mangwana, uchaita mutadzi zvakare here? Jesu haana kubvisa zvivi izvozvovo here? Akazvibvisa. Akabvisa zvivi zveramangwana zvakare.
“Mweya Mutsvene anotipupurirawo pamusoro peizvi. Kutanga anoti: ‘Iyi ndiyo sungano yandichaita navo mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirairo yangu mumoyo yavo, uye ndichainyora mundangariro dzavo.’ Ipapo anotizve: ‘Zvivi zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangarirazve.’ Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisinazve chimwe chibairo chezvivi” (VaHeberu 10:15-18).
Ndima yekuti ‘kana izvi zvaregererwa’ inoreva kuti Mwari vakadzima zvivi zvose zvepanyika. Jesu ndiye Muponesi wedu, ndiye muponesi wangu newako. Kutenda kuna Jesu kwakatiponesa. Iyi ndiyo dzikinuro iri muna Jesu uye nyasha huru pamwe nechipo kubva kuna Mwari. Iwe neni, isu takadzikinurwa pazvivi zvedu zvose, tisu takaropafadzwa kupfuura vanhu vose!