(Mateo 3:13-17)
“Zvino Jesu wakabva wakabva Garireya, akasvika paJorodhani kuna Johane kuzobhabhatidzwa naye. Asi Johane wakaidzwa kumudzivisa akati: ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, ko zvino imi munouya kwandiri sei? Asi Jesu wakapindura akati kwaari: chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti titadzise kururama kwose. Ipapo akamurega. Jesu akati abhabhatidzwa, pakarepo akabuda mumvura; zvino, tarira, denga rakamuzarurirwa, akaona mweya wamwari achiburuka senjiva, akauya pamusoro pake. Zvino tarira inzwi rakabva kudenga richiti: Uyu ndiye mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira!”
KUBHABHATIDZWA NAJOHANE
Rupinduko chii?
Kudzoka kubva kune upenyu hwezvakaipa uye kutenda muna Jesu kuti ugochenurwa.
Vanhu vazhinji havazivi kuti sei Jesu akauya panyika pano uye akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi nemhaka yei. Nokudaro ngatitaurei nezvechinangwa chekubhabhatidzwa kwaJesu uyezve nezvaJohane mubhabhatidzi uyo anova akabhabhatidza Jesu.
Chokutanga tinofanira kufunga nezvekuti chii chakakonzera kuti Johane mubhabhatidzi abhabhatidze vanhu pana Jorodhani. Izvi zvakatsanangurwa muna Mateo 3:1-12 kuti Johane mubhabhatidzi aibhabhatidza vanhu kuti avadzose kuna Mwari kubva kuzvitadzo nokureurura zvitadzo zvavo.
“Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, kuti mutendeuke” (ndima yegumi neimwe). Uye “Inzwi rounodana murenje; gadzirirai nzira yashe, ruramisai nzira yake” (ndima yetatu). Johane mubhabhatidzi aisimira makushe engamera achidya mhashu, achidaidzira ari murenje achiparidza rubhabhatidzo rekutendeuka kuti pave nekanganwiro yezvitadzo.
Aidaidzira kuvanhu, “Pindukai, muponesi wevanhu ari kuuya gadzirirai nzira yake, ruramisai nzira yeruponeso rwake. Musanamata zvidhori zvavahedheni uye gamuchirai Jehovha mumwoyo yenyu.”
Dzokai kubva kupi? Kubva mukupfugamira zvidhori uye neamwe mabasa akaipa azere neupenyu hwezvitadzo. Zvino tinofanira kuitei? Tinofanira kubhabhatidzwa muna Jesu kuti tigochenurwa. Jehone mubhabhatidzi aidaidzira ari murenje, “Huyai mubhabhatidzwe neni, musukwe zvitadzo zvenyu. Muponesi, mutumwa wenyu ari kuuya panyika pano. Achazotora zvitadzo zvenyu zvose sehwayana yechibayiro iri muTesitamende Yekare uye achasuka zvitadzo zvenyu.”
MuTesitamende Yekare, zvitadzo zvezuva nezuva zvaiiswa pachipiriso chezvitadzo nokuturika maoko. Zvitadzo zvepagore zvavaIsiraeri vose zvaiiswa pambudzi nemushumiri mukuru pazuva rokuwadzaniswa, iro raiva zuva regumi nomwedzi wechinomwe wegore negore (Revhitiko 16:29-31).
Nenzira imweyo, zvitadzo zvamarudzi ose zvakaiswa pana Jesu nokuda kwerubhabhatidzo kamwe kwenguva dzose kuti zvigobvisa kuburikidza nemaari. Nokudaro Johane aikurudzira vanhu kuti vadzoke kuna Jesu uye kuti vabhabhatidzwe naye.
Chimwe chokutanga chinokosha cherubhabhatidzo rwakaitwa naJohane mubhabhatidzi rwaive rwokutendeuka, irwo rwakadzosa vanhu veIsiraeri kuna Jesu uye aive achazouya. Kutendeuka zvinoreva kudzoka kubva kuupenyu hwezvitadzo uye kutenda mumutumwa kuti vakanganwire zvitadzo zvavo zvose.
Vanhu veIsiraeri vaigona kuregererwa nokuve netarisiro yokuuya kwemutumwa uyo aizosuka zvitadzo zvavo zvose, zvimwezvo, tinoregererwa nokutenda muna Jesu uyo akaburuka kubva kudenga makore zviuru zviviri zvapfuura uye akasuka zvitadzo zvose zvepanyika. Asi vaIsiraeri vemuTesitamende Yekare vakasiya murairo waMwari vakapa zvibayiro zvisiri izvo uye vakakanganwa Mwari.
Nokuti Johane mubhabhatidzi aida kuvarangaridza nezvemurairo waMwari uye nezvemutumwa uye ainge achazouya, akatanga kubhabhatidza vanhu uye achibva azobhabhatidza Jesu pana Jorodhani.
Vanhu vazhinji vakauya kuna Johane kuzobhabhatidzwa, vachitendeeuka kubva mukupfugamira zvidhori uye nokusiya murairo waMwari. Pane zvinhu zvitatu zvisingaperi pakubayira kuri pamurairo ― mhuka mhenyu, kuturika maoko, uye neropa rayo. Vanhu vose vepanyika vanoponeswa nokutenda muna Jesu.
Pakauya boka revaFarise uye nevaSaduse vachiuya kuzobhabhatidzwa, Johane akadaidzira kwavari achiti, “Vana venyoka ndianiko wakakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunouya! Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka. Musafunga kutaura mumwoyo mwnyu muchiti, Abhurama ndibaba vedu, nokuti ndinoti kwamuri, Mwari ungamutsira Abhurama vana vamabwe aya.” (Mateo 3:7-9).
VaFarise nevaSaduse uye nevemapoka ezvematongerwo enyika uye nevanamati vezvifananidzo, vaifunga kuti vaive vanhu vaMwari zvisinei nokusatenda mushoko raMwari. Vaitenda mune zvimwe zvimwari uye nemunedzimwe pfungwa dzavowo.
Pavakauya kuna Johane mubhabhatidzi kuzobhabhatidzwa, akavaudza kuti, “Hamufaniri kupa zvibayiro zvisiri izvo asi dzokai kubva kuzvitadzo uye mutende pachokwadi kumutumwa uyo achauya kuzosuka zvitadzo zvenyu zvose. Munofanira kutenda kuneizvi mumwoyo yenyu.”
Kutendeuka kana kuti kupinduka kudzoka kubva kunzira yezvakaipa. Kutendeuka kwechokwadi kudzoka kubva kuzvitadzo uye nokutenda kwemanyepo uye nokudzoka kuna Jesu. kutenda mururegerero rwekubhabhatidzwa kwake uye nokutongwa kwake ari pamuchinjikwa.
Nokudaro, Johane mubhabhatidzi akadaidzira kuvanhu veIsiraeri, avo vainge vasiya murairo waMwari uye nenzira yokupira zvipiriso nayo. Kuti vadzoke kuna Mwari. Raiva basa raJohane mubhabhatidzi rokudzosa vanhu kuna Jesu kuti vagotenda maari uye vagoponeswa kubva kuzvitadzo zvavo.
UNOTENDA MURUREGERERO RWURI MURUBHABHATIDZO RWAJESU HERE?
Vanhu vose vanofanira kuitei pamberi paJesu?
Vanofanira kutenda maari kuti vaponeswe kubva kuzvitadzo zvavo.
Chinhu chokutanga chakaitwa naJesu achitanga kushandira muvanhu kwaiva kubhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi. Zvitadzo zvose zvepanyika zvakaiswa pana Jesu.
Nokudaro kubhabhatidzwa kwaJesu ndiko kwakava kutanga kweruponeso rwaMwari rwemarudzi ose uye kururama kwaJesu uyo akasuka zvitadzo zvose zvepanyika.
Jesu paakauya pano panyika uye akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi, vhangeri roumambo hwekudenga ndipo parakatanga. Matenga akazarurwa nekubhabhatidzwa kwake sezvazvakatsanangurwa muna Mateo 3:15, zvainge zvakangofanana nekupa chibayiro chekuyananisira zvitadzo zviri kutsanangurwa muna Revhitiko 1:1-5, 4:27-31 iri muTesitamende Yekare.
Chimwe nechimwe chiri muTesitamende Yekare chine shamwari yacho muTesitamende Itsva. “Tsvakai pabhuku yaJehovha, murave; hapane chimwe chinhu chichashaikwa, chichashaiwa shamwari yacho nokuti muromo wangu wakaraira izvozvo, nomweya wake wakazviunganidza” (Isaya 34:16).
MUTESITAMENDE DZOSE YEKARE NEITSVA ZVINONGOTAURA NEZVEKUYANANISWA KWEZVITADZO ZVAVANHU VOSE
Tingaita rupinduko rwezvitadzo zvezuva nezuva here?
Kwete. Kupinduka kwechokwadi kubvuma zvitadzo zvako zvose uye nokudzoka kwepfungwa kurubhabhatidzo rwaJesu kuti uwane ruregerero.
MuTesitamende yekare, chitadzo chezuva rimwe chaiiswa pachipo chekupirisa nokuturika maoko. Chibayiro chaizodeura ropa uye chotongwa pachinzimbo chemutadza. Uye zvitadzo zvose zvinenge zvaitwa pagore zvaiiswa pachipiriso chezvitadzo nokuturika maoko, kuti zvitadzo zvavanhu vose zvigokanganwirwa kwegore rose.
MuTesitamende Itsva, ndiyo nzira imwecheteyo, Jesu Kirisito akauya uye akabhabhatidzwa paJorodhani kuti atore zvitadzo zvose zvepanyika. Nokudaro shoko raMwari rakaporofitwa muTesitamende yekare rakabva razadziswa.
Johane mubhabhatidzi, uyo akabhabhatidza Jesu, aiva mushandiri waMwari akatumwa mwedzi mitanhatu ari mberi kwaJesu. Akapupura kuti Jesu. akapupura kuti Jesu akatora zvitadzo zvose zvepanyika apo paakati, muna Johane 1:29, “Tarirai! Hwayana yaMwari inobvisa zvitadzo zvose zvapanyika!”
Johane mubhabhatidzi akaisa zvitadzo zvose zvenyika pana Jesu nokumubhabhatidza panaJorochani. Nenzira iyi Jehovha akaita wadzaniso yezvitadzo zvemarudzi ose. Chatave kufanira kuita parizvino kutenda chete.
Zvitadzo zvose zvepanyika zvakaiswa pana Jesu. Vadzidzi vaJesu muna Mabasa avaPositora 3:19 vakati, “Naizvozvo tendeukai mudzoke, kuti zvitadzo zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokusimbiswa dzinobva kunashe dzisvike.”
Vaitikurudzira kut tinzwisise kuti sei Johane mubhabhatidzi akabhabhatidza Jesu, sei aitaurira vanhu kuti vamutevere, akati, “Pindukai kuti mudzoke. Tendai mururegereo rwekubhabhatidzwa kwaJesu. Sukwai zvitadzo zvenyu.”
Mutumwa akauya akasuka zvitadzo zvedu zvose kamwe kwenguva dzose nokuda kwekubhabhatidza. Nokudaro zvitadzo zvose zvepanyika zvakaiswa pana Jesu nenzira iyi. Naizvozvo sungano yaMwari yakazadziswa nokubhabhatidzwa kwaJesu, sekunyorwa kwazvakaita muna Mateo 3:13-17.
“Zvino Jesu wakabva Garireya, akasvika paJorodhani kuna Johane kuzobhabhatidzwa naye. Asi Johane wakaidza kumudzivisa, akati; ini ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, ko munouya kwandiri sei? Asi Jesu wakapindura, akati kwaari, chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose ipapo akamurega. Jesu wakati abhabhatidzwa pakerepo akabuda mumvura; zvino tarira, denga rakamuzarurirwa akaona mweya waMwari achiburuka senjiva, akauya pamusoro pake. Zvino tarira inzwi rakabva kudenga richiti: Uyu ndiye mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira!”
kuti azadzise ruponeso rwaMwari, Jesu akauya kuna Johane kuti abhabhatidzwe. Johane mubhabhatidzi aiva mushandiri akakosha waMwari. Ruka chikamu chokutanga inoti, Johane aiva werudzi rwekwaAroni, mushumiri mukuru wekutanga. Mwari akasarudza Johane, wemhuri yaAroni, nokuti aida mumiriri wemarudzi ose uyo aizozadzisa kururama kwose.
Nokudaro Mwari vakazvara Johane weimba yemushumiri mukuru mwedzi inoita mitanhatu Jesu asati azvarwa Johane mubhabhatidzi ndiye akagadzirira nzira yokuuya kwaJesu achidaidzira ari murenje, “Tendeukai imi vana venyoka. Pindukai mudzoke. Mutumwa achauya. Tendeukirai kwaari, kana kuti achagura musoro wako nokukundira mugehena rine mwoto inopfuta. Tenda mukubhabhatidzwa kwake uye nemuropa rake ari pamuchinjikwa. Tendeuka uye ubhabhatidzwe, nokudaro unobva waregererwa.”
Vhangeri rekuregererwa rinotsanangurwa mubhuku yeMabasa avaPositora 3:19. Johane mubhabhatidzi paaidaidzira nezvematadzo emarudzi ose vazhinji vakatendeuka vakadzoka.
Nokuti Johane akaisa zvitadzo zvose zvepanyika pana Jesu, zvitadzo zvose zvemarudzi ose zvakabviswa kamwe kwenguva dzose. Nokuti Johane mubhabhatidzi akapupura kuti Jesu akatora zvitadzo zvedu zvose, zvino tave kugona kuponeswa nokutenda muvhangeri rekuregererwa, vhangeri remvura uye neropa.
CHIKONZERO CHAKAITA KUTI JOHANE ATANGE KUUYA JESU ASATI AZVARWA
Zvinorevei kuti “saizvozvo zvakafanira?”
1. Saizvozvo zvakakodzera
2. Zvakanyatsofanira
3. Nenzira iyi (Hakuna imwe nzira)
Vose avo vane zvitadzo zvinenge zvasukwa nokutenda muna Jesu, muponesi; vanokwanisa kupa umboo hweruponeso rwavo kuburikidza nokupa uchapupu hwaMateo nokuvhangeri rokubhabhatidzwa kwaJesu. Muna Mateo 3:15-16, Jesu akaenda kuna Johane akasvikoti, “Ndibhabhatidze zvino” uye Johane akapindura akati “Ini ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, zvino imi munouya kwandiri sei?”
Johane mubhabhatidzi ndiye akabhabhatidza Jesu, achirangarira kuti aive ani. Johane aive mushandiri waMwari uyo ainge akatumwa kuti azoisa zvitadzo zvemarudzi ose pana Jesu. Nokuti Jesu akauya semuponesi kuzozadzisa zvainge zvakaporofitwa muTesitamende Yekare. Akatuma Johane kuti amubhabhatidze nechinangwa chokuti agotora zvitadzo zvenyika yose azviise pamusoro wake.
Nemhaka yei? Nokuti Jesu mwanakomana waMwari wakarurama, musiki, uye muponesi. Akauya kwatiri nokuda kwekuti asuke zvitadzo zvedu zvose. Nokudaro, nokuda kuti aponese vanhu vose, akaita kuti abhabhatidzwe.
“Saizvozvo zvakafanira.” Jesu akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi uye akasuka zvitadzo zvedu zvose. Akatongwa pachinzvimbo chedu ari pamuchinjikwa. Kubhabhatidzwa kwaJesu hwaiva uchapupu hweruponeso rwedu. Sekuvimbisa kwainge kwaitwa naMwari muTesitamende Yekare kuti zvitadzo zvose zvichaiswa pahwayana yechibayiro, mwanakomana waMwari akave hwayana iyo yakatakura zvitadzo zvedu zvose pachake.
Nokudaro kuturikwa kwamaoko ose uko kunotaurwa muTesitamende Yekaer uye kubhabhatidzwa kwaJesu kuri muTesitamende Itsva kunongova kuisa zvitadzo, uye ruponeso uyezve noupenyu husingaperi hunpiwa kune avo vanotenda muvhangeri remvura nemweya.
KUBHABHATIDZWA KWAJESU KWAKASUKA ZVITADZO ZVEDU ZVOSE
Tingapinda sei muna Kirisito?
Nokubhabhatidzwa muna Kirisito.
Apo Jesu paaida kubhabhatidzwa, Johane mubhabhatidzi akaidza kumudzivisa achiti, “Ini ndini ndinotofanira kubhabhatidzwa nemi, ko zvino imi munouya kwandiri sei?”
Asi Jesu akapindura akati, “Chirega hako zvino nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” Chirega hako zvino. Chirega hako. Akaudza Johane, “Unofanira kuisa zvitadzo zvavanhu vose pandiri, kuti ndigokwanisa kuvauyisa kwandiri avo vanotenda muvhangeri remvura reruregerero. Zvino ndichatongwa pamusoro pezvitadzo zvavo zvose kuti avo vanotenda mukubhabhatidzwa kwangu vagoregerewa zvitadzo zvavo zvose. Isa zvitadzo zvose pandiri zvitadzo zvenyika nokuda kwekubhabhatidzwa kwangu. Kuti vose avo vachazotevera mushure vacharegererwa zvitadzo zvavo zvose kamwechete kwenguava dzose. Naizvozvo chirega hako zvino.”
Jesu akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi uye kubhabhatidzwa kwaJesu kwaienderana nekururama kwemurairo weruregerero rwaMwari nokuti zvitadzo zvose zvakaiswa pana Jesu apo paakabhabhatidzwa. Tinogona kuregererwa kamwe chete kwenguva dzose kana tichitenda muna Jesu uye tobva tabhabhatidzwa. Nokuti akatora zvitadzo zvedu zvose nokuda kwekuturikwa maoko, akafira pamuchinjikwa pamusoro pedu uye parizvino akagara kurudyi rwaMwari, tinogona kuponeswa nokutenda mururegerero rwemvura nemweya.
Ndiye esu akatiponesa kubva kuzvitadzo zvepanyika. Tinogona kuponeswa nokutenda kuti Jesu akatora zvitadzo zvedu zvose uye akaripira mubairo wezvitadzo zvedu zvose ari pamuchinjikwa. Kubhabhatidzwa kwaJesu ndiko kwaiva kuvamba kwevhangeri reruregerero.
Rubhabhatidzo rwekuregererwa rwakanyanya kutaurwa nezvarwo muBhaibheri, uye namupositora Pauro akazvitaurawo mubhuku yavaGaratiya achitiJesu akarovererwa nokuti akabhabhatidzwa muna Kirisito uye akapfeka Kirisito. Mupositora Pauro akataura izvi zvakare nezvekuvimba kwake mururegerero kuburikidza nerubhabhatidzo rwaJesu uye nerufu rwake ari pamuchinjikwa.
“CHIREGA HAKO ZVINO”
Basa raJohane mubhabhatidzi raiva rei?
Basa rake raiva rokuisa zvitadzo zvose zvepanyika pana Jesu uye aive mushumiri mukuru wemarudzi ose.
Jesu akati, “Nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” Kururama kwose kunoreva kubvisa zvitadzo zvose nokuda kwerubhabhatidzo uye nokuti kuti vanhu vose vave vasina zvitadzo mumwoyo yavo. “Ipapo akamurega.” Jesu akaba abhabhatidzwa pana Jorodhani.
Sokuturika maoko kwaiitwa nomushumiri mukuru pamusoro wembudzi, Johane mubhabhatidzi akaisa maoko ake pamusoro waJesu uye ndokuisa zvitadzo zvose zvepanyika paari. Johane mubhabhatidzi ndiye aive mushumiri mukuru uyo aiva nebasa rokuisa zvitadzo zvepanyika pana Jesu aiva mumiriri wevanhu vose. “Mwari ndinoisa zvitadzo zvavanhu vose vepanyika pahwayana yenyu Jesu.” Nokudaro zvitadzo zvose zvamarudzi ose zvakaiswa pana Jesu.
Johane mubhabhatidzi akaturika maoko ake pamusoro waJesu, akamunyudza mumvura uye Johane akabva abvisa maoko ake apo Jesu akabuda mumvura. Rubhabhatidzo rwaJesu rwakaitirwa ruponeso rwakarurama. Nokudaro Jesu akaponesa marudzi ose ayo anotenda mukubhabhatidzwa kwake.
MATENGA AKAZARURWA UYE INZWI RAKABVA KUDENGA
Umambo hwekudenga hwakazarurwa nguva ipi?
Kubva pamazuva aJohane mubhabhatidzi. (Mateo 11:12)
“Jesu wakati abhabhatidzwa pakarepo akabuda mumvura; zvino, tarira denga rakamuzarurirwa, akaona mweya waMwari achiburuka senjiva, akauya pamusoro pake, zvino tarira, inzwi rakabva kudenga richiti; uyu ndiye mwanakomana wangu unodikanwa wandinofarira.” (Mateo 3:16-17).
Apo Jesu paakatora zvitadzo zvose zvepanyika nokubhabhatidzwa kwake, matenga akazarurwa kwaari, nokudaro sungano yaMwari iyo yainge yakaitwa zana remakore ainge apfuura yakazadziswa kuburikidza nokubhabhatidwa kwaJesu paJorodhani.
Nokudaro, Jesu sehwayana yaMwari, akaponesa vanhu vose vepanyika kubva kuzvitadzo zvavo. Zvitadzo zvose zvenyika zvakaiswa pana Jesu uye akazadzisa kuda kwaMwari.
Zvakapupurirwa muna Johane 1:29, “Tarirai! Hwayana yaMwari inobvisa zvitadzo zvose zvepanika!” Nokuti zvitadzo zvose zvakaiswa pana Jesu, hwayana yaMwari. Akafamba akananga Gorogota mushure memakore mataru akatakura mutoro wezvitadzo pamapfudzi ake. Mushure mokutora zvitadzo zvose nokubhabhatidzwa, pose pose paaienda, aitaurira avo vanenge vakamugamuchira nekuvimba kuti zvitadzo zvavo zvose zvakanganwirwa.
Muna Johane 8:11, akaudza mudzimai ainge abatwa achiita choupombwe, “Kana neniwo handina mhosva yandinokupomera” haana kukwanisa kumupomera mhosva nokuti munhu ainge achifanira kutongwa ndiye Jesu pachake, uye ainge akatotora zvitadzo zvacho kare. Naizvozvo akaudza vanhu vose kuti iye ndiye aive muponesi wevatadzi.
Nokuti iye, mwanakomana waMwari, akatora zvitadzo zvedu zvose, uyo wose anotenda ari munyika anogona kucheneswa. Matenga akamusarurirwa paakabhabhatidzwa. Magedhe eumambo hwekudenga akazarurwa uye uyo anotenda mukubhabhatidzwa kwaJesu achapinda pasina muripo.
JESU AKAROVERERWA MUSHURE MOKUTORA ZVITADZO ZVOSE ZVEPANYIKA KUBURIKIDZA NOKUBHABHATIDZWA KWAKE
Jesu akatswanya musoro waSatani chirudzii?
Nokumutswa kubva kune vakafa mushure mokunge agamuchira kutongerwa zvitadzo zvedu zvose.
Nokuti zvitadzo zvose zvakaiswa pamusoro waJesu, aitofanira kutongwa ari pamuchinjikwa. Akava nokusuwa kukuru uye nokutambudzida apo paaifunga nezvekurwadziwa kwaaizosangana nako pamuchinjikwa. Akanamata kusvikira dikira rake robuda kuita semadonwe eropa. Apo paakaenda nevadzidzi vake panzvimbo inonzi Getsimani, akadaidzira achiti, “Ho, Baba vangu kana zvichibvira mukombe uyu ngaupfuure kwandiri.” (Mateo 26:39). “Ndakabhabhatidzwa uye ndikatora zvitadzo zvose zvepanyika, asi handingazvifiri.” Asi Mwari haana kumupindura.
Pazuva rokuwadzaniswa muTesitamende Yekare, chibayiro chezvitadzo chaifanira kuurawa kuti ropa racho rigosasiwa pamberi pechifunhiro chokuwadzanisira. Izvi zvaiitwa nomushumiri mukuru. Nenzira imweyo, Jesu aifanira kurovererwa uye Mwari akaronga kuti haana imwe nzira yaaizoita izvi nayo.
Atari mutongo waMwari uye ropa rechipiriso chezvitadzo ndihwo upenyu. Kusasa ropa kanomwe pamberi nokumashure kwepachifunhiro chekuwadzanisira zvaireva kuti mutongo uri kuiswa pachinhu (Revhitiko 16:1-22).
Jesu akanamata kuna Mwari kuti dai zvaibvira mukomba uyu waipfuurawo paari. Asi Baba vake havana kubvumidza izvozvo kuti zviitike, iye Jesu nokupedzisira akabva ati “Kusava kuda kwangu, asi kuda kwenyu” (Mateo 26:39). Akanamata kuna Mwari kuti aite zvaanoona zvichikodzera. Apedza kunamata akatevera zvaida Baba vake.
Jesu akasiya kuda kwake akaita zvido zvaBaba vake. Nemhaka yei? Nokuti dai asina kutongwa mushure mokutora zvitadzo zvepanyika, ruponeso rwungadai rusina kukwana. Akarovererwa nokuti ainge atora zvitadzo zvemarudzi ose nokubhabhatidzwa kwake. “Nokuti mubairo wezvitadzo ndirwo rufu, asi chipo chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kirisito ishe wedu” (VaRoma 6:23).
Mwari akazadzisa sungano iyo yaakati achatumira muponesi wekuti azoponesa vanhu vose kuburikidza nokubhabhatidzwa nokuturikwa maoko kwaJesu. Jesu akatevedzera zvido zvaMwari uye akagamuchira mutongo wedu.
Kwaiva kuzadzisawo kuporofitwa kwakaitwa muna Genesisi 3:15 “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi wako napakati porudzi rwake, irwo ruchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.” Mwari akavimbisa Adhamu kuti achatumira mutumwa, mhodzi yaAdhamu naEvha, uye achakurira Satani nesimba rake iro rakaita kuti marudzi mazhinji ave vatadzi uye nokuti vaende kugehena.
Kana tikaziva nokutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu, uye nokufira kwake pamuchinjikwa, zvitadzo zvedu zvose zvichasukwa uye tichaponeswa kubva kumutongo.
Tinofanira kuve nokutenda kwakasimba mumwoyo yedu kana tichitarisisa kubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake repamuchinjikwa. Zvitende izvozvo mumwoyo mako, uye nokudaro uchaponeswa.
KUBHABHATIDZWA KWAJESU NDIKO KWAKAVA KUVAMBA KWEVHANGERI ROKUDENGA
Ndoupi murairo wokupedzisira waJehovha asati akwira kudenga?
Akaraira vadzidzi vake kuti vave nevadzidzi vemarudzi ose nokubhabhatidzwa nomuzita raBaba neremwanakomana noromweya mutsvene.
Kubhabhatidzwa kwaJesu ndiko kwakava kuvamba kwevhangeri rekudenga uye akaponesa vatadzi vose nokubhabhatidzwa uye neropa rake muna Mateo 28:19, makanyorwa kuti “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose muvabhabhatidze muzita raBaba neromwanakomana neromweya mutsvene.” Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vapupurire kuti Baba nomwanakomana nemweya mutsvene zvakaponesa marudzi ose kubva kuzvitadzo uye nekuzvisuka nokuda kwerubhabhatidzo neropa raJesu.
Jesu akavapa simba rokudzidzisa marudzi ose, kuvadzidzisa nezvekubhabhatidzwa kwaJesu, kubhabhatidzwa kweruregerero, kubhabhatidzwa kwekusuka zvitadzo zvose zvepanyika.
Mushure memakore zviuri zviviri Jesu auya panyika pano ari panyama, akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi. Nokuda kwekubhabhatidzwa kwaJesu, zvitadzo zvose zvepanyika, kusanganisira nezvedu zvose, zakaiswa pana Jesu.
Zvitadzo zvingani zvakaiswa panaJesu? Ko zvitadzo zveramangwana? Anotitaurira kuti nyangwe zvitadzo zveramangwana zvakatoiswa pana Jesu. zvitadzo zvevana vedu, zvemarudzi ose, zvakare, zvanhasi nezvichauya, kunyangwe zvaAdhamu, zvose izvozvo zvakaiswa pana Jesu.
Zvitadzo zvingagosavako sei? Tingagove tisina zvitadzo sei? Nokuti Jesu akatora zvitadzo zvedu zvose uye nezvenyika yose nokubhabhatidzwa kwake kuti vose vanotenda vagosunungurwa kubva kuzvitadzo uye vagowana mukana wekupinda kuumambo hwekudenga.
“Asi unoita zvokwadi, unouya pachiedza, kuti mabasa ake aonekwe, kuti akaitwa munaMwari.” (Johane 3:21).
Jesu akasuka zvitadzo zvedu zvose nerubhabhatidzo rwake, neropa rake ari pamuchinjikwa, rufu rwake ari pamuchinjikwa uye nokumuka kwake. Nokudaro kutenda murubhabhatidzo rwake, nemurufu rwake ari pamuchinjikwa ndiko kuponeswa kubva kuzvitadzo zvose. Ndiko kuvimba kwekuregererwa.
Kana tichitenda mukubhabhatidzwa uye nemuropa raKirisito, ting taponeswa. Kana tichitenda muna Jesu nechokwadi, tinenge tiri vakarurama here kana kuti vatadzi? Tinenge takarurama tisina chitadzo here kunyangwe tisina kukwana? Hongu tinenge tisina chitadzo. Kutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nokutongwa kwake ari pamuchinjikwa ndiko kuve nekuvimba kwakakwana kuri mugwara chairo.
KUBHABHATIDZA NOKUBHABHATIDZWA MUZITA RAJESU
Vhangeri rekudenga rakatanga sei?
Nokubhabhatidzwa kwaJesu.
Nokuti vanhu havana kukwana, vashumiri vanobhabhatidza avo vanotenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake kuri kuratidza kubvuma kuvimba kwako. Vakazvarwa patsva vanofanira kuve nechokwadi kuti vaponeswa nokubhabhatidzwa nenzira imweyo yerubhabhatidzo rwaJesu semuratidziro uye neumboo hwekuvimba.
Mushumiri anotanga anamata akaturika maoko ake pamusoro weazvarwa patsva, achikumbira makomborero aMwari kuti munhu iyeye agomupfugamira nemazvo kusvikira pakupedzisira kwemazuva ake. Anobva amubhabhatidza nemuzita raBaba neromwanakomana neromweya mutsvene.
Tinobhabhatidzwa nehwaro hwekuvimba nerubhabhatidzo uye neropa raJesu. Kubhabhatidzwa muratidziro wekuti zvitadzo zvose zvaiswa pana Jesu, kuti mubhabhatidzwi achafa naJesu uye nokumuka naye.
Kubhabhatidzwa kuratidza kutenda kwemunhu kuti zvitadzo zvakaiswa pana Jesu nokuda kwerubhabhatidzo rwake, uye kutenda kuti akatongerwa zvitadzo zvake uye kuti achamuka pamwe chete naJesu. Kuratidzawo zvakare kuti munhu anotenda nokuvimba pamberi paBaba, nomwanakomana, nomweya mutsvene, satani, uye pana Bhudhi nasisi, kureurura kuti munhu akazvarwa patsva nemvura nemweya.
Vose vanotenda muna Jesu vachiziva zvinove kubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake ari pamuchinjikwa, ndivo vakaponeswa kubva kuzvitadzo zvepanyika. Nokudaro vakabhabhatidzwa muzita raBaba neromwanakomana neromweya mutsvene.
“Zvinhu zvakare zvakapfuura; tarisa, Zvose zvave zvitsva.” (2 VaKorinde 5:17) zvinhu zvedu zvose zvekare zvakapfuura uye takazvarwa patsva sevanhu vanoramba kunatsa kuve nechokwadi mumwoyo yedu, kuti tabhabhatidzwa. Tinobhabhatidzwa muna Jesu ndinotenda murubhabhatidzo rwaJesu.
UPENYU MUSHURE NOKUZVARWA PATSVA NEKUBHABHATIDZWA KWAJESU UYE NEROPA RAKE REPAMUCHINJIKWA
Vakazvarwa patsva vanoraramirei?
Vanoraramira umambo hwekudenga uye nokururama kwake vachiparidza vhangeri panyika pose.
Upenyu mushure mokuzvarwa patsva uye nokuregererwa zvinofanira kusanganisira kuvimba neshoko raMwari. Haufaniri kuve upenyu hunoshanduka shanduka, apo paunoona munhu achitendeuka uye nokuita minamato yezvitadzo zvezuva nezuva. nokudaro panofanira kuve noupenyu hwakavimbika urwo ratinove nechivimbo kuti Jesu akatora zvitadzo zvedu zvose nokuda kwekubhabhatidzwa kwake.
Zvitadzo zvedu zvose zvakaiswa pana Jesu apo paakabhabhatidzwa. Akararama kwemakore matatu akatakura mutoro wezvitadzo zvedu kusvikira agamuchira kutongerwa zvitadzo zvedu zvose nokuzorovererwa.
Nokudaro isu vatendi tinofanira kuvimba nemashoko akanyorwa, kwete kungoshanduka-shanduka. Kana tikakundikana kudaro tinozoramba tichitambudzika nezvitadzo zvedu zvezuva nezuva kunyangwe tazvarwa patsva nokuregererwa.
Tinofanira kusiyana nepfungwa yokutarisisa nezvitadzo totenda muvhangeri remvura neropa. Uhwu ndihwo upenyu hunofanira kutungamirirwa nomunhu akaregererwa.
Johane mubhabhatidzi akati kuddi pamusoro paJesu? Akati, “Tarirai! Hwayana yaMwari inobvisa zvitadzo zvose zvepanyika!” (Johane 1:29). Akapupura kuti Jesu akatora zvitadzo zvose, zvanhasi, mangwana, uye nezvazuro, uyezve nezvemavambo akazvitora.
Haana kutora zvitadzo zvose here? Zvitadzo zvose izvozvo hazvina kuiswa pana Jesu here? Zvitadzo zvose zvepanyika zvinosanganisira zvakare, zvanhasi, uye nezvichauya. Tinofanira kubvuma vhangeri reruregerero kuburikidza nokubhabhatidzwa kwaJesu.
Avo vanotenda muchokwadi chekubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake ari pamuchinjikwa vachaponeswa. Ani nani anotenda mukubhabhatidzwa kwaJesu haatorina chitadzo mumwoyo make.
Zvichakadaro hazvo, vanhu vazhinji vachiri kufungira kuti vane zvitadzo nokuti havasati vazviva kuti zvitadzo zvavo zvose zvakaiswa pana Jesu nokubhabhatidzwa kwaJesu. Vanonyengedzwa naSatani. Satani anozvevezera mupfungwa dzavo. “Unotadza zuva nezuva, zvino ungagoshaya zvitadzo sei?”
Vanoda kungotenda muna Mwari kuti vasave nechitadzo. Asi satani anovanyengera mukuti vafunge kuti vatadzi nokuti vanotadza. Hakuna munhu ave chitadzo kana achitenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nokutenda ropa repamuchinjikwa wake.
Nokuti tinogara munyika muno sevanhu vasina kukwana uye vakaneta. Hazviiti kuti tingati tinove takarurama nokuda kwemabasa edu chete. Asi kuti nokuda kwekuvimba kuti takaponeswa nokutenda muchokwadi chokubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake repamuchinjikwa. Kana tikangonzwisisa nokutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake, mwoyo yedu inobva yachenurwa, tinobva taziva pachokwadi kuti hatichina zvitadzo.
“♫ Ndkaregererwa. Wakaregererwa. Tose takaregererwa. ♫” Mafaro makuru uye nokunzwa rufaro kugara nechido chokuparidza vhangeri kune avo vose vanoziva kuti tinotungamirirwa nemweya.
Hongu, isu vatendi tainotadza zuva nezuva asi hatina zvitadzo. Tine rubhabhatidzo rwaJesu uye neropa rake mumwoyo yedu. Mwoyo yedu inogara yakazadzwa nezvitadzo, asi tinotenda mukubhabhatidzwa kwaJesu, zvino tingaramba tiri vatadzi sei?
“Iyi ndiyo sungano yangu yandichaita navo, shure kwamazuva, ndizvo zvinotaura ishe; Ndichaisa mirairo mumwoyo yavo. Nokuinyora pakufunga kwavo.” (VaHebheru 10:16).
Mwoyo yedu yakasununguka kubva kuzvitadzo Jesu akazviita kutizvigoneke kuti tiregererwe zvakakwana nokuda kwerubhabhatidzo rwake uye nerufu rwake ari pamuchinjikwa. Ruponeso kubva kuzvitadzo ruwanikwe nokutenda mushoko raMwari.
ANINANI UYO ANOTENDA MURUBHABHATIDZO RWAJESU UYE NEMUROPA RAKE ARI PAMUCHINJIKWA, HAAZOVI MUTADZI ZVAKARE
Tichave vatadzizve here kana tikatadzazve?
Kwete, hatichazove vatadzi zvakare.
Patange tisingatendi mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake, zvisinei kuti tainamatira kanganwiro zvakadii, tairamba tichingove nezvitadzo mumwoyo yedu. Asi patakave nokutenda muvhangeri rechokwadi, zvitadzo zvedu zvose zvakasukwa.
“Nhaiwe, sei mazuva ano uchiratidza kungwara uye une mufaro kudai?”
“Unoona, handichina kana nechitadzo mumwoyo mangu.”
“Ichokwadi? Ndinofunga zvino wave kugona kutadza kusvikira paunodira zvino?”
“Unomboziva, munhu haana zvimwe zvaangaita kunze kwekutadza chte. Ndiwo mamiriro akaita munhu. Asi Jesu akatora zvitadzo zvose nekubhabhatidzwa kwake uye nokugamuchira mutongo wazvo ari pamuchinjikwa. Nokuda kwechikonzero ichochi ndave kuzvipira kushandira vhangeri mukereke. VaRoma 6 inoti isu tose tinofanira kugara saizvozvo. Sezvo ndisisina chitadzo mumwoyo wangu, ndinoda kuita zvinhu zvakarurama. Tinofanira kutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye kuparidza vangeri nenyika yose! Kana tichitenda muna Jesu, mukuru weruregerero rwedu hatichazove vatadzi zvekare. Tinoganira kutenda muruponeso rwerubhabhatidzo rwaJesu uye nemuropa rake zvisingaperi. nDinonzwa kufara chose!”
ANOGAMUCHIRA MWEYA NDIANI?
Johane mubhabhatidzi akapupura nezvei pamusoro paJesu?
Akapupura kuti Jesu aive hwayana yaMwari inobvisa zvitadzo zvose zvepanyika, zvinoti; zvakare, zvanhasi nezvichauya uye nezvemavambo.
Uyo anotenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake repamuchinjikwa achagamuchira ruponeso. Tinogamuchira mweya sei? Mabasa avaPositora 2:38-39 inotitaurira mhinduro, “Zvino Pita akati kwavari, tendeukai mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu kuti mukanganwirwe zvitadzo mupiwe chipiwa chomweya mutsvene, nokuti chipikirwa chenyu, nevana venyu navose vari kure vanozodanwa nashe Mwari wedu.”
Kubhabhatidzwa muzita raJesu kirisito zvinoreva kutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nokuregererwa. Nokudaro mweya uchapiwa sechipo kubva kuna Mwari.
Kubhabhatidzzwa muzita raJesu Kirisito kunoreva zvakare kuchenurwa nokutenda mukubhabhatidzwa kwaKirisito uye neropa rake. Kana tikave nokutenda uku, tinoponeswa nokuve takarurama. Vatendi vachava vakachena sechando nokuda kwekubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake repamuchinjikwa.
“Muchapiwa chipo chemweya mutsvene.” Kana tichitenda nemazvo kuti zvitadzo zvedu zvose zvakaiswa pana Jesu nokuda kwerubhabhatidzo rwake uye kuti akatongerwa zvitadzo izvozvo nokufira pamuchinjikwa, mwoyo yedu inobva yasukwa. Kusara yachena. Upenyu hwedu hutsva hunotanga kana tave kutenda mukubhahatidzwa kwaJesu uye neropa rake uye nokugamuchira chipo chemweya mutsvene uye nokuve vana vaMwari.
“Naizvozvo muchaziva zvokwadi, nezvokwadi iyoyo ichakusunungurai” (Johane 8:32). Tinofanira kuziva chokwadi chinoreva mutong waJehovha ari pamuchinjikwa. Chokwadi chacho ndechokuti Jesu akabvisa zvitadzo zvedu zvose nekubhabhatidzwa kwake uye nerufu rwake ari pamuchinjikwa. Ruregerero runopiwa kwatiri kana tichitenda muchokwadi ichi.
BHABHATIDZO YAJESU INTOTIREGERERA
Ndiani anogamuchira mweya mutsvene?
Uyo anoregererwa zvitadzo zvose nokutenda murubhabhatidzo rwaJesu uye neropa repamuchinjikwa.
Yananiso yezvitadzo kuburikidza nokupa zvibayiro yemuTesitamende Yekare inomirira kubhabhatidzwa kwaJesu kuri muTesitamende Itsva. Kubhabhatidzwa kwaJesu ndipo pane dingindira rose rokuporofitwa kwazvaiitwa muTesitmamende Yekare. Ushamwari huri pakuturika maoko muTesitamende Yekare nokuturika maoko pakubhabhatidzwa kwaJesu hunowanikwa muTesitamende Itsva.
Zvitadzo zvose zvepanyika zvakaizwa pana Jesu nokuda kwerubhabhatidzo rwake, zvinongofanana nokuiswa kwezvitadzo zvevaIsiraeri pambudzi uko kwaiitwa nokuturika maoko.
Tinogara nokutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu kuti tiponeswe kubva kuzvitadzo zvedu here? Hongu! Ndizvo zvatinofanira kuita! Tinofanira kugamuchira chokwadi chokuti Jesu wakatora zvitadzo zvose zvepanyika nokubhabhatidzwa kwake. Tisingatendi mukubhabhatidzwa kwaJesu, zvitadzo zvedu hazvingatongoendi pana Jesu. tinofanira kutenda kuti ruponeso rwedu rwuve rwakakwana, nepamwepo tikasadaro hatingavi takarurama.
Jesu akaponesa vatadzi vose vemunyika zvakafania nenzira yakarurama iri murubhabhatidzo rwake. Hazvaiita kuti zviitwe nemwero unopfurikidza. Nokuti kubhabhatidzwa kwaJesu chaiva chiitiko chokuisa zvitadzo paari. Tinofanira kutenda mazviri kuti mwoyo yedu igochenurwa zvachose kubva muzvitadzo.
Tinofanira kutenda zvakare kuti ropa raJesu ndiwo mutongo wezvitadzo zvedu. Nokudaro, vose vanotenda mukubhabhatidzwa kwaJesu nemuropa repamuchinjikwa vachaponeswa kuzvitadzo.
Tinofanira kutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu kuti tigopinda umambo hwekudenga. Iyoyi ndiyo nzira chete yatingadzikinurwa nayo kubva kuzvitadzo uye nokupunyuka mutongo.
Kubhabhatidzwa kwaJesu kuri muTesitamende Itsva uye nokuturika maoko kuri muTesitamende Yekare ndizvo zviringazuva pachimwe nechimwe. Ndizvo zvinogatanidza ukama pakati peTesitamende Yekare neItsva.
MuTesitamende Itsva Johane mubhabhatidzi akauya mwedzi mitanhatu mberi kwaJesu. Pakabhabhatidzwa Jesu, ndiko kwakava “Kutanga kwevhangeri raJesu Kirisito mwanakomana waMwari” (Mako 1:1). Vhangeri rakatanga panguva yakatora Jesu zvitadzo zvose zvepanyika nokubhabhatidzwa kwaakaitwa.
Ushumiri hweruponeso rwemarudzi ose rwakaitwa muzviitiko zvakasiyana-siyana. Kuzvarwa kwaJesu, kubhabhatidzwa kwake, kufira pamuchinjikwa kwake, kumuka kwake, uye nokukwira kwake kudenga. Kana tikaziva, kunzwisisa nokutenda muzviitiko zveruponeso izvi, tinenge tatoponeswa kubva kuzvitadzo zvedu zvose. Kubhabhatidzwa kwaJesu ndiwo mavambo evhangeri uye ropa ndiro rakava kupedziswa kwevhangeri.
“Kutanga kwevhangeri raJesu Kirisito, mwanakomana waMwari” (Mako 1:1). Hatina chatinofanira kusiya pamabasa ake akarurama ― Rubhabhatidzo rake, ropa rake ari pamuchinjikwa, kumuka kwake, kukwira kwake kudenga uye nokudzoka kwake kwepiri ― kubva kuvhangeri remwanakomana wamwari.
Jesu akauya panyika pano ari panyama akasuka zvitadzo zvemarudzi ose nekubhabhatidzwa kwake. Uku ndiko kwakava kutanga kwevhangeri rokudenga. Dai chimwe chezvinhu zvataurwa pamusoro zvainge zvisina kukwana vhangeri rokudenga haraizobudirira.
Nokudaro, kana munhu achida kuzvarwa patsva, anofanira kutenda murubhabhatidzo rwaJesu uye nemuropa rake. Mazuva ano vanhu vazhinji havatendi muchokwadi chekubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake. Vanofunga kut kubhabhatidzwa kwaJesu yaive tsika chete. Uku kurasika kwakaipisisa. Munhu wese anotenda muna Jesu anotofanira kutenda mukubhabhatidzwa kwake uye nemuropa rake.
Zvitadzo zvedu zvingasukwa sei nokuita minamato yekanganwiro chete? Zvitadzo zvedu zvose zvakaiswa pana Jesu paakabhabhatidzwa naJohane mubhabahtidzi. Hapanazve imwe nzira yaigona kutora zvitadzo zvamarudzi ose nayo.
Tinofanira kuzvarwa patsva nemvura nemweya kuti tigopinda umambo hwekudenga. Hapana ruregerero pasina mvura yerubhabhatidzo, neropa repamuchinjikwa, uye nemweya. Avo vanenge vakazvarwa patsva ndivo vanogona kuona Mwari. Sezvakataurirwa Nikodimo naJesu muna Johane 3:5. Ruponeso rwechokwadi runouya kwatiri nokutenda murubhabhatidzo rwaJesu nemuropa rake.
TINGAPONESWA PASINA RUBHABHATIDZO RWAJESU HERE?
Jesu akava muponesi wedu nenzira ipi?
Nokutora zvitadzo zvedu zvose nokuda kwekubhabhatidzwa kwake.
Kana dai taisiya mukushanda kwaJesu neruzhinji, kuti Jesu akauya panyika akatora zvitadzo zvedu zvose nokubhabhatidzwa, kana kusaonahutsvene hwaJesu, uyo akazvarwa nemhandara Maria, kana kuti kusaziva kutenda mumuchinjikwa waJesu. Chikirisito chaigona kuve chitendero chekufungira icho chaizotungamirira vatendi kuti vangodaidzira chete kuti, “Ndikanganwirei, ndikanganwireiwo, ndikanganwireiwo.” Sokudaidzira kunoita vechi`Buddaism` mumatembere avo.
Kusiirira rubhabhatidzo rwaJesu, zvinoreva kuti zvitadzo zvedu hazvina kuiswa pana Jesu. kuvimba kwedu kunoshaya basa kufanana nemukwereti anoti akabhadhara zvikwereti achinyepa, asina kana kumboripa nechimwe. Zvinotiita varevi venhema. Kana mukwereti akati akapedza kuripira zvikwereti achinyepa, anoramba achingove nechikwereti mumwoyo wake.
Jesu akasukwa zvakachena vatendi vose nemvura yerubhabhatidzo rwake akavaita vana vaMwari. Jesu akatora zvitadzo zvose zvepanyika nomuna Johane mubhabhatidzi, kuti vose vatendi vagochenurwa. Kana tikaziva nokutenda izvi, mwoyo yedu inova yakachena nokusingaperi.
Mwari ngaavongwe nemakomborero ake. Ruka 2:14 inoti, “Mwari ngaarumbidzwwe kumusoro-soro, norugare ngaruve nevanhu vaanofarira,” Kuvimba kwedu mumvura uye nemuropa raJesu zvinotiuyisira ruponeso nokutiita vana vaMwari. Rubhabhatidzo rwaJesu neropa rake zvakariponesa uye uyo anotenda munezvinhu zviviri izvi achaponeswa.
Hapana changasiiwa pabasa rake. Vamwe vanongotenda muropa rake chete, vachiti mupositora Pauro ndizvo zvaakanyanya kutaura nezvazvo achitaura nezvemuchinjikwa. Asika, kubhabhatidzwa kwakavawo pamuchinjikwa.
Tinozviona muna vaRoma 6, kuti Pauro akabhabhatidzwa muna Kirisito uye akafa ari muna kirisito. Zvakare muna vaGaratiya 2:20, “Ndakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naJesu kirisito, handichiri ini ndinorarama, asi kirisito unorarama mandiri, kurarama uku kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri mumwanakomana waMwarim wakandida, akazvipa nokuda kwangu.”
Zvakare munavaGaratiya 3:27-29, “Nokuti vose pakati penyu vakabhabhatidzwa muna kirisito, makafuka kirisito, hakuchina muJudha kana muGiriki, hakuchina wakasungwa kana wakasununguka, hakuchina munhurume kana munhukadzi nokuati imi mose muri vamwe muna Kirisito Jesu. zvino kana muri muna kirisito muri vana vaAbhurama, vadyi venhaka sezvamakapikirwa.”
Kubhabhatidzwa muna Kirsito zvinoreva kutenda muzvinhu zvose zvaakaita panyika pano, kubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake ndiko kutenda muchokwadi chokuti Jesu akatobvisa zvitadzo zvedu zvose pamakore zviuru zviviri zvapfuura. Hapana imwe nzira inouya neruponeso
TINOPONESWA NAMWARI KANA TICHITENDA MURUBHABHATIDZO RWAJESU UYE NEMUROPA RAKE
Zvitadzo zvedu zvingasukwa nokuda kwekuita minamato here?
Kwete. Kanganwiro yezvitadzo inoita nokuda kwekutenda kuti zvitadzo zvedu zvakaiswa pana Jesu apo paakabhabhatidzwa
naJohane mubhabhatidzi.
“Nokuti munhu anotenda nomwoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo ndokuponeswa” (VaRoma 10:10).
“Nokuti vose pakati penyu, vakabhabhatidzwa muna kirisito, makafuka kirisito” (VaGaratiya 3:27). Kuvimba kwedu kunotitunfamirira mukubhabhatidzwa muna Kirisito, kufuka muna Kirisito, uye nokuve vana vaMwari. Jesu paakauya panyika pano akabhabhatidzwa, zvitadzo zvedu zvose uye nezvitadzo zvose zvepanyika zvakaiswa paari.
Kuvimba kwedu kwakatitungamirira kuti tive vamwe nakirisito. Takafa paakafawo, takamuka paakamukawo. Zvino nokuti tave kutenda mukubhabhatidzwa kwake, muropa rake uye nekumuka kwake, tinogona kupinda umambo hwekudenga uye nokurarama kusingaperi.
Kana vanhu vachitenda muropa raJesu chete, hapana chimwe chavangaita asi kutongotambura nezvitadzo izvo zvinosarira mumwoyo yavo. Nemhaka yei? Nokuti havazivi kana kugamuchira zvinoreva kubhabhatidzwa kwaJesu, uko kwakatora zvitadzo zvavo zvose uye nokuchenura mwoyo yavo kubva kuzvitadzo, ichicheneswa sechando nokusingaperi.
Unotenda mukubhabhatidzwa kwaJesu nemuropa rake izvo zvakakuponesa kubva kuzvitadzo zvako zvose? Hama dzangu tendai muchokwadi ichi chisingaperi. Kana usingatendi mukubhabhatidzwa kwaJesu, haungaregererwi kuzvitadzo zvako, uye kutenda kwako kwakafa; uri kupinda murudo rusingabhadhari.
Avo vanongotenda pamuchinjikwa chete vanoti, “Jesu ndiye Jehovha, wangu, muponesi wangu, akandifira pamuchinjikwa. Akamuka zvakare kubva kuvafi akapupura kumuka kwake kwemazuva makumi mana asati akwira kudenga uko kwaagere kurudyi rwaMwari. Ndinotenda kuti achauya kepiri kuzotitonga uye ndinonamatira kuti Jesu achandishandura zvachose kuti ndigozosangana naye zvakare, Ho, Jesu wnagu mudikanwi, Jehovha wangu.”
Vanokumbira kanganwiro yezvitadzo zvavo uye nokuve netarisiro kusave nechitadzo, asi vanoramba vachingove nezvitadzo mumwoyo yavo. “Ndinotenda muna Jesu asi ndine zvitadzo mumwoyo mangu, veduwe huyai kwandiri, chikomba changu” nokuti ndine chitadzo uye handina chokwadi neruponeso rwangu. Nokudaro, ndinotarisira kuti Jesu achauya apo pandinenge ndagadzirira uyezve mushure mokunge ndanamata zvakasimba nokutendeuka kwakasimba. Ndinoda Jesu nomwoyo wangu wose asi handikwanisi kuti ndisangane naye pachiso chako nokuda kwezvitadzo zviri mumwoyo wangu.”
Dai Jesu aibvunza vanhu vakadaro, “Nemhaka yei uchifunga kuti hauna kukwana?”
Vaipundura vachiti, “Johovha, ndinoziva kuti handina kururama nokuti ndinotadza zuva nezuva. Vaduwe ndidaidzeiwo apo pamunenge modaidza vatadzi.”
Havazivi kuti, Mwari musiki uye ari mutongi, haazogamuchiri vatongi kana kuvaita vana vake.
Chikomba chakauya chikagadzirisa dambudziko rezvitadzo zvemuchati, asi muwanikwi haana kuziva nezvazvo, akava nokutambudzwa. Kana tichifunga kuti tiri vatadzi nokuti tine zvitadzo uye takatadzo nenyama, hatina kuvimba muna Mwari. Kana tisingazivi kana kunzwisisa chokwadi cheshoko raMwari, zvitadzo zviri mumwoyo yedu zvinotoramba zvichiberekana nokuzowanda.
Nemhaka yei vamwe vanhu vachiramba vachitambura nezvitadzo zvinosarira mumwoyo yavo?
Nokuti havazivi kana kugamuchira mumwoyo yavo zvinoreva rubhabhatidzo rwaJesu urwo rwakatora zvitadzo zvavo zvose.
Chikomba chakatora zvitadzo zvose zvepanyika. Akazvitorera kuti? PaJorochani apo paakabhabhatidzwa. Avo vasingatendi izvi vanoramba vari vatadzi vanoramba vari vawanikwi vakarasika.
Chikomba chinobvunza muwanikwi, “ungandida sei iwe usiri mudzimai wangu? Usati wanditi murume wako, zvitadzo zvako zvinofanira kusukwa.”
Tingaregererwa pasina rubhabhatidzo rwaJesu here? Kwete! Takasikwa nomufananidzo waMwari, nokudaro tinotsvaka ruramo mumwoyo yedu, uye hana dzedu dzinoedza kuve dzakatendeka. Asi hazvigoni kuti tifunge kuti hatina zvitadzo kana mwoyo yedu isina kunenurwa. Kunze kwekuti kana tagamuchira uye nokutenda murubhabhatidzo rwaJesu ndipo patingati hatina chitadzouye tiri vakarurama.
Hana dzedu hadzingachenurwi kana tichizvitora kuve tisina zvitadzo asi isu tine zvitadzo mumwoyo yedu. Kana Mwari chaiye haangatigamuchiri muchiitiko chakadai. Mwari haazofi akanyepa.
Mwari akataurira Mozisi kuti averenge vaIsiraeri vagoripa muripo yeupenyu hwavo kuna Mozisi. Vapfumi vainge vasingapi muripo unodarika chidimbu cheshekeri uye varombo vainge vasingapi zvinodarika ipapo munhu wese aifanira kubvisa muripo.
Nokudaro, zvingaita sei kuti munhu achenurwe iye asingatendi muna Jesu uyo anova akabvisa muripo weupenyu hwake? Munhu akadaro anoramba achingove nechitadzo mumwoyo make.
Kana tikangotenda chete muropa raJesu, tinenge tine zvitadzo mumwoyo yedu uye tinofanira kureurura kuti tiri vatadzi. Asi kana tichitenda muvhangeri rerubhabhatidzo uye nemuchinjikwa zviri pamwechete, tinonyatsotaura kuti hatina zvitadzo. Ruponeso noupenyu husingaperi ndehwedu.
KUTAURA ZVAKAIPA PAMUSORO POMWEYA
Chitadzo chipi chinoendesa munhu kugehena?
Kutadzira mweya, nemamwe mashoko kusatenda mukubhabhatidzwa kwaJesu.
VaRoma 1:17 inoti, “Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda.” Kururama kwaMwari kunoratidzwa muvhangeri. Jesu Kirisito akauya pasi pano akasuka zvitadzo zvedu zvose nerubhabhatidzo rwake, uye nerufu rwake ari pamuchinjikwa. Rubhabhatidzo rwaJesu uye neropa rake ndizvo zvine simba revhangeri. Jesu akasuka zvitadzo zvedu zvose kamwe kwenguva dzose.
Kutenda zvinoreva ruponeso kwete kuti kutenda zvingareva gehena risingaperi. Baba vedu vari kudenga vakatumira mwanakoma mumwechete iye oga Jesu panyika pano uye akabhabhatidzwa kuti zvitadzo zvigoyananiswa. Nokudaro, uyo anotenda maari achava nekuchenurwa kudarika kwake kwose.
Chitadzo chasara panyika pano, kusatenda murubhabhatidzo rwaJesu uye nemuropa rake. Kusatenda kutaura zvakaipa pamusoro pemweya uye chitadzo chichatongwa naMwari, zvokurasira kugehena vose vasingatendi. Ndicho chitadzo chakaipisisa kupinda zvimwe. Pakati penyu kana pane anoita chitadzo ichi anofanira kutendeuka agoregererwa nokutenda murubhabhatidzo rwaJesu. Kana zvisiri izvozvo, uchatongwa nokusingaperi.
Wakaponeswa neumboo hwekuregererwa kuburikidza nerubhabhatidzo rwaJesu uye neropa rake? Wakagamuchira umboo hwaJohane here hwakanyorwa muna Johane here hwakanyorwa muna Johane 1:29, “Tarirai! Hwayana yaMwari inobvisa zvitadzo zvose zvepanyika!” Unotenda murubhabhatidzo rwaJesu uye neropa rake here. Izvo zvakanyorwa muna vaHebheru 10:18 “Zvino kana zvinhu izvi zvakanganwirwa zvitadzo hazvichabayirwa.”
Mwari anopupurira avo vanotenda murubhabhatidzo rwaJesu uye nemuropa rake mumwoyo yavo. Mwari anovaita vana vake. Avo vanotenda murubhabhatidzo rwaJesu uye nemuropa rake ndivo vachaponeswa kuburikidza nomurudo rwaJesu rwakarurama.
Aninani akatumwa naMwari anotaura shoko raMwari. Asi avo vanoita zvenyika, vasina kutumwa naMwari, vanoparidza zvinoenderana nezviri mupfungwa dzavo. Pane vakawanda panyika pano vanoita zvokuparidza shoko raMwari panyika pano, uye avo vakatumwa naMwari kuzotaura nezvekubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake.
Asi avo vose vanoparidza mashoko avo avanoda vanenge vachingotaurawo navo zvavanofunga. Vanoti, “Takaoibeswa kubva kuzvitadzo zvemavambo, asi umwe noumwe anofanira kutendeuka zuva nezuva.” Vanoti tinofanira kuchenurwa nguva nenguva.
Asi munhu angachenurwa nokuda kwepfungwa dzake here? Tingachenurwa nokusimba kwedu uye nekuedza kwedu here? Tingachenurwa nokuti Mwari akasuka zvitadzo zvedu zvose, kana kuti nokuti tinoedza kuwana ruponeso nokuda kwedu?
Chokwadi ndechokuti kuvimba kwechokwadi ndiko kunotichenura. Tingachenesa marasha nokumasuka kazana here? Tingasuka ganda dema nesipo rikachena here? Hakuna sipo ingasuka zvitadzo zvedu uye kururama kwedu kwakafanna nedende rakasviba. Tingave takarurama nokutenda murubhabhatidzo rwaJesu uye nemuropa rake here kana kuti nokutenda muropa repamuchinjikwa chete?
Kuvimba kwechokwadi kunouya nemvura yaJesu yerubhabhatidzo uye neropa rake ari pamuchinjikwa. Ruponeso haruuyi nokuda kwesimba redu. Kuvimba murubhabhatidzo rwaJesu uye nemuropa rake ndizvo zvinotisunungura kubva kuzvitadzo nokutiita takarurama.
Baba vakapira vanhu vose mumaoko emwanakomana wavo, uye avo vanotenda mumwanakomana zvinoreva kutenda mururegerero kuburikidza nomurubhabhatidzo uye nemuropa. Avo vose vanotenda vachava noupenyu husingaperi sevana vaMwari. Vose avo vakaponeswa vachagara kurudyi rwaMwari nokusingaperi.
Kuvimba murubhabhatidzo rwaJesu uye nemuhumwe hwake naMwari ndiko kuve nekuvimba mumweya. Shoko rechokwadi rinotibvumidza kuzvarwa patsva. Tinoponeswa nokutenda murubhabhatidzo rwaJesu uye nemuropa rake.
Iva nekuvimba, kutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake ndiko kuzviwanira ruregerero. Iva nekubimba muvhangeri rwechokwadi uye ugowana kanganwiro yezvitadzo.