(1 Johane 5:1-12)
“Mumwe nemumwe anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, akaberekwa naMwari, uye mumwe nemumwe anoda baba anodawo mwana wavo. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari: kana tichida Mwari uye tichiita mirayiro yake. Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi, nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu. Ndiyaniko anokunda nyika? Ndiye chete anotenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari. Uyu ndiye akauya nemvura neropa, Jesu Kristu. Haana kuuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Uye Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ndiye chokwadi. Nokuti kune zvitatu zvinopupura zvinoti: Mweya, mvura neropa; uye zvitatu izvi zvinotenderana. Tinogamuchira uchapupu hwavanhu, asi uchapupu hwaMwari hukuru nokuti ndihwo uchapupu hwaMwari, hwaakapa pamusoro poMwanakomana wake. Munhu mumwe nomumwe anotenda kuMwanakomana waMwari ane uchapupu uhu mumoyo make. Munhu mumwe nemume asingatendi Mwari, akabva amuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda kupupura kwaMwari kwaakaita pamusoro poMwanakomana wake. Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake. Uyo ane Mwanakomana ane hupenyu, uyo asina Mwanakomana waMwari haana hupenyu.”
Jesu akauya nei?
Nemvura, neropa uye noMweya
Jesu akauya nemvura here? Hongu. Akauya nebhapatidzo yake. Mvura inomirira bhapatidzo yaJesu kubva kuna Johane Mubhapatidzi parwizi rweJorodhani. Bhapatidzo yedzikinuro iyi ndiyo yaakatora nayo zvivi zvose zvenyika.
Ko Jesu akauya neropa here? Hongu. Akauya panyama yemunhu uye akabhapatidzwa kuti abvise zvivi zvose zvenyika, ndobva aripira mubairo wechivi kuburikidza nekudeura ropa paMuchinjikwa. Jesu akauya neropa.
Ko Jesu akauya noMweya here? Hongu. Jesu ndiMwari, asi akauya saMweya panyama kuti ave Muponesi wevatadzi.
Vanhu vazhinji havatendi kuti Jesu akauya nemvura, neropa uye noMweya. Vanhu vashoma kwazvo vanotenda kuti Jesu ndiMambo wamadzimambo uye Mwari wevamwari zvamazvirokwazvo Vanhu vazhinji vachiri kushamiswa vachiti, ‘Ko Jesu Mwanakomana waMwari zveshuwa here, kana kuti mwanakomana wemunhu?’ Uye vazhinji kwazvo, kusanganisira vamwe vadudziri vebhaibheri pamwe nevafundisi, vanotenda kuti Jesu munhu uye haasi Mwari anova Muponesi uye uyo ane Huvepo hwakazara.
Asi Mwari vakataura kuti aninani anotenda kuti Jesu ndiMambo wemadzimambo ose, Mwari wechokwadi uye Muponesi chaiye, achaberekwa navo. Avo vanoda Mwari vanoda Jesu uye avo vanotenda kuna Mwari zvechokwadi vanotenda kuna Jesu nenzira imwechete.
Vanhu havangagoni kukunda nyika kudzamara vaberekwa patsva. Saizvozvo, Mupostori Johane akatiudza kuti vaKristu vezvokwadi chete ndivo vanogona kukunda nyika. Chikonzero icho vakatendeka vachigona kukunda nyika ndechekuti vane kutenda kumvura, neropa noMweya. Simba rekukunda nyika harigoni kubva pakuda kwemunhu, kana kuzama kwake kana chido chake.
“Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, asi kana ndisina rudo, ndakaita sedare rinorira kana ndarira dzinongoti ngwerengwere. Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo asi ndisina rudo handizi chinhu. Kana ndikagovera zvose zvandinazvo kuvarombo uye kana ndikaisa muviri wangu kuti upiswe asi kana ndisina rudo hazvibatsiri chinhu” (1 Vakorinde 13:1-3).
‘Rudo’ runotaurwa pano zvinoreva kuti Jesu akauya nemvura, neropa uye noMweya. MuBhaibheri, shoko rekuti ‘rudo’ rinoreva ‘rudo rwechokwadi’ (2 VaTesaronike 2:10). Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kuburikidza neMwanakomana wavo mumwe oga (1 Johane 4:9).
Uyo Anotenda kuMvura neRopa Ndiye Chete Anogona Kukunda Nyika
Ndiyani angakunda nyika?
Ndeuyo anotenda kudzikinuro yebhapatidzo yaJesu, neropa rake uye noMweya wake
1 Johane 5:5-6 inoti, “Ndiyaniko anokunda nyika? Ndiye chete anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari. Uyu ndiye akauya nemvura neropa, Jesu Kristu.”
Wadiwa vaKristu, Uyo akakunda Satani pamwe nenyika ndiJesu Kristu. Avo vanotenda kushoko remvura neropa noMweya zvaJesu vanokundawo nyika. Ko Jesu akakunda nyika sei? Kuburikidza nedzikinuro yemvura neropa noMweya.
MuBhaibheri, kuti ‘mvura’ zvinoreva kuti ‘bhapatidzo yaJesu’ (1 Petro 3:21). Jesu akauya panyika pano panyama. Akauya kuzoponesa vatadzi vepanyika. Akabhapatidzwa kuti abvise zvivi zvevatadzi vose uye akafira paMuchinjikwa kuti ayananisire zvivi izvozvo.
Kuri ropa repaMuchinjikwa zvinoreva kuti Jesu akauya panyika nomuviri wenyama yemunhu. Akauya nomuviri wenyama inotadza kuti aponese vatadzi uye akabhapatidzwa nemvura. Naizvozvo, Jesu akauya kwatiri nemvura neropa. Mune mamwe manzwi, akabvisa zvivi zvose zvenyika nemvura yebhapatidzo yake uye neropa rekufa kwake.
Ko Satani akatonga nyika sei? Satani akaita kuti vanhu vakahadzike paShoko raMwari ndobva adyara mhodzi dzekusaterera mumoyo yavo. Satani anoedza kushandura vanhu kuti vaite varanda vake kuburikidza nekuvanyengera kuti vasaterera Shoko raMwari.
Asi Jesu akauya panyika pano ndobva adzima zvivi zvavo zvose nemvura yebhapatidzo yake uye neropa rake paMuchinjikwa: akakunda Satani uye akadzima zvivi zvose zvenyika.
Izvi zvakaitika nekuti Jesu Kristu akanga ari Muponesi wevatadzi. Akava Muponesi wedu nekuda kwekuti akauya nemvura neropa.
Jesu Akabvisa Zvivi Zvose zveNyika neBhapatidzo yeDzikinuro Yake
Ko zvinorevei kuti Jesu akakunda nyika?
Zvinoreva kuti akabvisa zvivi zvose zvenyika
Sezvo Jesu akabhapatidzwa kuti abvise zvivi zvose zvenyika ndokuva azvifira kuti azviyananisire, akatisunungurawo pazvivi zvose. Nekuda kwekuti Jesu akabhapatidzwa murwizi rweJorodhani naJohani Mubhapatidzi, mumiriri wevanhu vose, zvivi zvose zvenyika zvakaiswa kwaari. Jesu akapira upenyu hwake paMuchinjikwa akaripira mubairo wechivi. Akakunda simba raSatani nerufu rwake uye nekumuka kuvakafa. Jesu akaripira muripo wezvivi zvedu zvose nerufu rwake.
Jesu Akauya kuVatadzi neMvura yeBhapatidzo Yake Uye neRopa reMuchinjikwa
Ko Jesu akakunda simba raSatani sei?
Kuburikidza nebhapatidzo yake, neropa uye noMweya
Mupostori Johane akataura kuti dzikinuro haina kuuya nemvura chete asi nemvura uye neropa. Naizvozvo, sezvo Jesu akatora zvivi zvose uye akabvisa zvivi zvedu nekusingaperi, vatadzi vose vachaponeswa pazvivi kuburikidza kwaari uye nekutendeka kumashoko avo.
Jesu paakauya panyika, haana kungotora zvivi zvedu bedzi, asi akazviripirawo kuburikidza nekudeura ropa paMuchinjikwa kudzamara. Akabvisa zvivi zvedu zvose nebhapatidzo yake muJorodhaniuye akaripira mibairo yezvivi izvozvo paMuchinjikwa; akaripira zvivi zved nerufu rwake. Murairo wakarurama waMwari uyo wakati ‘mubairo wechivi ndirwo rufu’ (VaRoma 6:23) wakazadziswa.
Ko Jesu airevei nekuti kukunda nyika? Kutenda kunokunda nyika ndiko kutenda kuevhangeri yedzikinuro yakapiwa kwatiri naJesu kuburikidza nemvura uye neropa. Jesu akauya panyama uye akapupura ruponeso nebhapatidzo yemvura uye nerufu rwake paMuchinjikwa.
Jesu akakunda nyika, kureva Satani. Vadzidzi vekereke yekuvambira vakamira nesimba kunyange vakatarisa nekuurayiwa kwevatsvene pamusaka pekuramba kuzviisa pasi pehumambo hwechiRoma kana kuzviedzo zvipi hazvo zvenyika ino.
Zvose izvi zvakadaro nekuda kwekutenda kwavo kuti Jesu akauya nemvura (Akabhapatidzwa kuti abvise zvivi zvedu zvose), uye ropa rake paMuchinjikwa (Akaripira mubairo wezvivi zvedu zvose nerufu rwake).
Jesu akauya paMweya (Akauya panyama yemunhu), ndobva abvisa zvivi zvevatadzi nebhapatidzo yake uye neropa rake paMuchinjikwa kuti isu tose tichazodzikinurwa tigone kukunda nyika.
Mvura Iyi Inofananidzira Rubhapatidzo Runokuponesaiwo Zvino, Nokumuka kwaJesu Kristu (1 Petro 3:21)
Fananiso yeruponeso chii?
Ibhapatidzo yaJesu
Zvinonzi muna 1 Petro 3:21, “Uye mvura iyi inofananidzira rubhapatidzo runokuponesaiwo zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yomuviri asi rubatso rwehana yakanaka kuna Mwari. Inokuponesai nekumuka kwaJesu Kristu.” Mupostori Petro akapupura kuti Jesu ndiye Muponesi uye kuti akauya nemvura yebhapatidzo uye neropa.
Nekuda kwaizvozvo, tinofanira kutenda kuna Jesu uyo akauya nemvura uye neropa. Tinofanira kuzivavo kuti mvura yebhapatidzo yaJesu ndiyo fananiso yeruponeso rwedu. Mupostori Petro akatiudza kuti ‘mvura’ yebhapatidzo, ne ‘ropa’ no ‘Mweya’ ndizvo ‘zvikwanisiro zvakakwana’ zvedzikinuro.
Vadzidzi vaJesu vaitenda kuropa raJesu kuburikidza nebhapatidzo yaJesu. Kutenda kuropa chete ndiko kuva nehafu yekutenda kwechokwadi. Kutenda kunobva pazvokwadi isina kukwana kunochepa nenguva. Asi kutenda kweavo vanotenda kuevhangeri yemvura neropa uye noMweya kunokura kuchisimba nenguva.
Inzwi reevhangeri yeropa chete riri kukura kwazvo munyika mazuvano. Ko nei zvichidaro? Vanhu havazivi Shoko rezvokwadi, redzikinuro yemvura noMweya, saka havagoni kuberekwa patsva.
Pane imwe nguva, makereke enyika dzekuMavirazuva dzakawira muhuranda hwezviun’anga. Makereke aya akaratidza seari kubudirira kwenguva duku, asi varanda vaSatani vakabatsira kushandura kutenda kwavo kuti kuve un’anga.
Un’anga ndiko kutenda kuti dhiabhorosi anotiza kana munhu akanyora chipiyaniso pabepa kana kuveza chipiyaniso, uye kuti Satani anodzingwa pamunhu kana akapupura kutenda kwake kuropa raJesu. Kuburikidza neizvi pamwe nezvimwe zvitendo zveun’anga, Satani akanyengera vanhu kuti vatende kuti vaifanira kungotenda kuropa raJesu bedzi. Satani anonyepedzera kutyiswa neropa, achiti iye chinhu chimwechete chakaitirwa vatadzi naJesu ndechekudeura ropa paMuchinjikwa.
Asi Petro pamwe nevamwe vadzidzi vose vakapupura evhangeri yezvokwadi yebhapatidzo yaJesu uye neropa repaMuchinjikwa. Ko vaKristu vanhasi uno vanopupura zvipi? Vanopupura ropa raJesu bedzi.
Tinofanira kutenda kumashoko akanyorwa muBhaibheri uye tigova nekutenda kuruponeso rwoMweya, nebhapatidzo yaJesu uye neropa rake. Kana tikasava nehanya nebhapatidzo yaJesu uye tikangopupura kuti Jesu akatifira paMuchinjikwa bedzi, ruponeso rwedu harwungazadziswi.
‘Shoko reHuchapupu’ hweRuponeso rwaMwari rweMvura
Ko ndeupi humbowo hwekuti Mwari akatiponesa?
Mvura, ropa noMweya
Muna 1 Johane 5:8, Ishe vanoti, “Kune zvitatu zvinopupura panyika.” Chekutanga Mweya, chepiri imvura yebhapatidzo yaJesu uye chetatu iropa rake paMuchinjikwa. Zvitatu izvi chinhu chimwechete. Jesu akauya panyika pano kuzotiponesa tose pazvivi izvi. Iye bedzi akaita izvi nezvitatu zvinoti bhapatidzo, ropa noMweya.
‘Kune zvitatu zvinopupura.’ Kune zvinhu zvitatu zvinofakaza kuti Mwari vakatiponesa. Zvipande zvitatu zvehumbowo izvi zvinotii bhapatidzo yaJesu, ropa rake uye noMweya.
Izvi ndizvo zvinhu zvitatu zvatakaitirwa naJesu panyika pano. Kana chimwe chezvitatu izvi chikabviswa, ruponeso harwungazadzikiswi. Kune zvitatu zvinopupura panyika: Mweya, nemvura uye neropa.
Jesu Kristu uyo akauya kwatiri panyama ndiMwari, ndiMweya uye Mwanakomana waMwari. Akadzika panyika pano soMweya panyama yemunhu ndobva abhapatidzwa mumvura kuti abvise zvivi zvose zvenyika. Akatakurira zvivi zvose panyama yake, akaponesa isu vatadzi kuburikidza nekudeura ropa rake kudzamara afa paMuchinjikwa. Akaripira mubairo wakakwana wezvivi zvedu zvose. Ndiyo evhangeri yedzikinuro yakakwana kuburikidza nemvura, neropa uye noMweya.
Kana chimwe zvacho chezvitatu izvi chikasiiwa, zvinenge zvangofanana nekuramba ruponeso rwaMwari, urwo rwakatiponesa pazvivi zvose. Kana dai taibvumirana neruzhinji rwevatendi nhasi uno, tingadai tichiti ‘kune zviviri zvinopupura panyika: zvinoti ropa noMweya.’
Asi Mupostori Johane akataura kuti kune zvitatu zvinopupura: zvinoti mvura yebhapatidzo yaJesu, neropa repaMuchinjikwa uye noMweya. Mupostori Johane akanatsojekesa izvi muhuchapupu hwake.
Kutenda kunodzikinura mutadzi ndiko kutenda kuMweya, nemvura neropa. Ko kutenda kunoita kuti munhu akunde nyika ndekupi? Ko tinowana kupi kutenda kwakadaro? Kunowanikwa muBhaibheri. Ndiko kutenda kuna Jesu uyo akauya nemvura, neropa uye noMweya. Tenda kwazviri kuti ugamuchire ruponeso uye nehupenyu husingaperi.
Ko ruponeso rwaMwari rwakakwana here pasina bhapatidzo yaJesu?
Kwete
Kare kare, ndisati ndaberekwa patsva, kana nenivo ndaimbove muKristu aitenda kuropa raJesu repaMuchinjikwa bedzi nekuMweya. Ndaitenda kuti Jesu akaburuka panyika paMweya ndobva andifira paMuchinjikwa kuti andiponese pazvivi zvose. Ndaitenda kuzviviri izvi chete uye ndaitozvipira kwazvo ndichitozviparidziravo kuvanhu vose.
Ndaiva ndatoronga kuti ndiende kuchikoro chezvidzidzo zveBhaibheri kuti ndiite mufundisi ndobva ndashandira pamwe nekufira moyo yose yakarasika, sezvakaitwa naJesu. Ndakarongavo zvinhu zvikuru kwazvo zvemhando yepamusoro.
Asi sezvo ndaitenda kuzvinhu zviviri bedzi, mumoyo mangu maingova nechivi. Nokuda kwaizvozvo, ndaikonewa kukunda nyika. Ndaisagona kusunungurwa pachivi. Ndakaramba ndiine chivi mumoyo mangu nekuda kwekutena kuropa noMweya chete.
Chikonzero ndakaramba ndine chivi mumoyo mangu, nyangwe zvazvo ndaitenda kuna Jesu, ndechekuti ndaisaziva nezvemvura, inova bhapatidzo yaJesu. Kusunungurwa kwangu kwaiva kusina kukwana kudzamara pandakadzikinurwa nekutenda kwangu kwakakwana kumvura yebhapatidzo, neropa uye noMweya.
Ndaisakwanisa kukunda zvivi zvepanyama nekuti ndaisaziva dudziro yebhapatidzo yaJesu. Kunyange nanhasi, vanhu vazhinji vanotenda kuna Jesu asi vachiri kuita zvivi zvepanyama. Vachiri nechivi mumoyo yavo uye vanoedza zvichiramba kuti vamutsidzire rudo rwavo kuna Jesu rwavaive narwo pakutanga.
Havagoni kumutsidzira shungu dzavaiva nadzo pakutanga nekuti Havana kubvira vashambidzwa zvivi zvavo zvose nemvura. Havazivi kuti zvivi zvavo zvose zvakaiswa kuna Jesu paakabhapatidzwa, uye havagoni kudzoka pakutenda kwavo mushure mekuwa.
Ndinoda kujekesa izvi kwamuri mese. Tinogona kurarama nekutenda pamwe nekukunda nyika kana tichitenda kuna Jesu. Nyangwe tikange tisina kukwana sei, uye nyangwe tichitadza sei panyika pano, kana tichitenda kuna Jesu seMuponesi wedu akatisunungura zvachose pachivi nebhapatidzo yake uye neropa rake rakadeuka, tinomira tiri vakundi.
Asi kana tichitenda kuna Jesu pasina mvura yebhapatidzo yake hatingagoni kudzikinurwa zvakakwana. Mupostori Johane akatiudza kuti kutenda kunokunda nyika ndiko kutenda kuna Jesu Kristu uyo akauya nemvura yebhapatidzo, neropa uye noMweya.
Mwari akatuma Mwanakomana wavo umwe uga kuzodzikinura avo vanotenda kubhapatidzo uye neropa rake. Jesu akabvisa zvivi zvedu zvose nebhapatidzo yake. Jesu, Mwanakomana waMwari oga, akauya kwatiri paMweya (munyama yemunhu). Akadeura ropa paMuchinjikwa kuripira mubairo wechivi. Jesu akasunungura vanhu vose pazvivi saizvozvo.
Kutenda kunoita kuti tikunde nyika kunobva pakutenda kuzvokwadi inoti Jesu akauya kwatiri nemvura, neropa uye noMweya, izvo zvakatisunungura tose pazvivi zvose.
Kana dai pakanga pasina mvura yebhapatidzo neropa raJesu, pangadai pasina ruponeso rwezvokwadi. Kana pasina zvitatu izvi, hataigona kuva neruponeso rwezvokwadi. Ruponeso rwezvokwadi harwuwanike pasina mvura neropa uye noMweya. Naizvozvo, tinofanira kutenda kumvura neropa uye noMweya. Kana ukaziva izvi uchava nekutenda kwechokwadi.
Kana Pasina Huchapupu hweMvura, Ropa noMweya Hapana Ruponeso Rwechokwadi
Ndezvipi zvikwanisiro zvitatu zvakakosha zvinopupura ruponeso?
Imvura, neropa noMweya
Umwe anogona kufunga nezvemubvunzo uri pamusoro sezvizvi. “Jesu Muponesi wangu. Ndinotenda kuropa raJesu uye ndinoda kufa semunhu anourairwa chiKristu. Ndinotenda kuna Jesu nyangwe zvazvo ndine chivi mumoyo mangu. Ndakatendeuka nemoyo wose uye ndikashanda nesimba kuti ndive nezviito zvakanaka uye ndichibatsira vamwe zuva nezuva. Ndakakupai hupenyu hwangu pamwe nezvose zvangu zvepanyika imi Mwari. Zvakare ndakasarudza kusaita mhuri. Ko Mwari vangatadza kundiziva sei? Jesu akandifira paMuchinjikwa. Mwari wedu Mutsvene akadzika panyika semunhu ndobva vatifira paMuchinjikwa. Ndakatenda kwamuri, ndikazvipira pamusaka penyu, uye ndikaita basa rangu kwamuri ndakatendeka. Nyangwe zvazvo ndisina kukodzera uye ndichiri nechivi mumoyo mangu, Jesu angandiendesa kugehena nokuna kwaizvozvo here? Kwete, haangadaro.”
Kune vanhu vazhinji vanofunga nenzira iyi. Havatendi kuti Jesu akabhapatidzwa kuti abvise zvivi zvose zvenyika. Kana vaKristu venhema ava, avo vanotenda kuna Jesu asi vachiramba vane chivi, vachinge vafa, vanoenda kupi. Vanoenda kugehena. Vatadzi zvirokwazvo!
Avo vanofunga sezvavanoda uye vachifunga kuti ndiwo mafungirowo anoita Mwari vachaenda kugehena. Pamusoro pazvo, vamwe vanotaura kuti Jesu akabvisa zvivi zvedu zvose paakafira paMuchinjikwa, saka munyika hamuchina chivi. Asi uku kungotaura nezveropa noMweya bedzi. Uku handiko kutenda kunoita kuti vanhu vawane dzikinuro yakakwana.
Tinofanira kutenda kuti Jesu akabvisa zvivi zvedu nebhapatidzo yake uye akatongwa ndokubva atifira paMuchinjikwa uye kuti akamuka zvakare nezuva retatu mushure mekufa kwake.
Kana tisina kutenda kwakadaro, dzikinuro yakakwana haikwanisike. Jesu Kristu akabhapatidzwa , akafira paMuchinjikwa uye ndokubva amutswa kuvakafa. Jesu Kristu akauya kwatiri nemvura, neropa uye noMweya. Akabvisa zvivi zvose zvenyika.
Kune zvikwanisiro zvitatu zvinopupura ruponeso rwaMwari panyika: zvinoti Mweya, nemvura neropa.
Chekutanga, Mweya Mutsvene unopupura kuti Jesu ndiMwari uye kuti akauya panyika panyama.
Chikwanisiro chepiri ndicho chapupu che ‘mvura.’ Mvura ndiyo bhapatidzo yaJesu muJorodhani naJohane Mubhapatidzi, iyo yakaita kuti zvivi zvedu zviiswe kuna Jesu. Zvivi zvedu zvose zvakaiswa kuna Jesu paakabhapatidzwa (Mateo 3:15).
Chapupu chetatu ndeche ‘ropa’ iro rinomirira kugamuchira kwakaita Jesu basa rekutongwa nekuda kwezvivi zvedu. Jesu akafa, akagamuchira kutonga kwaBaba vake pachinzvimbo chedu uye akamutswa nezuva retatu kuti atipe hupenyu hutsva.
Mwari Baba vakatuma Mweya mumoyo yeavo vanotenda kubhapatidzo neropa reMwanakomana kuti apupure dzikinuro yedu.
Avo vakaberekwa patsva vane Shoko rekukunda naro nyika. Vakadzikinurwa vanokunda Satani, uye nenhema dzevaprofita venhema, nezvimhingamupinyi, kana zvishushwa zvenyika zvinoedza kuvarwisa nguva dzose. Chikonzero tiine simba iri ndechekuti tine zvapupu zvitatu mumoyo yedu: zvinoti mvura yaJesu, ropa rake uye noMweya.
Ko tingakunda sei nyika naSatani?
Nekutenda kuzvapupu zvitatu
Tiogona kukunda Satani pamwe nenyika nekuti Tinotenda kuMweya, nemvura uye neropa. Avo vanotenda kubhapatidzo uye neropa raJesu vanogona kukunda hunyengeri hwese hwese hwevaprofita venhema. Kutena kwedu kune simba rekukunda rakadai kunowanikwa mumvura, neropa ue noMweya. Unotenda kudaro here?
Haungagoni kuberekwa patsva kana kukunda nyika kana usina kutenda kudzikinuro kuburikidza nebhaptidzo yaJesu, ropa rake uye nekutenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari uye Muponesi wedu. Une kutenda kwakadaro mumoyo mako here?
Ko une Mweya pamwe nemvura mumoyo mako here? Unotenda kuti zvivi zvako zvose zvakaiswa kuna Jesu here? Une ropa repaMuchinjikwa mumoyo mako here?
Unogona kukunda nyika kana uine kutenda kumvura neropa raJesu mumoyo mako. Kana uchienda kuti Jesu akakufira paMuchinjkwa ndobva atongwa pachinzvimbo chako, uchakunda.
Mupostori Johane akakunda nyika nekuti akanga ane zvikwanisiro zvitatu mumoyo make. Akatauravo nezvedzikinuro kuhama dzose dzekutenda idzo dzakanga dzichisangana nezvimhingaidzo pamwe nekutyiswa pamusaka pebasa ravo. Akapupura achiti, “Aya ndiwo makundiro aungaitawo nyika. Jesu akauya noMweya, nemvura uye neropa. Sezvaakakunda nyika, kana nevakatendeka vachagonawo kukunda nyika. Iyi ndiyo nzira yekuti vakatendeka vakunde nyika.”
1 Johane 5:8 inoti, “Nokuti kune zvitatu zvinopupura, zvinoti: Mweya, mvura, neropa; uye zvitatu izvi zvinotenderana.” Vanhu vazhinji vachiri kutaura nezveropa raJesu noMweya bedzi, vachisiya mvura yebhapatidzo yaJesu. Kana vakabvisa ‘mvura,’ vanenge vachiri kunyengedzwa naSatani. Vanofanira kubva pakuzvinyengedza kwavo, vatendeuke; vanofanira kutenda ku ‘mvura’ yebhapatidzo yaJesu, yekuberekwa patsva.
Hakuna munhu anogona kukunda nyika pasina kutenda kumvura uye neropa raJesu. Zvakare ndinoti hakuna angakunda! Tinofanira kurwa tichishandisa mvura neropa raJesu sezvombo zvedu zvine simba. Shoko raMwari ndiro munondo wepaMweya uye Chiedza.
Kune vazhinji vasingatendi kubhabhatidzo yaJesu, iyo yakashambidza zvivi zvedu tose. Kune vanhu vazhinji vachiri kutenda kuzvinhu zviviri chete. Kana Jesu achivaudza kuti “simuka upenye,” havagoni kupenya zvachose. Vachiri nezvivi mumoyo yavo. Nyangwe zvazvo vachitenda kuna Jesu, vanongoguma vaenda kugehena.
Evhangeri yeBhapatidzo neRopa raJesu Inofanira Kuparidzwa Zvakakwana Kuti Vanhu Vainzwe, Vatende Uye Vaponeswe
Kutenda kubhapatidzo ndechimwevo chezvitendo here?
Kwete. Ndiko zvokwadi.
Kana tichipupura evhangeri, inofanira kuva yakakwana. Jesu akauya noMweya, nebhapatidzo (iyo yakabvisa zvivi zvedu zvose), uye neropa (iro rakaripira zvivi zvedu zvose). Tinofanira kutenda kuzvitatu izvi zvose.
Kana tikasadaro, tinenge tinenge tisingaparidzi evhangeri asi chitenderowo zvacho. VaKristu vazhinji vanotora chiKristu chanhasi sechitenderowo zvacho, asi chiKristu hachingagoni kudomwa sechitenderewo zvacho. ChiKristu ndicho kutenda kwedzikinuro kunovakwa nezvokwadi, ndiko kutenda kwekutarisa kumusoro kuna Mwari. Hakungagoni kunzi chitendero.
Chitendero chinoumbwa nevanhu, asi kutenda ndiko kutarisa kuruponeso rwatakapiwa naMwari. Uyu ndiwo musiyano. Kana tikasaziva zvokwadi iyi, tinotora chiKristu sechimwevo chezvitendero pamwe nekuparidza nenzira yekusimbisa mugariro wakanaka netsika dzakanaka.
Jesu Kristu haana kuuya kuzoumba chitendero panyika pano. Haana kumboumba chitendero chinonzi chiKristu. Ko sei uchidavira kuti chiKristu chitendero? Kana chingori chimwe chezvitendero, bva unoregerei kungotenda kuchitendero chechi Buddhism? Ko unofunga kuti ndiri kureva nhema here nezvandiri kutaur?
Vamwe vanhu vanotenda kuna Jesu nezvira yechitendero chekungorarama hupenyu hwavo, uye vanodzamara voti, “Zvakambosiyana chii? Denga, kana Naivhana kana paradhiso… Zvose zvimwechete, angori mazita akasiyana bedzi. Tose tichangoguma tava kunzvimbo imwechete.”
Wadiwa vaKristu, tinofanira kumira nesimba pazvokwadi. Tinofanira kusimuka tipenye. Tinofanira kutaura chokwadi tisingatyi.
Kana munhu akati, “Haingagoni kuva nzira yega yekuenda nayo kuDenga,” unofanira kutaura nenzwi rine simba uchiti, “Iyi ndiyo nzira yoga. Unoenda kuDenga kana bedzi uchitenda kuna Jesu Kristu uyo akauya nemvura, neropa uye noMweya.” Unofanira kupenya zvakajekesa kuti imwe moyo ide kunzwa Shoko redzikinuro, vagoberekwa patsva uye vagoenda kuDenga.
Iva Nekutenda Kwechokwadi: Vanhu Vanoda Jesu Asi Vane Kutenda Kusiko – Vaya Vasingazive Dzikinuro yeBhapatidzo yaJesu neRopa Rake Vachaparara
Ndiyani achaparara nyangwe zvazvo asingatendi kuna Jesu?
Ndevaya vasingatendi kubhapatidzo yaJesu
Kungoti unotenda kuna Jesu zvisina tsarukano ndiko kuda Jesu asi une kutenda kusiko uye ndiko kuva muKristu wechitendero.
Chikepe chaibira gungwa rePacific chakanyura ndokubva papona vanhu vashoma avo vakanga vakapapamazwa nebharuna. Vanhu ava vakatumira shoko rekutsvaga rubatsiro, asi nekuda kwekuti gungwa rakanga rine mafungu ane hukasha, hakuna chikepe chakakwanisa kuuya kuzovayamura. Pakabva pauya ndege iyo yakadzikisa tambo. Kana mumwe wevanhu vari kuyamurwa aka akada zvekubata tambo akarembera, achiregera kuita zvekuzvisunga akatenderedza muviri wake, zvinenge zvakafanana nekuedza kna Jesu nekutenda kusiko; uchitenda kuna Mwari sepamadiro ako. Haasati abuda munjodzi asi anotaura achiti, “Ndinotenda. Ndiponesei. Ndinotenda, saka ndinodavira kuti ndichaponeswa.”
Munhu asinganzwisisi zvokwadi yebhapatidzo yaJesu uye neropa rake anofunga iye kuti achaponeswa nekungorembera akabata tambo.
Asika paachatanga kudhonzwa, maoko ake achatanga kutsvedza patambo. Anenge akabata nesimba rake bedzi. Kumahombekombe kure zvekuti arambe akabata tambo nemaoko ake kudzamara asvika. Kana simba rake richinge rapera, anotsvedza obva awira mugungwa makare.
Izvi ndizvo zvakafanana nekungoda Jesu asi nekutenda kusiko. Vazhonji vanoti vanotenda kuna Mwari naJesu; vachiti ivo vanotenda kuna Jesu akauya noMweya, asi ichi chingori chipande chezvokwadi yakazara. Havangagoni kutenda kana kugara muevhangeri yakazara, saka vanozvimanikidza kungoramba vachidzokorora kuti ‘vanotenda’ kwaari.
Kutenda nekuedza kutenda hazvina kufanana. Vanoti ivo vachatevera Jesu kusvika kumugumo asi vachadzingwa pazuva rekupedzisira nekuda kwezvivi zvinoramba zviri mumoyo yavo. Vanoda Jesu vasingazivi kuti akauya nebhapatidzo yake, neropa uye noMweya. Kana vachida Jesu pamusaka peropa rake bedzi, vachaenda kugehena.
Sunga moyo wako netambo yeevhangeri yezvokwadi, evhangeri yemvura neropa. Kana Jesu akakanda tambo yeruponeso, vaya vanozvisunga nemvura neropa uye noMweya vachaponeswa.
Kana mununuri ari mundege akadanidzira nemakorofoni achiti, “Ndapota, natsonditererayi. Kana ndichinge ndakanda tambo, zvisungei nayo muchitenderedza chifuva chenyu, pasi pehapwa dzenyu. Mobva magara makadaro. Musaita zvekurembera makabata tambo nemaoko enyu. Ingozvisungai muchitenderedza chifuva chenyu, mobva magara makadaro. Ndiko kuti mununurwe.”
Munhu wekutanga ari mugungwa umu akatetevedzera zvakanga zvataurwa ndokubva azvisunga netambu, uye akanunurwa. Asi umwe wacho akati, “Musatya henyu. Ini ndiri munhu akagwinya. Ndaigara ndichirovedza muviri wangu kujima. Saka tarira uone, handiti unoona mhasuro idzi? Ndinogona kungobata tambo ndobva ndarembera zvangu kwemakiromita mazhinji.”
Varume vaviri ava vakabva vatanga kudhonzwa nendege vachibuda mumvura kuti vanunurwe. Asi musiyano waiva wekuti uya akaterera zvakanga zvarairwa akabva azvisunga netambo achitenderedza chifuva chake akadhonzwa pasina kana simba raaishandisa. Akatombofenda ari pakati pekudhonzwa kukwira mudenga, asi akangoramba achidhonzwa zvakadaro.
Asi uya aizvikudza pamusaka pesima rake akazodzamara atedzemuka nekuda kwekuti simba rake rakasvika pakupera. Akafa nekuda kwekuti akaramba kuterera zvaakanga arairwa kuti aite.
Kuti uwane dzikinuro yakakwana, unofanira kutenda kudzikinuro yemvura yebhapatidzo uye neropa izvo zvakaponesa moyo yose pachivi. Ruponeso rwuripo kune avo vanotenda nemoyo yose kuShoko: “Ndakakuponesai zvakakwana nebhapatidzo yangu kubva kuna Johane Mubhaptidzi uye nekudeuka kweropa rangu kudzamara ndafa paMuchinjikwa.”
Avo vanotenda kuropa raJesu bedzi vanoti ivo, “Usazvidya moyo, ini ndinotenda manje. Ini ndichatenda ropa raJesu kusvika kumugumo weupenyu hwangu. Ndichatevera Jesu kusvika kumugumo uye kutenda kwangu kuropa raJesu kwakatokwana nekupfuurisa kuti ndikunde nyika pamwe nezvivi pahupenyu hwangu hwese.”
Asi izvi hazvina kukwana. Avo vanogamuchirwa naMwari sevanhu vake ndevaya vanotenda kuzvapupu zvitatu zvose: kuti Jesu akauya noMweya, nekuti akabhapatidzwa (Jesu akatora zvivi zvose nebhapatidzo yake muJorodhani), uye kuti akafira paMuchinjikwa kuripiwa mibairo yezvivi zvose, nekuti akamutswa kuvakafa nezuva retatu.
Mweya anouya kune avo bedzi vanotenda kuzvitatu izvi uye vachizvipupura. “Hongu, ndiri Muponesi wako. Ndakakuponesa nemvura uye neropa. Ndini Mwari wako.”
Kune avo vasingatendi kuzvitatu izvi, Mwari haavapi ruponeso. Kunyange kana pakangoshaikwa chimwe chazvo, Mwari vanoti, “Kwete, hauna kuponeswa.” Vadzidzi vose vaitenda kuzvitatu izvi. Jesu akataura kuti bhapatidzo ndiyo fananiso yeruponeso, uye kuti ropa rake ndiko kutongwa.
Mupostori Pauro naPetro Vakapawo Huchapupu kuBhapatidzo neRopa raJesu
Vadzidzi vaJesu vaipupura chii?
Vaipupura bhapatidzo yaJesu ye neropa rake
Ko Mupositori Pauro akataura nezvebhapatidzo yaJesu here? Ngatitarise kuti akataura nezvebhapatidzo yaJesu kangani. Akataura muna VaRoma 6:3 kuti, “Ko hamuzivi here kuti isu tose vaya vakabhapatidzwa muna Kristu Jesu takabhapatidzwa murufu rwake?”
Zvakare akati muna Varoma 6:5, “Nokuti kana takabatanidzwa naye zvakadai murufu rwake, zvirokwazvo tichabatanawo naye mukumuka kwake.”
Akataura zvakare muna VaGaratiya 3:27 kuti, “Nokuti imi mose makabhapatidzwa muna Kristu makazvifukidza Kristu.” Vadzidzi vaJesu vose vakapupurira ‘mvura,’ inova bhapatidzo yaJesu. “Uye mvura iyi inofananidzira rubhapatidzo runokuponesaiwo zvino” (1 Petro 3:21).
Ruponeso rweDzikinuro yaShe Rwakauya neMvura Uye neRopa raJesu
Ndiyani anonzi Mutsvene naMwari?
Ndeavo vasina chivi mumoyo yavo
Dzikinuro yakapiwa munhu naMwari ndeyemvura yebhapatidzo yaJesu uye neropa rake paMuchinjikwa. Nekuda kwedzikinuro iyoyo, tinogona kusimuka tichipenya. Sei? Kuburikidza nekupupura kuzvinhu zvitatu izvi.
“Simuka upenye, nokuti chiedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako” (Isaya 60:1). Mwari vakapenyesa chiedza kwatiri uye vanotiudza kuti nesuvo ngatipenye. Tinofanira kuterera kuraira kwake.
Tiri kuparidza evhangeri nesimba redu rose. Asi, kune vazhinji vasingatereri. Tenda kuna Jesu kuti udzikinurwe. Ugova mutsvene. Hausati wakunda zvivi zvenyika.
Haungambofi wakapedza zvivi mumoyo mako kana usingatendi kmvura yaJesu (bhapatidzo yaJesu). Haungadziviriri kutongwa kana usingatendi kuropa raJesu. Haungaponeswi kana usingatendi kuna Jesu Kristu uyo akauya noMweya. Haungavi mutsvene akazara kana kudzamara watenda kuzvapupu zvitatu izvi.
Kururama kusina kukwana kunongokusvitsa pakururama kwekuzvitemera. Kana munhu akazviti achiri nechivi, asi achizviti munhu akarurama munhu iyeye haasati ava muna Jesu. Mazuvano, vamwe vanhu vanoedza kuumba dzikinuro maererano nekururama kwekuzvitemera. Vamwe vacho vakanyora zvinyorwa zvizhinji kwazvo zvisina maturo.
Mwari anodaidza kuti munhu haana zvivi kana achiri nezvivi mumoyo make here? Haaite zvakadaro. Anotaura zvaanoona. Ndivo Wamasimba-Ose uye havafi vakanyepa. Vanhu havanzwisise dudziro yezvokwadi yekururama. Tinoti chinhu chakachena kana chichinge badzi chakachena. Hatiti munhu ‘mutsvene’ kana paine chivi.
Unogona kufunga kuti Jesu anokuti uri mutsvene kunyange zvazvo uine chivi mumoyo mako, asi hachizi chokwadi.
Jesu anotidaidza kuti vatsvene kana badzi tichitenda kwaari seUyo akauya noMweya, nemvura (kuti akabvisa zvivi zvedu paakabhapatidzwa) uye neropa (akauya panyama akatifira).
Wadiwa vaKristu, kururama kwekuzvitemera hakunei neevhangeri yemvura neropa. Kururama kwekuzvitemera chingori chitendero chakaumbwa nemunhu. Mwari angakuti uri mutsvene iwe une chivi mumoyo mako here? Mwari haadomi kuti munhu mutsvene kana aine chivi mumoyo make, nyangwe munhu iyeye achitenda kuna Jesu zvakakomba sei. Jesu haareve nhema.
Saka uchiri kufunga kuti Jesu anodaidza kuti munhu akarurama iye aine chivi mumoyo make here? Izvi ndizvo zvinofungwa nevanhu, kwete naMwari. Mwari vanovenga nhema. Angakuti wakarurama kana uchitenda kuMweya neropa bedzi here? Haisva.
Kune mhando imwechete yevanhu vanodanwa kuti vatsvene naMwari. Ndeavo vasina chivi mumoyo yavo. Anodana avo vanotenda kuzvitatu zvose: kuti Jesu anova ndiye Mwari akaburuka panyika panyama, akabhapatidzwa muJorodhani uye akadeura ropa paMuchinjikwa kuti adzime zvivi zvedu zvose.
Avo bedzi vanotenda kunhau yakanaka yedzikinuro ndivo vanocherechedzwa sevanhu vakarurama naMwari. Ivavo ndivo vane kutenda kwezvokwadi. Ndivo vanotenda zvakakwana kuzvinhu zvose zvaakatiitira. Vanotenda kuti Jesu akauya, akabhapatidzwa kuti abvise zvivi zvedu zvose, akatora mutongo pachinzvimbo chedu kuburikidza nekufira paMuchinjikwa uye ndobva amutswa kuvakafa.
Zvose izvi zvakaitwa kubva parudo rwaMwari. Jesu akaburuka kubva kudenga akati, “Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa uye ndichakupai zororo” (Mateo 11:28). Akaita izvi kuburikidza nekutora zvivi zvedu.
Mwari havatariri avo vanotenda kuropa raJesu chete. Avo vanotenda kuropa raJesu bedzi vachiri nechivi mumoyo yavo. Ndiyani anonzi akadzikinurwa naJesu?
Kutenda kubhapatidzo yaJesu, neropa rake uye nekuzvokwadi yekuti ndiye Mwari ndidzo faniro dzeruponeso. “Ndakabvisa zvivi zvako zvose pandakadzika panyika pano uye ndakabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi. Ndinopupura kuti zvivi zvose zvenyika zvakaiswa kwandiri. Ndakaripira zvivi izvozvo paMuchinjikwa. Ndakakuponesa saizvozvo.”
Kune avo vanotenda kuzvitatu, Jesu anoti, “Hongu, wakaponeswa. Uri mutsvene uye uri mwana waMwari.” Kana newevo unogona kuponeswa kana uchitenda kubhapatidzo yaJesu, neropa rake uye noMweya, pamwechete. Avo vanotenda kuropa noMweya bedzi vachiri nezvivi mumoyo yavo.
MuHumambo hweDenga mune zvokwadi imwechete bedzi. Mune enzaniso, kutendeka, rudo netsitsi. Hamuna kana chibodzi chenhema. Nhema nemanyepo hazviwanikwi kuDenga.
Ko ‘vaiti vezvakaipa’ ndivanani?
Ndeavo vasingatendi kubhapatidzo yaJesu
“Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso’” (Mateo 7:22).
Mwari havatarisi mabasa evanhu akadaro kuti vapinde Denga. “Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri imi vaiti vezvakaipa!’” (Mateo 7:23).
“Mwari, ndakapa dzimba mbiri kwamuri. Ndakapira hupenyu hwangu hwese kwamuri. Ko hamuna kundiona here? Handina kumbokurambai pahupenyu hwangu kudzamara ndife. Hamuna kundiona here?”
“Hoo, ko une chivi here mumoyo mako.”
“Hongu Ishe. Ndinacho chiduku bedzi.”
“Saka ibva pandiri! Hakuna mutadzi anotenderwa kuuya kuno.”
“Asi inga wani ndakaurairwa imi nokuda kwekutenda kwangu kwamuri Ishe!”
“Unoreva kuti kudii, wakafira ini? Kwete, wakafira kusindimara moyo kwako bedzi. Ko wakatenda kubhapatidzo yangu neropa rangu here? Ndakambopupura mumoyo mako kuti uri mwana wangu here? Hautende kubhapatidzo yangu uye handina kumbopupura kuti uri mwana wangu, asi wakaramba wakabatira pakutenda kwako pachako uye ndobva wafira izvozvo. Ndepapi pandakambokupupurira? Wakazviunzira wega zvadai kukuwira. Wakazvitsvagira dzikinuro yako woga, iyo yawakada. Wanzwisisa here? Zvino, chibva pandiri.”
Jesu akatiudza kuti tisimuke tipenye. Vanhu vakadzikinurwa vanogona kudzikiswa pamberi pevaKristu vechitendero nevaprofita venhema, kana kutadza kupenya zvakajeka! Asi kamoto kadiki kanogona kuvamba rimi guru remote. Kana munhu akamira neushingi achipupura zvokadi, nyika yose ichajekeswa nechiedza.
Isaya 60:1-2 inoti, “Simuka upenye, nokuti chiedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako. Tarira, rima rakafukidza nyika uye rima guru riri pamusoro pavanhu, asi Jehovha anobuda pamusoro pako uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako.”
Mwari vanotiraira kuti tisimuke tipenye nekuti rima renhema, ndiko kuti evhangeri yenhema, rafukidza nyika yose. Avo bedzi vanotenda kuna Jesu ndivo vanogona kumuda. Vaya vasina kudzikinurwa havangambofi vakada Jesu. Vangagona sei? Vanotaura nezverudo asi havagoni kumuda zvechokwadi kudzamara vatenda kuzokwadi yakazara.
Kune Zvitatu Zvinopupura kuRuponeso rweVatadzi
Ko chapupu cheruponeso ndechipi mumoyo yedu?
Ibhapatidzo yaJesu
“Nokuti kune zvitatu zvinopupura zvinoti: Mweya, mvura, neropa; uye zvitatu izvi zvinotenderana.” Jesu akauya panyika ndobva aita basa rake nemvura noMweya. Akaita izvi ndobva atiponesa.
“Tinoganuchira uchapupu hwavanhu, asi uchapupu hwaMwari hukuru nokuti ndihwo uchapupu hwaMwari, hwaakapa pamusoro poMwanakomana wake. Munhu mumwe nemumwe anotenda muMwanakomana waMwari ane uchapupu uhu mumoyo make. Munhu mumwe nemumwe asingatendi Mwari akabva amuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda kupupura kwaMwari kwaakaita pamusoro poMwanakomana wake. Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, upenyu uhu huri muMwanakomana wake. Uyo ane Mwanakomana ane upenyu; uyo asina Mwanakomana haana upenyu” (1 Johane 5:9-12).
Vakaberekwa patsva vanogamuchira uchapupu hwevanhu. Tinocherechedzwa sevatsvene. Kana vakaberekwa patsva, ivo vakadzikinurwa, vakataura zvokwadi yedzikinuro, vanhu havapikisi. Vanotaura ivo kuti Tinotenda zvechokwadi uye kuti kudavira kwedu ndekwemazvirokwazvo. Kana tikavaudza kuti takaberekwa patsva sei, hakuna ungapokana neevhangeri yezvokwadi yatinopa uchapupu kwairi. Vanoti ichokwadi. Tinogamuchira uchapupu hwevanhu.
Asi ndima iyi inotivo zvakare, “Asi uchapupu hwaMwari hukuru nokuti ndihwo uchapupu hwaMwari.” Inoti uchapupu hwaMwari ndihwo uchapupu hweMwanakomana wake. Ndizvo here? Uchapupu hweMwanakomana waMwari ndehupi? Uchapupu hwekuti Mwari akatiponesa ndehwekuti Jesu akauya noMweya, nemvura yedzikinuro uye neropa repaMuchinjikwa. Mwari vanopupura kuti iyi ndiyo nzira yavakatipoesa nayo uye kuti tiri vana vavo nokuti tinotenda kwairi.
“Munhu mumwe nemumwe anotenda muMwanakomana waMwari ane uchapupu uhu mumoyo make. Munhu mumwe nemumwe asingatendi Mwari akabva amuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda kupupura kwaMwari kwaakaita pamusoro poMwanakomana wake.”
Rugwaro urwu rwunotiudza zvakajeka kuti vakasunungurwa ndevapi. Rwunotaura kuti uyo anotenda kuMwanakomana waMwari ane uchapupu kwaari. Une chapupu mumoyo mako here? Uchapupu uhu huri mukati mako neni? Jesu akauya panyika nokuda kwedu. (Akauya panyama kuburikidza nemuviri waMariya zvichibva paMweya Mutsvene). Paakasvitsa makore makumi matatu, akabhapatidzwa kuti atakurire kwaari zvivi zvedu zvose. Akabva atongwa paMuchinjikwa, akatakura zvivi zvedu zvose. Akamutswa kuvakafa nezuva retatu kuti tiwane hupenyu husingaperi. Jesu akatiponesa saizvozvo.
Ko chii chingadai chakaitika kana dai asina kumutswa kuvakafa? Aizondipupurira sei iye ari muguva? Ndiko kusaka ari Muponesi wangu. Izvi ndizvo zvatinotenda.
Sezvaakareva, akatiponesa nebhapatidzo yake uye neropa rake. Iwe neni tinoponeswawo nekuti tinotena. Uchapupu uri mukati mangu newe. Vakadzikinurwa havambofa vakasiya ‘mvura’ yebhapatidzo yaJesu. Hatisiye zvinhu zvaakaita kuti atiponese.
“Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose” (Mateo 3:15). Hatirambe kuti Jesu akabvisa zvivi zvedu zvose paJorodhani apo akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi. Vakadzikinurwa havamborambi ‘mvura,’ inova bhapatidz yaJesu.
Avo Vanotenda Asi Vasina Kuponeswa Vanoramba Bhapatidzo yaJesu Kusvika Kumagumo
Ndiyani anoita Mwari murevi wenhema?
Ndeuyo asingatendi kubhapatidzo yaJesu
Mupostori Johane airevesa zvakadii paakati, “Munhu mumwe nemumwe asingatendi Mwari akabva amuita murevi wenhema.” Kana dai Mupostori Johane aiva ari mupenyu ikezvino uye pano, aitiudza kuti chii isu vaKristu vanhasi? Aitibvunza kuti Jesu akatora zvivi zvedu zvose paakabhatidzwa here kana kuti kwete.
Kana Johane Mubhapatidzi aisapupurawo here kuti Jesu akatidzikinura nebhapatidzo yake? “Ko zvivi zvenyu hazvina kuiswa pamusoro waJesu here uye haana kuzvitakura kwaari here paakabhapatidzwa neni?” Saizvozvo akapa uchapupu hwakajeka kuti Jesu akabhapatidzwa kuti isu tose tiponeswe (Johane 1:29, 1 Johane 5:4-8).
Mune mamwe manzwi, avo vasingatendi kune zvose zvaakaita kuti tiponeswe vanomuita murevi wenhema. Kana tichiti Jesu akabvisa zvivi zvedu zvose paakabhapatidzwa, ivo vanoti, “Zvipiko! Hazvigone kuti ave akatora zvivi zvedu zvose! Akangobvisa chivi chekutanga chete, saka zvimwe zvivi zvose zvatichaita zvichiripo.”
Saka vanosimbirira kuti vanofanira kupa minamato yekureurura pazvivi zvavo zvezuva nezuva kuti vadzikinurwe. Izvi ndizvo zvavanotenda. Ko imi mese munotendawo kudaro here? Avo vasingatendi kuti zvivi zvedu zvakashambidzwa nebhaatidzo yaJesu vanoita Mwari murevi wenhema.
Jesu Akatidzikinura Kamwechete Zvachose Paakabhapatidzwa Uye Akateura Ropa paMuchinjikwa
Ndiyani murevi wenhema?
Munhu asingatendi kubhapatidzo yaJesu
Jesu akabhapatidzwa ndobva atakura zvivi zvose kamwechete zvachose. Mwari vanoponesa avo vanotenda kubhapatidzo neropa raJesu asi vanorasa vaya vasingatendi. Ndivo vanoenda kugehena. Naizvozvo, kuti takaponeswa here kana kuti kwete zvinobva pane zvatinotenda. Jesu akasunungura nyika pazvivi zvayo zvose. Avo vanotenda vanoponeswa uye avo vasingatendi havasati vaponeswa nekuti vakaita Mwari murevi wenhema.
Vanhu havaende kugehena nekuda kwekusasimba kwavo, asi nekuda kwekusatenda kwavo. “Munhu mumwe nemumwe asingatendi Mwari akabva amuita murevi wenhema” (1 Johane 5:10). Avo vasingatendi kuti zvivi zvavo zvose zvakaiswa kuna Jesu vachiri nechivi mumoyo yavo. Havangagoni kureva vachiti havana chivi.
Ndakambosangana neumwe mudhikoni ndokubva ndamubvunza kuti, “Nhai mudhikoni, ko zvivi zvenyu zvose zvakabva here pamakatenda kuna Jesu?”
“Hongu zvakabva zvose.”
“Saka, sezvo Jesu akabvisa zvivi zvose zvenyika ndokubva ati ‘zvapera,’ makaponeswa. Handizvo here?”
“Hongu, ndakaponeswa.”
“Saka zvoreva kuti hamuba chivi ka imi.”
“Hongu, handina.”
“Saka chii chinozoitika kana mukazotadza zvakare?”
“Tiri vanhu venyama. Tingatadza kutadza zvakare sei? Saka tinofanira kureurura, tichishambidza zvivi zvedu zuva nezuva.”
Mudhikoni uyu achiri nechivi mumoyo make nekuti haazive zvokwadi yakazara yedzikinuro.
Vanhu vakaita saye ndivo vanoseka Mwari uye vachimuita murevi wenhema. Ko Jesu, anova ndiye Mwari, akatadza kubvisa zvivi zvose zvenyika here? Zvinotsamwisa chose izvi. Kana dai Jesu akanga asina kubvisa zvivi zvose, aizoita Mwari weRuponeso sei? Aizotiudza sei kuti titende kwaari? Munoda kumuita murevi wenhema here? Ndinokuyambirai kuti musaita saizvozvo!
Bhaibheri rinotiudza kuti tisatuka Mwari. Izvi zvinoreva kuti tisamuita murevi wenhema kana kuedza kumunyengedza. Haana kufanana nesu.
Mupostori Johane anotiudza zvakajeka nezveevhangeri yedzikinuro. Vanhu vazhinji havadi kutenda kuzvinhu zvatakaitirwa naMwari – zvokwadi yekuti Jesu Kristu akauya nemvura, neropa uye noMweya.
Kune mapoka maviri evaKristu: kune avo vasingatendi sezvinoreva Bhaibheri, vachipupura kuti, “Ndiri mutadzi,” kozoita avo vanotenda kuzvinhu zvose zvavakaitirwa naMwari uye vachipupura nekutenda vachiti, “Ndiri mutsvene.” Unofunga kuti nderipi boka riri kutaura chokwadi?
Avo vasingatendi kuzvinhu zvakaitwa naMwari, mune mamwe manzwi, vasingabvumi huchapupu hwemvura neropa uye noMweya, vari kureva nhema. Vane kutenda kwenhema. Vaya vasingatendi vanoita Mwari murevi wenhema.
Haikona kuita Mwari murevi wenhema. Jesu akauya kurwizi rweJorodhani uye saizvozvo (nekubhapatidzwa kwaakaita) akazadzisa kururama kose (akabvisa zvivi zvenyika).
Vasingatendi Vanoramba Bhapatidzo yaJesu Pamwe neHutsvene Hwake
Ko Satani nadhiabhorosi vanoramba kuti chii?
Vanoramba Bhapatidzo yaJesu
Uyo anotenda kuMwanakomana waMwari ane uchapupu maari. Munhu akazvarwa patsva anotenda kuti zvivi zvivi zvake zvakatambidzwa kuna Jesu paakabhapatidzwa uye kuti akasunungurwa nemvura uye neropa raJesu. VaKristu vakaberekwa patsva vanotenda kuti Jesu akazvarwa munyika muno kuburikidza nemuviri wemhandara Mariya, uye kuti akabhapatidzwa muJorodhani asati afire paMuchinjikwa uye kuti akamutswa kuvakafa.
Vakarurama vane chapupu mumoyo yavo. Humbowo hweruponeso rwedu rwuri mukutenda kwedu kuna Jesu, uyo akauya nemvura, neropa uye noMweya. Chapupu chiri mauri. Ndinokuambira kuti uve nechapupu mumoyo wako. Ndinoti kwauri. Ndinoti kwauri: Kana pasina chapupu harwusi ruponeso, humbowo hweruponeso huri mukati mako.
Mupostori Johane anoti, “Munhu mumwe nemumwe anotenda muMwanakomana waMwari ane uchapupu uhu mumoyo make” (1 Johane 5:10). Ko zvino kutenda kuropa raJesu paMuchinjikwa kuva neuchapupu here? Kana kuti kutenda kumvura bedzi asi usingatendi kuropa? Unofanira kutenda kuzvitatu zvose kuti ugamuchirwe naMwari.
Ndipo chete Jesu paanozokupupurira kuti ‘wakaponeswa.’ Ko unoti unowana uchapupu kana ukatenda kuzviviri zvezvitatu izvi here? Kunenge kutori kutenda kuna Mwari nenzira yako wega. Kunenge kuri kuzvipupurira pachako wega.
Kune vakawanda vakadii. Kune vazhinji pasi pano vanotenda kuzviviri chete zvezvitatu izvi. Vanopupura kuti vakaponeswa uye vanonyora mabhuku pamusoro pazvo. Asi vane zivo yakadii! Zvinokangaidza chose. Vanozvidaidza kuti vaVhangeri. Vanozvinzwa kuti havasi havasi vaVhangeri chete asi vanhu vechitendero. Havatendi kumvura, asi vanozvikudza zvakadaro neruponeso rwavo. Vanogona kuratidzika sevane tsarukano, asi Havana uchapupu hwaMwari mupfungwa dzavo. Vangori nechiumbwa chezivo.
Ko tingadaidza zvakadaro kuti ruponeso sei? Avo bedzi vanotenda kuna Jesu, uyo akauya noMweya, nemvura uye neropa, ndivo vane uchapupu hwaMwari nevanhu.
Mupostori Pauro akati, “Nokuti vhangeri redu harina kuuya kwamuri nemashoko bedzi, asi nesimbawo, noMweya Mutsvene uye nekuziva kwakadzama” (1 VaTesaronika 1:5). Satani anofadzwa kana vanhu vachitenda kuropa raJesu bedzi. “Ya! Imi mapenzi manyengedzwa neni, hehehe!” Kune vanhu vazhinji vanotenda kuti kana Satani anotiza kana vanhu vachinge varumbidza ropa raJesu. Vanofunga kuti Satani anotyiswa neMuchinjikwa. Asi munofanira kuzviisa mupfungwa kuti Satani angori kukuitirai dhirama bedzi. Hatifaniri kunyengedzwa nazvo.
Kana dhimoni rikapinda mumunhu, anogona kutanga kupengereka uye achipupa furo pamuromo. Hachisi chinhu chakaoma kuti Satani aite nekuti ane simba rekuita kuti munhu aite zvinhu zvakawanda. Satani anongoshandisa njere dzake zvishoma bedzi. Mwari akapa Satani masimba akasiyana, kunze kwesimba rekuuraya. Satani anogona kuita kuti munhu abvunde kuita seshizha, achizhamba pamwe nekupupisa muromo nefuro.
Kana zvichinge zvadai, vatendi vanobva vatanga kudanidzira vachiti, “Buda uende nezita raJesu! Buda uende!” Munhu uya paanozopatika achidzokerakuita munhu kwaye, vanobva vati iropa raJesu rapa simba rekumuponesa. Asi iri harisi simba reropa raJesu. NdiSatani ari kuita hake dhirama.
Satani anonyanya kutya avo vanotenda kuna Jesu, uyo akatishambidza nebhapatidzo yake, uyo akatora mutongo pachinzvimbo chedu neropa rake uye akamutswa nezuva retatu. Satani haagoni kumira pakati pechapupu chebhapatidzo yaJesu neruponeso rweropa.
Sezvamunoziva, vapristi veCatholic dzimwe nguva vanoita zvekudzinga mweya yetsvina. Zvichida makazvionawo mumafirimu. Mune rimwe firimu rinonzi ‘The Omen,’ mune muprista anenge akabata chipiyaniso chedanda icho chaanovheyesa, asi achizofa zvakadaro. Munhu akaberekwa patsva haakundwe zvakadaro.
Mutendi akaberekwa patsva anotaura nezveropa uye nemvura yaJesu asingatyi. Kana diabhorosi akaedza kumutambudza, anongobvunza dhiabhorosi kuti, “Hauzive here kuti Jesu akabvisa zvivi zvangu zvose?” Dhiabhorosi anobva atiza. Satani anovenga kuva pakati pevakaberekwa patsva. Kana unhu akaberekwa patsva akagara zvake nechepapo, Satani anobva atoedza kutiza. Zvataurwa kuti avo vasingatendi kuna Mwari vanomuita murevi wenhema. Havatendi kuuchapupu hweMwanakomana wavo, uchapupu hwemvura neropa.
Ko uchapupu hweMwanakomana waMwari chii?
Bhapatidzo yake, neropa rake uye noMweya
Ko uchapupu hweMwanakomana waMwari ndehupi? Ndehwekuti akauya noMweya ndokubva atakura zvivi zvedu nemvura. Akatakura zvivi zvose zvenyika ndokubva adeura ropa rake paMuchinjikwa kuitira isu tose. Handiyo here dzikinuro yemvura neropa noMweya?
Vanhu vanonyepa pamberi paMwari nekuti havatendi kuevhangeri yezvokwadi yemvura neropa, evangeri yedzikinuro. Dzimwe evhangeri dzose ndedzemanyepo. Zvitendo zvadzo ndezvenhema uye vanoedza kuparadzira evhangeri dzenhema idzi pasina.
Ngatidzokerei kuna 1 Johane 5. Vhesi 11 inoti, “Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, muMwanakomana wake.” Inotiudza kuti Mwari akatipa upenyu husingaperi uye upenyu uhu huri mukati meuyo anohugamuchira. Zvakare, hupenyu uhu huri muMwanakomana wavo.
Avo vanogamuchira hupenyu husingaperi ndivo vanodzikinurwa nekutenda kubhapatidzo yaJesu uye neropa rake. Vakadzikinurwa vanogamuchira hupenyu husingaperi uye vanorarama nekusingaperi. Wakagamuchira hupenyu husingaperi here?
Vhesi 12 inoti, “Uyo ane Mwanakomana ane upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.” Mune mamwe manzwi, uyo anotenda kuzvinhu zvakaitwa neMwanakomana waMwari panyika – bhapatidzo yake, rufu rwake paMuchinjikwa, uye nekumuka kwake kuvakafa – ndiye ane hupenyu husingaperi. Asi uyo anosiya chimwe chezvitatu izvi haawane hupenyu uye haangadzikinurwe.
Mupostori Johane akapatsanura vanhu vaMwari maererano nekutenda kwavo kuzvinhu zvakaitwa naJesu: zvinoti mvura, neropa uye noMweya. Zvinhu izvi zvinotiudza kuti vane Shoko mavari here kana kuti kwete. Akadoma vakadzikinurwa nekutenda kwavo kumvura yebhapatidzo yaJesu, ropa rake uye noMweya.
Vasina Kuberekwa Patsva Havagoni Kusiyanisa Makwayi neMbudzi
Ndiyani anogona kusiyanisa vakadzikinurwa nevasina kudzikinurwa?
Avo vakaberekwa patsva
Mupostori Johane akadudza zvakajeka vakarurama vanova avo vakadzikinurwa. Mupostori Pauro akaitavo saizvozvo. Ko varanda vaMwari vangasiyanisa sei makwayi nembudzi? Vangasiyanisa sei varanda vaMwari vechokwadi kubva kuvanyengeri? Avo vakadzikinurwa kuburikidza nekutenda kumvura neropa raJesu vanogamuchira simba rekuona.
Chero munhu akava ari mufundisi, kana muvhangeri kana mubati, kana asingagoni kudoma munhu akadzikinurwa, kana kuti kana asingagoni kusiyanisa makwayi nembudzi, anenge asati aberekwa patsva, uye haana hupenyu mukati make. Asi avo vakaberekwa patsva zvechokwadi vanogona kupa musiyano zvomene. Avo vasina hupenyu havagoni kupa musiyano kana kumuziva.
Kunyange tisingagoni kusiyanisa mavara murima, ruvara rwegirini rwunoramba rwuchingova rwegirini uye rwuchena rwuchingova ruchena. Asi, kana ukavhara meso ako, haungagoni kuona kana kuziva mavara acho.
Asi avo vane meso akavhurika vanogona kucherechedza kunyange nemusiyano muduku duku wemavara. Vanogona kudoma kuti nderwupi ruvara rwegirini uye kuti ruchena nderwupi. Saizvozvovo, pane musiyano wakajeka pakati pevanhu vakadzikinurwa neavo vasina kudzikinurwa.
Tinofanira kuparidza evhangeri yedzikinuro, evhangeri yemvura, neropa uye noMweya. Tinofanira kusimuka tipenye. Kana tichinge taunganidza vanhu kuti tiparidzire kutenda kwezvokwadi, hatitaure nemashoko epanyama. MuBhaibheri, 1 Johane 5 inodudzira izvi. Tinofanira kutsanangura evhangeri nenhevedzo kuti pasave nekuvhiringika,
Shoko ratiri kuparidza, iro Shoko remvura neropa uye noMweya ndiro chiedza chedzikinuro. Kuti ‘mvura’ yaJesu izivikanwe kuvanhu, tinofanira kupenya zvakajekesa. Kuita kuti ‘ropa’ raJesu rizivikanwe zvinoreva kuti kupenya zvakajekesa. Tinofanira kujekesa zvakanyanya kuitira kuti pasava neasingazivi zvokwadi iyi panyika.
Kana vakazvarwa patsva vakasasinuka vachipenya, vanhu vakawanda vanofa vasina kudzikinurwa, uye Mwari havangafari nazvo. Vanozotidaidza kuti varanda simbe. Tinofanira kuparidzira evhangeri yemvura neropa raJesu.
Chikonzero icho ndiri kuramba ndichidzokorora kakawanda ndechekuti bhapatidzo yaJesu yakakosha kwazvo kuruponeso rwedu. Kana tichotaura nevana vadiki, tinodzokorora kuvatsanangurira kuti vanatsonzwisisa.
Kana dai tikange tichiedza kudzidzisa munhu asingagoni kuverenga kana kunyora, zvinoreva kuti tinofanira kutanga kumudzidzisa kurava mavara emabhii. Zvadaro, ndipo patingazopfuurira kumudzidzisa kunyora mashoko achisandisa mabhii aya. Kana ava kugona kunyora mashoko akaita sekuti ‘murango,’ ndipo patinobva tatanga kumutsanangurira zvinoreva mashoko acho. Izvi ndizvo zvimwechetevo kana tichitaura kuvanhu nezvaJesu kuitira kuti vanatsonzwisisa.
Tinofanira kutsanangura bhapatidzo yaJesu zvakajeka. Akauya panyika pano nemvura, neropa uye noMweya. Ndinonamata kuti uchatenda kuna Jesu seMuponesi wako uye ugodzikinurwa.
Dzikinuro yemvura noMweya inofashuka kubva pakutenda kubhapatidzo yaJesu, neropa rake repaMuchinjikwa uye kubva pakutenda kuti Jesu ndiMwari, uye Muponesi wedu.