• All e-books and audiobooks on The New Life Mission website are free
  • Explore multilingual sermons in global languages
  • Two new revised editions in English have been released
  • Check out our website translated into 27 languages
Search

Sermons

Musoro 4 : Kugadzirisa Zvivi zveZuva Rimwe Nerimwe

[4-1] Evhangeri yeYananisiro Zhinji Kwazvo (Johane 13:1-17)

2021.04.16 103
(Johane 13:1-17)
“Mutambo wePasika wakanga uchigere kusvika. Jesu akanga achiziva kuti nguva yakanga yasvika yokuti iye abve panyika uye kuti aende kuna Baba. Sezvo akanga achida vake avo vakanga vari munyika, akavaratidza zvino kuzara kwerudo rwake. Kudya kwemadekwana kwakanga kwava kugoverwa, uye dhiabhori akanga aisa mumoyo maJudhasi Isarioti, mwanakomana waSimoni, pfungwa yokuti apandukire Jesu. Jesu akanga achiziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose pasi pesimba rake, uye kuti akanga abva kuna Mwari uye kuti aidzokerazve kuna Mwari. Saka akasimuka pakudya akabvisa nguo yake yokunze, uye akamonera tauro muchiono chake. Shure kwaizvozvo akadira mvura mudhishi akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, achidziomesa netauro rakanga rakamonerwa muchiuno chake. Akasvika pana Simoni Petro, iye akati kwaari, ‘Ishe muri kuda kushambidza tsoka dzangu here?’ Jesu akapindura akati, ‘Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.’ Simoni Petro akati, ‘Kwete, imi hamungatongoshambidzi tsoka dzangu.’ Jesu akapindura akati, ‘Kana ndikasakushambidza, hauna mugove neni.’ Ipapo Simoni Petro akati, ‘Ishe, ngadzirege kuva tsoka dzangu bedzi, asi maoko angu nomusoro wanguwo!’ Jesu akapindura akati, ‘Munhu anenge amboshamba muviri wose, anongoda bedzi kushamba tsoka dzake, muviri wake wose wakachena, kunyange zvazvo musiri mose vakachena.’ Nokuti aiziva kuti ndiani aizomupandukira, ndokusaka akati, havasi vose vakanga vakachena. Akati apedza kushambidza tsoka dzavo, akapfeka nguo dzake akadzokera panzvimbo yake. Akavabvunza akati, ‘Munonzwisisa here zvandaita kwamuri? Munondidaidza kuti ‘Mudzidzisi’ uye ndizvozvo chaizvo, nokuti ndizvo zvandiri. Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofarira kushambidzana tsoka dzenyu. Ndakupai muenzaniso kuti muite sezvandakuitirai imi. Ndinokuudzai chokwadi kuti, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uya atumwa haasi mukuru kupfuura amutuma. Zvino zvamava kuziva zvinhu izvi, mucharopafadzwa kana mukazviita.”
 
 
Ko Jesu akashambidzira chii tsoka dzaPetro pazuva remutambo wePasika? Asati ashambidza tsoka dzake, Jesu akati, “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.” Petro ndiye akanga ari mukuru wevadzidzi vaJesu. Aitenda kuti Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari uye akapupura kuti Jesu aiva Kristu. Sezvo Jesu akashambidza tsoka dzake, panofanira kuva nechikonzero chakaita kuti aite sezvo. Petro paakapupura kutenda kwake kuti Jesu aiva Kristu, zvinoreva kuti aitenda kuti Jesu aiva Muponesi achamuponesa pazvivi zvake zvose.
 
Nemhaka yei Jesu akashambidza tsoka dzevadzidzi vake asati aroverwa?
Nekuti aida kuti vanzwisise ruponeso rwake rwakakwana.
 
Nemhaka yei Jesu akashambidza tsoka dzaPetro? Jesu aiziva kuti Petro achamuramba katatu munguva diki yaizotevera uye kuti acharamba achitadza pane ramangwana.
Kana dai Petro akanga achiri nechivi chasara mumoyo make, mushure mekunge Jesu aenda kuDenga, angadai asina kukwanisa kubatanidzwa naJesu. Asi Jesu aiziva kusasimba kwevadzidzi vake vose uye aisada kuti zvivi zvavo zvimire pakati pake navo. Naizvozvo, aida kuvadzidzisa kuti zvakaipa zvavo zvose zvakashambizwa nechekare. Ichi ndicho chikonzero akashambidza tsoka dzevadzidzisi vake. Asati afa, achivasiya, Jesu aida kuti vaone kuti vaizofanira kumira nesimba paevhangeri yebhapatidzo yake uye nekuregererwa kwakakwana kwezvivi zvavo zvehupenyu hwese.
Johane 13 inotaura pamusoro peruponeso rwakakwana urwo rwakazadziswa naJesu kuvadzidzi vake. Paakanga achishambidza tsoka dzavo, Jesu akavaudza nezveuchenjeri hweevhangeri yebhapatidzo yake iyo yakasakisa kuti vanhu vose vashambidzwevo zvakaipa zvavo.
“Haikona kunyengedzwa nadhiabhorosi pane ramangwana. Ndakabvisa zvivi zvenyu zvose nebhapatidzo yangu murwizi rweJorodhani uye ndichatora mutongo wazvo paMuchinjikwa. Zvadaro, ndichazomutswa kuvakafa kuti ndizadzise ruponeso rwekuberekwa patsva kwamuri mose. Kuti ndikudzidzisei kuti ndakashambidza kunyange nezvivi zvenyu zveramangwana, uye kuti ndikudzidzisei kuti evhangeri yomene yekuregererwa kwezvivi, ndiri kushambidza tsoka dzenyu ndisati ndaroverwa. Ichi ndicho chakavanzika cheevhangeri yekuberekwa patsva. Mose munofanira kutenda saizvozvo.”
Tose tinofanira kunzwisisa chikonzero icho Jesu akashambidza tsoka dzevadzizi vake, tigoziva kuti sei akati, “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.” Ndipo bedzi patingazotenda kuevhangeri yekuzvarwa patsva, tigoberekwavo patsva pachedu.
 
 
Akareva Kudaro Muna Johane 13:12
 
Ko zvakaipa ndezvipi?
Ndizvo zvivi zvatinoita zuva nezuva nekuda kwekusasimba kwedu.
 
Jesu asati afira paMuchinjikwa, akaita mutambo wePasika pamwe nevadzidzi vake apo akavadzidzisa nezveevhangeri yekuregererwa kwezvivi kuburikidza kuburikidza nekushambidza tsoka dzake nemaoko ake.
“Jesu akanga achiziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose pasi pesimba rake, uye kuti akanga abva kuna Mwari uye kuti aidzokerazve kuna Mwari. Saka akasimuka pakudya akabvisa nguo yake yokunze, uye akamonera tauro muchiono chake. Shure kwaizvozvo akadira mvura mudhishi akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, achidziomesa netauro rakanga rakamonerwa muchiuno chake. Akasvika pana Simoni Petro, iye akati kwaari, ‘Ishe muri kuda kushambidza tsoka dzangu here?’ Jesu akapindura akati, ‘Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure” (Johane 13:3-7).
Akadzidzisa vadzidzi vake evhangeri yebhapatidzo uye neyananisiro yezvivi kuburikidza nemvura yebhapatidzo yake.
Panguva yose Petro paakanga akatendeka kuna Jesu, haana kugona kunzwisisa chikonzero Jesu anova ndiye Ishe akashambidza tsoka dzake. Asi mushure mekunge anatsonzwisisa zvaakanga aitirwa naJesu, nzira yaaitenda nayo kuna Jesu yakabva yashanduka. Jesu aida kumudzidzisa nezvekuregererwa kwezvivi, iyo evhangeri yemvura yebhapatidzo yake.
Jesu aityira kuti Petro aigona uzotadza kudzoka kwaari pamusaka pezvivi zvake zveramangwana, zvinova zvivi zvenyama yake. Jesu akashambidza tsoka dzavo kuitira kuti dhiabhorosi asatora kutenda kwevadzidzi. Nekufamba kwenguva, Petro akazonzwisisa chikonzero.
Jesu akagadzira nzira kuitira kuti munhu wese anotenda kumvura yebhapatidzo yake uye neropa rake adzikinurwe pazvivi zvake zvachose.
Johane 13 inotiudza mashoko akataurwa naJesu paakanga achishambidza tsoka dzevadzidzi vake. Mashoko akakosha kwazvo anogona kunatsonzwisiswa neavo bedzi vakaberekwa patsva.
Chikonzero icho Jesu akashambidza tsoka dzevadzidzi vake mushure memutambo wePasika chaiva chekuvabatsira kuti vazive kuti iye akanga ashambidza zvivi zvavo zvehupenyu hwese. Jesu akati, “Hausi kuziva kuti sei ndiri kushambidza tsoka dzako iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.” Mashoko akataurwa kuna Petro aya ane zvokwadi yedzikinuro yekusingaperi iri muna Jesu.
Tose tinofanira kuziva uye tigotenda kubhapatidzo yaJesu iyo yakashambidza zvivi zvedu zvose uye nekudarika kwedu. Bhapatidzo yaJesu paJorodhani yaiva evhangeri yekutambidzwa kwezvivi kuburikidza nekuisa maoko. Tose tinofanira kutenda kumashoko aJesu. Akabvisa zvivi zvose zvenyika kuburikidza nebhapatidzo yake uye akazadzisa kuregererwa kwezvivi kuburikidza nekutongwa pamwe nekuroverwa. Jesu akabhapatidzwa kuti abvise zvivi zvevanhu vose.
 
 
Kuregererwa kweZvakaipa Zveupenyu Hwedu Hwese Kwakazadziswa neBhapatidzo neRopa raJesu
 
Ko ‘muteyo’ waSatani ndeupi kune vakarurama?
Satani anoedza kunyengera vakarurama nechinanga chekuvaita vatadzi zvakare.
 
Jesu akanga achiziva zvamazvirokwazvo kuti mushure mekunge aroverwa, akamuka kuvakafa obva akwira kuDenga, Satani pamwe nevashambadzi vekutenda kwenhema vachazouya vachiedza kunyengera vadzidzi. Tinoona kubva pauchapupu hwaPetro, “Muri Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu,” kuti akanga achitenda kuna Jesu. Asi zvakadaro, Jesu aida kuyeuchidza Petro zvakare kuti achengete evhangeri yekuregererwa kwezvivi mundangariro. Evhangeri iyo ndiyo yebhapatidzo yaJesu, iyo yaakabvisa nayo zvivi zvose zvenyika. Jesu aida kuidzidzisa zvakare kuna Petro, nevadzidzi uye nekwatiri taizouya mberi. “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.”
Pese paitadza vadzidzi vaJesu, Satani aizovaedza uye nekuvapa mhosva achiti, “Tarira! Kana uchiri kutadza, ungagoti hauna chivi sei? Hauna kuponeswa iwe. Uri mutadzi zvake.” Kuti adzivirire chikonye chakadaro, Jesu akavaudza kuti kutenda kwavo kubhapatidzo yake kwakashambidza zvivi zvavo zvehupenyu hwese – zvakare, zvanhasi uno uye nezvaramangwana.
“Mese munoziva kuti sei ndakabhapatidzwa! Chikonzero ndakabhapatidzwa paJorodhani ndechekuti zvivi zvehupenyu hwese zvishambidzwe, kusanganisira chivi chekuvambira. Muri kunzwisisa here zvino kuti sei ndakabhapatidzwa uye kuti sei ndakaroverwa ndikafira paMuchinjikwa?” Jesu akashambidza tsika dzevadzidzi vake kuti avaratidze kuti akanga abvisa zvivi zvavo zvezuva nezuva kuburikidza nebhapatidzo yake, uye kuti achazogamuchira mutongo pachinzvimbo chavo paMuchinjikwa.
Zvino, iwe neni takadzikinurwa pazvivi zvedu zvose nekutenda kwedu kuevhangeri yebhapatidzo neropa raJesu, izvo zvinoita kuti tigamuchire kuregererwa kwezvivi zvedu zvose. Jesu akabhapatidzwa ndokuroverwa nokuda kwedu. Akashambidza zvivi zvedu zvose nebhapatidzo yake uye neropa rake. Munhu wese anoziva uye achitenda kuevhangeri yeyananisiro yezvivi nokutenda kuzvokwadi anodzikinurwa pazvivi zvake zvose.
Ko vakaberekwa patsva vanofanira kuita sei mushure mekunge vaberekwa patsva? Vanofanira kubvuma zvivi zvavo zuva nezuva pamwe nekutenda uye vagotenda kuruponeso rwebhapatidzo neropa raJesu, evhangeri yeyananisiro yezvivi zvavo zvose. Evhangeri yekuregererwa kwezvivi ndiyo yatinofanira kurovedza mundangariro dzedu sevanhu vakaberekwa patsva.
Kuti uchatadza zvakare hazvireve here kuti uri mutadzi zvakare? Kwete. Ko tingagova vatadzi zvakare sei kana tichiziva kuti Jesu akabvisa zvivi zvedu zvese? Bhapatidzo yaJesu uye neropa rake repaMuchinjikwa ndiyo evhangeri yeyananisiro yezvivi zvedu zvose. Aninani anotenda kuevhangeri yomene yekuregererwa kwezvivi iyi anoberekwa patsva achiva munhu akarurama.
 
 
Vakarurama Havangagoni Kuva Vatadzi Zvakare
 
Nemhaka yei vakarurama vasingagoni kuva vatadzi zvakare?
Nekuti Jesu akatoyananisira zvivi zvehupenyu hwavo hwese nechekare.
 
Kana uchitenda kuevhangeri yekuregererwa kwezvivi, iyo evhangeri yemvura noMweya, asi uchiri kunzwa kuti uri mutadzi nekuda kwezvakaipa zvaunoita zuva nezuva, bva unofanira kuenda kuJorodhani uko kwakabhapatidzwa Jesu kuti abvise zvivi zvako zvose. Kana ukava mutadzi zvakare mushure mekugamuchira kuregererwa kwezvivi, Jesu anofanira kutobhapatidzwa zvakare. Unofanira kuva nekutenda mukuregererwa kwezvivi zvako muevhangeri yebhapatidzo yaJesu. Unofanira kuzvichengeta mupfungwa kuti Jesu akabvisa zvivi zvako zvose kamwechete kuburikidza nebhapatidzo yake. Unofanira kuva nekutenda kwakasimba kuna Jesu Kristu seMuponesi wako.
Kutenda kuna Jesu seMuponesi wako zvinoreva kuti unotenda kubhapatidzo yaJesuiyo yakabvisa zvivi zvehupenyu hwako hwese. Kana uchitenda zvamazvirokwazvo kubhapatidzo yake, neMuchinjikwa, rerufu uye nekumuka kwake, haungazovi mutadzi zvakare, zvisinei nekuti wazoita chitadzo chakadii. Wakadzikinurwa pazvivi zvako zvose muhupenyu hwako kuburikidza nekutenda.
Jesu Kristu akashambidza zvivi zveramangwana zvakare, kunyange nezvivi zvatinoita pamusaka pekusasimba kwedu. Sezvo Jesu akanga achifanira kutsinhira nezvekukosha kwebhapatidzo yake, akashambidza tsoka dzevadzidzi vake nemvura sechiratidzo cheevhangeri yekuregererwa kwezvivi, ndiko kuti bhapatidzo. Jesu Kristu akabhapatidzwa, akaroverwa, akamutswa kuvakafa uye akakwira kuDenga kuti azadzise chipikirwa chaMwari cheyananisiro zhinji pazvivi zvose zvenyika uye kti aponese vanhu vose. Nokuda kwekudaro, vadzidzi vake vakakwanisa kuparidza evhangeri yeyananisiro yezvivi, nebhapatidzo yaJesu, neMuchinjikwa uye nekumuka kwake kudzamara pamigumo yehupenyu hwavo.
 
 
Kusasimba kweNyama yaPetro
 
Nemhaka yei Petro akaramba Jesu?
Nekuda kwekusasimba kwake
 
Bhaibheri riotiudza kuti Petro paakabvunzwa nevaranda vaKefasi muprista mukuru, achipia mhosva yekuti aiva umwe weavo vaifamba naJesu, akaramba kaviri achiti, “Murume uyu handimuzive.” Akabva aramba uye achipika ketatu.
Ngativerengei ndima inobva muna Mateo 26. “Zvino Petro aanga agere panze muruvazhe, uye mumwe muranda wechisikana akauya kwaari akati, ‘Newevo wakanga una Jesu weGarirea. Asi akaramba pamberi pavo vose achiti, ‘Handizivi zvauri kutaura nezvazvo.’ Ipapo akabuda akandomira pasuo apo paakaonekwa nomumwe musikana akati kuvanhu vose vaivapo, ‘Munhu uyu akanga ana Jesu weNazareta.’ Akarambazve, akapika achiti, ‘Murume uyu handimuzivi!’ Mushure mechinguva, vaya vakanga vamirepo vakaenda kuna Petro vakasvikoti, ‘Zvechokwadi uri mumwe wavo nokuda kwematauriro ako.’ Ipapo akatanga kuzvituka uye akapika kwavari achiti, ‘Murume uyu handimuzivi!’ Pakarepo jongwe rakarira. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa naJesu rokuti, ‘Jongwe risati rarira uchandiramba katatu.’ Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru” (Mateo 26:69-75).
Petro aitenda kuna Jesu zvamazvirokwazvo uye aimutevera zvakatendeka. Aidavira kuti Ishe Jesu aiva Muponesi wake uye ‘Muprofita’ akauya. Asi Jesu paakaendeswa kudare raKefasi, zvikabva zvava nenjodzi kuti abudise pachena hukama hwake naJesu kuvakuru vaivepo, Petro akaramba pamwe nekutuka Jesu pamberi pavo.
Petro akanga asingazive kuti acharamba Jesu, asi Jesu aiziva kuti achazodaro. Jesu aiziva kusasimba kwaPetro kwese. Naizvozvo, Jesu akashambidza tsoka dzaPetro ndobva adhinda evhangeri yeruponeso mundangariro dzake, sezvazvakanyorwa muna Johane 13, “Uchazotadza pane ramangwana, asi ndakashambidza kunyange nezvivi zvako zveramangwana.”
Petro akaramba Jesu zvamazvirokwazvo, hupenyu hwake pahwakatarisana nenjodzi, asi chikonzero chaiva chekusasimba kwenyama yake iyo yakamutuma kuti adaro. Naizvozvo, Jesu akagara ashambidza tsoka dzavo.
“Ndichakanganwiravo nezvivi zvenyu zveramangwana. Ndinofanira kuroverwa nekuti ndakabhapatidzwa ndobva ndabvisa zvivi zvenyu zvose, uye ndichazviripira zvose kuti ndigova Muponesi wenyu mose. Ndini Mwari wenyu naIshe wenyu. Ndicharipira zvivi zvenyu zvose zvakazara, uye ndichava Mufudzi wenyu kuburikidza nebhapatidzo yangu uye neropa rangu.”
Kuti adyare zvokwadi iyi mumoyo yedu, Jesu akashambidza tsoka dzavo mushure memutambo wePasika, Iyi ndiyo zvokwadi yeevhangeri.
Nekuda kwekuti nyama yedu yakaneta kunyange mushure mekunge taberekwa patsva, tinoramba tichitadza zvakare. Hatifanire kunge tichitadza hedu asi kana tichinge tatarisana nematambudziko akawoma tinotadza tisina chishuwo chekuti tidaro. Tinorarama munyama saka dzimwe nguva tinomanikidzwa kurarama munyika yeutadzi, asi Jesu akaregerera zvivi zvose izvozvo nebhapatidzo yake uye neropa rake repaMuchinjikwa.
Hatirambe kuti Jesu ndiye Muponesi wedu, asi kana tichirarama munyama, tinoramba tichitadza zvisiri pakuda kwaMwari.
Jesu aiziva zvakanyanya kuti tichaita zvitadzo pakurarama kwedu panyama, saka akaita Muponesi wedu kuburikidza nekuripira zvivi zvedu nebhapatidzo yake uye neropa rake. Akabvisa zvivi zveavo vose vanotenda muruponeso rwake uye nekumuka kwake.
Ichi ndicho chikonzero mabhuku mana emuTestamende Itsva achitanga nekutaura nezvekubhapatidzwa kwaJesu naJohane Mubhapatidzi. Chinangwa chehupenyu hwaJesu hwepanyama chaiva chekuzadzisa evhangeri yekuberekwa patsva, evhangeri yeruponeso.
 
Ko tinotadza panyama kwenguva yakadii?
Tinotadza pahupenyu hwedu hwese kudzamara tife.
 
Petro paakaramba Jesu katatu kose jongwe risati rarira, zvingava zvakarwadza moyo wake sei! Zvichida akanyarawo sei! Akanga apika pamberi paJesu kuti haambofa akamupandukira. Akatadza nekuda kwesasimba kwenyama yake, asi angava akazonzwisa tsitsi sei mushure mekukundwa nekusasimba kwake ndokubva aramba Jesu katatu kose? Akanyara sei apo Jesu akamunzwira tsitsi zvakare mushure mezvo?
Asi Jesu akanga achiziva nezvezvinhu zvose izvi uye nezvimwe zvizhinji. Naizvozvo, akati, “Ndinoziva kuti uchatadza zvakare. Asi ndakabvisa zvivi izvozvo nebhapatidzo yangu, kuti zvivi zvako zvisakuwisa kuti ugodzokera kuva mutadzi, uye kuti usazoona zvakaoma kuti udzoke kwandiri zvakare. Ndakava Muponesi wako akakwana kuburikidza nekubhapatidzwa pamwe nekutongerwa zviv zvako zvose. Ndakaita Mwari wako, Mufudzi wako. Tenda kuevhangeri yekuregererwa kwezvivi zvako. Ndicharamba ndichikuda kunyange ukaramba uchitadza zvivi zvepanyama. Ndakashambidza zvakaipa zvako zvose. Evhangeri yekuregererwa kwezvivi ine simba nekusingaperi. Rudo rwangu nderwekusingaperi zvakare.”
Jesu akaudza Petro pamwe nevadzidzi vake kuti, “Kana ndikasakushambidza, hauna mugove neni.” Chikonzero Jesu akataura nezveevhangeri iyi muna Johane 13 chaiva chekuti zvakanga zvakakosha kuti vanhu vaberekwe patsva nemvura noMweya. Unozvibvuma here? Vhesi 9 inoti, “Ipapo Simoni Petro akati, ‘Ishe, ngadzirege kuva tsoka dzangu bedzi, asi maoko angu nomusoro wanguwo!’ Jesu akapindura akati, ‘Munhu anenge amboshamba muviri wose, anongoda bedzi kushamba tsoka dzake, muviri wake wose wakachena.”
Wadiwa hama, uchaita zvitadza ‘zvepanyama’ pane ramangwana here, kana kuti kwete? Zvamazvirokwazvo uchazviita. Asi Jesu akataura kuti akashambidza kunyange nezvivi zveramangwana, kudarika kose kwepanyama yedu nebhapatidzo yake uye neropa rake, uye akaudza vadzidzi vake shoko rezvokwadi, reevhangeri yeyananisiro, asati aroverwa.
Tinotadza nekuda kwekuti tinorarama munyama nekusasimba kwedu kose. Jesu akashambidza zvivi zvose zvenyika nebhapatidzo yake. Haana kushambidza misoro nemiviri yedu chete asi netsoka dzeduwo, ndiko kuti zvivi zvedu zvose zveramangwana. Iyi ndiyo evhangeri yekuberekwa patsva, yebhapatidzo yaJesu.
Mushure mekunge Jesu abhapatidzwa, Johane Mubhapatidzi akapupura achiti, “Tarirai Gwayana raMwari iro rinobvisa chivi chenyika!” (Johane 1:29). Tinofanira kutenda kuti zvivi zvose zvenyika zvakashambidzwa kuburikidza nekuiswa kuna Jesu kuna Jesu paakabhapatidzwa.
Hatitogoni asi kutotadza chete kana tichirarama munyika ino yeutadzi. Iyi izvokwadi iri pachena. Pose panobuda kusasimba kwedu kwenyama, tinofanira kuzviyeuchidza kuti Jesu akabvisa zvivi zvedu zvose pamwe nezvivi zvose zvenyika kuburikidza neevhangeri yekuregererwa uye akazviripira neropa rake. Tinofanira kuwonga Jesu kubva pakadzika pemoyo yedu. Ngatipupurei nekutenda kuti Jesu ndiye Muponesi wedu uye Mwari wedu. Rumbidzai Ishe.
Munhu wese anoita zvivi nenyama panyika pano. Vanhu vanoramba vachitadza nenyama yavo uye vanofa nekuda kwezvivi zveupenyu hwavo.
 
 
Pfungwa Dzakaipa muMoyo yeVanhu
 
Ndezvipi zvinosvibisa munhu?
Zvivi zvakasiyana siyana uye nepfungwa dzakaipa
 
Jesu anotaura muna Mateo 15:19-20. “Nokuti mumoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu. Izvi zvose zvinosvibisa munhu, asi kudya asina kushamba maoko hazvimusvibisi.”
 
 
Munhu Anofanira Kuziva Huipi Hwake Pachake
 
Ko mumoyo memunhu mune chii?
Mune zvivi zvemhando gumi nembiri (Marko 7:21-23)
 
Tinofanira kugona kutaura tichiti, “Zvivi zvemhando gumi nembiri zvivi mumoyo yevanhu. Ndinazvo zvose mumoyo wangu. Ndine zvive zvemhando gumi nembiri, zvakanyorwa nezvazvo muBhaibheri, mumoyo wangu.” Kana tisati taberekwa patsva nemvura uye noMweya, tinofanira kubvuma kuti zvivi izvi zvakagara zviri mumoyo yedu. Tinofanira kugamuchira kuti tiri vatadzi vakazara pamberi paMwari, asi hatiwanzi kudaro. Vazhinji vedu vanopa zvikonzero zvekutadza kwavo, “Handina kumbobvira ndaita pfungwa dzakadaro mumoyo mangu. Ndakangorasikawo kwekanguva kadiki kako.”
Asi Jesu akataura kuti kudii pamusoro pevanhu venyama? Akadoma zvakajeka kuti zvinobuda mumoyo wemunhu ndizvo zvinomusvibisa. Akatiudza kuti vanhu vane pgungwa zvakaipa mukati mavo. Unofunga kuti kudii nazvo? Unozviziva here kuti munhu wese ane pfungwa dzakaipa? Hongu, pfungwa dzemunhu wese dzakaipa.
Makore mashoma apfuura, chimwe chitoro chikuru chemuguta reSeoul chapadonha. Mhuri dzakarasikirwa nevadikanwi vadzo dzakarwadziwa zvakanyanya, asi vanhu vazhinji vakaenda ikoko kundofadzwa nekuona chiitiko ichii.
Vamwe vakatofunga vachiti, “Pafa vanhu vangani? Mazana maviri bedzi? Aiwa, vashoma saka. Asi dai kwafa kana mazana matatu? Zvingadai zvanatsonakidza pamwe nekushamisa kana dai vafa vanga vaita chiuru pahuwandu…” Moyo yevanhu yakaipa saizvozvo. Tinofanira kuzvigamuchira. Zvinhu zvisina remekedzo sei kune vafi! Uye zvinorwadza sei kune vaya vafirwa! Vamwe vakatosara vasisina punditso.
Vamwe vakanga vachitarira njodzi iyi Havana kana kutombonzwa tsitsi. “Zvaizonatsonakidza kana dai pafa vanhu vazhinji! Zvaizonakidza sei kuona! Ko kuzoti dai zvaitika munhandare yakazara nevanhu. Kana chiuru chevanhu vangadai vapfutsirwa nezvidhinha. Zveshuwa! Zvingadai zvanatsonakidza!” Zvichida vamwe vaitova nepfungwa dzakadai. Kufunga kwakadaro kunoitwa nevanhu kana vakanzwa nezvetsaona yemumugwagwa. Vaya vanenge vachiona vanowanza kutosvotwa kaa vakanzwa kuti tsaona haina zvayakuvadza.
Tose tinoziva kuti tinombova vanhu vakaipa sei dzimwe nguva. Inyaya yekungoti hatigoni hedu kutaura pfungwa dzakaipa kudaro nemiromo yedu. Tinogona kutoratidza kusuwa kana takatarisa tsaona yaitika, asi nechemumoyo tinenge tichitoshuwira kuti dai njodzi yacho yanga iri huru kwazvo. Tinoda kuona njodzi hombe dzinouraya zviuru zvavanhu, kunyanya nyanya kana isina kuipira zvido zvedu. Aya ndiwo mashandiro anoita moyo yevanhu. Vazhinji vedu takaita seizvi kana tisati taberekwa patsva.
 
 
Humhondi Mukati meMoyo weMunhu
 
Nemhaka yei tichitadza?
Nekuti tine pfungwa dzakaipa mumoyo yedu.
 
Mwari vakatiudza kuti tine humhondi mukati memoyo yedu. Asi vazhinji vanozviramba pamberi paMwari vachiti, “Ko sei muchitaura kudaro! Handina kana pfungwa dzehumhondi mumoyo mangu ini! Shuwa sei muchinditora semunhu akadaro!” Havambofa vakabvuma kuti vane humhondi mumoyo yavo. Vanofunga ivo kuti mhondi dzakasikwa zvakasiyana navo.
“Vanhu vane humhondi mumoyo yavo ndeiya mhondi yekuuraya vanhu vazhinji yakabuda panhau, kana vanhu vakaurya vanhu ndobva vavapisira muimba yepasi! Ava vane musikirwo wavowo. Handingambofa ndakaita savo. Ava mabhinya. Imhondi!” Vanobva vatotsamwira vaya vasungwa vanenge vabatwa vachiti, “Ava vakazvarwa nemhodzi yakaipa vanofanirwa kubviswa panyika! Vose vanofanira kutongerwa rufu!”
Asi pfungwa dzehumhondi dzirivo mukati meivava vanenge vachitotsamwa kudai, sezvadzingorivo mumoyo yemhondi nemabhinya akauraya vanhu vazhinji. Mwari vanotiudza kuti mumoyo yevanhu vose mune humhondi. Tinofanira kugamuchira Shoko raMwari, avo vanoona kunyange nezvinhu zvakavanzika zviri mupfungwa dzedu. Naizvozvo tinofanra kubvuma tichiti, “Ndiri mutadzi uye ndine humhondi mupfungwa dzangu.”
Hongu, Mwari akatiudza kuti mumoyo yevanhu vose mune zvivi zvemhando gumi nembiri, kusanganisira humhondi. Ngatigamuchirei Shoko raMwari. Kuipa kuri kuwedzera kuita rudzi rwevanhu kuri kutoita kuti midziyo yekuzvidzivirira irambewo ichitoita zvombo zvekuita humhondi nazvo. Izvi zvinokonzerwa nehumhondi huri mumoyo yedu. Unogona kuuraya kana wakabatwa nehasha kana kuti uchitya. Handisi kureva hangu kuti munhu wese anouraya zvomene mene, asi tinofunga saizvozvo mumoyo yedu.
Tinozvarwa tiine pfungwa dzakaipa mumoyo yedu. Vamw vanodzamara vatouraya zvomene, kwete nekuti vakanyanya kuzvarwa vari mhondi asi nekuda kwekuti tose tine goneso yekuita mhodi. Mwari vanotiudza kuti tine pfungwa dzakaipa uye humhondi mumoyo yedu. Ichokwadi. Hakuna umwe wedu anganzi haadaro.
Naizvozvo, nzira yechokwadi kuti titore ndeyekugamuchira Shoko raMwari pamwe nekuriterera. Tinotadza munyika muno nekuda kwekutin tine pfungwa dzakaipa mumoyo yedu.
 
 
Upombwe muMoyo Yedu
 
Mwari anotaura kuti upombwe huri mumoyo wemunhu wose. Unozvibvuma here? Unobvuma here kuti une upombwe mumoyo mako? Hongu, mumoyo wemunhu wose mune hupombwe.
Ndiko kusaka hufeve pamwe nedzimwe mhosva dzebonde dziri kukurumbira munharaunda dzedu. Hufeve ndiyo imwe yenzira dzekuita nadzo mari munhoroondo yose yevanhu. Mamwe mabhizinisi anogona kumbonetseka kana hupfumi hwenyika huchishushikana, asi mabhizinisi akaipa seawa haambonetsekani nekuda kwekuti mumoyo wemunhu wose mune upombwe.
 
 
Chibereko cheVatadzi Ndicho Chivi
 
Ko munhu wenyama anofananidzwa nechii?
Anofananidzwa nemuti unobereka michero yechivi
 
Sekubereka kunoitwa maapuro nemuti wemuapuro, uye mupiye uchiberekawo mapiye, uye muchindwe uchibereka machindwe, uye mupesimoni uchibereka mapesimoni, nesuvo takaberekwa nemhando gumi nembiri yezvivi tinobereka michero yezvivi.
Jesu anotaura kuti zvinobuda mumoyo memunhu ndizvo zvinomusvibisa. Unobvumirana nazvo here? Tinofanira kubvuma mashoko aJesu tichiti, “Hongu, tiri boka revatadzi, nevaiti vezvakaipa. Hongu, munoreva chokwadi Ishe.” Hongu tinofanira kubvuma zvakaipa zvedu. Tinofanira kubvuma chokwadi ichi pamberi paMwari.
Sekuterera kwakaita Jesu kuda kwaMwari, nesuvo tinofanira kugamuchira Shoko raMwari tobva tariterera. Ndiyo nzira yoga yokuti tiponeswe pazvivi zvedu zvose kuburikidza nemvura uye noMweya. Izvi zvipo zvinobva kuna Mwari.
Nyika yangu yakaropafadzwa nemwaka mina yakanaka. Kana mwaka iyi ichifamba, miti yakasiyana siyana inobereka michero yayo. Nenzira imwecheteyo, zvivi zvemhando gumi nembiri zviri mumoyo yedu zvakabatira matiri uye zvinotimanikidza kuti titadze nguva dzose. Nhasi uno, chinogona kuva chiri chitadzo chehumhondi chakadzimba moyo yedu, mangwana kouya cheupombwe.
Zvakare, pazuva rinotevera kunobva kwauya dzakaipa, kotevera upombwe, kotevera kuva chapupu chenhema… zvichingodaro. Tinoramba tichitadza gore rose, mwedzi woga woga, zuva rimwe nerimwe uye awa yoga yoga. Hakuna zuva rinopfuura tisina kuita imwe mhando yechivi. Tinoramba tichizvipikira kuti hazitotadzi zvakare, asi izvi zvinotadza nekuti takazvarwa nemhando iyi.
Wakamboona muti wemuapuro uchiramba kubereka maapuro nekuti haudi here? “Handidi kubereka maapuro!” Kunyange ukaita sarudzo yekuti haudi kubereka, ungagotadza sei kubereka maapuro? Kunyangwe usingade sei, maruva achangotunga mumwaka wawo, maapuro anobva akura uye oibva munguva yekunaya, zvekuti muchero waw unozodyiwa pamwaka unotevera.
Iyi ndiyo nhevedzo yenyika, uye hupenyu hwevatadzi hunotofanirawo kutevedza nhevedzo imwechete yechibarirwo.
 
 
‘Bhapatidzo yaJesu neMuchinjikwa Wake’ Zvakayananisira Zvivi Zvedu

Ko zvinorevei kuti yananisiro yaJesu?
Zvinoreva kuripirwa kwemibairo yezvivi nebhapatidzo yaJesu (kuisa maoko) uye neropa rake repaMuchinjikwa
 
Ngativerengei ndima kubva muBhaibheri kuti tione kuti vatadzi, boka revaiti vezvakaipa, vanoyananisira zvivi zvavo sei pamberi paMwari kuti vagorarama nemufaro. Iyi ndiyo evhangeri yeyananisiro yezvivi.
“Kana nhengo yeungano yavanhu ikatadza nokusaziva uye ikaita zvisingabvumirwi mumurayiro uoi noupi waJehovha, ine mhosva. Kana akaziviswa chivi chaakaita, anofanira kuuya nechibairo chake chechivi chaakaita mbudzi hadzi isina kuremara. Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wechibairo chechivi agochiuraya panzvimbo yechipiriso chinopiswa. Ipapo muprista achatora rimwe ropa nomunwe wake agoriisa panyanga dzearitari yechibairo chinopiswa agodira rimwe ropa rose mujinga mearitari. Achabvisa mafuta ose sokubviswa kunoitwa mafuta pachibayiro chekuwadzana uye muprista achazvipisa paaritari sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. Nenzira iyi muprista achamuyananisira uye acharegererwa” (Revhitiko 4:27-31).
Mumazuva eTestamende Yakare, vanhu vaiyananisirwa zvivi zvavo sei? Vaitanga vaisa maoko avo pamusoro wechibairo, vobva vaisa zvivi zvavo kwachiri.
Zvakanyorwa muna Revhitiko. “Taura kuvana vaIsraeri uti kwavari, ‘Kana munhu upi zvake pakati penyu achiuya nechipiriso kuna Jehovha ngaauye nechipiriso chezvipfuwo, zvemombe kana zvamakwai. Kana chipiriso chake chiri chinopiswa chinobva mudanga remombe, ngaape chikono chisina kuremara. Ngaachibaye pamusuwo weTende Rokusangana kuti chigamuchirwe pamberi paJehovha. Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro pechibairo chinopiswa uye chichagamuchirwa chakamumirira iye kuti chimuyananisire” (Revhitiko 1:2-4).
Kana munhu wenguva iyoyo achinge aone aine chivi mumoyo wake, aifanira kuuya nezvipiriso zvechivi zvaishandiswa kuyananisira chivi. Aifanira ‘kuisa mavoko’ ake pamusoro wechipiriso chechivi kuti atsvete zvivi zvaakaita. Mukati mechivanze chetabhenakere makanga muine aritari yezvipiriso zvekupisa. Aritari iyi yakanga iine humiro hwebhokisi asi yakari kurei kudarika tafura yepurupiti, uye yakanga iinenyanga kumakoma ayo ose. VaIsraeri vaiyananisirwa zvivi zvavo kuburikidza nekuturira zvivi zvavo pamusoro wechipiriso chechibairo, vobva vapisa nyama yacho paaritari yezvipiriso zvekupisa.
Mwari vakataura muna Revhitiko kuti “Ngaachibaye pamusuwo weTende Rokusangana kuti chigamuchirwe pamberi paJehovha.” Zvivi vaitambidzwa pachipiriso chechivi kana vachinge vaisa maoko avo pamusoro wacho, mutadzi aibva acheka huro yechipiriso obva aisa ropa racho panyanga dzearitari yechipiriso chekupisa.
Mushure mezvo, mutumbi wechipiriso waisukwa zvemukati zvawo, uye nyama yacho yaichekwa kuitwa nhindi yobva yapiswa kusara yava madota paaritari yezvipiriso zvekupisa. Kunhuhwira kwenyama kunofadza Jehovha kwaipirwa kuna Mwari pakuyananisirwa kwavo. Aya ndiwo mayananisirwo ayiita zvivi zvavo.
Mwari vakatendera chimwe chibairo cheyananisiro yezvivi zvavo zvepagore. Ichi change chakasiyana nechibairo cheyananisiro yezvivi zvavo zvezuva nezuva. Kana pava pazvivi zvepagore, Muprista Mukuru ega ayiisa maoko ake pachibairo chechivi akamirira vanhu vose veIsraeri, obva asasa ropa kumabvazuva kwechigaro chenyasha kanomwe. Zvakare, kuisa kwaayiita maoko ake pamusoro wembudzi mhenyu kwayiitwa pamberi pevaIsraeri pazuva regumi remwedzi wechinomwe (Revhitiko 16:5-27).
 
Ndiyani aimiririrwa nechipiriso chechivi muTestamende Yakare?
Jesu Kristu
 
Zvino ngatitarisei kuti tsika yekubaira yakachinja sei muTestamende Itsva uye kuti murairo waMwari wekusingaperi wakaramba wakadaro sei kwemakore ose.
Nemhaka yei Jesu akafira paMuchinjikwa? Chii chaakatadza panyika pano zvekuti Mwari vakatendera kuti Mwanakomana wavo afire paMuchinjikwa. Vatadzi vose vepanyika pano, kure kuti isu tose, pavakawira muchivi, Jesu akauya kuzotiponesa.
Akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi parwizi rweJorodhani ndobva atora mutongo paMuchinjikwa kuitira zvivi zvose pachinzvimbo chevanhu vose. Nzira yakabhapatidzwa nayo Jesu uye nzira yaakadeura nayo ropa yakanga yakafanana neyechibairo cheyananisiro muTestamende Yakare – kuisa maoko pachipiriso chechivi uye kudeura ropa racho.
Aya ndiwo maitiri azvaifanirwa kuita muTestamende Yakare. Mutadzi ayiisa maoko ake pachipiriso chechivi obva areurura zvivi zvake, achiti, “Ishe, ndakatadza. Ndakauraya uye ndakapomba.” Zvadaro, zvivi zvake zvaibva zvaiswa pachipiriso chechivi.
Sekucheka kwaiita mutadzi huro yechipiriso chechivi achibva achipira pamberi paMwari, Jesu akapirwa nenzira imwechete kuti ayananisire zvivi zvedu zvose. Jesu akabhapatidzwa ndokubva ropa rake radeuka paMuchinjikwa kuti ayananisire zvivi zvedu zvose kuburikidza nechibairo chake, Chokwadi ndechekutoti Jesu akafa nokuda kwedu. Kana tichifunga nezvazvo, kupira mhuka dzisina mavara sezvibairo zvezvivi zvevanhu uku kwaimborevei chaizvo izvo? Mhuka dzose idzodzo dzakanga dzichiziva kuti chivi chii here? Mhuka hadzizive chivi? Dzaifanira kunge dziri mhuka dzisina mavara.
Sekusava nemavara zvachose kwaifanira kunge kwakaita mhuka idzodzo, kana naJesu wo akanga asina chivi. Ndiye Mwari Mutsvene, Mwanakomana waMwari, uye haana kumbobvira atadza. Saka akatakura zvivi zvedu zvose kuburikidza nebhapatidzo yake murwizi rweJorodhani paakanga aine makore makumi matatu.
Jesu akafira paMuchinjikwa nekuda kwezvivi zvaakatora kubva kwatiri. Uhu hwaiva hushuiri hwake hweruponeso uho hwakashambidza zvivi zvose zvenyika.
 
 
Kutanga kweEvhangeri yeYananisiro yeZvivi
 
Nemhaka yei Jesu akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi muJorodhani?
Kuti azadzise kururama kose
 
Zvakanyorwa muna Mateo 3 kuti, “Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhapatidzwa naJohane. Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti, ‘Ini ndini ndinotofanira kubhapatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?’ Jesu akati, ‘Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose’” (Mateo 3:13-15).
Tinofanira kuziva pamwe nekunzwisisa kuti sei Jesu akabhapatidzwa paakanga ava nemakore makumi matatu. Akabhapatidzwa kuti ayananise zvivi zvevanhu vose uye kuti azadzise kururama kose kwaMwari. Kuti aponese vanhu vose, Jesu Kristu, iye asina chivi, akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi.
Saizvozvo, akabvisa zvivi zvenyika ndokubva azvipora kuti ayananisire zvivi zvevanhu vose. Kuti tiponeswe pachivi, tinofanira kuziva zvokwadi yose, tigotenda kwairi. Zviri kwatiri kuti titende kuruponeso rwaJesu tigoponeswa.
Ko bhapatidzo yaJesu inorevei? Yakafanana nekuisa maoko muTestamende Yakare. MuTestamende Yakare, zvivi zvevanhu vose zvayiiswa pamusoro wechipiriso chechivi kuburikidza maoko eMuprista Mukuru. Zvimwechetewo, muTestamende Itsva, Jesu akabvisa zvivi zvenyika kuburikidza nekuzvipira sechipiriso chechivi uye nekubhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi.
Johane Mubhapatidzi akanga ari mukuru pavanhu vose, ari mumiriri wevanhu akagadzwa naMwari. Semumiriri wevanhu, Muprista Mukuru wevanhu, akaisa maoko ake pana Jesu ndokubva aisa zvivi zvose zvenyika kwaari. Kuri ‘bhapatidzo’ zvinoreva ‘kurambidza, kuviga, uye kushambidza.’
Unoziva here kuti nei Jesu akauya panyika pano akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi? Unotenda kuna Jesu uchiziva zvinoreva bhapatidzo yake here? Bhapatidzo yaJesu yaiva nechinangwa chekubvisa zvivi zvedu zvose, zvivi zvatakaita isu, boka revaipi, nenyama yedu pahupenyu hwedu hwese. Johane Mubhapatidzi akabhapatidza Jesu kuti azadzise evhangeri yekuvambira yeyananisiro yezvivi zvedu zvose.
Ndima yaMateo 3:13-17 inotanga nekuti ‘Ipapo,’ uye zvinoreva nguva yakabhapatidzwa Jesu, nguva yakatambidzwa zvivi zvose zvenyika kwaari.
‘Ipapo’ Jesu akabvisa zvivi zvose zvevanhu, akafira paMuchinjikwa mushure memakore matatu, ndokubva amutswa pazuva retatu. Kuti ashambidze zvivi zvose zvenyika, akabhapatidzwa kamwechete zvachose, akafira paMuchinjikwa kamwechete zvachose, ndokubva amutswa kuvakafa kamwechete zvachose. Kune avo vanoda kudzikinurwa pazvivi zvavo pamberi paMwari, Jesu akabvisa zvivi zvose zvenyika ndokubva avaponesa kamwechete zvachose.
Nemhaka yei Jesu akabhapatidzwa? Nemhaka yei akapfekedzwa ngundu yeminzwa ndokubva atongwa mudare yaPirato semusungwavo zvake? Sei akaroverwa paMuchinjikwa ndokubva ropa rake radeuka kudzamara afa? Chikonzero chezvose izvi ndechekuti Jesu akatakurira kwaari zvivi zvose zvenyika, zvivi zvako neni, kuburikidza nebhapatidzo yake. Aifanira kufira paMuchinjikwa pamusaka pezvivi zvedu.
Tinofanira kutenda kushoko reruponeso rekuti Mwari akatiponesa tobva tamukudza. Kana dai pasina bhapatidzo yaJesum neMuchinjikwa wake uye nekumuka kwake kuvakafa, pangadai pasina ruponeso rwedu.
Jesu paakabhapatidzwa naJohane kuti abvise zvivi zvose zvenyika, akabva abvisa zvivi zvedu ndokubva atiponesa isu vanotenda kuevhangeri yake yeruponeso. Kune vanhu vanofunga vachiti, “Jesu akabvisa chivi chekuvambira chete, handizvo here?” Ari Havana chokwadi.
Zvakanyorwa zvakajeka muBhaibheri kuti Jesu akabvisa zvivi zvose zvenyika kamwechete kuitira nguva dzose paakabhapatidzwa. Zvivi zvedu zvose, kusanganisira chivi chekuvambira, zvakashambidzwa. Jesu akataura muna Mateo 3:15 achiti, “Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.” Kuti kuzadzisa kururama kose zvinoreva zvivi zvose zvakabviswa kwatiri naJesu, pasina nechimwe chakasara.
Ko Jesu akashambidza zvivi zvedu zvehupenyu hwesevo here? Hongu. Ngatitangei nekutarisa humbowo hwacho kuva muna Revhitiko. Inotiudza nezveMuprista Mukuru uye nechibairo cheZuva Rekuyananisira.
 
 
Chibairo cheYananisiro cheZvivi zvevaIsraeri Vose Zvepa Gore
 
Ko vaIsraeri vaikwanisa kuitwa vatsvene kamwechete kuitira nguva dzose nechipiriso chechivi chepanyika pano here?
Haisva kwete
 
“Aroni anofanira kupa hando yechipiriso chechivi chake kuti azviyananisire iye nemhuri yake. Ipapo anofanira kutora mbudzi mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusongana. Anofanira kukanda mujenya pambudzi mbiri idzi, mumwe mujenya waJehovha nomumwe wembudzi yokutakudzwa. Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya waJehovha agoibayira sechipiriso chechivi. Asi mbudzi inosarudzwa nomujenya sembudzi yokutakudzwa ichauyiswa iri mhenyu pamberi paJehovha igoshandiswa pakuyananisira, icharegedzwa ichienda kurenje sembudzi yekutakudzwa” (Revhitiko 16:6-10). Pano, Aroni aitora mbudzi mbiri oenda nadzo pamusuo weTende Rokusongana kuti ayananisire zvivi zvevaIsraeri zvepagore.
“Anofanira kukanda mujenya pambudzi mbiri idzi, mumwe mujenya waJehovha nomumwe wembudzi yokutakudzwa.”
Mhuka yechibairo yaidiwa payananisiro yepamurairo yezvivi zvezuva nezuva kuti zvivi zvemutadzi zvitambidzwe pairi kuburikidza nekuisa maoko pamusoro wechibairo. Asi kana pava pazvizi zvepagore zvevaIsraeri, Muprista Mukuru, achimirira vanhu vose, ayiisa zvivi zvegore pachipiriso chechivi nezuva regumi remwedzi wechinomwe gore roga roga.
Muna Revhitiko 16:29-31 zvakanyorwa kuti, “Pazuva regumi remwedzi wechinomwe munofanira kutsanya musingaiti kana basa, chingava chizvarwa chenyu kana mutorwa agere pakati penyu. Nokuti pazuva iri muchayananisirwa, kuti mucheneswe. Ipapo, pamberi paJehovha muchava vakachena pazvivi zvenyu zvose. Isabata rokuzorora, uye munofanira kuzvinyima; uyu murairo unogara nokusingaperi” (Revhitiko 16:29-31).
MuTestamende Yakare, vaIsraeri vayiuya nechipiriso chechivi kuti vayanisirwe zvivi zvavo zvezuva nezuva uye vayiisa zvivi zvavo pamusoro wacho, vachipupura vachiti, “Ishe ndakaita zvivi zvakati nezvakati. Ndapota ndiregererei.” Zvadaro aibva acheka huro yechipiriso chehivi, opa ropa racho kumuprista, obva aenda kumba, achiziva kuti zvino asunungurwa pazvivi zvake. Saizvozvo, chipiriso chechivi chaibva chafira mutadzi chine chivi pamusoro wacho. Mhuka yechibairo yaibva yauraiwa pachinzvimbo chemutadzi. MuTestamende Yakare, chipiriso chechivi chaigona kuva chiri mbudzi, kana gwayana, kana mhuru, kana mombe, kure kuti imwe yemhuka dzinoera dzakanga dzasanangurwa naMwari.
Kubva panyasha dzavo dzisina mugumo, Mwari vakatendera kuti upenyu hwemhuka hupirwe pachinzvimbo chekuti mutadzi afe nokuda kwezvivi zvake.
Nenzira iyi muTestamende Yakare, vatadzi vaikwanisa kuyananisira kuburikidza nechibairo cheyananisiro. Zvakaipa zvemutadzi zvaiturirwa pachipiriso chechivi kuburikidza nekuisa maoko, uye ropa racho raipiwa muprista kuti zvivi zvemutadzi zvikanganwirwe.
Asi zvakanga zvisingabviri kuti zvivi zvikanganwirwe zuva nezuva. Nokuda kwaizvozvo, Mwari vakatendera kuti Muprista Mukuru ayananisire zvivi zvegore rose, gore roga roga pazuva regumi remwedzi wechinomwe, akamirira vaIsraeri vose.
Saka basa reMuprista Mukuru rakanga riri rei paZuva Rokuyananisira? Chekutanga, Aroni Muprista Mukuru ayiisa maoko ake pachipiriso chekubaira, achipupura zvivi zvevanhu, “Ishe, vaIsraeri vakaita zvivi zvakati nezvakati, vakauraya, nekupomba, nekuba, nekuita zvapupu zvenhemha, nekumhura zita renyu…”
Aibva acheka huro yechipirirso chechivi, otora ropa racho obva arisasa kanomwe pachigaro chenyasha mukati meNzvimbo Tsvene-tsvene. (MuBhaibheri, nhamba yenomwe inotorwa senhamba yezadziso), Rakanga risi basa rake kutambidza zvivi zvevanhu zvegore pamusoro wechipiriso chechivi akavamirira, uye chipiriso chechivi chaibva chauraiwa pachinzvimbo chevatadzi.
Nekuda kwekuti Mwari vane enzanisiro, kuti vaponese vanhu vose pazvivi zvavo, vakatendera kuti chipiriso chechivi chife pachinzvimbo chevanhu. Sezvo Mwari vari tsitsi zvamazvirokwazvo, vakatendera kuti vanhu vapire upenyu hwemhuka yechibairo pachinzvimbo chavo. Muprista Mukuru aibva asasa ropa kumabvazuva kwechigaro chenyasha uye nenzira iyoyo aibva ayananisira zvivi zvose zvevanhu pagore rinenge rapfuura paZuva Rokuyananisira, pazuva regumi romwedzi wechinomwe.
 
Ko Gwayana rechibairo ndiyaniko kana tichitarira muTestamende Yakare?
uyo asina zvivi
 
Muprista Mukuru aipira mbudzi mbiri paZuva Rokuyananisira vaIsraeri. Yaipirwa ivo yainzi mbudzi yekutakudzwa, zvichireva kuti ‘kubudisa.’ Nenzira imwecheteyo, mbudzi yekutakudzwa yemuTestamende Itsva ndiJesu Kristu. “Nokuti Mwari zvaakada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake kuti ani nani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi” (Johane 3:16).
Mwari vakatipa Mwanakoma wavo mumwe oga seGwayana rechbairo. SeGwayana rechibairo revanhu vose, akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi ndokubva ava Muponesi, Mesiya wenyika. Kuti Jesu zvinoreva kuti ‘Muponesi’ uye kuti Kristu zvinoreva kuti ‘Mambo akazodzwa,’ saka kuti Jesu Kristu zvinoreva kuti ‘Mwanakomana waMwari akauya kuzotiponesa tose.’
Sekuregererwa kwayiita zvivi zvepagore muTestamende Yakare, Jesu Kristu akauya panyika pano, makore angada kukwana zviuru zviviri apfuura, akabhapatidzwa uye akadeura ropa rake kudzamara afa paMuchinjikwa kuti azadzise evhangeri yeyananisiro pazvivi zvedu zvose.
Ngatimboverengai ndima yemuna Revhitiko. “Aroni agoisa maoko ake pamusoro wembudzi mhenyu, ndokureurura pamusoro payo zvakaipa zvose zvavana vaIsraeri nokudarika kwavo kwose, izvo zvivi zvavo zvose; ngavazviise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza, itumwe kurenje nomunhu akanga arairwa. Mbudzi iyi ichatakura pairi zvivi zvavo zvose kunzvimbo isina vanhu, uye munhu uyu uchairegedzera murenje” (Revhitiko 16:21-22).
Zvakanyorwa kuti zvivi zvevaIsraeri zvayiiswa pamusoro wembudzi sezvazvakanyorwavo muna Revhitiko 1. Kuti ‘nokudarika kwavo kwose’ zvinoreva zvivi zvose zvavakaita mumoyo yavo uye nenyama yavo. Uye ‘nokudarika kwavo kwose’ kwakaiswa pamusoro wechipiriso chechivi kuburikidza nekuiswa kwemaoko eMuprista Mukuru.
 
 
Tinofanira Kuva Neruzivo Rwechokwadi Rwezvivi Zvedu Zvose Kuburikidza Nemurairo waMwari
 
Nemhaka yei Mwari vakatipa Murairo?
Kuti vatipe ruzivo rwechivi
 
Murairo waMwari une zvipango mazana matanhatu negumi nenhatu. Kana tikafunga nezvazvo, tinoita zvatinoudzwa naMwari kuti tisaita uye hatiite zvavanotiudza kuti tiite.
Naizvozvo, tiri vatadzi. Zvakanyorwa muBhaibheri kuti Mwari vakapa mirairo yoyo kuti tizive zvivi zvedu (VaRoma 3:20). Izvi zvinoreva kuti Mwari vakatipa mirairo yavo kuti vatidzidzise kuti tiri vatadzi. Havana kuipa kwatiri nokuda kwekuti tinogona kurarama nayo, asi kuti tizive zvivi zvedu.
Mwari Havana kutipa mirairo kuti tichengete. Haungatarisiri kuti imbwa irarame semunhu. Nenzira imwecheteyo, hatingagone kurarama maererano neMurairo waMwari asi kutoti tinoziva zvivi zvedu kuburikidza nemirairo yake.
Mwari vakaipa kwatiri nekuti tiri mirwi yezvivi, asi isu hatizvizive. “Muri mhondi, nemhombwe uye nevaiti vezvakaipa,” vanodaro Mwari kwatiri kuburikidza nemirairo. Vanotiudza kuti tisauraya asi tinouraya zvakadaro mumoyo medu uye nemiviri yedu chaiyo dzimwe nguva.
Asi nokuda kwekuti zvakanyorwa muMurairo kuti hatifaniri kuuraya, tinoziva kuti tiri mhondi, tichiti, “Heya ndakakanganisa. Ndiri mutadzi nekuti ndakaita zvandisingafaniri kutia. Ndakatadza.”
Kuti vaponese vaIsraeri pachivi, Mwari vakatendera Aroni kuti apire chibairo cheyananisiro muTestamende Yakare, uye Aroni ndiye aiyananisira vanhu kamwechete pagore.
MuTestamende Yakare, zvipiriso zviviro zvechivi zvaipirwa kuna Mwari paZuva Rokuyananisira. Chekutanga chapirwa kuna Mwari uye chechipiri chaiendeswa kugwenga mushure mekunge chaiswa maoko pamusoro pacho kuti chitakure zvivi zvevanhu zvose zvepagore. Apo mbudzi isati yaendeswa kurenje nemunhu akanga arairwa, Muprista ukuru ayiisa maoko ake pamusoro wembudzi mhenyu obva apupura zvivi zveIsraeri. “Ishe, vanhu vakauraya, vakaita upombwe, vakaba. Vakanamata zvifananidzo… Takatadza pamberi penyu.”
Nyika yePalestine ndeyegwenga. Mbudzi yekutakudzwa yaiendeswa kuwenga rakafaranuka uye yaizodzamara yafira ikoko. Payaiendeswa, vaIsraeri vairamba vakaitarisa kudzamara vasisaione yava kure, vobva vatenda kuti zvivi zvavo zvaenda nembuzi yekutakudzwa iyi. Vanhu vaiwana rugare mupfungwa dzavo saizvozvo uye mbudzi yekutakudzwa yaifira murenje nokuda kwezvivi zvevanhu zvepagore.
Nenzira iyi, Mwari vakayananisira zvivi zvedu zvose kuburikidza neGwayana raMwari, Jesu Kristu. Zvivi zvedu zvose zvakashambidzwa kuburikidza nebhapatidzo yaJesu uye neropa rake repaMuchinjikwa.
Jesu ndiye Mwari uye Muponesi wedu. Ndiye Mwanakomana waMwari uyo akaura kuzoponesa vanhu pazvivi zvavo. Ndiye Musiki wedu uyo akatisika nemufananidzo wake ndobva adzika panyika pano kuzotiponesa pachivi.
Zvivi zvedu zvose zveramangwana pamwe nezvivi zvemundangariro uye nepanyama yedu zvakaiswa kuna Jesu, hakuna kungoiswa zvivi zvatinoita zuva nezuva bedzi nenyama yedu. Naizvozvo, aifanira kubhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi kuti azadzise kururama kose kwaMwari, kureva yananisiro yakazara yezvivi zvose zvenyika.
Makore matatu Jesu asati aroverwa, paakataga hushumiri hwake kuvanhu, Jesu akatakura zvivi zvose zvenyika kuburikidza nekubhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi murwizi rweJorodhani. Kuponesa kwaakaita vanhu kuburikidza neyananisiro yezvivi zvedu zvose kwakatanga nebhapatidzo yake.
Mukati merwizi rweJorodhani, pane imwe nzvimbo yekuti apindamo anosvikirwa muchiunu nemvura, Johane Mubhapatidzi akaisa maoko ake pamusoro waJesu ndokubva amunyika mumvura. Bhapatidzo iyi yanga yakangofanana nekuisa maoko kwemuTestamende Yakare uye yaiva nebasa rimwechete rekutambidza zvivi.
Kuti kunyikwa mumvura zvinoreva kuti kufa, uye kubuda mumvura zvinoreva kuti kmuka kuvakafa. Naizvozvo kubhapatadzwa kwaakaita naJohane Mubhapatidzi kwakazadzisa pamwe nekuratidza zvikamu zvitatu zvechinangwa chake: kutakura zvivi zvose, kuroverwa uye nekumuka kuvakafa.
Tinogonakuponeswa kana bedzi tichinge taterera mashoko atakaponeswa nawo pachivi naJesu. Mwari vakaita sarudzo yekutiponesa kuburikidza naJesu uye sungano yaakaita muTestamende Yakare yakazadziswa. Kuburikidza nechiito ichi, Jesu akafamba kuenda kuMuchinjikwa akatakura zvivi zvose pamusoro wake.
 
Ko basa ratasara naro nderipi sezvo Jesu akadzima zvivi zvedu zvose?
Chatinofanira kuita ndechekuva nekutenda kumashoko aMwari.
 
Zvakanyorwa muna Johane 1:29 kuti, “Chifume chamangwana Johane akaona Jesu achiuya kwaari akati, ‘Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika!’” Johane Mubhapatidzi akapupura achiti, “‘Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika!” Zvivi zvose zvevanhu zvakaiswa kuna Jesu paakabhapatidzwa muJorodhani. Tenda kudaro! Uchabva waropafadzwa neyananisiro yezvivi zvako zvose.
Tinofanira kuva nekutenda kushoko raMwari. Tinofanira kuisa pfungwa dzedu pachedu uye nekusindimara kwedu parutivi, tobva taterera Shoko raMwari rakanyorwa. Tinofanira kungotenda kuzvokwadi yekuti Jesu akabvisa zvivi zvose zvenyika.
Kuti Jesu akabvisa zvivi zvose zenyika nekuti akazadzisa kururama kwaMwari kuurikidza nekuyananisira zvivi zvedu zvinhu zvimwechete. Kuti ‘kuisa maoko’ nekuti ‘bhapatidzo’ zvinhu zvimwechete.
Zvinoramba zvingori zvimwechet zvisinei nekuti tati ‘zvose,’ ‘zvinhu zvose,’ kana kuti ‘zvakazara.’ Dudziro yechirevo chekuti ‘kuisa maoko’ muTestamende Yakare yakangofanana neyemuTestamende Itsva, asi musiyano ndewekungoti pakangoshandiswa shoko rekuti ‘kubhaatidza’.
Zvinouyisa pazvokwadi yekuti Jesu akabhapatidzwa ndokubv atongwa paMuchnjikwa kuti ayananisire zvivi zvedu zvose. Tinogona kuponeswa kana tichitenda kuevhangeri yomene iyi.
Kana Bhaibheri richitaura kuti Jesu akabvisa ‘chivi chenyika’ (Johane 1:29) chose, zvinorevei kuti chivi chenyika? Zvinoreva kuti zvivi zvose zvatakazvarwa nazvo, kureva pfungwa dzakaipa, kuba, hupombwe, kuchiva, huipi, kumhura Mwari, kuzvikudza, vupenzi izvo zvinogara mupfungwa dzedu. Zviosanganisirawo zvakaipa nekudarika kwatioita nenyama yedu uye mumoyo yedu.
“Nokuti mubairo wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndiho upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu” (VaRoma 6:23). “Pasina kuteurwa kweropa hapana kuregererwa” (VaHeberu 9:22). Zvivi zvose zvinofanira kuripirwa, sezvazvarehwa mumagwaro aya. Kuti aponese vanhu vose pachivi Jesu Kristu akapira upenyu hwake ndokubva aripira mubairo wechivi kamwechete zvachose kuitira isu.
Naizvozvo, kuti tisunungurwe pazvivi zvedu zvose, chatinofanira kuita ndechekutenda kuevhangeri yechokadi – bhapatidzo yaJes, neropa rake uye nehuMwari wake.
 
 
Yananisiro yeZvivi Zvamangwana
 
Ko tinofanira kupa chibairo chezvvi zvakare here?
Kwete zvakare
 
Zvivi zvamangwana, nezvezuva richatevera ramangwana pamwe nezvivi zvatichaita kudzamara zuva ratichafa zvakaiswavo pa ‘chivi chenyika,’ sekuiswavo kwakaita zvivi zvanhsi, nezuro namarimwezuro pa ‘chivi chenyika.’ Zvivi zvevanhu kubvira pavanozvarwa kudzamara pakufa zvakaverengwavo pa ‘chivi chenyika,’ uye zvivi zvenyika izvozvo zvakatakudzwa kuna Jesu kuburikidza nebhapatidzo yake. Zvivi zvose zvatinoita kudzamara pazuva ratinofa zvakabviswa patiri nechekare.
Tinofanira kutenda kuevhangeri yekuvambira iyi, mashoko akanyorwa aMwari, tigotenda kuzvokwadi kuti tiponeswe. Tinofanira kuisa pfunga dzedu parutivi kuti tidzikinurwe pazvivi zvedu zvose. Unogona kubvunza uchiti, “Ko angabvisa sei zvivi zvisati zvaitwa?” Asi ini ndinokubvunzawo kuti, “Ko Jesu anofanira kudzoka zvakare panyika here nguva yoga yoga yatinotadza, obva adeura ropa rake zvakare?”
Mukati meevhangeri yekuzvarwa patsva mune murairo wekuyananisirwa kwezvivi zvedu. “Uye pasina kuteurwa kweropa hapana kuregererwa” (VaHeberu 9:22). MuTestamende Yakare kana munhu achida kudzikiurwa pazvivi zvake aifanira kutambidza zvivi izvozvo kuburikidza nekuisa maoko ake pachibairo chechivi, uye chipiriso chechivi chaifanira kufira zvivi zvake.
Nenzira imwecheteyo, Mwanakomana waMwari akaburukia panyika pano kuti aponese vanhu vose. Akabhapatidzwa kuti atakure zvivi zvedu zvose, akadeura ropa rake paMuchinjikwa kuti aripire zvivi izvozvo, ndokubva afira paMuchinjikwa achiti, “Zvapera.” Akamutswa kuvakafa nezuva retatu uye zvino agere kuruoko rwerudyi rwaMwari. Saizvozvo akava Muponesi wedu nekusingaperi.
Kuti tiregererwe zvachose pazvivi zvedu, tinofanira kurasa pfungwa dzakatidzimba tobva tasiya zvitendo zvechitendero zvinotiudza kuti tinodzikinurwa pazvivi zvezuva nezuva kuburikidza neminamato yekureurura. Murairo wechibairo wakapirwa kamwechete zvachose kuti zvivi zvevanhu zvikanganwirwe. Mwari vari kuDenga vakaisa zvivi zvose zvenyika paMwanakomana wavo kuburikidza nebhapatidzo yake uye vakaita kuti aroverwe nokuda kwedu.
“Asi akabayiwa nokuda kwekudarika kwedu, akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake, uye nemavanga ake takaporeswa.” Muna Isaya 53, zvakarehwa kunzi kudarika nezvakaipa zvenyika zvevanhu vose zvakatakudzwa pana Jesu.
MuTestamende Itsva, muna VaEfeso 1:4, zvakanyorwa kunzi, “Nokuti akatisarudza maari nyika isati yasikwa.” Izvi zvinotiudza kuti Jesu akatisarudza maari nyika isati yasikwa. Nyika isati yatombosikwa Mwari vakasarudza kuponesa vanhu vavo, avo vakarurama vasina chivi, muna Kristu. Kana taimbofunga zvimwe kumashure, zvinofanirakutenda uye nekuterera Shoko raMwari, iwo mashoko emvura, neropa uye noMweya.
Mwari akatiudza kuti Gwayana rake, Jesu Kristu, rakabvisa zvivi zvenyika uye rikayananisira vanhu vose. Muna VaHeberu, zvakanyorwa kunzi, “Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungatongogoni kuita kuti avo vanoswedera, vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibairo zvimwechetezvo zvavanoramba vachibaira kuna Mwari, vakwaniswe?” (VaHeberu 10:1).
Pano zvinonzi zvibairo zvimwchetezvo zvavanoramba vachibaira gore rimwe nerimwe hazvingagoni kuvakwanisa. Murairo mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Jesu Kristu, Mesiya anouya, akatikwanisa kamwechete zvachose (sekuyananisirwa kwayiitwa zvivi zvavaIsraeri) kuburikidza ekubhapatidzwa uye nekuroverwa kuti ayananisire zvivi zvedu zvose.
Naizvozvo, Jesu akataura muna vaHeberu 10 achiti, “Ipapo iye akati, ‘Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.’ Akabvisa chokutanga kuti aise chechipiri. Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakabairwa kamwechete zvikapera. Zuva nezuva muprista mumwe nemumwe aimira ushumiri hwake nokuramba achibaira zvibairo zvimwechetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi. Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwechete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari. Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake, nokuti nechibayiro chimwecheteakaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi. Mweya Mutsvene anotipupurirawo pamusoro peizvi. Kutanga anoti: ‘Iyi ndiyo sungano yandichaita navo mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirairo yangu mumoyo yavo, uye ndichainyora mundangariro dzavo.’ Ipapo anotizve: ‘Zvivi zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangarirazve.’ Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisinazve chimwe chibairo chezvivi” (VaHeberu 10:9-18).
Tinotenda kuti Jesu akatiponesa pazivi zvose zvenyika kuburikidza nebhapatidzo uye neropa repaMuchinjikwa.
 
 
Ruponeso rweKuberekwa Patsva neMvura Uye noMweya Rwakanyorwa muMoyo Nemupfungwa Dzedu
 
Tiri vanhu vakarurama nokuda kwekungoti hatichatadzi zvakare here?
Kwete. Tiri vakarurama nekuda kwekuti Jesu akabvisa zvivi zvedu zvose uye nekuti tinotenda kwaari.
 
Ko mose munotenda kuruponeso rwakakwana here? - Hameni. - Ko unoterera mashoko aMwari, ekuti Jesu Kristu abhapatidzwa uye akadeura ropa paMuchinjikwa kuti atiponese, nekutenda here? Tinofanira kuna nekutenda kuShoko rake kuti tiberekwe patsva. Tinogona kuponswa kana tichitenda kuti Jesu Kristu akashambidza zvivi zvedu zvose pamwe nezvivi zvenyika, kuburikidza neevhangeri yekuregererwa.
Hazvigoni kuti tive vasina zvivi kuburikidza nekuterera Murairo waMwari, asi tinokwaniswa kuburikidza nekutenda kwedu kumabasa avo. Jesu Kristu akabvisa zvivi zvedu zvose kuburikidza nebhapatidzo yake muJorodhani, akatora mutongo uye akarangwa nokuda kwezvivi zvedu zvose paMuchinjikwa. Tinogona kudzikinurwa pazvivi zvedu zvose tigova vatsvene kuburikidza nekutenda kuevhangeri ino nemoyo yedu yose. Unobvuma kudaro here?
Bhapatidzo yaJesu, nekuroverwa kwake uye nekumuka kwake zvaiva nechinangwa chekuregerera zvivi zvose zvevanhu uye murairo weruponeso unobva parudo rwaMwari rwusina mugumo uyu rwusina zvitemero. Mwari vanotida sezvatiri uye vane enzanisiro, naizvozvo vakatiita vatsvene. Vakatiita vatsvene uburikidza nekuisa zvivi zvedu zvose kuna Jesu kuburikidza nebhapatidzo yake.
Mwari vakatuma Jesu Mwanakomana wavo umwe oa panyika pano kuti azoshambidza zvivi zvedu zvose. Vakatendera Jesu kuti abvise zvivi zvose zvenyika kuburikidza nebhapatidzo yake ndobva vaisa mutongo wezvii zvedu zvose paMwanakomana wavo. Vakatiita vana vavo vakarurama kuburikidza neruponeso rwemvura neropa, rwunova rudo rwaMwari.
Zvakanyorwa muna VaHeberu 10:16 kuti, “Ndichaisa mirayiro yangu mumoyo yavo, uye ndichainyora mundangariro dzavo.”
Tiri vatadzi pamberi paMwari here kana kuti takarurama, mumoyo yedu nemupfungwa? Kana tikava nekutenda kuShoko raMwari, tichava vakarurama. Jesu Kristu akatakura zvivi zvedu zvose uye akatongwa nokuda kwazvo. Jesu Kristu ndiye Muponesi wedu. Unogona kufunga uchiti, “Nokuda kwekuti tinotadza zuva nezuva, tingava vakarurama sei? Tiri vatadzi shuwa.” Asi kana tikatenda kuShoko raMwari, sekuterera kwakaita Kristu Jesu Baba vake, tinoita vakarurama.
Hongu szvandamboreva, taiva nechivi mumoyo yedu patakanga tisati taberekwa patsva. Mushure mekunge tatora evhangeri yekuregererwa kwezvivi mumoyo yedu, takaponeswa pazvivi zvedu zvose. Patakanga tisingazivi evhangeri, taiva vatadzi. Asi tinoita vakarurama kana tikatanga kutenda kuruponeso rwaJesu uye tobva tava vana vakarurama vaMwari. Uku ndiko kutenda kwekuva wakarurama kwakataurwa nezvako naMupostori Pauro. Kutenda kuevhangeri yekuregrerwa kwakatiita ‘vakarurama.’
Kunyange Mupostori Pauro, kana Abhurahama, kana madzitateguru ekutenda havana kuita vatsvene nemabasa avo, asi kuburikidza nekutenda kuShoko raMwari, iwo mashoko eropafadzo ekuregererwa kwezvivi.
VaHeberu 10:18 inoti, “Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisina chimwezve chibairo chezvivi.” Sezvazvakanyorwa, Mwari vakatiponesa kuti tisazova nokuda kwezvivi zvedu. Unotenda kudaro here. - Amen -
Muna VaFiripi 2, zvakanzi, “Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu: Uyo kunyange aiva Mwari chaiye, haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa, asi akazviita chinhu pasina akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu. Uye akati awanikwa aine chimiro chomunhu, akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa. NaizvozvoMwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro, uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, mudenga nepanyika uye napasi penyika, uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe kuti Mwari Baba vakudzwe” (VaFiripi 2:5-11).
Jesu Kristu, uyo anova chadzera chokubwinya kwaMwari uye mufananidzo wake chaiwo (VaHeberu 1:3), haana kuzvitsvagira mbiri pachake. Pachinzvimbo chekudaro, akazviita munhu pasina akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu. Akazvininipisa uye akaterera kusvikira pakufa kuti atiponese.
Naizvozvo, tinorumbidza Jesu tichiti, “Jesu ndiye Mwari, neMuponesi uye Mambo wedu.” Chikonzero tichikudza Mwari nekurumbidza Jesu ndechekuti Jesu akaterera kuda kwaBaba kusvika kumagumo. Kana dai akanga asina kuterera, tingadai tisingakudzi Mwanakomana waMwari zvino. Asi nokuda kwekuti Mwanakomana waMwari akaterera kuda kwaBaba vake kusvikira pakufa, zvisikwa zvose nevanhu vose panyika pano vanomukudza ucye vachaita saizvozvo nokusingaperi.
Jesu Kristu akava Gwayana raMwari iro rakabvisa zvivi zvose zvenyika, uye zvakanyorwa kuti akazvibvisa kuburikidza nebhapatidzo yake. Zvino, pava nemakore anosvika zviuru zviviri kubva Jesu paakabvisa zvivi zvenyika. Iwe neni tanga tichirarama munyika muno kubvira pakuzvarwa kwedu, uye zvivi zvedu zvose zvakaiswavo pazvivi zvenyika.
 
Ko tikatadza mangwana tinobva taita vatadzi here?
Kwete, nekuti Jesu akabvisa zvivi zvedu zvose zvekare, nanhasi uye nezveramangwana.
 
Pasina kupatsanura chivi chekuvambira kubva pazvakaipa zvepaupenyu hwedu hwese, hatina kutadza here kubvira panguva yatakazvarwa? – Takatadza zvirokwazvo –
Jesu aiziva kuti tichatadza kubvira pazuva rekuzvarwa kwedu kusvikira pazuva rokufa, saka akagara abvisa zvivi zvedu zvose. Wava kuzvinzwisisa here zvino? Kana kuri kuti tichararama kusvika makore makumi manomwe, zvivi zvedu zvinogona kutozadza magonyeti anopfuura zana. Asi Jesu akabvisa zvivi zvedu zvose kamwechete nehapatidzo yake ndobva azvitakura kuenda kuMuchinjikwa.
Kana dai Jesu akanga abvisa chivi chekuvambira chete, tose taienda kugehena. Kunyange kana tichinzwa sekuti haaigona kunge akabvisa zvivi zvedu zvose, hazvishandure zvokwadi yekuti Jesu akadzma zvivi zvedu zvose.
Ko tingaita zvivi zvakawanda zvakadii panyika pano? Zvivi zvose zvatinoita zvakaverengwavo pazvivi zvenyika.
Jesu pakaudza Johane kuti amubhapatidze, ndizvo zvaakanga achireva. Jesu akapupura pachake kuti akanga abvisa zvivi zvedu zvose. Mwari akatuma muranda wake kumberi kwaJesu, ndobva aita kuti abhapatidze Jesu. Akabva atakura zvivi zvose zvevanhu kuburikidza nekubhapatidzwa naJohane, mumiriri wevanhu, apo akadzikisa musoro wake kuti abhapatidzwe.
Zvivi zvedu zvose kubvira patinenge tine makore makumi maviri kusvika kumakumi matatu, kana kubva pamakumi matatu kusvika pamakumi mana, zvichingodara; kunyange nezvivi zvevana vedu, zvakaiswavo pazvivi zvenyika izvo zvakatorwa naJesu kuburikidza nebhapatidzo yake.
Ndiyani angati chivi chichiripo munyika? Jesu Kristu akabvisa zvivi zvenyika uye tose tinogona kuponeswa kana tikatenda mumoyo yedu, tisina kana mumvuri wekukahadzika, kune zvakaitwa naJesu kuti ayananisire zvivi zvedu: bhapatidzo yake pamwe nekudeura ropa rake rinokosha.
Vanhu vazhinji vanorarama hupenyu hwavo hune matambudziko vakadzimbiwa nendangariro dzavo pachavo, vachitaura nezveupenyu hwavo sekuti hwakakosha kwazvo. Asi kune vazhinji vakarama hupenyu hwakatonyanyooma. Vanhu vazhinji vakararama hupenyu hwekutambudzika. Kana neni ndakamboraramawo hupenyu hwakadaro ndisati ndaberekwa patsva. Ungatadza sei kunzwisisa kana kugamuchira evhangeri yekuregererwa, nebhapatidzo yaJesu uye neropa rake?
 
 
Ruponeso rweVatadzi Rwakazadzikiswa
 
Nemhaka yei Jesu akashambidza tsoka dzaPetro?
Nekuti aida kuti Petro ave nekutenda kwakasimba kuzvokwadi yekuti akanga ashambidza zvivi zvake zvose zveramangwana kuburikidza nebhapatidzo yake.
 
Ngativerengei Johane 19. “Akatakura muchinjikwa wake, akabuda akaenda kunzvimbo yeDehenya (zvichireva kuti Gorogota muchiHeberu). Ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa nevamwe vaviri, mumwe kune rumwe rutivi nomumwe kune rumwe rutivi uye Jesu ari pakati. Pirato akanyora chiziviso akachiisa paMuchinjikwa. Chaiva chakanyorwa kuti: JESU WENAZARETA, MAMBO WAVAJUDHA. VaJudha vazhinji vakaverenga zvakanga zvakanyorwa pachikwangwani ichi, nokuti nzvimbo yakaroverwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye chikwangwan ichi chaiva chakanyorwa nechiHebheru, chiRatini uye nechiGiriki” (Johane 19:17-20).
Wadiwa hama, Jesu Kristu akabvisa zvivi zvose zvenyika ndokubva atongerwa rufu mudare raPirato. Zvino ngaticherechedzei nyaya iyi tese.
Kubva pavhesi 28, inoti, “Shure kwaizvozvo, achiziva kuti zvose zvainge zvapera zvino, uye kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe,” Jesu akabvisa zvivi zvedu kuti Rugwaro ruzadziswe. “Jesu akati, ‘Ndava nenyota.’ Pakanga pane mudziyo waiva nevhiniga ipapo, saka vakanyika chipanje imomo, vakaisa chipanje pachitanda chehisopi, vakachisimudzira kumuromo waJesu. Akati anwa, Jesu akati, Zvapera.’ Nokudaro, akakotamisa musoro wake uye akabudisa mweya wake” (Johane 19:28-30).
Jesu akati, “Zvapera!” ndobva afire paMuchinjikwa. Mushure memazuva matatu, akamutswa kuvakafa ndobva akwira kudenga.
Bhapatidzo yaJesu naJohane Mubhapatidzi uye nerufu rwake paMuchinjikwa zvinodyidzana zvakakosha; hapana chimwe chacho chingagona kurarama kana chimwe chacho chisipo. Naizvozvo, ngatitendei Ishe Jesu nekutiponesa neevhangeri yake yeregerero.
Nyama yemunhu inotevera zvido zvenyama nguva dzose, saka tinotadza nenyama yedu nguva dzose. Jesu Kristu akatipa bhapatidzo yake uye neropa rake kuti atiponese pazvivi zvenyama yedu. Akatiponesa pazvivi zvenyama yedu kuburikidza neevhangeri yake.
Avo vane regerero yakakwana yezvivi vanogona kupinda Humambo hweDenga nguva ipi zvayo kuburikidza nekutenda kuna Jesu uyo akazvarwa muBheterehema, akabhapatidzwa muJorodhani, akafira paMuchinjikwa uye akamutswa nezuva retatu. Tinorumbidza Ishe pamwe nekukudza zita rake nekusingaperi.
Muchitsauko chekupedzisira chaJohane, Jesu akaenda kuGarirea mushure mekumuka kuvakafa. Akaenda kuna Petro ndokubva ati kwaari, “Simoni Mwanakomana waJohane, unondida zvechokwadi kupfuura ava here?” ndokubva Petro apindura achiti, “Hongu Ishe, munozviziva kuti ndikokudai.” Jesu akabva ati, “Chengeta makwai angu.”
Petro akaziva zvinhu zvose, evhangeri yebhapatidzo yaJesu uye neropa rake, nekuregererwa kwezvivi. Zvino, achitenda kuevhangeri yemvura uye neropa rakakamupa ruregerero rwezvivi zvake zvose uye achiziva chikonzero Jesu akashambidza tsika dzake, kutenda kwake muna Jesu kwakabva kwawedzera kusimba.
Ngativerengei Johane 21:15 zvakare. “Vakati vapedza kudya, Jesu akati kuna Simoni Petro, ‘Simoni, mwanakomana wa Johani, unondida zvechokwadi kupfuura ava here?’ Akati, ‘Hongu, Ishe munozviviva kuti ndikokudai.’ Jesu akati, ‘Fudza makwayana angu.’”
Jesu akatemba kusiira makwayana ake kuna Petro nekuti Petro akanga ari mudzidzi akanga aponeswa zvakakwana, uye nekuti Petro akanga ava muranda waMwari akarurama uye akakwana. Kana dai Petro akanga ava mutadzi zvakare kuburikidza nezvivi zvake zvezuva rimwe nerimwe, Jesu angadai asina kumuudza kuti aparidze evhangeri yeyananisiro yezvivi, nekuti iye kusanganisira vamwe vadzidzi vaitotadzavo zuva nezuva munyama yavo. Asi Jesu akavaudza kuti vaparidze evhangeri yakadzima zvivi zvavo zvose nekuti vaitena kubhapatidzo yaJesu uye neropa rake repaMuchinjikwa, iyo evhangeri yeyananisiro yezvivi.
 
 
Ishe Muzozviziva Kuti Ndinokudai
 
Kana uchinge waita chivi unobva waita ‘mutadzi’ zvakare here?
Kwete. Jesu akabvisa zvivi zvangu zvose zveramangwana paJorodhani.
 
Ngatifungei nezvemashoko aJesu kuna Petro. “Simoni mwanakomana waJohani unondida zvechokwadi kupfuura ava here?” “Hongu, Ishe munozviziva kuti ndinokudai.” Kupupura kwerudo rwake kwaiva kwechokwadi, sezvakwakabuda mukati mekutenda kuevhangeri yeregerero yezvivi zvose.
Kana dai Jesu akanga asina kudzidzisa Petro pamwe nevadzidzi evhangeri yekuregererwa kwezvivi kuburikidza nekushambidza tsoka dzavo, vangadai vasina kukwanisa kupupura rudo rwavo nenzira yakadaro.
Ndiko kusaka Jesu, paakauya kwavari, akabvunza kuti, “Unondida zvechokwadi kupfuura ava here?” Petro angadai akati, “Ishe, zvandingori munhu asina kukwaniswa. Ndiri mutadzi asingagone kukudai kupfuura zvinhu izvi. Ndapota ndisiyei hangu.” Zvakare Petro angadai akatotiza, achizvivanza kuna Jesu.
Asi ngaticherechedzei mhinduro dzaPetro. Akaropafadzwa neevhangeri yekuregererwa kwezvivi, nebhapatidzo yaJesu uye neropa rake izvo zvakaponesa vanhu vose.
Naizvozvo, Petro akakwanisa kutaura achiti, “Hongu Ishe munozviziva kuti ndinokudai.” Kupupura kwerudo uku kwakabva pakutenda kwake kuevhangeri yeregerero yaJesu. Petro aitenda kuevhangeri yekuregererwa kwezvivi iyo Jesu akanga atakura nayo zvivi zvose zvenyika. Zvivi izvi zvaisanganisira zvivi zvose zveramangwana, izvo zvagara zvichizoitwa nevanhu nekuda kwemigumo pamwe nekusasimba kwavo kwepanyama.
Petro aitenda zvasimba kuevhangeri yekuregererwa kwezvivi uye nekuda kwekuti aitendawo kuti Jesu aiva Gwayana raMwari, akakwanisa kupindura Ishe asingakahadziki. Ruponeso rwaJesu rwakabva paevhangeri yekuregererwa kwezvivi, uye naizvozvo Petro akanga aponeswa pazvivi zvake zvose zvezuva nezuva zvakare. Petro aitenda kuruponeso rweevhangeri yekuregererwa kwezvivi zvose zvenyika.
Ko wakaitavo saPetro here? Unogona kuda uye nekuvimba naJesu here, uyo akabvisa zvivi zvedu zvose neevhangeri yake yeregerero, uye nebhapatidzo yake pamwe neropa rake? Ko ungava usingatendi kwaari pamwe nekusamuda Seiko? Hakuna imwe nzira.
Kana dai Jesu akabvisa zvivi zvakare uye nezvazvino bedzi, obva asiya zvivi zveramangwana kwatiri, hataizokwanisa kumurumbidza sezvatinoita zvino. Pamusoro pazvo, taizoenda kugehena zvamazvirokwazvo. Naizvozvo, tose tinofanira kupupura kuti kutenda kuevhangeri yekuregererwa kwezvivi kwakatiponesa.
Nyama ine kariro yekutadza nguva dzose, saka tinowanikwa tichitadza nguva dzose. Naizvozvo, tinofanira kupupura kuti kutenda kuevhangeri yeyananisiro zhinji yezvivi yatakapiwa naJesu, iyo evhangeri yebhapatidzo uye neropa raJesu, zvakatiponesa.
Kana dai taisatenda kuevhangeri yeyananisiro yezvivi, inova bhapatidzo uye neropa raJesu, hakuna mutendi aikwanisa kuponeswa pazvivi zvake zvepaupenyu. Pamusoro pazvo, kana dai takadzikinurwa pazvivi zvedu zvose zvepaupenyu kuburikidza nekupupura uye kutendeuka nguva dzose, zvichida taibva taita husimbe hwekuti tigare tiri vakarurama uye tiine chivi mumoyo yedu nguva dzose.
Kana dai zvaiva zvakadaro, taidzokera kundoita vatadzi uye tingadai tisingadi Jesu kana kukwanisa kuswedera pedyo naye. Taisazokwanisawo kutenda kuruponeso rwaJesu pamwe nekumutevera kusvika pamigumo yeupenyu hwedu.
Jesu akatipa evhangeri yekuregererwa kezvivi ndobva aponesa avo vaotenda. Akaita Muponesi akakwana uye akashambidza zvakaipa zvedu zvose zvezuva rimwe nerimwe kuti tigomuda zvechokwadi.
Isu vatendi tinoda evhangeri yebhapatidzo neropa raJesu, yeregerero yezvivi zvedu. Vatendi vose vanogona kuda Jesu zvekusingaperi uye vagova varanda verudi rweruponeso kuburikidza neevhangeri yekuregererwa kwezvivi yatakapiwa naJesu.
Wadiwa hama! Kana dai Jesu akasiya kunyange kachivi kadiki zvako, hawaizokwanisa kutenda kuna Jesu, kana kukwanisa kuva chapupu cheevhangeri yekuregererwa kwezvivi. Waisazokwanisa kushanda semuranda waMwari.
Asi, kana ukatenda kuevhangeri yekuregererwa kwezvivi, unogona kuponeswa pazvivi zvako zvose. Anoita kuti ukwanise kuponeswa pazvivi zvako zvose kana waziva evhangeri yezvokwadi yeruregerero, iyo yakanyorwa muShoko raJesu.
 
 
“Unondida Zvechokwadi Kupfuura Ava Here?”
 
Chii chakatiita kuti tide Jesu zvakanyanya kupfuura zvimwe zvose?
Rudo rwake kwatiri kuburikidza nebhapatidzo yake iyo yakashambidza zvivi zvedu zvose, kusanganisira zvivi zvedu zveramangwana
 
Mwari vanopa makwayi avo kuvaranda vavo vavanovimba, avo vakatenda kuevhangeri yekuregererwa kwezvivi. Jesu akabvunza katatu kuti, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida zvechokwadi kupfuura ava here?” ndokubva pamhinduro dzake dzose, Petro akati, “Hongu Ishe, munozviziva kuti ndinokudai.” Zvino, ngatifungei pamusoro pemhinduro dzaPetro. Tinoona kuti uku kwaisava kupupura kwepfungwa dzake asi kwekutenda kwake kuevhangeri yekuregererwa kwezvivi.
Kana tichida umwe munhu, uye kana rudo irworwo rwuchibva papfungwa dzedu, rwunogona kusvava paya patinotenda. Asi kana rudo irworwo rwuchibva pasimba rerudo rwaMwari, rwunogara nekusingaperi. Izvi ndizvo zvakaita rudo rwaMwari, kureva yananisiro zhinji yezvivi zvedu zvose, neruponeso rwemvura yebhapatidzo yaJesu ute noMweya.
Kutenda kwedu kuevhangeri yekuregererwa kwezvivi kunofanira kuva mavambo erudo rwedu uye nemabasa edu kuna Ishe. Kana dai taida Jesu sezvinobva papfungwa dzedu, mangwana taizowa todzamara tava kuzvivenga nekuda kwezvakaipa zvedu. Asi Jesu akashambidza zvivi zvedu zvose: chivi cekuvambira, nezvivi zvedu zvezuva rimwe nerimwe zvakare, nezvivi zvanhasi uye nezvamangwana, pamwe nezvivi zvose zvatichaita pahupenyu hwedu hwese. Hapana munhu waakasiya kunze kweruponeso rwake.
Zvose izvi ichokwadi. Kana dai rudo nekutenda kwedu zvaibva papfungwa dzedu pamwe nepaurongwa hwedu, taikundikana mukutenda kwedu. Asi nokuda kwekuti rudo rwdu nekutenda kwedu zvinobva paevhangeri yekuregererwa kwezvivi yatakapiwa naJesu, titori vana vaMwari nechekare, uye vakarurama. Sezvo tichitenda kuruponeso rwemvura noMweya, hatina chivi.
Nokuda kwekuti kutenda kwedu hakuna kuuya nenzira yeumwari hwedu pachedu, asi kubva parudo rwaMwari uye neMurairo wavo weruponeso rwechokwadi kuburikidza nekuregererwa kwezvivi, tiri vatsvene zvisinei nekuti hatina kukwana kana kusasimba sei muhupenyu hwedu. Tichapinda Humambo hweDenga tigorumbidza Mwari pahupenyu hwese. Unobvuma kudaro here?
1 Johane 4:10 inoti, “Urwu ndirw rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibairo chinoyananisa zvivi zvedu.” Jesu akatiponesa nemvura uye noMweya, saka tinofanira kuva nekutenda kuevhangeri yeregerero, yebhapatidzo yaJesu neropa rake.
Kana dai Mwari akanga sina kutiponesa neevhangeri yekuregererwa kwezvivi, tingadai tisina kuponeswa, zvisinei nekuti tinotenda nemoyo wese sei. Asi Jes akashambidza zvivi zvose zvatinoia mumoyo yedu uye nenyama yedu.
Kuti tive vakarurama, tinofanira kuva nechokwadi cheruponeso rwedu kuburikidza nemashoko emvura noMweya, evhangeri yeyananisiro. Evhangeri yekuregererwa kwezvivi zvose zvenyika ine zvikamu zvinoti bhapatidzo yaJesu uye neropa rake. Evhangeri yeregerero izere nekutenda kwezvokwadi, nheyo yezvokwadi yeruponeso uye nekiyi yekupinda kuHumambo hweDenga.
 
 
Tinofanira Kubvisa Kutenda Kunobva Papfungwa Dzedu
 
Ko kutenda kwechokwadi kunobvepi?
Kunobva parudo rwaIshe, avo vakashambidza zvivi zvedu zvose zveramagwana.
 
Kutenda kana rudo rwunobva pamadiro emunhu handiko rudo rwechokwadi kana kutenda kwechokwadi. Kune vazhinji munyika muno vanotanga kutenda kuna Jesu nepfungwa dzakanka asi mukufamba kwenguva vorasa kutenda kwavo nekuda kwedambudziko rechivi riri mumoyo yavo.
Asi tinoanira kuziva kuti Jesu akashambidza zvivi zvose zvenyika: kwete zvakaipa zvisina udzamu bedzi asi nezvivi zvikuru zvinoitwa mukusaziva.
Kuti adzidzise vadzidzi vake kuti ruponeso rwake rwunobata kose uye kuti rwunoshanda nekusingaperi, muna Johane 13, Jesu akaunganidza vadzidzi vake pamwechete asati aroverwa. Paakanga achidya nevadzidzi vake, akasimuka ndokubva ashambidza tsoka dzake kuti anyore zvokwadi yeruponeso rwake rwakadzama mumoyo yedu. Tose tinofanira kuziva pamwe nekutenda kuevhangeri yeruregerero iyo yakadzidziswa vadzidzi naJesu kuburikidza nekushambidza tsoka dzavo.
Asi Petro akambotanga aramba kuti Jesu ashambidze tsoka dzake. “Kwete, imi hamungatoshambidzi tsoka dzangu!” Uku kwaiva kutenda kwaibva papfungwa dzake pachake. Asi Jesu akamuudza kuti, “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iyezvino, asi uchazvinzwisisa pashure.”
Zvino, neevhangeri yemvura noMweya, tinogona kunzwisisa mashoko eBhaibheri akanga asingambonzwisisike. Iri iShoko rezvokwadi; reevhangeri yemvura noMweya, nekuregererwa kwezvivi, iro rinoita kuti mutadzi ave akarurama kuburikidza nekutenda nemoyo wake wese.
Petro akaenda kundoredza nevamwe vadzidzi, sezvavakanga vachiita vasati vasangana naJesu. Jesu akazviratidza pakati pavo ndokubva adanidzira kwavari. Akanga avagadzirira chisvusvuro chamangwanani, uye pavakanga vari pakati pekudya, Petro akabva aziva dudziro yemashoko akanga ambotaurwa naJesu. “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iyezvino, asi uchazvinzwisisa pashure.” Akabva zvino aziva chaizvoizvo zvakanga zvichirehwa naJesu paakashambidza tsoka dzavo.
“Ishe vakashambidza zvivi zvangu zvose. Zvivi zvose zvandinoita nokuda kwekusasimba kwangu, kusanganisira zvivi zvose zvandichaita pane ramangwana.” Petro akabva arasa kutenda kunobva papfungwa dzake nepakutonga kwake, ndobva atanga kumira akasimba pabhapatidzo uye neropa raJesu, neevhangeri yekuregererwa kwezvivi.
Mushure mekudya, Jesu akabvunza Petro, “Simoni mwanakomana waJohani, unobdida zvechokwadi kupfuura ava here?” Asimbiswa zvino nekutenda murudo rwaJesu, Petro akapupura achiti, “Hongu Ishe, munozviziva kuti ndinokudai.” Petro akapindura nokuda kwekuti akanga aziva zvakanga zvichirehwa naJesu paakanga ati, “Asi uchazvinzwisisa pashure.” Akakwanisa kupupura kutenda kwake kwezvokwadi, kutenda kubhapatidzo uye neropa raJesu, kweevhangeri yekuregererwa kwezvivi.
 
 
Mushure Mazvo, Akava Muranda waMwari Wezvokwadi
 
Mushure mechiitiko ichi, Petro nevamwe vadzidzi vakatanga kuparidza evhangeri kudzamara pakufa kwavo. Kunyange naPauro uyo akanga amboshungurudza vaKristu zvakaoma kwazvo, akapupura evhangeri pamazuva akawoma iwawo eHumambo hwehiRoma.
 
Ko ungaita muranda waMwari wezvokwadi sei?
Kuburikidza nekutenda kuyananisiro yaMwari yekusingaperi yezvivi zvangu zvose
 
Pakati pevadzidzi gumi nevaviri vaJesu, Judhasi akatengesa Jesu ndokubva azozvisungirira mushure. Mupostori Pauro ndiye akatora nzvimbo yake. Vadzidzi vakanga vasarudza Matiasi pakati pavo, asi Pauro ndiye akasarudzwa naMwari, saka Pauro akaita Mupostori waJesu uye akaparidza evhangeri yekuregererwa kwezvivi nevamwe vadzidzi.
Vadzidzi vaJesu vazhinji vakafa vachishungurudzwa nekuda kweShoko raMwari. Kunyange pavakatyiswa nerufu, Havana kuramba kutenda kwavo, uye vakaramba vachiparidza evhangeri yekuvambira.
Zvichida vaiparidza seizvi: “Jesu Kristu akashambidza zvivi zvenyama yenyu zvose nebhapatidzo yake uye neropa rake, neevhangeri yake yekuregererwa kwezvivi. Jesu akabvisa zvivi zvenyu nebhapatidzo yake muJorodhani uye akatora mutongo pachinzvimbo chedu paMuchinjikwa. Tendai kuevhangeri yebhapatidzo yaJesu uye neropa raka repaMuchinjikwa kuti muponeswe.”
Kunzwa evhangeri yechokwadi pamwe nekutenda kwairi kwakaponesa vakawanda zvirokwazvo. Raiva simba rekutenda kuevhangeri yebhapatidzo yaJesu, neropa rake uye noMweya.
Vadzidzi vaiparidza evhangeri yemvura noMweya, vachiti, “Jesu ndiMwari uye ndiye Muponesi.” Iwe neni zvino tinogona kunzwa evhangeri yebhapatidzo neropa raJesu seruponeso rwedu tigoponeswa pachivi nekuda kwekuti vadzidzi vakapupura evhangeri yemvura noMweya. Nokuda kwerudo rwaMwari rwusina mugumo uye neruponeso rwakakwana rwaJesu, tose takava vadzidzi vaJesu.
Mose munotenda here? Jesu akatida zvakanyanya zvekuti akatipa evhangeri yemvura noMweya, neruregerero rwezvivi uye isu takava vadzidzi vaJesu vakarurama. Jesu akashambidza tsoka dzevadzidzi vake kuti atidzidzise evhangeri yezvokwadi yeruregerero.
Jesu akashambidza tsoka dzevadzidzi vake kuti avadzidzise pamwevo nesu kuti zvivi zvose zvenyika, kusanganisira zvivi zvose zvatinoita paupenyu hwedu hwese, zvakashambidzwa zvose apo Jesu akabhapatidzwa uye akadeura rop paMuchinjikwa. Tinotenda Jesu nerudo rwake uye neevhangeri yeruregerero.
Jesu akatidzidzisa zvinhu zviviri kuburikidza nekushambidza tsoka dzevadzidzi. Chekutanga, akavadzidzisa, sezvaakanga ataura achiti, “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iyezvino, asi uchazvinzwisisa pashure,” kuti zvivi zvedu zvose zvakashambidzwa neevhangeri yekuregererwa, uye bhapatidzo yaJesu neropa rake.
Chidzidzo chepiri chaiva chekuti saJesu zvaakazvideredza kuti aponese vatadzi uye akavaita vakarurama, isu vakaberekwa patsva tinofanira kushandira vamwe kuburikidza neevhangeri yeruregerero. Zvakanaka kuti isu takatanga kuuya tibatsire avo vanozotevera.
Zvikonzero zviviri zvakaita kuti Jesu ashambidze tsoka dzevadzidzi pazuva rePasika zvakajeka uye zvichiripo muChechi yake.
Mudzidzi haagoni kuva mukuru kune mudzidzisi wake. Naizvozvo, tinoparidza evhangeri kunyika yose tichiishandira sekushandira kwatinoita Jesu. Isu takaponeswa nechekare tinofanira kushandira avo vachazouya mushure medu. Kuti adzidzise izvi, Jesu akashambidza tsoka dzevadzidzi. Pamusoro pazvo, nekushambidza kwaakaita tsoka dzaPetro, Jesu akatiratidza kuti akanga ari Muponesi akakwana kuti tisazonyengedzwa zvakare nadhiabhori.
Mose munogona kuponeswa kuburikidza nekutenda kuevhangeri yekuregererwa kwezvivi, yemvura noMweya. Jesu akashambidza zvivi zvedu zvose nebhapatidzo yake, uye nekuroverwa kwake uye nekumuka kwake kuvakafa. Avo bedzi vanotenda kuevhangeri ndivo vanogona kuponeswa pazvivi zvenyika nekusingaperi.
 
 
Iva neKutenda kuEvhangeri Yakashambidza Zvivi Zvedu Zvose
 
Tinogona kugura hunyengeri hwadhiabhori kuburikidza nekutenda kuvhangeri yeregerero, nemashoko emvura noMweya. Vanhu vanonyengedzeka zviri nyore nadhiabhori uye wakaipa anoramba achizevezera munzeve dzavo nguva dzose. Vachiziva kuti nyama yemunhu inoita zvivi pasina mugumo munyika muno, vangazova vasina chivi sei?
Asi isu tinoziva mhinduro. “Achiziva kuti Jesu akabvisa zvivi zvose zvenyama yedu nebhapatidzo yake, mutendi angagova nechivi sei? Jesu akaripira mubairo wakazara wechivi, saka ndeupi mubairo wasara futi kuti uripirwe?”
Kana tisingatendi kuevhangeri yemvura neropa, mashoko adhiabhori anoita seane musoro. Asi kana tiine evhangeri kurutivi rwedu, tinogona kuva nekutenda kwakasimba kuzvokwadi yeShoko raMwari.
Tinofanira kuva nekutenda kuevhangeri yekuberekwa patsva nemvura neropa. Kutenda kwezvokwadi kuevhangeri yebhapatidzo yaJesu, neropa rake paMuchinjikwa uye nerufu rwake uye nekumuka kwake.
Wakamboona here mufananidzo weurongwa hwetabhenakere tsvene? Iimba yetende duku. Imba iyi ine makamuru maviri; kamuri yekunze yaiva yeNzvimbo Tsvene uye yemukati iri yeNzvimbo Tsvene-tsvene umo munowanikwa chigaro chenyasha.
Ruvanze rwekunze rwetabhenakere tsvene kwakakomberedzwa nematanda makumi matanhatu, uye nzvimbo tsvene ine mapuranga makumi mana nemasere. Tinofanira kuita mufananidzo wetabhenakere tsvene mupfungwa dzedu kuti tigonzwisisa zvinoreva mashoko aMwari.
 
 
Ko Mukova Wokupinda muRuvazhe rweTabhenakere Wakanga Wakagadzirwa Nei?
 
Ko mukova wekupinda muruvazhe rwetabhenakeri wakanga wakagadzirwa nei?
Nechidzitiro chewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa
 
Mukova weruvazhe rwetabhenakeri unotsanangurwa muna Ekisodho 27:16, “Pamukova wekupinda muruvazhe uise chidzitiro chakareba makubiti makumi maviri, chewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa romusoni anogona, namatanda mana uyewo zvigadziko zvina.” Midziyo yaishandiswa kugadzira mukova weparuvazhe rwetabhenakeri yaiva yewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa. Wakanga wakarukwa zvakadzama uye une mavara akati bhaa.
Mwari akaraira Mozisi kuti aruke mukova wakati bhaa newuru yebhuu, nepepuru uye netsvuku kuti zviite nyore kuti vanhu vaone panopindwa napo. Mukova uyu waiva wakarukwa newuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, waiva wakaturkwa pamatanda mana.
Micheka yakashandiswa iyi inomirira mufananidzo weruponeso rwaMwari rwaaizoponesa narwo vose vanotenda kuMwanakomana wavo, kuburikidza nebhapatidzo uye neropa raJesu, uye nehuMwari hwavo.
Mucheka umwe nemumwe wakashandiswa kuvaka tabhenakere tsvene une zvaunoreva uye unomirira Shoko raMwari uye neurongwa hwake hwekuponesa vanhu kuburikidza naJesu.
Zvino, micheka mingani yakashandiswa pamukova wechivanze chetabhenakere tsvene? Pakashandiswa micheka mina; wuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa. Izvi zvina zvakakosha kwazvo pakutibatsira kuti tisimbise kutenda kwedu kuevhangeri yekuberekwa patsva. Kana dai zvisina kukosha, mashoko aya angadai asina kunyorwa muBhaibheri nehudzamu hwakadai.
Machira ese aishandiswa pamukova wechivanze chetabhenakere ine dudziro dzakadzana kuruponeso rwedu. Naizvozvo, Mwari akaratidza zvinhu izvi kuna Mozisi ndobva amuudza kuti aite sezvaakanga arairwa.
 
 
Ko Wuru yeBhuruu, yePepuru neTsvuku Uye Nomucheka Wakaisvonaka Wakarukwa Zvinorevei muEvhangeri yaMwari?
 
Ko micheka yose iyi yaishandiswa patabhenakeri inomirira chii?
Inomirira ruponeso rwaJesu kuburikidza nebhapatidzo yake uye neropa
 
Mukati metabhenakeri, wuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa zvaishandiswa pajira raiturikwa pakati peNzimbo Tsvene neNzvimbo Tsvene-tsvene. Machira mamwechetezve aishandiswa kugadzira majasi eMuprista Mukuru, uyo aipinda muNzvimbo Tsvene-tsvene kamwechete pagore.
Wuru yebhuruu inomirira bhapatidzo yaJesu. Muna 1 Petro 3:21, zvakanzi, “Uye mvura iyi inofananidzira rubhapatidzo runokuponesaiwo zvino.” Petro akatsinhira bhapatidzo yaJesu, yaakabvisa nayo zvivi zvose zvenyika muvheri iyi, achiti ifananiziro yeruponeso rweyananisiro. Zvivi zvedu zvose zvakaiswa kuna Jesu kuburikidza nebhapatidzo yake. Naizvozvo, wuru yebhuruu, bhapatidz yaJesu, chikamu chakkoshesesa cheShoo reruponeso.
Wuru tsvuku inomirira ropa raJesu, uye wuru yepepuru inomirira huMwari hwake – humiro hwaJesu saMambo uye Mwari. Mavara matatu ewuru akanga akafanira pakutenda kwedu kuna Jesu uye neruponeso rwake.
Nguo yekunze yakaisvonaka yaipfekwa neMuprista Mukuru yainzi efodhi uye jasi reefodhi raiva reruvara rwebhuruu. Muprista Mukuru aipfeka heti mumusoro wake yaiva nendiro yegoridhe yaiva yakatemwa nerunyoro pairi rwekuti, ‘MUTSVENE KUNA JEHOVHA.’ Ndiro iyi yaia yakasungirwa paheti netambo yebhuruu zvakare.
 
 
Zvokwadi Inomirirwa neWuru yeBhuruu
 
Ko wuru yebhuruu inomirira chii?
Inomirira bhapatidzo yaJesu
 
Ndakatsvaga dudziro yewuru yebhuruu muBhabheri. Bhaibheri rinot kudii neruvara rwebhuruu? Tinofanira kunzwisisa wuru yebhuruu pakati pewuru dzebhuruu, pepuru netsvuku.
Wuru yebhuruu inomirira ‘mvura,’ kureva bhapatidzo yaJesu. Jesu Kristu akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi kuti abvise zvivi zvose zvenyika (Mateo 3:15).
Kana dai Jesu asina kubvisa zvivi zvose zvenyika nebhapatidzo yake, tingadai tisina kuitwa vatsvene pamberi paMwari. Naizvozvo, Jesu Kristu aifanira kuuya panyika pano kuti abhapatidzwe naJohane Mubhapatidzi murwizi rweJorodhani kuti abvise zvivi zvose zvenyika.
Chikonzero paiva kufanira newuru yebhuruu pamukova wechivanze chetabhenakere tsvene chaiva chekuti hatingagoni kuitwa vatsvene pasina bhapatidzo yaJesu.
Wuru tsvuku inomirira ropa raJesu, rufu rwaJesu. Pepuru inomirira huMwari hwaJesu, ndiko kuti humiro hwaJesu sa “iye oga Mutongi akaropafadzwa, Mambo wamadzimambo naIshe wamadzishe” (1 Timoti 6:15).
Zvokwadi ndeyekuti wuru tsvuku inomirira ropa raJesu, uyo akadeura ropa paMuchinjikwa kuti aripire mubairo wechivi nokuda kwevanhu vose. Jesu Kristu akauya panyika pano panyama kuzotakurira kaari zvivi zvose zvevanhu kuburikidza nebhapatidzo yake, ndobva aripira mubairo wose wechivi kuburikidza nekuroverwa paMuchinjikwa. Bhapatidzo uye neropa raJesu ndizvo evhangeri yeregerero yakaprofitwa kuburikidza nemavara ewuru aishandiswa patabhenakeri tsvene yemuTestamende Yakare.
Matanda etabhenakere akanga ari emuti wemuakasia, nezvisungo zvendarira zvakanga zvakafukidzwa nesirivha.
Vatadzi vose vaitongerwa zvivi zvavo nekuti mbairo wechivi rufu. Mumazuva eTestamende Yakare, kuti munhu aropafadzwe naMwari kuti awane hupenyu hutsva, aifanira kupira chibairo chezvivi zvake. Asi bhapatidzo yaJesu muTestamende Itsva, io inomirirwa newuru yebhuruu yetabhenakere tsvene, yakatora zvivi zvedu zvose. Jesu akatakurira zvivi zvedu kuMuchinjikwa, akadeura ropa rake uye akazvitongerwa uye mukudaro akaponesa isu tose vanotenda kuevhangeri yekuregererwa. Ndiye Mambo wamadzimambo uye Mwari Mutsvene.
Wadiwa vaKristu, bhapatidzo yaJesu yaiva ruponeso waJesu, uyo akatiponesa kuburikidza nekubvisa zvivi zvedu zvose. Jesu, anova ndiye Mwari, akauya panyika panyama (wuru yepepuru); akabhapatidzwa kuti atakure zvivi zvose zvenyika (wuru yebhuruu); uye akaroverwa ndokubva adeura ropa rake paMuchinjika kuti agamuchire mutongo pachinzvimbo chedu (wuru tsvuku).
Tinozvionavo kubva pamavara akashandiswa pamukova wechivanze chetabhenakeri tsvene.
Pasina kahadziso, bhapatidzo yaJesu inotidzidzisa kuti akava Muponesi wechokwadi wevanhu vose. Tinogona kuzvionawo pamavara aishandiswa pamukova wechivanze chetabhenakere tsvene. Kugadzira micheka yemukova newuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa kwaiva nechinangwa chakajeka chekutiudza zvokwadi yeruponeso rwaMwari. Mucheka wakaisvonaka wakarukwa unoreva kuti Jesu akatiponesa tose pazvivi zvedu, pasina akasiiwa. Zvakanga zvakakosha zvikuru paruponeso rweyananisiro.
Tinoona kubva pamachira akashandiswa pamukova wetabhenakeri kuti Jesu Kristu haana kuponesa vatadzi nenzira isina kurongeka. Achiterera zano raMwari rakarongwa nemazvo, Jesu akabhapatidzwa, akaroverwa, akamutswa kuvakafa kuti azadzise ruponeso rwevanhu zvakakwana. Jesu akaponesa vose vanotenda kuruponeso rwake newuru yebhuruu, nepepuru netsvuku, micheka yeevhangeri yekuregererwa.
 
 
Mudziyo Wekushambira weNdarira wemuTestamende Yakare Waiva Mumvuri weBhapatidzo yemuTestamende Itsva
 
Nemhaa yei vaprista vaishambidza maoko avo netsoka dzavo vasati vapinda munzvimbo tsvene?
Nekuti aifanira kumira pamberi paMwari vasina chivi.
 
Mudziyo wekushambira waiva wakagadzirwa nendarira. Ndarira inomirira mutonga uyo Jesu akatambudzika nawo pachinzvimbo chedu. Mudziyo wekushambira unomirira shoko reevhangeri, iro rinotiudza kuti zvakaipa zvedu zvose zvakashambidzwa.
Zvinotiratidza kuti kushambidzwa kwezvivi zvezuva nezuva kwayitwa nenzira ipi. Zvivi zvezuva nezuva zvevanhu zvinogona kushambidzwa kuburikidza nekutenda kumashoko ebhapatidzo yaJesu.
Aritari yezvipiriso zvokupisa inomirira mutongo. Mvura yaJesu, yebhuruu, ndiyo evhangeri yekuyananisirwa kwezvivi; mune mamwe manzwi, bhapatidzo yaJesu naJohane Mubhapatidzi (Mateo 3:15, 1 Johane 5:5-10). Ndiro shoko rechipupuriro reevhangeri yeruponeso kuburikidza neyananisiro.
Muna 1 Johane 5, zvakanyorwa kuti, “Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu. Nokuti kune zvitatu zvinopupura zvinoti: Mweya mvura neropa; uye zvitatu izvi zvinotenderana.” Anotiudzawo kuti uyo anotenda kuMwanakomana waMwari ane uchapupu hwemvura neropa uye noMweya maari.
Anotiudzawo kuti uyo anotena kuMwanakomana waMwari ane uchapupu hwemvura, neropa uye noMweya maari. Mwari vakatitendera kuti tiitwe vatsvene kuburikidza nekutenda kuevhangeri yeyananisiro uye kuti tipinde mutabhenakeri tsvene. Naizvozvo, zvino tinogona kurarama nokutenda, tigopanga mashoko aMwari, tigoropafadzwa naye, tigorarama upenyu hwekururama. Kuti kuva vanhu vaMwari zvinoreva kuti kuponeswa kuburikidza nekutenda kuevangeri yeyananisiro uye nekurarama kumati metabhenakere itsva.
Vanhu vazhinji nhasi uno vanoti zvakatokwana kungotenda pasina kufunga nezvedudziro yewuru yebhuru, pepuru netsvuku yemukova wetabhenakeri tsvene. Kana munhu akatenda kuna Jesu asingazivi nezvezvinhu izvi, kutenda kwake kunenge kusiri kwechokwadi nekuti mumoyo make munenge muchiri nechivi. Munhu iyye anenge achiri nechivi mumoyo make nokuda kwekusatena kuzvokwadi yekuberekwa patsva kuburikidza neevhangeri yeyaanisiro, yemvura neropa uye noMweya.
Kana munhu akabvunzwa kuti atsanangure nezvemunhu waasingazive, uye obva ada kufadza uya akaterera achiti, “Hongu, ndinotenda zvinoitwa nemunhu uyu. Nyangwe zvazvo ndisati ndambosangana naye, ndinotenda zvakadaro.” Unofunga kuti munhu akaterera angafara kunzwa kudaro here? Zvichida vamwe venyu vangaita hunhu hwakadaro, asi iyi handiyo vimbo inodikanwa kubva kwatiri naMwari.
Mwari vanoda kuti titende kuvhangeri yekuregererwa kwezvivi, neruponeso rwaJesu kuburikiza newuru yebhuru (bhapatidzo yaJesu), neyepepuru (huMwari hwaJesu) uye netsvuku (ropa raJesu). Tisati tava nekutenda kuna Jesu tinofanira kuziva kuti akatiponesa sei pazvivi zvose.
Kana tichitenda kuna Jesu, tinofanira kuziva kuti akatiponesa sei pazvivi zvedu zvose kuburikidza nemvura (bhapatidzo yaJesu), neropa (kufa kwake) uye noMweya (Jesu ndiye Mwari).
Kana tikanzwisisa zvomene, tinogona kuwana kutenda kwezvokwadiuye kwakakwana. Kutenda kwedu hakungakwaniswi pasina kuziva zvokwadi. Kutenda kwezvokwadi kunoua kuburikidza nekunzwisisa uchappu hweruponeso hwaJesu, neevhangeri yekuregererwa uye nekuti Jesu ndiyeMuponesi wevanhu wezvokwadi.
Ko zvino kutenda kunozvidza Jesundiko kwakaita sei? Ngaticherechedzei.
 
 
Kutenda Kunozvidza Jesu
 
Chii chinodikanwa pakutenda?
Ruzivo rwechokwadi pamusoro pebhapatidzo yaJesu.
 
Unofanira kuziva kuti kungotenda kna Jesu zvisina tsarukano ndiko kutomuzvidza. Kana uchifunga uchiti, “Ndinoona zvakaoma kuti nditende as sezvo iye ari Mwari uye Mwanakomana waMwari, ndinofanira kungotenda,” unenge uchitozvidza Jesu. Kana uchida kuberekwa patsva zvamazvirokwazvo, unofanira kutenda kubhapatidzo yaJesu neropa rake, ndiyo evhangeri yeyananisiro.
Kutenda kuna Jesu pasina kuziva nezve evhangeri yeyananisiro kwakaipa zvakanyanya kupfuura kusatotenda kuna Jesu zvachose. Kuparidza evhangeri yeropa raJesu chete kushandira pasina usingazive zvokwadi.
Jesu haade kuti pave nemunhu anofamba achiparidza nezvake zvisina tsarukano, kana anotenda kwaari pasina chikonzero. Anoda kuti titende kwaari kuburikidza nekuziva evhangeri yeyananisiro.
Kana tichitenda kuna Jesu, tinofanira kubvuma kuti evhangeri yeyananisiro ndiyo bhapatidzo uye neropa raJesu. Kana tichitenda kuna Jesu, tinofanira kunzwisisa evhangeri yeyananisir kuburikidza neShoko rake tigoziva zvomene kuti akashambidza sei zvivi zvedu zvose.
Tinofanirawo kuziva kuti wuru yebhuruu, nepepuru uye netsvuku idzo dzaiwanikwa pamukova wechivanze chetabhenakeri tsvene inomirirei. Tikadaro tinobva tawana kutenda kwezvokadi kunogara nekusingaperi.
 
 
Hatingagoni Kuberekwa Patsva Kana Tisingatendi Kuna Jesu, Uye Nekuziva Wuru yeBhuruu, Pepuru neTsvuku
 
Vaprista vayiita sei vasati vapinda munzvimbo tsvene?
Vaishambidza maoko avo netsoka dzavo nemvura yemumudziyo wekushambira
 
Ishe Jesu akatiponesa. Tinongorumbidza Ishe kana tikarangarira kuti vakatiponesa sei. Tinofanira kucherechedza tabhenakeri tsvene. Mwari vakatipa mashoko eevhangeri yeyananisiro kuburikidza neshinda yebhuruu, nepepuru uye netsvuku yetabhenakeri, ndokutiponesa nazvo. Tinotenda pamwe nekurumbidza Ishe.
Vatadzi vaisakwanisa kupinda munzvimbo tsvene kana vasina kupfuura nepamutongo. Ko munhu angapinda munzvimbo tsvene sei pasina kutanga atongwa nekuda kwezvivi zvake. Izvi zvaisakwanisika. Kana munhu akadaro akapinda munzvimbo isingabvumidzwe, aiuraiwa ipapo ipapo. Kunenge kuri kuzvidzwa kwakaoma. Mutadzi aisakwanisa kupinda munzvimbo tsvene obva atarisira kurarama.
Ishe wedu akatiponesa nechakavanzika chepamukova wechivanze chetabhenakeri tsvene. Jesu akatiponesa newuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa. Akatiudza nezvechakavanzika cheruponeso kuburikidza nezvinhu izvi.
Iwe neni takaponeswa nenzira iyi here? Kana tisingatendi kumashoko ewuru yebhuruu, nepepuru uye tsvuku, hapangagoni kuva neruponeso kuburikidza evhangeri yeyananisiro. Ruvara rwebhuruu harwumiriri Mwari; rwunomirira bhapatidzo yaJesu. Bhapatidzo yaJesu uyo akabvisa zvivi zvedu zvose.
Munhu anogona kupinda ofamba kusvika paaritari yezvipiriso zvekupisa asingatendi kuwuru yebhuruu. Asi haangagoni kupinda munzvimbo tsvene umo munogara Mwari.
Naizvozvo, tisati tapinda pamukova wetabhenakeri tsvene, tinofanira kutenda kuwuru yebhuruu (bhapatidzo yaJesu), newuru tsvuku (ropa rake paMuchinjikwa) uye newuru yepepuru (kuti Jesu ndiye Mwari uye Mwanakomana waMwari). Kana tichinge tatenda ndipo patinogamuchirwa naMwari uye tigotenderwa kupinda nepakati pechidzitiro cheNzvimbo Tsvene-tsvene.
Vamwe vanopinda muchivanze chekunze chetabhenakeri vachifunga kuti vatori mukati. Asi urwu harusi ruponeso. Tinofanira kufamba kusvika kupi kuti tiponeswe? Tinofanira kufamba kusvika tapinda muNzvimbo Tsvene.
Kuti tipinde muNzvimbo Tsvene, tinofanira kupfuura nepamudziyo wekushambira. Mudziyo wekushambira unomirira bhapatidzo yaJesu, naizvozvo tinofanira kushambidza zvivi zvedu zvose zuva nezuva nebhapatidzo yaJesu kuti tigova vatsvene vanopinda muNzvimbo Tsvene.
MuTestamende Yakare, vaprista vaizvishambidza vasati vapinda; uye muTestamene Itsva, Jesu akashambidza tsoka dzavadzidzi vake semucherechedzo wekushambidzwa kwezvivi zvehupenyu.
Murairo waMwari unoti, “Nokuti mubairo wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu” (VaRoma 6:23). Mwari vanotonga zvivi zvevanhu, pasina anosara, asi vakazvitakudza pana Jesu Mwanakomana wavo ndokubva vatonga iye. Urwu ndirwo rudo rwaMwari, neruponeso rwake. Ruponeso rwechokwadi rwunowanikwa kana tichinge tatenda kuevhangeri yeyananisiro iyo ine bhapatidzo, ropa, rufu uye nekumuka kwaJesu.
 
 
Munhu Haafanire Kuzvidza Zvokwadi yeBhaibheri, Inova Evhangeri yeYananisiro yeZvivi, Kuti Aberekwe Patsva
 
Ndechipi chinhu changosara kuti tiite?
Ndechekutenda kuevhangeri, mashoko aMwari akanyorwa.
 
Ini handizvidze vamwe vanhu. Kana dikanzwa munhu achitaura zvimwe zvandisingazive, ndinobvunza nenzira yakanaka kuti atsanangure achijekesa. Asi pandakabvunza nezvedudziro yetabhenakere tsvene, handina wandakawana kuti anditsanangurire.
Zvino ndaifanira kuita sei? Ndakabva ndadzokera zvakare kuBhaibheri. MuBhaibheri, nhau yetabhenakeri inotaurwa nezvayo papi? Inotsanangurwa zvine hudzamu muna Ekisodho. Kana munhu akaverenga bhuku iri nenzira kwayo anonzwisisa zvainoreva kuburikidza nemashoko aMwari akanyorwa.
Wadiwa hama, haungaponeswe kuburikidza nekutenda kuna Jesu zvisina tsarukano. Haungaberekwi patsva nekuda kwekungoti unoenda kuchechi nguva dzose. Tinoziva zvakaudzwa Jesu naNikodimo. “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angapinda muumambo hwaMwari kana asina kuberekwa nemvura uye noMweya… Iwe uri mudzidzisi wavaIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi?” (Johane 3:5, 10).
Vose vanotenda kuna Jesu vanofanira kutenda kuwuru yebhuruu (kuti zvivi zvose zvakaiswa pana Jesu paakabhapatidzwa), netsvuku (kufa kwaJesu nokuda kwezvivi zvedu zvose) uye neyepepuru (kuti Jesu ndiye Muponesi, Mwari uye Mwanakomaa waMwari).
Tinofanira kutenda kuti Jesu ndiye Muponesi wevatadzi vose vepanyika. Pasina kutenda kwakadaro, munhu haangagone kuberekwa patsva kana kupinda muNzvimbo Tsvene yeHumambo hwaMwari. Zvakare munhu haangagone kurarama zvakatendeka panyika pano kana asina kutenda kwakadaro.
Zvaisava nyore here kuti munhu aberekwe patsva nekutenda kuna Jesu? – Zvirokwazvo – “//Iwe wakaponeswa. Neni ndakaponeswa. Tose takaponeswa//” Zvakanaka sei! Asi kune vanhu vazhinji vanotenda kuna Jesu vasina ‘kuberekwa patsva’ zvechokwadi.
Tinofanira kuzivavo zvokwadi iri muBhaibheri pamwe nekuva nekutenda kuna Jesu. Tinofanira kunzwisisa evhangeri yekuregererwa kwezvivi ri muBhaibheri uye nedudziro yewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku kuti tipinde mutabhenakere tsvene uye tigova naMwari munyika yekutenda. Mukati metabhenakeri yekutenda, tichafara tirimo kusvikira nguva yekudzoka kwaJesu zvakare achiuya neHumambo hwake. Zvakakosha kuti titende kuna Jesu nenzira yakanaka.
 
 
Evhangeri Yekuvambira Inofanira Kubereka Hutsvene Kubva paWuru yeBhuruu
 
Ndeipi faniro yakakosha yeruponeso rwedu, kunze kweMuchinjikwa waJesu?
Ibhapatidzo yaJesu
 
Vanhu vanowanzofunga kuti ivo vanogona kurarama zvakanaka vasingambokanganise. Asi, kuramba kwavanoita vachiedza kuita zvakanaka ndiko kukasika kwavanoitawo kuziva kusakwaniswa kwavo. Vanhu venyama Havana kukwaniswa, saka hazvigoni kuti vasatadze. Asi, nekuda kwekuti Jesu akatiponesa newuru yebhuruu, nepepuru uye netsvuku, iyo evhangeri yeyananisiro, tinoitwa vatsvene uye tinopinda munzvimbo tsvene yaMwari.
Kana dai Mwari asina kutiponesa newuru yebhuruu, nepepuru uye netsvuku, hataizombokwanisa kupinda munzvimbo tsvene pachedu. Chikonzero chiri chei? Kana dai avo bedzi vanorarama zvakanaka panyama varivo vaipinda munzvimbo tsvene, hakuna aizokwanisa kugoneswa. Kana munhu akatenda kuna Jesu asingazive evhangeri yezvokwadi, anenge achingotutsira zvimwe zvitadzo mumoyo make.
Jesu akatiponesa neruponeso rwake rwakarongwa zvine hudzamu; ruponeso rwewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa. Akashambidza zvivi zvedu zvose. Unotenda kwazviri here? - Hongu. - Une zvokwadi yeevhangeri yekuregererwa kwezvivi mumoyo mako here uyo unopa uchapupu kwairi here? - Hongu. -
Kana bedzi uchipa uchapupu kuevhangeri ndipo paunokwanisa kupfeka heti ine ndiro yakanyorwa kuti ‘MUTSVENE KUNA JEHOVHA’ uye wobva wapinzwa mu ‘uprista hwamambo’ (1 Petro 2:9). Ndipo bedzi paungazomira pamberi pevanhu uchivaudza kuti uri muranda waMwari, uchibata semuprista wehumambo.
Heti yeMuprista Mukuru yaiva nendiro yegoridhe uye ndiyo iye yaiva yakasungirirwa netambo yeruvara rwebhuruu. Nei pakashandiswa tambo yeruvara rwebhuruu? Nekuti Jesu akatiponesa neevhangeri yekuregererwa, akabvisa zvivi zvedu zvose ndobva atiita vasina zvivi kuburikidza nebhapatidzo yake. Bhapatidzo yemuTestamende Itsva yakafanana nekuisa maoko kwemuTestamende Yakare.
Zvisinei kuti tinotenda kuna Jesu nemoyo wose uye zvakatendeka sei, hatingagoni kuwana ndiro yakanyorwa kuti ‘MUTSVENE KUNA JEHOVHA’ kana tisingazive chakavanzika chewuru yebhuruu nepepuru uye netsvuku.
Ko takava vatsvene sei? Zvakanyorwa muna Mateo 3:15 kuti, “Zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.” Jesu akabhapatidzwa uye akatiponesa pazvivi zvose zvenyika. Akabvisa zvivi zvedu zvose kuburikidza nebhapatidzo yake uye isu vanotenda takava vakarurama.
Ko tingagoti hatina chivi sei kana dai pakanga pasina bhapatidzo yaJesu? Kunyange dai tikatenda kuna Jesu uye tikachema zvakadii tichifunga nezvekufa kwake paMuchinjikwa, misodzi yese yenyika ino yaisambokwanisa kushambidza zvivi zvedu zvose. Kwete. Kunyange taizochema kana kureurura zvakadii, zvivi zvedu zvaizongoramba zviripo.
‘MUTSVENE KUNA JEHOVHA.’ Sezvo Jesu akabvisa zvivi zvedu zvose nebhapatidzo yake uye neropa rake, Ishe vakatendera kuti zvivi zvose zvedu vatadzi zvitakudzwe pana Jesu, uye nokuda kwekuti shoko reruponeso rakanyorwa muBhaiberi, takava vakarurama kuburikidza nekutenda kwedu, zvisinei nezvakaipa zvedu pamwe nekusasimba kwedu.
Naizvozvo, zvino tinogona kumira pamberi paMwari. Tinogona kurarama sevakarurama pamwe nekuparidza evhangeri kunyika. “♫Ini ndakaponeswa. Iwe wakaponeswa. Tose takaponeswa. ♫” Takaponeswa maererano nezano raMwari renyasha.
Kana pasina shoko reavhangeri yeyananisiro mumoyo mako, hapana ruponeso kunyange ukaedza zvakaoma sei. Zvakangofanana nenziyo ine mukurumbira muKorea inotaura nezvemunhu ari kuda munhu asngamude. “♫Hana yangu inorova nekukasika pasina chikonzero, pese pandinomuona, nepose pandinenge ndiri pedyo naye. Zvichida ndiri kuda munhu asingandide. ♫” Hana yangu inorova nekukasika, asi kwete yake. Rudo rwangu harudzorerwi sekupa kwandinorwuita. Irombo rakaipa kuti vaKristu vazhinji vanoda Mwari zvisizvo, saka ivo havagone kudzorera rudo rwavo.
Vanhu vanofunga ivo kuti ruponeso rwunouya nenzira dzakasiyana siyana kuvanhu vakasiyan siyana. Vanobvunza vachiti, “Ko sei ruponeso ruchifanira kuuya neevhangeri yebhapatidzo chete?” Asi ruponeso harwungambofa rwakakwana kana pasina evhangeri yebhapatidzo yaJesu. Iyi ndiyo nzira yoga yatinogona kuva vakarurama pamberi paMwari nekuti ndiyo yoga nzira yatinogona kucheneswa zvivi zvedu zvakakwana.
 
 
Ko Ruponeso rweWuru yeBhuruu Rwatakapiwa naJesu Nderwupi?
 
Chii chakatiita kuti tive vakarurama?
Ievhangeri yewuru yebhuruu, nepepuru uye netsvuku
 
Ruponeso rweevhangeri yewuru yebhuruu nepepuru uye netsvuku ndicho chipo chaMwari kuvanhu vose. Chipo ichi chakatitendera kuti tipinde tabhenakeri tsvene uye nekuti tirarame murugare. Chakatiita vakarurama, chikaita kuti tirarame mukati mekerke uye kuti tidzidziswe neMagwaro Matsvene kuburikidza nekereke.
Pose patinoenda pamberi paMwari tichinamata, evhangeri inotiropafadze nerudo rwaJesu. Ndicho chikonzero ruponeso rwakakosha kwazvo kwatiri. Jesu anotiudza kuti tivake imba yekutenda ‘paruware.’ Ruware ndirwo evhangeri yebhapatidzo yaJesu. Tose tinofanira kuponeswa, tigorarama neruponeso, tigoenda kuDenga, tigowana hupenyu hwekusingaperi uye tigova vana vaMwari.
Hama wadiwa, tinogona kupinda tabhenakeri tsvene nekutenda, nokuda kweevhangeri yeyananisiro. Nekuda kwekushambidzwa kwezvivi zvedu zvose (bhapatidzo yaJesu) uye nekutongwa kwake paMuchinjikwa, takaponeswa nekuva nekutenda kuevhangeri yebhapatidzo yaJesu.
Yananisiro zhinji yakapiwa pazvivi zvedu zvose, nebhapatidzo yaJesu neropa rake, ndizvo evhangeri yakashambidzira zvivi zvedu zvose. Unobvuma kudaro here? Evhangeri yezvokwadi ndiyo evhangeri yeDenga, iyo yeyananisiro yakashambidza zvivi zvedu zvose zvakakwana. Evhangeri yezvokwadi ndiyo evhangeri yedenga yeyananisiro iyo yakashambidza zvivi zvedu zvose zvakakwana. Takaberekwa patsva kuburikidza nekutenda kuevhangeri yeyananisiro. Jesu akatipa evhangeri yeyananisiro iyo yakashambidza zvivi zvedu zvose zvezuva nezuva, kusanganisira zvivi zveramangwana zvose. Rumbidzai Ishe. Hareruya!
Evhangeri yemvura noMweya (evhangeri yemvura neropa) ndiyo evhangeri yezvokwadi yakazadziswa uye yakaparidzwa naJesu Kristu. Bhuku rino rakanyorwa kuti riratidze chakavanzika cheevhangeri yaJesu, chinova evhangeri yemvura noMweya.
Nokuda kwekuti vanhu vazhinji vanotenda kuna Jesu asi vasingazivi zvokwadi yakakwana, zvino vari kungozvikudza vachizviti ndivo vane nheyo yechitendero kana kuti vanoti zvitendero zvakasiyana zvinogona kudyidzana sezvo zvine chinangwa chimwechete mudzidzo yeBhaibheri yemuchiKristu (vanozviti ve-philosophical theology); muchidimbu, vanorarama murutendo rwenhema uye muvhiringidzo. Naizvozvo, tinofanira kudzokera kundotenda kuevhangeri yezvokwadi. Nguva ichiripo.
Ndichazopa hudzamu hwakawanda mubhuku rechipiri, zvichida kune avo vane mibvunzo maererano neavhangeri yekuberekwa patsva nemvura noMweya.