• All e-books and audiobooks on The New Life Mission website are free
  • Explore multilingual sermons in global languages
  • Two new revised editions in English have been released
  • Check out our website translated into 27 languages
Search

Sermons

Musoro 5 : Kupupura Chivi Kwakakodzera

[5-1] Kureurura Zvitadzo Kwechokwadi Nenzira Yakakodzera (1 Johane 1:9)

(1 Johane 1:9)
“Kana tichireurura zvitadzo zvedu, iye wakatendeka wakarurama nokudaro kuti unotikanganwira zvitadzo zvedu, nokutinatsa pakusarurama kwose.”
 
 
VHANGERI REROPA IVHANGERI RISINA KUKWANA
 
Tingapinda umambo hwekudenga nokuda kwevhangeri reropa chete here?
Hazviiti. Tinofanira kutenda muvhangeri rakakwana. (Vhangeri remvura nemweya.)
 
1 Johane 1:9 inotaura nezve kururama. Kana mutadzi asina kuregererwa akada kuwadzaniswa zvitadzo zvake zuva nezuva zvichienderana nendima iyi uye achipupura kutadza kwake, zvitazo zvake hazvingatombombvi. Muri kuona zvandiri kureva here? Ndima iyi haisi kutaura nezvevatadzi vasina kuzvarwa patsva.
Kune vakawanda chose munyika muno vasati vazvarwa patsva, asi vanotora ndima iyoyi kubva muna 1 Johane chikamu chokutanga vonamata uye nokupinduka kubva kuzvitadzo zvavo, vachitarisira kanganwiro.
Zvingaita here kuti munhu asina kuzvarwa patsva agoregererwa zvitadzo zvake zvakakwana nokuda kweminamato yokureurura? Ndiro dingindira guru ratinofanira kutarisisa tisati tafambira mberi.
Usati waverenge 1 Johane, unofanira kufunga chose kuti mupositora Johane aiva murume wakarurama kana kuti mutadzi. Rega ndimbokubvunza mubvunzo unotevera. Mupositora Johane aive murume akarurama uye akazvarwa patsva nokutenda muvhangeri remvura nemweya, kana kuti aive mutadzi?
Kana uchiti mupositora Johane aive mutadzi zvichienderana nemuBhaibheri wakatorasika pachako. Kana mupositora Johane aive murume wakarurama ainge akazvarwa patsva nokutenda muna Jesu, zviri pachena kuti kutenda kwake kwaive kwakatosiyana nekwako. Unofanira kuve nokutenda kwakafanana nekwamupositora Johane.
Ndombokubvuna umwezve mubvunzo, Mupositora Johane ainyorera tsamba idzi kune vakarurama kana kuti kune vatadzi? Mupositora Johane wainyorera tsamba kune vakarurama.
Nokudaro, kana vatadzi vasina kuzvarwa patsva vaiona mashoko a1 Johane 1:8-9 nokumashandisa pavari, zvainge zvakatoshata. Kana uchida kuve wakarurama, reurura zvitadzo zvako zvose pamberi paMwari uye ugotenda muvhangeri remvura nemweya. Nokudaro, Jehovha vachasuka zvitadzo zvako zvose nevhangeri iro rakachenura zvitadzo zvepanyika.
Mupositora Johane ane kutenda kwakadai. Muna 1 Johane chikamu chechishanu anoti anekuvimba mumvura, nemuropa, uye nemumweya. Unotenda muna Jesu uyo akauya nemvura, neropa uye nemweya here? Unotenda muna Jesu akauya nemuchinjikwa kana kuti zvose nerubhabhatidzo rwake, neropa uye nemweya?
Ungaripinda denga nokuda kwekutenda muvhangeri reropa chete here? Kana kutenda kwako kuchingove muvhangeri reropa repamuchinjikwa, kureva kuti uri kungonzwisisa chidimbu chevhngeri chete. Kana uchingotenda muvhangeri reropa repamuchinjikwa, hazvingashamisi kuona uchinamata kuti uwane kanganwiro zuva nezuva. unofunga kuti pane mukana wekuti zvitadzo zvako zvinosukwa nokuda kwekupa munamato yokupinduka.
Asi zvingaita here kuti zvitadzo zvako zvisukwe iwe uchingotenda muropa riri pamuchinjikwa, uchipinduka uye nokunamata kuti uwane kanganwiro yematadzo ako epazuva regarega? Kana uri umwe wevanhu vakadai, nokudaro zvitadzo zvinoramba zviri mumwoyo mako, nokuti hapana angasuka zvitadzo zvake nokungotenda muropa riri pamuchinjikwa chete, kana kuti nokuda kwekunamatira rupinduko. Kana uri umwe wevanhu vakadai, naizvozvo hausati waziva vhangeri remvura nemweya, uye kutenda kwako hakuna kukwana.
Mupositora Johane akazvarwa patsva nokuti aitenda muvhangeri remvura neropa uye nemweya. Asi iwe unongotenda muropa riri pamuchinjikwa chete. Kana usingatendi chokwadi chakachena pamusoro pevhangeri, ungatunga-mirira vamwe muruponeso sei? Iwe pachako hausati wazvarwa patsva, asi uri kuda kuwadzaniswa zvitadzo zvako nokuda kwekuita minamato yerupinduko. Nzira iyoyi haina kwainokusvitsa.
Hazvinei kuti munhu anganamata akapinduka zvakadii, zvitadzo zvake hazvigoni kubvisika pamwoyo wake, kana pane dzimwe nguva dzaunonzwa kunge zvitadzo zvako zvakasukwa kubva pamwoyo pako, iyo inongove fungidziro yako uye nemasimba ezvido zvako. Ukanamata nokupinduka, unogona kunzwa wakasununguka kwezuva rimwe kana akati wandei. Asi haukwanisi kuve wakasununguka kubva kuzvitadzo nenzira iyi.
Vatadzi vanonamata nokupinduka vachitarisira kuponeswa kubva kuzvitadzo zvavo, ndiko kusaka vachiramba vari vatadzi kunyangwe vachitenda muna Jesu kwenguva refu. Havazivi vhangeri remvura nemweya. Kana uchitenda muna Jesu asi usati wazvarwa patsva. Unogona kunge uri umwe wevanhu ava. Kana uchiedza kuwadzaniswa zvitadzo zvako nokunamata uye nokupinduka zuva nezuva, ndihwo umboo huri pachena kuti hausati wazvarwa patsva. Unofanira kufunga zvakanaka kuti wotenda muvhangeri remvura nemweya here, sezvaitwa namupositora Johane, kana kuti woisa kuvimba munezviri mupfungwa dzako kana zvido zvako. Chimwe ndicho chokwadi chiri pachena, chimwe chisiri chokwadi.
Vhangeri rechokwadi sezviri muBhaibheri nderekuti Jesu akabhabhatidzwa uye akatora zvitadzo zvenyika kamwe chete kwenguva dzose uye akagamuchira kutongwa kwevatadzi vose ari pamuchinjikwa. Kana munhu achitenda mukubhabhtidzwa kwaJesu uye nemurufu rwake ari pamuchinjikwa, achaponeswa kamwe kubva kuzvitadzo zvake zvose. Nekune rumwe rutivi, kana munhu akada kuedza kusuka kudarika kwake neminamato yorupinduko, haazokwanisi kuve akasununguka kuzvitadzo zvake. Unofunga kuti ungarangarira zvitadzo zvako zvezuva nezuva? Mwari angava anochengeta zvitadzo zvaunenge usina kupupura here? Minamato yokupinduka ingava yakajeka pakugadzirisa dambudziko rezvitadzo zvezuva nezuva here? Mhinduro imwechete chete kumubvunzo uyu inoti, kwete.
 
 
RUPINDUKO RWECHOKWADI UYE NECHINANGWA CHOKUREURURA
 
Mabasa akanaka nokupupura zvinoguma papi?
Nyangwe tichifanira kupupura zvitadzo zvedu upenyu hwose, hatigoni kuponeswa nokupupura kudarika kwedu uye nokuita zvinhu zvakanaka.
 
Rupinduko ruri muBhaibheri zvinoreva kudzoka kubva mukutenda kusiko uchiuya mukutenda kwechokwadi, uye kune vakarurama, zvinoreva kubvuma zvakaipa zvako uchidzoka kuchiedza chevhangeri.
Kana uchiri mutadzi nazvino, unofanira kupupura uchiita sezvizvi: “Mudikanwi Mwari, ndakatadza uye ndinokodzera kuenda kugehena. Asi ndinoshuvira kuponeswa kubva kuzvitadzo zvangu. Veduwe ndiponesi kubva kuzvitadzo zvangu. Handisati ndazvarwa patsva, uye ndinozviziva kuti ndakanangana negehena.” Uku ndiko kupupura kwechokwadi.
Zvino uyo akazvarwa patsva angapupura sei? “Mudikanwi Mwari, ndakaita chitadzo chokutevera nyama yangu. Ndinotenda kuti Jesu akabhabhtidzwa naJohane mubhabhatidzi uye akandiponesa kubva kuzvitadzo zvangu, kunyangwe kubva kuchitadzo chandichangobva mukupara, ipapo ndaifanira kufira zvitadzo zvangu. Ndinotenda Jehovha kuti akandiponesa nemvura uye neropa.” Kupupura kweavo vakazvarwa patsva nekwevasati kwakasiyana.
Tose tinofanira kuve nokutenda kwakaita sekwamupositora Johane. Kana ukada kuedza kuviga zvitadzo zvako uchipupura nezvinoitwa nevakarurama, nokuda hauzogoni kuponeswa kubva kurufu urwo runova mubairo wezvitadzo.
Vatadzi vose vasati vazvarwa patsva vanofanira kurega kuhwanda neminamato yokupupura uye vachitanga kutenda muvhangeri rechokwadi remvura neropa uye nemweya. Vanofanira kudzidza kutenda kwamupositora Johane uye vanobva vawana ruponeso.
Vatadzi havaoni kuti mutongo wezvitadzo zvavo uchinge wakaomarara zvakadii. Chitadzo chakaipisisa pamberi paMwari kusatenda muvhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Vose avo vanotenda muna Jesu asi vasina kuzvarwa patsva vanofanira kupupura pamberi paMwari, “Jehovha, ndiri mutadzi akamirira kukandwa mugehena remwoto unopfuta,” uye vasiyane nokuti, “Jehovha, veduwe sukaiwo zvitadzo zvangu.” Kana mutadzi akaisa vhangeri mumwoyo wake rokuti Jesu akamuponesa nomukubhabhatidzwa kwake pana Jorodhani uye nemuropa rake ari pamuchinjikwa, anosunungurwa kubva kuzvitadzo zvake zvose. Uku ndikokupupura kunoitwa nemutadzi kuti agoponeswa kubva kuzvitadzo zvake pamberi paMwari.
Mutadzi anofanira kupupura kuti haasati azvarwa patsva uye kuti anotenda muvhangeri remvura nemweya. Nokudaro anobva aponeswa kamwe chete. Nokuda kwevhangeri remvura nemweya, ruponeso rwevatadzi vose rwakabva rwapedziswa. “Nokuti hakuna kuponeswa kunomumwe; nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.” (Mabasa Avapositora 4:12). Mwari akaponesa vatadzi vose kubva kuzvitadzo zvavo nokubhabhatidzwa kwaJesu naJohane mubhabhatidzi uye akafira pamuchinjikwa.
Jesu akabvisa zvitadzo zvavanhu vose zvavanotadza nenyama yavo uye nemwoyo yavo kubva pakuzvarwa kusvikira pakufa. Tinofanira kutenda muvhangeri rechokwadi kuti tiponeswe. Ndiyo nzira chete yatinoponeswa nayo kubva kuzvitadzo zvedu zvose uye nokuchenurwa kwechokwadi. Tinove vakarurama kamwe kwenguva dzose kana tichitenda muvhangeri remvura nemweya.
Jesu akabhabhatidzwa, akatora zvitadzo zvepanyika, akazvipira neupenyu hwake ari pamuchinjikwa, akamutswa nezuva retatu uye zvino agere kuruoko rwerudyi rwaMwari. Ichi ndicho chokwadi chisingaperi.
Tose tinofanira kureurura tichiti, “Jehovha, handina chandingakwanisa asi kutadza kusvikira zuva rokufa kwangu. Ndakazvarwa ndiri mutadzi kubva mudumbu raamai vangu, uye nokuda kwezvitadzo zvose zvandakapara, ndinofanira kukandwa mumwoto wegehena unopfuta. Nokuda kwechikonzero ichi, ndinoda kutenda muna Jesu, uyo akauya nemvura neropa, uye nemweya akave muponesi wangu.”
Sekunyorwa kwazvakaita muna Mateo 3, Jesu akatora zvitadzo zvatinopara uye nezvenyika, apo paakabhabhatidzwa pana rwizi Jorodhani. “Muchaziva zvokwadi, nechokwadi chichakusunungurai.” (Johane 8:32).
Dai Jesu akangotiponesa kubva kuzvitadzo zvedu zvemavambo uye obva atitaurira kuti tigadzirise dambudziko rezvimwe zvitadzo zvedu pachedu, tingadai tiri mukutambudzika kukuru chose. Asi Jesu wakatisunungura kuzvitadzo zvedu zvose nokuda kwerubhabhatidzo rwake uye neropa rake. Tingatambudzwa nei? Kana tichitenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake repamuchinjikwa, tichitenda Jehovha, nemweya unogara mumwoyo yedu.
Unotenda munaJesu here? Unotenda mumweya anogara mauri here? Zvitadzo zvako zvose zvakaiswa pana Jesu apo paakatora zvitadzo zvepanyika nokubhabhatidzwa kwake. Mushure mazvo akatongerwa zvitadzo zvedu ari pamuchinjikwa achibva atidzikinura mukutongwa kusingaperi. Iri ndiro vhangeri rechokwadi.
 
 
KUPUPURA KWEVAKARURAMA
 
Kupupura kwechokwadi kwevakarurama kwakaita sei?
Kupupura kuti vanotadza zuva nezuva asi vanovimba mukuti Jesu akasuka zvitadzo zvavo zvezuva nezuva pazviuru zviviri zvemakore apfuura.
 
1 Johane 1:9 inoti, “Kana tichireurura zvitadzo zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvitadzo zvedu nokutinatsa pakusarurama kwose.” Kureva kuti munhu kana afunga zvokutenda muvhangeri remvura nemweya anofanira kupupura achiti, “Jehovha hapana zvandinogona kuita asi kutongotadza upenyu hwangu hwose asi ndinoziva kuti handingaponeswi kubva kuzvitadzo zvangu nokuda kweminamato yokukanganwirwa. Ndinotenda kuti mubayiro wezvitadzo rufu uye hapana chimwe kunze kwerubhabhatidzo rwaJesu nekurovererwa kwake ndizvo chete zvinosuka zvitadzo zvangu zvose. Ndinoreurura ndichiti ndatadza nhasi asi ndinotenda muna Jesu kuti akabvisa zvitadzo zvose zvandakapara ari pana Jorodhani pamakore zviuru zvivira apfuura.” Kana munhu akadaro achinamata nenzira iyi, dambudziko rezvitadzo muhana yake zvinogadziriswa kamwechete.
Avo vakazvarwa patsva kare vanofanira kungoreurura zvitadzo zvavo chete. Vanofanira kudzvira kuti Jesu akabvisa zvitadzo zvavo zvose zvavanopara. Nokuti Jesu akabhabhatidzwa akafira zvitadzo zvedu makore zviuru zviviri zvapfuura, hazvina mhosva kuti vakaneta zvakadii, zvitadzo zvavo zvose zvakasukwa.
Ndima yataverenga nhasi uno yakanaka chose kune avo vakarurama. Asi kana mutadzi akatora ndima iyi akaishandisa nenzira isiyo, anopedzisira ave kugehena. Zvichakadaro hazvo, ndiyo ndima inonyanyoshandiswa nepasipo muBhaibheri. Yave nenguva ichikonzera kusanzwisisa kukuru pakati pemakirisito.
Pane chirevo chinoti chiremba asina hanya anogona kuuraya varwere vake. Kana chiremba asina hanya akaedza kuda kuita zvaasingakwanisi anogona kupedzisira ave kuuraya varwere vake.
Murairo weupenyu kuti munhu anofanira kuve akadzidziswa uye nokuve noruzivo kuti agokwanisa kuita basa rake nemazvo. Ndizvo zvakafanana nepashoko rokuvimbika. Avo vanodzidzisa shoko raMwari vanofanira kutsvaka chokwadi sezvachakanyorwa chakajeka uye nemazvo, zvekare vose vanodzidza kubva kwavari vanofanira kuve nokuvimba mune zvavari kudzidza.
Kana vaparidzi vakadzidzisa vateveri vavo magwaro asiwo, kana kuti vatendi vakadzidza Bhaibheri nepasipo mhedzisiro yacho mutongo uye nokuenda kugehena. Vakazvarwa patsva ndivo vanogona kudzidzisa Bhaibheri nemazvo. Kana mushong wakanaka unogona kuuraya murwere kana ukashandiswa zvisizvo, uye ndizvo zvimwechete nokudzidzisa nokudzidza shoko raMwari. Zvakakosha sokukosha kwakaita mwoto muupenyu hwedu. Asi une njodzi sezviya kana ukaiswa mumaoko evana. Shoko raMwari rinogona kutiunzira matambudziko nemaoko asiwo.
Tinofanira kuziva musiyano uri pakati pokureurura kwevakarurama nekwevatadzi. 1 Johane 1:9, ndeye vakarurama. Kana munhu akarurama achireurura zvitadzo zvake pamberi paMwari anekuvimba, anosunungurwa pazviri nokuti Jesu akazvibvisa kare mumakore zviuru zviviri akapfuura.
Zvakaipa kuti vatadzi vatende kuita zvitadzo zvavo zvinosukwa pose apo pavanoita munamato wekanganwiro. Kana munhu asina kuzvarwa patsva, zvitadzo zvake zvingabviswa nokuti akareurura here?
Mwari wakarurama akatumira mwanakomana wake mumwechete oga panyika pano akaita kuti abvise zvitadzo zvepanyika kuburikidza nokubhabhatidzwa kwake uye akaponesa vose vanotenda mumvura yerubhabhatidzo rwake uye nemuropa rake riri pamuchinjikwa. Nokudaro, kana munhu akarurama achireurura zvitadzo zvake pamberi paMwari. Mwari anomutaurira kuti Jesu akatora zvitadzo zvose pamakore zviuru zviviri zvapfuura. Munhu akadaro iyeye anobvuma kuti haana chitadzo mumwoyo make kunyangwe nyama yake ichitadza.