(Mateo 7:21-23)
“Havasi vose vanoti kwandiri, Ishe, Ishe vachapinda muushe hwokudenga; asi anoita kuda kwababa vangu vari kudenga. Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro; Ishe, Ishe hatina - kuporofita muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? Zvino ndichavaudza pachena: Handina kutongokuzivai; Ibvai pandiri imi vaiti vokusarurama!”
PAMWE NDIRI UMWE WACHO . . .
Vose avo vanoti, Ishe, Ishe vachapinda umambo hwekudenga here?
Kwete, avo chete vanoita kuda kwaMwari
Jesu Kirisito akati, “Havazi vose vanoti Ishe, Ishe vachapinda umambo hwekudenga asi unoita kuda kwababa vangu avo vari kudenga.” Mashoko aya akaisa kutya mumwoyo yevaKirisito vazhinji, zvikakonzera kuti vashande zvakasimba pakuita kuda kwaMwari.
Vakirisito vazhinji kuti chinhu chinongodiwa cheete kutenda muna Jesu kuti vagopinda ushe hwekudenga, asi muna Mateo 7:21 inoti taurira kuti havasi vose vanoti kwaari Ishe, Ishe vachapinda ushe hwekudenga.
Vose vanoverenga ndima iyi vanosvika pakushamiswa, “Pamwe ndini umwe wacho.” Vanoedza kuzvisimbisa pachavo, “Kwete, Jesu anofanira kuve aireva vasingatendi.” Asi pfungwa iyi inoramba iripo ichivatokonya mundangariro dzavo.
Nokudaro vanoenda kune imwe ndima iri mberi iyo inoti, “Asi vanoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.” Vanoramba vari pamashoko ekuti “Kuda kwaBaba vangu” uye vofunga kuti vanogona kuzviita nokupa chegumi chakavimbika, kunamata kumambakwedza, kuparidza, kuita zvakanaka, uye nokusatadza . . . uye vanoedza zvakasimba chose. Zvinondiita kuti ndinzwe nyasha kuvaona.
Vanhu vazhinji vanorasika nokuti havanzwisisi ndima iyi. Nokudaro ndinoda kutsanangura ndima iyi zvakajeka zvokuti tose tisvike pakuziva kuda kwaMwari uye nokurarama nazvo.
Chokutanga, tinofara kuziva kuti kuda kwaMwari ndekoMwanakomana wake kuti atore zvitadzo zvose zvevanhu vose uye nokudaro anovasunungura kubva kuzvitadzo.
Muna vaEfeso 1:5 makanyorwa kuti, “Akatitemera kare, kuti naJesu Kirisito tiitwe vanakomana vake sezvaakafadzwa pakuda kwake.”
Nemamwe mashoko, chinangwa chake ndechokuti tizive chokwadi chevhangeri kuti Jesu Kirisito akasuka zvitadzo zvedu zvose, nokudaro, akatibvumidza kuti tizvarwe patsva. Anoda kuti tizvarwe patsva nemvura nemweya nokuisa zvitadzo zvedu zvose paari mwanakomana wake. Ndiko kuda kwaMwari uku.
KUNGOTI, “ISHE! ISHE”
Chii chatinofanira kuziva kana tichitenda muna Jesu?
Kuda kwaBaba
“Havazi vose vanoti kwandiri, ishe, ishe, vachapinda muushe hwekudenga; asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga” (Mateo 7:21).
Tinofanira kunzwisisa kuda kwaBaba nenzira mbiri. Chokutanga, tinofanira kuziva kuti kuda kwake kunoita kuti tiwane kanganwiro yezvitadzo zvedu uye nokuzvarwa patsva nemvura nemweya. Chepiri, tinofanira kushanda tiri pahwaro hwekuvimba mazviri.
Kuda kwake kubvisa zvitadzo zvavanhu zvose vari panyika. Satani akakonzera kupinda muzvitadzo kwatateguru vedu Adhamu. Asi kuda kwaBaba vedu kuri pakubvisa zvitadzo zvavanhu vose. Tinofanira kunzwisisa kuti hakusi kuda kwaBaba vedu kuti tipe chegumi takavimbika uye nokuita minamato nguva dzemambakwedza, asi kutiponesa kubva kuzvitadzo zvedu. Kuda kwake kutiponesa tose kubva mukunyura mugungwa rezvitadzo.
Bhaibheri rinoti havazi vose vanoti, ‘Ishe, Ishe’, vachapinda ushe hwekudenga. Izvi zvinoreva kuti hatingofaniri kutenda muna Jesu chete, asi kuziva kuti Baba vedu vanodei kubva kwatiri. Kuda kwake Baba wedu kutiponesa kubva kuzvitadzo uye nohutongo hwegehena, kuzivazve kuti zvaAdhamu naEvha hazvina zvazvinotibatsira asi kutiraramisa tiri muzvitadzo chete.
KUDA KWAMWARI
Kuda kwaMwari chii?
Kutiita vana vake nokutisunungura kubva kuzvitadzo.
Mateo 3:15 inoti, “Saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” Nokudaro kwaive kuzadzisa urongwa hwaMwari kuti Jesu auye panyika pano kuzoponesa vanhu vose kubva kuzvitadzo. Kuda kwaMwari kwakazadziswa apo Jesu akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi.
Aida kutiponesa nokutiita vana vake. Kuti tiite izvozvo zvokuti mwanakomana wake atore zvitadzo zvedu zvose isu tainge tapinda mumumbure waSatani. Kwaive kuda kwake kuti ape upenyu hwemwanakomana wake mumwechete oga kuvanhu vose kuti vagove vana vake.
Jesu paakabhabhatidzwa uye nokufira pamuchinjikwa, kuda kwaMwari kwakazadziswa. Kwaive kuda kwake kuti titende kuti zvitadzo zvedu zvose zvakaiswa pana Jesu paakabhabhatidzwa uye kuti akatora mutongo wekudarika kwedu kwose kuburikidza nokufira pamuchinjikwa.
“Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro akapa mwanakomana mumwe chete iye oga.” (Johane 3:16). Mwari vakaponesa vanhu kubva kuzvitadzo. Kuti adaro, chokutanga chakaitwa naJesu mukushanda kwake neveruzhinji kwaive kubhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi.
“Asi Jesu akapindura akati kwaari, chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akachimurega.” (Mateo 3:15). Kwaiva kuda kwaBaba kuti Jesu auye panyika pano kuzotora zvitadzo zvenyika yose kuburikidza nokubhabhatidzwa kwaJesu, uye nokufira pamuchinjikwa, uye nokumutswa kwake.
Tinofanira kuziva izvi zvakajeka vanju vazhinji vanoverenga Mateo 7:21 vobva vafunga kuti kuda kwake kuti tishandire Jehovha, kunyangwe kusvikira pakufa, nokupa zvoze zvatinazvo panyika tichivakisa makereke.
Vadikanwi vakirisito, isu ivo vanotenda muna Jesu tinofanira kutanga taziva kuda kwaMwari uye tozozviita zvakaipa kuzvipira pachako kukereke iwe usingazivi kuda kwake.
Vanhu vanozvibvunza pachavo kuti chingava chii chimwe kunze kwekurarama mukuvimba nezvitendero zvemakereke. Asi ini pachangu ndakadzidza nokuita ongororo yepfungwa dzavaCalvin mukereke yePresbyterian uye ndakakura ndichireriwa namai vainge vari mutenderi kupinda vamwe mavhangeri ndakadzidza munezvekereke yaive yekutevera zvitendero.
Mupositora Pauro akati anozvikuzawo kuti anobva kurudzi rwaBenjamini uye akadzidza zvemutemo ari pasi pava Gamirieri, uyo aive mudzidzisi mukuru panguva iyoyo. Pauro asati azvarwa patsva, aive murwendo rwekuenda kunosunga avo vaitenda muna Jesu. asi akawana kuvimba muna Jesu ari munzira yokuenda Dhamasikasi uye akave akarurama kuburikidza nemakomborero ekuzvarwa patsva nemvura nemweya.
TINOFANIRA KUZIVA KUDA KWAMWARI TISATI TAZVIITA
Chii chatinofanira kuita tisati tatenda muna Jesu?
Tinofanira kutanga taziva kuda kwake
Kuchenurwa kwedu kuda kwaMwari. “Nokuti kuda kwaMwari ndihwo utsvene hwenyu, murege upombwe.” (1 VaTesaronika 4:3) Tinozviziva kuti kuda kwaMwari kuti tive vatsvene takakwana kuburikidza nemvura nemweya uye nokurarama mukuvimba kweupenyu hwedu hwose.
Kana pakati penyu pane anotenda muna Jesu asi achiri kuti ane chitadzo mumwoyo, kureva kuti haasi kugara zvichienderana nokuda kwaMwari. Kutevera kuda kwake kunoda kuti tichenurwe kuburikidza neruponeso runowanikwa muna Jesu, kuti uzive izvi kuita kuda kwaMwari.
Kana ndikabvunza, “uchine chitadzo mumwoyo mako here kunyangwe uchitenda muna Jesu?” Uye mhinduro yako uchiti Hongu, kureva kuti hausati wave kuziva kuda kwaMwari kuda kwaMwari kuti tose tichenurwe uye nokuponeswa kubva kuzvitadzo zedu zvose nokuda kwekuvimba mumvura nemweya.
Paive nomumwe murume aive nevanakomana vake vaiteerera chose. Nerimwe zuva akadaidza mukuru kune umwe, uye anova ainyanya kuteerera akati kwaari, “Mwana’ngu, enda kumisha iyo udarike nemuminda . . .”
Vasati vapedza kutaura, mwana uya akabva atoenda pakarepo, haana kumirira kuti anzwe kuti aizofanira kuitei. Akangoenda chete.
Baba vaya vakadaidza mwana wavo zvakare kuti adzoke vakati, “Mwanangu, zvakanaka chose kuti unoteerera asi unofanira kuziva kuti ndinoda kuti uitei.”
Asi mwanakomana akati, “Zvakanaka chose Baba, ndichakuteererai chose. Ndiani umwe angateerera kudarika ini?”
Asi zvakadaro akadzoka asina chaakabata. Haana imwe nzira yaaigona kuita kuda kwaBaba vake iye asingazivi zvavaida. Aingove anoteerera murima.
Tinogona kuve semukomana uyu kana tikasaziva Jesu Kirisito, vazhinji vanozvipira pachavo, votevera zvinyorwa zveongororo dzezvitendero, vachipa chegumi vakavimbika, vachinamata usiku hwese, kutsanya. . . asi vasingazivi kuda kwaMwari.
Kana vakafa nezvitadzo mumwoyo yavo, vadzoswa kubva pagedhe rekudenga. Vaive vachida chose kuita kuda kwaMwari asi havana kuziva zvaida Mwari.
Zvinorevei kuti kuita zvisiri zvisakarurama?
Kutenda muna Jesu semutadzi usingazivi vhangeri remvura nemweya
“Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro; Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? Zvino ndichaudza pachena; Handina kutongokuzivai, ibvai kwandiri, imi vaiti vokusarurama.” (Mateo 7:22-23).
Pane zvinhu Mwari zvaanoda kuti tiite uye pane kuvimba kwaanoda kubva kwatiri. Anoda kuti titende kuti Jesu akatora zvitadzo zvedu zvose. Vazhinji vachaporofita, kudzinga mweya yakaipa, uye kuita zvishamiso nezita rake asi vasingazivi chokwadi chemvura nemweya.
Kuita zvishamiso zvinoreva kuvaka makereke akawanda, kutengesa pfuma yose uchipa sechipo kukereke. Kuzvipa upenyu hwako kuna Jehovha nezvimwewo zvakawanda.
Kuporofita muzita rake zvinoreva kuve mutungamiri. Vanhu vakadai vakaita sevaFarise avo vaizvirumbidza nokurarama nomurairo asi vachiita musikanzwa kuna Mwari. Izvi zvinoitwa zvakare nevakirisito vanotevera zvitendero.
Kudzinga mweya yakaipa zvinoreva kuratidza masimba vanonzwa manyukunyuku nekuvimba kwavo, asi Jehovha pakupedzisira achavataurira kuti haavazivi, achavaudza kuti vangamuziva sei iye asingavazivi.
Jehovha anoti, Zvino ndichavaudza pachena; “Handitongokuzivii, ibvai kwandiri, imi vaiti vokusarurama!” Pazuva iroro, vanhu vazhinji vachadaidzira kwaari vachiti, “Ishe, ndinotenda, ndinotenda kuti muri muponesi wangu.” Vachiti vanomuda asi vane zvitadzo mumwoyo yavo. Mwari vanovadaidza kuti vaiti vezvisakarurama (vatadzi vasina kudzikinurwa) nokudaro achavaudza kuti vabve paari.
Nezuva iroro, avo vachafa vasina kuzvarwa patsva vachadaidzira pamberi paJesu, “Ndakaporofita, ndikavakisa makereke ndikatuma vatumwa makumi mashanu nemuzita renyu.”
Asi Jesu achapindura achiti kwavari, vatadzi, “Handina kutongokuzivai, ibvai kwandiri, imi vaiti vekusarurama!”
Unorevei?, hauzvizivi kuti ndaiporofita nemuzita rako here? Ndakashandira mukereke kwemakore akawanda chose. . .Ndakadzidzisa vamwe kuti vatende mauri. Ko ungagosandiziva sei?”
Kusarurama pamberi paMwari kutenda maari asi munhu ane zvitadzo mumwoyo make kana kuti kusatenda zvichienderana nemurairo weruponeso. Kusarurama kudza kuita kuda kwake asi usingazivi kuda kwake kana kuti kuziva makomborero ekuzvarwa patsva nemvura nemweya. Kusaruramawo zvakare kutevera Jesu usingateereri kuda kwake. Kusarurama chitadzo.
KUDA KWAMWARI KURI MUBHAIBHERI
Vana vaMwari ndivanani?
Vakarurama vasina chitadzo
Kuda kwake kuti titende muvhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya. Vhangeri rechokwadi rinotarisa zvokuzvarwa patsva kazhinji kacho. Kuda kwake zvakare kuti tirarame tiri muvhangeri sevana vake. Tinofanira kuziva kuda kwaMwari, asi vazhinji havazivi vhangeri rokuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Kana ndikavhunza vanhu kuti sei vachitenda muna Jesu, vazhinji vanoti vanotenda muna Jesu kuti vagoponeswa kubva kuzvitadzo.
Ndinobvunza, “Zvino, mune zvitadzo mumwoyo yenyu here?”
Vanoti, “Hongu ndinazvo”
“Zvino makaponeswa here kana kuti kwete?”
“Hongu ndakaponeswa.”
“Mutadzi ane zvitadzo mumwoyo make angapinda ushe hwekudenga here?”
“Kwete haangapindi.”
“Zvino, muri kuenda kuushe hwekudenga here kana kuti kugehena remoto?”
vanopindura vachiti vanoenda kudenga kuushe hwekudenga, asi zvingaita here? Vanoenda kugehena.
Vamwe vanofunga kuti, nokuti vanotenda muna Jesu, vanogona kupinda kuushe hwekudenga kunyangwe vane zvitadzo mumwoyo yavo uyezve kuti kuda kwaMwari kuti vaiti saizvozvo. Asi Mwari havagamuchiri vatadzi kuushe hwekudenga.
Kuda kwaMwari chii? Kunoti iko, muBhaibheri, kuda kwaMwari ndiko kuti titende mumwanakomana wake, titende mumakomborero ekuregererwa nokuda kwerubhabhtidzo rwaJesu uye neropa rake ari pamuchinjikwa.
Avo vose vanotenda mumakomborero ekuzvarwa patsva nemvura nemweya uye nokuve vana vake. Maropafadzo edu kuve vana vaMwari. Vana vake vakarurama.
Kana Mwari vachitidaidza kuti takarurama, vangati mutadzi - mukirisito akarurama here? Mwari haazombonyepi. Zvino uri pamberi pake hausi mutadzi kana kuve wakarurama. Haungafungidzirwi “kuve nechausiri.” Anodaidza avo chete vanotenda muvhangeri remvura nemweya kuve ivo vatsvene.
Tingava vana vaMwari sei?
Nokugamuchira vhangeri remvura uye neropa
Nokuti Mwari vakaisa zvitadzo zvose zvepanyika pamwanakomana wavo, kunyangwe mwanakomana iye pachake aitofanira kutongwa ari pamuchinjikwa. Mwari havazombotauri nhema. Vanoti “Mubairo wezvivi rufu.” (VaRoma 6:23). Pakafa mwanakomana wavo kwakava nerima kwema awa matatu.
“Akadana nezwi guru achiti Eri, Eri ramasabhakatani? Ndokuti Mwari wangu, Mwari wangu mandisiireiko?” (Mateo 27:46).
Jesu akatora zvitadzo zvose zvepanyika kuburikidza nokubhabhatidzwa kwake kuti aponese vanhu vose kubva kuzvitadzo. Akatora zvitadzo zvevanhu zvse, achiziva kuti anofanira kuroverwa agosiiwa naMwari, Baba vake. Nokudaro Mwari vakatonga mwanakomana pamusoro pezvitadzo zvaainge atora pana Jorodhani uye akafuratidza chiso chake kubva kumwanakomana wake kwemaawa matatu.
“Asi vose vakamugamuchira wakavapa simba kuti vave vana vaMwari ivavo vanotenda kuzita rake.” (Johane 1:12).
Muri vana vaMwari here? Takazvarwa patsva. Nokuti takagamuchira vhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya. Vose vakazvarwa patsva nemvura nemweya ndivo vakarurama. Zvino tose tave takarurama.
“Kana Mwari achitirwira, ndianiko achatirwisa?” (VaRoma 8:31). Kana munhu akarurama akazviti akarurama pamberi paMwari uye nevanhu, avo vasina kuregererwa vanoedza kuda kumutonga. Nokudaro mupositora Pauro anoti, “Ndiani uchakwirira vasanangurwa vaMwari, Mwari ndiye anoruramisa” (VaRoma 8:33). Mwari akatsvaira zvitadzo zvedu zvose kuburikidza nomuna Jesu uye nokutiti takachenurwa, takarurama, uye vana vake. Akatipa kodzero yokuve vana vakakomborerwa vaMwari.
Vose avo vakazvarwa patsva nemvura nemweya ndivo vana vake. Vanogara naye nokusingaperi, havachisiri zvisikwa zvisina basa munyika muno asi kuti vana vaMwari varidzi vedenga.
Tinofanira kuziva vhangeri remvura nemweya kuti tigotenda muna Jesu. Tinofanira kuziva Bhaibheri zvakakosha kuti tizive nokutenda mukuda kwaMwari kuti tigokwanisa kuzvitakura zvichienderana nokuda kwake.
KUDA KWAMWARI KUTI VATADZI VAZVARWE PATSVA NEMVURA NEMWEYA
Sei Mwari akatuma mwanakomana wake ane mufananidzo wemunhu akatadza?
Kuti zvitadzo zvose zviiswe paari
Kusa kwaMwari kuti tive takaregererwa uye nokuzvarwa patsva nemvura nemweya. “Nokuti kuda kwaMwari ndihwo utsvene hwedu.” (1 VaTesaronika 4:3).
Kwaiva kuda kwaMwari kuti atume mwanakomana wake kuti zvitadzo zvose zvigoiswa paari kuti tigoponeswa. Uyu ndiwo murairo wemweya unotibvumidza kuti tizvarwe patsva nemvura nemweya. Zvinotisunungura kubva kuzvitadzo.
Takaregererwa. Zvino mave kuona here kuda kwaMwari? Kuda kwake kuti atiregerere tose. Haadi kuti tipokane nenyika asi kuti totenda mumashoko ake nokumupfugamira tichimunamata iye oga.
Kuda kwaMwari zvakare kuti avo vakazvarwa patsva vapupure vhangeri uye nokurarama vari mukereke vakazvipira pachavo vachishandura kuti imwe mweya idzoke kuna Mwari.
Tinotadza kwetekuti ndizvo zvatinoda, asi nokuti takaneta. Asi Jesu akatora zvitadzo zvose izvozvo. Mwari vakaisa zvitadzo zvose zvenyika pana Jesu kuburikidza nepana Johane mubhabhatidzi. Vakatuma mwanakomana wavo mumwechete iye oga nechinangwa ichocho uye akabhabhatidzwa naJohane. Tinoponeswa nokutenda mazviri. Uku ndiko kuda kwaMwari.
KUDA KWAMWARI KUTI TITENDE MUNA JESU, UYO WAAKATUMA
Sei Jesu akauya ane mufananidzo wemunhu ane zvitadzo?
Kuti azotora zvitadzo zvemarudzi ose.
Bhaibheri rinoti kuita kuda kwaMwari ndiko kutenda mune uyo waakatuma. “Zvino vakati kwaari; tichaiteiko kuti tibate mabasa aMwari? Jesu akapindura akati kwavari, ‘Basa raMwari ndiro kuti mutende kuna iye waakatuma.’ Zvino vakari kwaari; ‘Munoita chiratidzo chipiko kuti tione tikutendei? Imi munobateiko? Madzibaba edu akadya mana murenje sezvakanyorwa, zvichinzi wakavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye’” (Johane 6:28-31).
Vanhu vakaudza Jesu kuti Mwari vakapa Mozisi chiratidzo apo paive murwendo rweKenani, kupa vanhu veIsiraeri mana kubva kudenga nokuda kwaizvozvo vakatenda muna Mwari (Johane 6:32-39) vanhu vakabvunza Jesu “Tichaiteiko kuti tibate mabsa aMwari?”
Jesu akapindura akati vanofanira kutenda maari kuti vaite mabasa aMwari. Kana tichida kuita mabasa aMwari, tinofnira kutenda mumabasa aJesu Kirisito. Kuda kwaMwari kuti titende pamwechete nokuparidza vhangeri pamwe nokurarama mariri.
Mwari vakatitaurira achiti “Endai naizvozvo mudzidzise marudzi ose mubhabhatidze muzita rababa neromwanakomana, neromweya mutsvene, muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imi, tarirai ndinemi, mazuva ose kusvikira pakuguma kwenyika” (Mateo 28:19-20).
Jesu anotitaurira zviri pachena kuti tibhabhatidze nezita raBaba neremwanakomana neromweya mutsvene. Zvose zvaaitira Baba vake nemweya zviri mukubhabhatidzwa kwake. Kana tikanzwisisa izvozvi, tinogona kutenda muna Mwari uye nokuona zvinhu zvose zvakaitwa Jesu panyika pano uye kuti mweya wakapupurirawo zvakadii.
Jesu akatumwa naMwari kuti azopupurira vhangeri remvura nemweya. Nokudaro kana tichitenda mushoko raMwari uye nomushandiri wake tichaponeswa.
KUITA BASA RAMWARI
Chinangwa choupenyu hwedu ndechei?
Kuita kuda kwaMwari nokuparidza vhangeri kunyika yose
Kana tichida kuita basa raMwari tinofanira kutanga tatenda muvhangeri rokubhabhatidzwa kwaJesu uye nerufu rwake rwepamuchinjikwa. Kuda kwaMwari kuti titende mune uyo waakatuma. Kana tichida kuti titende muna Jesu, tinofanira kutanga tatenda kuti akatiponesa nemvura neropa.
Kuna kwaMwari kunopedziswa matiri kana tichitenda muna Jesu uye nokuparidza vhangeri. Nokuita ikoku tinenge tichiita basa raMwari. Akatiudza kuti kunze kweavo chete vanotenda mumakomborero ekuzvarwa patsva nemvura nemweya ndivo vanopinda ushe hwekudenga.
Ngatitorei nzvimbo dzedu kuushe hwekudenga nokurangarira chokwadi chekuda kwaMwari nokuziva uye nokutenda kuti zvitadzo zvedu zvose zvakaiswa pana Jesu nokuda kwerubhabhatidzo rwake. Raramira kukura kweushe, chokupedzisira paridza vhangeri kusvikira pazuva rokufa kwako.
Vadikanwi vakirisito! Vose vanotenda muvhangeri remvura nemweya ndivo avo vanoita basa raMwari. Kuda kwaMwari kuti titende maari uye akatumwa naMwari kuita kuda kwake kutenda kuti zvitadzo zvose zvakaiswa paari uyo akatumwa naMwari, uye kuti Jesu kirisiro muponesi wedu.
Basa rokudzikinura vanhu kubva muzvitadzo rakapedziswa apo Jesu paakabhabhatidzwa pana Jorodhani uye akafira isu tose ari pamuchinjikwa. Chikamu chepiri chebasa raMwari kutenda maari uyo akatumwa naMwari, kutenda mumuponesi uyo aktora zvitadzo zvose zvepanyika uye kuparidza vhangeri kunyika yose.
Zvino isu avo takazvarwa patsva tinofanira kurarama tichiparidza vhangeri kusvikira nyika yaguma.
Ko vanhu vanotenda muna Jesu vasingazivi kuda kwaMwari vanoenda kupi?
Vanoenda kugehena
“Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, Ishe, ishe, hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? Zvino ndichavaudza pachena; handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri imi vaiti vokusaruram!” (Mateo 7:22-23).
Ndima iyi inotitaurira pachena kuti vatadzi ndivanaani pamberi paMwari uye kuti vaiti vokusarurama ndevapi.
Pane vakawanda vasina kuzvarwa patsva pakati peavo vanoti, “Ishe, Ishe” vane marwadzo nokuti vachine zvitadzo mumwoyo yavo, nokudaro vanodaidzira kuna Mwari, vachidaidza; ‘Ishe, Ishe’ vane chidimbu chokunyunyuta, uye neminamato yokumunamato yakaminama.
Vanotenda kuti hana dzavao dzichachenurwa kana vachichema muminamato, asi hazviiti nokuti zvitadzo zvinoramba zviri mumwoyo yavo. Vanonamata vari mumakomo, vachidaidzira zvinorwadza, sokunge Mwari ari kure navo. Kana tisina kuvimba kwakakwana, tinoedzesera kudaidza kuti, “Ishe, Ishe’ nguva nenguva.
Mune amwe makereke mune ungano isina kuzvarwa patsva, vanonamata nesimba zvokuti atari inodonhera pasi.
Asi tinozviona muBhaibheri kuti havazi vose vanoti ‘Ishe, Ishe’ vanopinda ushe hwekudenga. Kunze kweavo chete vanotenda muvhangeri remvura nemweya ndivo vane kuvimba kunovatungamirira kuita mabasa aMwari.
Bhaibheri rinotitaurira kuti kusarurama, kudaidza zita rake une chitadzo mumwoyo mako. Wakamboenda kuminamato yomumakomo here? Vamwe madzimai makuru echiDhikoni vanochema, vachidaidza zita rake nokuti havasati vambosangana naJesu pachokwadi, kana kugamuchira mweya mumwoyo yavo, kana kuzvarwa patsva nemvura nemweya. Vanodaidza zita rake zvechimbi chimbi nokuti vanogara nokutya kusingaperi kuti vachaenda kugehena.
Tombotora semuenzaniso, kuti munhu akazvipira kweupenyu hwake achishandira kereke semutumwa waMwari kana kuti semuvhangeri obva araswa naMwari. Kusiiwa nomubereki kana kuti nomudikanwi kunokonzera kuti munhu arwadziwe mwoyo wake, asi kusiiwa naMwari, mambo wemadzimambo, mutongi wemweya yedu tinozoendepi?
Ndinovimba nokutarisira kuti izvi hazvisi kuzoitika kune umwe wedu. Veduwee ngatiteererei uye titende muvhangeri remvura nemweya. Kuda kwaMwari kuti tizvarwe patsva uye tirarame tiri muvhangeri remvura nemweya.
Isu vaKirisito tinofanira kutenda pachokwadi muvhangeri remvura nemweya uye tigokoka simba kubva kuchokwadi chiri muBhaibheri. Nokudaro, ipapo ndipo patingaponeswa kubva mukutongwa naMwari.