• All e-books and audiobooks on The New Life Mission website are free
  • Explore multilingual sermons in global languages
  • Two new revised editions in English have been released
  • Check out our website translated into 27 languages
Search

Sermons

Musoro 3 : Evhangeri yeMvura noMweya

[3-5] Zvinoreva Mavambo Evhangeri Rekuzvarwa Patsva (Johane 3:1-6)

(Johane 3:1-6)
“Kwaivapo mumwe wavaFarise wainzi Nikodimo, mukuru wavaJudha, iye akauya kwaari usiku, akati kwaari, Rabi, tinoziva kuti muri mudzidzisi wakabva kuna Mwari; Nokuti hakuna munhu anogona kuita zviratidzo izvozvo zvamunoita, kana Mwari asiri maari. Jesu akapindura akati kwaari: zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi kutsva haangaoni hushe hwaMwari. Nikodimo akati kwaari; munhu angagoberekwa sei ava mukuru? Angapinda mudumbu raAmai vake kechipiri zvakare here akazoberekwa zvakare? Jesu akapindura akati zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi nemvura nemweya, haangagoni kupinda muhushe hwaMwari. Chakaberekwa nenyama inyama; chakaberekwa nemweya Mweya.”
 
 
ZVICHIENDERANA NEZVIRI MUBHAIBHERI, KUBEREKWA PATSVA ZVINOREVEI?
 
Munyika ino, pane zvizhinji vanoda kuzvarwa patsva nokuti vanotenda muna Jesu chete. Zvisinei hazvo chandinoda kutanga kukutaurirai ndechokuti kuzvarwa patsva hazviitiki nokuti ndizvo zvatinoda. Nemamwe mashoko, hachisi chiitiko chinouya nokuda kwemabasa edu chete.
 
Kuzvarwa patsva kune hukama nezvinoshanduka panyama yedu here?
KWETE : Kuzvarwa patsva kune hukama neshanduko pamweya mutadzi anofanira kuzvarwa patsva kuti agove asina zvitadzo.
 
Vakirisito vazhinji vane kakusanzwisisa kakarerekera ikoku. Vanotenda kuti zvirokwazvo vanofanira kuzvarwa zvakare. Vanozvitenda nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana, kusanganisira; vamwe vanoedza ruponeso nokuvaka makereke matsva, vamwe vanoedza kuve vatumwa vaMwari vachienda kunoparidza shoko raMwari kunzvimbo dzisati dzambosvikwa. Vamwe vanotadza kuroora vachiti vanoda kuita basa raMwari.
Zvose izvi handizvo. Kune vanhu vazhinji vanopa zvipo zvemari yakawandisa kumakereke avo, kana kuti vanoswera vachichenesa mukari memakereke avo vachipawo pfuma nemidziyo kumakereke avo. vadaro vanofunga kuti zvose izvi zvichawanisa menduru youpenyu. Vanofunga kuti Mwari achavaona nokuda kwemasimba avo ose avakaratidza zvigozoita kuti vagozvarwa patsva.
Chokwadi chiripo ndechokuti vanhu vazhinji vanoda kuzvarwa patsva, uye vanowanikwa munzvimbo dzakawanda, vanoshanda zvakasimbarara, vachifunga kuti nerimwe zuva Mwari achavakommborera nokuzvarwa patsva. Vanhu vakadai vanowanikwa mumakereke akasiyana-siyana. Urombo chaizvo kuti havazivi chokwadi chekuzvarwa patsva.
Vanofunga zvinoenderana nezvavanoda, “kana ndikaita izvi nemazvo, ndichazvarwa patsva.” Nokudaro vanoedza chose nepose pavanogona kuita mabasa akanaka vachifunga kuti vari kutovaka hwaro hwekuti vagozvarwa patsva uye vachifunga. “Neniwo ndichazvarwa patsva rimwe zuva, sezvakangoita Mufundisi Wesley!” Vachiverenga Johane 3:8, vaitoredzera kuti hakuna munhu anokwanisa kutaura nezvemakomborero ekuzvarwa patsva kana kuti kwaanobva.
Naizvozvo vanotoshanda zvakasimba vane tariro yekuti nerimwe zuva Jesu achavabvumidza kuti vagozozvarwa patsva. Pane vazhinji vanofunga vachiti, “kana ndikaramba ndichiedza sezvizvi, Jesu, nerimwe zuva achandibvumidza kuzvarwa patsva chete, ndichapedzisira ndazvarwa patsva ndisingambozivi kuti ndizvo zvaitika. Ndichamuka kuseni kwerimwe zuva ndakatozvarwa patsva ndobva ndaziva kuti zvaitika ndava kutonopinda denga.” Itarisiroi dzisina zvibereko dzakadai!
Hatimbofa takazvarwa patsva nenzira yakadai! Hatimbofa takazvarwa patsva nokuti hatiputi kana kunwa doro kana kuti nokuenda kukereke zuva nezuva. sezvakataurwa naJesu kuti tinofanira “kuzvarwa patsva nemvura nemweya” kuti tigopinda kuhumambo hwaMwari. Nokudaro Mvura nemweya ndizvo chete zvinodiwa naMwari kuti tigozvarwa patsva.
Kunze kwekuti munhu atozvarwa nemvura nemweya chete, zvimwe zvose kuzvipedzera nguva yakakosha pamberi paJesu. Munhu haangatombozvarwi patsva noluti wakwanisa kuwana mupiro, kana kuti chipo, umwe anogona kufunga kuti Mwari chete ndiye anoziva vanozvarwa patsva, saka haanazivi kuti iye azvarwa patsva here kana kuti kwete.
Zvinogona kuve nyore kufunga sezvizvi, asi kuzvarwa patsva hakugoni kuvigwa pasi petafura. Umwe neumwe anozvizivira pachake, uye vamwe vanonzwawo saizvozvo.
Hatingazvinzwi panyama, asi tinogona kuzvinzwa pamweya. Vanenge vazvarwa pachokwadi ndivo vatendi vaya vanenge vazvarwa patsva pashoko raMwari, shoko remvura, neropa uye nemweya. Vaya vanenge vasina kuzvarwa patsva havazozvinzwisisi sekunzwisisa kwaingoita Nikodimo.
Naizvozvo tinofanira kuteerera kumashoko echokwadi, ekuregererwa kuburikidza nekubhabhatidzwa uye neropa raJesu. Apo patinoteerera nokudzidza shoko raMwari, tinowana chokwadi mazviri. Nokudaro tinofanira kuti tivhure njere dzedu uye tigoteerera zvakadzama.
“Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa inzwi rayo asi hauuzivi painobva napainoenda; mumwe nemumwe wakaberekwa nomweya wakadaro.” (Johane 3:8).
Kana munhu asina kuzvarwa patsva akarava mashoko aya, anofunga achiti, “Ha-a! Jesu akati handingazivi pandinenge ndazvarwa patsva! Hapana anozviziva!” Pfungwa idzodzi dzinobva dzamupodza chose asi hachisi chokwadi. Hatingazivi kuti mhepo inovhuvhuta ichibvepi uye ichiendepi, asi Mwari anoziva zvose izvi.
Kunyangwe kune avo vakazvarwa patsva, pane vamwe vanogona kusazviziva pakutanga. Izvi hazvinzwisisiki. Asi mukati memwoyo wemunhu akadai, mune shoko. Shoko rekuregererwa kuburikidza nekubhabhatidzwa uye neropa raJesu.
Uhu ndihwo uchapupu hwekuzvarwa patsva. Avo vanonzwa vhangeri uye vobva varangarira vachiti, “Ho-o zvino handichina chitadzo, naizvozvo ndaponeswa kubva kuzvitadzo uye ndazvarwa patsva.” Kana vakatenda uye nokuchengeta vhangeri remvura nemweya mumwoyo yavo, vanobva vaita vatsvene, uye vove vana vaMwari.
Umwe anogona kubvunzwa kuti, “Wakazvarwa patsva here?” Anobva apindura achiti, “Handisati” “Asi wakaponeswa here?” Anoti “Hongu ndinotenda kuti ndakaponeswa” Asi anenge achitaura mashoko anopokana pachawo. Handizvo here? Zvinodaro, nokuti anofunga kuti munhu kana akazvzrwa patsva anofanira kunge achishanduka pakuratidzika panyama yake.
Vanhu vakadai vanotora kuzvarwa patsva sechinhu chinoshandura magariro ehupenyu hwepanyika. Asi chokwadi ndechinoti, havanzwisisi vhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Kune vazhinji vasinganzisisi nezvekuzvarwa patsva. Inyasha chose, kwete kuti veruzhinji chete mukereke, asi kuti ruzhinji rwevatungamiriri vedzikereke avo vanoita basa rehutungamiriri vari pakurasika kwavo. Mwoyo yevaya vakazvarwa patsva inochemera vanhu vakadai.
Kana tichinzwa zvakadai, ko kuzoti Jesu kana Mwari vari kudenga vanorwadziwa zvakadii? Tose ngatizvarwei patsva nokutenda muvhangeri rekuzvarwa patsva nokutenda muvhangeri rekuzvarwa patsva nekubhabhatidzwa kwaJesu uyewo neropa rake riripamuchinjikwa.
Kuzvarwa patsva nekuponeswa zvino reva chinhu chimwechete. Zvakadaro hazvo, kune vakawanda vasingazivi chokwadi ichi. Kuzvarwa patsva kunoreva kuti zvitadzo zviri mumwoyo wemunhu zvakasukwa nokutenda muvhangeri remvura nemweya. Zvinoreva kuva mutsvene kuburikidza nekuvimba nekubhabhtidzwa kwaJesu uye nekuzvipira kwake pamuchinjikwa.
Vanhu vasati vazvarwa patsva vanenge vari vatadzi, asi kana vachinge vasisina kana chitadzo chimwe zvacho, vazvarwa patsva semunhu mutsva, vanobva vaita vana vaMwari nokutenda muvhangeri reruponeso.
Kuzvarwa patsva kunoreva kupfeke hanzu dzekubhabhatidza kwaJesu, kufira pamuchinjikwa pamwechete naye uye nekumuka pamwechete naye zvinoreva kuti munhu ave mutsvene kuburikidza nemashoko ekubhabhatidzwa uye nemuchinjikwa waJesu.
Kana munhu achizvarwa kubva mudumbu raAmai vake, anenge ari mutadzi. Asi kana achinge azonzwa vhangeri rechokwadi rekuzvarwa patsva nemvura nemweya ndiko kuti azvarwa patsva uye obva ave mutsvene.
Wakatarisa kunze munhu iyeye anoita sokunge hapana chashanduka, asi mukati make anenge azvarwa patsva, mumweya. Izvi ndizvo zvazvinoreva kuti kuzvarwa patsva. Asi vashoma vanoziva chokwadi ichi. Kana kuti, kana neumwechete pakati pezviuru gumi zvevanhu. uNobvumirana neni here kuti pane vazhinji vasinganzwisisi chokwadi chiri mukuzvarwa patsva?
Avo vanotenda muvhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya uye vanenge vazvarwa patsva vanogona kuona musiyano wechokwadi pane avo vazvarwa patsva nevanongove makirisito asati azvarwa patsva.
 
 
NDIJESU HERE ANOONA NEMAFAMBIRO ANOITA MHEPO
 
Ndiani anoziva kuti akaponeswa ndiani?
Avo vakazvarwa patsva chete.
 
“Mhepo inovhevhuta nepainoda napo, unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva nepainoenda; mumwe nemumwe wakaberekwa nemweya wakadaro.” Jesu aitaura pamusoro peavo vasati vazvarwa patsva, vakazvarwa patsva vanoziva nezvekuzvarwa kwavo patsva, asi Nikodimo ainge asingazvizivi. Mwari vanoziva akazvarwa patsva uyewo vakazvarwa patsva vanozviziva.
Asi vasina kuzvarwa patsva havangazivi kuti munhu anozvarwa patsva sei, sekusaziva kwavanoita kuti mhepo inobvepi ichiendepi.
Unokwanisa kuzvinzwisisa here izvi? Anofambisa mhepo ndiani? NdiMwari. Akasika mhepo ndiani? Mwari vari kudenga ndivo vakazviita. Ndiani anoona nezvemafambiro ekunze, nzira dzinofamba nemhepo nemvura nadzo? Uye ndiani akaisa kufema kwehupenyu muzvipuka zvose zvinorarama? Nemamwe mashoko, akasika upenyu hwose huri munyika uye nekuhufambisa ndiani? Hakuna umwe kunze kwaJesu Kirisito. Uye Jesu ndiye Mwari.
Kana tisingazivi mashoko evhangeri remvura, ropa uye nemweya, hatingazvarwi patsva uye hatingagoni kudzidzisa vamwe nezvazvo. Jesu akatitaurira kuti kunze kwekutoti munhu azvarwa nemvura nemweya, munhu haangatozvarwi patsva.
Tinofanirwa kutenda muvhangeri remvura nemweya, rinova vhangeri rine simba iro rinoita kuti tizvarwe patsva. Mweya achapinda onogara mupfungwa dzeavo vanotenda muvhangeri remvura nemweya.
Jesu Kirisito akabhabhatidzwa kuti agotora zvitadzo zvemarudzi ose uye akadeura ropa rake pamuchinjikwa kuti aripire zvitadzo izvozvo. Akaisa ruponeso rwekuzvarwa patsva mumwoyo yemarudzi ose. Kana tikatenda muvhangeri iri Mweya anoera anopinda matiri. Ndirwo ruponeso rwekuzvarwa patsva. Kana tikatenda mukubviswa kwezvitadzo kuburikidza nerubhabhatidzo rwaJesu uye neropa rake, zvirokwazvo tinenge tazvarwa patsva.
Muna Generisi 1:2, ndima yepiri makanyorwa kuti, “Nyika yakanga isina kugadzirwa, sisina chinhu, rima rakanga riripo pamusoro pemvura yakadzika. Mweya waMwari wakanga achigariri pamusoro pemvura.” Kwanzi izvo, Mweya waMwari wakanga uchigarira pamusoro pemvura. Mweya waMwari wakanga uchibuda kunze kwenyika.
Izvi zvinoreva kuti mweya haungapindi mumwoyo yevatadzi. Mwoyo wemunhu asina kuzvarwa patsva ane matambudziko. Akavharwa nerima rezvitadzo. Nokudaro Mweya waMwari haukwani kuti agare mumunhu akadaro.
Mwari vakatumira chiedza chevhangeri ravo kuti chibwinye mumwoyo yevatadzi. Mwari akati, “Ngakuve nechiedza” kukava nechiedza pakarepo, Mweya waMwari wakabva wagara mumwoyo yevanhu.
Naizvozvo mumwoyo yevakazvarwa patsva, avo vanotenda muvhangeri remvura nemweya, ndimo munogara mweya waMwari. Ndizvo zvinoreva “Kuzvarwa patsva.” Vanozvarwa patsva mumwoyo yavo nokuti vanoteerera kumashoko eruponeso emvura nemweya uye vachitenda maari!
Ko munhu angazvarwa sei? Jesu akatsanangura izvi kuna Nikodimo muFarise, achiti, “Kunze kwekuti munhu azvarwa nemvura nemweya haangatopindi umambo hwaMwari.” Nikodimo akati, “Tingazvarwa patsva nemvura nemweya chirudzii? Tingadzokera mudumbu raAmai kuti tigozvarwa patsva here?” zviri pachena kuti akazvitora kuzviita zvinhu zvekuzvarwa kwenyama, haana kuzvifunga nenzira yokuzvarwa pamweya.
Jesu akati kwaari, “Iwe uri mudzidzisi asi hautombozivi zvazvinoreva?” Jesu akamutaurira kuti munhu kana asina kuzvarwa patsva nemvura nemweya haakwanisi kupinda umambo hwedenga kana nekutombohuona. Jesu akataurira Nikodimo chokwadi pamusoro pekuzvarwa patsva.
Ichokwadi kuti kune vanhu vakawanda vanotenda munaJesu asi vasina kuzvarwa patsva. VaKirisito vazhinji vakaita saNikodimo havana kuzvarwa patsva.
Nenguva idzodzo, Nikodimo ainge arin mutungamiriri wevaIsiraera kungofanana nevatungamiri vedzikereke dziriko nhasi uno. Nenguva yatiri ino, aifananidzirwa nemumiriri wevanhu. Zvichienderana nezvezvitendero, ainge ari mudzidzisi Rabi wevaHebheru, aiva mutungamiriri wavaJudha zvakare aive munhu ane dzidzo yepamusoro-soro.
Munguva iyoyo, muIsiraera hapana dzidzo yaifananidzirwa kune yemazuva ano. Vanhu vose vaitoenda kumaTembere kana kumaSinagoge kunoita zvidzidzo zvavo vachidzidziswa nevaya vakadzidza chose. Vaive vadzidzisi vevanhu. Kungofanana nanhasi unowo, kune vadzidzisi vevanhu venhema, uye vanongodzidzisa vanhu ivo vasina kuzvarwa patsva, pachavo.
Mazuva ano tinevazhinji vatungamiriri vedzikereke, varairidzi, maDhikoni, vakuru vemakereke vasina kuzvarwa patsva, kufanana naNikodimo, havaziva chokwadi chekuzvarwa patsva. Vazhinji vacho vanotofunfa kuti tinofanirwa kutodzokera mumatumbu anaAmai vedu kuti tigozvarwa patsva. Vanozviziva kuti vanofanirwa kuzvarwa patsva - asi havazivi kuti vanozvarwa sei.
Zvino nokusaziva kwavo, kwava kungofanana nebofu rinobata nzou nokuda kuziva zvairi. Zvidzidzo zvavo zvakarerekera kuzvido zvavo nemafunfiro avo. vanongoparidza kukosha kwemashoko ekereke. Nokuda kwezviitiko izvozvo vanhu vakatenda vazhinji vanozokundikana kuzvarwa patsva.
Kuzvarwa patsva hakunei nezvakanaka zvatinoita. Tinozvarwa patsva nokuda kwekutenda mumashoko emvura, neropa uye nemweya izvo Mwari wedu akatipa. Vhangeri raMwari ndiro rinoshandura munhu kubva kuhutadzi uchienda kuhutsvene.
Jesu akataura mashoko aya, “Kana ndichikutaurirai zviri panyika imi musingazvitendi, ko mungazobvuma zviri kudenga sei?” Vanhu havana kutenda apo Jesu akavataurira chokwadi chekuregererwa kwezvitadzo zvavo zvose nokuda kweRubhabhatidzo rwake. Chii chavainge vasingatendi? Vainge vasingatendi kuti kuregererwa kwavo kwaingogona chete kuitika kuburikidza nekubhabhatidzwa kwaJesu uye nekufa kwake pamuchinjikwa. Izvi ndzivo zvaainge achireva apo paaiti, vanhu havangatombonzwisisi kana dai ainge achivataurira nezvekudenga.
Kuti atichenure kubva kuzvitadzo zvedu zvose; Jesu akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi uye akafira pamuchinjikwa, akamutswa kubva kuvafi kuti agogadzira nzira yevatadzi yekuzvarwa patsva.
Naizvozvo, Jesu akatsanangura kunaNikodimo nokutora nyaya iyo inobva muTesitamende Itsva inoti, “Hakuna munhu wakakwira kudenga asi iye wakaburuka kudenga iye Mwanakomana womunhu, Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwawo, kuti aninani unotenda kwaari ave noupenyu husingaperi” (Johane 3:13-15). Apo Mozisi akasimudza nyoka murenje, saizvozvo mwanakomana womunhu unofanira kusumudzwawo, kuti aninani anotenda agova noupenyu husingaperi.
Ko Jesu waireveiko apo paakati “Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwawo?” Akatora nyaya iyo kubva kuTesitamende Itsva kuti ijekese kukosha kwekubhabhatidzwa kwake uye neropa rake izvo zvaizouyisa kuregererwa kwezvitadzo zvemarudzi mazhinji.
Kuti Jesu afire pamuchinjikwa, kuti agosimudziwawo, aifanira kutanga atora zvitadzo zvenyika nokubhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi. Nokuti Jesu ainge asina nechitadzo, haaifanira kurovererwa pamuchinjikwa. Pane kuti arovererwe pamuchinjikwa aifanira kutanga abhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi ndiko kuti aigozokwanisa kusenga zvitadzo zvose zvenyika paari.
Nekutora kwaakaita zvitadzo zvedu nekuzviripira neropa rake. Zvaiita here kuti aponese vatadzi vose kubva mukurangwa; Jesu akatipa ruponeso rwekuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Nokudaro avo vanotenda munaJesu semuponesi wavo vanopfeka rubhabhatidzo rwaJesu, vanofa naye, uye vanozvarwa patsva naye. Mushure maizvozvo Nikodimo akazosvika pakunzwisisa.
 
 
SEZVAAKASIMUDZA NYOKA
 
Sei Jesu akarovererwa?
Nokuti akatora zvitadzo zvose kuburikidza nekubhabhatidzwa.
 
Munoziva rungano rwaMozisi rwekusimudza nyoka yendarama murenje here? Rungano urwu runowanikwa mubhuku yaNumeri 21. Inoti mweya yavaIsiraera yakatambudzika zvikakonzera kuti vatuke Mwari naMozisi.
Nokudaro Jehovha wakavatumira nyoka yaityisa chose pakati pavo. Yakapinda mumatumba avo ikavaruma ichivauraya. Mushure mokunge yavaruma vaizvimba muviri yavo vobva vafa.
Pakatanga kufa vanhu. Mozisi semukuru wavo, akanamata kuna “Mwari, Jehovha tavakupera tiponesei.” Mwari akamutaurira kuti azviitire nyoko inopenya agoiturika padanda. Akamutaurira kuti munhu wose akarumwa anotarira nyoka iyi yendarama chararama. Mozisi akaita sezvaainge arairwa kuti aiite, akanoudza vanhu shoko range rataurwa naMwari.
Munhu wose akatenda mumashoko ake akatarisa nyoka yendarama iyo akava nokuporeswa. Nenzira imweyo tinofanirwa kuporeswa kubva muhukasha hwakaipa hwaDhiyabhorosi vanhu veIsiraera vakateerera kuna Mozisi vakatarisa nyoka yendarama yainge iri padanda, nokudaro vakaporeswa.
Chiratidzo chenyoka yaiva padanda kwaiva kuratidza zvitadzo zvamarudzi ose kuti zvakamiswa pana Jesu Kirisito kuburikidza nokubhabhatidzwa kwake uye nerufu rwake rekurovererwa pamuchinjikwa. Akasenga muchinjikwa pachake kuti agoripira zvitadzo zvedu iye pachake. aKapedza mutongo wose wematadzo edu.
Jesu akauya panyika pano kuti azoponesa vanhu vose avo vange vakatarisana nokufa, “nokuda kweuturu hwenyoka” kuti aripire zvitadzo zvedu, akatanga abhabhatidzwa ndokuzofira pamuchinjikwa achibva azomuka kubva kuvafi kuti aponese avo vanotenda maari.
Kufanana nevaIsiraera muTesitamende yekare, vakaregererwa apo pavakatarisa nyoka yaiva padanda. Nhasi uno vose avo vanotenda munaJesu vane chivimbo kuti akaripira zvitadzo zvedu zvose nekubhabhatidzwa uye neropa rake. Uye tichaponeswa nekuzvarwa patsva.
Jesu akabhadharira zvitadzo zvedu zvose nokuda kwekubhabhatidzwa kwaakaitwa naJohane mubhabhatidzi munaJorodhani. Kufa kwake kwaakaita pamuchinjikwa uye nokumuka kwake kubva kuvafi. Parizvino vose avo vanotenda maari vanokomborerwa nenyasha dzake dzeruponeso.
“Hakuna munhu wakakwira kudenga, asi iye wakaburuka kudenga, iye mwanakomana womunhu” (Johane 3:13). Sekuripa matadzo edu, Jesu akabhabhatidzwa uye akadeura ropa pamuchinjikwa, akavhura mazambara ekudenga kuti tigopinda. “Ndini nzira nezvokwadi, noupenyu hakuna munhu anouya kunababa, asi nokwandiri.” Jesu akataura izvi muna Johane 14:6.
Nokuti Jesu akabhabhatidzwa akabva aroverwa pamuchinjikwa kuti agotivhurira magedhe ekudenga. Kuti vose vanotenda maari vagoponeswa. Jesu akatoripira zvitadzo zvedu zvose nechekare, kuti aninani anotenda maari uye nekuvhangeri remvura nemweya neropa agopinda kuhumambo hwekudenga.
Jesu akatiponesa nevhangeri remvura nemweya. Kuzvarwa patsva kunobva pakuve nekuvimba murubhabhatidzo neropa raJesu uye nokutenda kuti ndiye Mwari.
“Saizvozvo Mozisi akasimudza nyoka murenje naizvozvowo mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwawo” (Johane 3:14). Ndima iyi inorevei? Sei Jesu akarovererwa? Ane chaakatadza sesu here? Ainge akaneta sezvatiri isu here? Ainge asina kukwana sevatiri isu here? KWETE, ainge asina kudaro.
Ko, zvino sei akarovererwa? Izvi kwaiva kuda kuti tiponeswe uye kuti aripire zvitadzo zvedu. Akabhabhatidzwa uye nokurovererwa kuti tigoponeswa kubva kuzvitadzo zvedu.
Ichi ndicho chokwadi cheruponeso, chekuzvarwa patsva nemvura nemweya. Jesu anopa hupenyu hutsva kune avo vanotenda murubhabhatidzo rwake uye nekufa kwake pamuchinjikwa uko kwakava kuripira matadzo edu.
 
 
ZVINOREVA MVURA NEMWEYA
 
Mvura nemweya zvinorevei?
Mvura zvinoreva kubhabhatidzwa kwaJesu uye Mweya unove humwari hwake.
 
Bhaibheri rinotitaurira kuti kana tichitenda murubhabhatidzo rwaJesu uye nemuropa repamuchinjikwa wake, tinenge takazvarwa patsva. Kuve vana vaMwari nokuzvarwa patsva zvinowanikwa kubva mumashoko aMwari akanyorwa, riri vhangeri remvura nemweya uye neropa, izvo zvinova zviripiso zvezvitadzo zvedu.
Sezvinotaurwa muBhaibheri, “Mvura” ndirwo rubhabhatidzo rwaJesu (1 Pita 3:21) uye, “Mweya” zvinoreva kuti Jesu ndiye Mwari. Ichi ndicho chokwadi chokuzvarwa patsva. Uye kuti Jesu akauya pasi pano ari munyama yemarudzi ose kuti azoripira zvitadzo zvedu kuburikidza nekubhabhatidzwa kwake uye neropa rake.
Akatora zvitadzo zvedu zvose nokuda kwekubhabhatidzwa uye akaripira zvitadzo zvedu nokufira pamuchinjikwa. Nokuda kwekudeura ropa pamuchinjikwa nekubhabhatidzwa ndizvo zvakaita kuti atiponese uye nevanotenda maaaari.
Tinofanira kurangarira kuti rubhabhatidzo neropa raJesu zvinomirira ruponeso rwedu nokuti ndizvo zvinotiponesa kubva kuzvitadzo zvedu. Vakazvarwa patsva chete nemvura nemweya ndivo vachaona nokupinda humambo hwedenga. Jesu akatiponesa nemvura nemweya uye neropa rake. Unotenda mazviri here?
Jesu ndiye mushumiri mukuru wekudenga uyo akauya pano panyika kuti azoripira zvitadzo zvedu zvose zvepanyika. Akabhabhatidzwa, akadeura ropa rake pamuchinjikwa uye akamutswa, nokudaro akabva aitwa muponesi wevose vanotenda maari.
Muna Johane 10:7, Jesu akati, “Ndini mukova wemakwai.” Jesu anomira pamukova wekudenga. Anotivhurira mukova ndiani? Ndiye Jesu Kirisito.
Anobvisa chiso chake kune avo vanotenda maari ivo vasingazivi chokwadi choruponeso. Haabvumiri kuzvarwa patsva avo vasingazivi nokutenda muropa uye nerubhabhatidzo rwake. Anofuratidza chiso chake kkune uyo asingatendi mumashoko akanyorwa, uyo anoramba kugashira hutsvene hwake uye vasingamuoni saMwari.
Chokwadi chakanyorwa ndechokuti akauya panyika pano ari panyama, akabhabhatidzwa uye akafira pamuchinjikwa kuti agoripira zvitadzo zvose zvenyika. Ndizvo kusaka akafira pamuchinjikwa kuti agotongwa pachinzvimbo chedu, ndicho chikonzero akamutsva nezuva retatu mushure mekuroverwa. Aninani anoramba kutenda muchokwadi ichi acharaswa uye achava nokutambudzika. Sezvakanyorwa kuti “Mubairo wezvivi rufu.”
Vose avo vanotenda mumakomborero ekuregererwa nokuda kwerubhabhatidzo uye neropa rake, avo vanotenda uye nokuve vatsvene pamwoyo, vanobvumirwa kupinda kuhumambo hwedenga. Iri ndiro vhangeri rechokwadi rekuzvarwa patsva, vhangeri rekauya kwatiri nemvura, neropa, uye nemweya. Kuzvarwa patsva nemvura nemweya ndiro vhangeri rekumatenga. Avo chete vanotenda mukubhabhatidzwa uye nemuropa raJesu, ndivo vachazvarwa patsva. Avo vanotenda muvhangeri remvura, neropa uye nemweya havana zvitadzo; ndivo vaya vakazvarwa patsva zvechokwadi.
Nhasi uno, sezvakangoita Nikodimo ainge asingazivi chokwadi. Vanhu vazhinjiwo vanotenda munaJesu asi vasingazivi vhangeri rechokwadi. Ainge ari munhu akaita sei iyeye. Zvakadaro hazvo, akazonzwa vhangeri rechokwadi kubva kuna Jesu, mushure maizvozvo, Jesu arovererwa, ndiye akazouya kuzovinga Jesu. Panguva idzodzo Nikodimo akauya ave nokutenda kwakakwana.
Mazuva ano, pane vanhu vakawanda chose, avo vasingazivi chokwadi nezvemvura nemweya. Pamusoro pazvo kune vakawanda vasingabvumi chokwadi, ivo vane mukana wekunzwa vhangeri rechokwadi, chinova chinhu chinonzwisa tsitsi chose.
Jesu akaita kuti zvive nyore kuti tose tizvarwe patsva. Chii chakaita kuti tizvarwe patsva? Ndiyo mvura, neropa uye mweya. Jesu akabvisa zvitadzo zvedu zvose apo paakabhabhatidzwa. Akafa ari pamuchinjikwa uye akamutswa kubva kuvafi.
Akapa makomborero kune avo vose vanotenda maari kuti vazvarwe patsva. Jesu muponesi anobvumira avo vose vanotenda maari kuti vazvarwe patsva. Namata kuti ugogara unaJesu pose pauri, uyo anova ndiye akasika denga nenyika nezvisikwa zvose.
Johane 3:16 inoti, “Aninani anotenda kwaari arege kufa asi kuti ave noupenyu husingaperi.” Takawana upenyu husingaperi nokuda kwekautenda muna Jesu. Takazvarwa patsva nokutenda mumvura nomumweya. Ichokwadi kuti kana tikatenda muvhangeri roruponeso, rekubhabhatidzwa uye neropa raJesu, zvakare kuti Jesu muponesi wedu uye ndiMwari tinogona kuponeswa chose.
Asi kana tisingatendi muchokwadi chakadai ichi, tichakandwa mugehena risingagumi. Ndiko kusaka Jesu akataurira Nikodimo achiti, “Kana ndichikutaurira zvinhu zviripanyika iwe usingazvitendi, zvino ungazotenda zvandinokutaurira zvekudenga sei?”
Mwari vakatiitira chii? Ruponeso kuburikidza nekunaJesu rwakatibvumidza kuti tizvarwe patsva. Jesu wakatiponesa kubva munyika, kubva kuna Satani uye nekubva muzvitadzo zvenyika. Kuti aponese vatadzi kubva kuna Satani uye nekubva muzvitadzo zvenyika. Kuti aponese vatadzi kubva mukusangana nomutongo wezvitadzo zvavo akatora zvitadzo zvavo zvose nokuda kwekubhabhatidzwa, nokurovererwa pamuchinjikwa uye nekuzomautswa kubva kuvafi.
Iyi yave sarudzo yedu kuti totenda muruponeso urwu kana kuti torega? Ruponeso rwekuzvarwa patsva runobva mukuvimba muruponeso runoburikidza nokubhabhatidzwa uye nemuropa raJesu.
Kunonzi iko kune makomborero maviri akaiswa matiri naMwari. Makomborero ekutanga anobata zvinhu zvose zvaakatisikira zvinoti, zuva nemweya (mhepo). Izvi zvinozivikanwa sezvinhu zvomunhu wose nokuti zvinowanikwa kunaani nami zvake.
Ko zvino aya makomborero akakosha ndeapi? Makomborero akakosha ndeekuzvarwa patsva nemvura nemweya, izvo zvinoponesa vatadzi vose kubva kurufu rwezvitadzo zvavo.
 
 
MAKOMBORERO AKAKOSHA
 
Makomborero aMwari akakosha ndeapi?
Ayo ekuti tizvarwe patsva nokuda kwerubhabhatidzo, kurovererwa uye nekumuka kwake.
 
Johane 3:16 yakanyorwa kuti, “Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro wakaipa kumwanakomana wake mumwechete woga kuti aninani unotenda kwaari arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” Izvi ndizvo zvinotsanangura nezvemakomborero akakosha anobva kunaMwari Jesu akauya pasi pano ari pachiratidzo chenyama yomunhu akasuka zvitadzo zvedu zvose nokubhabhatidzwa kwake uye nekuroverwa pamusoro pedu. Iwaya ndiwo makomborero akakosha kubva kuna Mwari, ndicho chokwadi kut takaponeswa kubva kuzvitadzo zvedu zvose.
Ndicho chokwadi kuti Jesu wakatiponesa uye akatishandura kubva muhutadzi achitiita vatsvene vakarurama. Unogona kuve nemakomborero aMwari nokuda kwekutenda chete muchokwadi ichochi ichi. Mose munozvitenda here?
Kuvimba kwenyu kwose kunove pasina kana mukaramba makomborero aMwari aya zvisinei kuti munogara zvakavimbika sei muhupenyu.
Ndinoparidza nguva zhinji asi handikoshiwe kuparidza kuti kutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu neropa rake pamuchinjikwa ndiyo nzira chete yokuzvarwa patsva. Bhuku ripi neripi remuBhaibheri rinoburitsa pachena makomborero ekuzvarwa patsva nemunaJesu ndiwo makomborero akakosha aMwari atiri kutaura nezvawo. Hakuna chimwe chinotaridza makomborero aMwari seruponeso rwevatadzi urwo rwunobva pakubhabhatidzwa nekurovererwa kwaJesu.
Kubhabhatidzwa nekurovererwa kwaJesu ndiwo makomborero akakosha aMwari vapari venhema vari munyika muna havana chokutaura nezvazvo izvi. Vaparidzi vemanyepo ava vanowanikwa vakapfeka nguvo dzengirozi dzine chiedza, vachitaura zvechikirisito nehunhu hwazvo. Hongu ichokwadi, vanoita mashura, vanoporesa vanorwara asi kuti kuta kwezvakaipa kana pasina makommborero anokosha aMwari.
Ndiwo makomborero anokosha aMwari anopa isu vatadzi vhangeri rokuregererwa. Nokuda kwemakomborero ake anokosha, Mwari akatibvumidza kuti tizvarwe patsva. Akatiita vatsva nerubhabhtidzao rwake, neropa rake, nerufu rwake uye nekumuka kwake. Akatiita vana vake, vakasununguka kubva muzvitadzo.
Unotenda mazviri here? —Hongu.— Ichokwadi here kuti wakakomborerwa? —Hongu.— Rubhabhatidzo rwaJesu uye neropa rake, nerufu rwake uye nekumuka kwake ndiwo makomborero aMwari ayo aakatipa kuburikidza nemvura nemweya. Iri ndiro vhangeri remakomborero akakosha. Ngatirumbidzei Jehovha nokutiponesa nemakomborero ake aya anokosha.
Urombo hukuru chose, kuti vakirisito vazhinji vanhasi havazivi nezvemakomborero anokosha aya aMwari, vhangeri rokubhabhatidzwa, neropa, vhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya. Vanoedza nepavanogona napo vari murima kuda kushandurudza zvinhu vachiisa zvinoda kereke dzavo. Kusaziva kwakadii ikoko!
Chikirisito tave nacho kwenguva yakareba chose, kwemakore angangosvika mazana mashanu, asi nanhai muno muKorea nemunedzimwe nyika dzose dzepasi rino, kune avo vachiri kutambudzika nokusaziva chokwadi chekuzvarwa patsva uye nemakomborero anokosha aMwari.
Ndinoshuvira nokutenda kuti Jesu achaita kuti vazive chokwadi parizvino nokuti tiri munguva iri pedyo nokuguma kwenyika.
Vatadzi vanofanira kuzvarwa patsva uye nokubvuma chokwadi chemvura nemweya kuti vagove vatsvene vakarurama uye vagopinda humambo hwekudenga. Vatenderi vazhinji vari kuedza chose kuti kuda vangazvarwa patsva.
Zvisinei hazvo, kana vakaedza vasingazivi chokwadi chezvinoreva kuzvarwa patsva, kutenda kwavo kwakafa. Vanoti ivo vanofanira kuzvarwa patsva kuti vagopinda kudenga, asi havana humbowo hwechokwadi hwekuzvarwa patsva.
Vanongoita zvokufungidzira sezvo vachiti vanotenda zvakavimbika chose, sezvo vachinzwa kupisa mwoto mumwoyo yavo, kuti vachazvarwa patsva. Asi kuedza kuzvarwa patsva kunorerekera kupfungwa dzomunhu kana kuti kuzviito zvekukereke ndizvo zvinotungamirira mukuvimba kwakafa.
 
 
SHOKO RAMWARI RINOTITUNGAMIRIRA KUTI TIGOZVARWA PATSVA PACHOKWADI
 
Musiyano uri pakati pekuvimba nechitendero?
Kuvimbika kutenda mune zvakaitwa naJesu kuti atiponese, asi chitendero kutevera pfungwa nemabasa emunhu mumwechete.
 
Muna 1 Johane 5:4-8, makanyorwa zviri pachena kuti tinogona kuzvarwa patsva chete nokutenda mumvura, nemuropa uye nemumweya. Kana tichida kuzvarwa patsva, tinofanira kurangarira kuti tinogona kuzvarwa patsva kuburikidza nemashoko akanyorwa aMwari, mashoko echokwadi. Tinofanira kuziva kuti kuratidza, kutaura nendimi kana kuita zvinoera hazvimbofa zvakatitungamirira kuti tizvarwe patsva.
Muna Johane 3, Jesu anoti, hakuna munhu angatopinda humambo hwekudenga kana asina kuzvarwa patsva nemvura nemweya. Kana munhu achida kuzvarwa patsva anofanira kutenda kaviri muna Jesu, chokutanga munhu anotarisira kutenda muna Jesu zvichienderana nechitendero chake, achirangarira zvitadzo zvake achitevedza mitemo yaMwari. Pakutanga kana munhu achitenda munaJesu kuda kwemitemo yaMwari nokurangarira kuti mutadzi mukuru zvakadii.
Hatifaniri kutenda munaJesu nokuda kwezvitendero zvemunyika. Chikirisito hachisi chitendero. Chikirisito inzira yokuwana upenyu husingaperi kuburikidza nokuvimba.
Uyo anotenda muna Jesu akarerekera kuchitendero anozopedzisira asina chaakashandira. Anozongosara nemwoyo uzere nezvitadzo, une kutambudzika uye mwoyo usina chinhu unogona kungove demhe. Hachisi chokwadi here? Hauzodi kupedzisira wave munyengedzi sevaFarise vemuBhaibheri.
Munhu wose anoda kuve mukirisito akazvarwa patsva, asi zvakadaro hazvo kana munhu achitenda muchikirisito sechitendero anotozopedzisira ave munyengedzi ane mwoyo uzere nezvitadzo. Tinofanira kusvika pakuziva chokwadi chekuzvarwa patsva.
Aninani anotenda muchikirisito sechitendero asina kuzvarwa patsva anopedzisira asisazivi zvaari kuita uye ave nemwoyo usina chauinacho. Kana munhu achitenda munaJesu asi asina kuzvarwa patsva, kutenda kwake kwakarasika. Nokudaro anopedzisira ave munhu anoedzesera kuve zvaasiri, achiedza chose kuve mutsvene pamberi pevanhu asi achitokundikana zvakasimba.
Kana achingotenda muchikirisito sechitendero chete, uchiri mutadzi munyengedzi anogara mazuva ake ose achingochema pamusoro pezvitadzo. Kana uchida kusunungurwa kubva muzvitadzo zvako, unofanira kutenda muchokwadi chakanyorwa, vhangeri remvura, vhangeri reropa uye nemweya.
 
 
KUTSVAKA ZVAKAVANZIKA ZVERUREGERERO KUBURIKIDZA NERUBHABHATIDZO RWAJESU
 
Chii chinoitika kuti tizvarwe patsva?
Rubhabhatidzo rwaJesu, rufu rwake pamuchinjikwa uye nekumuka kwake.
 
Bhaibheri rinotitaurira kuti munhu anogona kuzvarwa patsva nokuda kwemashoko aMwari, ayo asingachinji kana kushanduka. Parizvino hatimbotarisai kumashoko ari muna Mupositora Pita, 1 Pita 3:21, “Naiwo mufananidzo unokuponesai zvino, mufananidzo worubhabhatidzo.”
MuBhaibheri, makanyorwa kuti rubhabhatidzo rwaJesu ndiwo mufananidzo unotiponesa. Vose avo vanotenda munaJesu vanofanira kuziva kwete rubhabhtidzo rwavo chete, asi nerwa Jesu. Kubhabhatidzwa kwaJesu kunopa isu vatadzi hupenyu hutsva. Tenda mazviri, uye uchazvarwa patsva wobva wazviwanira makomborero eruponeso.
Kungonzwisisa chete kuti ruponeso runowanikwa nokutenda murubhabhatidzo rwaJesu, tinogona kuponeswa, tigova vatsvene vakarurama tobva tawana upenyu husingaperi. Nemamwe mashoko, kana tichitenda muchokwadi chiri muruponeso rwemashoko aMwari, zvitadzo zvedu zvichachenurwa kwenguva dzose.
Kuzvarwa patsva, kuzvarwa kechipiri. Vazhinji vedu tinotanga tichitenda munaJesu sechitendero, asi tinozozvarwa patsva nokuda kwekuvimba kana tikange tarangarira chokwadi. Zita rokuti Jesu rinoreva “Nokuti ndiye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo” (Mateo 1:21).
Kana tichitenda munaJesu uye nokuziva chaizvo zvaakaitira marudzi ose, kureva kuti takasunungurwa kubva kuzvitadzo zvedu uye takazvarwa patsva, sevanhu vatsva. Pakutanga tinotenda munaJesu sechitendero, tobva tanzwa uye tozotenda muvhangeri rekubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake. Tinenge tatozvarwa patsva.
Ndechipi chokwadi chinoita kuti tizvarwe patsva? Chokutanga kubhabhatidzwa kwaJesu, kozoti ropa rake rakadeuka pamuchinjikwa uye chimwe chacho kumuka kwake kubva muvafi. Kuzvarwa patsva zvinoreva kutenda munaJesu saMwari wedu mununuri wedu. Ngationei kuti vanhu vemuTesitamende yekare vaizvarwa sei patsva.
 
 
KURIPIRWA KWEZVITADZO MUTESITAMENDE YEKARE: KUTURIKA MAOKO UYE NOKUPIRA ROPA
 
Ivhangeri rudzii rekuzvarwa patsva riri muTesitamende yekare? Ngativerengei Revhitiko 1 uye tinzwe zvainoreva nekuzvarwa patsva.
Revhitiko 1:1-5, “Zvino, Jehovha wakadana Mozisi akataura naye ari mutende rokusangana akati, taura nevana vaIsiraeri, uti kwavari; kana mumwe wenyu achida kuvigira Jehovha chipo chake, munofanira kumuvigira zvipo zvenyu zvezvipfuwo, kana zvemombe kana zvemakwai kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chemombe, unofanira kuvigira mukono usina mhosva; ngaachibayira pamukova wetende rokusangana, kuti agamuchirwe pamberi paJehovha. Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chinopswa, kuti chigamuchirwe panzvimbo yake, chimuyananisira. Ngaabaye nzombe pamberi paJehovha, vanakomana vaAroni, vahsumiri, vagouya neropa, vagorisasa kunhivi dzose dzeAtari iri pamukova wetende rokusangana.”
Mwari vanotitaurira munaRevhitiko kuti vaIsiraeri vataura nekuyanana naMwari wavo sei? Vanotitaurira kuti vayanana kuburikidza netsika yekupira kwavo. Ichokwadi kuti tose tinofanira kuziva nokunzwisisa. Nokudaro ngatiitei ongororo netsvakurudzo yemashoko aya.
Mwari vakadaidzaMozisi akataura naye ari mutende rekusangana. Yaiva nyaya yokuregererwa kwezvitadzo zvavaIsiraeri vanhu veIsiraeri vaiti vakaita zvitadzo nokudarika murairo waMwari, vaikwanisa kuyananisirwa zvitadzo zvavo nokupira chipiriso chemombe kunaMwari, mombe isina mhosva.
Zvipiriso zvemhuka, zvaifanira kuve dziri mhuka dzakataurwa naMwari uye dzisina mhosva, zvakare dzainge dzichifanira kuve dzichipiriswa zviri mumutemo wakadzikwa naMwari. Nzira yacho yokupira yaifamba seizvi.
Kana munhu achinge atadza munguva yeTesitamende yekare, aitofanirwa kupira chipiro pamberi paMwari kuti agoregererwa zvitadzo zvake. Chokutanga, chipiriso ichi chainge chisina mhosva, uye mutadzi aiturika maoko ake pamusoro pechipiriso ichi kuti agoisa zvitadzo zvake pamusoro pechipiriso ichocho.
Mushure mokunge chaurawa, ropa raizoiswa panyanga dzainge dziri paAtari, rimwe rinenge razosara raizomwaiwa kunhivi dzose dzepaAtari. Uku ndiko kupira kutsvene kwaiitwa mutende rokusangana kwainge kwakaitirwa vanhu vaMwari uye iri nzira ine makomborero ekuwadzaniswa.
Murairo nemitemo yaMwari yaisanganisira zvinhu mazana matanhatu negumi nezvitatu zvemitemo zvaitsanangura “Zvinodiwa” “nezvisingadiwi.” Mwari vakapa mirairo nemitemo yavo kuvanhu veIsiraeri. Nyangwe zvazvo vaIsiraeri vaiziva kuti mirairo nemitemo iyi zvainge zviri zvechokwadi, havaikwanisa kuitevera yose nokuda kwekuti munhu wose akazvarwa zvitadzo zvemarudzi anoita gumi nezviviri izvo zvakabva kuna Abhurahama.
Naizvozvo vakarasa chitsidzo chokuve vakarurama pamberi paMwari. VaIsiraeri vakarasa mukana wekuve vakarurama uye vatsvene, nokudaro vakaramba vongotadza zvitadzo, chero zvavp vainge vachiedza kurarama vari kunze kwekuita zvitadzo. Unongove mugumo wemunhu wose kuti anozvarwa achizofa ari mutadzi.
Asi Mwari, nokuda kwenyasha dzavo dzisingaperi, vakapa vanhu tsika yokupira nayo iyo yaizoita kuti varegererwe zvitadzo. Akapa kupira kutsvene mutende rokusangana kuti vanhu veIsiraeri uye nevose vemunyika vagoregererwa zvitadzo zvavo. Akazviratidza kuburikidza nenzira dzaipirirwa nadzo, utsvene hune rudo kumarudzi ose. Akaratidza nyika yose nzira yoruponeso.
Mwari vakapa vanhu nzira yokupira nayo vakasarudza imba yevaRevi kuve vatungamiriri vekupa zvipiriso. Mukati memarudzi gumi nemaviri evaIsiraeri, imba yavaRevi chete ndiyo yakasarudzwa kuti itungamirire kupira zvipiriso zvevanhu veIsiraeri.
Mozisi naAroni ndivo vaive veimba yevaRevi. Uyezve Bhaibheri rinotaura kuti murairo nemitemo ndizvo zvaitungamira pakupira mutende rokusangana, vhangeri rokuyanaiswa nokuturika maoko.
Naizvozvo, kana tikanzwisisa nezvenzira dzokupira zvipiriso dzevaRevi, tichazvarwa patsva pachedu. Ndiko kusaka tichifanirwa kuita ongororo netsvakurudzo yemashoko aMwari maererano nezvekupira kutsvene kwemutende rokusangana. Ichi ndicho chinhu chakakosha chose munguva yeTesitamende yekare. Kupedzisira kana toenda kuTesitamende Itsva, tinenge tave nemakomborero ekuzvarwa patsva kuburikidza nemvura uye neMweya.
 
 
KUREGERERWA KWEZVITADZO MUTESITAMENDE YEKARE
 
Mwari vanopei oachavo?
Kuenzanisa kwakafanana nerudo.
 
Mozisi akadaidza imba yavaRevi kutende rokusangana akasarudza mukoma wake Aroni semushumiri mukuru. Aroni aifanirwa kuisa zvitadzao zvevanhu pachipiriso chezvitadzo.
Izvi zvakanyorwa munaRevhitiko 1:2, ndizvo zvkataurwa naMwari kuna Mozisi, “Taura nevana vaIsiraeri, uti kwavari; kana mumwe wenyu achida kuvigira Jehovha chipo chake munofanira kumuvigira zvipo zvenyu zvezvipfuwo, kana zvemombe kana zvamakwai.” Apa Mwari kana munhu wevamwe aida kupa chipo chokuyananiswa, aifanira kupa nzombe kana hwai kubva mumhuka dzake.
Mwari vakataura zvakare kuti, “Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chemombe unovanira kuvigira mukono usina kana nevanga zvaro, ngaachibayira pamukova weTabhera rokusangana kuti agamuchirwe pamberi paJehovha.” (Revhitiko 1:3).
Mwari vaigamuchira chipo ichi pachinzvimbo chomunhu uyo aifanira kunge aifira zvitadzo zvake. VaIsiraera vaiisa zvitadzo nokuturika maoko pamusoro wemhuka chipo chemhuka ichi chaifanira kupiwa nokuda kwakasununguka kwemuridzi aipa chipo ichi. Zvino ngatinzwei kuti ndima yechina inoti kudii;
“Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chinopiswa kuti chigamuchirwe panzimbo yake, chimuyananise.” Nokudaro zvipo izvi zvaigamuchirwa naMwari kana mutadzi aiisa maoko ake pamusoro pechipiriso chinopiswa ichi, zvitadzo zvake zvose zvaibva zvaenda pamhuka iyoyo. Naizvozvo mutadzi aifanira kuisa maoko pachipiriso ichi pamberi paMwari, Mwari vaigamuchira chipiriso ichi zvaibva zvaratidza kuti matadzo ake mutadzi aregererwa.
Munhu aiva nebasa rekupa zvipo izvi aibva auraya mhukka iya oisa ropa panyanga dzepaAtari ozobva adira rimwe rose panhivi dzepaAtari kuti munhu anzi aripira zvitadzo uye aregererwa aifanira kupa chipo chechipiriso zvichitevedzwa murairo wakapiwa naMwari.
Revhitiko 1:5, inoti, “Ngaabaye nzombe pamberi paMwari, vanakomana vaAroni, vashumiri, vagouya neropa vasase ropa kunhivi dzose dzeAtari, iri pamukova wetende rokusangana.” Mukati metende, pamukova ndipo paiva neAtari yekupisira zvipiriso, yaiva nenyanga dzinoita ina kumativi ose ari mana.
Mushure mokuturika maoko pamusoro wechipiriso chinopiswa kuti aise zvitadza zvake ipapo, mutadzi atofanira kuuraya mhuka iyi, ipapo mushumiri aizosasa ropa panyanga. Nyanga dzeAtari dzinomirira kutongwa kwezvivi. Kuisa ropa panyanga zvaimirira kuti mhuka yaifanira kudeura ropa kuripira zvitadzo pachinzvimbo chomutadzi. Mwari paaizotarisa ropa kuripira zvitadzo pachinzvimbo chomutadzi. Mwari paaizotarisa ropa raive panyanga idzi, aibva atoregerera zvitadzo zvomutadzi uyu.
Sei chipiriso chezvitadzo chaifanira kudeura ropa? Nokuti, “Mubairo wezvivi rufu.” (VaRoma 6:23) uye nokuti upenyu hwenyama huri muropa. Nokudaro zvakanyorwa mubhuku yavaHebheru, “Kana kusina ropa rinoteurwa hakuna kuregererwa.” (VaHebheru 9:22). Naizvozvo kuteura ropa rechipiriso kwaizadzisa murairo waMwari, uyo unoti mubairo wezvivi rufu.
Nekodzero dzose, ropa raipirwa raitofanira kubva kumutadzi, asi zvino chipiriso ndicho chaizoteura ropa pachinzvimbo chemutadzi kuti agoregererwa. Mushumiri aibva aisa ropa panyanga dzepaAtari kuve mucherechedzo wekuti mubairo wezvivi wainge waripirwa.
Kana tikaverenga Zakazarurwa 20:11-15 iri muTesitamende Itsva tinoona zvakare kuti nyanga mucherechedzo weBhuku rokutongwa. Nokudaro kuisa ropa panyanga kuisa ropa muBhuku rokutongwa. Zvino pupurirawo kuti kutongwa kwezvitadzo kwakazadziswa nokuturika maoko uye neropa rechipiriso chezvitadzo.
 
 
ZVITADZO ZVINONYORWA PANZVIMBO MBIRI
 
Zvitadzo zvamarudzi ose zvinonyorwa panzvimbo mbiri pamberi paMwari. Chekutanga, pahwendefa yemwoyo yavo, chechipiri mubhuku remutongo richavhurwa pamberi paMwari.
Muna Jeremiya 17:1, makanyorwa kuti, “Zvitadzo zvaJudha zvakanyorwa nepenzura yamatare, nomuromo wedhaimondi, zvakatemwa pamahwendefa emwoyo yavo, napanyanga dzapaAtari dzenyu.”
Muna Revhitiko 17:11 inoti “Nokuti upenyu hwenyama huri muropa.” Ropa ndiro rine upenyu hwenyama, nokudaro zvitadzo zvedu zvinoripirwa neropa chete, ndiko kusaka ropa raiiswa panyanga dzepaAtari. Nezvinoenderana nemutemo waMwari zvinhu zvose zvinoitwa neropa, pasina kuteura ropa hapana kuregererwa kwezvitadzo (VaHebheru 9:22).
“Zvino ngaavhiye chipiriso chinopiswa nokuchigura-gura, zvino vanakomana vaAroni, mushumiri, ngavaise moto paAtari nokugadzira huni pamusoro pemoto. Ipapo vanakomana vaAroni, vashumiri vanofanira kugadzira nhindi nomusoro, namafuta pamusoro pehuni dziri mumoto uri pamusoro peAtari. Asi ngaasuke ura hwacho namakumbo acho nemvura, mupirisita agopisa zvose paAtari, chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.” (Revhitiko 1:6-9).
Ipapo mushumiri anogura-gura chipiriso ochiisa pamoto wepaAtari. Kupira uku kwaimirira vanhu kana vatadza pamberi paMwari. Vanifanirwa kufa nenzira iyoyo uye vagodeura ropa uye vagokandwa mugomba remoto. Zvakadaro hazvo, kutongwa kwaiitwa nokupira zvipiriso zvezvitadzo kuti vanhu vagoyanaisirwa zvitadzo zvavo.
Chipo chokupisa zvipiriso yaiva nzira yokutonga kutsvene kwaMwari, kuri pamutemo. Mwari vaibatanidza mitemo yavo, mutemo wekurarama uye nemutemo werudo, kuti uve nzira yoruwadzaniso rwemarudzi ose.
Nokuti Mwari vakarurama, vanotong nokupa mutongo werufu, asizve noluti vanoda vanhu vavo, anobvumidza kuiswa kuzvitadzo pazvipiriso. MuTesitamende Itsva, nokuti Jehovha wedu akatida, akabhabhatidzwa uye akarovererwa kuti ave chipiriso chezvitadzo zvedu isu vatadzi. Rubhabhatidzo rwaJesu nerufu rwake ari pamuchinjikwa rwakabvisa zvitadzo zvose zvenyika.
 
 
KUREGERERWA KWEZVITADZO ZVEPAZUVA MUTESITAMENDE YEKARE
 
Chipiriso chipi chisina mhosva chinomirirwa neTesitamende Yekare?
NdiJesu Kirisito.
 
Ngativerengei kubva kuna Revhitiko 4:27 “Kana mumwe wevanhu zvavo akatadza akaita nokusaziva chimwe chezvinhu zvakarairwa naJehovha kuti zviregerwe kuitwa akapara mhaka; kana chivi chake chaakatadza akachiziviswa, ngaauye nesheche yembudzia isina mhosva, chive chipiriso chake pamusoro pezvitadzo zvake zvaakatadza. Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chezvitadzo auraye chipiriso chinopiswa. Zvino mushumiri ngaatore rimwe ropa rayo nomumwe wake, ariise panyanga dzeAtari yezvipiriso zvinopiswa, asi rimwe ropa rayo rose ngaaridururire mujinga meAtari. Zvino ngaabvise mafuta ayo ose, sezvinobviswa mafuta ezvipiriso zvokuyananisa nazvo. Mushumiri agoapisa pamusoro peAtari, chive chinhu chinonhuwira zvakanaka kunaJehovha; mushumiri unofanira kumuyananisira agoregererwa.” (Revhitiko 4:27-31).
Vedzinza raAbhurahama, vanhu veIsiraeri uye nevanhu vose vemunyika vakazvarirwa munyika izere nezvitadzo. Nokudaro mwoyo yedu yakazadzwa nezvitadzo. Mumwoyo wemunhu mune zvitadzo zvemarudzi akasiyana siyana, zvinoti, mifungo yakaipa, upombwe, nokuba, kuuraya, ruchiva, nokunyengera uye noutere.
Kana mutadzi aida kuregererwa zvitadzo zvezuva nezuva aiuya nemhuka isina mhosva muTabhera dzvene. Aifanira kuturika maoko ake pamusoro wemhuka iyi kuti aiise zvitadzo zvake ipapo pairi, ouraya chipiriso ichi opa ropa racho kumushumiri kuti rigopiwa sechipo pamberi paMwari. Mushumiri aiita basa rose rekupira kuti mutadzi agoregererwa zvitadzo zvake.
Pasina murairo nemutemo waMwari vanhu havaizozivi kuti havana kutadza here kana kuti vakatadza. Kana tichizvitarisa pachedu kuburikidza nomutemo yaMwari tinorangarira zvitadzo zvedu. Zvitadzo zvedu hazvitongwi nokuda kwedu, asi nomurairo nomutemo waMwari.
Vanhuwo zvavo veIsiraeri vaitadza, kwete nokuti vaida kutadza, asi chikonzero; vainge vakazvarwa nemarudzi ose ezvitadzo ari mumwoyo yavo.
Zvitadzo zvinoitwa nomunhu nokuda kwekuneta kwake zvinonzi kudarika mutemo. Zvitadzo zvinosanganisira. Vanhu vose havana kukwana, sekusakwana kwainge kwakaita vaIsiraeri. Vaive vatadzi vaipara zvitadzo. Zvikanganisor nohuipi hwedu zvinogona kuunganidzwa zvichiiswa mumhando dzinoti, kana tine mifungo yakaipa mumwoyo yedu ndicho chitadzo. Kana tikaita mifungo iyoyo kwave kukanganisa. Zvitadzo zvenyika zvinosanganisira zvose izvozvo.
MuTesitamende Yekare, zvitadzo zvaiiswa pamusoro wechipiriso nokuturika maoko. Musure maizvozvo mutadzi aiitonzi haasisina chitadzo. Ndizra iyi yokupira zvipiriso nayo waiva mumvuri wemutongo werudo rwaMwari.
Nokuti Mwari vakatisika kubva muvhu, taingovewo zvedu huruva. Kuisa ropa panyanga dzepaAtari nokuzodira rimwe rose panhivi yeAtari, zvaireva kuti vaIsiraeri vatoripira zvitadzo zvavo uye zvainge zvatodzimwa kubva pahwendefa yemwoyo yavo.
“Mushumiri achapisa mafuta paAtari kuti agove chinhu chinonhuhwira zvakanaka chose pamberi paJehovha.”: Mafuta ari muBhaibheri anoreva Mweya Mutsvene. Nokudaro, kuti tiregererwe zvitadzo zvedu, tinofanira kuzviita nenzira iyo yakadzikwa naMwari. Tinofanira zvakare kutora mumwoyo medu kuregererwa kwezvitadzo sechinhu chakarurama icho chakadiwa naMwari.
Mwari vakataurira vaIsiraeri kuti zvipiriso zvinofanira kuve zviri zvehwai, mbudzi kana nzombe. Zvipiriso zvematadzo zvinowanikwa muTesitamende Yekare ndizvo zvakasarudzwa. Nzombe imhuka tsvene. Chikonzero chaiita kuti zvipiriso zvezvitadzo zvive zvisina mhosva waiva mucherechedzo wekuti Jesu achazvarwa nemweya mutsvene uye kuti agove chipiriso chemarudzi ose.
Vanhu vemuTesitamende yekare vaiisa zvitadzo pamusoro wechipiriso nokuturika maoko. Mushumiri ndiye aitungamirira basa rokuripira zvitadzo zvavo. Uku ndiko kuregererwa kwaiita vaIsiraeri zvitadzo zvavo.
 
 
MUPIRO WEZUVA ROKUREGERERWA
 
Sei vanhu veIsiraeri vaifanira kupa chipo chechipiriso pazuva rokuregererwa?
Nokuti vairamba vachitadza kusvika pakufa. Zvipiriso zvezuva hazvaigona kuvachenesa pamberi paMwari.
 
Zvakadaro hazvo, vaifanira kupa zvipo nguva nenguva pavanoita zvitadzo, zvaive zvisingaiti kuti varambe vachipa zvipo zvekuyananiswa, nokudaro vaipedzisira vasisina hanya nazvo. Raiva basa guru chose rokuti muswere wose muchingoita mupiro, zuva nezuva, zvipiriso zvacho zvinozopedzisira zvoshaikwa, uye vaizopedzisira vatozvikanganwa.
Zvisinei nekuzama kwatingaita, hatingapi zvipiriso zvinokwanirana nezvitadzo zvedu. Nokudaro kupira zvitadzo zvedu. Nokudaro kuripira zvitadzo zvedu kwechokwadi kunofanira kupiwa nomwoyo murefu unekutenda pamurairo weruponeso urwo Mwari akatigadzirira.
Nokuda kwekuneta kwedu, hazvinei kuti tingaedze kugara nemurairo waMwari, tinozosvika pakuziva kusakwana kwedu uye nekuneta. Nokudaro, Mwari vakapa vanhu veIsiraeri nzira yekuyananisa zvitadzo zvegore rose kamwechete kwegore rose. (Revhitiko 16:17-22).
Muna Revhitiko makanzi; “Unofanira kuve murairo usingaperi kwamuri: nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi romwedzi, munofanira kuchema pamweya yenyu; nokusabata mabasa ose, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu kana ari mutorwa agere pakati penyu; nokuti munofanira kuyananiswa nezuva iro, kuti munatswe; munofanira kunatswa pazvitadzo zvenyu zvose pamberi paJehovha. Rinofanira kuva Sabata rokuzorora kwazvo kwamuri, munofanira kuchema pamweya yenyu; murairo usingaperi.” (Revhitiko 16:29-31).
Kureva kuti vanhu veIsiraeri vaive nokuzorora kwepfungwa kamwechete pagore apo mushumiri achinge aiita basa rose rekuregerewa kwezvitadzo nezuva regumi mumwedzi wechinomwe, kuvanhu vose vakatadza gore rose, vaibva vave nepfungwa dzakazorora kubva musi iwoyo kwezuva iroro.
Nezuva regumi mumwedzi wechinomwe, mushumiri mukuru, Aroni, mumiriri werudzi rwevaIsiraeri aifanira kutungamirira kuwadzaniswa. Panguva iyi vamwe vashumiri vose havaipinda mutende yokusangana iyi. Kutanga-tanga, Aroni waifanira kuita basa rekuwadzaniswa pachake oga achiitira mhuri yake asati atanga kuitira voruzhinji veIsiraeri nokuti iye pamwechete nemhuri yake vanenge vakatadzawo.
Aitungamirira kuripira kwevanhu seizvizvi, “Zvino ngaatore mbudzi mbiri, adziise pamberi paJehovah pamukova rokusangana; Aroni zvino unofanira kukanda mijenya pamusoro pembudzi mbiri, mumwe mujenya waJehovha mumwe waAzazeri. Zvino Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya pamberi paJehovha. Ndokuibayira chive chipiriso chezvitadzo. Asi mbudzi yakabatwa nomujenya waAzazeri inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJehovha kuti ayananisire pamusoro payo, igoregedzwwa iende kurenje ive yaAzazeri.” (Revhitiko 16:7-10).
Achinge apedza mupiro wekuyananiswa uyu wemba yake nemhuri yake, Aroni, aikanda mijenya pambudzi mbiri mumwe mujenya waJehovha umwe mijenya waAzazeri.
Chokutanga, mbudzia yeimwe pauviri hwadzo yaipiwa kuna Jehovha. Apa, mushumiri mukuru aiisa maoko ake pamusoro wembudzi wembudzi pachinzvimbo chevanhu kuti zvitadzo zvavakatadza kwegore rose zvigoenda pambudzi iyi.
Ropa raitorwa roiswa kuchigaro chenyasha munzvimbo yaiva tsvene uye rosasiwa kanomwe. Vanhu veIsiraeri vairegererwa zvitadzo zvawo zvose zvegore rose. Pane kuti vanhu veIsiraeri vafire zvitadzo zvavo, mushumiri mukuru, Aroni aiisa zvitadzo zvavo zvose pamusoro wechipiriso chobva chatora icho mutongo wose. Uyezve aizopira imwe mbudzi pamberi paMwari. Ndiko kuripira kwaiitirwa vanhu.
 
 
ZVEVANHU VOSE
 
Pamberi pevanhu vose, Aroni aiiturika maoko ake pambudzi yepiri obva areurura pamberi paMwari. “Jehovha, vanhu veIsiraeri vakatadza vakaponda, vakapomba, vakaba, vakachiva vakanyengedza. . . uye vakanamata zvifananidzo zvavo. Havana kuchengeta Sabata kuita tsvene, vakadaidza zita renyu pasipo, uye vaktyora zviri mumutemo nemirayiro yenyu.” Apedza izvozvo aibvisa maoko ake nezvake zvitadzo pamwechete nezvevanhu vose zvegore rose zvaiiswa pachipiriso.
Ngativerengei Revhitiko 16:21 “Aroni ngaauye nembudzi mhenyu, agoisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu zvose zvakaipa zvavana vaIsiraeri nokudarika kwavo kwose, izvo zvitadzo zvavo zvose ngaazviise pamusoro wembudzi mhenyu ndokuiregedza aitumire kurenje nomunhu ainge akarairwa zvokunoita.”
Mbudzi yaAzazeri inobva yadzungaira nerenje uye yobva yafa yakatakura zvitadzo zvavaIsiraeri pamusoro payo. Kuti mbudzi yaAzazeri “Azazeri muchiHebheru, zvinoreva kudzingira kana kuti kurasira.” Kureva kuti mupiro wezvitadzo warasirwa pamberi paMwari, pachinzvimbo chavaIsiraeri vose.
Nokudaro, zvitadzo zvavaIsiraeri zvaiiswa pambudzi yaAzazeri nokuturika maoko kwaiitwa naAroni. Nenzira iyoyi vaIsiraeri vairegererwa zvitadzo zvavo zvose. Pavaiona mushumiri mukuru achiturika maoko ake pamusoro wembudzi, vachiona ichitungamirirwa murenje vanhu vose veIsiraeri vaitenda mukuripirwa nokuwadzaniswa vaibva vatendeseka kuti kuwadzaniswa kwezvitadzo zvavo kwainge kwaitika. Kuripirwa kwose kuri muTesitamende yekare waiva mumvuri wevhangeri rekuzvarwa patsva kwemuTesitamende Itsva.
MuTesitamemde Yekare, kuturika maoko neropa rechipiriso raiva vhangeri reruponeso kubva kuzvitadzo. Zvinoramba zvakangofanana nezviri muTesitamende Itsva.
 
 
VHANGERI ROKUREGERERWA MUTESITAMENDE ITSVA
 
MuTesitamende Itsva zvitadzo zvose zvavanhu zvaibvisa sei?
Muna Mateo 1:21-25, makanyorwa kuti, “Iye achazvara mwanakomana agomutumidza zita rinonzi Jesu, nokuti ndiye uchaponesa vanhu vake pazvitadzo zvavo. Izvozvo zvose zvakaitwa kuti zviitike zvakarehwa naIshe, nomuromo womuporofita achiti, Tarirai mhandara ichava nemimba, ichazvara mwanakomana vachamutumidza zita rinonzi Emanuweri, ndokuti kana zvichishandurwa: Mwari anesu. Zvino Josefa akamuka pahope dzake akaita sezvaakarairwa nomutumwa washe, akatora mukadzi wake; akasamuziva kusvikira azvara mwanakomana wake wedangwe ndokumutumidza zita rinonzi Jesu.”
Jehovha, Jesu wedu akauya pano pasi ane zita rokuti Emanuweri kuti aponese marudzi ose kubva kuzvitadzo zvavo. Nokudaro akatumidzwa zita rokuti Jesu. Jesu akauya kuzotora zvitadzo zvenyika yose. Akauya ari panyama yomunhu kuti azove mununuri wevanhu vose. Akazadzikisa ruponeso rwedu uye akatisunungura kubva kuzvitadzo zvedu nokusingaperi.
 
 
VHANGERI ROKUZVARWA PATSVA
 
Zvino Jesu wakatisunungura sei kubva kumatadzo edu? Akazviita nokuda kwerubhabhatidzo rwake. Ngatitarisei kuna Mateo 3:13.
“Zvino Jesu wakabva Garireya akasvika paJorodhani kunaJohane kuzobhabhatidzwa naye. Asi Johane wakaidza kumudzivisa akati: Ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, ko imi munouya kwandiri sei? Asi Jesu wakamupindura akati kwaari: chirega hako zvino, nokuti saizvozvo, zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapa akamurega. Jesu wakati abhabhatidzwa, pakarepo akabuda mumvura; zvino tarira denga rakamuzarurirwa, akaona mweya waMwari achiburuka senjiva akauya pamusoro pake. Zvino tarira inzwi rakabva kudenga richiti: Uyu ndiye mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira!” (Mateo 3:13:17).
MuTesitamende Itsva, Jesu paakasvitsva makore makumi matatu, akauya kuna Johane mubhabhatidzi kuna Jorodhani. Akabhabhatidzwa akabvisa zvitadzo zvevatadzi vose. Nehiitiko ichochi, akazadzisa kururama kwaMwari.
 
 
SEI JESU AKABHABHATIDZWA MUNA JORODHANI?
 
Chii chinoburitswa nevhangeri?
Kururama kwaMwari.
 
Ngatimbotarisai pachiitiko apo mushumiri mukuru wekudenda akasangana nomushumiri mukuru wemarudzi ose. Apa tinogona kuona kururama kwaMwari kuburikidza nokubhabhatidzwa kunova kunowadzanisa zvitadzo zvenyika yose.
Johane mubhabhatidzi uyo anova akabhabhtidza Jesu, ndiya aiva mukuru-mukuru kurudzi rwose rwakazvarwa nomunhukadzi. Jesu akapupura muna Mateo 11:11, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri; kuna vakaberekwa navakadzi hakuna kumuka mukuru kuna Johane mubhabhatidzi. Asi muduku muvushe hwokudenga mukuru kwaari.” Sekubva kwaiita zvitadzo zvavanhu vose kana Aroni achinge aturika maoko ake pamusoro wechipiriso pazuva rokuwadzanisa, muTesitamende Itsva, zvtadzo zvose zvepanyika zvakabviswa pakabhabhatidzwa Jesu naJohane mubhabhatidzi.
Vhangeri rokuzvarwa patsva ndiro vhangeri rakakwana rokuwadzanisa zvitadzo zvavo zvose, zvakare, zvanhari nezvichauya. Nokudaro vhangeri rekuregerewa nokuda kwekubhabhatidzwa kwaJesu ivhangeri rakarongwa naMwari kuti azadzisekururama kwake, uko kwakaponesa vanhu vose munyika. Jesu akabhabhatidzwa nenzira inokodzera kubvisa zvitadzo zvose zvenyika yose.
Kuzadzisa “kururama” kunorevei? Zvinoreva kuti Mwari akasuka zvitadzo zvose zvenyika nenzira inokodzera. Jesu akabhabhatidzwa kuti zvitadzo zvedu zvisukwe zvose. “Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchitenda kukutenda.” (VaRoma 1:17).
Kururama kwaMwari kwakaratidzwa mupfungwa dzake dzokutumira mwanakomana wake Jesu panyika pano kuzosukazvitadzo zvose nokubhabhatidzwa kwake naJohane mubhabhatidzi uye noufa kwake ari pamuchinjikwa.
MuTesitamende Itsva, kururama kwaMwari kwakaratidzwa nokubhabhtidzwa kwaJesu uye neropa rake. Takave takarurama nokuti Jesu akabvisa zvitadzo zvamarudzi ose kwezviuru zviviri zvamakore apfuura pana Jorodhani. Kana tagamuchira ruponeso rwaMwari mumwoyo yedu, kururama kwaMwari kunozadziswa zvechokwadi.
“Asi Jesu wakapindura akati kwaari: chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega. Jesu wakati abhabhatidzwa, pakarepo akabuda mumvura; zvino, tarira, denga rakamuzarurirwa, akaona mweya waMwari achiburuka senjiva. Akauya pamusoro pake. Zvino tarira, inzwi rakabva kudenga, richiti: uyu ndiye mwanakomana wangu unodikwa, wandinofarira!” (Mateo 3:15-17).
Ndima iyi inoburitsa kuti Mwari pachakae akapupura kuti kubhabhatidzwa kwemwanakomana wake kwaizadzisa kururama kweruponeso. Aititaurira kuti, “Jesu uyo akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi zvino, ave mwanakomana wangu wechokwadi.” Mwari akapupurira kuti mwanakomana wake akabhabhatidzwa kuti awadzanise marudzi ose, akazviita kuti basa dzvene remwanakomana wake, Jesu risashaye chiremera.
Jesu mwanakomana waMwari uye mununuri wevatadzi venyika. “Unodikwa, wandinofarira” Mwari akadaro. Ichokwadi kuti Jesu akatevedzera zvido zvababa vake uye akabvisa zvitadzo zvamarudzi ose kuburikidza nokubhabhatidzwa kwake.
Shoko rokuti, “kusukwa,” kupfuudza, kuviga. Nokuti zvitadzo zvedu zvose zvakapfuudzirwa pana Jesu apo paakabhabhatidzwa, zvatinongofanira kuita chete kutenda muvhangeri kuti tiponeswe kubva kuzvitadzo zvenyika.
Kuzadziswa kwezvitadzo zvose zveruponseos zvaionekwa muTesitamende Yekare kwakapedziswa kuburikidza nokubhabhatidzwa kwaJesu muTesitamende Itsva. Nokudaro uporofita hwose huri muTesitamende Yekare hwakawana kudyidzana nezviri muTesitamende Itsva sezvaingoitwa nevanhu veIsiraeri muTesitamende Yekare zvokuregererwa zvitadzo kamwechete pagore, zvitadzo zvavanhu muTesitamende Itsva zvakaiswa pana Jesu.
Revhitiko 16:29 ifananidzo yaMateo 3:15. Jesu akabhabhatidzwa kuti abvise zvitadzo zvose zvepanyika. Tinotenda kurubhabhatidzo rwake zvikuru. Zvose vanotenda mukuregererwa kwekusingaperi kwezvitadzo vakaponeswa, zvitadzo zvavo zvose zvakadzimwa kubva pahwendefa yommmwoyo yavo.
Kana usingarangariri uye nokutenda mumwoyo mako chokwadi chekubhabhatidzwa uye nerufu rwaJesu ari pamuchinjikwa, hausi kuzochenurwa zvitadzo zvako zvisinei kuti upenyu hwako huri pakutenda pakadii. Nokubhabhatidzwa kwaJesu ndiro shoko chete raMwari rinova raakazadzisa uye rakabvisa zvitadzo zvedu. Ruponeso rwechokwadi runowanikwa nokuregererwa zvitadzo zvedu zvose, nemunemamwe mashoko, kuburikidza nekubhabhatidzwa kwaJesu.
Unazvo izvi mupfungwa, unoitei nazvo? Iri harisi shoko romunhu, asi kuti raMwari pachake. Jesu akafira pamuchinjikwa nokuti ainge atakura zvitadzo nokuda kwerubhabhatidzo rwake. Haubvumirani nazvo here kuti kurovererwa kwaJesu kwaiva kuti kuda kwekubhabhatidzwa kwake?
Muna VaRoma 8:3-4, inoti, “Nokuti zvakanga zvisingakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwavo simba nokuda kwenyama. Mwari pakutuma kwake mwanakomana wake nomufananidzo wenyama yezvitadzo, nokuda kwezvitadzo, wakapa mhosva zvitadzo zviri munyama, kuti zvakaberekwa nomurairo zviitike matiri, isu tisingafambi nenyama asi nomweya.”
Nokuti isu sevashandi hatigoni kuchengeta mutemo nomurairo waMwari nezvikonzero zvokuti takaneta panyama. Jesu akatora zvivi zvose zvenyama achienda nazvo kunobhabhatidzwa. Ichi ndicho chokwadi chekubhabhatidzwa kwaJesu. Kubhabhatidzwa kwaJesu kwakaita kuti rufu rwake ruvepo rwepamuchinjikwa. Uhwu ndihwo ungwaru hwevhangeri remavambo raMwari.
Kana wanga uchingotenda murufu rwaJesu rwepamuchinjikwa, zvino chidzoka uye ugashire mumwoyo wako vhangeri reruponeso kuburikidza nokubhabhatidzwa kwaJesu. Naizvozvo, uye pakarepo unobva waita mwana wechokwadi waMwari.
 
 
VHANGERI RAMAVAMBO
 
Nderipi vhangeri ramavambo?
Vhangeri remvura nemweya.
 
Vhangeri remavambo, ivhangeri rekuwadzaniswa kwezvitadzo. Iri ndiro vhangeri rokubhabhatidzwa kwaJesu, rufu rwake, uye nekumuka kwake uko Mwari akaratidza kwatiri. Jesu Kirisito akasuka zvitadzo zvose kwenguva imwechete nokubhabhatidzwa panaJorodhani uye nokuda kweizvi akatipa ruponeso kune avo vose vanotenda muchokwadi ichi, nokuda kwekuvimba kwedu. Zvitadzo zvedu zvose zveupenyu huchauya zvakatosukwawo.
Parizvino, aninani anotenda kukubhabhatidzwa kwaJesu neropa rake iro rakadeuka pamuchinjikwa achava nokuponeswa kubva kuzvitadzo zvenyika nokusingaperi. Unozvitenda here? Kana mhinduro yako uchiti “Hongu, ndinotenda,” kureva kuti chokwadi uchava wakarurama.
Parizvino, ngatichimbotarisai muchidimbu zvakaitika mushure mokunge Jesu abhabhatidzwa. Muna Johane 1:29 makanyorwa kuti, “Tarirai! Hwayana yaMwari inobvisa matadzo ose apanyika!”
Johane mubhabhatidzi akapupurira kuti Jesu aiva hwayana yaMwari iyo yaibvisa matadzo ose epanyika. Johane mubhabhatidzi akaisa zvitadzo zvepanyika pana Jesu nokumubhabhatidza muna Jorodhani, pamusoro paizvozvo, nokuti Johane ndiye akamubhabhatidza pachake saka anokodzera kupa uchapupu nokuti ndiye akamubhabhatidza, anopupura achiti, “Tarirai! Hwayana yaMwari iyo inobvisa matadzo ose epanyika!” Jesu akabhabhatidzwa akabva abvisa matadzo ose apanyika, ue ndiro vhangeri rekuzvarwa patsva.
 
393b5670-a7cf-4b7e-8bc3-cfe042d75610
 
“Tarirai! Hwayana yaMwari iyo inobvisa matadzo ose epanyika!” (Johane 1:29). Jesu akabvisa zvitadzo zvose zvepanyika nokuda kwerubhabhatidzo rwake.
Zvitadzo zvose zvaunotadza kubva pakuzvarwa kusvikira pamakore gumi, zvinoiswa munezvenyika yose. Unozvitenda here kuti zvitadzo izvozvo zvakaiswa pana Jesu? ―Hongu ndinobvuma.―
Ndizvo here kuti zvitadzo zvauchazoita muupenyu zviri pakati pezvitadzo zvose zvenyika? ―Hongu, zvakasanganiswa ipapo.― Zvino, zvakaiswa pana Jesu here? ―Hongu zvakaiswa pana Jesu.― Unonyatsotenda here nemazvo kuti zvitadzo zvose zvakaiswa pana Jesu? ―Hongu ndinobvuma.― Unobvuma here kuti zvitadzo zvose zvenyika zvakaiswa pana Jesu nokuda kwerubhabhatidzo rwake? ―Hongu, ndinobvuma.―
Une chokwadi here kuti unoda kuponeswa kubva kuzvitadzo zvenyika? Kana uchibvuma, chitenda muvhangeri rekubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake ari pamuchinjikwa. Kana ukangotenda, unenge watoponeswa. Unotenda pazviri here? Ndiro vhangeri rechokwadi reruponeso rwekuzvarwa patsva. Kubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake ndiro vhangeri remavambo rekuzvarwa patsva. Ndiwo makomborero kubva kuna Mwari, makomboreroevatadzi vose venyika.
Kutenda muruponeso rwekuzvarwa patsva nomurubhabhatidzo rwaJesu uye nemuropa rake repamuchinjikwa, kutarisa kurudo rwake ndiko kuve nechivimbo uye kuzvarwa patsva kwechokwadi. Zviratidzo zvokuzvarwa patsva imvura uye neropa raJesu. Unofanira kugashira mashoko echokwadi ayo akanyorwa muBhaibheri.
 
 
CHITENDERO NEKUVIMBA
 
Uchapupu hwatinahwo ndohupi mumwoyo yevakazvarwa patsva?
Hwekuti Jesu akabvisa zvitadzo zvedu zvose nekubhabhatidzwa kwake uye neropa rake.
 
Chitendero kutenda munaJesu zvichienderana nezviri mupfungwa dzomunhu, achisiya shoko rechokwadi raMwari. Zvakadaro hazvo, ruponeso kubva kuzvitadzo chikamu chepfungwa dzinobva mumunhu. Kuvimba, kutenda mumashoko ose emuTesitamende Yekare pamwe neItsva yacho,uchiramba zvinobva mupfungwa dzoumwe munhu. Kungotora sezvazvakanyorwa zviri muBhaibheri uye nokugamuchira ruponeso kuburikidza nemvura uye neropa. Rubhabhatidzo rwaJesu uye kufira kwake pamuchinjikwa. Munhu anogona kuponeswa nekutora ungwaru hwevhangeri remavambo obva azviisa mumwoyo make.
Pasina kubhabhatidzwa kwaJesu hapana nzira yaibviswa naye zvitadzo zvedu, uye pasina kudeuka kweropa hapana kuregererwa kwezvitadzo kwaitora nzvimbo. Zvitadzo zvedu zvose zvakaiswa pana Jesu asati azvitora kuenda nazvo pamuchinjikwa apo akanodeura ropa rake nekuda kwedu. Kana tichitenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake repamuchinjikwa, nepakuzvarwa patsva kuburikidza nomuvhangeri, tinove takasununguka kubva kuzviadzo zvepanyika.
Kuvimba kwechokwadi ndiko kutenda kuti Jesu Kirisito akachenura zvitadzo zvedu zvose apo akabhabhatidzwa; Ndiko kutenda kuti akatora kutongwa kwezvitadzo zvedu zvose ari pamuchinjikwa. Tinofanira katenda muruponeso rwakarurama rwaMwari. Mwari vakatida tose zvokuti vakasvika pakutiponesa kuburikidza nerubhabhatidzo rwaJesu uye neropa rake repamuchinjikwa kana tichitenda muvhangeri iri, tinenge taponeswa kubva kuzvitadzo zvedu, tosunungurwa kubva kumitongo uye tobva tave vatsvene vakarurama pamberi paMwari.
“Jehovha ndinotenda, ndinonzwisisa kuti handikodzeri kuve neruponeso asi ndinotenda muvhangeri rekubhabhatidxwa kwaJesu, kuroverwa uye nokumuka kwake.” Tinofanirwa kutenda Jehovha nemakomborero evhngeri rekuzvarwa patsva. Kutenda muvhangeri remavambo ekuzvarwa patsva kuvimba kwechokwadi.
Chokwadi chokuzvarwa patsva ndiko uku; “Naizvozvo kutenda kunouya nokunzwa, nokunzwa kunouya nokunzwa shoko raMwari.” (VaRoma 10:17). “Naizvozvo muchaziva zvokwadi; uye zvokwadi ichakusunungurai.” (Johane 8:32). Tinofanirwa kuziva chokwadi chaicho uye tinofanira kutenda mumvura, muropa uye nemumweya izvo zvine uchapupu kwazviri (1 Johane 5:5-8).
“Chokwadi chichakusunungurai.” Aya mashoko aJesu ari maererano nemvura neropa. Wakasunungurwa here? Tiri pazvitendero here kana kuti pakuvimbika? Jesu anoda chete avo vanovimba muvhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Kana uchitenda muvhangeri rokubhabhatidzwa kwaJesu uye nokutenda muropa rake, kureva kuti hauna chitadzo mummwoyo mako. Asi kana uchitenda muna Jesu, nokuti uri muchikamu chechitendero, uchiri kugara muchivi nokuti hauna kuvimba kwakakwana muruponeso rwaJesu. Vanhu vechitendero vanoedza kuda kuwana kuregererwa kwezvitadzo nguva nenguva apo pavanoita munamato yokureurura zvitadzo.
Naizvozvo, vanhu vakadaro havazoponeswi zvakakwana kubva kuzvitadzo zvavo. Kunyangwe vakaramba vachireurura kweupenyu hwavo hwose, hazvitsivi kuregererwa kwakakwana kwezvitadzo uko kunouya nokubhabhatidzwa kwaJesu pamwe neropa rake repamuchinjikwa. Ngatiponeswei nokutenda muvhangeri raJesu, iro rinova rakasuka zvitadzo zvose zvepanyika, kunyangwe nezvichauya.
Ndinodzokorora zvakare kuti kupinduka zuva nezuva hakutori chinzvimbo chevhangeri rokuzvarwa patsva. VaKirisito vose vanofanira zvino kuchitenda mukuregererwa kwezvitadzo kuburikidza nomuvhangeri rokuzvarwa patsva.
Hatikwanisi kureurura zvitadzo zvedu zvose zvikaera kureurura kwemanyepo hakutisvitsi kuna Mwari asi kunototsamwisa mweya waka. Kupinduka kwemanyepo kunorerekera divi rimwe chete rekupupura uko kusingakoshesi zvido zvaMwari. Izvi handizvo zvinotarisirwa naMwari kubva kwatiri.
Kupinduka kwechokwadi chii? Kudzoka kuna Mwari. Kudzoka kushoko reruponeso rwaJesu uye nokutenda mushoko nenzira yarakanyorwa. Vhangeri rinotiponesa isu ivhangeri rokubhabhatidzwa kwaJesu, kurovererwa kwake uye nekumuka kwake kana tikatenda muvhangeri iri zvakakwana tinenge taponeswa uye tobva tava neupenyu husingaperi.
Ndihwo ungwaru hwevhangeri rekuzvarwa patsva; ndiko kutenda kukubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake. Zviri muvhangeri reumambo hwekudenga hunotibvumidza kuzvarwa patsva.
Jesu paaititaurira kuti tinofanira kuzvarwa patsva nemvura nemweya aireva kuti tinofanira kuzvarwa patsva nokutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu nomuropa rake ari pamuchinjikwa. Naizvozvo tinokwanisa kupinda nokunogara muumambo hwaMwari. Tinofanira kutenda mumashoko ake. Zvinhu zviviri zvinopa uchapupu pakuregererwa matadzo edu ose; kubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake repamuchinjikwa, ndiwo mashoko maviri anotigonesa kuti tizvarwe patsva.
Ikozvino wave kutenda muvhangeri rokuzvarwa patsva uye nokuregererwa zvitadzo here? Kuvimba nokubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake repamuchinjikwa kunotiponesa kubva muzvitadzo zvedu zvepanyika. Tinozvarwa patsva nokuda kwekuvimba uku. Sezvo Bhaibheri richititaurira kuti Jesu akasuka zvitadzo zvavatadzi vose panyika. Ko sei tingatendi mukuzvarwa patsva?
Vose avo vanotenda muzvinhu zviviri izvo zvinopupura uchapupu hwekuzvarwa kwedu patsva; kubhabhatidzwa kwaJesu uye nokurovererwa kwake ndivo vakazvarwa patsva pachokwadi. Zvakare uyo anotenda mumwanakomana waMwari ane uchapupu pachake (1 Johane 5:3-10) kana uchitenda munaJesu, haufaniri kusiyana nevhangeri remvura, neropa uye nomweya.
Sezvakangoita Naamani mukuru wehondo akageza munaJorodhani kanomwe kuti apore kuva kumaperembudzi (2 Madzimambo 5) tinofanira kutenda kuti Jesu akasuka zvitadzo zvose zvenyika kamwe chere kwenguva dzoase munaJorodhani uye nechiitiko ichochi akati ruponeso rusingaperi.
Nokuti Jesu akatida, tinogona kuponeswa kubva kuzvitadzo zvenyika uye ndokuve noupenyu husingaperi nokutenda muvhangeri rokuregererwa kwamatadzo. Tose ngatitendei muvhangeri rekuzvarwa patsva uye tigowana ruponeso rwaMwari.