• All e-books and audiobooks on The New Life Mission website are free
  • Explore multilingual sermons in global languages
  • Two new revised editions in English have been released
  • Check out our website translated into 27 languages
Search

Sermons

Musoro 3 : Evhangeri yeMvura noMweya

[3-7] Kushandurwa Kwehushumiri (VaHebheru 7:1-28)

(VaHebheru 7:1-28)
“Nokuti Merkisedi uyo mambo weSaremi mushumiri wamwari wokumusoro-soro, wakasongana naAbhuramu pakudzoka kwake andouraya madzimambo, akamuropafadza; Abhuramu akamupawo chegumi chezvose. Iye pakutanga ari mambo wokururama, kana zvichishandurwa, uyezve mambo weSaremi, ndoluti mambo worugare; asina baba, asina mai, asina madzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kwoupenyu, asi wakafananidzwa nomwanakomana waMwari, anogara ari mushumiri kusingaperi. Zvinofunfai kukura kwomunhu uyu, wakapiwa natateguru Abhuramu chegumi chezvaakapamba. Zvino avo vari vanakomana vaRevhi, vanopiwa basa roushumiri, vakarairwa nomurairo kuti vatore chegumi kuvanhu, iko kuhama dzavo, kunyangwe vakabva muchivuno chaAbhuramu, asi uyo asina kuravirwa rudzi rwake kwaari. Wakapiwa zvegumi naAbhuramu, akamuropafadza iye wakanga ane zvipikirwa. Zvino hatingarambi kuti muduku ndiye anoropafadzwa nounopfuura nokunaka. Uye pano, vanhu vanofa, vanopiwa zvegumi; asi apo uyo unopiwa, unopupurirwa zvichinzi mupenyu. Zvino tingati naRevhi unopiwa zvegumi, iyewo wakapa zvegumi munaAbhuramu; nokuti akanga achiri muchivuno chababa vake pakusongana kwaMerkiSedeki naye. Naizvozvo, kana kusakwanisa kwaivapo nenzira youshumiri hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murairo nokuda kwavo) ko mumwe mushumiri waifanira kuzomuka seiko anerudzi naMerkisedeki asinganzi naAroni? Nokuti kana hushumiri huchishandurwa, nomurairo, unofanira kuti ushandirwewo. Nokuti uyo anorega zvinhu izvi pamusoro pake wakanga ari worumwe rudzi rwakanga rusina munhu, wakambobate basa paAtari. Nokuti zvinoonekwa pachena, kuti Ishe wedu wakabva kuna Judha; pamusoro porudzi urwu Mozisi haana kureva zvavashumiri. Izvi zvinoratidzawo kwazvo, kana kuchimuka mumwe mushumiri wakafanana naMerkisedeki asina kuitwa mushumiri nomurairo wokuraira kwenyama, asi nesimba roupenyu husingapedzwi. Nokuti iye anopupurirwa, zvichinzi; iwe uri mushumiri nokusingaperi une rudzi naMerkisedeki, nokuti murau wokutanga unokoneswa nokuda kweutorwa hwako, uye nokuti hamuna maturo (nokuti murairo hauna kukwanisa chinhu), zvino tariro inopfuura nokunaka ukaiswa apo yatinoswedera nayo kuna Mwari. Uyezve zvaasina kuitwa mushumiri kusinemhiko; (nokuti ivo vakaitwa vashumiri kumhiko, asi iye nokupika kwaiye wakati kwaari, ishe wakapika, haangazvidyi mwoyo zve achiti; iwe uri mushumiri nokusingaperi); saizvozvo Jesu wakaitwa rubato rwesangano unopfuura nokunaka. Ivo vaiva vashumiri vazhinji, nokuti vakadziviswa norufu kugara nokusingaperi, aneushumiri husingapfuudzwi kune umwe. Naizvozvo unesimba rokuponesa kwazvokwazvo avo vanoswedea kunaMwari naye, zvaanorarama nokusingaperi kuti avareverere. Nokuti mushumiri mukuru wakadai ndiye wataifanira kuve naye, mutsvene, asina chakaipa, asina-kusvibiswa, wakaparadzaniswa navatadzi, wakakwidzwa kumusoro kudenga; asingafaniri savaya vashumiri vakuru, kubayira zuva rimwe nerimwe, pakutanga pamusoro pezvitadzo zvavo, pashure pamusoro pezvitadzo zvavanhu; nokuti wakaita izvozvo kamwechete, zvikapera, pakazviita kwake chibayiro. Nokuti murairo unogadza vanhu vaneutera kuti vave vashumiri vakuru; asi shoko rokupika, rakatevera murairo rinogadza mwanakomana, wakakwanisa nokusingaperi.”
 
 
JESU AKASHANDIRA HUSHUMIRI HWEKUDENGA
 
Mukuru ndiani, mushumiri mukuru Merkisedeki kana kuti mushumiri wepano pasi werudzi rwaAroni?
Mushumiri mukuru Merkisedeki.
 
MuTesitamende Yekare kwaiva nomushumiri mukuru ainzi Merkisedeki. Munguva yaAbhurama, Kedo-raomeri uye nemadzimambo akanga achiwirirana naye vakatora midziyo nepfuma yose yeSodoma neGomora Abhurama wakamira nevarume vake vakanga vakadzidziswa kurwa vakazvarwa paimba yake akavatungamirira kuhondo yokunorwisa Kedo-raomeri namadzimambo ake.
Ikoko wakakurira Kedo-raomeri mambo weErami uye mamwe madzimambo aaishamwaridzana nawo akakwanisa kudzora muzukuru wake Roti uye nepfuma yake. Mushure mokunge Abhurama adzoka uko ainge akunda vavengi vake. Merkisedeki mambo weErami uye nemushumiri mukuru waMwari wokudenga vakauya nechingwa uye newaini akamuropafadza. Uye Abhurama akamupa chegumi chose (Genesisi 14).
Mubhaibheri, ukuru-ukuru hwemushumiri mukuru Merkisedeki uye nomushumiri mukuru parudzi rwake kuno ratidzwa muna zvakazara. Mushumiri mukuru Merkisedeki aive “mambo werugare” “mambo wekururama” asina baba, asina mai, asina madzisekuru, asina kutanga kwemavambo, asi wakafananidzwa nomwanakomana waMwari anogara ari mushumiri nokusingaperi.
Bhaibheri rinotitaurira kuti ticherechedze ukuru-ukuru hwaJesu Kirisito uyo aiva mushumiri mukuru werudzi rwaMerkisedeki, nekucherechedza ushumiri hwaJesu hwemuTesitamende Itsva uye nehwa mushumiri mukuru Aroni aiva wemuTesitamende Yekare.
Verudzi rwevaRevhi vaiitwa vashumiri uye vachitora chegumi kubva kuvanhu, kunyangwe iko kuhama dzake, kunyangwe vakabva muchiuno chaAbhurama. Asi Abhurama paaipa chegumi kuna Merkisedeki nokuti Revhi akanga achimuchiuno chababa vake.
Vashumiri vakuru vemuTesitamende Yekare vainge vari vakuru vakuru here kudarika Jesu? izvi zvakatsvanangurwa muBhaibheri. Jesu mukuru mukuru here kudarika mushumiri mukuru wepano panyika? Anofanira kuropafadzwa noumwe ndiani? Munyori weBhuku yavaHebheru akataura nezvavo izvi kubva pakutanga “Zvino hatingarambi kuti muduku ndiye unoropafadzwa nounopfuura nokunaka.” Abhurama wakaropafadzwa nomushumiri mukuru Merkisedeki.
Tinofanira kurarama sei mukuvimba kwedu? Tingararama tiri pamirairo yaMwari kuburikidza nokubayira muTabhera rinoera remuTesitamende Yekare here, kana kuti torarama tiri pana Jesu uyo akauya kwatiri ari mushumiri mukuru wekudenga kuburikidza nomupiro wemvura yake nemweya?
Zvichienderana nesarudzo yatinenge taita pazvirevo izvi, ndipo patinoona kuti takomborerwa here kana kuti tashorwa. Tinorarama tiri pamutemo weshoko raMwari uye kupa zvibayiro zuva nezuva here, kana kuti tinosarudza kutenda muruponeso urwo Jesu akatipa nokuzvipira kwake kamwe kwenguva dzose nemvura uye neropa? Tinofanira kusarudza chimwe chete pakati pezvinhu zviviri izvi.
Mumazuva eTesitamende Yekare, vanhu veIsiraeri vaitarisira kune verudzi rwaAroni naRevhi. Mumazuva eTesitamende Itsva, kana tikabvunzwa kuti mukuru ndiani, Jesu kana kuti mushumiri mukuru werudzi rwaAroni, nyangwe pasina mubvunzo. Tinopindura tichiti Jesu ndiye mukuru. Asi nyangwe vanhu vachiziva izvi zvakajeka zviri pachena, vashoma ndivo vanotevera nokuvimba kwavo kwose.
Bhaibheri rinotipa mhinduro izere pamubvunzo uyu. Rinotitaurira kuti Jesu, uyo akanga ari werudzi rwakasiyana nani nani uyo akashandira paAtari, akatora hushumiri hwekudenga. “Nokuti kana hushumiri huchishandurwa, nomurairo unofanira kuti ushandurwewo.”
Mwari vakapa vanhu veIsiraeri mirairo nezvinhu mazana matanhatu negumi nezvitatu zvemirairo nomuna Mozisi. Mozisi akaudza vanhu kuti vanofanira kugara vachitevedza murairo nemitemo uye vanhu vakabvuma kuita saizvozvo
 
Sei Mwari vakaisa sungano yokutanga parutivi vakaita imwe yepiri?
Nokuti munhu akange akaneta pakurarama achitevera sungano yokutanga.
 
Mubhaibheri, vanhu veIsiraeri vakatora mhiko dzokurarama nomutemo yaMwari muhushanu: Genesisi, Ekisodo, Revhitiko, Numeri naDeutoronomio. Mwari vaipa murairo umwe noumwe kwavari ivo voti “Hongu” kumurairo umwe noumwe vasingagunun’uni.
Zvakadaro hazvo, tinoona kuti kubva pana Deutoronomio, kubva pana Joshuwa zvichienda mberi, havana kuzorarama vachiita zvaiva mumirairo yaMwari. Kubva kuvatongi kusvika kuna 1 Madzimambo vakatanga kusakudza vatungamiriri vavo. Uye mushure maizvozvo vakazova vakashiba kusvikira pakushandura tsika dzokubayira nadzo muTabhera raiereswa.
Pakupedzisira muna Maraki vakauyisa mhuka dzainge dzisina kukodzera kubayirwa zvisinei nomurairo waMwari wokuti havafaniri kupira mhuka ine mhosva. Vaikumbira vashumiri, Veduwe nyatsoitarisai, igamuchirei kani.” Pane kuti vabayire zvipiriso zvainge zviri pamurawo Mwari, vakashandurudza zvinhu.
Vanhu veIsiraeri havana kugona kuchengeta murairo zvainge zvakakwana kana nekamwechete panguva yeTesitamende Yekare. Vakakanganwa pamwe nokushaya hanya neruponeso rwainge rwaratidzwa mukubayira uku. Nokudaro Mwari vakazoshandura nzira yokubayira nayo. Muna Jeremiya, Mwari vanoti, “Ndichaita sungano itsva neimba yaIsiraeri, uye neimba yaJudha.”
Ngatitarisei muna Jeremiya 31:31-34. “Tarirai, mazuva anouya, ― ndizvo zvinotaura Jehovha ― andichaita sungano itsva neimba yaIsiraeri uye neimba yaJudha. Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruoko ndikavabudisa munyika yeEjipita, vakaputsa sungano yangu iyo kunyangwe ndakanga ndiri murume kwavari ― ndizvo zvinotaura Jehovha. Asi neino sungano yandichaita neimba yaIsiraeri shure kwamazuva iwayo ― ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichaisa murairo wangu mukati mavo, ndichaunyora pamwoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu. Havangazodzidzisani, mumwe nomumwe nowokwake mumwe nomumwe nehama yake achiti; ziva Jehovha; nokuti vachandiziva vose, kubva kuvaduku pakati pavo ― ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichakanganwira kuipa kwavo, neizvi zvitadzo zvavo, handichazozvivrangariri.”
Mwari vakati vachiita sungano itsva. Vainge vamboita sungano nevanhu veIsiraeri asi vakakundikana kugara vakachengera shoko raMwari. Nokudaro, akafunga kuita imwe sungano itsva yeruponeso rwevanhu vake.
vainge vakatora mhiko pamberi paMwari, “Tichakupfugamirai imi chete, uye nokurarama pamurairo nepamashoko aenyu.” Mwari vainge vakataurira vaIsiraeri, “Usava noumwe Mwari kunze kwangu.” Uye vanhu veIsiraeri vakati, “zvirokwazvo, hatichazopfugamiri umwe Mwarizve. Ndimi chete Mwari wedu. Hakuchazovazve neumwe Mwari kwatiri.” Asi vakakundikana kuchengetedza chitsidzo chavo.
Pakati pemwoyo wemutemo pane mirairo gumi: “Usave nevamwe vaMwari kunze kwangu. Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana wechinhu chiri kudenga kumusoro kuti uchipfugamire. Rangarira zuva resabata kuti urichengete rive dzvene. Usaita choupombwe, usaba, usapupurira wokwako nhema, usachiva imba yowokwako.” (Eksodo 20).
Zvakare yakazoiswa muzvikamu zvinosvika mazana matanhatu negumi nezvitatu, izvo zvaifanirwa kuchengetwa kweupenyu hwavo hwose. “Zvisingafaniri kuitwa kuvanasikana, uye zvisingafaniri kuitwa kuvanakomana, zvisingafaniri kuitwa kunana mai vasi venyu . . ” Murawo waMwari waivaraira kuita zvakanaka chete kwete kuita zvakaipa. Iyi ndiyo mirairo ine gumi nezvikamu mazana matanhatu negumi nezvitatu zvakatsanangura zvizere.
Zvichakadaro hazvo, pakati pemarudzi ose, hapana kana nomunhu umwe akakwanisa kuchengeta chinhu chechikamu chimwe chomurairo waMwari. Nokudaro Mwari vakatsvaga imwe nzira yaiita kuti vaponeswe kubva kuzvitadzo zvavo.
Hushumiri hwakashandurwa riini? Pakauya Jesu panyika pano, ushumiri hwakashanduka. Jesu akazotora chinzvimbo choushumiri hwese kubva kuna Aroni. Akaisa parutivi zvipiriso zvemuTabhera izvo zvaiva musiidzanwa wenhaka dzevashumiri verudzi rwaRevhi. Iye Jesu pachake ari oga ndiye akazoshandura ushumiri hwekudenga.
Akauya panyika pano, asiri weruddzi rwaArodi, asi ari werudzi rwaJudha, imba yamadzimambo. Akazvipira sechibayiro kuburikidza nokubhabhatidzwa kwake uye nomuropa rake ari pamuchinjikwa akaponesa marudzi ose kubva kuzvitadzo zvavo zvose.
Nokuzvipira kwake, akaita kuti tigone kugadzirisa dambudziko rezvitadzo. Akasuka zvitadzo zvamarudzi ose nokuzvipira, kubhabhatidzwa uye neropa rake. Akazvipira kwenguva dzose sechibayiro chisingaperi chezvitadzo.
 
 
MUKUSHANDURWA KWAIITWA HUSHUMIRI NDIPO PAKASHANDURWAWO MURAIRO
 
Ndoupi murairo woruponeso wakashandurwa?
Chibayiro chisingaperi chaJesu Kirisito.
 
Vadikanwi shamwari dzangu, hushumiri hwemuTesitamende Yekare hwakashandurwa muTesitamende Itsva. Pamazuva eTesitamende Yekare, mushumiri mukuru pakati porudzi rwaAroni, weimba yaRevhi aipa zvibayiro kuwadzanisa zvitadzo zvevaIsiraeri zvegore rose. Mushumiri mukuru ndiye aipinda kunzvimbo tsvene yaiereswa. Aienda pamberi pechigaro chenyasha neropa remhuka yechibayiro. Mushumiri mukuru chete ndiye aienda pamberi pechidzitiro chenzvimbo tsvene.
Asi mushure mokuuya kwaJesu, Hushumiri hwaAroni hwakasvitswa kuna Jesu. Jesu ndiye akazotora hushumiri husingaperi. Akashandira hushumiri husingaperi hwekudenga nokuzvipa sechibayiro, kuti marudzi ose agoponeswa kubva kuzvitadzo zvavo zvose.
MuTesitamende Yekare, mushumiri mukuru aiyananisa zvitadzo zvake nokuturika maoko ake pamusoro wenzombe asati atanga kushandira voruzhinji. Aiisa zvitadzo zvake nokutueika maoko ake, achiti, “Mwari ndakatadza” Nokudaro, aizouraya mhuka iyi nokusasa ropa pamberi pechigaro chenyasha runomwe.
Kana dai mushumiri mukuru Aroni ainge asina kukwana pachake, ungatarisa ukaonawo kuneta kwenyama kwainge kwakaita vamwe vanhu vose. Mwanakomana waRevhi, mushumiri mukuru Aroni pachake aive mutadzi nokudaro aifanira kupa chibayiro chenzombe kuti ayananisire zvitadzo zvake pamwe nezvemhuri yake.
Muna Jeremiya 31, Jehovha akati, “Ndichaputsa sungano. Sungano yandaive ndaita nemi, asi hamuna kuichengeta. Nokudaro ndichaiisa parutivi sungano iyi ichakuchenurai uye ndichakupai imwe sungano itsva yoruponeso. Handichazokuponesii nomurairo, asi ndokupai ruponeso nokuda kwevhangeri remvura nemweya.”
Mwari vakatipa sungano itsva. Painge pakwana nguva, Jesu akauya panyika pano ari pamufananidzo womunhu, akazvipa pachake kuti agotora zvitadzo zvose zvepanyika uye nokudeura ropa ari pamuchinjikwa kuti aponese vanotenda maari. Akatora zvitadzo zvamarudzi ose nokuda kwerubhabhatidzo rwake.
Murairo waMwari wakaiswa parutivi ukatsiviwa. Vanhu veIsiraeri vangadai vakaponeswa dai vakachengeta murairo waMwari, asi vakakundikana kuzviita. “Nokuti hakuna nyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurairo.” (VaRoma 3:20).
Mwari vaida kuti vaIsiraeri vaone kuti vatadzi uye kuti murairo hawaigona kuva ponesa. Akavaponesa nokuda kwemurairo weruponeso rwemvura nemweya, kwete nokuda kwemabasa. Nokuda kwerudo rwake rusingaperi, Mwari vakatipa imwe sungano itsva iyo inova inogona kutiponesa kubva kuzvitadzo zvepanyika nokubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake.
Kana ukatenda muna Jesu usingazivi zvinoreva rubhabhatidzo rwake uye neropa rake, kuvimba kwako kunenge kwakafa. Kana ukangoita izvozvo chete, unenge uchitozvitsvagira kutambudzika kudarika zvawaiita usati wave kuzive Jesu.
Mwari vakati vava kuita imwe sungano itsva kuti vaponese vanhu vemarudzi ose kubva kuzvitadzo zvavo, nokuda kwekudaro zvino, takaponeswa. Kwete nokuda kwemurairo wemabasa edu, asi nomurairo wakarurama weruponeso rwemvura neropa.
Iyi ndiyo yaive vimbiso yake isingaperi uye akazadzikisa vimbiso yake kunesu avo vanotenda muna Jesu. Uye akatitaurira nezve ukuru-kuru hwaJesu. Akatitaurira nezve ukuru hwaanahwo tichifananidzira navashumiri verudzi rwaAroni wemuTesitamende Yekare.
Tinove takakosha nokutenda muruponeso kuburikidza nemvura neropa zvaJesu. Hama dzangu ngatimbozviongororai zvakanaka izvi, zvisinei nokudzidza kana matauriro anoita muvhangeri wenyu, angangova mukuru sei kuna Jesu? Hakuna imwe nzira. Tinogona kuponeswa chete nokuda kwevhangeri remvura uye neropa, kwete nokuti tinocherechedza murairo waMwari. Nokuti hushumiri hwakashandurwa, murairowo weruponeso wakashandurwa.
 
 
KUKOSHA KWERUDO RWAMWARI
 
Chii chakakosha, rudo rwaMwari kana murairo waMwari?
Rudo rwaMwari.
 
Tinogona kuponeswa chete, kana tichitenda muna Jesu. Kuziva kuponeswa kwatakaitwa naJesu, kuti rudo rwake rukuru zvakadii kwatiri, zvino musiyano uripapi pakati pokuvimba mumurairo uye kuvimba muhukuru hwerudo rwaMwari?
Vazivi vemutemo vanonyanya kusakukoshesa magwaro nezvitendero zvamakereke avo uye neruzivo hwavo kudarika shoko raMwari. Zvisinei hazvo, chokwadi chakazara pakuvimba pamweya nemuna Jesu kunouya nokutenda muhukuru hweruponeso rwakazadziswa kuburikidza nemvura nemweya.
Kana nanhasi uno, vanhu vazhinji vanoti chitadzo chemavambo ndicho chinoregererwa nokukanganwira, asi vanofanira kupinduka zuva nezuva kubva kuzvitadzo zvavo. Vanhu vazhinji vanotenda mazviri voedza kuda kurarama upenyu hwavo vachitevera murairo uri muTesitamende Yekare. Havasati vave kuziva kukosha kweruponeso rwaJesu urwo rakauya nemvura nemweya.
MuTesitamende Yekare, vaIsiraeri vairarama nokutevera murairo waMwari kuti vagoponeswa kubva kuzvitadzo zvavo, asi havangaponeswi. Nokuti Jehovha vanoziva kuneta kwedu uye chikonzero kuti hatina kukwana, vakaisa murairo wavo parutivi. Hatizi kuzoponeswa nokuda kwemabasa edu chete. Jesu akati achaponesa isu kuburikidza nevhangeri remvura nemweya. Akati, “Ndichakudzikinurai mose kubva kuzvitadzo zvose.” Mwari vakaporofita izvi muna Genesisi.
“Mhodzi yomukadzi ichapwanya musoro wako newe uchapwanya chitsitsinho charwo.” (Genesisi 3:15). Mushure mokunge Adhamu naEvha vatadza, vakaita nguvo dzemashizha omuti wemuonde kuti kuda kuvanza kutadza kwavo kubva mukufurirwa kwaive kwaitika. Asi Mwari vakavadaidza vakavaitira nguvo dzamatehwe semucherechedzo weruponeso. Genesisi inotaura nezvenguvo mbiri dzeruponeso. Imwe nguvo yaiva yemashizha emuonde, imwe yacho yaiva yematehwe. Ndeipi yaunofunga kuti yaiva nani? Hongu, yematehwe iri nani nokuti upenyu hwemhuka hwakapiwa kuti hugodzivirira munhu.
Nguvo dzemashizha emuonde hadzitani kusvava, sezvamunoziva kuti shizha remuonde rinoda kungofanana nemukati moruoko rinotoita serine zvigunwe zvishanu, naizvozvo kupfeka mashizha senguvo zvinoreva kuhwanda shure kwezvakanaka. Kana ukapfeka nguvo yemashizha emuonde wozogara pasi, mashizha haatani kudambuka. Ndichiri mudiki ndaitowanzogadzira hanzu yokurwisa ndichitamba ndichizviita muuto wehondo ndaigadzira nemashizha emuti wemuchero unonzi Arorutu. Asi zvisinei kuti ndaipfeka nokumachengetedza zvakadii, zvaingodambuka nokukasika; muzuva iroro. Nenzira imweyo nyama yomunhu inongonyechukira ndiyo iri kukonzera kuti kuchenurwa kusatora nzvimbo.
Asi ruponeso rwemvura neropa, nerubhabhatidzo rwaJesu nerufu rwake ari pamuchinjikwa rwakatiponesa. Zvinokodzera kuti vatadzi vapupurire hukuru hwerudo rwaMwari. Ndiko kukosha kwakaita rudo rwaMwari zvichienzaniswa nomurairo.
 
 
AVO VACHINE KUVIMBA PAMURAIRO WAMWARI
 
Sei vazivi nevateveri vemutemo vachigadzira nguvo nemabasa avo zuva nezuva?
Nokuti havazivi kuti mabasa avo haangatovaiiti vakarurama.
 
Avo vanoita nguvo dzavo nemashizha emuonde ndivo vari kutungamirira upenyu hwekuve vazivi vemurairo. Vatendi vakarasika ava vanofanira kushandura nguvo dzavo nguva nenguva. Vanofanira kugadzira dzimwe nguwo svondo yoga yoga apo vanenge vave kuenda kukereke. “Mudikanwi Mwari wangu, ndakatadza zvakanyanya vhiki yapera. Asi, Jehovha, ndinotenda mamuri kuti makandiponesa muri pamuchinjikwa. Jehovha ndisukei zvitadzo zvangu neropa remuchinjikwa!” Vanosona dzimwe nguvo ipapo ipapo zvakare. “Ho, Jehovha ngaarumbidzwe. Halleluah!”
Asi pasina nguva, vanotanga kusona imwe zvakare vave kumba, nemhaka yei? Nokuti sharu dziya dzinenge dzatosakara. “Mudikanwi Mwari wangu, ndatadza zvakare mazuva matatu apfuura ayo. Veduwee ndikanganwireiwo.” Vanobva vagadzira nokupfeka nguwo itsva dzorupinduko rusingaperi.
Pakutanga, nguwo idzi dzinogona kumbogara kwemazuva, asi mushure mazvo, vanenge votoda itsva zuva nezuva. sezvo vasingagoni kurarama nemutemo waMwari, vanonzwa kuzvinyarira pachavo. “Veduwe-e ho, izvi zvave kushungurudza, Jehovha, Ho, Jehovha, ndakatadza zvakare!” Uye vanotofanira kugadzirazve dzimwe nguwo dzorupinduko. “Ho, Jehovha, zvave kunyanya kundiomera kugadzira nguwo dzemashizha emuonde zuva nezuva.” Vanoshanda zvakaomarara kuti vagadzire dzimwe nguwo itsva.
Kana vanhu vakadai vachidaidza Jehovha, kunenge kuri kureurura zvitadzo zvavo. Vanoruma muromo yavo vobva vatanga kudaidza “Jehovha, Mwar―I!” Ivo vachiramba vachigadzira nguwo zuva nezuva. nokudaro, chii chinoitika kana vachinge vaneta?
Kamwe, kana kaviri pagore, vanoenda mumakomo vonotsanya, vanoedza kugadzira nguwo dzakasimba dzokupfeka. “Jehovha, sukaiwo zvitadzo zvangu, veduwee ndiiteiwo mutsva. Ndiotenda mamuri Jehovha.” Vanofunga kuti zviri nani kuita minamato yousiku nokudaro, vanozorora masikari, kuchingonoti svibei, vanotanga kufamba mumigwagwa noutsvene hwavo, kana kuti vanoenda mumapako ane rima vochemera Mwari. “Jehovha, ndinotenda!” “♪Ndinopinduka uye nokuzadza mwoyo wangu nepfungwa dzinemhosva♪” Vanonamata vachidaidzira zviri pamusoro, “Ndinotenda.” Nenzira iyi vanogadzira nguwo dzakakosha idzo dzavanofungira kuti dzinotora nguwo dzisati dzasakara, asi hazviiti.
Zvino simbisa zvakadii kudzoka kubva kumakomo kuminamato, kuita semhepo yechando, kana kuti semvura yekutanga yegore inodiridzira miti nemaruva, mweya yavo yakazadzwa nerugare uye nemaropafadzo anobva kumusoro. Kunzwa vari vatsvene kudarika mweya yemumakomo. Vanobva vasangana nenyika vakapfeka nguwo itsva dzakakosha.
Asi mushure mokungodzokera kudzimba dzavo nomumakereke, uye vachitanga kurarama zvakare, nguwo dzavo dzinoanga kusviba nokubvaruka.
Shamwari dzavo dzinobvunza, “Ko wanga uripiko?”
“Ndakange ndisipo kwechinguvana.”
“Unoratidzika kunge wakaperezeka mazuva ano!”
“Hongu, hazvo, asi iyo ndeimwe nyaya iyoyo.”
Haazvitauri kuti vange vachitsanya, vanongoenda kukereke vononamata. “Handichazochivi vakadzi. Handichazonyepi zvakare. Handichazochivi imba yomuvakidzani wangu. Ndichava norudo kuvanhu vose.”
Asi nguva yavanongoona mukadzi akavakwa zvakanaka ane makumbo manaku, hutsvene huri mumwoyo yavo hunobva hwashanduka nokukasika huchienda mukuchiva kuri pachena. “Tarisa uone kupfupika kwakaita dhirezi iro! Madhirezi ari kuramba achipfupika nokungopfupika! Ndinonzwa kuda kuramba ndichingoona makumbo aya! Ha-a! kana! Ho, Jehovha, ndatotadza zvakare!”
Vachengeti vemurairo vanenge vanerukudzo, asi unofanira kuziva kuti vanofanira kugadzira nguwo dzavo zuva nezuva. Kuziva murairo kuvimba munguwo dzemashizha emuonde. Kuvimba kusiko vanhu vazhinji vanoedza chose kugara norukudzo vachitevera murairo waMwari vanoita mhere mhere iri pamusoro-soro vari mumakomo kuti manzwi avo agotanga kuve nerukudzo.
Vazivi vemirairo vanonyanyoda kuonekwa novoruzhinji kana vachitungamirira minamato mukereke. “Baba vatsvene vari kudenga! Takatadza vhiki richangopera iri. Tinokumbira mutiregererewo . . .” Vanotanga kuchema vachieredza misodzi. Uye kereke yose inobva yateverawo kuchema. Vanotanga kufunga pachavo. “Anenge angava ava nenguva ari mumakomo achinamata nokutsanya. Anoratidza kuve norukudzo nokuve nevimbo.” Asi nokuda kwake kwekuvimba nekuziva, kunyangwe munamato usati wapera, mwoyo womuzivi unotanga kuzadzwa nokusaziva zvaari uye nezvitadzo.
Panogadzira vanhu nguwo dzemashizha emuonde, dzinogona hado kuita mwedzi miviri kana mitatu, asi hakuna kwadzinosvika, dzinotanga kubvaruka, votangazve kusona dzimwe voenderera mberi nokurarama muhunyoka hwavo. Ihwohwo ndihwo upenyu hwevachengeti nevazivi vemirairo vanoda kuedza kurarama vachitevedzera murairo kuti vagoponeswa. Vanoramba vachigadzira nguwo itsva dzinobvaruka, nguwo dzemashizha emuonde. Kuchengeta murairo nokuuzivisisa kuvimba kumashizha emuonde. Vazivi ava vanokuudza. “Wakatadza kwemavhiki ose apfuura aya, hauna here? Nokudaro, ita rupinduko.”
Vanodaidzira nemanzwi ari pamusoro. “Pinduka! Namata!” Muzivi uyu anoziva chose kugadzira inzwi rake kuti riratidze kuve dzvene.
“Jehovha, ndine urombo, handina kurarama ndiri pamurairo. Handina kuchengeta mirairo yenyu. Ndikanganwireiwo kamwechete zvakare.”
Havakwanisi zvachose kugara vakachengeta murairo wacho kunyangwe vachiedza nomutoo upi. Nedzimwe nzira vanenge vachitopokana nemurairo waMwari pamwe naMwari wacho. Havana chavanoziva pamberi paMwari.
 
 
VAYA VAKAFANANA NACHUCAL BAE
 
Sei Mwari akaisa murairo parutivi?
Nokuti wainge usina basa pakutiponesa kubva kuzvitadzo.
 
Kwaive nomumwe mujaya wechidiki ainzi Chudal Bae. Mugore ra1950, nguva iri yehondo mukorea, varwi vehondo vakasvika paari vakamuti atsvaire chivanze nomusi wesabata vachida kuedza kuvhiringidza kutenda kwake muchitendero. Asi mujaya uyu wechitendero akaramba kuteerera zvaainge audzwa izvi. Vakamumanikidza, asi mujaya akarambisisa.
Pakupedzisira, varwi vehondo ava vakamusungirira pamuti uye nokuratidzira pfuti paari. “Unodei, kutsvaira chivanze kana kuti kuurawa hako?”
Paakamanikidzwa kufunga, akati “Ndinoda zvangu kufa pane kuti ndishande nezuva resabata.”
“Waita sarudzo yako, uye tinofara chose tichatevedzera zvawada.”
Pasina nguva vakamupfura akabva afa. Mushure mazvo, vatungamiri vekereke vakamupa huDhikoni hwegamba vachirangarira hushingi hwake hwekuvimba muchitendero chake.
Zvisinei nokusimba pazvido zvake, kuvimba nezvechitendero kwainga kwakatomurasa. Sei asina kuda kutsvaira chivanze uye nokutovaparidzira vhangeri ivo varwi vehondo ava? Sei akaratidza kusavakudza kusvikira pakufa? Mwari vaizomurumbidza nokuramba kwake kushanda nezuva resabata here? Kwete.
Tinofanira kutungamira tiri paupenyu hwepamweya. Kwete nokuda kwemabasa asi kuvimba kwedu ndiko kwakakosha pamberi paMwari. Vatungamiriri vemakereke vanoda kuzorangarira vanhu vakaita sana Chudal Bae, nokuti vanoda kuonerwa nokuratidza kukosha kwavo uye nokutevedza zvitendero zveungano dzavo. Izvi zvakangofanana nomuFarise uyo aipokana naJesu.
Hatina chatingadzidzisa kubva kuvazivi nevateveri vemurairo. Tinofanira kudzidza nezvekuvimba pamweya. Tinofanira kushivira kuda kuziva kuti sei Jesu akabhabhatidzwa uye nokudeura ropa rake ari pamuchinjikwa. Uye nokubvunza matangiro evhangeri remvura nemweya.
Tinofanira kutenga tawana mhinduro kumibvunzo iyi, uye tigoedza kuparidzira vhangeri kuvanhu vose venyika, kuti vagozvarwa patsva. Tinofanira kuzvipira pamabasa epamweya.
Kana muparidzi achikutaurira kuti, “Ita semujaya Chudal Bae. Chengetedza sabata uiite tsvene,” ari kuedza kukuti uuye kukereke nezuva resabata chete.
Herunoi rumwe rungano urwo rwunoratidza kunzwisisika. Kwaive nomumwe mudzimai aifanira kutanga apinda pakubvunzurudzwa asati aenda kukereke nesabata. Vana vatezvara vake vainge vasiri makirisito, uye vaida kuedza chose kuti vamukonese kuenda kukereke. Vakamuudza kuti ashande nesabata. Asi aizoenda kumunda neMugovera usiku uye anoshanda nemwedzi muchena kuti vemhuri yake vashaye chokumupomera pakuzoenda kwake kukereke neSvondo.
Hongu, zvakakosha kuenda kukereke, asi zvainge zvakakwana here kuti tiuye kusvondo kuzopfugama Mwari kuti tiratidze kuvimba kwedu? Vavimbi vechokwadi vakazvarwa patsva nemvura nemweya. Kuvimba kwechokwadi kunotanga kana munhu achinge azvarwa patsva.
Ungaponeswa kuzvitadzo zvako nokuda kwekuti unorarama uri pamurairo waMwari here? Kwete. Handisi kukuudzai kuti mushaye hanya nomurairo, asi tose tinoziva pachivanhu kuti pakaoma kuchengeta zvikamu zvose zvomurairo.
Jemusi 2:10 inoti, “Ani nani uyo achachengeta murairo zvizere asi achirambira panzvimbo imwe, ane mhosva pamusoro peyose.” Nokudaro chokutanga kufunga kuti ungazvarwa sei patsva nevhangeri remvura nemweya. Nokudaro ungachienda hako kukereke uko kwaunozonzwa nezvevhangeri. Unove nokurarama upenyu hwakavimbika mushure mokunge wazvarwa patsva. Nokudaro kana Jehovha achikudaidza, unoenda pamberi pake une mufaro.
Musapedza nguva yenyu, muchienda kukereke dzemanyepo, musapedza nguva yenyu muchibvisa zvipo zvemari kumakereke akatsauka. Vashumiri vemanyepo havakwanisi kukukonesai kuenda kugehena. Tanga wanzwa vhangeri remvura nemweya uye ugozvarwa patsva.
Funga chikonzero chakaita kuti Jesu auye pano panyika. Dai zvaigona kuti tipinde umambo hwekudenga nokuda kwemurairo, dai asina kuuya pano panyika. Mushure mokunge auya, hushumiri hwakashanduka. Kutenda mumirairo chakava chinhu chakare tisati taponeswa. Taifunga kuti tinoponeswa nokuchengeta mirairo yaMwari. Asi izvi hazvichisiri izvo zvinoratidza kuvimba kwechokwadi.
Jesu akatiponesa kubva kuzvitadzo zvenyika nokuda kwerudo rwake, nemvura yokubhabhatidzwa kwake, neropa rake uye nemweya. Akave akazadzikisa ruponeso rwedu nokubhabhatidzwa kwake parwizi Jorodhani, neropa rake repamuchinjikwa, uye nokumuka kwake.
Mwari vakaisa parutivi mirairo yaivepo nokuti yainge yakaneta uye yaive isisina basa. “Nokuti murairo hauna kukwanisa chinhu; zvino tarito inopfuura nokunaka ikaiswa apo yatinoswedera nayo kuna Mwari, uyezve zvaasina kuitwa mushumiri pasina mhiko.” (VaHebheru 7:19-20). Jesu akaita mhiko uye akatiponesa kubva kuzvitadzo zvedu nokuda kwerubhabhatidzo neropa rake. Kufira mukuchengeta murairo rufu rusina zvibereko, uye kuvimba kwechokwadi chete kutenda muvhangeri remvura nemweya.
Tinofanira kuve nokuvimba kunezvibereko. Unofunga kuti zvakanakira mweya wako ndezvipi? Zviri nani here kuenda kukereke usingadariki uye nokuchengeta murairo, kana kuti kuenda kukereke yaMwari uko kunoparidzwa vhangeri remvura nomweya, kuti ugozvarwa patsva? Ndeipi kereke uye nomuparidzi zvinogona kubatsira mweya wako? Funga nezvazvo ugoita sarudzo yechimwe chaunoona kuti chakanakira mweya wako.
Mwari vanokuponesa kuburikidza nokumuparidzi uyo ane mashoko evhangeri remvura nemweya. Mumwe nomumwe wako. Mutendi akanwara ndiye uyo anopira mweya wake pashoko raMwari.
 
 
JESU AKAVA MUSHUMIRI NOKUDA KWEMHIKO
 
Vedzinza remhuri yaRevhi vaiitwa vashumiri nokuda kwemhiko here?
Kwete. Jesu chete ndiye akava mushumiri nokuda kwemhiko.
 
VaHebheru 7:20-21 inoti, “Nokuti ivo vakaitwa vashumiri (kusine mhiko, asi iye nokupika kwaiye wakati kwaari: Ishe wakapika, haangazvidyi mwoyozve achiti; Iwe uri mushumiri nokusingaperi werudzi rwaMerkisedeki).”
Uye muna Mapisarema munoti, “Jehovha wakapika haangazvidembi achiti; Iwe uri mushumiri nokusingaperi unorudzi naMerkisedeki.” Jehovha wakapika. Akaita sungano nesu uye akatiratidza nomukunyorwa kwemashoko. “Ndichava mushumiri mukuru nokusingaperi werudzi rwaMerkisedeki.” Merkisedeki ndiMambo wakarurama, mambo werugare uye mushumiri mukuru wokumusoro soro nokusingaperi. Ndichava mushumiri mukuru werudzi rwaMerkisedeki weruponeso rwenyu.
Jesu akauya panyika pano uye akave chibatiso chesungano itsva. (VaHebheru 7:22). Pachinzvimbo cheropa remanzombe nerembudzi, akazvipira iye pachake sechibayiro nokubhabhatidzwa uye nokudeura ropa ari pamuchinjikwa kuti asuke zvitadzo zvedu zvose.
Munguva yeTesitamende Yekare, mushumiri mukuru aiti kana afa, mwanakomana wake ndiye aitora basa roushumiri kana asvitsa makore makumi matatu okuberekwa. Kana achembera uye mwanakomana wake kana ave nemakore makumi matatu okuberekwa aibva aitwa mushumiri.
Kwaiva nemadzinza akawanda uhu hushumiri hukuru. Nokudaro Dhavhita akaronga nzira yokuti umwe noumwe akwanise kuwana mukana wokushandira ushumiri. Sezvo vose verudzi rwaAroni vaigadzwa kuita vashumiri, vaiva nekodzero yokushandira hushumiri. Ruka anoti, “Zakariya wegovero raAbiya . . . nokudaro ainge achibata basa semushumiri pamberi paMwari padzoro regovero rake.”
Jesu akauya panyika pano kuzotora hushumiri zvachose nokusingaperi. Akauya somushumiri wezvakanaka zvainge zvichauya. Akazadzikisa ruponeso rwekuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Veboka raAroni vainge vakaneta uye vasina kukwana panyama yavo. Chii chaiitika kana mushumiri mukuru achinge afa? Mwanakomana wake ndiye aitora basa roushumiri, asi zvibayiro zvakadaro zvainge zvisina kukwana kuti zvigone kuunza ruponeso rwamarudzi ose. Kuvimba kuri marudzi ose hakungaita kwechokwadi uye kuvimba kwakakwana.
Munguva yeTesitamende Itsva, Jesu akauya panyika pano. Asi haana kuzenge achatamba achizvipa sechibayiro nokuti anorarama nokusingaperi. Akatora zvitadzo zvedu nokusingaperi nokubhabhatidzwa kwaakaitwa. Akazvipa pachake uye akarovererwa kuti vose avo vanotenda maari vave vakasununguka kubva kuzvitadzo.
Zvino, mupenyu uye agere kuruoko rwerudyi rwaMwari kuti agotipupurira, “Mudikanwi Baba vanogona kunge vasina kukwana, asi vanotenda mandiri. Handina kutora zvitadzo zvavo zvose nechekare here?” Jesu ndiye mushumiri mukuru weruponeso rwedu nokusingaperi.
Vashumiri vepano panyika havana kumbogara vakazokwana pakuita kwavo. Kana pavainge vafa. Vanakomana vavo ndivo vaitora zvinzvimbo zveushumiri. Jehovha wedu anorarama nokusingaperi. Akazadzikisa ruponeso rusina mugumo nokuuya kwake panyika pano, akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi, uye achibva adeura ropa nokuda kwezvitadzo zvedu ari pamuchinjikwa.
“Zvino kana zvinhu izvi zvakanganwirwa zvitadzo hazvichazobayirwi.” (VaHebheru 10:18). Jesu akapupurira ruponeso rwedu kusvikira pakuguma. Wakazvarwa patsva nemvura nemweya here?
“Nokuti mushumiri mukuru akadai ndiye wataifanira kuve naye, mutsvene asina chakaipa, usina kusvibiswa, wakaparadzaniswa navatadzi, wakakwidzwa kumusoro kudenga.” (VaHebheru 7:26). “Nokuti murairo unogadza vanhu vanoutevera, kuti vave vashumiri vakuru, asi shoko rokupika, rakatevera murairo rinogadza mwanakomana wakakwaniswa nokusingaperi.” (VaHebheru 7:28).
Chandinoda kukutaurirai ndechinoti, Jesu Kirisito, asina mhosva, akasuka zvitadzo zvedu zvose kamwe kwenguva dzose nokuda kwemvura yerubhabhatidzo rwake uyezve neropa rake repamuchinjikwa. Akatiponesa kubva kuzvitadzo kwete kuti nokuda kwemurairo wemabasa, asi kuti nokutora zvitadzo zvedu zvose pamusana pomutongo waakapiwa.
Unozvitenda here kuti akatiponesa nokuda kweruponeso rwake rusingaperi? Kana uchitenda, wakaponeswa. Asi kana usingatendi, uchine zvakawanda zvaunofanira kuziva nezveruponeso rwaJesu urwo rusingaperi.
Kuvimba kwechokwadi kunobva kuvhangeri remvura nemweya, zvakanyanya kutarisana nemashoko aMwari. Jesu Kirisito, mushumiri mukuru wekudenga, akava muponesi nokusingaperi nokuda kwekubhabhatidzwa kwake uyezve neropa rake repamuchinjikwa.
 
 
TINOFANIRWA KUNZWISISA NEZVEKUVIMBA KWEDU
 
Zvinorevei “kutenda muna Jesu”?
Kuve nekuvimba mukubhabhatidzwa kwaJesu uyezve norufu rwake ari pamuchinjikwa.
 
Tinofanira kufunga kuti tingaita sei kuti titende muna Jesu nenzira yakakodzera inoita kuti kuvimba kwedu kuve kwechokwadi. Tingatenda muna Jesu nemutoo upi? Izvi tinogona kuzviita chete nokutenda muvhangeri rokubhabhatidzwa kwaJesu uyezve nemuropa rake repamuchinjikwa.
Kuvimba kwechokwadi kutenda mumabasa akaitwa naJesu, kubhabhatidzwa kwake uye nemuropa rake, pasina kuzowedzera kukanganisa kwedu. Unozvitenda kuzviita zvechokwadi here izvi? Mamiriro ako pamweya ari papi? Unonyanya kurarama uri pamabasa ako here?
Hakusati kwadarika nguva refu apo ndakatanga kutenda muna Jesu, asi ndakatambudzika kwemakore gumi nokuda kwekuziva nokutevedza murairo. Ndakazosvika pakuneta nokutevedza upenyu hwakadaro. Handitombodi kuti ndive nendangariro yepfungwa idzodzo zvakare. Kana mudzimai wangu agere pano zvino. Anoziva kutitambudza kwazvaiita.
Mazuva esvondo, ndaiwanzoti, “Mudikanwi wangu, ngatiite zvemafaro nhasi.”
“Asi nhasi isabataka!”
Ainge asingadi kuwacha nhumbi dzangu nezuva resabata. Rimwe zuva resabata nhumbi yangu yakabvaruka. Asi akatonditaurira kuti nditomirira kusvikira zuva raitevera. Nokuda kwezvikonzero, ndainge ndichitonyanya kukurudzira kuti tichengete sabata nemazvo chose. Asi zvainge zvakaoma. Tainge tisingakwanisi kuzororo nesvondo nokuti zvainge zvisingagoneki kuti tichengete sabata nenzira kwayo. Ndinorangarira mazuva iwaya chose.
Vadikanwi shamwari dzangu, kuti titende muna Jesu nechokwadi, tinofanira kutenda mune zvokuwadzaniswa kwezvitadzo kuburikidza nokubhabhatidzwa kwaJesu uyezve nemuropa rake ari pamuchinjikwa. Kuvimba kwechokwadi kutenda muutsvene nemuunhu hwaJesu uye nezvinhu zvose zvaakaita panyika pano. Kuvimba kwechokwadi ndiko kutenda kumabasa nemashoko ake ose.
Zvinorevei, “kutenda muna Jesu?” Ndiko kutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uyezve nemuropa rake. Pane chinhu chimwe pamusoro pazvo zvose. Tose chatinofanira kuita kutarisa muBhaibheri uye nokutenda kuvhangeri. Tose tinofanira kutenda nenzira inegwara.
“Ndinovonga Jehovha, zvino ndinoona kuti hazviitwi nokuda kwesimba rangu! Nokuti murairo ndirwo ruzivo rwezvitadzo (VaRoma 3:20). Zvino ndave kuzvinzwisisa. Ndaifunga kuti nokuda kwemutemo zvakanaka, nokuti zvainge zvakarairwa naMwari, ndaitofanira kugara ndichirarama nazvo. Ndakaedza chose kusvikira parizvino, zvino ndave kuona kuti ndainge ndakarasika pakufunga kuti ndingararame nomurairo. Zvino ndave kuona kuti handikwanisi kuchengeta murairo waMwari. Zvino ndave kurangarira kuti mwoyo wangu wakazadzwa nendangariro dzakashata uye nokudarika kukuru. Zvino ndave kuziva kuti murairo wakaiswa mumwoyo yedu semubayiro wezvitadzo. Ho, ndinovonga Jehovha. Ndainge ndisinganzwisisi kuda kwenyu uye ndikaedza kuchengeta murairo. Hwaive ufuza hwangu pakuda kuedza izvi. Ndinopinduka, zvino ndave kuziva kuti Jesu akabhabhatidzwa nokudeura ropa nokuda kweruponeso rwangu! Ndave kutenda!”
Unofanira kutenda zviri pachena pasina kukakavadzana. Unofanira kutenda kumashoko akanyorwa ari emuBhaibheri. Ndiyo nzira chete yaungazvarwa nayo patsva.
Chii chinonzi kutenda munaJesu? Chinhu chatinofanira kuita tichipedza nguva yakatarwa isati yapera here? Kuvimba kwedu ndekwechitendero kwaunofanira kushandira here? Vanhu vakagadzira zvimwari, uye vakaita zvitendero zvinoenderana nezvitendero izvozvo. Chitendero kufambiswa kwemabasa anoitwa nevanhu kuti vasvike pavanoda uye nechishuvo chokunatsa kwemunhu.
Zvino, kuvimba chii? Zvinoreva kutenda muna Mwari nokutarisira kwaari. Tinotarisira ruponeso kubva kuna Jesu uye nokumuvonga nokuda kwemaropafadzo ake. Uku ndiko kutenda kwechokwadi. Uku ndiko kusiya kwekuvimba nekutendera. Ukangoziva musiyano wezviviri izvi, unowana zvibodzwa zana mukunzwisisa nezvokutenda kwako.
Vaongorori vezvitendero vasati vazvarwa patsva vanotitaurira kuti tinofanira kutenda muna Jesu nokugara tine rukudzo. Munhu angave akavimbika nokuda kwerukudzo here? Hongu hazvo tinofanira kuve takadzikama. Ndiani ane upenyu huri nani, anochengeta murairo nokuve nerukudzo kana uyo akazvarwa patsva?
Asi shoko riripo nderokuti varikuzvitaurira kuvatadzi. Kune mhando gumi nembiri yezvitadzo mukati memutadzi umwe noumwe. Nokudaro angagara murukudzo sei? Zvirokwazvo pfungwa dzake dzinogona kutevedzera chose, asi mwoyo wake haungatevedzeri. Kana mutadzi achingobuda mukereke chete, rukudzo rwuya inenge yangove ngano. Uye pfungwa isingafi iya inobva yamudzosera kuzvitadzo
Nokudaro tinofanira kuve nekufunga mumwoyo yedu kuti torarama nokuda kwemurairo here kana kuponeswa nokutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uyezve nemuropa rake riri pamuchinjikwa, kana kuti nokuvimba mumushumiri mukuru wekuumambo hwekudenga.
Rangarira kuti Jesu ndiye mushumiri mukuru wekudenga nokusingaperi kune avo vanotenda kwaari. Tose ngatiponeswei nokuziva uye nokutenda muruponeso rwekubhabhatidzwa kwaJesu uyezve nemuropa rake riri pamuchinjikwa.
 
 
VAKAZVARWA PATSVA HAVATYIRI KUGUMA KWENYIKA
 
Sei vakazvarwa patsva vasingatyiri kuguma kwenyika?
Nokuti kuvimba kwavo muvhangeri remvura nemweya kunovasununugra kubva kuzvitadzo.
 
Kana wakazvarwa patsva zvechokwadi, haufaniri kutyira kuguma kwenyika. MuKorea, vakirisito vazhinji vaive nokutaura kuti nyika inoguma musi wa28 Gumiguru 1992. Rakave zuva rakadii pakutyirwa nokufungirwa. Asi mitauro nemifungo yavo zvakave zvemanyepo. Vakazvarwa patsva vanorarama vachikudza, vachiparidzira vhangeri yenguva yokupedzisira. Kana nyika yave pedyo nokuguma, tose chatinofanira kuita kuparidza vhangeri remvura nemweya.
Kana chikomba chichiuya, vachati vanenge vakazvarwa patsva nemvura nemweya vachasangana naye nemufaro, vachiti, ho, zvino wazo svika! Nyama yangu haina kukwana asi wakandida ukandiponesa kubva kuzvitadzo zvangu. Nokudaro handina chitadzo mumwoyo wangu. Ndinovonga, Jehovha, ndiwe muponesi wangu!
Jesu ndiye chikomba chepamweya kune avo vose vakarurama. Wanano ichaitika nokuti chikomba chinerudo mukati kwete nomumwe mutoo. Ndinozviziva kuti pano panyika zvinogona kuitika neimwe nzira, asi kudenga, chikomba ndicho chinoronga kuti mutambo wekuwanana woitwa here? Chikomba ndiJesu anosarudza kuwana zvichienderana nokuti anerudo rwakadii uye nokupa ruponeso. Zvisinei nomuwanikwi. Aya ndiwo mafambiro anoita wanano yekumusoro kudenga.
Chikomba chinoziva zvose pamusoro pevawanikwi. Nokuti vawanikwi vose vatadzi, anova nenyasha pavari anobva avaponesa kubva kuzvitadzo nokubhabhatidzwa uye nekudeurwa ropa pamuchinjikwa.
Jehovha, Jesu wedu haan kuuya pano panyika sewerudzi rwaAroni. Haana kuuya pano panyika kuzozvipira. Sechibayiro chepanyika. Kwaive nevaRevhi vakawanda chose, verudzi rwaAroni kuti vaite basa.
Zvimiro nezviitiko zvechibayiro chemuTesitamende Yekare kwaive kwakanangana naJesu. Nokudaro, kana chinhu choitika chemazvirokwazvo pano panyika, chii chinezenge choitika kumumvuri uyu? Mumvuri wakasendekera parutivi.
Jesu akauya panyika pano, haana kupa zvibayiro sezvaiitwa na Aroni. Akazvipa pachake kuitira marudzi ose nokubhabhatidzwa uye nokudeura ropa reruponeso rwevatadzi. Akazadzisa ruponeso ari pamuchinjikwa.
Kune avo vanotenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake repamuchinjikwa, ruponeso runouya pasina zvivhiringidzo. Jesu haana kukanganwira zvitadzo nenzira isiri pachena. Akazviita nenzira yakachena. “Ndini nzira, nezvokwadi, noupenyu.” (Johane 14:6). Jesu akauya pano panyika akatiponesa nerubhabhatidzo, nerufu, uye nokumuka kwake.
 
 
TESITAMENDE YEKARE MUFANANIDZO WAJESU
 
Chikonzero chaive chei pakuitwa kweimwe sungano?
Nokuti sungano yokutanga yainge yakaneta uye isina basa.
 
Tesitamende Yekare mumvuri weTesitamende Itsva. Kunyangwe Jesu, kupa zvibayiro sezvaiitwa nevashumiri vakuru vemuTesitamende Yekare, akashandira ushumiri hwaive nani chose. Ushumiri hwekumusoro kudenga husingaperi. Nokuti vanhu vari pano panyika vanozvarwa vari vatadzi, vanova vatadzi, uye havazovi vakarurama nokuda kwemutemo waMwari. Nokudaro Mwari vakaita imwe sungano itsva.
Baba vedu vari kudenga vakatuma mwanakomana wavo mumwechete oga panyika vakatikumbira kuti tive nokuvimba mukubhabhatidzwa kwake, muropa rake, uye nokumuka kwake. Iyi ndiyo yakave sungano yepiri yaMwari. Sungano itsva inoda kuti titende muvhangeri remvura nemweya.
Jehovha havachinei nemabasa edu akanaka. Haana kutitaurira kuti tingarurama sei kuti tiponeswe. Vakangotitaurira kuti titende chete muruponeso rwemumwanakona wavo. Vanotitaurira kuti titende murubhabhatidzo rwaJesu uyezve nomuropa rake repamuchinjikwa. Uye tinofanira kuti titi hongu.
MuBhaibheri imba yavaJudha yainge ichiramba yakabata hushe. Madzimambo ose evaIsiraeri vaizvarwa muimba yaJudha kusvikira pana mambo Soromoni. Kunyangwe mushure mokupatsanurana kweumambo, imba yaJudha yakabata humambo hwekuchamhembe kusvikira hwaparara mugore ra 586 B.C. Nechiitiko ichi, vanhu vaJudha vakamirira vaIsiraeri, rudzi rwaRevhi ndirwo rumwe rwaive rwevashumiri. Rudzi rumwe norumwe rwevaIsiraeri rwaive nebasa rokuita. Mwari vakavimbisa rudzi rwaJudha kuti Jesu achabva kurudzi rwake.
Sei akaita sungano iyi neverudzi rwaJudha? Kuita sungano iyi kwaive kwakangofanana nokuita sungano nevanhu vose vepanyika nokuti vaIsiraeri vaimirira vanhu vose vepanyika. Jesu akazadzikisa sungano itsva, iyo yakave ruponeso rwemarudzi ose kuburikidza nokubhabhatidzwa kwake, nerufu rwake pamuchinjikwa uye nokumuka kwake.
 
 
ZVITADZO ZVAMARUDZI OSE HAZVINGATOSUKWI NOKUITA RUPINDUKO
 
Zvitadzo zvevanhu zvingasukwa nokuda kwekuita rupinduko here?
Kwete.
 
Muna Jeremiya 17:1, makanyorwa kuti zvitadzo zvemunhu zvinonyorwa panzvimbo mbiri, “Zvitadzo zvaJudha zvanyorwa nepeni yematare, nomuromo wedhaimondi; zvakatemwa pahwendefa remwoyo yavo, napanyanga dzamaatari enyu.”
Zvitadzo zvedu zvinonyorwa mumwoyo yedu. Ndiwo maziviro atinoita kuti tiri vatadzi. Munhu asati atenda muna Jesu, haazvizivi kuti mutadzi. Nemhaka yei? Nokuti murairo waJesu haumo mumwoyo make. Nokudaro, anorangarira kuti mutadzi pamberi paMwari.
Vamwe ndivo vanozozvirangarira kuti vatadzi mushure memakore gumi asi vakatenda muna Jesu kare. “Ho, mudikanwi! Ndiri mutadzi! Ndaifunga kuti ndakaponeswa, asi kwete, ndinongove mutadzi!” kurangarira uku kwakazouya taona zvatiri chaizvo. Vainge vachifara kwemakore gumi, asi mushure maizvozvo vakaona chokwadi. Unoziva kuti nemhaka yei? Rangariro iyoyi yakauya mushure mokubuda pachena kwezvitadzo zvavo nokudarika kwavo kwakaratidzwa nepamurairo waMwari. Munhu akadai akatenda muna Jesu kwemakore gumi pasina kuzvarwa patsva.
Sezvo mutadzi asingagoni kudzima zvitadzo mumwoyo make, anoramba achingove mutadzi pamberi paMwari. Vamwe vanoita makore mashanu, uye vamwewo ndivo vanoita makore gumi kuti vasvika pakuzorangarira vamwe vanosvitsa makore makumi matatu, vamwe mushure memakore makumi mashanu uye vamwe havazorangariri chokwadi ichi kusvikira pakuguma. “Mudikanwi Mwari, ndaiwanzove ndakanaka ndisati ndave nemurairo mupfungwa dzangu. Ndainge ndakagutsikana kuti ndaichengeta murairo kwazvo, asi zvino ndave kuziva kuti ndakatadza zuva nezuva. Kufanana namupositora Pauro akaita; “Ini ndaive mupenyu kare kunze kwomurairo, asi mutemo uchizosvika, zvitadzo zvakamuka, ini ndikafa.” (VaRoma 7:9). Ndiri mutadzi kunyangwe ndichitenda muna kirisito.
Zvitadzo zvako ndizvo zvinokukonesa kurarama neshoko raMwari. Zvitadzo zvako zvinonyorwa mumwoyo mako. Nokuti Mwari anonyora zvitadzo zvako ipapo, kana ukakotamisa uswo hwako kuti unamate, zvitadzo. Zvako zvose zvinobuda. “Chishamiso! Ndini chitadzo chawakapara.”
“Asi ndakakuyananisira kwemakore maviri apfuura. Ko zvino sei uchidzokazve nhasi uno? Sei usingadi kubva uende kure?”
“Ho, usandinganyangadza! Ndakanyorwa mumwoyo mako. Hazvina mhosva kuti unofungei, unongove mutadzi chete.”
“Kwete! Kwete!”
Nokudaro, mutadzi anopinduka zvakare muzvitadzo zvaakapara makore maviri apfuura. “Veduwe ndikanganwireiwo, Jehovha, ndichiri kutambudzwa nezvitadzo zvangu zvandakapara kare. Ndinoita rupinduko rwezvitadzo zvangu, asi zvichiti kungondinetsa. Ndikanganwireiwo, nokuti ndakatadza.”
Asi zvitadzo izvozvo zvingaenda nokuda kwerupinduko here? Nokuti zvitadzo zvevanhu zvinonyorwa mumwoyo yavo, hazvigoni kuti zvidzimike pasina vhangeri remvura nemweya nokuda kwevhangeri remvura nemweya chete ndiko kungaita ruyananiso rwezvitadzo. Tinoponeswa chete nokuvimba muvhangeri rechokwadi raJesu.
 
 
NDICHAVA MUPONESI WAKO
 
Tingaita sei nokuda kwesungano itsva?
Tinofanira kutenda mairi nomwoyo yedu uye nokuparidza kunyika yose.
 
Jehovha wedu ari kudenga akaita sungano itsva nesu. “Ndichava muponesi wenyu. Ndichakusunungurai zvakakwana kubva kuzvitadzo kuburikidza nemvura neropa. Zvirokwazvo ndichakukomborerai kwamuri mose munotenda kwandiri.”
Unotenda musungano itsva naMwari here? Tinogona kuponeswa kubva kuzvitadzo zvedu uye tozvarwa patsva kana tichitenda muchokwadi chesungano yake uye noruponeso rwake rwuri mumvura nemuropa rake.
Hativimbi nachiremba kana asinganyatsoita ongororo yakanaka. Chiremba anofanira kutanga acherechedza chirwere cheanorwara kana adaro anozomupa mushonga unoenderana nechirwere. Kune mhando dzakawanda dzemishonga, asi chiremba anofanira kuve noruzivo rwekuushandisa. Kana chiremba achinge aita ongororo yakanaka yechirwere chemurwere wake, kune mushonga yakawana yokurapa nayo. Asi akashandisa usiwo, mishonga yose iyo yakanaka inobva yaipa kumurwere.
Zvimwezvo, kana uchitenda muna Jes, unofanira kuita ongororo yemamiriro emweya wako zvichienderana neshoko raMwari. Unonatsoona mamiriro akaita mweya wako. Chiremba wepamweya anorapa varwere vake pasina chinosara, vose vanobva vazvarwa patsva.
Kana uchiti, “Handizivi kuti ndakaregererwa here kana kuti kwete,” zvinoreva kuti hausati waponeswa. Kana muvhangeri ari mudzidzi waJesu wechokwadi, anofanira kuve anokwanisa kupedza dambudziko rezvitadzo zvevateveri vake. Nokudaro, anogona kukwanisa zvakare kugadzirisa dambudziko rokuvimba kwavo uye nokuvatungamirira pamweya. Anofanira kukwanisa kuona chaizvo mamiriro emweya wevateveri vake.
Jesu akauya panyika pano kuzotora zvitadzo zvenyika yose. Akauya akabhabhatidzwa uye akafa ari pamuchinjikwa. Apo paakawadzanisa zvitadzo zvose pane chimwe chaakasiya here? Shoko remvura nemweya rinobvisa zvitadzo zvevanotenda vose.
Vhangeri rinofanana nehora rinokwatura nesimba zvinhu zvose kubva kuzvivakwa zvirefu uye nekumakomo makuru. Ndizvo zvakafanana nemabasa aJesu. Anotsvaira zvitadzo zvose zveavo vose vanotenda maari nokuda kwevhangeri remvura nemweya. Parizvino ngatimbotarisai nezvevhangeri remvura nemweya semataurirwo azvakaitwa mubhaibheri.
 
 
VHANGERI ROKUTURIKA MAOKO MAMUSORO RIRI MUTESITAMENDE YEKARE
 
Chaiva chinangwa chei pakuturika maoko pamusoro uko kuri muTesitamende Yekare?
Chinangwa chacho chaiva chokuisa zvitadzo pachipiriso chezvitadzo.
 
Ngatimbotsvakai chokwadi pamusoro pevhangeri rokuregererwa muna Revhitiko 1:3-4. “Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chenzombe, unofanira kuvigirwa mukono usine mhosva, ngaachibayire pamukova wetende rokusongana, kuti agamuchirwe pamberi paJehovha. Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chinopiswa kuti agamuchirwe panzvimbo yake, chimuyananisire.”
Ndima iyi inotitaurira kuti chipiriso chinopiswa chinofanira kupirwa pamukova wetende rokusangana pamberi paMwari nokuturika maoko pamusoro wechipiriso, uye chipo ichi chinofanira kuve chiri chemhuka mhenyu isina mhosva.
Panguva yeTesitamende Yekare, mutadzi aiturirka maoko ake pamusoro wechipiriso kuti ayananisire zvitadzo zvake zvezuva nezuva. aiuraya chipiriso chezvitadzo pamberi paMwari uye mushumiri aitora rimwe ropa agoriisa panyanga dzepaAtari inopisirwa zvipiriso izvi. Aizodira rimwe ropa rinenge rasara panhuri dzose dzepaAtari nokudaro mutadzi aitokanganwirwa zvitadzo zvezuva iroro.
Kana zviri zvitadzo zvegore, izvi zvakanyora muna Revhitiko 16:6-10, “Aroni unofanira kuuya nenzombe yake duku yechipiriso chezvitadzo, kuti azviyananisire, iye neveimba yake, zvino ngaatore mbudzi mbiri, adziise pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana; Aroni zvino unofanira kukanda mijenya pamusoro pembudzi mbiri, mumwe mujenya waJehovha, mumwe waAzazeri. Zvino Aroni unofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya pamberi paJehovha, ndokuibayira chive chipiriso chezvitadzo. Asi mbudzi yakabatwa nomujenya waAzazeri, inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJehovha kuti ayananisire pamusoro payo, igoregedzwa iende kurenje ive yaAzazeri.” Sematsanangurirwo azvakaitwa muBhaibheri, mbudzi yaAzazeri zvinoreva, “kudzingira”, nokudaro zvitadzo zvegore rose zvaidzingirwa pambudzi nezuva rechigumi mumwedzi wechinomwe.
Muna Revhitiko 16:29-30, makanyorwa kuti, “Unofanira kuve murairo kwamuri usingaperi; nomwedzi wechinomwe nezuva regumi romwedzi, munofanira kuchema pamweya yenyu, nokusabata mabasa ose, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu; nokuti munofanira kunatswa pazvitadzo zvenyu zvose pamberi paJehovha.”
Iri ndiro zuva raiyananisirwa vaIsiraeri zvitadzo zvegore rose. Izvi zvaiitwa sei? Chokutanga, mushumiri mukuru Aroni aifanira kunge aripo paibayirwa. Aimiririra vanhu veIsiraeri ndiani? NdiAroni. Mwari akasarudza Aroni neverudzi rwake sevashumiri vakuru.
Aroni aipa chipo chenzombe kuti ayananisire zvitadzo zvake nezveveimba yake. Aiuraya nzombe iyi nokuzosasa ropa pamberi pechidzitiro chenyasha kanoita kanomwe. Aifanira kutanga ayananisa zvitadzo zvake nezveimba yake.
Kuyananisira kunoreva kubvisa zvitadzo pane umwe zvichienda pachipiriso chezvitadzo uye nokuzoregera chipiriso chezvitadzo izvi chichizofa pamusoro pechinzvimbo chemutadzi. Mutadzi aifanira kunge ari iye aifanira kufa, asi aizoyananisa zvitadzo nokuzviisa pachipiriso chezvitadzo uye chichizofa pachinzvimbo chemutadzi.
Mushure mokunge zvitadzo zvake nezvemhuri yake zvaregererwa, aiipa mbudzi imwe pamberi paMwari apa imwe yacho yaiendeswa kurenje sembudzi yaAzazeri iri pamberi pavanhu veIsiraeri.
Imwe mbudzi yaipiwa sechipo chekupirisa zvitadzo. Aroni aiturika maoko ake pamusoro wembudzi yekupirisa zvitadzo uye oreurura, “Ho, Mwari, vanhu veIsiraeri vakakanganisa vakatsauka pamutemo gumi uye nezvikamu mazana matanhatu negumi nezvitatu zvemurairo. VaIsiraeri vave vatadzi. Zvino ndave kuturika maoko angu pambudzi iyi kuti ndiise zvitadzo zvedu zvose zvegore.”
Anouraya mbudzi iyi uye nokupinda munzvimbo inoera yemutende aineropa rembudzi. Aizosasa ropa rimwe pamberi pechidzitiro chenyasha kanoita kanomwe.
Mukati menzvimbo inoera ndimo maiva nengarava yesungano. Butiro racho rainzi chidzitiro chenyasha uye mukati macho maive nehwendefa mbiri dzematombo esungano, hari yendarama iri mana, uye tsvimbo yaAroni.
Tsvimbo yaAroni yaimiririra kumuka, matombo maviri ehwendefa dzesungano yekururama, uye hari yendarama yemana neshoko reupenyu.
Paive nebutiro paAreka yesungano. Ropa raisasiwa pachifinhiro chekuyananisa kanomwe. Paive nezvitare zvendarama zvainge zvakasungirirwa mumupendero wenguwo tsvene yemushumiri mukuru. Aiwanzoridzwa kana panenge pachisasiwa ropa.
Muna Revhitiko 16:14-15 yakanyorwa kuti, “Zvino ngaatore rimwe ropa renzombe, arisase nomunwe wake pamusoro pechifunhiro chokuyananisa kurutivi rwamabvazuva, nerimwe ropa arisase nomunwe wake kanomwe pamberi pechifunhiro chikuyananisa. Ipapo unofanira kuuraya mbudzi yechipiriso chezvitadzo chavanhu ndokuuya neropa rayo mukati mechidzitiro agoita neropa rayo sezvaakaita neropa renzombe, arisase pamusoro pechifunhiro chokuyananisa.”
Zvitare zvairira nguva nenguva panenge pachisasiwa rimwe ropa rembudzi, uye vose vaIsiraeri vanenge vakaungana panze vanonzwa ruzha rwezvitare. Kana zvitadzo zvavo zvichinge zvayananiswa nomushumiri mukuru, ruzha rwezvitare zvaireva kuti zvitadzo zvavo zvakanganwirwa. Rwaiva ruzha rwemaropafadzo evanhu vose veIsiraeri.
Pairira zvitare kanomwe, vaibva vati, “Zvino ndachisununguka. Ndange ndichishungurudzika nezvitadzo kwegore rose, zvin o ndachidzikinurwa.” Vanhu vaibva vachidzoka paupenyu hwavo hwemazuva ose. Vachinzwa vakasununguka kubva kumhosva dzavo. Ruzha rwezvitare panguva iyoyo zvainge zvakangofanana nenhau dzakanaka dzekuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Kana patinonzwa vhangeri rekuregererwa nemvura nomweya uye nokutenda mariri nemwoyo yedu uye nokubvuma mazviri nemiromo yedu, izvozvo ndizvo mamiriro akaita vhangeri remvura nemweya. Kana panorira zvitare kanomwe, zvitadzo zvose zvepagore zvavaIsiraeri zvaichenurwa. Zvitadzo zvavo zvaisukwa pamberi paMwari.
Mushure mokupira mbudzi yevaIsiraeri, mushumiri mukuru aitora mbudzi oenda nayo kuvanhu vanenge vakamirira panze patende rokusongana. Apo pavanenge vakatarisa mushumiri mukuru aiturika maoko pamusoro wembudzi.
Muna Revhitiko 16:21-22, “Aroni agoisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu, ndokuureurura pamusoro payo zvakaipa zvose zvavana veIsiraeri nokudarika kwavo kwose, izvo zvitadzo zvavo zvose; ngaazviise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza, itumwe kurenje nomunhu akanga akarairwa. Mbudzi iyo inofanira kutakurira zvakaipa zvavo zvose; kunyika isina vanhu; unofanira kuiregedza mbudzi iyo murenje.”
Mushumiri mukuru, Aroni, aiturika maoko ose pamusoro weimwe mbudzi (mbudzi yaAzazeri) agoreurura zvitadzo zvose zvegore zvavaIsiraeri pamberi paMwari. “Ho, Mwari, vaIsiraeri vakatadza pamberi penyu. Takadarika murairo gumi uye nezvikamu mazana matanhatu zvemitemo yenyu. “Ho, Mwari, ndinoisa zvitadzo zvose zvevaIsiraeri zvegore rose pamusoro wembudzi iyi.”
Zvichienderana nezviri muna Jeremiya 17:1, zvitadzo zvinonyorwa munzvimbo mbiri. Pokutanga mubhuku remabasa uye pamwe pacho, pahwendefa yemwoyo yavo.
Naizvozvo kana vanhu vaida kuyananisa zvitadzo zvavo, zvitadzo zvavo zvaifanira kudzimwa kubva mubhuku ramabasa uye nepahwendefa dzemwoyo yavo. Pazuva rokuyananisirwa, imwe mbudzi yezvitadzo zvakanyorwa mubhuku rokutongwa uye imwe yacho yaive yezvitadzo zvakatemerwa pahwendefa dzemwoyo yavo.
 
Chii chaida Mwari kuti aratidze vanhu veIsiraeri nenzira dzokupa zvibayiro dziri muTesitamende yekare?
Kuratidza kuti muponesi achauya kuzobvisa zvitadzo zvavo zvose kamwe kwenguva dzose nenzira inokodzera.
 
Nokuturika maoko pamusoro wembudzi, mushumiri airatidza vanhu vose kuti zvitadzo zvavo zvose zvegore zvaiiswa pambudzi, apo zvitadzo zvainge zvaiswa pamusoro wembudzi, munhu ainge akarairwa ndiye aienda nembudzi iyi kurenje.
Palestine inyika yerenje mbudzi yaitora zvitadzo zvose zvepagore rose zvevaIsiraeri, yaitungamirirwa nomunhu akarairwa zvokuita pabasa iri oenda nayo mugwenga imo mainge musina mvura kana uswa. Vanhu vaimira nokuona mbudzi iyi ichiendwa nayo murenje.
Vaibva vazviti pachavo, “Dai ndiri ndatofa, asi zvino mbudzi iyi yazofira zvitadzo zvangu. Mubairo wezvivi rufu, asi mbudzi iyi yafa pachinzvimbo changu. Ndinovonga kwauri mbudzi, rufu rwako rwunoreva kuti ndave kukwanisa kurarama.” Mbudzi yaitungamirirwa murenje uye vaIsiraeri vaikanganwirwa zvitadzo zvavo zvegore rose.
Kana zvitadzo zvichinge zvaiswa pachipiriso chezvitadzo, unenge wachenurwa. Zvinongova nyore chose. Chokwadi chiri nyore chose kana tikangochinzwisisa.
Mbudzi yakanyangarika, munhu uya akadzoka ave oga mushure mokunge anoisiya ikoko kurenje. Zvitadzo zvegore rose zvevaIsiraeri zvainge zvatoenda. Mbudzi yaidzivaira murenje pasina kana mvura kana uswa zvahwo uye yaibva yafa yakatakura zvitadzo zvevaIsiraeri.
Mubairo wezvivi rufu. Uye kururama kwaMwari kwainge kwatozadziswa. Mwari akapa chibayiro chembudzi kuti vaIsiraeri vagorarama kudarika kwavo kwose kwavaIsiraeri kwegore rose kwaisukwa kusvikira kwachena.
Sokuregererwa kwaiitwa zvitadzo zvepazuva nezvepagore muTesitamende Yekare, sungano yaMwari ndiyo ichabvisa zvitadzo zvedu nenzira imweyo kamwechete kwenguva dzose. Yaive sungano yake kuti achatitumira Mesiya uye achatidzikinura kubva kuzvitadzo zveupenyu hwose. Sungano iyi yakaitwa kuburikidza nokubhabhatidzwa kwaJesu.
 
 
KUZVARWA PATSVA NEMVURA NEMWEYA KURI MUTESITAMENDE ITSVA
 
Sei Jesu akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi?
Kuzadzisa kururama kwose nokutora zvitadzo zvose zvenyika. Kubhabhatidzwa kwaJesu kuri muTesitamende Itsva ndiko kuturika maoko kuri muTesitamende Yekare.
 
Ngativerengei Mateo 3:13-15, “Zvino Jesu wakabva Garireya, akasvika paJorodhani kuna Johane kuzobhabhatidzwa naye. Asi Johane wakaidza kumubvisa akati: Ndini ndinotofanira kuti ndibhabhatidzwe nemi, ko, zvino munouya kwandiri sei? Asi Jesu wakapindura, akati kwaari: chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega.”
Jesu akapinda munaJorodhani akabva abhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi uye nokuita ikoko, akazadziisa kururama kwose. Akabhabhatidzwa naJohane. Johane aive mukuru-kuru pane vakazvarwa nomukadzi.
Mateo 11:11-12 inoti, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kune vakaberekwa navakadzi hakuna kumuka mukuru kuna Johane mubhabhatidzi asi muduku muushe hwokudenga mukuru kwaari. Kubva pamazuva aJohane mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwekudenga hunopambwa, vapambi vanohutora nesimba.”
Johane mubhabhatidzi akasarudzwa naMwari kuti amiririre marudzi ose uye akamutuma mwedzi mitanhatu iri mberi Jesu kirisito asati auya. Aiva werudzi rwaAroni uye mushumiri mukuru wekupedzisira.
Johane mubhahbhatidzi akati, achiona Jesu achiuya kwaari, “Ini ndini ndatoda kubhabhatidzwa nemi zvino imi munouya kwandiri sei?”
“Saizvozvo ndizvo zvakafanira kuti zviitwe kuti tizadzise kururama kwose.” Chinangwa chake kwaiva kuda kusunungura marudzi ose kubva kuzvitadzo kuti vagove vana vaMwari, Jesu akati kuna Johane, “Tinofanira kuzadzisa vhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya, zvino ndibhabhatidze.”
Johane akabva abhabhatidza Jesu zvainge zvakafanira kuti Jesu abhabhatidzwe naJohane kuti agotora zvitadzo zvose zvepanyika. Nokuti akabhabhatidzwa sezvaifanira kuitwa, takabva taponeswawo kubva kuzvitadzo nenzira inofanira chose. Kuti zvitadzo zvedu zvigoenda pana Jesu.
Jesu akauya panyika pano uye akabhabhatidzwa naJohane paakauya ava namakore makumi matatu. Ndiro raive basa rake. Jesu akazadzisa kururama kwose nokubvisa zvitadzo zvepanyika, nokudaro, akaponesa vanhu vose.
Jesu akauya pano panyika uye akabhabhatidzwa sezvinofanira kuti atidzikinure kubva kumatadzo edu ose. ‘saizvozvo’ kururama kwose kwakazadziswa.
Mwari akati, “Uyu ndiye mwanakomana wangu inodikanwa, wandinofarira.” (Mateo 3:17). Jesu aitozviziva kuti achabvisa zvitadzo zvamarudzi ose uye kudeura ropa kusvika afira pamuchinjikwa, asi akaita kuda kwaBaba vake, achiti, “Kunyangwe zvakadaro kusava kuda kwangu asi kuda kwenyu.” (Mateo 26:39) kuda kwaBaba kwaiva kwekuti kusukwa kwezvitadzo zvemarudzi ose uye nokupa ruponeso kuvanhu vepanyika.
Nokudaro, Jesu mwanakomana anoteerera, akateerera kuda kwaBaba vake akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi.
Muna Johane 1:29, “Ava mangwana wakaona Jesu achiuya kwaari akati: Tarirai! Hwayana yaMwari inobvisa zvitadzo zvepanyika!” akapupurira Johane mubhabhatidzi.
Une chitadzo here kana kuti hauna? Uri munhu akarurama here kana kuti mutadzi? Chokwadi ndechokuti akatora zvitadzo zvepanyika uye akarovererwa pamuchinjikwa nokuda kwedu isu.
 
Zvitadzo zvevatadzi vose vepanyika zvakaiswa pana Jesu riini?
Jesu akatora zvitadzo zvose paakabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi pana Jorodhani.
 
Kana tichinge tazvarwa panyika pano, tinotadza kubva pagore rekutanga uye kusvika pamakore gumi. Jesu akatotora zvitadzo izvozvo kare. Tinotadzawo zvakare tiri pakati pemakore gumi nerimwe uye makore makumi maviri. Zvitadzo zvatinoita mumwoyo yedu uye nokuda kwezviito zvedu, Jesu akatozvitora zvose izvozvo.
Tinotadza zvakare pamakore makumi maviri nerimwe uye pakati pemakore makumi mana nemashanu, zvose izvozo zvitadzo akatozvitorawo zvakare. Akatora zvitadzo zvose zvepanyika uye akarovererwa pamuchinjikwa. Tinotadza kubva pazuva rokuzvarwa kwedu kusvika tafa. Asi iye wokururama Jesu akatozvitora zvitadzo zvedu kare.
“Tarirai! Hwayana yaMwari inobvisa zvitadza zvose zvepanyika!” Zvitadzo zvose kubva pane zvomunhu wekutanga Adhamu kusvikira pamunhu wokupedzisira kuzvarwa pano panyika ― kungava riini ― Akatozvitora kare. Haana waakati uyu ndiye waachasarudza agozotora.
Haana kusarudza kuda vashoma vedu chete. Akauya ari panyama akatora zvitadzo zvose zvepanyika uye akarovererwa pamuchinjikwa. Akagamuchira kutongwa kwedu tose uye akabvisa zvitadzo zvose zvepanyika nokusingaperi.
Hakuna munhu akasiiwa paruponeso rwake. “Zvitadzo zvedu zvose zvepanyika” izvozvo zvakatorwa naJesu.
Nokubhabhatidzwa kwake uye neropa rake, akachenura zvitadzo zvose zvepanyika ari pamuchinjikwa. Akagamuchira mutongo wedu tose uye nokubvisa zvitadzo zvedu zvose. Jesu asati afira pamuchinjikwa akati, “Zvino zvapera!” (Johane 19:30) Zvichireva ruponeso rwamarudzi ose rwainge rwazadziswa.
Nemhaka yei Jesu akarovererwa? Nokuti upenyu hwenyama huri muropa rake, uye neropa ndiro rinoyananisira upenyu hwemunhu. (Revhitiko 17:11) Nemhaka yei Jesu akabhabhatidzwa? Nokuti aida kutora zvitadzo zvose panyika.
“Shure kwaizvozvo, Jesu wakati achiziva kuti zvose zvapera kuti rugwaro ruitike akati `ndine nyota!” (Johane 19:28). Jesu akafa achitoziva kuti sungano dzose dzaMwari dzemuTesitamende Yekare dzainge dzapedziswa nokuda kwekubhabhatidzwa kwake paJorodhani uye nokuzofira kwake pamuchinjikwa.
Jesu aiziva kuti ruregerero rwaifanira kuzadziswa nomaari uye akati “Zvino zvapera” achibva afira pamuchinjikwa. Akabva atichenurwa, akamuka zvakare kubva kuvafi nezuva retatu uye akakwira kudenga uko kwaagere kuruoko rwerudyi rwaMwari.
Kusukwa kwezvitadzo zvose nokuda kwekubhabhatidzwa kwake uye neropa rake repamuchinjikwa ndiwo makomborero evhangeri remvura nemweya. Tenda mazviri, uye uchakanganwirwa zvitadzo zvako zvose.
Hatingayananisirwi zvitadzo zvedu nokuda kwekuita minamato yorupinduko zuva nezuva. Ruregerero rwakapiwa kamwe kwenguva dzose kuri kuda kwekubhabhatidzwa kwaJesu uye nekufira kwake pamuchinjikwa. “Zvino kana zvinhu izvi zvakanganwirwa zvitadzo hazvichabayirwi.” (VaHebheru 10:18).
Apa chatave kungofanira kuita chete kutenda mururegerero kuburikidza nekubhabhatidzwa kwaJesu uye nekurovererwa kwake. Tenda uye uchaponeswa.
VaRoma 5:1-2 inot, “Naizvozvo zvatinoruramiswa nokutenda ngative norugare kuna Mwari naishe wedu, Jesu kirisito, watakawana naye mapindire nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ngatifare netariro yokuona kubwinya kwaMwari.”
Hapana imwe nzira yokururamiswa nayo asi kutenda muvhangeri rakaropafadzwa rokuzvarwa patsva nemvura nemweya.
 
 
CHINANGWA CHOMURAIRO WAMWARI
 
Tinogona kuchenurwa nokuda kwemurairo here?
Kwete, hazvigoni, murairo unoita kuti tizive nezvezvitadzo zvedu.
 
Muna vaHebheru 10:9, makanyorwa kuti, “Iye ndokuti, tarirai, ndakauya kuzoita kuda kwenyu, Ho, Mwari unobvisa chokutanga kuti aise chepiri” Hatikwanisi kuchenurwa nokuda kwemurairo haana kureva kuti titeerere murairo.
VaRoma 3:20 inoti, “Nokuti zvitadzo zvinoziviswa nomurairo.” Mwari akapa vaIsiraeri murairo nomuna Mozisi mushure memakore mazana mana nemakumi matatu apfuura kubva Abhurama awana sungano. Akavapa murairo kuti vagoziva kuti chii chinonzi kutadza pamberi paMwari. Pasina murairo waMwari, marudzi ose vaizoshaya zvinoreva chitadzo. Mwari akatipa murairo wake kuti tigove tinonzwisisa nezvechitadzo.
Nokudaro chinangwa chomurairo ndechokuti tizive kuti tose tiri vatadzi pamberi paMwari. Kuburikidza noruzivo urwu, tinotarisirwa kudzoka kuna Jesu nokutenda muvhangeri remvura nemweya rekuzvarwa patsva rakakomborerwa. Ichi ndicho chinangwa chakaita kuti Mwari vatipe murairo.
 
 
JEHOVHA AKAUYA KUZOITA KUDA KWAMWARI
 
Tinofanira kuitei pamberi paMwari?
Tinofanira kutenda mururegerero rwaMwari kuburikidza nomuna Jesu.
 
“Ndakauya kuzoita kuda kwenyu, Ho, Mwari. Unobvisa chokutanga kuti aise chepiri.” (VaHebheru 10:9). Nouti hatingatochenurwi nemurairo, Mwari haana kutidzikinura nokuda kwemurairo, asi kuti neruregerero rwake rwakakwana. Mwari akatipa rudo rwake uye nokurarama.
“Nokudaro ikoko takaitwa vatvene nechibayiro chomuviri waJesu Kirisito chakabayirwa kamwechete. Mushumiri mumwe nomumwe unomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo, zvimwe nezvimwe, zvisingagoni kubvisa zvitadzo; asi iye wakabayira chibayiro chimwe chete pamusoro pezvitadzo akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari.” (VaHebheru 10:10-12).
Akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari nokuda kwemabasa ake okuregerera ayo akazadziswa uye akange asisina chimwe chokuitazve. Haachazobhabhatidzwa kana kurovererwa zvakare kuti agotiponesa.
Zvino nokuda kwekuti zvitadzo zvose zvepanyika zvakasukwa, chaave kungoita chete kwave kutipa upenyu husingaperi kune avo vanotenda maari. Zvino unobatana neavo vanotenda muruponeso rwemvura nemweya.
Jesu akauya pano panyika akatora zvitadzo zvose zvepanyika uye akafira pamuchinjikwa, nokudaro akapedzisa basa rake. Zvino nokuda kwekuti basa rake akapedza, akagara hake kurudyi rwaMwari.
Tinofanira kutenda muna Jehovha Jesu wedu kuti akatiponesa kubva kuzvitadzo zvose nokusingaperi. Akatiita takarurama nokusingaperi nokuda kwerubhabhatidzo rake uye neropa rake.
 
 
AVO VANOVA VAVENGI VAMWARI
 
Vavengi vaMwari ndevapi?
Avo vanotenda muna Jesu asi vane zvitadzo mumwoyo yavo.
 
Muna vaHebheru 10:12-13, Jehovha anoti, “Asi iye wakati abayira chibayiro chimwe chete pamusoro pezvitadzo akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari. Kubva zvino achamirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake nokuti nechibayiro chimwe wakakwanisa nokusingaperi avo vanoitwa vatsvene.” Akati achamirira kusvikira zuva rokutongwa kwavo.
Vavengi vake vanongotiwo, “Mwari, tikanganwireiwo zvitadzo zvedu.” Satani nevateveri vake havatendi muvhangeri remvura nemweya uye vanoramba vachikumbira kanganwiro yake Jesu.
Jehovha Mwari wedu haazi kuzovatong parizvino, asi pakudzoka kepiri kwaJesu, ndipo pavachatongwa nokukandirwa kugehena nokusingaperi. Mwari acharamba ainavo kusvikira pazuva rokutarisira kuti vanofunga kupinduka kuti vagove vakarurama kuburikidza nokuregererwa.
Jehovha Jesu wedu akatora zvitadzo zvedu zvose uye akazvifira pamusoro peavo vanotenda maari. Jesu achaonekwa kepiri kuti azodzikinura avo vanotenda maari “Ho, veduwe huyai zvino kwatiri, Jehovha.” Achauya kepiri kuzotora avo vasina zvitadzo kuti vagonogara naye kuumambo hwekudenga nokusingaperi.
Avo vanoramba vachingoti vatadzi kusvikira Jehovha adzoka havazowani nzvimbo kudenga. Nezuva rokupedzisira vachatongwa nokukandirwa mugehena rinopfuta mwoto. Ichi ndicho chirango chakamirira avo vanoramba kutenda mukuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Jehovha Jesu wedu anotora avo vasingatendi maari sevavengi vake. Ndiko kusaka ichirwa nemanyepo aya. Ndiko kusaka tichifanira kutenda muvhangeri rakakomborerwa rokuzvarwa patsva nemvura nemweya.
 
 
TINOFANIRA KUTENDA MUVHANGERI REMVURA NEMWEYA
 
Pachine chinangwa chokuyananisira zvitadzo zvedu zvino zvikwereti (zvitadzo) zvedu zvakaripiwa kare?
Kwete hapachina kana nechimwe.
 
VaHebheru 10:15-16 inoti, “Nemweya mutsvene unotipupurirawo; nokuti wakatanga achiti; iyi ndiyo sungano yandichaita navo shure kwemazuva iwayo, ndizvo zvinotaura ishe; ndichaisa mirairo yangu pamwoyo yavo, nokunyora pakufunga kwavo.”
Mushure mokubvisa zvitadzo zvedu zvose akati, “Iyi ndiyo sungano yandichaita navo.” Isungano yei? “Ndichaisa mirairo yangu pamwoyo yavo nokunyora pakufunga kwavo.” Takaedza kurarama tichitevedza nokuchengeta murairo, asi hatina kuponeswa nomurairo pachokwadi.
Mushure maizvozvo takava nokuziva kuti Jesu akatoponesa avo vanotenda mumwoyo yavo vhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya. Aninani anotenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake acharegererwa.
Jesu ndiye Jehovha weruponeso “Nokuti hakuna nerimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pavanhu ratingasunungurwa naro.” (Mabasa AvaPositora 4:12). Jesu akauya pano panyika semuponesi wedu. Nokuti hatingaponeswi nokuda kwemabasa edu, Jesu akatiponesa uye akanyora pahwendefa yemwoyo yedu kuti akatiponesa nomurairo werudo rwake uye neruponeso rwake.
“Zvitadzo zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangariri. Zvino kana zvinhu izvi zvakanganwirwa zvitadzo hazvichabayirwi.” (VaHebheru 10:17-18).
Zvino haachazorangariri kudarika kwedu kwose, zvino nokuti akatora zvitadzo zvedu zvose, tinofanira kutenda kuti isu vatendi hatichina chitadzo chokukanganwirwa. Zvikwereti zvedu zvakaripirwa zvose hapachina chimwe chokuzopira zvakare. Vanhu vanoponeswa nokuvimba mukushandira kwaJesu, uyo akatiponesa kuburikidza nokubhabhatidzwa kwake uye nemuropa rake repamuchinjikwa.
Zvino chatave kufanira kuita kutenda mumvura uye nemuropa raJesu. “Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.” (Johane 8:32). Tenda muruponeso ruri muna Jesu. kuwana ruregerero kuri nyore chose pane kufema. Apa chaunongoita chete kutenda muzvinhu izvi sezvazviri. Ruponeso kungotenda mushoko raMwari.
Tenda kuti Jesu muponesi wedu (murubhabhatidzo rwaJesu uye nerufu rwake ari pamuchinjikwa) uye unofanira kuve nokuvimba kuti ruponeso nderwako. Ramba dzimwe pfungwa dzako uye ugotenda muruponeso ruri muna Jesu. Ndinonamatira kuti dai manyatsotenda muna Jesu uye mobva magadzirira kuti mutingamirirwe naye kuhupenyu husingaperi.