(Mateo 3:13-17)
“Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhapatidzwa naJohane. Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti, ‘Ini ndini ndinotofanira kubhapatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?’ Jesu akati, ‘Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.’ Ipapo Johani akabvuma hake. Jesu angobhapatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari. Inzwi rakabva kudenga richiti, ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoda, wandinofarira.’”
Aripo Here Achiri Kushushikana neChivi?
Husungwa hwedu kuchivi hwakapera here?
Hongu.
Ishe wedu Mwari vakadambura makashu ezvivi pachinzvimbo chevanhu vose. Vose vaiva panguva yakaoma nekuda kwechivi vaiva varanda vechivi, asi Ishe wedu vakadambura makashu nedzikinuro yavo. Aripo here achiri kutambudzika nekuda kwechivi?
Tinofanira kunzwisisa kuti hondo yedu nechivi yakapera. Hatichashushikani nechivi zvakare. Hutapwa hwedu kuchivi hwakapera apo Jesu akatidzikinura nebhapatidzo yake uye neropa rake. Zvivi zvedu zvakabva zvapera pakarepo. Mwanakomana waMwari akayananisira zvivi zvedu zvose. Mwari vakaripira zvivi zvedu zvose kuburikidza naJesu uyo wakatisunungura nekusingaperi.
Unoziva kuti vanhu vanoshushikana sei nekuda kwezvivi zvavo here? Zvakatanga panguva yaAdhamu naEvha. Vanhu vanotambuzika nekuda kwechivi chavakagara nhaka kubva kuna Adhamu.
Asi Mwari vedu vakaita sungano yakanyorwa muna Genesi 3:15, uye sungano iyi yaiva yekuti vachasunungura vatadzi vose. Vakataura kuti vanhu vachadzikinurwa pazvivi zvavo kuburikidza nechibairo chaJesu Kristu nemvura uye noMweya. Nguva payakakwaniswa, Mwari vakatuma Muponesi wedu Jesu kuti agare pakati pedu.
Vakativimbisavo kutitumira Johane Mubhapatidzi kumberi kwaJesu uye zvakare vakazadzisa chipikirwa chavo.
Marko 1:1-8 inoti, “Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari. Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi, ‘Ndichatuma nhume yangu mberi kwako, uyo achagadzira nzira yako.’ Inzwi rounodana murenje richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’ Uye saizvozvo Johane akauya achibhapatidza murenje uye achiparidza rubhapatidzo rwekutendeuka kuti varegererwe zvivi. Nyika yose yeJudhea nevanhu vose veJerusarema vakaenda kwaari vachireurura zvivi zvavo, vakabhapatidzwa naye muRwizi rweJorodhani. Johani aipfeka nguo dzemakushe engamera, nebhanire reganda muchiuno chake uye aidya mhashu nouchi hwesango. Uye iyi ndiyo yakanga iri mharidzo yake: ‘Shure kwangu kuchauya mumwe ane simba kupfuureni, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake. Ndinokubhapatidzai nemvura, asi iye achakubhapatidzai noMweya Mutsvene.’”
Johane Mubhapatidzi, Chapupu uye Muvhuri weNzira yeEvhangeri
Johane Mubhapatidzi ndiyani?
Ndiye Muprista Mukuru wekupedzisira uye mumiriri wevanhu vose
MuchiGiriki, kuti bhapatidzo ndiko kuti ‘baptizo,’ zvichireva izvo kuti ‘kunyika’, asi zvinorevavo kuti ‘kushambidzwa, kana kuti kuvigwa, kana kuti kunyudzwa, kana kuti kutambidza.’ Jesu paakabhapatidzwa, kururama kwaMwari kwakabva kwazadziswa. Kuti ‘kururama’ ndiko kuti ‘dikaiosune’ muchiGiriki, zvichireva izvo kuti ‘kutendeka,’ uye zvinorevavo kuti ‘kufanira kwakanyanya’, ‘kukodzera kwakanyanya,’ kana kuti ‘humiro hwakarurama’.
Jesu akabhapatidzwa kuti ave Muponesi nenzira yakanyanyofanira uye yakakodzera zvakanyanyisa. Naizvozvo, avo vanotenda kubhapatidzo yaJesu uye neMuchinjikwa wake vanogamuchira chipo chedzikinuro yaMwari.
MuTestamende Itsva, Johane Mubhapatidzi ndiye Muprista Mukuru wekupedzisira wemuTestamende Yakare. Ngatitarisei ndima yaMateo 11:10-11. Magwaro anotiudza kuti Johane Mubhapatidzi ndiye mumiriri wevanhu uye kuti seMuprista Mukuru wenguva yeTestamende Itsva, akatambidza zvivi zvose zvenyika kuna Jesu, naizvozvo akashumira huprista hukuru hweTestamende Yakare.
Jesu pachake akapupura nezvaJohane. Akataura muna Mateo 11:13-14 kuti, “Nokuti Vaprofita vose neMirairo vakaprofita kusvkira pana Johani. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya.” Naizvozvo, Johane Mubhapatidzi, uyo akabhapatidza Jesu, akanga ari wedzinza raAroni Muprista Mukuru uye akabva ava iye muprista mukuru wekupedzisira. Bhaibheri rinopupura zvakare kuti Johane akanga ari wedzinza raAroni wemuTestamende Yakare (Ruka 1:5, 1 Vakoronike 24:10).
Saka nemhaka yei Johane akanga achigara kurenje ari oga, akapfeka nguo dzakagadzirwa nemakushe engamera? Kwaiva kugadzirira huprista hukuru hwake. Semumiriri wevanhu vose, Johane Mubhapatidzi aisafanira kugara pakati pevanu. Naizvozvo, aidanidzira kuvanhu achiti, “Tendeukai, imi vana venyoka!” uye akavabhapatidza sechibereko chekutendeuka kuti avadzose kuna Jesu uyo aizotakura zvivi zvavo zvose. Pamusoro pazvo, Johane Mubhapatidzi akatambidza zvivi zvenyika pana Jesu kuitira ruponeso rwedu paakaisa maoko ake pamusoro waJesu.
Mhando Mbiri dzeBhapatidzo
Nemhaka yei Johane Mubhapatidzi aibhapatidza vamhu?
Kuti atungamirire vanhu kuti vatendeuke pazvivi zvavo zvose uye kuti vatende kubhapatidzo yaJesu kuti vaponeswe.
Johane Mubhapatidzi akabhapatidza vanhu uye akabhapatidzawo Jesu. Bhapatidzo yekutaga ndiyo “bhapatidzo yekutendeuka,” iyo yaidaidza vatadzi kuti vadzoke kuna Jesu. Vanhu vazhinji vakanzwa mashoko aMwari kuburikidza naJohane vakabva vasiya zvifananidzo zvavo ndokubva vadzokera kuna Mwari.
Bhapatidzo yepiri yaiva bhapatidzo yaJesu, iyo yakatambidza zvivi zvose zvenyika kina Jesu. Johane Mubhapatidzi akabhapatidza Jesu kuti kururama kose kwaMwari kuzadziswe. Mune mamwe manzwi, Jesu akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi kuti aponese vanhu vose pazvivi zvavo (Mateo 3:15).
Ko sei Johane aifanira kubhapatidza Jesu? Kuti zvivi zvenyika zvidzimwe, Mwari vakatendera kuti Johane atambidze zvivi zvose kuna Jesu kuti vanhu vanotenda kwaari vagoponeswa.
Johane Mubhapatidzi akanga ari muranda waMwari aiva nechinangwa chekutambidza zvivi zvose zvenyika kuna Jesu kuburikidza nebhapatidzo, uye nekupa uchapupu kuna Jesu kuti vanhu vose vatendeuke uye vashambidzwe zvivi zvavo kuburikidza nekutenda kuevhangeri yedzikinuro. Naizvozvo, Johane aifanira kugara ari oga murenje. Panguva yaJohane Mubhapatidzi, vanhu veIsraeri vaiva nehuwori hwaisemesa.
Naizvozvo Mwari vakanga vataura muTestamende Yakare, Maraki 4:5-6 kuti, “Tarirai, ndichakutumurai muprofita Eria, zuva iroro guru raJehovha, uye rinotyisa risati rasvika. Iye achadzosera moyo yamadzibaba kuvana vavo, uye moyo yevana kumadzibaba avo, kana kuti ndichauya ndigorova nyika nechituko.”
Mumaziso aMwari, vaIsraeri vose vakanga vambonamata Jehovha vaiva nehuwori. Hakuna wakanga akarurama pamberi pavo. Vatungamiri vechitendere mutembere, semuenzaniso, magweta nevadudziri vemurairo vakanga vane huori hwakanyanyisa. VaIsraeri pamwe nevaprista vavo vakanga vasingapiri zvibairo zvakarairwa sezvinoreva murairo waMwari.
Vaprista vakanga vasiya hushumira hwekuisa maoko pamwe nechirango chekupira ropa, izvo zvavakanga vapiwa naMwari senzira yekuyananisirwa zvivi zvavo. Zvakanyorwa kuti vaprista venguva yaMaraki vakanga vasiya chirango chekubairo sekurairwa kwachakaitwa, pamwe nekuisa maoko uye nekupira ropa remhuka yechibairo.
Naizvozvo, Johani Mubhapatidzi haaisakwanisa kugara pakati pavo. Akabuda kundogara kurenje uko kwaaindodanidzira ari. Aitaura kuti chii?
Bhuku yaMarko 1:2-3 inodzokorora mashoko aIsaya ichiti, “Ndichatuma nhume yangu mberi kwako, uyo achagadzira nzira yako. Inzwi rounodana murenje, richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’”
Inzwi raidana kurenje kuvanhu kuti vauye kubhapatidzo yekutendeuka. Ko ‘bhapatidzo yekutendeuka’ inotaurwa muBhaibheri ndeipi? Ndiyo bhapatidzo yaidanidzirwa naJohane Mubhapatidzi, bhapatidzo yaidana vanhu kuti vadzoke kuna Jesu kuti vatende kwaari, iye aizobvisa zvivi zvavo zvose uye ovaponesa. Bhapatidzo yekutendeuka yaiva nechinangwa chekutungamirira vanhu kuruponeso.
“Tendeukai uye mubhapatidzwe. Muponei wedu Jesu achazobhapatidzwa nenzira imwecheteyo kuti atore zvivi zvenyu zvose.” Kudanidzira kwaJohane kwaiva kwekuti Jesu achabvisa zvivi zvose zvenyika, obva atongwa paMuchinjikwa kuti aponese vanhu vose, kuti vagodzoka kuna Mwari.
“Ndinokubhapatidzai nemvura, asi iye achakubhapatidzai noMweya Mutsvene” (Marko 1:8). Kuti ‘achakubhapatidzai noMweya Mutsvene’ zvinoreva kuti kushambidza zvivi zvako zvose. Kuti kubhapatidza zvinoreva kuti ‘kushambidza.’ Bhapatidzo yaJesu muRwizi rweJorodhani inotiudza kuti Mwanakomana waMwari akabhaaptidzwa uye akabvisa zvivi zvedu zvose kuti atiponese.
Naizvozvo, tinofanira kusiya hupenu hwedu hweutadzi, totenda kuna Jesu. Ndiye Gwayana rakabvisa zvivi zvenyika. Iyi ndiyo evhangeri yedzikinuro yakapupurwa naJohane muBhapatidzi.
Basa reMuprista Mukuru paYananiso yeZvivi
Ndiyani akavhura nzira yeruponeso?
NdiJohane Mubhapatidzi
Muprofita Isaya akanga aprofita kuti, “Taurai nounyoro kuJerusarema, mudanidzire kwariri kuti kubata kwaro kukuru kwapera, uye kuti chivi charo charipirwa, kuti ragamuchira kubva muruoko rwaJehovha zvakapetwa kaviri pamusoro pezvivi zvaro” (Isaya 40:2).
Jesu Kristu akabvisa zvivi zvedu zvose uye hapana chakasara; chivi chekuvambira, zvivi zvaikezvino uye nezvivi zveramangwana zvakashambidzwa kuburikidza nebhapatidzo yake. Akatidzikinura tose. Tose tinofanira kuziva nezvedzikinuro yaMwari.
Kuti tiponeswe pazvivi zvedu zvose tinofanira kutenda kuevhangeri inodoma kuti Johane Mubhapatidzi akatambidza zvivi zvose kuna Jesu kuburikidza nekubhapatidza kwaakaita Jesu.
Hatifaniri kusanzwisisa, tichifunga tichiti, “Sezvo Mwari vari rudo, tichapinda muHumambo hweDenga kuburikidza nekutenda chete kuna Jesu kunyange zvazvo tiine chivi mumoyo yedu.”
Kuti tidzikinurwe pazvivi zvedu zvose, tinofanira kutenda kubhapatidzo yaJesu iyo yakaita kuti Johane Mubhapatidzi atambidze zvivi zvose zvenyika kuna Jesu uye neMuchinjikwa. ‘Mvura’ iyi ndiyo yakaita kuti Johane Muhapatidzi atambidze zvivi zvose zvevanhu kuna Jesu.
Chinhu chekutanga chakaitwa naMwari ndechekutuma Johane panyika pano. Senhume yaMwari, Johane Mubhapatidzi akatumwa semumiriri kuna Mambo, ndokutambidza zvivi zvose zvenyika kuna Jesu kuburikidza nebhapatidzo. Akashumira huprista hukuru hwevanhu vose.
Mwari vakatiudza kuti vakatuma nhume yavo, Johane Mubhapatidzi kwatiri. “Ndichatuma nhume yangu mberi kwako.” Kuti ‘mberi kwako’ zvinoreva kuti mberi kwaJesu. Nemhaka yei Mwari vakatuma Johane mberi kwaJesu? Zvakaitirwa kuti agotambidza zvivi zvose zvenyika kuna Jesu, Mwanakomana waMwari, kuburikidza nebhapatidzo. “Uyo achagadzira nzira yako.” Izvi ndizvo zvinoreva rugwaro urwu.
Ndiyani akagadzira nzira kuti tidzikinurwe uye tiende kuDenga? NdiJohane Mubhapatidzi. Kuti “yako” zvinoreva Jesu uye kuti “yangu” zvinoreva Mwari pachavo. Naizvozvo, kana vachiti, “Ndichatuma nhume yangu mberi kwako, Uyo achagadzira nzira yako,” zvinoreva kuti kudii?
Ndiyani anogadzira nzira yedu kuti tiende kuDenga? Johane Mubhapatidzi akatambidza zvivi zvedu zvose kuna Jesu kuti titende kuti akazvishambidzira zvose; basa rake raiva rekutambidza zvivi kuburikidza nekubhapatidza Jesu Kristu. Jesu naJohane ndivo vakaita kuti zvigoneke kuti titende kuzvokwadi tichiva nekudzikinurwa.
Ruponeso rwedu rwunobva pai? Rwunobva pakuti Tinotenda kumabasa akarurama aJesu here, Mwanakomana waMwari, uye nekuti nhume yaMwari, Johane Mubhapatidzi, akatambidza zvivi zvose kwaari. Tose tinofanira kuziva evhangeri yekuregererwa kwezvivi. Mwari Baba vakatuma nhume yavo, uyo aizobhapatidza Mwanakomana wavo, uye vakamuita mumiriri wevanhu. Saizvozvo, akazadzisa basa redzikinuro yedu.
Mwari vakatuma muranda wavo Johane Mubhapatidzi kuti abhapatidze Mwanakomana wavo kuti agogadzira nzira yeruponeso kune vose vanotenda kuna Jesu. Ichi ndicho chikonzero Johane akabhapatidza Jesu. Bhapatidzo yaJesu naJohane Mubhapatidzi yaiva zadziso yedzikinuro yaMwari iyo yakaita kuti zvivi zvevanhu vose zvitambidzwe kuna Jesu kuitira kuti vanhu vose vatende kuna Jesu uye vagoenda kuDenga.
Kunyange nezvivi zveramangwana zvevanhu zvakatambidzwa kuna Jesu kuburikidza nebhapatidzo yake. Jesu naJohane Mubhapatidzi pamwechete vakagadzira nzira yekuenda kuDenga kuitira isu tose. Nenzira iyi, Mwari vakaburitsa chakavanzika chedzikinuro kuburikidza naJohane Mubhapatidzi.
Semumiriri wevanhu, Johane akabhapatidza Jesu kuti isu tigotenda kudzikinuro yedu uye tigoenda kuDenga. Akatambidza zvivi zvose kuna Jesu kuburikidza nebhapatidzo. Idzi ndidzo nhau dzemufaro wedzikinuro, dzeevhangeri.
Johane Mubhapatidzi Ndiyani?
Ko tingatenda kuna Jesu kuburikidza nani?
Johane Mubhapatidzi
Maraki 3:1 inoti, “Tarirai, ndichatuma nhume yangu, uyo achagadzira nzira pamberi pangu.” Unofanira kurava Bhaibheri nomazvo. Nemhaka yei Mwari vakatma nhume yavo mberi kwaJesu? Nemhaka yei Johane Mubhapatidzi akazvarwa mwedzi mitanhatu mberi kwaJesu?
Tinofanira kunzwisisa kuti Bhaibheri rakambomira sei. Testamende Yakare inotaura nezvebasa remuPrista Mukuru Aroni. Aroni akanga ari mukoma muhombe waMozisi. Mwari vakamuzodza iye nevanaomana vake kuti vave vaprista. Vamwe vaRevhi vaishanda vari pasi pavo, vachivaunzira midziyo yakasiyana siyana, kukanya svupu yekuisa pachingwa nezvimwevo, apo vanakomana vaAroni vanenge vachipira zvibairo mukati metabhenakeri.
Vanakomana vaAroni vakanga vakazodzwa kuti vagoverane basa rakaenzana pakati pavo, asi paZuva Rokuyananisirwa, pazuva regumi remwedzi wechinomwe, Muprista Mukuru chete ndiye aipira chibairo cheyanisiro yezvivi zvevanhu zvepagore.
Muna Ruka 1:5, mune nyaya yedzinza raJohane Mubhapatidzi. Tinofanira kunatsonzwisisa nhume yaMwari iyi kuti tigonzwisisa Jesu zvakakwana. Tinonyanya kufunga zvakanyanya nezvaJesu asi tichisiya Johane Mubhapatidzi uyo akauye mberi kwake. Ndinoda kukubatsira kuti unzwisise izvi.
“Kutanga kweevhaneri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari. Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi: ‘Ndichatuma nhume yangu mberi kwako, uyo achagadzira nzira yako’” (Marko 1:1-2). Evhangeri yeDenga inotanga naJohane Mubhapatidzi nguva dzose.
Kana tikadzidza nezvaJohane Mubhapatidzi zvakakwana, tinonzwisisa zvakajeka pamwe nekutenda kuevhangeri yaJesu yedzikinuro. Zvakafanana nekuterera mashoko enhume dzinotumwa kundomirira nyika kuti dzinzwisise humiro hwenyika dzose. Kana tikaziva nezvaJohane Mubhapatidzi tinonzwisisa nezvedzikinuro yaMwari zvakanatsonaka.
Asi zvinonzwisa tsitsi sei kuti vaKristu vazhinji havaone kukosha kwaJohane. Mwari Havana kutuma Johane Mubhapatidzi nekuti vakanga vashaiwa zvekuita zvavo vachitosvotwa. Mabhuku mana ekutanga muTestamende Itsva anotanga kutaura nezvaJohane Mubhapatidzi ese asati ataura nezvedzikinuro yaJesu.
Asi vavhangeri vanhasi Havana hanya naye uye vanoudza vanhu kuti kutenda kuna Jesu chete kwakatokwana kuti munhu aponeswe. Vavhangeri ava vari kutungamira vanhu kuti vararame sevatadzi pahupenyu hwavo hwese, vachizodzamara vava kugehena. Kana vaKristu vese vakangotenda kuna Jesu vasinganzwisisi basa raJohane Mubhapatidzi, chiKristu chinofuruswa kusara changova chitenderowo zvacho chemunyika. Ko ungaponeswa sei pazvivi zvako kana usingazive zvokwadi? Hazvigoneke.
Evhangeri yedzikinuro haisi nyore uye haina kureruka. Vanhu vazhinji vanofunga kuti dzikinuro inobva pakutenda kwedu kuMuchinjikwa nekuti Jesu akatifira paMuchinjikwa. Asi kana uchitenda mukuroverwa kwaJesu chete usingazive zvokwadi yakazara yekutambidzwa kwezvivi, kutenda kwakadaro hakukusvitse padzikinuro yakakwana, zvisinei nekuti kutenda kwako kungava kwakasimba zvakadii.
Mwari vakatuma Johane Mubhapatidzi kuti azivise nyika kuti dzikinuro yaizozadziswa sei uye kuti Jesu aizobvisa sei zvivi zvenyika. Kana bedzi tichinge taziva zvokwadi yakazara ndipo patichanzwisisa kuti Jesu Mwanakomana waMwari uyo akatakurira kwaari zvivi zvedu zvose.
Johane Mubhapatidzi anotiudza nezvezvokwadi yedzikinuro. Anotiudza kuti akasvika sei pakupupura kuti Jesu ndiye Mwari uye Chiedza chazvokwadi. Akajekesa kuti iye pachake akanga asiri Chiedza asi chapupu cheChiedza. Akapupura zvakare muna Johane 1 kuti ndiye akagadzira nzira yeevhangeri yedzikinuro kuburikidza nekubhapatidza Jesu Kristu.
Kana dai takanga tisina pupuro yedzikinuro kubva kuna Johane Mubhapatidzi, taizotenda sei kuna Jesu? Hatina kumbobvira taona Jesu uye kana tichinge tabva kumarudzi netsika zvakasiyana siyana, zvinogoneka sei kuti titende kuna Jehovha saMwari wedu?
Zvatiine zvitendero zvakasiyana pasi pose kudai, taizoziva Jesu Kristu sei? Taiziva sei kuti Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari uyo akatidzikinura kuburikidza nekubvisa zvivi zvose zvepanyika akazvitakurira kwaari?
Tinofanira kutarisa muTestamende Yakare kuti tiwane mashoko edzikinuro kubvira pazvinotangira pamwe nekuziva kuti Jesu ndiye Muponesi wedu. Tinofanira kuwana zivo yechokwadi kuti tive nekutenda kwechokwadi. Kana tisina zivo yechokwadi, hatina zvatingagona kuita. Kuti titende kuna Jesu uye tigponeswa, tinofanira kuziva evhangeri yedzikinuro yakapupurwa naJohane Mubhapatidzi uye basa raakabata mairi. Kuti tive nekutenda kwakakwana muna Kristu, tinofanira kuziva zvokwadi yedzikinuro.
Naizvozvo, sezvakarehwa naJesu, “Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai” (Johane 8:32), tinofanira kuziva zvokwadi yedzikinuro muna Jesu.
Humbowo Huri muBhaibheri
Mabhuku ekutanga emuTestamende Itsva anotanga achiti chii?
Anotangira pamavambo ebasa raJohane Mubhapatidzi
Ngationgororei humbowo hwese hwedzikinuro huri muBhaiheri. Ngatizarurei tione kuti mabhuku mana ekutanga emuTestamende Itsva anoti chii pamusoro paJohane Mubhapatidzi, kuti aiva ani, sei ainzi ‘mumiriri wevanhu’ kana kuti ‘Muprista Mukuru,’ uye kuti zvivi zvenyika zvose zvakatambidzwa pana Jesu here kana kuti kwete.
Tinofanira kuteya nzeve kuzvokwadi yekuti mabhuku mana ekutanga emuTestamende Itsva anotanga nekutaura nezvaJohane Mubhaatidzi. Johane 1:6 inotiudza nezvechirevo chakakosha kwazvo muevhageri. Inotiudza kuti ndiyani chaizvo akabata basa rekutambidza zvivi zvose zvenyika kuna Jesu. “Pakanga paine murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johane. Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye” (Johane 1:6-7).
Ndima inoti, ‘vanhu vatende kubudikidza naye,’ uye kuti aifanira ‘kuzopupurira chiedza chiya.’ Jesu Kristu ndiye chiedza. Zvinoreva kuti Johane aifanira kupupurira Jesu kuti vanhu vose vagotenda kubudikidza naye. Zvino ngatichinzverai Mateo 3.
Mateo 3:13-17 inoti, “Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhapatidzwa naJohane. Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti, ‘Ini ndini ndinotofanira kubhapatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?’ Jesu akati, ‘Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.’ Ipapo Johani akabvuma hake. Jesu angobhapatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari. Inzwi rakabva kudenga richiti, ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoda, wandinofarira.’”
Nemhaka yei tichifanira kunzwisisa dzinza raJohane?
Nekuti Bhaibheri rinotiudza kuti Johane ndiye Muprista Mukuru wevanhu vose.
Johane Mubhapatidzi akabhapatidza Jesu kuti azadzise kuregererwa kwezvivi zvose zvemunyika. Bhapatidzo yakapiwa Jesu naJohane ndicho chiitiko chakanyanyokosha paruponeso rwedu. Asi kuti tinzwisise uye titende zvokwadi yose yakakwana, tinofanira kutanga tanatsonzvera Johane Mubhapatidzi zvakakwana.
Ruka 1:1-14 inoti, “Vazhinji vakaedza kurondedzera nhoroondo dzezvinhu zvakaitika pakati pedu, sekuturirwa kwazvakaitwa kwatiri naavo vakazviona kubva pakutanga naivozve vari varanda veshoko. Naizvozvo, sezvo neniwo ndakanyatsoongorora zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanakawo kuti ndikunyorerei imi Tiofiro mune mukurumbira, nhoroondo ndichinatsotevedzanisa, kuitira kuti mugoziva chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa. Panguva yaHerodhi mambo weJudhea kwakanga kuine muprista ainzi Zekaria, akanga ari weboka rouprista hwaAbhija; mukadzi wake Erizabheti akanga ari chizvarwa chaAroni. Vose vakanga vakarurama pamberi paMwari, vachichengeta mirayiro yaShe yose nezvaakatema, vasina zvavangapomerwa. Asi vakanga vasina vana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki uye vose vari vaviri vakanga vachembera kwazvo. Mumwe musi Zekaria akati ari pabasa reboka rake uye achibata somuprista pamberi paMwari, akasarudzwa nomujenya, maererano netsika yeuprista kuti aende andopisa zvinonhuwira mutembere yaShe. Uye nguva yekupisa zvinonhuwira yakati yasvika, vanamati vose vakaungana panze vachinyengetera. Ipapo mutumwa waShe akazviratidza kwaari, akamira kurutivi rworudyi rwearitari yezvinonhuwira. Zekaria akati achimuona akavhunduka uye akabatwa nokutya. Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Zekaria; munyengetero wako wanzwikwa. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera Mwanakomana uye unofanira kumutumidza kuti Johani. Iye achava mufaro nokufarisisa kwamuri, uye vazhinji vachafara nokuda kwekuberekwa kwake.”
Pano, Ruka uyo aiva mudzidzi waJesu anotiudza nhoroondo yakadzama yedzinza raJohani. Ruka, mudzidzi waJesu, anotsanangura dzinza raJohane kubvira pamavambo. Ruka akanga adzidzisa evhangeri kumurume anonzi Tiofiro uyo akanga achiva kune rumwe rudzi uye akanga asingazive nezvaShe.
Saka kuti amudzidzise nezvaJesu, Muponesi wevatadzi, Ruka akafunga kuti aifanira kutanga atsanangura nezvedzinza raJohane Mubhapatidzi zvakadzama. Sezvo nesuvo tiri vaHedheni vanobva kumarudzi akasiyana, hatingagoni kunzwisisa ruponeso rwaJesu kana rwusina kutsanangurwa zvine nhevedzo. Ngaticherechedzei kuti dzamiso yazvo yakamira sei.
Pana Ruka 1:5-9, anotsanangura kuti, “Panguva yaHerodhi mambo weJudhea kwakanga kuine muprista ainzi Zekaria, akanga ari weboka rouprista hwaAbhija; mukadzi wake Erizabheti akanga ari chizvarwa chaAroni. Vose vakanga vakarurama pamberi paMwari, vachichengeta mirayiro yaShe yose nezvaakatema, vasina zvavangapomerwa. Asi vakanga vasina vana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki uye vose vari vaviri vakanga vachembera kwazvo. Mumwe musi Zekaria akati ari pabasa reboka rake uye achibata somuprista pamberi paMwari, akasarudzwa nomujenya, maererano netsika yeuprista.”
Pane chiitiko chakaitika apo Zekaria akanga achibata basa raMwari maererano netsika yeuprista. Ruka akapupura zvakajeka kuti Zekaria akanga ari wedzinza raAroni. Ko iye Zekaria akanga ari weboka reuprista ripi? Iyi inhau yakakosha kwazvo.
Ruka akatsanangura kuti, “Mumwe musi Zekaria akati ari pabasa reboka rake uye achibata somuprista pamberi paMwari.” Tinoona kuti Ruka akanga achiziva nezvaZekaria zvakadzama zvekuti akatsanangura evhangeri yedzikinuro kuburikidza nekutaura nezvaZekaria naErizabheti.
Johane Mubhapatidzi akaberekwa naZekaria uye nemukadzi wake Erizabheti, uyo akanga ari wedzinza revakunda vaAroni. Zvino ngatichicherechedza dzinza raZekaria, baba vaJohane.
Dzinza raJohane Mubhapatidzi
Johane Mubhapatidzi akanga ari wedzinza raani?
RaAroni Muprista Mukuru.
Kuti tinzwisise dzinza raJohane Mubhapatidzi, tinofanira kuverenga Testamende Yakare, 1 Makoronike 24:1-19.
“Aya ndiwo mapoka avanakomana vaAroni: Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naIthamari. Asi Nadhabhi naAbihu vakafa baba vavo vasati vafa, uye vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari vakashumira sevaprista. Achibatsirwa naZadhoki chizvarwa chaEreazari naAhimereki chizvarwa chaItamari, Dhavhidhi akavapatsanura akavaisa mumapoka kuti vaite basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa. Vatungamiri vazhinji vakanyanyowanikwa pane zvizvarwa zvaEreazari kupfuura pakati pezvizvarwa zvaItamari uye vakaiswa mumapoka zvakakodzerana: vakuru gumi nevatanhatu kubva kuzvizvarwa zvaEreazari uye vakuru vasere kubva kuzvizvarwa zvaItamari. Vakavaisa mumapoka zvakakodzerana, nokukanda mijenya nokuti paiva nevabati venzvimbo tsvene navabati vaMwari pakati pezvizvarwa zvaEreazari nezvizvarwa zvaItamari. Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri, muRevhi, akanyora mazita avo pamberi pamambo, nepamberi pavabati vaiti: Zadhoki muprista, Ahimereki mwanakomana waAbhiatari navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi mhuri imwechete ichitorwa kubva kuna Ereazari uye imwechete kubva kuna Itamari. Mujenya wokutanga wakawira pana Jehoyaribhi, wechipiri pana Jedhaya, wechitatu kuna Harimi, wechina kuna Seorimi, wechishanu kuna Marikia, wechitanhatu kuna Miyanimi, wechinomwe kuna Jakozi, wechisere kuna Abhija, wechipfumbamwe kuna Jeshua, wegumi kuna Shekania, wegumi nomumwe kuna Eriashibhi, wegumi nembiri kuna Jakimi, wegumi nenhatu kuna Hupa, wegumi neina kuna Jesebheabhi, wegumi neshanu kuna Bhiriga, wegumi nenhahatu kuna Imeri, wegumi nenomwe kuna Heziri, wegumi nesere kuna Hapizezi, wegumi nepfumbamwe kuna Petahia, wemakumi maviri kuna Jehezikeri, wemakumi maviri nemumwe kuna Jakini, nemakumi maviri nembiri kuna Gamuri, wemakumimaviri nenhatu kuna Dheraya uye wemakumi maviri maviri neina kuna Maazia. Iri ndiro raiva basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa pavakapinda mutemberi yaJehovha, maererano nemitemo yavakanga vapiwa nababa vavo Aroni sokurayirwa kwaakanga aitwa naJehovha, Mwari waIsraeri.”
Ngativerenge vhesi 10 zvakare. “Wechinomwe kuna Jakozi, wechisere kuna Abhija.” Mumazuva aMambo Abhija, kwaiva nevaprista vazhinji, saka pakava nefaniro yekuwumba gwara rekutungamira hushumiri hwavo. Saka Dhavhidha akaumba mapoka kubva kuvana vaAroni kuti zvibairo zvipirwe nenzira yakatsarukana. (Sezvamunoziva mese, Aroni aiva mukoma mukuru kuna Mozisi. Mwari vakagadza Mozisi semubati wavo, uye Aroni seMuprista Mukuru weTabhenakere Tsvene pamberi pevanhu veIsraeri.)
Saka vaRevhi vose wakaiswa pasi pevaprista uye Aroni nevaprista, vanova vana vake, ndivo vaibata basa rezvipiriso zvose pamberi paMwari. Dhavhidha asati awumba mapoka, vaprista vedzinza raAroni vaitoita zvekukanda mijenya nguva nenguva uye zvaikonzera kupokana kukuru.
Naizvozvo, Dhavhidha akaronga gwara kuburikidza nekuisa boka roga roga muganhuro yaro. Pakanga paine mapoka makumi maviri nemana muganhuro yoga yoga, kubvira kuvazukuru vaAroni uye boka resere rakanga riri raAbhija. Zvataurwa kunzi, “Kwakanga kuno muprista ainzi Zekaria akanga ari weboka rouprista hwaAbhija.” Saka Zakaria akanga ari muprista weboka raAbhija, uye vose vakanga vari vedzinza raAroni Muprista Mukuru.
Zakaria, uyo akanga ari muprista weboka raAbhija ndiye aiva baba vaJohani Mubhapatidzi. Tinoziva kubva muBhaibheri kuti vanhu vairoora kubva kumhuri dzavo.
Saka Jakobho akaroora mwanasikana wasekuru vake, hanzvadzi yaamai vake. Tsanangudzo yedzinza iyi ine hukoshwa hwakadzama kwazvo. Inoti, “Kwakanga kuno muprista ainzi Zekaria akanga ari weboka rouprista hwaAbhija.”
Naizvozvo, tinoona kuti zvirokwazvo akanga wedzinza Aroni. Iye aniko? Zekaria, baba vaJohani Mubhapatidzi. Ichi chirevo chakakosha kwazvo mukutsanangura dzikinuro yaJesu, uye nehushumiri hwaJohane Mubhapatidzi uye nekutambidzwa kwezvivi zvenyika kuna Jesu.
Vanakomana vaAroni Chete Ndivo Vachashumira seva Prista
Ndiyani aikodzera kushumira semuprista mukuru panguva yeTestamende Yakare?
Aroni nevasanangurwa vedzinza rake
Ndepapi muBaibheri pazvakajekeswa kuti vanakomana vaAroni bedzi ndivo vanofanira kushumira sevaprista. Ngatizvicherechedzei.
MunaNumeri 20:22-29, zvinonzi, “Ungano yose yeIsraeri yakasimka kubva kuKadheshi uye vakasvika paGomo reHori. Agomo reHori pedyo nomuganhu weEdhomu, Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, ‘Aroni achachengetwa kuvanhu vokwake. Haangapindi munyika yandakapa vaIsraeri, nokuti mose muri vaviri makamukira murairo wangu pamvura yepaMeribha. Tora Aroni nomwanakomana Ereazari ukwire navo muGomo reHori. Ubvise nguvo dzaAroni udzipfekedze mwanakomana wake Ereazarinokuto Aroni achasanganiswa navanhu vokwake, achafira ipapo. Mozisi akaita sezvaakanga arairwa naJehovha: Vakakwira muGomo reHori pamberi peungano yose. Mozisi akabvisa nguo dzaAroni akadzipfekedza mwanakomana wake Ereazari. Uye Aroni akafira ipapo pamusoro pegomo. Ipapo Mozisi naEreazari vakaburuka kubva mugomo. Uye ungano yose yakati yazvinzwa kuti Aroni akana afa, imba yose yeIsraeri yakamuchema kwamazuva makumi matatu.”
Muna Ekisodho, murairo waMwari wakanyorwa uchiti vanakomana vaAroni Muprista Mukuru ndivo vanofanira kugadzwa huprista, uye mwanakomana anenge asarudzwa ndiye anofanira kuita muprista mukuru, sezvakaita baba vavo, kana achinge akwanisa makore makumi matatu.
Ekisodho 28:1-5 inoti, “Uite kuti Aroni mukoma wako pamwe chete nevanakomana vake vanoti Nadhabhu naAbhihu, Ereazari naItamari vauyiswe kwandiri kubva pakati pavaIsraeri kuti vandishumire sevaprista. Uitire mukoma wako nguo tsvene kuti apiwe ruremekedzo uye kukudzwa. Utaurire varume veumhizha vose vandakapa uchenjeri hwokuita zvakadaro kuti vanofanira kusonera Aroni nguo dzokutsaurwa kwake kuti agondishumira somuprista. Idzi ndidzo nguo dzvanofanira kuita: chidzitiro chapachifuva, efodhi, jasi, nenguo yakarukwa, nengowani uye ndaza. Vanofanira kuitira mukoma wako Aroni navanakomana vake nguo tsvene idzi. Uvaite kuti vashandise wuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku uye mucheka wakaisvonaka.”
Mwari vakagadza Aroni, mukoma waMozisi, zvakajeka kuhuprista hukuru. Huprista hwaisangoitwa nemurume wese wese. Mwari vakaraira Mozisi kuti agadze Aroni seMuprista Mukuru, uye kuti pagadzirwe zvishongwa zvakafanira sekududzira kwavakanga vaita. Hatifaniri kukanganwa mashoko aMwari.
Ekisodho 29:1-9 inotivo zvakare, “Izvi ndizvo zvaunofanira kuita kuti uvanatse, kuti vandishumire sevaprista. Utore hando duku namakondohwe maviri asina chaanopomerwa. Uye ubike chingwa noupfu hwakatsetseka hwegorosi, husina mbiriso, uye ubike makeke akavhenganiswa namafuta, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta. Uzviise mudengu uye ugozvikumikidza zviri imomo, pamwechete nehando uye makondohwe maviri. Ipapo ugouya naAroni navanakomana vake kumukova nokupinda navo kuTende Rokusongana ugovashambidza nemvura. Tora hanzu ugopfekedza Aroni jasi, nguo yeefodhi neefodhi pachayo uye nechidzitiro chapachifuva. Usungire efodhi paari nebhanire romuchiuno rakarukwa nounyanzvi. Uise nguwani pamusoro wake uye ugoibatanidza nekorona tsvene. Utore mafuta ekuzodza ugomuzodza uchiita zvokuadira pamusoro pake. Uye vanakomana vake uvapfekedze majasi. Uye ugoisa mabhanire omumusoro pamusoro pavo. Ipapo ugosungira ndaza pana Aroni navanakomana vake. Uprista ndehwavo nomutemo usingaperi. Nenzira iyi uchagadza Aroni navanakomana vake.”
Ugoisa mabhanire pamusoro pavo, Aroni nevana vake, ugovapfekedza nguhwani… Uprista ndohwavo nomutemo usingaperi. Naizvozvo ugadze Aroni nevanakomana vake… Mwari vakajekesa kuti Aroni nevana vake bedzi ndivo vaifanira kugadzwa kuti vashumire huprista nekusingaperi. Mwari pavakati “nomutemo usingaperi,” vaireva kuti huprista hwairamba huchishanda kunyange mushure mekunge Jesu auya panyika pano.
Ruka akatsanangura zvakadzama kuti Zekaria akanga ari wedzinza raAroni Muprista Mukuru. Apo Zekaria paakanga achishumira semuprista wenguva iyoyo pamberi paMwari mutemberi yaIshe, mutumwa akazviratidza kwaari ndokubva amuudza kuti munamato wake wakanga wanzwikwa, uye kuti mukadzi wake Erizabheti achamuberekera mwana mukomana.
Zekaria haana kugona kuzvitenda, akati, “Mukadzi wangu achambera kwazvo, angabereka mwana seiko?” Nekuda kwekusatenda kwake, Mwari vakamuita kuti chimumumu kwenguva yakatarwa kuratidza kuti mashoko avo aiva ezvokwadi.
Panguva yakafanira, mukadzi wake akaita pamuviri uye nenguva shomanana Mariya uyo akanga ari mhandara akaitawo pamuviri. Zviitiko zviviri izvi akanga ari mabasa akagadzirwa naMwari vachiitira ruponeso rwedu. Kuti vaponeso vanhu vakadai kutukwa, Mwari vaifanira kutuma muranda wavo Johane uye neMwanakomana wavo mumwe oga Jesu panyika pano.
Naizvozvo, Mwari vakaita kuti Mwanakomana wavo abhapatidzwe naJohane kuitira kuti atambidze zvivi zvose zvenyika kwaari, kuitira kuti vaya vanotenda kwaari vaponeswe.
Pindiro Yakakosha yaMwari
Ndiyani akagadzirirwa kumberi kwaJesu naMwari kuti abate basa redzikinuro yavo?
NdiJohane Mubhapatidzi
Jesu Kristu akanga ari Muponesi wevanhu uyo akazvarwa nemuviri wemhandara Mariya. Mariya akanga apikira kuna Josefa uyo akanga ari wedzinza raJudhasi. Jesu akazvarwa kudzinza raJudhasi kuti Sungano yaMwari izadziswe, sekuzvarwawo kwakaitwa Johane Mubhapatidzi kudzinza raAroni Muprista Mukuru.
Mwari vakaronga kuti vaviri ava vaberekwe panyika pano nenhevedzo iyoyo, kuti Johane atange kuchizotevera Jesu. Johane akazvarwa kuti agobhapatidza Jesu kuti atambidze zvivi zvose zvenyika kwaari. Munhu wedzinza reMuprista Mukuru aifanira kupira chibairo cheyananisiro kuti Sungano yaMwari yakaitwa muTestamende Yakare izadziswe; evhangeri yedzikinuro yaJesu yaifanira kuzadziswa nemazvo kuitira kuti vanhu vasunungurwe.
Muna Ekisodho, Mwari vakapa Israeri Murairo wavo uye neSungano dzavo; inova mirairo yaMwari uye netsika yekubaira patabhenakere, kusvikira kuzvipfeko zvevaprista, pamwe nenzira yekubaira nayo uye nehwaro hwekugadzwa kwehuprista kuvanakomana vevaprista. Mwari vakagadza Aroni nevedzinza rake kuhuprista hukuru nekusingaperi.
Naizvozvo, vose vedzinza raAroni ndivo vaipira zvibairo uye vaprista vakuru vaibva kuimba yaAroni bedzi. Waona here kuti sei zvaifanira kudaro saizvozvo?
Pakati pedzinza raAroni, Mwari vakasarudza mumwe muprista ainzi Zekariya uye nemukadzi wake Erizabheti. Vakanga vati, “Ndichatuma nhume yangu mberi kwako.” Mwari pavakaudza Zekaria kuti vachaita kuti Erizabheti azvare mwana uye kuti aizofanira kumutumidza ziya rekuti Johane, akashamiswa kwazvo zvekuti akabva aita chimumumu sekuraira kwaMwari, kudzamara pakuzvarwa kwemwana.
Zvamazvirokwazvo mwanakomana akaberekwa kuimba yake. Pakasvika nguva yekuti mwana apiwe zita setsika yeIsraeri mwana aifanira kupiwa zita rababa vake kana reumwe wehama dzababa vacho.
“Nguva yakati yasvika yokuti Erizabheti ave nomwana wake, akazvara mwana mukomana. Vavakidzani vake nehama dzake vakanzwa kuti Ishe akanga amunzwira ngoni hurum vakafara pamwechete naye. Pazuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, uye vakanga vachizomutumidza zita rababa vake Zekaria, asi mai vake vakati, ‘Kwete! Anofanira kunzi Johani.’ Ivo vakati kwaari, ‘Pakati pehama dzenyu hapana munhu ane zita iroro.’ Ipapo vakataura nemaoko kuna baba vake, kuti vazive zita ravaida kupa mwana. Iye akavakumbira pokunyorera, akanyora kuti, ‘Zita rake ndiJohane,’ uye vose vakashamiswa nazvo. Pakarepo muromo wake wakazarurwa uye rurimi rwake rukasunungurwa, akatanga kutaura, achirumbidza Mwari. Vavakidzano vose vakazadzwa nokutya, nomunyika yose yezvikomo yeJudhea vanhu vakataura pamusoro pezvinhu izvi zvose. Munhu wose akazvinzwa akashamiswa nazvo, vakati, ‘Mwana uyu uchava akadiniko?’ Nokuti ruoko rwaShe rwaiva naye” (Ruka 1:57-66).
Zekariya akanga achiri chimumumu mwana wake paakazvarwa. Asi pakasvika nguva yekutumidza mwana zita, hama dzakasarudza kuti mwana anzi Zekaria. Asi mai vake vakati ivo mwana aifanira kutumidzwa kuti Johane. Hama dzakabva dzati hakuna munhu wemumuri akanga aine zita iroro dzichitsinhira kuti mwana anofanira kupiwa zita rababa vake.
Erizabheti paakaramba achisimbirira kuti zita remwana rinzi Johane, hama dzakabva dzaenda kuna Zekaria dzikandobvunza kuti mwana opiwa zita rokuti chii. Sezvo Zekariya akanga asati ava kugona kutaura, akakumbira pekunyorera ndokubva anyora kuti, ‘Johane.’ Hama dzose dzakashamiswa nezita iri rakanga risingazivikanzi mumhuri.
Asi mushure mekunge mwana apiwa zita, muromo waZekariya wakazaruka pakarepo. Akarumbidzwa Mwari uye akabva azadzwa noMweya Mutsvene ndokubva atanga kuporofita.
Saizvozvo, Ruka anodedemura nezvekuzvarwa kwaJohane Mubhapatidzi muimba yaZekaria. “Kwakanga kuno muprista ainzi Zekaria, akanga ari weboka rouprista hwaAbhija.” Johane Mubhapatidzi, mumiriri wevanhu, akaberekwa kuimba yaZekariya wedzinza raAroni, kuburikidza nepindiro inoshamisa yaMwari.
Kuburikidza naJohane Mubhapatidzi uye naJesu Kristu, Mwari vakazadzisa ruponeso rwevanhu. Tinoponeswa pazvivi zvedu zvose kuburikidza nekutenda kubasa redzikinuro iro rakaitwa kuburikidza naJohane uye naJesu Kristu.
Bhapatidzo yaJesu
Nemhaka yei Jesu akabhapatidzwa naJohane?
Kuti atakure zvivi zvose zvenyika
Johane Mubhapatidzi akapupura kuti Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari uye kuti akabvisa zvivi zvedu zvose. Ndiye Johane Mubhapatidzi, iye muranda waMwari akatumwa kuzopa uchapupu kuruponeso rwaMwari. Hazvirevi kuti Mwari havatiudze pachavo kuti ndivo Muponesi wedu. Mwari vanoshanda kuburikidza nevaranda vavo mukereke uye kuburikidza nemiromo yevanhu vavo vose vakaponeswa.
Mwari vanoti, “Taurai nounyoro kuJerusarema, mudanidzire kwariri kuti kubata kwaro kukuru kwapera, uye kuti chivi charo charipirwa, kuti ragamuchira kubva muruoko rwaJehovha zvakapetwa kaviri pamusoro pezvivi zvaro… Uswa hunooma uye maruva anowa, asi Shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi” (Isaya 40:2, 8).
Mwari vakanga vapikira nechekare, makore mazana manomwe Jesu asati azvarwa kuti, “Hamuchazi vatadzi imi. Ndakayananisira zvivi zvenyu zvose uye hondo yakapera.” Saizvozvo inzwi reevhangeri yedzikinuro rinoramba richidanidzira kwatiri. Iyindiyo inonzi evhangeri yakagadzirwa.
Kana tikanzwisisa mabasa aJohane Mubhapatidzi uye uye tikanatsonzwisisa kuti zvivi zvose zvenyika zvakaiswa pana Jesu kuburikidza naJohane Mubhapatidzi, tose tinogona kudzikinurwa pazvivi zvedu.
Mabhuku mana ekutanga eTestamende Itsva ose anotiudza nezva Johane Mubhapatidzi uye Maraki muprofita wekupedzisira wemuTestamende Yakare anopupurawo kuti Johane Mubhapatidzi ndiye muranda waMwari akatumwa Testamende Itsva inotanga nekuzvarwa kwaJohane Mubhapatidzi uye nekutambidzwa kwezvivi kuburikidza naye.
Ko sei tichimuti Johane Mubhapatidzi? Nekuti ndiye akabhapatidza Jesu.Ko kuti bhapatidzo zvinorevei? Zvinoreva kuti ‘kutambidza, kuvigwa, kushambidzwa’ – zvakafanana nekuti ‘kuisa maoko’ muTestamende Yakare.
MuTestamende Yakere, kana munhu achinge atadza, ayitambidza zvivi zvake pamhuka yechibairo isina mavara kuburikidza nekuisa maoko ake pamusoro wayo, uye chibairo chaibva chafa nezvivi izvozvo. Kuti ‘kuisa maoko’ zvinoreva kuti ‘kutambidza.’ Naizvozvo, kuti ‘kuisa maoko’ nekuti ‘kubhapatidza’ zvine dudziro imwechete unyange zvazvo zvichita sezvakasiyana.
Ko bhapatidzo yaJesu yakanga ine chirevo chei? Bhapatidzo yake ndiyo yaiva nzira chete yekuti tiwane kuregererwa kwezvivi. Mwari vakawumba murairo wekuti chivi chitambidzwe pachibairo kuburikidza ne ‘kuisa maoko.’ Saizvozvo, muTestamende Yakare, vatadzi vayiisa maoko avo pachibairo kuti vaturire zvivi zvavo pamusoro wacho. Mushure mezvo, vaibva vacheka huro yechibairo uye vaprista vayiisa ropa racho panyanga dzearitari yechipiriso chekupisa. Iyi ndiyo yaiva nzira yekuyananisirwa zvivi zvavo zvezuva rimwe nerimwe.
Ko zvivi zvavo zvepagore zvaiyananisirwa sei?
Kana zvava zvepagore, Aroni Muprista Mukuru ayipira chibairo pachinzvimbo chevaIsraeri vose. Nekuda kwekuti Johane Mubhapatidzi akazvarwa kuimba yaAroni, zvakanga zvakafanira kuti ave muprista mukuru, uye Mwari akanga amutemera kare kuti ave Muprista Mukuru wekupedzisira, maererano nechipikirwa chavo chedzikinuro.
Johane Mubhapatidzi aiva mumiriri wevanhu vose uye ari zvakare muprista mukuru wekupedzisira nekuti Testamende Yakare yakaguma nepakuzvarwa kwaJesu. Ndiyani mumwe kunze kwaJohane angadai akaturira zvivi zvose zvenyika kuna Jesu muTestamende Itsva, sekuyananisira kwayiita Aroni zvivi zvevanhu muTestamende Yakare? Semuprista mukuru wekupedzisira muTestamende Yakare uye semumiriri wevanhu vose, Johane Mubhapatidzi akatambidza zvivi zvese zvenyika kuna Jesu paakamubhapatidza.
Nekuda kwekuti Johane akaturira zvivi zvose zvenyika kuna Jesu, kutenda kuevhangeri yemvura noMweya knotidzikinura. Jesu akava Gwayana kuti aponese vatadzi vose, saizvozvo akazadzisa basa redzikinuro sekuronga kwaMwari. Jesu akatiudza kuti Johane Mubhapatidzi akanga ari muprofita wekupedzisira, uye muprista mukuru wekupedzisira uyo akatambidza zvivi zvose zvenyika kwaari.
Ko Jesu akarega nei kungoita zvose izvi iye pachake? Ko sei akanga achifanira kuti pave naJohane Mubhapatidzi? Paiva nechikonzero chekuti Johane Mubhapatidzi azvarwe mwedzi mitanhatu Jesu asati azvarwa; chinova chekuzadzisa murairo wemuTestamende Yakare uye kuzadzisa zvipikirwa zvayo.
Jesu akazvarwa nemhandara Mariya uye Johane Mubhapatidzi akazvarwa nemukadzi akanga akwegura uye asingabereki ainzi Erizabheti.
Aya aiva mabasa aMwari uye vakamaronga kuti vaponese vatadzi vose. Kuti vatiponese pahondo yechivi yakanga isigaperi uye nepakutambudzika kwese nekuda kwehutadzi hwedu, Mwari vakatuma muranda wavo Johane pamwechete neMwanakomana wavo Jesu. Johane Mubhapatidzi akatumwa semumiriri wevanhu uye seMuprista Mukuru.
Mukuru Pavanhu Vose Vakaberekwa Navakadzi
Ndiyani aiva mukuru pavanhu vose panyika?
NdiJohane Mubhapatidzi
Ngativerengei Mateo 11:7-14. “Vadzidzi vaJohane pavakanga voenda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohane achiti, ‘Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here? Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo. Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura kwazvo muprofita. Iyeyi ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi: ‘Ndinotuma nhume yangu mberi kwako uye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.’ Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhapatidzi. Asi muduku muushe hwekudenga mukuru kwaari. Kubva pamazuva aJohane Mubhapatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba uye varume vechisimba vanohutora. Nokuti vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya.”
Vanhu vakabuda kuena kurenje kundoona Johane Mubhapatidzi uyo aidanidzira kuti, “Tendeukai imi vana venyoka!” Jesu akabva ati, “Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo.”
Jesu pachake akapupura nezveukuru hwaJohane. “Makabuda kundooneiko? Munhu anozvishongedza makushe engamera achidanidzira nenzwi repamusoro here? Zvaakashonga vhudzi rengamera. Makabuda kundooneiko. Munhu akapfeka nguo dzakanaka here? Vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yemadzimambo. Asi iye mukuru kupfuura madzimambo,” Jesu akapupura. “Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo. Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura kwazvo muprofita.”
Mumazuva akare, vaprofita vaipiwa chinzvimbo chakakwirira kudarika madzimambo. Johane Mubhaptidzi akanga ari mukuru kudarika mambo, uye achipfuura muprofita. Akanga ari mukuru kupfuura vaprofita vose veTestamende Yakare. Chokwadi ndechekuti Johane uyu muprista mukuru wekupedzisira uye ari mumiriri wevanhu, akanga akakosha kupfuura Aroni akanga ari muprista mukuru wekutanga. Jesu pachake akapupurira Johane nenzira iyoyo.
Mumiriri wevanhu ndiyani? Kunze kwaKristu pachavo, ndiyani mukuru panyika pano? NdiJohane Mubhapatidzi. “Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura kwazvo muprofita. Iyeyi ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi: ‘Ndinotuma nhume yangu mberi kwako uye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.’”
Johane Mubhapatidzi akapupura kuti hondo yechivi yakanga yapera. “Tarirai, Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika!” Johane Mubhapatidzi ndiye akapupura kuti Jesu akabvisa zvivi zvenyika.
Mateo 11:11 inoti, “Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhapatidzi.” Pakambova nemunhu anopfuura Johane Mubhapatidzi here pavanhu vakaberekwa nevakadzi?
Zvinorevei kuti ‘vakaberekwa nevakadzi?’ Zvinoreva kuti vanhu vose. Vanhu vose, kunze kwaAdhamu naEva, vakaberekwa nevakadzi. Hongu, pavanhu vose vakaberekwa navakadzi hapana mukuru kuna Johane Mubhapatidzi. Naizvozvo, ndiye Muprista Mukuru, ari muprofita uye mumiriri wevanhu vose.
MuTestamende Yakare, Aroni nevanakomana vake vakagadzwa naMwari kuti vashumire huprista nekusingaperi. Zvivi zvose zvaifanira kushambidzirwa kuburikidza naAroni nevanakomana vake. Ndiko kurairwa kwazvakaitwa naMwari.
Kana dai vamwe vaRevhi vakada kuuya vachida kuzvipinza muhuprista, vangadai vakafa zvirokwazvo. Basa ravo bedzi raiva rekuteza huni dzemoto wepaaritari, nekuvhiya mhuka, nekubvisa mafuta, nekusvina matumbu pamwe nekurasa zvinenge zvachekwa pachibairo kunze kwemisasa. Kana dai vakada kuzvitutumadza vachiita basa revaprista, vaifa. Uwu ndiwo murairo waMwari. Havaikwanisa kubira mutsetse uyu.
Pasi pano hapana kumbomuka munhu mukuru kudarika Johane Mubhapatidzi. Akanga ari mukuru kupfuura vanhu venyama vose. “Kubva pamazuva aJohane Mubhapatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba uye varume vechisimba vanohutora.”
Dzikinuro yevanhu yakazadziswa apo Johane Mubhapatidzi akabhapatidza Jesu uye avo vanotenda kuna Jesu vanopinda Humambo hweDenga nekuti vakaruramiswa nekutenda.
Zvino regai tiongorore kuti baba vaJohane vakapupura kuti kudii pamusoro pemwana wavo.
Huchapupu hwaZekariya, Baba vaJohane
Ko Zekariya akaprofita chii pamusoro pemwanakomana wake?
Kuti Johane achagadzira yaIshe kuburikidza nekupa zivo yeruponeso kuvanhu vaMwari
Ngativerengei Ruka 1:67-80.
“Zekaria baba vake vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakaprofita vachiti: ‘Ishe Mwari waIsraeri ngaakudzwe, nokuti akauya akadzikinura vanhu vake. Iye akatisimudzira runyanga rwerupneso muimba yomuranda wake Dhavhidhi, sezvaakataura kubudikidza nevaprofita vake vatsvene vekare. Iko kuponeswa kubva kuvavengi vedu neparuoko rwavose vanotivenga. Kunzwira madzibaba edu ngoni nokurangarira sungano yake tsvene. Mhiko yaakapikra baba vedu Abhurahama: Kutinunura kubva muruoko rwavavengi vedu, uye kutigonesa kuti timushumire tisingatyi, muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose. Uye iwe mwana wangu uchanzi muprofita woWokumusoro-soro; nokuti uchatungamira pamberi paShe kuti umugadzirire nzira, kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza nokuregererwa kwezvivi zvavo; nokuda kwemoyo munyoro waMwari wedu, naye zuva richatibudira richibva kudenga, kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima nomumumvuri werufu, uye kuti usesedze tsoka dzedu munzira yorugare.’ Uye mwana akakura akava nesimba mumweya; uye akagara mugwenga kusvikira azoonekwa pachena kuvaIsraeri.”
Zekariya akaprofita zvinhu zviviri. Akaprofita kuti Mambo wevanhu vose achauya. Kubvira pavhesi 68 kusvika 73, akaprofita nomufaro kuti Mwari haana kukanganwa zvipikirwa zvavo uye kuti, sezvakavimbiswa Abraama naMwari, Jesu akazvarwa kumhandara Mariya kuti aponese madzinza ake paruoko rwevavengi vavo
Kubvira pavhesi 74 zvinonzi, “Kutinunura kubva muruoko rwevavengi vedu uye kutigonesa kuti timushumire tisingatyi.” Iyi iyeuchidzo yeChipikirwa chaMwari kuna Abhurahama pamwe nevaIsraeri, uye akaprofita kuti, “kutigonesa kuti timushumire tisingatyi.”
Kubva pavhesi 76, akaprofita mwanakomana wake. “Uye iwe mwana wangu uchanzi muprofita woWokumusoro-soro; nokuti uchatungamira pamberi paShe kuti umugadzirire nzira, kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza nokuregererwa wkezvivi zvavo; nokuda kwemoyo munyoro waMwari wedu, naye zuva richatibudira richibva kudenga, kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima nomumumvuri werufu, uye kuti usesedze tsoka dzedu munzira yorugare.”
Akareva achiti, “Kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza nokuregererwa kwezvivi zvavo.” Akati ruzivo rweruponeso rwakapiwa kubudikidza nani? NaJohane Mubhaptidzi. Uri kuzviona here zvese izvi? Johane Mubhapatidzi, kuburikiza nemashoko aMwari, aifanira kutipa ruzivo rwekuti Jesu Mwanakomana waMwari uyo akabvisa zvivi zvenyika.
Zvino ngatitarisei Marko 1. “Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari. Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi, ‘Ndichatuma nhume yangu mberi kwako, uyo achagadzira nzira yako.’ Inzwi rounodana murenje richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’ Uye saizvozvo Johane akauya achibhapatidza murenje uye achiparidza rubhapatidzo rwekutendeuka kuti varegererwe zvivi. Nyika yose yeJudhea nevanhu vose veJerusarema vakaenda kwaari vachireurura zvivi zvavo, vakabhapatidzwa naye muRwizi rweJorodhani” (Marko 1:5).
VaIsraeri pavakanzwa Johane Mubhapatidzi, vakabva vasiya zvekunamata zvifananidzo zvevaHedeni ndobva vabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi. Asi Johane akapupurakuti, “Ndinokubhapatidzai nemvura kuti mudzoke kuna Mwari. Asi Mwanakomana waMwari achauya agobhapatidzwa neni kuti zvivi zvenyu zvose zviturirwe paari nenzira imwecheteyo. Uye kaa mukatenda kubhapatidzo yake sezvamuri kubhapatidzwa neni, zvivi zvenyu zvose zvichatambidzwa kwaari sekutambidzwa kwayiita zvivi uburikidza nekuisa maoko muTestamende Yakare.” Izvi ndizvo zvaipupurwa naJohane.
Zvokwadi yekuti Jesu akabhapatidzwa muJorodhani inoreva kuti akabhapatizwa murwizi rwerufu. Kana tiri parufu tinoimba tichiti, “Munguva yakanaka ichauya, tichasangana pamahombekombe akaisvonaka. Tichasangana pamahombekombe akaisvonaka.” Kana tichinge tafa, tinoyambuka rwizi rweJorodhani. Rwizi rweJorodhani ndirwo rwizi rwerufu, nekuti Jesu akatorera zvivi zvose zverufu imomo uye “mubairo wechivi rufu.”
Bhapatidzo Yakatambidza Zvivi Zvedu
Ndeupi mufananidzo wekuisa maoko muTestamende Itsva?
Bhapatidzo yaJesu
Muna Mateo 3:13-17, tinoverenga kuti, “Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhapatidzwa naJohane. Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti, ‘Ini ndini ndinotofanira kubhapatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?’ Jesu akati, ‘Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.’ Ipapo Johani akabvuma hake. Jesu angobhapatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari. Inzwi rakabva kudenga richiti, ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoda, wandinofarira.’”
Johane akaenda kuJorodhani ndobva abhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi. Akaraira Johane achiti, Ndibhapatidze.” Johane ndokupindua achiti, “Ini ndini ndinotofanira kubhapatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?” Muprista mukuru wepanyika newekudenga vakanga vasangana
Sezvakarehwa naVaHeberu, Jesu Kristu Muprista Mukuru nekusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki. Izvi zvinoreva kuti Jesu haana dzinza remunhu. Haasi wedzinza raAroni kana munhu upi zvake panyika pano. Iye Mwanakomana wamwari, Musiki wedu. Ari Zvaari; naizvozvo haana dzinza. Jesu akasiya kubwinya kwedenga kose akadzika panyika kuti aponese vanhu vake.
Chikonzero akadzika panyika pano chaiva chekuponesa vatadzi vose vakanga vachinetsekana nehunyengeri hwaSatani. Pamusoro pazvo, akabvisa zvivi zvose zvenyika kuburikidza nekubhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi. “Jesu akati, ‘Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.’ Ipapo Johani akabvuma hake.”
“Ngazvive saizvozvo iye zvino.” Ngazvive saizvozvo! Jesu akaraira mumiriri wevanhu vose ndokubva akotamisa musoro wake kuti abhapatidzwe. MuTestamende Yakare, kana chibairo chichipirwa kuna Mwari, mutadzi wacho kana kuti muprista mukuru vayiisa maoko pamusoro pacho kuti vaturire zvivi. Kuti ‘kuisa maoko’ zvinoreva kuti ‘kutambidza.’
Johane Mubhapatidzi akabhapatidza Jesu. Izvi zvakafanana nekuisa maoko kwemuTestamende Yakare. ‘Kutambidza,’ ‘kuvigwa,’ ‘kushambidzwa,’ kana kuti ‘kubaira’ zvakangofanana. Testamende Itsva ndiyo zadziso yezvokwadi uye Testamende Yakare mumvuri.
Kana mutadzi achinge aisa maoko ake pagwayana, muTestamendeYakare, chivi chake chaiturirwa pagwayana, robva raurayiwa. Kana gwayana richinge rafa, raibva ravigwa. Zvivi zveuya anenge aisa maoko ake pagwayana zvaitambidzwa pamhuka yechibairo, saka gwayana raiurayiwa nokuda kwezvivi zvarinenge ratakura! Kana zvivi zvichinge zvatambidzwa pagwayana, uya anenge apira gwayana maererano netsika yekubaira aibva asara asina chivi here? Hongu.
Ngatitii hangachefu iyi ndiyo chivi uye makorofoni iyi ndiyo gwayana. Kana ndikaisa maoko angu pamakorofoni iyi, chivi ichi chinoturirwa pairi, gwayana. Mwari pachavo vakasarudza kuti zvidaro saizvozvo. “Isa maoko ako.” Kuti munhu adzikinurwe pazvivi munguva yeTestamende Yakare, munhu aifanira kuisa maoko ake pamusoro wechibairo. Mushure mezvo, aibva ave asina chivi. Saizvozvo, chinangwa chebhapatidzo yaJesu chaiva chekushambidza, kuviga uye nekuturira zvivi zvenyika kwaari. Izvi ndizvo chaizvo zvazvinoreva.
Zvinorevei kuti kuzadzisa kururama kose?
Zvinorea kushambidza zvivizvose kuburikidza nekuturira zvivi kuna Jesu
Saka Jesu paakabhapatidzwa kuti abvise zvivi zvoe zvenyika, zvivi zvose zvakabva zvaturirwa paari zvemazvirokwazvo here? Zvivi zvose zvenyika zvakatambidzwa kuna Jesu uye vanhu vose vakabva vadzikinurwa. Zvakangofanana nekutamidzwa kwzvivi pazvibairo muTestamene Yakare. Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani ndobva ati kuna Johane, “Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose” (Mateo 3:15).
Johane akabva abhapatidza Jesu. Akaudza Johane kuti zvakanga zvakafanira kuti vazadzise kururama kose kuburikidza nebhapatidzo yake. Kuti “kururama kose” zvinoreva nenzira yakafanira zvakanyanya uye yakakodzera. Zvakare kuti “saizvozvo” zvinoreva kuti nenzira yekubhapatidzwa kururama kose kwakazadziswa. Izvi zvinoreva kuti zvakanga zvakakodzera kuti Johane abhapatidze Jesu, uye uti Jesu abhapatidzwe naJohane, kuti atambidze zvivi zvenyika kwaari.
Mwari vanopa dzikinuro maererano nebhapatidzo yaJesu, kubairwa kwavo paMuchinjikwa uye nekutenda kwedu. “Vanhu vose vanotambudzika nokuda kwechivi uye vanoshushwa nadhiabhorosi nekuda kwezvivi zvavo. Naizvozvo, kuti vaponeswe uye vagoenda kuDenga, iwewe Johane semumiriri wevanhu uye uri wedzinza raAroni unofanira kundibhapatidza kuitira vanhu vose. Ndichabhapatidzwa newe Johane. Ndiko kuti basa redzikinuro rizadziswe.”
“Ndinotenda kudaro,” Johane akapindura.
Saka Johane akabhapatidza Jesu. Akaisa maoko ake pamusoro waJesu ndokubva atambidza zvivi zvose zvenyika kwaari. Saizvozvo, Jesu akava Muponesi akashambidza zvivi zvedu zvose. Zvino, kutenda kudzikinuro yake kunotiponesa. Unotenda here?
Mushure mebhapatidzo yake paJorodhani, kuburikidza nemaoko emumiriri wevanhu vose, Jesu akafamba achienda kundoparidza evhangeri, kwemakore matatu nehafu, akatakura zvivi zvose zvenyika mumuviri wake, semabasa ake ekutanga muhushumiri.
Akaudza mukadzi akabatwa achipomba kuti, “Nenivo handikupi mhosva.” Iye aisakwanisa kumupa mhosva nekuti akanga atora zvivi zvake zvose uye akanga ava kuda kuzvifira paMuchinjikwa. Paakanga achinamata ari muGetsemane, akanamata katatu, achidembera Baba kuti vapfuudze mukombe uye kwaari, asi pakupedzisira akazozvigamuchira akati, “Kusava kuda kwangu asi kuve kuda kwenyu.”
“Tarirai Gwayana raMwari Rinobvisa Chivi Chenyika!”
Ko Jesu akabvisa zvivi zvakawanda sei?
Zvivi zvose zvepanyika
Johane 1:29 inoti, “Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, ‘Tarirai Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika.’” Johane Mubhapatidzi akabhapatidza Jesu uye pazuva rakatevera, Jesu akanga achiuya kwaari. Johane akabva audza vanhu kuti, “Tarirai Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika!” Uhu ndiho huchapupu hwake.
Mwanakomana waMwari akauya panyika pano ndobva abvisa zvivi zvapo zvose. Johane Mubhapatidzi akapupura zvakare. Muna Johane 1:35-36, “Chifume chamangwana Johane akanga aripozve navadzidzi vake vaviri. Akati achiona Jesu achipfuura akati, ‘Tarirai Gwayana raMwari!’”
Kuti Gwayana raMwari zvinoreva kuti Jesu ndiye chibairo chezvokwadi chakarehwa muTestamende Yakare, icho chaifira zvivi zvevaIsraeri. Mwana waMwari anova ndiye Musiki akaburukira panyika pano akatora zvivi zvose zvako neni; zvivi zvose kubvira pakusikwa kwenyika kudzamara pakuguma kwayo, kubvira pachivi chekuvambira kusvikira pazvakaipa zvedu zvose, nekusasimba kwedu uye nekudarika kwedu. Akatidzikinura tose nebhapatidzo uye neropa rake paMuchinjikwa.
Jesu akabvisa zvivi zvedu zvose uye akapa dzikunuro yakakwana kunesu vanotenda. Uri kuzvinzwisisa here? “Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika.”
Makore anosvika zviuru zviviri apfuura zvino mushure mekuzvarwa kwaJesu panyika pano uye mugore ra 30.A.D, akatakura zvivi zvedu zvose. Jesu akazvarwa mugore ra 1 A.D. Nguva iyo Jesu anga asati azvarwa tinoidaidza kuti B.C (Before Christ). Patova nemakore anokwana zviuru zviviri Jesu auya pano panyika.
Mugore ra 30A.D., Johane Mubhapatidzi akabhapatidza Jesu uye pazuva rakatevera, Johane akadaidzira kuvanhu achiti, “Tarirai Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika!” “Tarirai!” Akaudza vanhu kuti vatende kuna Jesu, uyo akanga abvisa zvivi zvavo zvose. Akapupura kuti Jesu aiva Gwayana raMwari, iro rakatinunura pazvivi zvedu zvose.
Jesu akabvisa zvivi zvedu zvese uye akapedza hondo yechivi yaigara ichitinetsa. Zvino hatichina chivi sezvo Mwanakomana waMwari akazvibvisa. Johane Mubhapatidzi akapupura kuti Jesu akanga atora zvivi zvedu zvose, zvivi zvako iwe neni. “Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye” (Johane 1:7).
Ko tingadai takaziva sei kuti Jesu akabvisa zvivi zvedu zvose pasina huchapupu hwaJohane? Bhaibheri rinotiudza nguva zhinji kuti Jesu akatifira, asi Johane Mubhapatidzi ndiye akapupura zvakajeka kuti Jesu akatakura zvivi zvedu zvose.
Ko kuti chivi chenyika zvinorevei?
Zvinoreva zvivi zvose zvevanhu kubvira pamavambo kusvika pamagumo enyika
Vazhinji vakazopupura zvokwadi iyi mushure mekufa kwaJesu, asi Johane chete ndiye akapupura Jesu achiri mupenyu. Hongu, vadzidzi vaJesu vakapupurawo nezvedzikinuro yaJesu.
Vakapupura kuti Jesu akabvisa zvivi zvedu, nekuti Jesu ndiye Muponesi. Jesu akabvisa zvivi zvenyika. Zvino, wadiwa muverengi, hausati wasvitsa makore zana handiti? Jesu akabvisa zvivi zvenyika paakanga aine makore makumi matatu. Cherechedza mufananidzo uri pasi.
Ngatitii munhu wekutangwa akasikwa makore zviuru zvina Jesu asati auya panyika. Uye zvino pave nemakore anoraudzira zviuru zviviri Jesu auya panyika. Hatizivi kuti nyika ichaguma rini, asi magumo achauya rimwe ramazuva zvirokwazvo. Mwari vanoti, “Ndini Arifa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, kutanga nokuguma” (Zvakazarurwa 22:13).
Zvirokwazvo magumo achavapo. Zvino tiri mugore ra2019. Kristu akatora zvivi zvedu mugore ra 30A.D., makore matatu asati afira paMuchinjikwa.
“Tarirai Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika.” Akabvisa zvivi zvenyika, zvivi zvako neni. Zvino tapfuura makore zviuru zviviri mushure mekuzvarwa kwaJesu uye tiri kurarama mukati memakore anoda kukwana zviuru zviviri mushure mekunge Jesu abvisa zvivi zvedu. Tichiri kungorarama tichitadza zuva nezuva, asi Jesu ndiye Gwayana rakatora zvivi zvose zvenyika nechekare.
Tinotanga kurarama tichitadza munyika muno kubvira panguva yatinozvarwa. Tose tinotadza kubvira panguva yatinozvarwa here? Hongu tinodaro. Ngaticherechedzei nhevedzo yazvo. Kubvira patinozvarwa kusvika tava nemakore gumi, tinotadza here? - Hongu. - Ko zvivi izvozvo zvakaturirwa kuna Jesu here? - Hongu. - Sezvo zvivi zvose zvakaiswa kuna Jesu, ndiye Muponesi wedu. Dai zvanga zvisina kuiswa, aigozova Muponesi wedu seiko? Zvivi zvose zvakatambidzwa kuna Jesu.
Kubvira patinenge tiine makore gumi nerimwe kusvikira pamakumi maviri, tinenge tichitadza here? Tinotadza mumoyo yedu ye muzviito zvedu… Izvi ndizvo zvinhu zvatinogona chaizvo. Takadzidziswa kuti tisatadza, asi tinowanikwa tichitadza nekuda kwechibarirwo chazvo.
Mwari vanotiudza kuti zvivi zvose zvakaiswa kuna Jesu. Jesu anoziva kuti isu taiva neutadzi, saka akagara atakura zvivi zvose izvozvo nechekare.
Tinorarama panyika pano kwenguva yakareba zvakadini? Ngatitii kwemakore makumi manomwe. Kana ukaunganidza zvivi zvose zvawakaita pamakore makumi manomwe iwawo, mutoro wacho ungava unorema sei? Kana ukaiswa murhori, zvichida ungatozoda magonyeti zana.
Edza kufunga kuti tichaita zvivi zvakadii pahupenyu hwedu hwese. Zvivi izvozvo ndizvo zvivi zvenyika here, kana kuti hazvisi? Ndizvo chikamu chezvivi zvenyika. Tinotadza kubvira patinozvarwa, kusvika tiite makore gumi, kubvira pagumi kuenda pamakumi maviri, kubva pamakumi maviri kuenda pamakumi matatu… kudzamara tife, asi zvivi zvose izvozvo zvakaiswa pachivi chenyika chakaturirwa pana Jesu paakabhapatidzwa.
Jesu Kristu, Muponesi weVanhu
Jesu akabvisa zvivi zakawanda sei?
Akabvisa zvivi zvose zvemadzitateguru edu, uye nezvedu pamwe nezvevana vedu vachauya kusvika pamugumo wenyika
Jesu anotiudza kuti akauya panyama kuzoshambidza zvivi zvose izvozvo. Asi hazvayiita kuti azvibhapatidze iye pachake, saka Mwari vakatuma muranda wavo kumberi kwaJesu, uyo akanga ari mumiriri wevanhu vose akagadzwa. Sezvazvakanorwa, ‘Uye achanzi Gota Rinoshamisa, Mwari Ane Simba.’ Nokuda kwavo, nenjere dzavo uye nemano avo, Mwari vakatuma mumiriri wevanhu kumberi, pamwe naJesu pachake, Mwanakomana waMwari uyo akauya panyama kuzotora zvivi zvose zvenyika. Harusi ruponeso rwepindiro yaMwari yakadzama rwunoshamisa here urwu?
Zvinoshamisa sei? Naizvozvo kubhapatidzwa kwaakaitwa kwakashambidza zvivi zvose zvevanhu pasi pose pamwe nekusunungura munhu wese pazvivi kuburikidza nekuroverwa kamwechete zvachose. Akatisunungura tose. Imbofunga nezvazvo. Ngaticherechedzei zvivi zvako zvose kubvira pamakore makumi maviri kusvika pamakumi matatu, kana kubva pamakumi patatu kusvika pamakumi mana, kana kubva pamakumi mana kusvika pamakumi matanhatu, kusvika pamakumi manomwe, kusvika zana, pamwe nezvivi zvevana vako. Jesu akadzima zvose izvi here? Hongu, akadzima zvose. Ndiye Jesu Kristu, Muponesi wevanhu.
Sezvo Johane Mubhapatidzi akaisa zvivi zvedu zvose kuna Jesu, uye nekuda kwekuti Mwari vakanga vakazvironga saizvozvo, tinogona kuponeswa kuburikidza nekutenda kwaari. Iwe neni tiri vatadzi here? Ko zvivi zvedu zvakaturirwa kuna Jesu here? - Hatichazi vatadzi nekuti zvivi zvedu zvakaiswa kuna Jesu kare. -
Ndiyani anoshinga kuti munyika muno mune chivi? Jesu akabvisa zvivi zvose zvenyika. Aiziva kuti tichazotadza zvakare saka akatoravo nezvivi zveramangwana. Vamwe vedu hatisati tava nemakore makumi mashanu uye vamwe havasati vararama hafu yeupenyu hwavo, asi unonzwa vachitaura nezveupenyu hwavo sekuti vachararama nekusingaperi.
Kune vazhinji vedu vari kurarama hupenyu hwakagozha. Regai nditsanangure nenzira iyi. Hafu yeupenyu hwenhunzi yakareba sei? Yakareba maawa gumi nemaviri.
“Nhaimi! Pane munhu andaona achida kunditswanya neshamhu! Zvandirwadza chose; handisati ndamboona munhu ane hutsinye hwakadaro pahafu yeupenyu hwangu hwese,” nhunzi yakafunga ichidaro. Nhunzi iyi yanga yangorarama maawa gumi nemaviri chete ende yakatadza kumira kukunukura. Asi zvakadaro, hafu yeupenyu hwayo yatopfuura.
Panozochaya nguva dzenomwe kana dzesere madekwani, nhudzi iyi inenge yatotarisana nemugumo weupenyu hwayo, uye pasina nguva yobva yafa. Dzimwe nhunzi dzinorarama maawa makumi maviri, dzimwe makumi maviri neimwe, uye dzimwe ndidzo dzinorarama kusvika pamaawa makumi maviri nemana. Dzinogona kutaura nezveupenyu hwadzo, asi zvinoratidza chii kwatiri? Sezvo tichirarama makore angasvika makumi manomwe kana masere, tinogona kutoti kwadziri, “Haikona kuda kundisetsa.” Zvadzinosangana nazvo hazvina maturo mumeso edu.
Ngatishandise mufananidzo uyu kuhukama hwedu naMwari. Mwari haana mugumo. Anorarama nekusingaperi. Ndiye anosarudza mavambo nemagumo enyika. Sezvo asina mugumo, anorarama mukusingaperi kunoraudzira kusingaperi. Anotitarisa kubva pamuono wekusingaperi kwake.
Pane imwe nguva, vakabvisa zvivi zvose zvenyika, vakafira paMuchinjikwa, vakati, “Zvapera.” Akamutswa nezuva retatu uye akakwira kuDenga. Zvino agere mukusingaperi. Parizvino, anotarisa pasi achiona umwe neumwe wedu.
Zvichida umwe angati, “Nhaimi, inga ndakatadza chaizvo. Nyangwe zvazvo ndararama makore makumi maviri chete, ndakatadza zvakanyanyisa.” “Ndararama makore makumi matatu asi ndakatadza zvikuru kwazvo. Zvakanyanyisa izvi. Ko ndingava munhu asina chivi sei?”
Asi Ishe wedu, muhusingaperi hwavo, vanobva vati, “Haikona kundisetsa. Handina kudzikinura zvivi zvako kusvika parizvino bedzi, asi ndakadzikinura kunyange nezvemadzitateguru ako iwe usati wazvarwa uye nezvivi zvemarudzi achazotevera mberi kwako mushure mekufa kwako.” Vanotaura izvi kwauri vakatarisa chiringazuva chekusingaperi. Unotenda kudaro here? Tenda kuti ugowana chipo cheruponeso chinopiwa pachena kwauri. Pinda Humambo hweDenga
Haikona kuzvisunga nendangariro dzako, asi tenda kumashoko aMwari. ‘Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.’ Gwayana raMwari rinobvisa zvivi zvenyika rakazadzisa kururama kose nechekare. Jesu akabvisa zvivi zvose zvenyika. Akabvisa here kana kuti haana? Akabvisa.
Ko Jesu akataura kuti chii asati afema kekupedzisira kuti afe?
“Zvapera.”
Jesu Kristu akabvisa zvivi zvose zvenyika kuburikidza nebhapatidzo yake, uye akatongerwa rufu mudare raPirato ndobva aroverwa paMuchinjikwa.
“Akatakura muchinjikwa wake, akabuda akaenda kunzvimbo yeDehenya (zvichireva kuti Gorogota muchiHeberu). Ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa nevamwe vaviri, mumwe kune rumwe rutivi nomumwe kune rumwe rutivi uye Jesu ari pakati. Pirato akanyora chiziviso akachiisa paMuchinjikwa. Chaiva chakanyorwa kuti: JESU WENAZARETA, MAMBO WAVAJUDHA. VaJudha vazhinji vakaverenga zvakanga zvakanyorwa pachikwangwani ichi, nokuti nzvimbo yakaroverwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye chikwangwan ichi chaiva chakanyorwa nechiHebheru, chiRatini uye nechiGiriki” (Johane 19:17-20).
Ngatitarisei kuti chii chakaitika mushure mekuroverwa kwaJesu paMuchinjikwa. “Shure kwaizvozvo, achiziva kuti zvose zvainge zvapera zvino, uye kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe, Jesu akati, ‘Ndava nenyota.’ Pakanga pane mudziyo waiva nevhiniga ipapo, saka vakanyika chipanje imomo, vakaisa chipanje pachitanda chehisopi, vakachisimudzira kumuromo waJesu. Akati anwa, Jesu akati, ‘Zvapera.’ Nokudaro, akakotamisa musoro wake uye akabudisa mweya wake” (Johane 19:28-30).
Akati anwa vhiniga, akadaidzira achiti, “Zvapera!” ndokubva akotamisa musoro wake akafa. Akafa zvamazvirokwazvo. Jesu Kristu akamuka nezuva retatu uye akazokwira kuDenga.
Ngatierengei VaHeberu 10:1-9. “Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo, haungatongogoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibairo zvimwechetezvo zvavanoramba vachibaira kuna Mwari, vakwaniswe. Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubairwa here? Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga; nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi. Naizvozvo Kristu, paakauya munyika muno, akati, ‘Chibairo nechipo hamuna kuzvifarira, asi muviri wamakandigadzirira; zvibairo zvinopiswa nezvibairo zvezvivi hamuna kufadzwa nazvo.’ Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano, mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu, ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ Pakutanga akati, ‘Zvibairo nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo’ (kunyange zvazvo murairo waida kuti zviitwe). Ipapo iye akati, ‘Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.’ Akabvisa chekutanga kuti aise chechipiri.”
Dzikinuro Yekusingaperi
Ko tingagadzirisa sei dambudziko rechivi chezuva nezuva mushure mekutenda kuna Jesu?
Nekutsinhira kuti Jesu akadzima kare zvivi zvose kuburikidza nebhapatidzo yake
Mune mamwe manzwi, tsika yekubaira yakanga iri mumvuri wezvinhu zvakanaka zvaizoiya. Zvibairo zvemuTestamende Yakare, zvemakwayi nembudzi, zvakaratidza kwatiri kuti Jesu Kristu achazouya kuzobvisa zvivi zvedu nenzira imwecheteyo kuti agodzima zvivi zvedu.
Vanhu vese vemuTestamende Yakare, kusanganisira Dhavhidhim Abhurahama nevamwe, vaitenda zvakanga zvichireva tsika yekubaira kwavari. Yairatidza kuti Mesiya, iye Kristu (kuti Kristu zvinoreva kuti Mambo Akazodzwa) achazouya rimwe remazuva kuzoshambidza zvivi zvavo zvose. Vaitenda kudzikinuro yavo uye vakaponeswa nekutenda kwavo.
Murairo wakanga uri mumvuri wezvinhu zvakanakan zvaizouya. Kupira zvibairo pazvivi zvazo zuva nezuva, gore negore, hazvaikwanisa kuvadzikinura zvachose. Naizvozvo, iye akakwaniswa uye asina mugumo, iye asina chipomerwa, Mwanakomana waMwari, aifanira kutouya panyika.
Jesu akataura kuti akauya kuzoita kuda kwaBaba vake, sezvazvakanyorwa mubhuku umo makanyorwavo nezvake. “Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano, mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu, ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ Akabvisa chekutanga kuti aise chechipiri.”
Ngativerengei vaHeberu 10:10. “Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibairo chomuviri waJesu Kristu chakabayirwa kamwe chete zvikapera.” Nekuda kwavo uku takaitwa vatsvene kuburikidza nechibairo chemuviri waJesu Kristu chakabairwa kamwechete zvachose. Ko takaitwa vatsvene here? Hongu takaitwa?
Ko zvinoreva kuti kudini? Mwari Baba vakatuma Mwanakomana wavo ndobva aturirwa zvivi zvedu zvose kubrikidza nebhapatidzo yake. Akamutonga kamwechete zvachose paMuchinjikwa. Saizvozvo akatisunungura tose isu takanga tichitambudzika nechivi. Uku ndiko kuda kwaMwari.
Kuti atidzikinure, Jesu akazvipira sechibairo chekusingaperi kamwechete zvachose kuti tiitwe vatsvene. Tinofanrira kuitwa vatsvene nekuti Jesu akazvibaira nokuda kwezvivi zvedu uye akatifira kuti tisazotongwa.
Chibairo chemuTestamende Yakare chaipirwa zuva nezuva nekuti zvivi zvezuva rimwe nerimwe zvaida chipiriso kuti zvishambidzwe.
Dudziro YepaMweya Yekushambidzwa Kwetsoka dzaPita naJesu
Kuchiri nezvimwe zvivi here zvinoda kuti tiite minamato yekukumbira ruregerero?
Kwete
Muna Johane 13, mune nyaya yaJesu achishambidza tsoka dzaPetro. Akashambidza tsoka dzaPetro kuti aratidze Petro kuti acharamba achitadza pane ramangwana uye kumudzidzisa kuti akatodzikinura zvivi izvozvo nechekare. Jesu aiziva kuti Petro achazotadza zvakare pane ramangwana, saka akadira mvura mudhishi ndokushambidza tsoka dzake.
Petro akaedza kuda kuramba asi Jesu akati kwaari, “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.” Ndima iyi inoreva kuti, ‘Uchatadza zvakara mushure mazvo. Uchandiramba uye ugotadza zvakare mushure mekushambidza tsoka dzako kwandaita. Ucharamba uchitadza kunyange mushure mekukwira kwandichaita kuDenga. Naizvozvo, ndiri kushambidza tsoka dzako kuti ndiyambire Satani kuti asakuedza nekuti ndakabvisa zvivi zvako kusanganisira nezvausati wapara.’
Unofunga kuti akashambidza tsoka dzaPetro kuti atiratidze kuti tinofanira kureurura zuva nezuva here? Kwete. Kana dai taifanira kureurura zuva nezuva kuti tidzikinurwe, zvinoreva kuti Jesu angadai asina kubvisa zvivi zvedu zvose kamwechete zvachose.
Asi Jesu akataura kuti akatiita vatsvene kamwechete kuitira zvachose. Kana dai taifanira kureurura zuva nezuva, zvaitoreva kuti taifanira kudzokera kunguva yeTestamende Yakare. Ndiyana aizova wakarurama pakadaro? Ndiyani aigona kudzikinurwa zvakazara? Kunyange kana tichitenda kuna Mwari, ndiyani angagona kurarama asingatadzi?
Ndiyani angaitwa mutsvene nekureurura? Tinotadza kasingaperi zuva nezuva, saka tingagokumbira ruregerero rwechivi chimwe nechimwe sei? Ko tingagoitireiko nharo zvekusvika pakumunetsa zuva nezuva kuti tidzikinurwe? Tinogona kutosvika manheru tatokanganwa zvivi zvataita mangwanani, uye zvivi zvataita manheru zvinenge zvatokanganwika mangwanani. Hazvigoneki kuti tireurure zvakakwana zvivi zvedu zvose.
Naizvozvo, Jesu akabhapatidzwa kamwechete ndobva azvipira paMuchinjikwa kamwechete kuti tigova vakarurama nguva imwechete. Uri kuzvinzwisisa here? Takadzikinurwa pazvivi zvedu kamwechete zvachose. Hatidzikinurwe poga poga patinoreurura.
Takaponeswa pazvivi zvedu kuburikidza nekutenda kuti Jesu akabvisa zvivi zvedu zvose, zvakowo nezvangu.
“Zuva nezuva muprista mumwe nemumwe aimira ushumiri hwake nokuramba achibaira zvibairo zvimwechetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi. Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwechete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari. Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake, nokuti nechibayiro chimwecheteakaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi. Mweya Mutsvene anotipupurirawo pamusoro peizvi. Kutanga anoti: ‘Iyi ndiyo sungano yandichaita navo mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirairo yangu mumoyo yavo, uye ndichainyora mundangariro dzavo.’ Ipapo anotizve: ‘Zvivi zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangarirazve.’ Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisinazve chimwe chibairo chezvivi” (VaHeberu 10:11-18).
Zvinorevei kuti, “Zvino kana izvi zvaregererwa” pavhesi 18 iyo? Zvinoreva kuti chivi pachacho, chivi chipi zvacho, chakaregererwa nokusingaperi, pasina chakasiyirirwa. Mwari akazvidzima zvose ndobva atiregerera tose. Unozvibvuma here izvi? “Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisinazve chimwe chibairo chezvivi.”
Ngatichimbopendera zvakakurukura kusvika parizvino Kana dai Johane Mubhapatidzi akanga asina kuisa maoko ake pana Jesu, mune mamwe manzwi dai akanga asina kubhapatidza Jesu tingadai takadzikinurwa here? Kwete! Ngatimbofungai tichidzokera kumashure. Kana dai Jesu akanga asina kugadza Johane Mubhapatidzi semumiriri wevanhu vose uye asina kubvisa zvivi zvedu kuburikidza naye, angadai akazoshambidza zvivi zvedu zvose here? Zvirokwazvo angadai asina.
Murairo waMwari wakachechetera. Une enzanisiro. Hazvayiita kuti angotaura iye kuti aiva Muponesi wedu uye kuti akabvisa zvivi zvedu zvose. Aifanira kutobvisa zvivi zvedu achinatsozviita panyama. Ko sei Jesu anova iye mwari akauya kwatiri panyama? Akauya kuti azobvisa zvivi zvose zvevanhu kuburikidza nebhapatidzo yake. Jesu aiziva kuti zvivi zvose zvakanga zviri pamoyo yedu uye nemunyama yedu hazvaigona kudzimika kunze kwekuti atouya panyama kuti apirwe sechibairo chekusingaperi.
Kana dai Jesu akanga asina kubhapatidzwa, zvivi zvedu zvingadai zvakaramba zvichingovapo. Kana dai akaroverwa asati atanga atakura zvivi zvedu, kufa kwake kungadai kusina zvakunoreva. Kungadai kusina chekuita nesu. Kungadai kusina zvakunoreva zvachose.
Saka Jesu paakatanga hushumiri hwake aine makore makumi matatu, akaenda kuna Johane Mubhapatidzi paJorodhani kuti abhapatidzwe. Hushumiri hwake muvanhu hwakatanga aine makore makumi matatu ndobva hwapera aine makore makumi matatu nematatu. Paakanga aine makore makumi matatu, akaenda kuna Johane Mubhapatidzi kuti abhapatidzwe. “Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti vanhu vose vaponeswe uye vagova vakarurama. Chinhu chakafanira kuti tiite. Chindibhapatidza zvino.” Jesu Kristu akabhapatidzwa kuitira dzikinuro yevanhu vose.
Sezvo Jesu akabhapatidzwa ndobva abvisa zvivi zvedu zvose, uye nekuda kwekuti zvivi zvedu zvose zvakaiswa kwaari kuburikidza nemaoko aJohane Mubhapatidzi, Mwari pachavo vakatarira kudivi apo Jesu akanga achifa paMuchinjikwa. Kunyange zvazvo Jesu aiva Mwanakomana wavo oga, zvakanga zvakafanira kuti vabaire Mwanakomana wavo.
Mwari rudo, asi vakaita kuti Mwanakomana wavo afe. Saka kwakazova nerima kwemaawa matatu panyika yose. Jesu akadanidzira asati afa achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakiani?” zvichireva kuti “Mwari wangu! Mwari wangu, mandisiyireiko?” Jesu akatakura zvivi zvedu zvose ndobva agamuchira mutongo pachinzvimbo chedu paMuchinjikwa. Akatiponesa tose saizvozvo. Dai pasina bhapatidzo yaJesu, rufu rwake rwungadai rwusingarevi chinhu.
Uri mutadzi here kana kuti uri munhu akarurama?
Ndiri munhu akarurama asina kana chivi mumoyo mangu
Kana dai Jesu akafira paMuchinjikwa asina kutora zvivi zvedu zvose kuburikidza nebhapatidzo yake, rufu rwake rwungadai rwusina kuzadzisa dzikinuro. Kuti atidzikinure zvakakwana, Jesu akabhapatidzwa naJohane uyo akanga ari mumiriri wevanhu vose, ndobva agamuchira mutongo paMuchinjikwa kuitira kuti vose vanotenda kwaari vaponeswe.
Naizvozvo, kubvira pamazuva aJohani Mubhapatidzi kusvikira zvino, humambo hwekudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora. Zvivi zvedu zvakayananisirwa nekuti Johane Mubhapatidzi akaturira zvivi zvose zvenyika kuna Jesu. Iwe neni zvino tinodana Mwari kuti Baba vedu uye tinopinda Humambo hweDenga.
VaHeberu 10:18 inoti, “Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisinazve chimwe chibairo chezvivi.” Uchiri mutadzi here? Zvino sezvo Jesu akatoripira zvikwereti zvako zvose nechekare, unofanira kuramba uchibhadhara zvikwereti here?
Paiva neumwe murume anga ari chidhakwa zvekuti akanga ava nezvikwereti zvevanhu vazhiji kwazvo. Sezvineivo, rimwe zuva mwana wake akaita mari ndobva abhadhara zvikwereti zvababa vake zvose. Baba vake vakasara vasisina chikwereti zvisinei nekuti vakambenge vaine mari dzevanhu zhinji sei.
Izvi ndizvo zvatakaitirwa naJesu. Akaripira muripo wakatowanda kudarikidza nechekare kuitira zvivi zvedu zvose. Kwete zvivi zvepaupenyu hwedu bedzi asi zvivi zvose zvenyika ino. Zvose zvakaturirwa kuna Jesu paakabhaatidzwa. Zvino muchiri vatadzi here? Kwete, hamuchazi.
Kana dai takanga taziva evhanegri yedzikiuro ino kubvira pamavambo, zvingadai zvakava nyore sei kuti titende kuna Jesu! Asi inoita seitsva zvekuti vanhu vazhinji vanoshamiswa nayo.
Evhangeri iyi hachisi chinhu chitsva. Yakanga iriko kubvira pamavambo enhoroondo yemunhu. Takanga tisingangozive nezvayo chete. Evhangeri yemvura noMweya yakagara yakanyorwa muMagwaro uye yakagara ichibata basa. Yaingovapo nguva dzose. Yakanga irimo muBhaibheri iwe neni tisati taberekwa. Yakanga ichingovapo kubvisa pakusikwa kwenyika.
Evhangeri Yedzikinuro Yekusingaperi
Tinofanira kuita sei pamberi paMwari?
Tinofanira kutenda kuevhangeri yedzikinuro yekusingaperi
Jesu Kristu uyo akashambidza zvivi zvedu zvose akaita izvi iwe neni tisati taberekwa. Akazvibvisa zvose. Ko uchiri nechivi here? - Kwete. - Ko zvivi zvauchaita mangwana zvinogadziriswa sei? Zvakaiswavo pazvivi zvenyika izvo zvakatorwa kudhara.
Ngatibvise zvivi zvamangwana zvino. Zvivi zvatakaita zvose kusvika nhasi uno zvakaiswavo pazvivi zvenyika. Zvakatambidzwa kuna Jesu here? Hongu.
Ko zvivi zvamangwana zakaiswavo kuna Jesu here? Hongu, akazvibvisa zvose pasina chaakasiya. Haana kusiya kana chivi chimwechete zvacho. Evhangeri inotiudza kuti titende nemoyo yedu yose kuti Jesu akabvisa zvivi zvedu zvese, kamwechete ndokubva azviripira zvose.
‘Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu Mwanakomana waMwari’ (Marko 1:1). Evhangeri yeDenga nhau dzemufaro. Jesu anobvunza kuti, “Ndakabvisa zvivi zvako zvose. Ndiri Muponesi wako. Untenda kwandiri here?” Paruzhinji rwevanhu, vashomanana bedzi ndivo vakapindura vachiti, “Hongu, ndinotenda. Ndinotenda sekuudza kwamakatiita. Zvinhu zviri nyore zvekuti ndakazvinzwisisa pakarepo.” Avo vanopupura kutenda kwavo saizvozvo vanobva vava vakarurama saAbhurahama.
Asi vamwe vanoti, “Handingamboitendi. Yanga ichiratidza kuti itsva uye hainzwisisike.”
Asi Mwari vanoti, “Ingondiudza kuti ndakabvisa zvivi zvako zvose here kana kuti kwete?”
“Ah ndakadzidziswa kuti imi makatora chivi chekuvambira chete asi hamuna kutora zvivi zvangu zvezuva nezuva.
“Ndaona kuti wakachenjera chaizvo zvekuti unobvuma sezvaunenge waudzwa. Unofanira kuena kugehena nekuti handina chekutaura newe.
Kutenda kudzikinuro yake yakakwana kwakatiponesa. Vose vanoramba vachisimbirira kuti vane chivi vanofanira kuenda kugehena. Vakaita sarudza yavo vega.
Evhangeri yedzikinuro inotangira pahuchapupu hwaJohane Mubhapatidzi. Sezvo Jesu akashambidza zvivi zvedu zvose kuburikidza nekubhapatidzwa kwake naJohane Mubhapatidzi, isu tinoitwa vatsvene kana tichitenda.
Mupostori Pauro akataura zvakanyanya nezvaJesu mutsamba dzake. Muna VaGaratiya 3:27, tinonzwa kuti, “Nokuti imi mose makabhapatidzwa muna Kristu makazvifukidza naKristu.” Kuti ‘kubhapatidzwa muna Kristu’ zvinoreva kuti takabatanidzwa naKristu kuburikidza nekutenda kubhapatidzo yake. Jesu paakabhapatidzwa, zvivi zvedu zvose zvakatambidzwa kwaari kuburikidza naJohane Mubhapatidzi uye zvakashambidzwa zvose.
1 Petro 3:21 inoti, “Uye mvura iyi inofananidzira rubhapatidzo runokuponesaiwo zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yomuviri asi rubatso rwehana yakanaka kuna Mwari. Inokuponesai nekumuka kwaJesu Kristu.”
Avo chete vanotenda kuhuchapupu hwaJohane Mubhapatidzi, nekubhapatidzo yaJesu uye neropa repaMuchunjikwa ndivo vane nyasha dzedzikinuro inobva kumusoro.
Gamuchira bhapatidzo yaJesu sefananidziro yeruponeso mumoyo mako, ugoponeswa.