(1 Petro 3:20-22)
“Vanhu vashoma bedzi, ivo vasere, vakaponeswa nemvura; uye mvura iyi inofananidzira rubhapatidzo runokuponesaiwo zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yomuviri asi rubatso rwehana yakanaka kuna Mwari. Inokuponesai nekumuka kwaJesu Kristu. Iye akapinda mudenga uye ari kuruoko rwerudyi rwaMwari, vatumwa nemasimba neushe zviri pasi pake.”
Ko tinoita vakarurama kuburikidza nei?
Kuburikidza nenyasha dzaMwari
Mwari akatiziva kare tisati taberekwa panyika pano. Akaziva kuti tichaberekwe tiri vatadzi ndobva atiponesa tose kuurikidza nebhapatidzo yake yo yakabvisa zvivi zvose zvenyika. Akaponesa vatadzi vose ndobva avaita vanhu vake.
Zvose izvi zvinobva panyasha dzaMwari. Sezvazvakarehwa muna Mapisarema 8:4, “Munhu chiiko zvamunomufunga?” Vakadzikinurwa vanova avo vakaponeswa pazvivi zvose ndivo vanogamuchira rudo rwavo rwakasanangurwa. Ndivo vana vake.
Ko isu taitenda kuropa raJesu uye noMweya bedzi takanga tiri chii patakanga tisati tava vakarurama tikapiwa kodzero yekuti Baba kuna Mwari? Takanga tiri vatadzi, taiva vatadzi zvavo vakazvarwa kuti vararame panyika pano kwemakore angasvika makumi manomwe, kana makumi masere kana tine huano hwakanaka.
Patakanga tisati tashambidzwa zvivi zvedu, uye tisati tava nekutenda kuevhangeri yebhapatidzo yaJesu uye neropa rake, taiva vanu vasina kururama vaiva vakananga kundoparadzwa.
Mupostori Pauro akati nyasha dzaMwari dzidzo dzakaita kuti ave zvaakanga ari. Zvakare, nyasha dzaMwari ndidzo dzakita kuti tive zvatiri nhasi. Tiovatenda nenyasha dzavo. Musiki akauya panyika pano akazotiponesa, akatiita vana vake uye vanhu vake. Tinovatenda nenyasa dzeruponeso rwemvura noMweya.
Ndechipi chikonzero chinotitendera kuti tive vana vake. Ndechekuti tiri vanhu vanoyevedza kutarisa pachiso here? Kana kuti takanyanyokosha here? Chingava chikonzero chekuti tiri vanhu kwavo zvakanyanya here? Ngatifunge nezvazvo tigopa kuvonga pakwakafanira.
Chikonzero ndechekuti Mwari vakatisika kuti vatiite vanhu vavo uye kuti tigogara muHumambo hweDenga navo. Mwari vakatiita vanhu vavo kuti tigogara navo nekusingaperi. Ichi ndicho chikonzero chimwechete Mwari vakatiropafadza nehupenyu husingaperi. Havana kutiita vanhu vavo nekuda kwekuti tinotaridzka zvakanaka, kana kuti takakosha kan kuti tinorarama zvakaruama kupfuura zvimwe zvisikwa zvavo. Chikonzero choga ndechekuti vanotida.
“Uye mvura iyi inofananidzira rubhapatidzo runokuponesaiwo zvino” (1 Petro 3:21). “Vanhu vashoma bedzi, ivo vasere, vakaponeswa nemvura” (1 Petro 3:20).
Kune vanhu vashoma, mumwe oga mune rimwe guta rose uye vaviri mumhuri yose, vakaponeswa. Saka zvinoreva here kuti takakosha kupfuura vamwe? Hazvirevi kudaro. Hatina kutombokosha, asi takaponeswa zvakadaro kuburikidza nekutenda kwedu kumvura noMweya.
Utori munana pakati pemunana kuti takaponeswa, uye chipo chisina zvisungo uye ropafazo yaMwari kuti tinovadaidza kuti Baba, Ishe wedu. Hatingarambi izvi zvachose. Ko taigovadaiza sei kuti Baba vedu kana kuti Ishe vedu kana dai takanga tichiri vatadzi?
Kana tikafunga nezve zvokwadi yekuti takaponeswa, tinoziva kuti Mwari vakatida pasina zvitemerwa. Tingatadza kuvatenda here? Tigadai takangozvarwa tikafa mushure mekurarama hupenyu hunopisa tsitsi, topedzisira tava kugehena, kana dai rusiri rudo rwavo uye nemaropafadzo navo. Tinotenda Mwari kasingaperi nekuda kwemaropafadzo avo uye nerudo rwavo izvo zvakaita kuti tive takakodzera kuva vana vavo mumeso avo.
Ruponeso Rwakakosha Rwakapiwa Kwatiri Kuburikidza neBhapatidzo yaJesu
Ko sei vanhu venguva yaNowa vakaparadzwa?
Nekuti vakaramba kutenda kumvura (bhapatidzo yaJesu).
“Uye mvura iyi inofananidzira rubhapatidzo runokuponesaiwo zvino.” Zvakanyorwa muna 1 Petro kunzi vanhu vasere bedzi ndivo vakaponeswa nemvura. Ko nguva yaNowa ingagona kuve yaiva nevanhu vakawanda sei? Hatina nzira yekuziva kuti kwaiva nevanhu vangani, asi ngatitii vaive miriyoni imwechete. Zvinobva zvareva kuti vanhu vasere bedzi ndivo vakaponeswa kubva pavanhu miriyoni.
Ndiwo mamiriro azvaingoita kunyange nhasi uno. Zvinonzi kune vanhu vanoda kusvika mabhiriyoni masere panyika parizvino. Asi vangani, pakati peavo vanotenda kuna Jesu nhasi uno, vakashambidzirwa zvivi zvavo? Kana tikada kungotarisa guta rimwechete, tinogona kuwana vashomanana bedzi.
Muguta randinogara, iro rine vanhu zviuru zvine mazana maviri nemakumi mashanu, vangani vavo vakadzikinurwa pazvivi zvavo? Zvichida mazana maviri chete? Zvinobva zvareva kuti pamunhu mumwe chete akaponeswa pane vangani vasina? Zvinoreva kuti zvichida munhu mumwechete kubva pachiuru chevanhu ndiye akagamuchira ropafadzo yedzikinuro.
Zvinofungidzirwa kunzi muKorea mune vaKristu vanosvika mamiriyoni gumi nemaviri, kusanganisira maCatholc. Kubva pane ivava, vanani vavo vakaberekwa patsva nemvura noMweya? Tinofanira kuzviisa mupfungwa kuti panguva yaNowa, vanhu vasere bedzi ndivo vakaponeswa kubva pavanhu vose vaigara panyika. Tinofanira kuziva uye nekutenda kuti Jesu akashambidza zvivi zvevanhu vose vanotenda kubhapatidzo yake iyo yakaita kuti abvise zvivi zvedu zvose.
Hakuna vanhu vazhinji vanobvuma kuti Jesu akatidzikinura tose nebhapatidzo yake uye neropa rake paMuchinjikwa. Cherechedzai mufananidzo une mukurumbira we ‘Kumuka kwaJesu Kuvakafa.’ Vanhu vangani vakamutswavo kuvakafa vanoratidzwa ipapo? Vanoonekwa vachiburuka kubva muguta reJerusarema vakananga kumumvuri waJesu uyo anenge akatavatambanudzira maoko avo. Funga kuti pane vafundisi nevanamuzvinafundo vebhaibheri vangani ipapo.
Nhasi uno kune vana muzvinafundo veBhaibheri vazhinji munyika muno, asi vashomanana bedzi ndivo vanoziva pamwe nekutenda kubhapatidzo yaJesu sezvokwadi iri pakati pedzikinuro. Vamwe vana muzvinafundo veBhaibheri vanoti ivo chikonzero icho Jesu akabhapatidzwa ndechekuti aiva munhu aizvininipisa, uye vamwe vanoti akabhapatidzwa kuti ave akafanana nesu vanhu.
Asi zvakanyorwa muBhaibheri kunzi Vapostori vose, kusanganisiraPetro naJohane, vakapupura bhapatidzo yaJesu kuti ndiyo yakasakisa kuti zvivi zvedu zviturirwe kuna Jesu uye nesuvo tinotenda kudaro.
Vapostori vakapupura muMagwaro kuti zvivi zvedu zvakaiswa kuna Jesu kuburikidza nebhapatidzo yake. Ipupuro inoshamisa kwazvo kunyasha dzaMwari kuti tinosunungurwa nekutenda kwairi chete.
Bhapatidzo yeDzikinuro Haina Kukahadzika
Ndiyani anogamuchira rudo rwaMwari rusina mugumo?
Munhu anotenda kubhapatidzo yaJesu uye neropa rake
Vanhu vanokurumidza kudavira kuti kungotenda kuna Jesu kunotiponesa. Mapoka ose ezvitendero zvechi Kristu anotenda kuti ruponeso ruri maererano nekutenda kwavo, uye vazhinji vanofunga kuti bhapatidzo yaJesu ingori dzidziso yemuchiKristu. Asi ichi hachisi chokwadi. Pazviuru zvemabhuku andakaverenga handina kumbowana rimwechete zvaro pamusoro peruponeso rinojekesa hukama huri pakati pedzikinuro mubhapatidzo uye neropa raJesu uye neruponeso rwaMwari.
Vanhu vasere chete ndivo vakaponeswa panguva yaNowa. Handizivi kuti kune vanhu vangani vakaponeswa nhasi uno asi zvichida havasi vazhinji. Vakaponeswa ndeavo vanotenda kubhapatidzo uye neropa raJesu. Pandakange ndichishanyira machechi akasiyana siyana, ndakaona zvakare kuti kune makereke mashomanana anoparidza evhangeri yekubhapatidzwa kwaJesu, inova ndiyo evhangeri yezvokwadi.
Kana tisingatendi kudzikinro yebhapatidzo uye neropa raJesu, tichiri vatadzi uye hatina kuponeswa, zvisinei nekuti tinoenda kuchechi zvakatendeka sei. Tinogona kuenda kuchechi hupenyu hwedu hwese asi kana tichiri nechivi mumoyo yedu, tichiri vatadzi.
Kana tikaenda kuchechi kwemakore makumi mashanu asi tichiri nechivi mumoyo yedu, kutenda kwedu kwemakore makumi mashanu kungori kwemanyepo badzi. Zviri nane kutoti uve nezuva rimwechete rekutenda kwezvokwadi. Pakati peavo vanotenda kuna Jesu, avo bedzi vanotenda kududziro yechokwadi yebhapatidzo yaJesu uye neropa rake ndivo vachapinda muHumambo hweDenga.
Kutenda kwezvokwadi ndiko kutenda kzvokwadi yekuti Mwanakomana waMwari akaburukira pano ndobva abhapatidzwa kuti atakure zvivi zvose zvenyika. Uku ndiko kutenda kunoti kunotisvitsa kuHumambo hweDenga. Tinofanira kutendawo kuti Jesu akadeura ropa rake paMuchinjikwa kuitira iwe neni. Tinofanira kuzivavo izvi kuti tigomuwonga pamwe nekumukudza.
Ko isu tiri chii? Tiri vana vevarume nevakadzi vakaponeswa nebhapatidzo yaJesu uye neropa rake. Tingatadza Seiko kumutenda? Jesu akabhapatidzwa muJorodhani aine makore makumi matatu kuti atiponese. Nekudaro, akatora zvivi zvedu zvose ndokubva agamuchira mutongo pachinzvimbo chedu paMuchinjikwa.
Kana tikafunga nezvazvo, chatingagona kungomutenda takazvininipisa. Tinofanira kuziva kui zvose zvakaitwa naJesu pasi pano zvakaitirwa ruponeso rwedu. Chekutanga, akaburukira panyika pano. Akabhapatidzwa, ndokuroverwa uye ndokumutswa kuvakafa nezuva retatu, uye zvino agere kuruvoko rwerudyi rwaMwari.
Dzikinuro yaMwari ndeyedu tose, pasina anosiiwa. Ruponeso rwaJesu nderwako neni. Tinotenda Mwari nerudo rwake uye nemaropafadzo ake.
Kune nziyo yechitendero inoimbwa sezvizvi. “Pane nyaya yakanaka. ♫Pakati pevanhu vazhinji munyika, ndine ndine rudo neruponeso rwake ♫ Haiwa rudo rwake runoshamisa sei! ♫ Rudo rwake kwandiri, Rudo rwake kwandiri. Pane nyaya yakanaka ♫ Pakati pevanhu vazhinji munyika, tisu takaponeswa, tikava vanhu vake. Takashonga rudo rwake ♫ Haiwa rudo rwaMwari, nyasha dzaMwari ♫Haiwa rudo rwake runoshamisa sei! Rudo rwake kwandiri♫.”
Jesu akauya kuzoponesa iwe neni, uye dzikinuro yebhapatidzo yake ndeyeduvo isu. Evhangeri haisi ngano inorondedzerwa; izvokwadi inotisimudza kubva muhupenyu hwekunetsekana ichitipinza muhumambo hwakaisvonaka hwaMwari. Unofanira kuzviisa mupfungwa kuti kutenda ndiho hukama pakati pako naMwari.
Jesu akadzika panyika pano kuti atiponese. Akabhapatizwa ndokubva agamuchira mutongo weMuchinjikwa kuti ashambidze zvivi zvedu.
Iropafadzo yakadii kana vakatendeka vachidaidza Mwari kuti Baba! Ko tingatenda sei kuna Jesu seMuponesi wedu tigoponeswa pachivi nekutenda kwedu? Zvinogoneka nekufa kwerudo rwake rusina mugumo. Takaponeswa nekuda kwake iye akatanga kutida.
Jesu Akashambidza Zvivi Zvedu Zvose Kamwechete Zvachose
“Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwevasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari” (1 Petro 3:18). Jesu Kristu akabhapatidzw kuitira dzikinuro yedu uye akafa kamwechete paMuchinjikwa kuti aponese iwe neni vasakarurama.
Ko tinoponeswa kamwechete zvachose here kana kuti zvishoma nezvishoma?
Kamwechete zvachose
Jesu akafa kamwechete panyika pano kuti atinzvengese pakutongwa. Kuti tive nekupinda muHumambo hweDenga uye tigogara nekusingaperi pamberi paMwari, Jesu akaburuka panyika pano panyama ndokubva ashambidza zvivi zvedu zose kamwechete nebhapatidzo yake, uye nerufu rwake paMuchinjikwa uye nekumuka kuvakafa.
Unotenda here kuti Kristu akatiponesa zvakakwana nebhapatidzo yake uye neropa rake? Kana usingatendi kuevhangeri yebhapatidzo uye neropa rake, haungagoni kuponeswa. Nekuda kwekuti hatina simba, hatingagoni kuberekwa patsva kana tisingatendi kuti Jesu akashambidza zvivi zvedu zvose kamwechete zvachose nebhapatidzo yake uye neropa rake.
Akabhapatidzwa kuti abvise zvivi zvedu zvose ue akatongwa paMuchinjikwa nekuda kwedu. Jesu akashambidza zvivi zvose zvevatadzi kamwechete zvachose nedzikinuro yebhapatidzo yake uye neropa.
Hazvaigoneka kuti isu sevanhu tidzikinurwe kana dai taizoreurura nguva nenguva patinotadza, kuti tigova vanhu vakanaka uye vane tsitsi, uye tichipa zvinhu zvakawanda kukereke.
Naizvozvo, kutenda kubhapatidzo yaJesu uye neropa reMuchinjikwa wake ifaniro yeruponeso rwedu. Tinofanira kutenda kumvura neropa. Kungoita mabasa akanaka bedzi hazvinei nechekuita nekuregererwa kwezvivi zvedu.
Hazvina betsero yazvinoita kuruponeso rwako kuti utengere svutu dzinodhura kuvarombo kana kubikira vafundisi chikafu chemandorokwati. Jesu anoponesa avo vanotenda kubhapatidzo yake neropa rake bedzi. Kana tikatenda kuti Mwari vakatiponesa kuburikidza naJesu, nebhapatidzo yake uye neropa rake kamwechete, tichaponeswa.
Vamwe vanogona kufunga vachiti kunyange zvazvo Mwari akataura saizvozvo muBhaibheri, vanofanira kumbodzamisa futi ndangariro pamusoro pazvo. Izvi zviri kwavari, asi tinofanira kutenda kushoko ravo sekunyorwa karakaita
Muna VaHeberu 10:1-10, zvakanyorwa kuti akatiponesa tose kamwechete. Ichokwadi kuti Mwari akaponesa avo vanotenda kubhapatidzo uye neropa raJesu kamwechete, Tinofanirawo kutenda saizvozvo. “Akafa kamwechete, akatiponesa tose kamwechete. O hama dzangu, tendai mudzikinurwe. Turai mitoro yenyu pasi, mujinga mebhapatidzo yaJesu.”
“Aarurama nekuda kwevasakarurama” (1 Petro 3:18). Jesu ndiMwari. Akadzika kwatiri panyama kuzoponesa vanhu pazvivi zvavo. Akabhapatidzwa ndokutora zvivi zvedu zvose. Akatiponesa pachivi nekusarurama.
Zvivi zvose zvevanhu, kubvira pakuberekwa kusvika pakufa, zvakatambidzw kuna Jesu paakabhaptidzwa, uye zvose zvakaregererwa pakutongwa apo Jesu akateura ropa rake ndokufira paMchinjikwa.Akabhapatidzwa nekuda kwevatadzi uye akafa pachinzvimbo chavo.
Iyi ndiyo dzikinuro yebhapatidzo yake. Jesu akaponesa isu tose, takanga tiri vatadzi, kamwechete zvachose. Isu tose hatina simba sei! Jesu akadzikinura zvivi zvedu zvose, kubvira pakuberekwa kusvikira pakufa, ndobva azvipira paMuchinjikwa. Isu vanotenda kuna Jesu tinofanira kutenda kuti akatiponesa kamwechete nebhapatidzo uye neropa rake.
Isu hatina simba asi Jesu anaro. Hatina kutendeka asi Jesu akatendeka. Mwari anotiponesa tose kamwechete. “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa, asi ave nehupenyu husingaperi” (Johane 3:16). Mwari vakatipa Mwanakomana wavo mumwe oga. Vakaita kuti Mwanakomana wavo abhapatidzwe kuti zvivi zvose zvenyika zviturirwe kwaari, kuti agogamuchira mutongo pachinzvimbo chevanhu vose.
Ruponeso rwunoshamisa zvakadii! Rudo rwunoshamisa zvakadii urwu! Tinotenda Mwari nerudo rwavo uye neruponeso. Mwari vanoponesa avo vanotenda kumvura uye neropa raJesu: bhapatidzo yaJesu uye nekuteuka kweropa rake uye nezvokwadi yekuti Jesu Mwanakomana waMwari.
Avo vanotenda kuna Jesu vanogona kuponeswa kuburikidza nekutenda kuzvokwadi yebhapatidzo uye neropa raJesu uye vagowana hupenyu husingaperi sevakarurama. Tose tinofanira kutenda kwazviri.
Ndiyani akatiponesa? NdiMwari here vakatiponesa kana kuti ndechimwe chezvisikwa zvavo chakatiponesa? NdiJesu, anova ndiye Mwari, akatiponesa. Takaponeswa nekuti takatenda kudzikinuro yaMwari uye urwu ndirwo runopeneso rwedzikinuro.
Jesu Ndiye Ishe weRuponeso
Zvinorevei kuti ‘Kristu’?
Zvinoreva kuti Muprista, Mambo kana kuti Muprofita
Jesu Kristu ndiMwari. Kuti Jesu zvinoreva kuti Muponesi, uye kuti Kristu zvinoreva kuti ‘muzodziwa.’ Sekuzodzwa kwakaitwa Sauro naSamieri muTestamende Yakare, madzimambo aizodzwa, vaprista vaizodzwavo uye kuti muprofita ashumiri basa rake, aitanga azodzwa.
Jesu akauya panyika pano uye akazodzwa kuita mabasa matatu: Muprista, Mambo uye Muprofita. SeMuprista weDenga, akabhapatidzwa kuti atore zvivi zvevanhu vose.
Achiterera kuda kwaBaba bake, akazvipira sechipiriso chechivi pamberi paBaba. “Ndini nzira nechokwadi uye neupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura nepandiri” (Johane 14:6). Jesu akatiponesa isu vanotenda kwaari kuburikidza nekubvisa zvivi zvedu nebhapatidzo yake uye nekuroverwa.
“Nokuti upenyu hwenyama huri muropa” (Revhitiko 17:11). Jesu akateura ropa paMuchinjikwa mushure meBhapatidzo yake; saizvozvo akapira hupenyu hwake pamberi paMwari semubairo wezvivi zvedu kuitira kuti isu vanotenda tiponeswe.
Akamutswa nezuva retatu mushure mekufira paMuchinjikwa, akaparidzira evhangeri kumweya yakanga yakasungwa mutirongo. Avo vasati vadzikinurwa vakafanana nevasungwa vepamweya vari mujeri rechivi, kune ivavo Jesu anovaparidzira evhangeri yezvokwadi, evhangeri yemvura neropa. Mwari vakatipa evhangeri yemvura noMweya kuti vatiponese. Aninani anotenda kwairi anogona kuberekwa patsva.
Bhapatidzo yaJesu neRopa Rake Zvinoponesa Vatadzi
Ko tingaita hana yakanaka sei pamberi paMwari?
Kuburikidza nekutenda kubhapatidzo yaJesu uye neropa rake
Jesu Kristu ndiye Muponesi wedu, sezvazvakapupurwa muna 1 Petro 3:21, “Uye mvura iyi inofananidzira rubhapatidzo runokuponesaiwo zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yomuviri asi rubatso rwehana yakanaka kuna Mwari.” Mvura yebhapatidzo yaJesu ifaniro pakuponeswa kwevatadzi.
Jesu akashambidza zvivi zvevatadzi vose kuburikidza nekutakurira kwaari zvivi izvi nebhapatidzo yake. Ko unotenda kubhapatidzo yaJesu here? Unotenda here kuti moyo yedu inoshambidzwa zvivi zvose kuburikidza nebhapatidzo? Moyo yedu yakashambidzwa ikachena, asi nyama yedu inoramba ichitadza.
Kuti ‘kuberekwa patsva’ hazvirevi kuti munhu haachatadzi zvakare. Isu, vakaberekwa patsva, tinotadzavo, asi moyo yedu inoramba yakachena nekuda kwekutenda kwedu kubhapatidzo yaJesu. Saizvozvo, ndima yepamusoro yataura kuti, “Rusingarevi kubviswa kwetsvina yomuviri asi rubatso rwehana yakanaka kuna Mwari.” (1 Petro 3:21).
Sezvo Jesu akashambidza zvivi zvanhu, uye sezvo Mwari vakatambira mutongo kuitira ini, ndingagotadza sei kutenda kwari? Ndichiziva kuti Jesu, anova ndiye Mwari, akandiponesa kuburikidza nebhapatidzo yake uye neropa rake, ndingatadza sei kutenda kwaari? Takaponeswa pamberi paMwari uye hana dzedu dzakachena zvino. Hatichagoni kutaura pamberi paMwari tichiti Jesu haana kushambidza zvivi zvedu zvakakwana, sekusagona kwatingaita kureva kuti Mwari havatide.
Hana dzedu dzinobva dzakasika kurova kuchivi mushure mekuberekwa patsva uye dzinotiudza pese patinoita zvakaipa. Kana hana dzedu dzikashushikana kana kadiki zvako, hatingagoni kuva vakasununguka pachivi kudzamara tazviyeuchidza nezvesimba rebhapatidzo yaJesu. Ndiyo chete nzira yatingave nayo hana yakanaka.
Kana hana dzedu dzikashushikana, zvinoreva kuti pane zvisina kumira zvakanaka. Mvura yebhapatidzo yaJesu inochenesa tsvina yose yechivi. Jesu akabvisa zvivi zvedu zvose nebhapatidzo yake ndokubva atishambidza kusanganisira hana dzedu. Kana tikatenda izvi zvechokwadi, hana dzedu dzinocheneswa zvamazvirokwazvo. Ko hana dzedu dzingacheneswa sei? Nekutenda kubhapatidzo yaJesu uye neropa rake. Munhu wese ane hana yakapa uye yakasviba kubvira pakuzvarwa, asi kana tikatenda kuti zvivi zvedu zvakaiswa pana Jesu, tinogona kudzima tsvina iyoyo.
Uku ndiko kutenda kwevakaberekwa patsva. Hachisi chinhu chinoitika uri kutsi kwekusaziva, chinoitika uchizvisarudzira nemoyo wako. Ko hana yako yakachena here? Zvinodaro kuti yakachena nekuti wakararama hupenyu hwakanaka here, kana kuti yakachena nekuti zvivi zvako zvese zvakaiswa kuna Jesu uye unotenda kwaari? Tinowana hana yakachena kuburikidza nekutenda uku bedzi.
Kune mashoko ane upenyu, koita mashoko asina upenyu. Ko hana dzevanhu vose dzingashambidzwe sei? Nzira bedzi yekuti tive vakaruram uye tive nehana yakachena ndeyekutenda kudzikinuro yakakwana yaJesu.
Kana kutenda kubhapatidzo yake kuchitiita vatsvene, hazvireve kuti tsvina yenyama yabviswa, asi kuti hana dzedu dzachena pamberi paMwari. Nokuda kwazvo, Jesu akauya, akabhapatidzwa, akafira paMuchinjikwa uye akamutswa kuvakafa uye zvino agere kuruvuko rwerudyi rwaMwari.
Kana nguva yakwana, achadzoka panyika pano zvakare. “Achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira” (VaHeberu 9:28). Tinotenda kuti Jesu achadzoka kuzotitora, isu vakamumirira nechido, uye vasina zvivi kuburikidza nekutenda kubhapatidzo yake neropa rake.
Tsvakiridzo yeKutenda
Ko tingaponeswa here pasina bhapatidzo yaJesu?
Kwete
Takamboita tsvakiridzo yakanga tisina hedu kuronga pakereke yedu yepa Daejeon.
Mufundisi Park avo vanotungamira kereke yepa Daejeon vakandiudza kuti vakanga vaudza mumwe murume nemukadzi wake kuti munyika hamuna chivi asi vasina kutaura nezvebhapatidzo yaJesu. Murume wacho aiva netsika yekurara kumachechi aaimboenda nekuti vafundisi vose kwaaienda vaiparidza evhangeri vachisiya dzikinuro yebhapatidzo yaJesu, izvo zvayiita kuti ave nekureurura zvivi zvake zuva nezuva.
Asi paakauya pakereke yedu yepaDaejon, akaterera kumharidzo yose akavhura meso ake nekuti akanga audzwa kuti zvivi zvake zvose zvakanga zvaiswa kuna Jesu. Zvakaita nyore kuti mukadzi wake amukwezve kuti adzoke zvakare kuchechi panguva yakatevera.
Rimwe ramazuva, akanga ari mukereke ndokubva anzwa VaRoma 8:1 ichiverengwa. “Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu.” Murume uyu akabva afunga pakarepo achiti, ‘Hoo, saka kana munhu akatenda kuna Jesu, haachisina chivi. Saka sezvo ndichitenda kuna Jesu, handichisinavo chivi.’
Murume uya akabva afonera vakarahwa vake pamwe neshamwari dzake achivaudza kuti, “Kou ne chivi mumoyo mako here? Saka kutenda kwako hakusi kwechokwadi.” Mushure mezvo, Mufundisi Park vakapererwa. Murume uyu akanga asingazivi nezvebhapatidzo yaJesu asi akanga achisimbirira kuti haachina chivi.
Murume uyu akatanga kunetsana nemukadzi wake. Mukadzi ndiye aimbonyanyofarira zvekunamata, asi akanga achiri necivi mumoyo make, apa murume wake achiti haachina chivi. Murume akangoenda kuchechi kwemaminitsi mashomanana, ndobva atoti haachisina chivi.
Mukadzi wacho aiva nechokwadi chekuti vese vari vaviri vakanga vachiri nechivi mumoyo yavo. Vakatanga kuitisana nharo. Murume akasimbirira achiti haana chivi nekuti ‘Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu.’ Asi mukadzi akapikisa achiti iye pachake achiri nechivi mumoyo nechivi mumoyo make.
Asi rimwe zuva, mukadzi wake akasvotwa nazvo ndokubva aenda kundobvunza Mufundisi Park kuti vaimborevei pavakati zvivi zvose zvakatambidzwa pana Jesu.
Saka rimwe zuva, mushure mekunge munamato wemanheru wapera, mukadzi uyu akati murume wake afane kutungamira kumba, ndobva iye asara zvake kuti azobvunza Mufundisi Park. Akabvunza achiti, “Ndinoziva kuti pane zvamuri kuedza kuda kutiudza, asi ndine chokwadi kuti pane chimwe chikamu chakakosha chakavigwa. Ndapot ndiudzei kuti ndechipi.” Mufundisi Park vakabva vamuudza nezvekuberekwa patsva nemvura noMweya.
Mukadzi uyu akabva aziva pakarepo kuti sei zvakanyorwa muna VaRoma 8:1 kuti, “Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu.” Akatenda pakarepo ndobva aponeswa. Akapedzisira aziva kuti zvivi zvedu zvose zvakaiswa kuna Jesu kuburikidza nebhapatidzo yake kutirira kuti vaya vari muna Kristu vasapiwa mhosva.
Akabva atanga kunzwisisa Shoko raMwari rakanyorwa. Zvino akabva azoziva kuti kiyi yedzikinuro ibhapatidzo yaJesu uye kuti tinogona kuita vakarurama kuburikidza nedzikinuro yebhaptidzo yake.
Murume wake akanga asina kuenda kumba, akamirira panze. Akaterere mukadzi wake achipupura kuti zvivi zvake zvakashambidzwa, ndobva achibvunza murume wake kuti, “Ko imi, muchiri kuzviti makadzikinurwa here?”
Asi mushure mekuterera zvakanga zvaudzwa mukadzi wake nemufundis wavo, murume uyu akabva avhiringidzika. Akanga asati ambonzwa nezveevhangeri yebhapatidzo yaJesu. Apa anga ava kutofuna zvakare kuti haasisina mumoyo wake pasina bhapatidzo yaJesu. Saka pavakasvika kumba, vakabva vatanga kuita nharo zvakare.
Panguva ino, nharo dzacho dzakanga dzananga nerimwe divi. Mukadzi aisimbirira kuramba achibvunza murume wake kuti akanga ane chivi mumoyo make here kana kuti kwete. Akamubvunzi kuti angagozviti haana chivi sei kana asingatendi kubhapatidzo yaJesu. Akamukurudzira kuti anatsoterera kuhana yake kuti inoti chii. Murume uyu paakanatsoterera muhana make, akaona kuti akanga achiri nechivi mumoyo make.
Murume uya aabva aenda kuna Mufundisi Park ndobva andopupura kuti aiva nechivi mumoyo make. Akabvunza mufundisi achiti, “Vanhu pavayiisa maoko avo pamusoro wembuzi yekutakudzwa, zvayiitwa vasati vaiuraya kana kuti mushure mekunge vayiuraya?” Akanga asati ambonzwa nezveevhangeri yemvura noMweya, saka anga asinganatsonzwisisi.
Ichi ndicho chaiva chinangwa chetsvakiridzo yepamweya iyi. Jesu aifanira kubhapatidzwa kuti zvivi zvose zvenyika zvitambidzwe kwaari. Ndipo bedzi paaizokwanisa kufira paMuchinjikwa nekuda kwekuti mubairo wechivi rufu.
“Vayiisa maoko avo pamusoro wechipiriso vasati vachiuraya here kana kuti mushure mekunge chaurayiwa?” Akabvunza mubvunzo uyu nekuti akanga asinganzwisisi zvekuiswa kwemaoko uye nebhapatidzo yaJesu. Saka Mufundisi Park vakabva vamutsanangurira nezvebhapatidzo yaJesu zvakadzama.
Zuva iroro, murume uyu akanzwa kekutanga evhangeri yemvura noMweya, ndobva adzikinurwa. Akangonzwa evhangeri kamwechete bedzi ndokubva asunungurwa.
Iyi ndiyo tsvakurudzo yatakaita panhau yekusiya bhapatidzo yaJesu paruponeso. Tinogona kureva tichiti hatina chivi, asi zvamazvirokwazvo tichiri nechivi muhana dzedu kana pasina bhapatidzo yaJesu.Vanhu vanowanzotaura vachiti Jesu akashambidza zvivi zvose kuburikidza nekufa paMuchinjikwa, asi avo bedzi vanotenda kubhapatidzo neropa raJesu ndivo vanogona kureva vachiti Havana chivi pamberi paMwari zvechokwadi.
Mufundisi Park vakaratidza, kuburikidza nemurume uyu nemudzimai wake, kuti hatingagoni kudzikinurwa zvakakwana pazvivi zvedu kana pasina dzikinuro yekutenda kubhapatidzo yaJesu.
Mucherechedzo weRuponeso: Bhapatidzo yaJesu
Ko mucherechedzo weruponeso ndeupi?
Ibhapatidzo yaJesu
“Uye mvura iyi inofananidzira rubhapatidzo runokuponesaiwo zvino.” Jesu akaburukira panyika kuti azochenesa hana dzedu sechando. Tinocheneswa zvivi zvedu zvose nekuti Jesu akazvitakurira kwaari zvose kuburikidza nebhapatidzo yake. Akatiponesa nebhapatidzo yake uye neropa rake. Naizvozvo, zvisikwa zvose zvinofanira kupfugama pamberi pake.
Kutenda kuna Jesu kunotiponesa. Tinoita vana vaMwari uye tobva taenda kuDenga nekutenda kuna Jesu. Tinoita vakarurama kuburikidza nekutenda kuna Jesu. Isu tisu huprista hweumambo. Tisu tinogona kudaidza Mwari tichiti Baba vedu. Tinorarama munyika ino, asi tiri madzimambo.
Ko unotenda here kuti Mwari akaponesa isu vanotenda kudzikinuro yemvura noMweya? Dzikinuro yedu haikwaniswe zvachose kana pasina bhapatidzo yaJesu. Kutenda kunogamuchirwa sechokwadi naJesu naMwari ndiko kutenda kuevhangeri yebhapatidzo, Muchinjikwa uye noMweya, izvo zvakatiponesa zvachose. Uku ndiko kutenda kwezvokwadi.
Zvivi zvedu zvakashambidzwa apo Jesu akazvitora nebhapatidzo yake uye zvivi zvedu zvose zvakaripirwa paakateura ropa rake paMuchinjikwa. Kristu Jesu akatiponesa nemvura uye neropa. Hongu! Tinotenda!