(Eksodo 12:43-49)
“Jevovha akati kuna Mozisi naAroni; Murairo wepasika ndiwo: Mutorwa ngaarege kudya. Asi muranda womunhu mumwe nomumwe wakatengwa nemari, ungaidya kana mamudzingisa. Mutorwa kana muranda anoripirwa ngaarege kuidya. Inofanira kudyirwa mumba mumwe; haufaniri kutora imwe nyama kuenda nayo kunze kweimba; uye musavhuna pfupa rayo. Ungano yose yavaIsiraeri inofanira kuiita. Kana mutorwa ugere naye achida kuitira Jehovha pasika, vanhurume vose vari kwaari ngavadzingiswe, ipapo ngaaswedere hake kuiita; zvino wafanana nomunhu wakaberekerwa panyika; asi asina kudzingiswa ngaarege kuidya. Murairo ngauve mumwe kunowakaberekerwa mumusha nokumutorwa ugare pakati penyu.”
Ndeipi mhiko kuvaIsiraeri isingaperi, kuti vave vana vaMwari muTesitamende Yekare?
Vaitofanira kudzingiswa.
Mashoko aMwari ari muTesitamende Yekare neItsva akadzama uye anokosha kwatiri isu tinotenda muna Mwari. Hatingashai hanya nendima imwe zvayo yemashoko aya nokuti mashoko aMwari, mashoko ehupenyu.
Mashoko anhasi anotitaurira kuti iye anoda kuchengeta pasika anofanira kunge adzingiswa. Tinofanira kufunga chikonzero chiri kuita kuti Mwari vatitaurire izvozvo. Kunze kwekutoti munhu kana achinge adzingiswa, haangagoni kuchengeta pasika.
Kana tichida kutenda muna Jesu tinofanira kunzwisisa chinangwa chaMwari chokutipa mhiko iyi. Kudzingiswa kuchekwa ganda remberi renhengo yecmurume. Sei Mwari vakataurira Abhuramu nemadzinza ake kuti vadzingiswe? Chikonzero ndechokuti, wari vakange vavimbisa kuti avo chete vanenge vabvuma zvitadzo zvavo ndivo vanozova vanhu vake.
Ndiko kusaka vakataurira vanhu veIsiraeri muTesitamende Yekare kuti vadzingiswe. Kuti vave vanhu vaMwari, vanhu veIsiraeri vaifanira kudzingiswa. Ndiwo waiva murairo wakange wadzikwa, hwaro hwezvakanga zvapikwa, uye akave Mwari weavo vakange varasa zvitadzo zvavo nokuve nokuvimba mukudzingiswa. Pamusoro paizvozvo, muTesitamende Itsva, akave Mwari weavo vainge vagura zvitadzo zvavo nokuda kwekuvimba.
PASIKA
Chii chainzi pasika?
Raiva zuva iro rairangarirwa nokutenda Mwari navaIsiraeri pakubuda kwavo muIjipita.
Zororo guru rainge rakakosha kuvanhu veIsiraeri raiva zuva repasika. Raiva zuva rokurangarira nokutenda Mwari nokuvaburitsa muIjipita, umo makagara vaIsiraeri makore mazana mana vari muunhapwa. Mwari vakauyisa matambudziko gumi kuti vabvise moyo waFarao waive mukukutu. Iyi ndiyo nzira yaakatungamirira nayo vanhu veIsiraeri kubva muIjipita kuenda kunyika yeCanaan.
Vanhu veIsiraeri vakaponeswa kubva mukufa kwematangw, dambudziko rokupedzisira nokuda kweropa rehwayana uye nokudzingiswa. Nokuda Mwari akavataurira kuti vachengete pasika mukurarama kwavo kwose senzira yokurangarira nayo nyasha dzaakavaitira.
VAISIRAERI VAIFANIRWA KUITEI KUTI VACHENGETEDZE PASIKA?
VaIsiraeri vaifanirwa kuitei kuti vachengetedze pasika?
Vaifanirwa kudzingiswa.
Tinofanirwa kunzwisisa kuti, kuti tigone kuchengeta pasika zvepamweya chaizvo, tinofanira kudzingiswa mumwoyo yedu, kunyangwe vanhu veIsiraeri chaivo vakadzingiswa kuti vagowanisa kucherechedza pasika.
Muna Eksodo 12:43-49, makanyorwa kuti, “Murairo wepasika ndiwo; mutorwa ngaarege kuidya, asi muranda womunhu mumwe nomumwe wakatengwa nemari angaidya kana akadzingiswa. Mutorwa kana muranda unoripirwa ngaarege kuidya. Inofanira kudyirwa muimba imwe; haufaniri kutora imwe nyama kuenda nayo kunze kweimba; uye musavhuna pfupa rayo. Ungano yose yeIsiraeri inofanirwa kuitwa kana mutorwa waugere naye achida kuitira Jehovha pasika, vanhurume vose vari kwaari ngavadzingiswe, ipapo ngaaswedere hake kuiita; zvino wafanana nomunhu wakaberekerwa panyika. Asi asina kudzingiswa ngaarege kuidya. Murairo ngauve mumwe kunowakaberekerwa mumusha nomutorwa agere pakati penyu.” Nokudaro ikoku, akaudza vaIsiraeri kuti vachenete pasika mushure mokunge vadzingiswa.
Ndevapi vaibvumirwa kudya hwayana yepasika uye nokuchengeta pasika? Vainge vakadzingiswa chete, ndivo vaichengeta pasika.
Hwayana repasika, sokuziva kwedu tose, ndiJesu Kirisito uyo akabvisa zvitadzo zvose zvapanyika.
Zvino chii chinonzi kudzingiswa muTesitamende Yekare neItsva? Kudzingiswa zvinoreva kuchekwa ganda remberi renhengo yemurume. Jesu pachake akadzingiswa mushure memazuva masere abva kuzvarwa panyika pano. Mwari vakapa murawo wokuti vose vanotungamirira mabira epasika vanofanira kutanga vadzingiswa. Uye akaburitsa pachena kuti wose asina hake kudzingiswa haangatoiti zvepasika.
Naizvozvo munhu wose aifanira kudzingiswa sokurairwa pamurawo kwazvainge zvaitwa naMwari kana uchitenda muna Jesu unofanira kunzwisisa chirevo chokudzingiswa chiri muTesitamende Itsva.
BIRA ROKUDZINGISWA RAKABAIRWA NAMWARI KUNAABHURAMU RAIVA RE?
Abhuramu nerudzi rwake vaifanira kuitei kuti vave vana vaMwari?
Vaifanira kudzingiswa.
Muna Genesisi Mwari akazviratidza kuna Abhuramu akaita sungano yake pana Abhuramu nevedzinza rake. Muchikamu chegumi neshanu, Mwari vakavimbisa rudzi rwaAbhuramu ruchawanda senyenyedzi dzedenga kuti achavapa nyika yeKenani senhaka yavo.
Uye muchikamu chegumi nenomwe, Mwari vanotaurira Abhuramu kuti kana rudzi rake rukapinda musungano yake vakave vanodzingiswa, achave Mwari wavo uye ivo vachave vanhu vake. Yaive sungano yaAbhuramu nedzinza rake. Mwari vakavimbisa kuti kana vaizotenda musungano yake uye nokudzingiswa, zvaitoreva kuti vave vanhu vake uyewo iye aibva aita Mwari wavo.
Genesisi 17:7-8, inoti, “Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe, nevana vako vanokutevera pamarudzi avo ose, kuti ive sungano isingaperi; ndichava Mwari wako newevana vako vanokutevera. Ndichakupa iwe nevana vako vanokutevera, nyika mauri mutorwa iwe nyika yeKenani yose kuti ive yako nokusingaperi, ini ndichava Mwari wavo.”
Kudzingiswa rwaiva rupawo rwaMwari rwesungano yake naAbhuramu nevana vake.
NZIRA YOKUDZINGISWA NAYO PAMWEYA YAIREVEI
Chii chinoziva kudzingiswa pamweya?
Zvinoreva kugura zvitadzo zvedu zvose zviri mumwoyo yedu nokutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu.
Nokuti Abhuramu wakatenda mumashoko aMwari. Mwari akamuita akarurama uye akamuita mwana wake. Kwaiva kudzingiswa, rwaive rupawo rwesungano pakati paMwari naAbhuramu.
“Iyi ndiyo sungano yangu yamunofanira kuchengeta pakati pangu nemi nevana vako navanokutevera: vanakomana vose pakati penyu ngavadzingiswe.” (Genesisi 17:10).
Kudzingiswa kwepanyama kunoreva kuchekwa ganda remberi renhengo yemurume. Pamweya chiratidzo chokuisa zvitadzo pan Jesu kuburikidza nokutenda murubhabhatidzo rwake. Tinenge tadzingiswa pamweya kana tikagura zvitadzo zved zvose nokutenda uye nokugashira ruponeso rwokubhabhatidzwa kwaJesu. Kudzingiswa kuri muTesitamende Itsva kugura zvitadzo zvedu zvose kuburikidza nerubhabhatidzo rwaJesu.
Naizvozvo, kudzingiswa kwemuTesitamende Yekare ndiko kubhabhatidzwa kwaJesu kuri muTesitamende Itsva, uye zvose usungano yaMwari, inoita kuti tive vanhu vake. Nokudaro kudzingiswa kuti muTesitamende Yekare nekubhabhatidzwa kwaJesu kuri muTesitamende itsva chinhu chimwe uye zvakafanana.
Sokuchekwa ganda remberi kwenhengo dzavo vana Abhuramu kuti vave vana vaMwari. Tinovewo vana vaMwari kana tikagura zvitadzo zvose kubva mumwoyo yedu. Tinoita izvi nokutenda kuti hapachina chitadzo pano panyika nokuti zvakatorwa zvose naJesu paakabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi.
Kubhabhatidzwa kwaJesu kunoita kuti vatadzi vose vave vakarurama nokugura zvitadzo zvavo. Kaingova kakanda kadiki chete kaibvisswa mukuita nzira yokudzingisa anovawo mabvisiro akaitwa zvitadzo zvamarudzi ose kubva pamwoyo yavo apo Jesu akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi muna Jorodhani. Vose vanotenda muneizvi vanodzingiswa pamweya vobva vaita vana vaMwari vakarurama.
KUVIMBA KWEMANYEPO KWAKAITA KUTI VANHU VABVE PANA MWARI
Chii chakaita kuti vaIsiraeri vabve pana Mwari?
Kusadzingiswa.
Mwari akataurira Abhurama kuti vanhu vasina kudzingiswa vanofanira kubviswa kubva pavanhu vake. Naizvozvo chii chinonzi kudzingiswa kwepanyama kuti kucheka chidimbu cheganda kubva pamuviri, nokudarowo kudzingiswa pamweya kugura zvitadzo zvose kubva pamwoyo yedu uye tichizviisa panaJesu nokuda kwekubhabhatidzwa kwake.
Kubhabhatidzwa kwaJesu ndiko kudzingiswa kwepamweya kwemarudzi ose. Kunove ndiko kwakaita kuti zvitadzo zvapanyika zvose zviiswe pana Jesu. Chikonzero chakaita kuti Jesu abhabhatidzwe naJohane mubhabhatidzwe chaiva chokuponesa marudzi kuburikidza nokudzingiswa kwepamweya, kunova kwakatora zvitadzo zvose.
Zvitadzo zvamarudzi ose zvakaiswa pana Jesu. Mwari, akava Mwari waAbhuramu, Mwari waIsaka, Mwari waJokobo, uye Mwari wavana vavo vose, akaita sungano naAbhuramu nevana vake uye akaita kuti vacheke rukanda rwavo. Nokudaro akava Mwari wavo, mununuri weavo vanogura zvitadzo zvavo nokudzingiswa.
Kudzingiswa rudzii kunobvisa zvitadzo? Isungano yaMwari naAbhuramu nevose vanozvarwa patsva nokutenda murubhabhatidzo rwaJesu uye nerufu rwake ari pamuchinjikwa sechiitiko cheruponeso. Nechiitiko ichochi, akatipa kodzero yokuve vanhu vake. Nokudaro ndiMwari weavo vose vakadzingiswa.
Mwari akataura naAbhuramu achiti, “Mwanakomana ane mazuva pakati penyu ngaadzingiswe, mukomana mumwe nomumwe pamarudzi enyu, kana azvarwa mumba, kana atengwa nemari kuvatorw vapi nevapi, vasati vari vana vako, vakazvarwa mumba mako, nowakatengwa nemari, vanofanira kudzingiswa; sungano yangu ive panyama yenyu. Ive sungano isingaperi. Munhurume asina kudzingiswa panyama yechikanda chake, munhu wakadai unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; wakaputsa sungano yangu.” (Genesisi 17:12-14).
Aninani anoda kuedza kuuya kuna Jesu asina kudzingiswa pamweya anofanira kubviswa kubva kurudzi rwake. Kudzingiswa pamweya ndirwo rubhabhatidzo rwaJesu ruri muTesitamende Itsva iyo inova yakaisa zvitadzo paari.
Aninani anotenda munaJesu anofanirawo kutenda mukudzingiswa kwaiva muTesitamende Yekare uye nemurubhabhatidzo rwaJesu rwuri muTesitamende Itsva, ndiko kuti vagowana mweya, vagoponeswa kubva kuzvitadzo zvose. Uye vagove vana vaMwari. Kwatiri isu, vanotenda muna Jesu, nomukudzingiswa kuti muTesitamende Yekare uye nokubhabhatidzwa kwa Jesu kuri muTesitamende Itsva zvakangofanana.
Kana tikakundikana kunzwisisa zvinoreva kudzingiswa kana kuti tikasava nokuzvigashira seruponeso mumwoyo yedu iko kudzingiswa pamweya kunoita kuti tizvarwe patsva, kuvimba kwedu kunove kwakafa. Tinogona kufunfa kuti takavimbika kana Mwari, zvinenge zvakangofanana nokuvakira imba yedu yokuvimba mujecha.
Mwari vanotitaurira kuti vose vanotenda maari vanofanira kudzingiswa, vanofanira kutenda mururegero kuburikidza nokubhabhatidzwa kwaJesu nokudzingiswa pamweya. Pasina kudzingiswa, kudzingiswa, tinobviswa muzvigaro zvevanhu vake. Nokudaro Mwari vakapa murawo wekuti aninani angave akatengwa nemari kana mutorwa, anofanira kudzingiswa asati adya pasika.
Kana vasiri zvizvarwa zveimba yavaIsiraeri vaifanira kubviswa pavanhu vake kana vainge vasina kudzingiswa. Sungano yaMwari nevanhu veIsiraeri inofanira kushandiswa kune avo vose vanotenda mune Jesu.
Muna Ekisodo chikamu chegumi nezviviri, vanhu veIsiraeri vaidya hwayana yepasika uye nemiti inovava vaifanira kunge vakadzingiswa.kodzero yavo yokudya hwayana yepasika yaipiwa chete kune avo vanenge vadzingiswa.
Zvakakosha kwatiri kuti tizive kuti vanhu veIsiraeri pavakadya nyama yepasika uye nokuisa ropa rehwayana pazvikumbaridzo zvedzimba dzavo vainge vatodzingiswa nechekare.
Nomurairo waMwari, kana munhu ainge asina kudzingiswa, ainge akatobviswa muvanhu vake. Uye nokuvasikira nekodzero yokuve mwana waMwari. Izvi zvinoreva kuti zvitadzo zvokusatenda mukudzingiswa kwepamweya zvinotungamirira kutongwa kwevanhu. Avo chete vakadzingiswa pamweya nokuda kwekubhabhatidzwa kwaJesu ndivo vachaponeswa.
“Kune fanaidziro iyo inotiponesa, inova rubhabhatidzo.” (1 Pita 3:21). Ichokwadi here kuti unotenda kuti zvitadzo zvako zvose zvakaiswa pana Jesu nokuda kwekubhabhatidzwa kwake pana Jorodhani? Kana uchinzwisisa nokutenda pachokwadi, kubhabhatidzwa kwaJesu, uye neropa rake, uchaona kuti wakadzingiswa pamweya uye ukave wakarurama. Uye uchave nokuvimba pachokwadi kuti ropa raJesu repamuchinjikwa harinachirevo kana pasina kubhabhatidzwa.
Kana wainge uchitenda pamuchinjikwa waJesu usina kudzingiswa pamweya kuburikidza nokuvimba nerubhabhatidzo rwaJesu, uchawanikwa uri pakuraswa panyasha dzaMwari. Uchaona zvakare kuti unongove nezvitadzo mumwoyo mako.
Tinofanira kutenda pachokwadi chokuti ruregerero rwaMwari rwakatanga nokubhabhatidzwa kwaJesu Kirisito uye rukapedziswa neropa rakepamuchinjikwa kuti zvidaro, tinofanira kutora ashoko echokwadi tomaisa mumwoyo yedu, uyewo nerubhabhatidzo rwaJesu, ropa rake tozviita ruponeso rwedu.
Nokuvimba ikoko, tinogona kudzikinurwa kubva kusimba nerima tobva taita vana vaMwari vane chiedza. Chivimbo ichochi chinopatsanura vakazvarwa patsva pachokwadi. Kubva kune zvigaro zvevanhu vasina kuzvarwa patsva vanongotendawo zvavo.
Jehovha wedu, Jesu vanotitaurira kuti tigare mavari nokuti vakatisuka zvitadzo zvedu nezvenyika yose nerubhabhatidzo uye neropa rake. Naizvozvo kuti tive nerupawo rekuve vanhu vaMwari, tinofanira kutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu. Kana tikakundikana kuzviita, tichabviswa kubva paari.
Paruponeso rwekuregererwa, hapana rumwezve kunze kwekubhabhatidzwa kwaJesu kuti muTesitamende Itsva uye nokudzingiswa kuti muTesitamende Yekare. Ruponeso runove rwakakwana chete kana tine kuvimba munezvose zvinoti kubhabhatidzwa kwaJesu (kudzingiswa pamweya) uye neropa rake pamuchinjikwa (ropa rehwayana yepasika).
Kudzingiswa kwepanyama kuri muTesitamende Yekare kunowirirana nokubhabhatidzwa kwaJesu Kirisito kuti muTesitamende Itsva. Isaya 34:16, inotitaurira kuti mashoko ose ari mubhaibheri anowirirana. “Tsvakai kubva mubhuku raJehovha, murave, hapana chimwe chinhuzve chichashaikwa, chichashaiwa shamwari yacho; nokuti muromo wangu wakaraira izvozvo, nomweya wake wakazviunganidza.”
Shoko rimwe nerimwe riri muTesitamende Yekare rinoenderana neriri muTesitamende Itsva, hapana shoko risina shamwari yaro.
ZVICHAFAMBA SEI KUNE AVO VANOTENDA NOUFUZA UYE NENZIRA ISIYO?
Ndiani achaenda kugehena pakati pavanotenda vose vari panyika pano?
Vose avo vasingatendi mukudzingiswa kwepamweya.
Nhasi uno kune avo vanotend chete muropa rehwayana yepasika, vanobvunza, “Unorevei, kudzingiswa? Kwaingoitwa chete kuvaJudha panguva dzeTesitamende Yekare, hatifaniri kucheka chikanda chedu chemberi panguva ino yeTesitamende Itsva.”
Hongu hazvo, ichokwadi handisi kupa pfungwa dzokuti tidzingiswe panyama. Mupositora Pauro akatsanangura zvakanaka zvinoreva kudzingiswa pamweya uye kudzingiswa pamweya kwandiri kutaura nezvako.
Handisi kukuudzai kuti mudzingiswe panyama. Kudzingiswa kwepanyama hakuna zvakunoreva kwatiri asi tinofanira kuuya kuna Jesu tobva tadzingiswa pamweya nokutenda mukubhabhatidzwa kuti tigoponeswa kubva kuzvitadzo zvedu zvose.
Kuti munhu azvarwe patsva, anofanira kuve akadzingiswa pamweya, ndiyo nzira chete yokubvisa zvitadzo zvedu nayo, ndiyo nzira chete yokuve takarurama nayo. Mushure mokunge tadzingiswa pamweya chete ndipo patinenge tisisina kana chitadzo. Nokudaro tinofanira kugamuchira mumwoyo kudzingiswa pamweya nokutenda muna Jesu nerubhabhatidzo rwake.
Mupositora Pauro anotendawo zvakare mukukosha kwekudzingiswa pamweya. Anoti, “Kudzingiswa ndiko kwomwoyo” (VaRoma 2:29) umwe noumwe wedu anofanira kudzingiswa pamweya kuti tigove takasununguka kubva kuzvitadzo zvedu.
Zvitadzo zvako zvakaenda pana Jesu here zvechokwadi mushure mokunge zvabviswa pauri? Kunyangwe muTesitamende vose avo vaitenda munaJesu vaifanira kudzingiswa mumwoyo yavo nokutenda murubhabhatidzo rwaJesu.
Mupositora Pauro akaburitsa izvi pachena mutsamba dzake Mwari vakaponesa marudzi ose kubva kuzvitadzo zvepanyika, akavaita vanhu vake. Vanhu veIsiraeri vakave vanhu vaMwari nokubvisa chikanda chemberi kwenhengo yavo, uye isu tinove vana vamwari kana tikaisa zvitadzo zvedu zvose pana Jesu nokutenda murubhabhatidzo rwake.
Mwari vanotigamuchira sevanhu vake kana achiona chivimbo chedu chiri murubhabhatidzo rwaJesu uye nemuropa rake riri pamuchinjikwa. Kuvimbika uku kunoita kuti tive takadzingiswa pamweya iyo nokutitungamirira kuruponeso.
RUPONESO RUNOWANIKWA RWEVATADZI KUBURIKIDZA NERUBHABHATIDZO RWAJESU UYE NEROPA RAKE
Ruponeso rwakapedziswa sei naJesu?
Nokuda kwerubhabhatidzo rwake uye nerufu rwake ari pamuchinjikwa.
Ruponeso rwaJesu Kirisito rwakapedziswa nemvura yekubhabhatidzwa kwake uye neropa rake pamuchinjikwa nderedu isu vatadzi. Ropa rehwayana, waiva mutongo, uye kubhabhatidzwa kwaJesu kwaiva kudzingiswa pamweya uko kwakabvisa zvitadzo zvedu zvichienda paari.
Nhasi uno, makereke emakirisito haafaniri kutora kudzingiswa pamweya sechinhi chisina basa kunyangwe zvazvo kudzingiswa kuti muTesitamende Yekare kusati kuchanyanya kucherechedzwa mazuva ano, kubhabhatidzwa kwaJesu hakufaniri kushaiwa hanya.
Ndakakutaurirai kuti, zvitadzo zvenyu zvose zvakabviswa nekubhabhatidwa kwaJesu uye kubhabhatidzwa kwaJesu kwakakuponesa kubva kuzvitadzo zvako zvose. Unozvitenda here? Kana ukashaya hanya nekubhabhatidzwa kwaJesu, hauzozivi vhangeri rekuzvarwa patsva, vhangeri rekuregererwa kwakakwana kuburikidza nerubhabhatidzo rwaJesu.
Tingashaya hanya sei nokubhabhatidzwa kwaJesu, kudzingiswa pamweya uko kwatinotaurirwa naMwari? Kana tikange takaverenga Bhaibheri, tinoona kuti kudzingiswa uye neropa rehwayana yepasika zvakanyanya kufanana. Ndizvo zvakavanzika zvekudzingiswa pamweya, nokubhabhtidzwa kwaJesu.
Vhangeri raiparidzwa namupositora Johane rainge risiri-rimwe-kunze kwevhangeri rekubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake repamuchinjikwa. Muna 1 Johane 5:6, akati, “Ndiye wakauya nemvura neropa ― uye Jesu Kirisito; haana ―kuuya nemvura chete asi nemvura neropa.”
Akati Jesu akauya nemvura, neropa uye nemweya, kwete nemweya chete, uye kwete neropa chete, asi nemvura, neropa uye nemweya pamwechete. Zvinhu zvitatu izvozvi, kubhabhatidzwa kwaJesu, ropa raJesu pamuchinjikwa uye nokumuka kwake kubva kune vakafa zvimwe chete, umboo hweruponeso.
SEI BHAIBHERI RICHITAURA NEZVEKUBHABHATIDZWA KWAJESU UYE NEROPA RAKE?
Vanhu veIsiraeri vakaponeswa chete neropa rehwayana pamusi wepasika?
Kwete. Vainge vakadzingiswa kare vasati Vambo chengetedza pasika.
Kubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake ndizvo zvakatibvumidza kuti tizvarwe patsva nemvura nemweya. Eksodo yechikamu chegumi nezviviri, inoti, “Ngavatore rimwe ropa raro, variise pamagwatidziro maviriegonhi nepachirivo chokumusoro pedzimba. Kana ndichiona ropa ndichakupfuurai.”
Kuziva izvi, zvinoita here kuti tinogona kuponeswa kubva kuzvitadzo zvedu nokutenda chete muropa rehwayana yepasika? Zvino sei kubhabhatidzwa kwaJesu kuchinyanya kutaurwa nezvakomuTesitamende Itsva? Vapositra vanoti, “Makavigwa naye pakubhabhatidzwa.” (VaKorose 2:12) “Nokuti vose pakati penyu, vakabhabhatidzwa muna kirisito makafuka kirisito” (VaGaratiya 3:27). “. . . iyo inotiponesa zvino, ndirwo rubhabhatidzo” (1 Pita 3:21).
Vapositora Pita naPauro uye nevamwe vadzidzi vaJesu kirisito vakataura nezvekubhabhatidzwa kwaJesu. Kubhabhatidzwa kwaJesu paJorodhani ndiko kwavaireva, uye kuvimba mukubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake pamuchinjikwa ndicho chokwadi chiri mukuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Kukutaurirai chokwadi, ini ndaitenda munaJesu, asi ndichingotenda muropa rake chete, kwemakore gumi ose, ndisingatombonzwi kana nezvekubhabhatidzwa kwaJesu. Asi ruzivo urwu pacharwo haruna kukwanisa kubvisa zvitadzo zvaive mumwoyo mangu. Ndaitenda muna Jesu nemwoyo wangu wose, asi mwoyo wangu wainge uchakazara nezvitadzo.
Mushure memakore gumi aya, ndakazowana ruzivo rwezvinoreva kudzingiswa kwepamweya (kubhabhatidzwa kwaJesu) uye ndakabva ndazvarwa patsva. Ipapo ndipo pandakabva ndaziva chokwadi. Kudzingiswa kuri muTesitamende Yekare mucherechedzo wekubhabhatidzwa kwaJesu kuti muTesitamende Itsva. Ndkazvitenda mazviri uye nanhasi ndiri kutenda.
“MuTesitamende itsva, kuvimba kwakanaka here kutenda mune zvose ropa raJesu uye nekubhabhatidzwa kwake? Kutenda kwangu ndiko here zvichienderana neBhaibheri?” Mushure mokunge ndazvarwa patsva ndakashamiswa nezvinhu izvi.
Nyangwe ndaitenda mushoko rekubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake, mubvunzo yakaramba iri mupfungwa dzangu. “Zvinoita here kutenda muchokwadi icho chakaita kuti zvitadzo zvangu zviiswe pana Jesu paakabhabhatidzwa kana kuti zvinoita here kutenda kuti Jesu akaponesa isu kuburikidza nerufu rwake ari pamuchinjikwa. Hazvina kukwana here kungotenda chete kuti Jesu ndiye Mwari wangu uye mununuri wangu?” Ndakanyanya kucherechedza izvi pandakanga ndichireveranga Ekisodo yegumi nembiri.
Nhasi uno, vanhu vazhinji vanoverenga Ekisodo yegumi nembiri uye havafungi kaviri nokuburitsa pachena kuti Jesu Kirisito akafira pamuchinjikwa semununuri wavo. Vanofunga kuti zvakanaka kutenda muropa raKirisito uye vanopa uchapupu kuchokwadi cheruzivo rwavo. Vanotenda vasingadzokeri shure uye vanoti Jehovha ndiKirisito uyezve mwanakomana waMwari, asi vanenge vachingove vatadzi. Vanofunga kuti kana vachitenda muna Jesu semununuri wavo, vachaponeswa kunyangwe vane zvitadzo mumwoyo yavo.
Kuvimba kwerudzi urwu, hakusi kuvimba kwechokwadi. Kuvimba chete hakungavabatsiri kuzvarwa patsva. Kubhabhatidzwa neropa raJesu ndizvo chete zvinotiita vakarurama.
Zvino, Ekisodo yegumi nembiri inorevei chaizvo? Ndakatarisa muBhaibheri, ndikafunga, “Hapana here dambudziko pakungotenda chete muropa raJesu ndichishaya hanya nerubhabhatidzo rwake?” Kunyangwe ndisati ndapedza kuverenga Ekisodo, ndakawana chokwadi chokuti ruponeso harusi rweropa raJesu Kirisito chete asi kuti pamwe nekubhabhatidzwa kwake. Nokuda kweBhaibheri ndakavimbiswa kuti takadzingiswa mumwoyo yedu kuburikidza nekubhabhatidzwa kwaJesu pamwe zvakare neropa rake repamuchinjikwa.
Sei vakirisito vazhinji vachiri vatadzi?
Nokuti havatendi mukubhabhatidzwa kwaJesu.
Ndakarangarira muna Ekisodo 12:47-49 kuti munhu asati abvumidzwa kudya nyama yepa pasika, aifanira kunge akadzingiswa, ndicho chikonzero Mwari, munaEkisodo 12:49 vakati, “Murairo ngauve mumwe kunowakaberekerwa mumusha nokumutorwa agere pakati penyu.”
Naizvozvo, aninani ainge asina kudzingiswa haaidya nyama yepa pasika. Ndicho chokwadi chandakawana. Kufanana, kana tichitenda muna Jesu semununuri wedu, tinofanira kutanga tagamuchira pfungwa yokuti zvitadzo zvedu zvose zvakaiswa pana Jesu kuburikidza nokubhabhatidzwa kwake pana Jorodhani uye nekugamuchira pfungwa yokuti Jesu akafira pamuchinjikwa kufira zvitadzo zvedu.
Apo pandakarangarira kuti Jesu akafira pamuchinjikwa kuti atongerwe zvitadzo zvedu zvaakabvisa nokubhabhatidzwa kwake, ndakabvawo ndarangarira zvinoreva kudzingiswa kwepamweya uko kwakatipones kubva kuzvitadzo zvedu uye nokudarika kwose kwenyika.
Panguva iyoyo, ndakarangarira kuti zvitadzo zvangu zvose zvose zvakaenda. Mwoyo wangu wakachena kunge chando chichena uye ndakabva ndatora vhangeri remvura, ropa nemweya ndikazviisa mumwoyo wangu.
Ndakarangarira kuti pane zvinhu zviviri zvinotiponesa, kudzingiswa uye neropa rehwayana riri muTesitamende Yekare uye nokuiswa kwezvitadzo zvose pana Jesu nokuda kwerubhabhatidzo rwake uye neropa rake ari pamuchinjikwa zviri muTesitamende Itsva. Kudzingiswa kuri muTesitamende Yekare uye nekubhabhatidzwa kwaJesu kuri muTesitamende Itsva chinhu chimwechete panguva imwe.
Jesu Kirisito akabhabhatidzwa kwete nokuti akapara chitadzo pachake, asi kuti akatora zvitadzo zvose zvenyika nokubhabhatidzwa kwake. Avo vose vanotenda kuti Johane mubhabhatidzi, semununuri wemarudzi ose, akabhabhatidza Jesu uye akaisa zvitadzo zvose zvenyika pana Jesu zvakare anotenda mune zvose, kubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake ari pamuchinjikwa.
Ko zvino sei vanhu vazhinji vachiramba rubhabhatidzo rwake kunyangwe ruchivamba ruchitsanangurwa muBhaibheri? Nokuita ikoko, vachitenda munaJesu. Vanogona kutenda muna Jesu asi vakabviswa pana Mwari. Vatadzi vanonzwisa ngoni zvikuru vachaenda kugehena nyangwe zvavo vachitenda muna Jesu.
Vanoramba vari vatadzi sei ivo vachitenda muna Jesu? Sei vachirarama sevatadzi? Sei vachifamba nenzira inonanga kunoparadzwa? Zvinonzwisa ngoni. Vanoramba vachingove vatadzi nokuti havatendi kuti zvitadzo zvose zvepanyika zvakaiswa pana Jesu Kirisito uyo anova ndiye akauya neruponeso rusingaperi kuvanhu vose kuburikidza nokubhabhatidzwa kwake pamweya.
Vanhu vanofunga kuti vanoregererwa nokutenda muropa raJesu, asi kuvimba kwerudzi urwu hakuiti kuti uve wakakwana sei? Nokuti vakakundikana kuisa zvitadzo zvavo pana Jesu!
Tinogona kuponeswa chete kana tichitenda mumvura (rubhabhatidzo rwaKirisito) uye neropa rake nenzira yazvakarairwa nayo naMwari: ruponeso rwekudzingiswa pamweya. Naizvozvo, uye nokudaro ndipo patinove vana vaMwari vechokwadi.
Tinofanira kuzvibvunza pachedu tichingotenda muropa raJesu seiko kudzingiswa pamweya, zvinoita here kuti zvitadzo zvedu zvisukwe zvose?” Tinofanira kutarisisa zvakadzika mukati kati memwoyo yedu ndimo matinowana mhinduro.
MuTesitamende yekare vanhu vaiponeswa nokudzingiswa uye neropa rehwayana yepasika sekuwana kwatinoitawo ruponeso nomukubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake repamuchinjikwa. Nenzira iyoyi takaponeswa kubva muhutongo hwaMwari uye nokubva munyika inezvitadzo. Vose vanotenda vanova vana vaMwari uye Mwari anova Bava vavo.
Munhu anoponeswa uye nokuve waMwari nokutenda kwake muzvinhu zviviri zvinoti: kudzingiswa neropa rehwayana yepasika, ndiko kuti, kubhabhatidzwa kwaJesu neropa rake. Ichi ndicho chokwadi chiri pana Jesu. Ichi ndicho chokwadi chinoreva kuzvarwa patsva nemvura nemweya uye neropa.
RUREGERERO RWEMVURA NEMWEYA RAKATAURWA MUBHAIBHERI RUNOREVEI?
Vatadzi vanogona kururama nokutenda muropa raJesu chete here?
Kwete!
Jesu akasiya chigaro chake kudenga akaburukira pano panyika. Akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi paakauya ave nemakore makumi matatu okuberekwa kuti agotora zvitadzo zvapanyika zvose.
Ropa raJesu ari pamuchinjikwa kwaiva kurangirwa zvitadzo zvevatadzi vose vepanyika. Jesu Kirisito akauya somununuri panyika pano akaponesa vatadzi vose nemvura uye neropa.
Tinozvarwa patsva neropa chete here? KWETE. Tinoponeswa kubva muzvitadzo nokubhabhatidzwa kwaJesu uye nokuda kweropa rake. Ndinoda kumbobvunza mubvunzo kune avo vanotenda muropa raJesu chete. “Vatadzi vangave vakarurama nokutenda muropa raKirisito chete kana kuti nokutenda mune zvose; kubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake ari pamuchinjikwa? Kutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu here nomuropa rake, kana kuti muropa rake chete, zvinoita kuti tiise zvitadzo pana Jesu? Ndiri kubvunza, chokwadi ndechipi?”
Kuti tizvarwe patsva pachokwadi nemvura nemweya, tinofanira kuzadzisa zvinotevera. Tinofanira kutenda kuti Jesu akauya pano panyika ari panyama kuti atore zvitadzo zvose zvapanyika pana Jorodhani apo akabhabhatidzwa uye akatongerwa zvitadzo zvedu zvose ari pamuchinjikwa. Nokutenda muna Jesu Kirisito, muponesi wedu wechokwadi nenzira iyi, zvirokwazvo tinozvarwa patsva.
Ndinokubvunzai zvakare, kuvimba kunotsanangurwa sechii muBhaibheri? Kuvimba muropa raJesu chete here, kana kuti mune zvose, kubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake?
Kuvimba muropa raJesu ndekunoti: Jesu akatongwa akarangirwa zvitadzo zvenyika yose. Nokuti akatakwa akakuvadziwa nokuda kwezvitadzo zvedu, takabva tapunyutswa mukutongwa kwakaomarara. Asi handiko kutenda kwechokwadi. Tisati tagachira chinyorwa ichi, tinofanira kuchenesa umwe pfungwa. Sei Jesu aifanira kurovererwa pamuchinjikwa.
Bhaibheri rinoburitsa pachena kuti mubaior wezvitadzo rufu. Jesu haana kumboita chitadzo panyika pano akauya pasi pano ari munhu akazvarwa naMariya, asi akauya ari mufananidzo wevanhu vake semwanakomana waMwari mutsvene uye mununuri wavatadzi. Ndiko kusaka aifanira kubhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi asati afira pamuchinjikwa. Paakabhabhatidzwa, akabva atora zvitadzo zvose zvedu achizviisa paari. Naizvozvo pasina kubhabhatidzwa, haaigona kutongwa kuti agodeura ropa rake ari pamuchinjikwa.
NZIRA DZOKUPIRA ZVIPIRISO NADZO MUTESITAMENDE YEKARE
Ndedzipi mhiko dzainge dzisingaregwi kupira zvipiriso nadzo?
1. Mhuka isina mhosva
2. Kuturika maoko
3. Ropa rayo
Ngatitarisei chokwadi ichi chiri mukupira chaiva muTabhera tsvene. MuTesistamende Yekare, mutadzi kana kuti mushumiri mukuru aiturika maoko pomupiro wehwayana kana wembudzi kuti aiise zvitadzo zvake kana kuti zvitadzo zvose zvavaIsiraeri pamusoro payo. Zvibayiro izvi zvaurayiwa zvopirwa pamberi peAtari. Tesitamende Tsaru yaive mududziri weTesitamende Itsva, uye Jesu Kirisito ndiyo yaive hwayana yemupiro iyo Mwari ainge akavimbisa kuya kwayo.
Mose, zvitadzo zvenyu makazviisa riini pana Jesu? Ndinoda kuti mufunge nezve mubvunzo uyu mobva maupindira. MuTesitamende Yekare, vaIsiraeri havaiuraya mhuka vasina kuturika maoko (kuturika maoko kwaireva kuisa zvitadzo pamupiro) Mupiro zvezvitadzo, usati wauiswa pamberi peAtari, kuturika maoko ndiko kwaifanira kutanga kwatora nzvimbo senzira yokuisa zvitadzo pamhuka yomupiro iyi.
“Agoturika maoko ake pamusoro wechipiriso chinopiswa.” (Revhitiko 1:4). Muna Revhitiko makanyorwa kuti zvipiriso zvose zvaitenga zvaiturikwa maoko. Nokuturika kwavo maoko pamusoro wechipiriso, vanhu veIsiraeri vaikwanisa kuisa zvitadzo zvavo pachipiriso ichi, uye nokupira ropa nenyama yacho vakavimba pamberi paMwari, vaibva vaponeswa kubva kuzvitadzo zvavo. VaIsiraeri vaiponeswa nokuvimba munguva dze Tesitamende Yekare.
Apo paipiwa chipiriso chinopiswa pamberi paMwari, mutadzi aiturika maoko ake pamusoro wechipiriso senzira yokuisa zvitadzo zvake pachiri. Chipiriso chaibva chaurayiwa pachinzvimbo chemutadzi. Ropa racho raisasiwa panyanga ina dzepaAtari, uye rinenge rasara racho rodirwa pasi peAtari. Uku ndiko kuregerwa kwata vatadzi.
Zvino, muTesitamende Itsva vatadzi vanoregererwa zvitadzo zvavo zvose nokutenda mumvura nemuropa raJesu. 1 Johane 5:1-10 inoti, mutadzi znoregererwa kana achitenda murubhabhatidzo rwaJesu uye nemurpa rehwayana (pamuchinjikwa).
Nokudaro mutadzi anoregererwa ndiko kunge achitenda muzvose, rubhabhatidzo rwaJesu uye nemuropa rake repamuchinjikwa. Kubhabhatidzwa kwaJesu neropa rake pamwechete nemweya mutsvene, hazviperi pakuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Vadikanwi, mungava nokuregererwa nokuti munotenda muropa raJesu Kirisito chete? Vose avo vanofunga kuti vanozvarwa patsva nokutenda muropa repamuchinjikwa vachingove nezvitadzo mumwoyo yavo. Asi tinogona kuponeswa chete kuzvitadzo zvedu nokutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu sekudzingiswa pamweya kuti muTesitamende Itsva, uko kwakangofananawo nokudzingiswa kuri kutsanangurwa muTesitamende Yekare.
Ungano dzose imwe neimwe ine zvinyorwa zvayo. Tinoziva kuti vose ava vakatarisana nokuenda kugehena kunze kwekutoti vasiyana nokutenda kwavo kwemanyepo. Kereke yePresybitarian inonyanya kutungamidza zvinyorwa netsika dzekugadzwa; kereke yeMethodist inotarisisa nezvehunhu hwemunhu; Kereke yeBaptist inotarisa zvekubhabhatidzwa uye kereke yeHoliness inotarisana nezveupenyu hutsva; vose ava vakasiya zveshoko rechokwadi.
Asi shoko rechokwadi riri muBhaibheri rinoti kudii nezvekuzvarwa patsva? Bhaibheri rinoti chokwadi chinowanikwa murubhabhatidzo rwaJesu uye nemuropa rake. Aninani anotenda uye nokutevera shoko raMwari uye anevimbo yokuzvarwa patsva nemvura nemweya achawana kuregererwa.
CHII CHAKAVANZIKA CHIRI PAKUBHABHATIDZWA KWAJESU?
Kudzingiswa pamweya kuri muTesitamende Itsva kunorevei?
Kubhabhatidzwa kwaJesu.
Kubhabhatidzwa kwaJesu ndiko kudzingiswa pamweya. MuTesitamende Yekare, Mwari akati aninani asina kudzingiswa anofanira kubviswa pavanhu vake.
Tinofanira kuziva pamwe nokutenda kuti kudzingiswa pamweya kuti muTesitamende Itsva ndiko kubhabhatidzwa kwaJesu. Nokuti Jesu akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi pakutanga kwake kushanda neveruzhinji, tinogona kudzingiswa pamweya nokutenda mukubhabhatidzwa kwake. Tinofanira kungwarira uye nokuona chikonzero chakaita kuti Jesu abhabhatidzwe naJohane mubhabhatidzi.
“Zvino Jesu wakabva Garireya, akasvika paJorodhani paiva naJohane kuti azobhabhatidzwa naye. Asi Johane wakaidza kumurambidza akati: Ndini ndinotofanira kubhabhatidzwa nemi, ko munouya kwandiri sei? Asi Jesu wakamupindura akati kwaari: Chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega.” (Mateo 3:13-15).
Jesu akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi muna Jorodhani “Rwizi rwerufu” Johane mubhabhatidzi akaturika maoko ake pamusoro waJesu uye akamunyudza mumvura zvakazara. Iyi ndiyo nzira yakakodzera yokubhabhatidza nayo. (Kubhabhatidzwa: kunyudzwa mumvura). Kuti Jesu atore zvitadzo zvapanyika zvose, aifanira kuti abhabhatidzwe nenzira imwechete iyoyi, nokuturikwa maoko uko kunotaurwa nezvako muTesitamende Yekare.
Kubhabhatidzwa kwaJesu ndiko kudzingiswa pamweya kune avo vanotenda munaJesu. “Zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” (Mateo 3:15). Zvaive zvakafanira kuti Jesu atore zvitadzo zvose zvepanyika uye kuti ave Mwari wedu uye muponesi, zvakadaro zvainge zvakafanira, sezvazvakanyorwa kuti akafira pamuchinjikwa nezvitadzo zvedu zvose zviri pamusoro pake.
Rubhabhatidzo rwaJesu rune simba rekuti vatadzi vose vazvarwa patsva. Ndizvo zvakavanzika zvevhangeri remvura nemweya.
Chinhu chakatangwa kuitwa naJesu mukushanda kwake veruzhinji kuti aponese vatadzi vose kubva kuzvitadzo zvavo zvose kwakava kubhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi. Kubhabhatidzwa kunoreva, “kusukwa, kuvigwa, kupfuudzira pane umwe.”
Pakubhabhatidzwa nenzira yaidiwa naMwari, Jesu pachake akatora zvitadzo zvepanyika zvose. “Tarirai! Hwayana yaMwari inobvisa zvitadzo zvose zvapanyika!” (Johane 1:29). Kubhabhatidzwa kwaJesu kunoreva kuti vanhu vose vepanyika vanotenda mari vakadzingiswa pamweya.
Mushure maizvozvo, akananga pamuchinjikwa sehwayana yaMwari unobvisa zvitadzo zvose zvapanyika uye nokugamuchira mitongo wevatadzi vose. Nokudaro, akaponesa marudzi ose kubva kuzvitadzo.
Naizvozvo, vose vanotenda mukubhabhatidzwa kwaJesu Kirisito, kudzingiswa kwemuTesitamende Yekare, uye nemuropa rake repamuchinjikwa vachiti ndihwo ruponeso rwavo vakatoponeswa kubva kuzvitadzo zvavo zvose. Jesu Kirisito akaponesa vatadzi vose nekubhabhatidzwa kwake uye neropa rake. Ndicho chokwadi chekudzingiswa pamweya.
RUPONESO RUNOWANIKWA MUROPA CHETE HERE? KWETE, HANDIZVO
Jesu akauya nechii panyika pano?
Nemvura neropa.
1 Johane 5:4-8 inoti, “Nokuti chinhu chipi nechipi chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; kukunda kwakakunda nyika ― ndiko kutenda kwedu. Ndianiko unokunda nyika? Haazi iye anotenda kuti Jesu ndiye mwanakomana waMwari here? Ndiye wakauya nemvura neropa ― Jesu Kirisito; haana ― kuuya nemvura chete, asi nemvura neropa. Ndiye mweya unopupura, nokuti, mweya ndiye chokwadi. Nokuti kune zvitatu zvinopupura, zvinoti; mweya, mvura neropa; zvitatu izvi zvinopupura chinhu chimwe chiri kudenga: Baba, shoko nemweya mutsvene uye zvinhu izvi zvimwechete. Uye ndizvo zvitatu zvinopupura pano panyika: mweya nemvura neropa, uye zvitatu izvi zvimwe chete.”
Vadikanwi vaKirisito, uchapupu hwenyu ndohupi kwaari semuponesi hwenyu? Hapana chimwe kunze kwekutenda mumwanakomana waMwari uyo akauya nemvura neropa.
Ndokupi kukunda kwakakunda nyika? Hapana chimwe kunze kwesimba rokutenda mumvura nemweya. NdiJesu Kirisito akauya nemvura neropa. Uye mweya ndiwo unopupura, mweya ndicho chokwadi.
Kune zvinhu zvitatu zvinopa uchapupu pano panyika: mvura, neropa nemweya. Uye zvinhu zvitatu izvozvi ndizvo zvimwechete. Jesu akauya panyika pano ari wenyama. Akabhabhatidzwa uye akafira pamuchinjikwa kuti atiponese kubva mukutongwa kusingaperi. Uchapupu hwekuti, Mwari, musiki wedu, akave muponesi wedu tose isu vatadzi, huri muvhangeri remvura nemweya zvinotiponesa.
Ndihwo uchapupu hwedu hwekuti Jesu, uyo akauya pano panyika semweya uri panyama, akabhabhatidzwa panaJorodhani kuti atore zvitadzo zvedu achizviisa paari, uye akadeura ropa ari pamuchinjikwa kwakava kugamuchira kutongerwa zvitadzo zvedu. Nokudaro, akaponesa avo vanotenda maari. Iri ndiro vhangeri remavambo remvura nemweya.
IMVURA IPI NEROPA ZVINOPUPURA RUPONESO RWAMWARI?
Chii chine hushamwari nekudzingiswa zvinotsanangurwa muTesitamende Yekare?
Rubhabhatidzo rwaJesu.
Mvura inomirira kubhabhatidzwa kwaJesu Kirisito. MuTesitamende Yekare, kubhabhatidzwa kwaJesu kunoreva kudzingiswa. Shamwari yokudzingiswa kuti muTesitamende Yekare kubhabhatidzwa kwaJesu kunowanikwa muTesitamende Itsva. Uchapupu hwekuti zvitadzo zvose zvepanyika zvakaiswa pana Jesu ndiko kubhabhatidzwa kwake.
Aninani anotenda muchokwadi ichi anokwanisa kumira pamberi paMwari ane kuziva kwakanaka achiti. “Ndimi muponesi wangu, Jehovha wangu nokuti ndinotenda mukubhabhatidzwa kwenyu uye nemuropa renyu, nemuvhangeri remvura nemweya. Nokudaro, handina chitadzo. Ndiri mwana waMwari uye muri muponesi wangu.” Tinogona kutaura izvi nechokwadi, chikonzero chiri chokuti, kutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake.
Ishoko ripi rinotibvumidza kuti tizvarwe patsva? Kubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake ari pamuchinjikwa, uko kunopa uchapupu hweruponeso mumwoyo yedu. Iri ndiro vhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Vadikanwi vakirisito, ndinokubvunzai zvakare, “mutadzi anogona kuponeswa nokungotenda chete muropa raKirisito?” KWETE. Ruponeso harudi kuti ungotenda murufu rwake ari pamuchinjikwa. Zvinoda kutenda munezvose mvura uye neropa ― vhangeri remvura nemweya ― kuti vatadzi vanozvarwa patsva. Regai ndikudzorerei kuBhaibheri, iro rinotaura nezvemvura, kana kuti nezve kubhabhatidzwa kwaJesu.
1 Pita 3:21-22 inoti, “Naiwo mufananidzo worubhabhatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yanyama, asi kutsvaka hana yakanaka kunaMwari nokumuka kwaJesu Kirisito; iye uri kurudyi rwaMwari; wakapinda kudenga, vatumwa namadzishe namasimba zvikaiswa pasi pake.”
Mupositora Pita anopupura kuti rubhabhatidzo rwaJesu mufananidzo unotiponesa, uye hwaive umboo hweruponeso kubva kuzvitadzo. Rubhabhatidzo rwaJesu zvinoenderana nekudzingiswa kuti muTesitamende Yekare. Sekungotenda kwaiita vanhu veIsiraeri mushoko raMwari uye nokucheka rukanda rwenhengo yavo kuti vave vana vaMwari muTesitamende Yekare, kubhabhatidzwa kwaJesu kunotiponesa kubva kuzvitadzo zvedu zvose munguva yeTesitamende Itsva.
Nokudaro kudzingiswa kuri muTesitamende Yekare nekubhabhatidzwa kwaJesu kuri muTesitamende Itsva chinhu chimwe chete uye zvakafanana. Zvino, mose mava kutenda here kuti kubhabhatidzwa kwaJesu zvinongofanana nokudzingiswa sezvazvakanyorwa muna 1 Pita 3:21 kuti kune mufananidzo unotiponesa, worubhabhatidzo. Ungava nokupokana nemashoko akanyorwa aMwari?
Zvingaita sei, kuti isu avo vanogara munyika tidzikinurwe kubva muzvitadzo? Nokuda kwekuti Jesu akabhabhatidzwa kuzadzisa kururuma kwose kwakaita kuti ruponeso rwuve matiri. Mateo 3:15 inoti, “Nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.”
Nokuti zvitadzo zvose zvepanyika zvakaiswa pana Jesu, vose vanotenda maari havachina zvitadzo. Tose tinogona kuve takarurama nokugamuchira chokwadi chokuti zvitadzo zvedu zvose zvakaiiswa pana Jesu nokuda kwekubhabhatidzwa kwake. Jesu kirisito akatora zvitadzo zvedu zvose akafira pamuchinjikwa kuti atiponese kubva pakutongwa kwedu.
Vadikanwi shamwari dzangu, zvinhu zviviri izvo zvakaponesa vatadzi kubva kuzvitadzo zvavo imvura neropa. Kutora kwake kwaakaita zvitadzo zvedu nokutifira pamuchinjikwa ndizvo zvinhu viviri zvakakosha izvo zvatakaitirwa naJesu pamakore matatu ake achishanda neveruzhinji, munyika.
Muna Johane 1:29 inoti, “Tarirai! Hwayana yaMwari inobvisa zvitadzo zvose zvapanyika!” Jesu kirisito akabhabhatidzwa kuti atore zvitadzo zvepanyika uye akafira pamuchinjikwa kuti awadzanise kudarika kwedu kwose. Jesu mwanakomana waMwari, uye somusiki, akazadzisa sungano yokudzingiswa yakaitwa naMwari muTesitamende Yekare yokutora zvitadzo zvepanyika.
Aninani anotenda mumwoyo make vhangeri rekubhabhatidzo kwaJesu, nemvura, uye neropa achazvarwa patsva nemvura nemweya. Uye Jehovha achava muponesi kune avo vanotenda. Tinotenda Jehovha, Halleluah! Jesu akazadzisa ruponeso, saMwari akavimbisa, uye akatiponesa kubva kuzvitadzo zvose zvepa nyika.
KWETE KUBVISWA KWETSVINA YENYAMA
Nyama ingachenurwa panguva nenguva here?
KWETE: Nyama inoramba ichiita zvitadzo kusvika pazuva rokufa kwedu.
1 Pita 3:21 inoti, “Naiwo mufananidzo worubhabhatidzo, runokuponesai zvino, (rusingarevi kubviswa kwetsvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kuna Mwari), nokumuka kwaJesu Kirisito.”
Kana munhu akava nokutenda muna Jesu Kirisito semuponesi wake, hazvirevi kuti zvingamukonesa kutadza kunoitwa nenyama, tinogona kuramba tichitadza, asi nokutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu, tinogona kuisa zvitadzo zvose panaJesu, uyo anova ndiye akazviripira neropa ari pamuchinjikwa. Nokutenda muzvinhu zviviri izvi sezvinhu zvisingaperi zveruponeso, tinenge taponeswa kubva kuzvitadzo zvedu.
Kuzvarwa patsva kunoreva kugamuchira Jesu mumwoyo yedu semuponesi wemarudzi ose. Kukanganwira zvitadzo kunowanikwawo mumwoyo yedu. Kana tichitenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake ari pamuchinjikwa, mwoyo yedu inenge yazvarwa patsva, asi tinoramba tichitadza uye nokudarika nokuda kwenyama yedu. Asi, zvitadzo zvenyama yedu zvakatokanganwirwa kare.
Kubhabhatidzwa kwaJesu umboo kune avo vakaponeswa. Hatina zvitadzo kana tichitenda mukanganwiro yezvitadzo kuburikidza nerubhabhatidzo rwaKirisito. Tinozvarwa patsva kana tikaisa ruponeso rwechokwadi mumwoyo yedu kuburikidza nokubhabhatidzwa kwaJesu uye tinove vakarurama kuburikidza nevhangeri remvura nemweya.
Ndiko kutenda kwaAbhurama wemuTesitamende Yekare, kutenda kwekuve wakarurama uko kwaitaurwa namupositora Pauro, uye nemufananidzo weruponeso urwo rwakapupurirwa namupositora Pita.
Sekunzwa nokutenda kwaiita Abhurama mushoko raMwari uye akava akarurama, tinoponeswa kana tichitenda murubhabhatidzo rwaJesu uye nemuropa rake ari pamuchinjikwa.
Johane 1:12 inoti, “Asi vose vakamugamuchira wakavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake.” Unogamuchira Jesu, uyo akatiponesa kubva kuzvitadzo zvedu kuburikidza nerubhabhatidzo rwake uye neropa semuponesi wako? Tinofanira kugamuchira ruponeso rwatakapiwa kuburikidza nemvura neropa remwanakomana waMwari.
Ruponeso runongove rwemuropa raJesu chete here? KWETE. Runouya nemvura neropa raJesu. MuBhaibheri makatsanangurwa kuti ruponeso harungouyi neropa raJesu chete. Runouya nekubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake.
Kubhabhatidzwa kwaJesu ndiko kudzingiswa pamweya kwemuTesitamende Itsva. Chokwadi cheruponeso ndicho chinogura zvitadzo zvedu zvose patiri. Pfungwa yokuti akatongerwa zvitadzo zvenyika, zvinoreva kuti akatongerwa isu, iwe neni.
Nokugamuchira vhangeri rekanganwiro yezvitadzo, kubhabhatidzwa kwaJesu neropa rake, tinodzikinurwa kubva kumutongo wezvitadzo zvedu. Nokutenda kwedu, tinoponeswa kubva kuzvitadzo zvatinopara panyika pano. Kana tikatora rubhabhatidzo rwaJesu neropa rake seruponeso rwedu, zvitadzo zvose zviri mumwoyo yedu zvinenge zvasukwa. Unozvitenda nokuzvinzwisisa sechokwadi? Ndinotarisira nokuvimba kuti mose muchatenda muvhangeri remvura nemweya. Tenda ugowana upenyu husingaperi.
Mupositora Pauro akati, “Kudzingiswa ndiko kwommwoyo.” (vaRoma 2:29). Tinodzingiswa sei mumwoyo yedu? Tinogona kudzingiswa pamweya kana tichitenda kuuya kwaKirisito Jesu panyika pano ari panyama, mukubhabhatidzwa kwake kuti atore zvitadzo zvose zvepa nyika, rufu rwake ari pamuchinjikwa, uye nokumuka kwake kubva muvafi.
Mupositora Pauro akati kudzingiswa ndiko kwemumwoyo. Kudzingiswa kwemwoyo kunoreva kutenda murubhabhatidzo rwaJesu uye nemuropa rake. Kana uchida kudzingiswa mumwoyo mako unofanira kutora vhangeri rekubhabhatidzwa kwaJesu neropa rake mumwoyo wako. Naizvozvo, nokudaro, ndipo paunove mwana waMwari.
JOHANE MUBHABHATIDZI AINGE AKATUMWA NAMWARI HERE?
Johane mubhabhatidzi aiva ani?
Aiva mumiriri wemarudzi ose uye mushumiri mukuru wekupedzisira zvichienderana nemumhuri yaAroni.
Pano apo, tinoda kubvunza kuti Johane mubhabhatidzi aive ani uyo akakwanisa kubhabhatidza Jesu Kirisito? Johane mubhabhatidzi aive mumiriri wemarudzi ose. Mateo 11:11-14 inoti, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kunevakaberekwa nevakadzi, hakuna kumuka mukuru kuna Johane mubhabhatidzi; asi muduku muushe hwokudenga mukuru kwaari. Kubva pamazuva aJohane mubhabhatidzi kuzvikira zvino, ushe hwekudenga hunopambiwa nevapambi. Vanohubata nesimba, nokuti vaporofita vose nomurairo vakaporofita kusvikira pana Johane. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eriya wakanga achinzi anouya.”
Vadikanwi vaKirisito, Jesu wakati hakuna mukuru anodarika Johane mubhabhatidzi kune uyo akaberekwa nemukadzi. Nekuzvarwa kwaJohane mubhabhatidzi, nguva yesungano yokutanga yaMwari, nguva yeTesitamende Yekare yakabva yadarika. Zvakanga zvadarika nokuti Jesu Kirisito aive ave kuzadzisa sungano yaMwari ainge auya.
Ko zvino aiva ani, uyo ainga achifanira kuzadzisa sungano yaMwari, Jesu Kirisito kana kuti Johane mubhabhatidzi? Johane mubhabhatidzi akaisa zvitadzo zvose zvenyika pana Jesu. Mushumiri mukuru wekupedzisira aiva ani muTesitamende Yekare? Wemumhuri yaAroni aiva ani? Jesu Kirisito pachake akapupura kuti hapana umwe kunze kwaJohane mubhabhatidzi aiva mumiriri wemarudzi, mukuru-mukuru pakati peavo vakazvarwa nevakadzi.
Hatifungi pamusoro peizvi zvatinazvo. Mozisi, Abhurama, Isaka, uye naJakobo vose vakazvarwa nevakadzi. Asi mukati mevanhu vose vari muTesitamende Yekare nemu Tesitamende Itsva, mukuru mukuru ndiani pakati pevose vakazvarwa nevakadzi. NdiJohane mubhabhatidzi.
Johane mubhabhatidzi, semuporofita wekupedzisira wemuTesitamende Yekare, uye werudzi rwaAroni, akabhabhatidza hwayana yaMwari muTesitamende Itsva nenzira imwe yaiitwa naAroni yekuturika maoko pamusoro wechipiriso pazuva rokuwadzaniswa kwezvitadzo muTesitamende Yekare. Akabhabhatidza Jesu Kirisito uye akaisa zvitadzo zvenyika pana Jesu. Aiva mushandiri waMwari. Akazadzisa kudzingiswa kwepamweya mumwoyo yemarudzi ose nokubhabhatidza Jesu Kirisito.
Pamwe chete nerubhabhatidzo rwaJesu, tinofanira kutenda muropa rake seuchapupu hweruponeso hwedu. Jesu Kirisito akatora zvitadzo zvepanyika nokubhabhatidzwa kwake uye akazvitongerwa. Uye chinhu chimwe chatingaita kungotenda mazviri chete. Kuda kwaMwari kwatinotenda uko kwakaitwa naJesu.
Ukangotora vhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya ukariisa mumwoyo mako, unobva wava wedzinza raAbhurama uye wobva wave mwana waMwari. Vashoma chose ndivo vari muna Kirisito ukuwo kwoti vazhinji ndivo vasati vagamuchira Jesu mumwoyo yavo.
Zuva riya razosvika uye rima riya rave kuzopera. Tenda murubhabhatidzo rwaJesu uye ugomubvumidza kupinda mumwoyo mako. Kutenda kwako mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake kuchaita kuti ukomborerwe neruponeso rwepamweya.
Ngazvigare mumwoyo wako kuti kuzodzwa pamweya kunouya kana uchitenda muvhangeri reruponeso, vhangeri rekubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake. Ndinoda kuti muzive kuti munogona kugadzira mwenje yepamweya (kereke) uye mafuta (mweya) sezvakaita vasikana vakachenjera (Mateo 25:4) nokutenda muvhangeri rekubhabhatidzwa kwaJesu uye nokutenda muropa rake. Vose vanotenda muna Jesu vanoenda kukereke vane mweya mumwoyo yavo.
JESU AKABHABHATIDZIRWA ANI?
Jesu akabhabhatidzirwa chinangwa chipi?
Kuti asuke zvitadzo zvemarudzi ose.
“Ini ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, ko imi munouya kwandiri sei? Jesu wakamupindura akati kwaari: chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” (Mateo 3:14-15).
Jesu akabhabhatidzwa kuti asuke zvitadzo zvamarudzi ose. Jesu kirisito ndiye mwanakomana waMwari uye muponesi wedu. Ndiye musiki akasika isu. Jesu Kirisito akauya nokuda kwaMwari, Baba, kuti vatiite vanhu vavo.
Munguva yeTesitamende maporofita ose aitaura nezvani? Vaitaura nezvaJesu Kirisito. Vaporofita vose vemuTesitamende Yekare taitaura nezvekuuya kwaJesu panyika pano kuzotora zvitadzo zvedu zvose pamwe nokutisunungura kubva muzvitadzo nokusingaperi.
Jesu akauya panyika pano sekuporofitwa kwazvainge zvakaitwa muTesitamende uye akatora zvitadzo zvemarudzi ose kubva kuna Adhamu naEvha kusvikira kumunhu wekupedzisira pano panyika.
Zvino, chitora ruponeso uise mumwoyo mako kuburikidza nokubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake. Hausati wagutsikana kuti ichokwadi here? “Nokuti ndizvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” Jesu akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi kuzadzikisa kururama kwose.
Iro shoko rokuti “kubhabhatidzwa” pacharo rinoreva “kusukwa.” Jesu akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi nenzira yokuturika maoko yakatsanangurwa muTesitamende Yekare.
Mushure mokutora zvitadzo zvamarudzi ose, akazvinyudza pachake muna Jorodhani. Rwizi runomirira rufu nekutongwa kwavatadzi. Kunyudzwa kwaJesu Kirisito mumvura mucherechedzo werufu rwake pamuchinjikwa. Kubuda kwakemumvura kunomirira kumuka, Jesu akamuka nezuva retatu mushure mokufira pamuchinjikwa.
Jesu ndiMwari wedu uye muponesi wedu. Nokuda kwekuti Jesu akauya kuzobhabhatidzwa, kudeura ropa ari pamuchinjikwa kusvikira afa, akamuka nezuva retatu, uye parizvino agere kuruoko rwerudyi rwaMwari Baba chinova chiratidzo uye nouchapupu hwekuti akaponesa vanhu vemarudzi ose kubva kurufu. Unobvuma here nemazvo muchokwadi ichi?
Rubhabhatidzo rwaJesu kudzingiswa pamweya kwemuTesitamende Itsva. “Ndiko kudzingiswa kwemwoyo.” Kudzingiswa kwomwoyo kunopedziswa kana tichitenda mukubhabhatidzwa kwaJesu, uye muchokwadi chokuti zvitadzo zvose zvakaiswa pana Jesu. Kudzingiswa kwomwoyo kudavira kuti zvitadzo zvose zvavanhu zvakaiswa pana Jesu nokuda kwekubhabhatidzwa kwake.
Wakadzingiswa mumwoyo mako here? Kana uchibvuma mukudzingiswa kwemwoyo, matadzo ako achasukwa kamwe kwenguva dzose. Nokuda kwechinangwa Jesu akazadzisa kururama kwose uye akavimbisa ruponeso kuvatadzi vose.
Vadikanwi vaKirisito torai uchapupu urwu rweruponeso mumwoyo yenyu nepfungwa dzenyu. Ichi ndicho chokwadi. Kana ukatora ruponeso rwaJesu mumwoyo wako, unenge wasunungurwa kubva kuzvitadzo zvako zvose. “Asi vose vakamugamuchira, wakavapa simba kuti vave vana vaMwari, kunyangwe ivavo vanotenda muzita rake.” (Johane 1:12).
Unoona zvino, kuti sei Jesu akauya pano panyika, kuzobhabhatidzwa? Unozvitenda zvino here? Jesu akabhabhatidzwa kuti agotora zvitadzo zvemarudzi ose. Kwaiva kubhabhatidzwa kwekudzingiswa. Kubhabhatidzwa kwaJesu kunotopa kudzingiswa kwepamweya. Ndiko kusaka mupositora Pauro achititaurira kuti tidzingiswe mumwoyo yedu. Jesu akatiponesa nerubhabhatidzo uye neropa rake izvo zvatisina sarudzo nazvo asi kuti kutozvitenda mummwoyo yedu. Tinofanira kuti titi “Hongu. Ameni” kumashoko aMwari ari mumwoyo yedu. Hachisi chokwadi here? Unotenda mazviri here?
MUNOGAMUCHIRA CHOKWADI ICHI MUMWOYO YENYU HERE?
Tinofanira kuita sei tisati tapfugamira Jesu?
Tinofanira kutora chokwadi chemvura neropa tochiisa mumwoyo yedu.
Kwapfuura makore anokwana kuita zviuru zviviri apo Jesu akauya panyika pano. Pazuva ranhasi akauya panyika pano. Pazuva ranhasi uye nenguva yeropafadzo dzaMwari, tinofanira kuisa mumwoyo yedu chokwadi, nemvura uye neropa raJesu. Hapana chimwe chatingaita.
“Ndiko kudzingiswa kwemwoyo” Tinofanira kudzingiswa nokuvimba mumwoyo yedu. Tinogona kupona chete nokuda kwekuvimba. MuTesitamende Yekare, vaIsiraeri vakaponeswa nokuda kwekudzingiswa uye neropa repasika iro rakaiswa pamagwatidziro nepamusoro pechivivo chedzimba dzavo.
Vose avo vanotenda muna Jesu uye nemuropa rake seruponeso rwavohavatyi kutonga kwaMwari nokuti kuchadarika nepavari. Asi kutonga kwaMwari kuchawira pamusoro peavo vasingatori chokwadi mumwoyo yavo. Kune vakawanda vanotenda munaJesu kusina basa uye vachiri varanda vezvitadzo zvavo.
Vakasvika sei pakadai? Sei vachiri kutambudzwa nezvitadzo zvavo? Izvi kuda kwekuti nokuti havazivi chokwadi chokubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake. Vanongotenda muropa raJesu chete, vachisiya kana kutarisira pasi rubhabhatidzo rwake.
Ruponeso runowanikwa kuburikidza nokutenda muropa raJesu chete here? Bhaibheri rinotitaurira here kuti ndizvo? Ko Tesitamende Yekare neItsva dzinoti kudii neizvi? Zvichienderana nezviri muBhaibheri, harisi ropa chete rehayana yaMwari, asi kuti pamwe chete nokubhabhatidzwa kwaJesu uko kunoita ruponeso ruwanikwe. (1 Johane 5:3-6).
Unotenda muropa raJesu chete here? Vose vanoita izvi vanofanira kunge vachine zvitadzo mumwoyo yavo. Vanofanira kukunda kuvimba kwavo kusiko uye vodzoka kuvhangeri rechokwadi.
Vose vasingatendi vanofanira kubvuma kuti vanga vakatungamirwa nepasipo, vasingazivi kuti Jesu akatora zvitadzo paJorodhani nokubhabhatidzwa kwake. Vanofanira kubvuma kuti vange vakarasika pakuramba kugamuchira rubhabhatidzo rwaJesu. Vanofanira kuzviisa mumwoyo yavo kuti Jesu akatora zvitadzo zvose zvepanyika kuburikidza nerubhabhatidzo rwake. Ruponeso runowanikwa chete kana tichitenda muzvinhu zvose; kubhabhatidzwa kwaJesu nemuchinjikwa wake. Nemamwe mashoko, kuburikidza nemuvhangeri remvura nemweya chete ndimo matinogona kuwana namo upenyu husingaperi.
Vadikanwei vakirisito, kusvika nhasi manga muchingorarama muchitenda muropa raJesu chete here? Kana zviri izvozvo, zvirokwazvo muchine zvitadzo mumwoyo yenyu. Kana muchitadza nokudaro muchine chitadzo mumwoyo yenyu. Kana muchifunga kuti makasunungurwa kubva kuzvitadzo imi muchirarama nemurairo waMwari, anogova manzwiro enyu ekugara kwenyu. Kufunga uku hakusi kuenderana neshoko raMwari.
NGUVA HAISATI YAPERA
Chokwadi chinotisunungura papi?
Kubva kumurairo wezvitadzo nerufu.
Nguva haisati yapera, chaunongoita chete, kutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake. Uye muchadzingiswa mummwoyo yenyu mobva masunungurwa kubva kuzvitadzo zvose. Kuve makasununguka kubva kuzvitadzo zvose zvinoreva kuti makaponeswa nokutenda muvhangeri rekubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake.
Munonzwa muchida kutenda murubhabhatidzo rwaJesu uye neropa reruponeso rwematadzo edu here? Ukangotenda mazviri chete, unobva waziva kuti ruponeso rwakaita sei? Unobva wawana kugadzikana kwemupfungwa. Zvino, naizvozvo, unobva wava wakarurama. Kwete nokuda kwemabasa ako, asi nokuda kwekuvimba nemabasa akaitwa naMwari. Kana kune vamwe venyu vachiri kungotenda uye nokutarisira ruponeso paropa raJesu chete, ndinokukurudzirai kuti mutende munezvose, kubhabhatidzwa kwaJesu pamwechete nemuropa rake.
Vadikanwi vaKirisito, ruponeso rwakakwana rwemarudzi ose rwekubva kuzvitadzo rwakazadziswa kuburikidza nevhangeri rekubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake. Mweya ndiye Mwari. Mwari akauya panyika pano ari munhu wenyama.
Mwari vakataura nomumaporofita kuti tichadaidza zita ravo kuti Jesu. “Tarira, mhandara ichava nemimba, ichazvara mwanakomana vachamutumidza zita rinonzi Emanuweri; ndiko kuti kana zvichishandurwa: Mwari anesu.” (Mateo 1:23).
Mwari vakauya panyika pano kuzoponesa vatadzi. Vakabhabhatidzwa kuti vatore zvitadzo zvepanyika nokuponesa vatadzi. Ichi ndicho chokwadi uye ruponeso rwemvura neropa. Ndiri pano pakukuudzai izvi. Takaponeswa chete neropa raJesu here? Kwete, takaponeswa nekubhabhatidzwa kwaJesu uye pamwechete neropa rake repamuchinjikwa.
Kune vaporofita venhema nevanyengeri nhasi uno avo vasingatendi mukubhabhatidzwa kwaJesu. Jesu akati, “Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.” (Johane 8:32).
Tinofanira kuziva chokwadi. Tinofanira kuziva kuti sei Jesu aitura nezvekubhabhatidzwa kwake, uye kuti sei tichifanira kutenda mazviri. Tinofanira kuziva kuti sei Mwari vakataurira vanhu veIsiraeri kuti vadzingiswe panguva yeTesitamende Yekare uyezve sei akataura nezveropa rehwayana yepasika.
Kana tikangoziva chikamu chidiki cherungano urwu, hatikwanisi kuwana chokwadi. Jesu akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri; kana munhu asingaberekwi nemvura nomweya haangagoni kupinda muushe hwekudenga.” (Johane 3:5).
KUBHABHATIDZWA MUNA KIRISITO
Tingabata pamwechete nerufu rwaKirisito chirudzii?
Nokuisa zvitadzo zvedu zvose pana Jesu nokuda kwerubhabhatidzo rwake.
Bhaibheri rinopupura kuzvakavanzika zveruponeso. Kunongova nokuda kweropa raJesu chete here? KWETE. Kuda kweropa rake uye nekubhabhatidzwa zviri pamwe chete. Mupositora Pauro akataura pamusoro pazvo kakawanda mubhuku yavaRoma 6 uye nemune dzimwe tsamba dzake.
Ngativerengei muna vaRoma 6:3-8 “Ko hamuzivi here kuti isu takabhabhatidzwa muna Kirisito Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake? Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwe chete naye murufu; kuti saiye kirisito akamutswa kuvakafa kare nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuwo tifambe noupenyu hutsva, nokuti kana takava vamwe naye pakufanana naye parufu rwake, tichadarowo pakumuka kwake; tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye, kuti muviri wezvitadzo ushaiwe simba, tirege kuzove varanda vezvitadzo; nokuti wakafa, waruramiswa pazvitadzo. Zvino kana takafa pamwe chete nakirisito tinotenda kuti tichararamawo pamwe chete naye.”
Ngatimbotarisai pandima yeshanu, inoti, “Nokuti kana takava vamwe naye pakufanana parufu rwake, tichadarowo pakumuka kwake.”
Rufu rwake rwaive rufu rwedu nokuti zvitadzo zvedu zvose zvakiswa paari nokuda kwerubhabhatidzo rwake. Nokudaro rubhabhatidzo rwaJesu runotibatanidza neropa rake repamuchinjikwa.
Kuvimba kwemukubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake kunotiita kuti tive takabatana naJesu. “Mubairo wezvivi rufu.” (VaRoma 6:23). Naizvozvo rufu rwaJesu ari pamuchinjikwa rwaive rufu rweduwo. Akabhabhatidzwa kuti atore zvitadzo zvedu achizviisa paari. Kutenda muchokwadi ichi ndiko kuzvibatanidza kwedu naJesu Kirisito muponesi wedu.
HATIFANIRI KUTENDA MUNA JESU SENZIRA YOUPENYU HWEZVITENDERO
Zvinorevei kuti “Iye wakatendeka uye wakarurama”?
Zvinoreva kuti Jesu wakasuka zvitadzo zvedu kamwe kwenguva dzose uye nokuponesa aninani anotenda muchokwadi.
Vanhu vazhinji vanotenda munaJesu nenzira youpenyu hwezvitendero, ipapo vanoenda kukereke vochema kusvika misodzi yapera vachinamata uye nekupinduka. Vanoreurura zvitadzo zvavo uye nokukumbira kanganwiro zuva nezuva. vanonamata, “Jesu, ndinoziva nokutenda kuti makandifira pamuchinjikwa. Hongu, ndinozvitenda.”
Zvirokwazvo havanzwisisi ndima inotevera, “Kana tichireurura zvitadzo zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvitadzo zvedu nokutinatsa pakusarurama kwose.” (1 Johane 1:9). Vanozviti vanofanira kuregererwa zvitadzo zvavo zuva rega rega kuburikidza nokureurura zvitadzo. Asi chitadzo chiri pandima iri pamusoro iyo haisi kureva nezvekukanganwira kudarika kwose zuva nezuva. Zvinoreva ndima iyi ndezvokuti tinokanganwira zvitadzo zvedu kamwe kwenguva dzose ndiko kana tareurura tichiti, hatisati taponeswa.
“Naizvozvo kutenda kunouya nokunzwa, nokunzwa kunouya neshoko raKirisito.” (VaRoma 10:17). “Muchaziva chokwadi, nechokwadi chichakusunungurai.” (Johane 8:32).
Vadikanwi vaKirisito ichokwadi chiri pachena ichi. Kana uchitenda kuti Jesu akafira pamuchinjikwa asina kutora zvitadzo zvedu kuburikidza nokubhabhatidzwa, kutenda kwako hakuna basa. Kana mukirisito achida kuponeswa kubva kuzvitadzo zvake, anofanira kutenda zvitadzo zvake zvakaiswa pana Jesu nokubhabhatidzwa kwaJesu pana Jorodhani kamwechete kwenguva dzose uyezve kuti akatora mutongo wezvivi zvedu kuenda nazvo pamuchinjikwa. Nemunemamwe mashoko, tinofanira kutenda munekubhabhatidzwa kwaJesu pamwechete nemuropa rake.
“Nokuti hakuna nerimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu ratinganunungurwa naro.” (Mabasa evaPositora 4:12). Jesu Kirisito akatora pachake zvitadzo zvedu zvose nokubhabhatidzwa kwake uye akava muponesi wedu. Jesu akauya nemvura neropa kuti azotiponesa kubva mukutongwa kusingaperi. “Nokuti munhu unotenda nomwoyo ndokururamiswa, unopupura nomuromo ndokuponeswa.” (VaRoma 10:10).
VaGaratiya 3:27 inoti, “Nokuti vose pakati penyu vakabhabhatidzwa muna kirisito makafuka Kirisito.” Ndima iyi inotitaurira chokwadi kuti Jesu akarovererwa mushure mokunge atora zvitadzo zvapanyika nokubhabhatidzwa kwake. Akamutswa kuvafi nezuva retatu parizvino agere kuruoko rwerudyi rwaMwari. Akava Jehovha weruponeso kune avo vose vanotenda maari.
Dai asina kubhabhatidzwa, dai asina kurovererwa pamuchinjikwa, dai asina kukwanisa kuita muponesi wedu. Tinoponeswa chete kana tichitenda muvhangeri remvura nemweya.
KUNYANGWE NEVANA VAMOZISIWO
Sei Mwari vakada kuuraya Mozisi murwendo rwake rweEjipita?
Nokuti ainge asina kudzingisa vanakomana vake.
Vadikanwi vanodiwa, makateerera kune zvakavanzika zvekuregererwa zvitadzo zvenyu zvose kuburikidza nemvura neropa zvaJesu. Makomborero ane zvishamiso kuwana nguva yokuteerera kumashoko aMwari aya.
Rinongova ropa raJesu Kirisito chete here? PanguvadzeTesitamende Yekare, vanhu vakava verudzi rwaAbhurama nokuda kwekudzingiswa uye neropa rehwayana yepasika. Ikozvino tinove vanhu vaMwari nokutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake. Mwari vakatiratidza umboo uhwu muTesitamende Yekare nokuna Mozisi.
Kuti aponese vanhu veIsiraeri, Mwari akataura naMozisi kuti aburitse vanhu vake muIjipita. Nokudaro, Mozisi nemvumo yokubva kuna tezvara vake Jetro, akasiya nyika yeMidiyani akananga Ijipita nemudzimai wake nevanakomana vake. Paakakwidza mhuri yake padhongi, Jehovha akasangana naye akatsvaka kumuuraya.
Asi Zipora mudzimai waMozisi akaziva chikonzero chacho. Akatora zidombo rinopinza akacheka rukanda rwenhengo yomwanakomana wake, akarukanda patsoka dzaMozisi uye akati, “Zvirokwazvo uri chikomba cheropa kwandiri.” Naizvozvo akamurega akaenda.
Iyi ndiyonzira yake yokutaura nayo kuti zvirokwazvo unouraya aninani, kunyangwe vana vaMozisi, kana achinge asina kudzingiswa. Kuvanhu veIsiraeri, kudzingiswa waive mucherechedzo wesungano yamwari. Vaiziva kuti Mwari aizobvisa chero munhu, kana mwanakomana wemutungamiri, kana achiramba asina kudzingiswa. Nokudaro, senzira yokukonesa izvi zvokubvisa vanakomana vake, Mwari vakayambira Mozisi nenzira iyoyi.
Bhaibheri rinoti, chinkonzero chakaita kuti Zipora abvise rukanda rwenhengo yemwanakomana wake akarukanda pamakumbo aMozisi akati “Uri chikomba cheropa!” kwaiva kubvuma zvido zvaMwari zvekudzingiswa (Ekisodo 4:26).
Aninani ainge asina kudzingiswa pakati pevaIsiraeri aifanira kubviswa muvanhu vake. Kunze kweavo chete vakadzingiswa ndivo vaibvumidzwa kudya nyama yehwayana yePasika uye nokubatana nevamwe sevanhu vaMwari.
Mupositora Pauro aiva werudzi rwechiHebheru, akadzingiswa mushure memazuva masere okuberekwa, akadzidza, achidzidziswa nomudzidzisi mukuru, Rabi, ainzi Gamaliel, uye akanzwisisa nemazvo zvaive zvakakonzera kuti Jesu abhabhatidzwe pana Jorodhani uye kuti sei akarovererwa. Nokudaro mupositora Pauro akanyora nezvekubhabhatidzwa kwaJesu mutsamba dzake dzose.
Zvakare, mupositora Pauro akataura zvikuru chose nezveropa raJesu seruponeso rwakazara rwokupedzisira. Ropa raive chikamu chokupedzisira cheruregerero rwake, apawo chokwadi chekudzingiswa pamweya kwaiva kubhabhatidzwa kwaJesu. Hazvibatsiri kutaura nezveropa raJesu tichisiya rubhabhatidzo rwake.
Mupositora Pauro ainyanyotaura nezvekurovererwa kwaJesu zviri pachena. Sei aidaro? Nokuti ndihwo umboo hwekugumisira hweruponeso rwedu. Kana Jesu dai aitora zvitadzo zvose zvenyika asina kudeura ropa rake asi pamuchinjikwa nokugamuchira kutongerwa zvitadzo zvedu. Hataikwanisa kuponeswa zvakakwana. Ndicho chikonzero mupositora Pauro ainyanyotaura nezvemuchinjikwa waJesu. Muchinjikwa waJesu ndicho chikamu chokupedzisira muruponeso rwedu.
Dai ruponeso rwechokwadi rwakafamba zvakanaka kumhuri dziriko mazuva ano pasina kukanganisa kutaura, kusvika parizvino vanhu vazhinji vangadai vasina zvitadzo. Zvisinei hazvo, chokwadi chakarasiwa pachinguva chakapfuura uye vanhu vazhinji vanongoziva chete nezvemuchinjikwa asi vasingazivi zvinoreva kubhabhatidzwa kwaJesu.
Nokuti vanongove nokutenda muvhangeri risina chariinacho. Vanoramba vachongove vatadzi zvisinesi kuti vane makore mangani vachitenda muna Jesu, vanoramba vachingove vatadzi. Mushure memakore gumi, munyongwe nemakore makumi mashanu vachirarama vari muupenyu hwechitendero.
UCHAPUPU HWANGU
Mwari vanotarisa vatadzi sevakarurama here?
Kwete. Wakatendeka. Vakarurama ndeavo vakasununguka kubva kuzvitadzo. Vakaisa zvitadzo zvavo zvose pana Jesu nokubhabhatidzwa kwake.
Ndakatanga kutenda muna Jesu pandaiva nemakore makumi maviri okuberekwa. Ndisati ndasvika panguva iyoyo, ndainge ndisina pfungwa yokuti ndine zvitadzo zvingani zvandakapara muupenyu hwangu nokuti ndainge ndisingazivi mutemo waMwari. Ndainge ndichingorarama nenzira dzandinoda ndisingazivi Mwari kusvika panguva iyoyo.
Ndakarwara, ndakarwara zvikurusa zvokuti ndakafungidzira kuti ndave kutofa. Ndakafunga kuti ndaifanira kuregererwa zvitadzo zvangu zvose ndisati ndafa. Nokuti ndainge ndambonzwa kuti Jesu akafira vatadzi vakaita seni, ndakafunga zvokutenda maari. Pakutanga ndakava nomufaro mukuru chose.
Asi zvakatanga kupera mushure mechinguvana. Mushure memakore mashoma, ndakange ndave kutadza zuva nezuva. ndakava mutadzi mukuru. Mushure memakore gumi, ndaingove mutadzi, mutadzi chaiye kudarika kare kwacho. Ndakatenda muna Jesu kwemakore gumi, uye pfungwa yokuti ndaive mutadzi haina kushanduka. Ndakange ndave mutendi zvose nemutadzi.
Kunyangwe ndaiimba ndichiti, “♫Kuchema hakundiponesi! Nyangwe uso hwangu huzere nemisodzi, izvozvo hazvingabvisi kutya kwangu, hazvingasuki zvitadzo zvangu zvamakore! Kuchema hakundiponesi♫” Ndaichema pose pandinotadza.
“Mudikanwi, Mwari veduwe ndikanganwirei kuchitadzo chimwe ichi, ndikanganwirei zvachose, uye handichatadza zvakare.” Mushure mokunge ndatadza, ndainamata kwemazuva matatu. Ndaizvipfigira mumba ndiri ndega uye ndonamata ndichitsanya kwemazuva matatu. Nokuti hana yangu yainge yakaremerwa, ndaichema kunaMwari ndichikumbira kanganwiro yake. Nezuva retatu, ndainzwa zviri nani uye ndaibva ndafunga kuti ndave kukodzera kuonekera pamberi pake.
“Zvino, ndakasuka zvitadzo zvangu zvose. Halleluah!” Nokudaro ndakabuda kunze ndikatanga kuraramawo zviri nani kwechinguva. Asi kungoti perei chinguva ndainge ndatotadza zvakare uye kudzungaira kwangu kwakakura. Ndainge ndongodzokorora chitsika chakaipa ichi nguva dzose. Pakutanga ndakanzwa kutenda kukuru muna Jesu asi zvandairamba ndichitenda, ndipo pairamba zvitadzo zvangu zvichingokura nokusviba kunge huruva iri muimba isingashandiswi.
Mushure memakore gumi, ndainge ndave mutadzi ainyangadza kudarika zvandaive pakutanga. “Sei ndakakurumidza kutenda muna Jesu muupenyu hwangu? Zvinenge zvainge zviri nyore kutenda muna Jesu dai ndainge ndakamirira kusvika ndave nemakore makumi masere ndisati ndafa. Nokudaro handaikwanisa kurangarira zvitadzo paizenge pasina zvokuramba ndichipinduka zuva nezuva.” Ndakafunf kuti ndinofanira kurarama ndichiita zvido zvaMwari, asi zvainge zvisingaiti, ndakanzwa kuita sokuti ndiri kuda kurasikirwa nepfungwa!
Ndakatanga kutsvaga nokutsvaga zvitsva kuna Mwari. Ndakpedza nguva refu ndichidzidza nezvaMwari asi mushure memakore mashoma, mwoyo wangu wakave usina kana chibereko. Ndisati ndatanga kuverenga mabhuku etsika dzezvitendero. Ndakatanga kuti ndinoda kurarama somutumwa mutsvene Damien, uyo ainge asingatariri zvakanaka pamubhedha uyo waidziya. Ndakapika kuti handifaniri kupinda mune zvemafaro ndaifanira kuzvipira zvakazara pane zvinodiwa.
Sepandaiverenga upenyu hwemutsvene uyu. Ndakazvipira kurarama saiye. Ndakaedza kuita upenyu husina mafaro. Ndaipfugama pakaoma pane semende uye ndonamata kwenguva yakareba chose. Nokudaro ndainzwa sokunge minamato yangu yainge yave nezvirevo uye ndainzwa zviri nani chose mushure mazvo.
Asi mushure memamore gumi ndainge ndisisazvikwanisi, zvainge zvawanda. Nokudaro ndakanamata kuna Mwari. “Mudikanwi Mwari vari kudenga, ndiponeseiwo. Ndinotenda kwamuri nemwoyo wangu wose. Ndinoziva kuti handichashanduri kuzvipira kwangu kwamuri nyangwe kukauya anoda kundiuraya nebanga cahiro. Ndinotenda kwamuri, ko sei ndichinzwa kuti mukati mangu rinongova demhe? Ko sei ndichinzwa kushunguridzika pandiri? Ko sei ndichinzwa ndichiramba ndichiwedzera kuve mutadzi pane zvandaive kare? Handina kufungira kuti ndicharamba ndichitadza. Ndatenda kwamuri uye zvino sei ndichiramba ndichitadza mushure memakore ndichivimba kwamuri. Chii chiri kuitika pandiri?
Apa ndipo pandakaziva chikonzero. Ndainge ndichitenda muna Mwari ndisina kuponeswa kubva kuzvitadzo zvangu. Ndainge ndisingazivi chokwadi panguva iyoyo, saka zvainge zvakakodzera kuti nditambure kudaro.
Ini ndine chitadzo mumwoyo wangu ndaigokwanisa kuudza vamwe nezveruregerero rwaMwari sei? Ndaigokwanisa kuudza vamwe nezvekutenda muna Jesu sei? Ndakanamata ndanamata kasingaperi. “Mudikanwi Mwari, ndave kutopedza zvidzidzo zvangu uye ndichagadzwa kuve mushumiri. Asi kunyangwe ndikava mushumiri ini ndine mutoro wezvitadzo, zvino vamwe ndichavaudza sei vatadzi nezvekuregererwa? Ini ndiri mutadzi pachangu uye kana ndichiverenga tsamba damupositora Pauro, ndinoona kuti kana munhu asina mweya wakirisito, haasi mwana waMwari. Asi zvisinei nokuita tsvakurudzo kwangu, mweya hausi mandiri. Ndinonzwa kuti waivemo pakutanga asi parizvino wakabuda. Chii chakaitika? Veduwe ndichaurireiwo kuti sei, Jehovha.”
Nedzimwe nzira, chikonzero chaiva chokuti ndainge ndakazinyengera mukufunga kuti ndakaregererwa nokuda kwekungotenda muna Jesu chete. Ndakarwadzikana pamusoro pazvo kwechinguva.
Mwari vanovimbisa kuzvitadzo kune zvao vanomutsvaka vakasimba. Akasangana neni muchokwadi chake kekupedzisira. Ndaingove mutadzi mushure memakore gumi ndichitenda muna Jesu. Asi pandakaziva zvakavanzika zvekubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake, pandakawana zvinoreva kudzingiswa kwaiva muTesitamende Yekare uye nekudzingiswa pamweya kwemuTesitamende Itsva, pandakarangarira nokutenda mune zvakavanzika zveruponeso kuburikidza nerubhabhatidzo rwakirisito, kutambudzika kwangu kwose kwapera. Mweya wangu wakave wakachena kuita sechando.
Zvinongofanana newe, kana uchitenda muvhangeri rekubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake, uchave wakarurama. Unogona kuve usina kukwana, asi unenge usisina chitadzo, kana ukatora chokwadi ichi mumwoyo wako uye ukachidzvara kune vamwe, vachaponeswa uye vacharumbidza Mwari vachidaidzira vachiti “Halleluah!”
Ndinoda kukorokotedza vana Bhudhi nana Sisi vakaregererwa. Ndinorumbidza Jesu nokutiponesa kubva kuzvitadzo zvedu zvose. Halleluah! Takaregererwa zvine mufaro kubva kuzvitadzo zvedu zvose.
Maropafadzo chose zvokuti hatikwanisi kuratidza mufaro wedu nemashoko chete. Ngatiimbei karwiyo aka tose pamwechete. “♫ Zita rake rakave rakavanzika, hatisati tawana zvakavanzika kuzvisikwa zvose. Akaraswa sedombo rarambwa nomuvaki, asi zita rake rakave matombo endarama anokosha mumwoyo wangu.♫”
KUBHABHATIDZWA KWAJESU PAMWE NEROPA RAKE ZVAKAKWANA PAKUPONESA VATADZI VOSE KUBVA KUZVITADZO ZVAVO
Chinyi chinobvisa zvitadzo zvose kubva mumwoyo yedu?
Kubhabhatidzwa kwaJesu.
Jesu Kirisito akasuka zvitadzo zvose zvepanyika nokubhabhatidzwa kwake neropa rake. Akatidzingisa pamweya akatiita vanhu vake. NdiMwari wekuzvara patsva.
Kwagara kune mutongo wezvitadzo. Asi Jesu akabhabhatidzwa akatongerwa isu ari pamuchinjikwa kuti atiponese. Nokuda kweropa rake, akaponesa isu tose uye akamutswa nezuva retatu. NdiMwari Baba vakamutsa Jesu kubva kuvafi.
Upenyu hwaJesu ndihwo upenyu hweduwo uye nerupahwo hwekurarama kwedu sevana vaMwari. Kubhabhatidzwa kwake kwakatora zvitadzo zvedu zvose uye ropa rake rinokosha ari pamuchinjikwa ndihwo umboo hwekuti akatora mutongo pachinzvimbo chedu.
Vadikanwi shamwari dzangu, mune umboo hwekubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake mumwoyo yenyu here? Ndonokubvunzai zvakare. Ruponeso rwedu rwakangouya nokuda kweropa raJesu chete here? Kwete. Rwakauya nokubhabhatidzwa kwaJesu uye pamwechete neropa rake.
MUNYENGERI NDIANI?
Munyengeri ndiani?
Uyo anozvipomera mhosva nokuda kwekukundikana kutenda murubhabhatidzo rwaJesu.
Vadikanwi shamwari dzangu, muchiri vatadzi here zvisinei nokuti muri kupupura kutenda kwenyu muna Jesu zuva nezuva roupenyu hwenyu? Kana uchiri mutadzi kunyangwe uchitenda muna Jesu, naizvozvo uri munyengeri. Unyengeri kusatenda muchokwadi chaMwari. Tito 3:10-11 inotaura nezve unyengeri. “Munhu anodzidzisa zvakatsauka, kana arairwa kamwe nekechipiri, umuramba, zvaunoziva kuti wakadaro wakatsauka unotadza, wazvipa mhosva amene.”
Munhu anozvipa mhosva anoti, “Mudikanwi Mwari! Ndiri mutadzi. Ndinotenda mamuri, asi ndinongove mutadzi, zvisinei nokuti vamwe vanoti kudii, ndiri mutadzi uye ndinozviziva kuti ichokwadi.”
Mwari anoti kwaari, “Uchiri mutadzi uye hausati wave mwana wangu? Nokudaro uri mutsauki, uye uchakandwa muvivi remoto.”
Kana uchitenda muna Jesu asi usingatendi muvhangeri rekubhabhatidzwa kwaJesu mumwoyo mako, kana uchizvipa mhosva pachako kuti uri mutadzi uye uchipupura kuna Mwari kuti mweya wako une chitadzo, naizvozvo uri mutsauki pamberi paMwari.
VATENDI VECHOKWADI NDEVAPI
Uchapupu hwaMwari huri papi maererano nezveruponeso?
Huri mumvura, muropa uye nemumweya.
Vose vanotenda muvhangeri rekubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake, vose vanotenda vakare vanhu vaMwari, uye vose avo vane zvitadzo zvakasukwa ndivo vakarurama. Ungava mutadzi sei iwe uchitenda muna Jesu? Mutadzi haagoni kuti apinde umambo hwekudenga.
Vose avo vakava vakarurama nokutenda muna Jesu vane uchapupu hwaMwari mumwoyo yavo. Umboo ndiko kubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake. Mabasa eruponeso aya ndiwo akaitwa naJesu pano panyika.
Ndizvozvo aninani anoramba kutenda muvhangeri rokubhabhatidzwa uko kwakaita kuti Jesu atore zvitadzo zvedu zvose achabviswa kubva pavanhu vaMwari.
Vadikanwi vana mukoma nana sisi vari mukuvimba, munogamuchira mumwoyo yenyu vhangeri rokuti ruponeso rwevatadzi harusi rweropa raJesu chete, asi kuti nemvura iyo inova rubhabhatidzo rwaJesu?
Aninani uyo anotenda mumabasa akaitwa naJesu panyika pano uye uyo anogamuchira mvura, neropa uye nemweya achaponeswa kubva kuzvitadzo. Ichi ndicho chokwadi uye noungwaru hwevhangeri remvura, neropa uye nemweya.
Jesu akatichenura zvakakwana kubva kuzvitadzo zvedu kuburikidza nerubhabhatidzo rwake kuti marudzi ose agowana kuponeswa nemaari. Zvino kana uchitenda muna Jesu hakuna imwe nzira ingakuita kuti uve mutadzi.
Jesu wakatimutsa kubva kuvafi. Akaponesa mweya yose iyo yainge yava kure naMwari nokuda kwekunyengedzwa naDhiyabhorosi. Jesu anoda kutsvaka mweya yose yakarasika. Mwari vanoshanda vari muna Jesu nevhangeri remvura neropa uye nemweya. Vakatidaidza uye tinogona zvino kuregererwa tobva taponeswa naye.
Unotenda muchokwadi chakadai here? Ndiri kukutaurirai kuti ruponeso harusi rweropa chete, asi pamwe nekubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake ari pamuchinjikwa. Avo vanoti vakaponeswa neropa chete vanofanira kuziva kuti vachine chitadzo mummwoyo yavo.
Tose taifunga kuti zvakakwana kuruponeso rwedu kutenda muropa raJesu. Ndizvo zvataifung kare, asi zvino tinofanira kurangarira kuti hazvina kukwana. Takaponeswa uye tikazvarwa patsva nokutenda muna Jesu Kirisito, uyo anova akauya nemvura, neropa uye nemweya.
Mutadzi wose anogona kuzvarwa patsva kuburikidza nokutenda uye nokuvimba murubhabhatidzo rwaJesu uyezve nemuropa rake. (1 Johane 5:5-10) Tose ngatirumbidzei Mwari. Halleluah!