(Isaya 28:13-14)
“Asi shoko raJehovha richava kwavari; chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murairo pamusoro pomurairo, murairo pamusoro pomurairo, apa zvishoma napapo zvishoma; kuti vaende, vawe nenhendashure, vavhunike, vabatwe nomusungo, vatapwe. Naizvozvo inzwai shoko raJehovha imi vadadi vanobata noushe vanhu ava vari paJerusarema.”
VANYENGERI MUBHAIBHERI
Bhaibheri rinotsanangura sei vara rokuti Munyengeri?
Bhaibheri rinotsanangura munyengeri semunhu ane chitadzo mumwoyo make kunyangwe achitenda muna Jesu.
Mazuva ano kune vanyori venhau dzemanyepo vakawanda, zvikuru sei munyika dziri kusumukira. Vanoedzesera kuve vanyori venhau asi ivo vachibira vanhu mari dzavo, vachivhundutsira kuzoburitsa nyaya yezvinenge zvaitika kumunhu ane nyaya iyoyo. Vara rokuti kuedzesera rinoreva chinhu chinoratidzika kutoda kufanana nechechokwadi, asi icho chisiri. Nemamwe mashoko, zvinoreva unhu hwakasiyana nezvinoratidzika kunze.
Mavara ekuti vanyengeri nevanyepi anonyanya kushandiswa munakereke echikirisito.
Pane tsanangudzo dzinoshandiswa pakutsanangura “vanyengeri” uye nevanyepi uyezve kwoita vadzidzisi vanodzidzisa zvinofambirana nezviri muBhaibheri.
Mukari mechiitiko ichoci ndinonzwa ndichitikana pakutsanangudza zvinoreva munyengeri ari kurehwa muBhaibheri uye kuti ndichinyatsoburitsa pachena chirevo chazvo. Ndinodawo zvakare kuti ndipe nemuenzaniso vanyengeri vanowanika zuva nezuva roupenyu izvozvi zvinozotibvumidza kuti tibate pamwechete. Munu anotenda muna Mwari anofanira kufunga nezvemunyengeri kamwechete muupenyu hwake.
Muna Tito 3:10-11 inotsanangura munyengeri semunhu anotsausa achiita zvokuti vamwe vatadze, munhu anozvipa mhosva pachake. Munyengeri munhu anozvipa mhosva achizviita mutadzi zmene. Naizvozvo vose avo vanotenda muna Jesu asi vaine zvitadzo mumwoyo yavo vanotove vanyengeri pamberi paMwari.
Jesu akatora zvitadzo zvedu zvose kuburikidza nokubhabhatidzwa kwake. Asi vatsauki vanoramba kutenda muvhangerirechokwadi iro rinouisa ruponeso kuvatadzi uye vanozvisvora pachavo nokudyidzana nevatadzi.
Uri mutsauki here? Tinofanira kufunga nezvazvo kana tichida kuti tirarame upenyu hwakavimbika.
Hausi kuzvisvora pachako semutadzi kunyangwe uchitenda muna Jesu asi usati wanzwa vhangeri remvura nemweya? Kana uchizvitora semutadzi, nokudaro uri kuzvibvisa pana Jesu nokusiya ruponeso rwake rwechokwadi uye nevhangeri remvura nemweya.
Kuzvidaidza kuti mutadzi pamberi paMwari kubvuma kuti hausi mwana waMwari. Avo vanoreurura kuna Jesu, “Jehovha, ndiri mutadzi.” Vanofanira kuita ongororo yekuvimba kwavo.
Ungatenda sei muna Jesu iwe uchizviti mutadzi iye Jesu akatobvisa zvitadzo zvepanyika akatokuponesa kubva mukutonga kusingaperi? Ungaramba chipo chemahara cheruponeso iwe wozvitsanangudza semutadzi iye Jesu akatora zvitadzo zvako zvose nokuda kwekubhabhatidzwa kwake uye akatongwa zvakaomarara ari pamuchinjikwa?
Vanhu vakadaro ivava vanyengeri, vatsauki nokuti vanozvisarudzira kuve vatadzi pane kuti vasarudze shoko raMwari. Unofanira kuziva vhangeri remvura nemweya kuti usazove mutsauki pamberi paMwari.
Uyo anotenda muna Jesu asi asina kuzvarwa patsva munyengeri nokuti anenge achingove nezvitadzo mumwoyo make.
Nokuti Mwari vakatora zvitadzo zvose zvenyika kusanganisira nezvedu. Kana tikashaya hanya neruponeso kureva kuti tiri vatsauki pamberi paMwari. Nokuti Mwari vakarurama kana tine zvitadzo mumwoyo medu tiri vatsauki nevanyengeri. Kana tichida kuve takarurama, tinofanira kutenda muvhangeri remvura yorubhabhatidzo rwaJesu uye nomuropa rake repamuchinjikwa.
MAVAMBO AVANYENGERI MUBHAIBHERI
Ndezvipi zvinodiwa kuti uve mushumiri?
Unofanira kuzvarwa patsva.
Ngatitarisei kuna 1 Madzimambo 12:25-26 “Ipapo Jeroboami wakavaka Shekemi panyka yamambo yaEfuraimi, akagaramo; akabvapo, akandovaka Panuyeri. Jeroboami akati mumwoyo make; zvino ushe huchadzokerazve kuimba yaDhavita.” Jeroboami aiva mutevedzeri waSoromoni. Soromoni paakave nehuori mumakore ake okutonga, Jeroboami akapandukira mambo, gare-gare akava mambo wemarudzi gumi avaIsiraeri, panguva dzaRehoboami, mwanakomana waSoromoni.
Chinhu chokutanga chaidiwa naJeroboami achive mambo kwaive kuti vanhu vake vangadzoke kuJudiya uko kwaiva neTembere.
Naizvozvo akauya neimwe pfungwa yokuti zvisaitika. Akaumba mhuru mbiri dzendarama imwe paBeteri, imwe paDani, akapa mutemo wokuti vanhu vake vanamat mhuru mbiri idzi. 1 Madzimambo 12:28 inoti, “Naizvozvo mambo akarangana navakuru akaumba mhuru mbiri dzendarama.” Imwe paBeteri uye imwe yacho paDani akaudza vanhu vake vanamate mhuru idzodzo, zvisinei nokuti zvaaiita chaive chitadzo chikurusa. Akabva atosarudza mushumiri aitungamirira minamato yacho.
“Pashure pechiitiko ichi Jeroboami haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi wakatsaurazve vamwe pakati pavanhu vose, akavaita vashumiri pamatunhu akakwirira, aninani waaida aimugadza akavaita vashumiri pamatunhu akawirira.” (1 Madzimambo 13:33). ndiwo mavambo ehunyengeri nehutsauri.
Kunyangwe nanhasi uno, vatsauri vanosarudza vashumiri avo vanozvidira kuita basa raMwari, uyo anenge apedza dzidzo yake yokudzidzira nezvechitendero anotosarudzwa kuve mushumiri, muparidzi, mutumwa waMwari uye kuve mukuru kunyangwe asina kuzvarwa nemvura nemweya.
Zvingaita sei kuti munhu asina kuzvarwa patsva nemvura nemweya agove mushumiri? Munhu akadaro anosarudzwa kuve mushumiri. Kereke yakadaro inenge yamusarudza inenge yave indasitiri inobura vatsauri nevanyengeri.
Ngatifungei nematangiro akaita kutsauka. Pakutanga, Joroboami akatsiva Mwari nemhuru dzendarama kuti kuda kuramba ari pamasimba ake ezvematongerwo enyika. Chepiri aingogadza ushumiri kune anenge angozvipirawo, aingogadzawo zvake nyangwe munhu waada. Izvozvi zviri kungoitika nanhasi uno.
Nhoroondo yekutsauka nounyengeri yakaramba ichingoitika kunyangwe tabva panguva yaJeroboami. Avo vanenge vasina kuzvarwa nemvura nemweya havatombofaniri kuve vanoitwa vashumiri.
Zvingaita her kuti munhu apedza zvidzidzo zvake zveBhaibheri agoita mushumiri kana muparidzi? Zvinoita kuti havana kusarudzwa naMwari? KWETE! Kunze kweavo chete vanenge vadomiwa naMwari ndivo vanova vashandiri vake. Avo vanonzi vasarudzwa naMwari ndivo vanenge vazvarwa patsva nemvura nemweya.
Muna 1 Madzimambo 12:25-26 uyezve muna 1 Madzimambo 13, makanyorwa kuti Jeroboami wakatsamwisa Mwari. Tose tinofanira kuziva rungano urwu, kana munhu asingazivi nezvarwo anofanira kumbopinda muBhaibheri kuti atsvake nyanya iyi.
Fungai nezvazvo kuti muchiisa mhuru dzendarama pachinzvimbo chaMwari mukereke renyu. Ungava ungamboedza chose kuti pave nemakomborero ekuti vamwe vake nedzimwe nguva vadzoke kuvhangeri rokuzvarwa patsva nemvura nemweya?
Unomboudza vamwe vako here kuti vanogona kuporeswa kuhosha dzavo kana vakatenda munaJesu? Wakammmbovaudza kuti vanogona kupiwa makomborero ehupfumi? Unosarudza vasina kuzvarwa patsva sevashumiri, kana kuti sevaremekedzwi vemukereke mako here uye nokuti kereke rako ndiro chete rinogona basa? Kana zvadaro uri kutoita chitadzo chaJeroboami pamberi paMwri chokumutsamwisa muhasha dzake.
VANYENGERI NEVATSAUKI VANONAMATA MWARI WEMHURU DZENDARAMA
Kana nanhasi uno, kune vakawanda vatsauki vanonamata mhuru dzendarama. Vanoti Mwari akaropafadza Soromoni apo paakapa zvipiro chiuru chimwe zvokupisira kuna Mwari. 1 Madzimambo 3:3-5 inoti “Soromoni akada Jehovha, akafamba nemutemo yababa vake Dhaviti; asi wakabayira zvibayiro nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira. Zvino mambo akaenda Gibeon kundobayirapo; nokuti ndiwo wakanga uri mutunhu mukuru wakakwirira; Soromoni akabayira paAtari iyo zvipiriso zvinopiswa zvine chiuru chimwe. Jehovha akazviratidza kuna Soromoni paGebeoni nokurota usiku, Mwari akati kumbira chaunoda kuti ndikupe?”
Vakabira vamwe vavo mari vachivavimbisa “chiuru chimwe chezvipiriso zvinopiswa zvaSoromoni.” Vamwe vaya vainge vari mafuza vakatsotsiwa mari dzavo. Uye vaya vanonamata mhuru dzendarama vrikutobirwa mari dzavo, idzo dziri kushandiswa sezvipo kuzovaka makereke. Kwete nokuti makereke avo madiki, asi nokuti vanoda kubira vateveri vavo mari.
Kuumba mhuru dzendarama yaingova nzira chete yokubira chere mari vateveri vedzikereke dzavo. Isu vaya vanotevera Mwari ngatiregei kutorwa semafuza. Kana ukapa mari yako kuti ugonamata mhuru dzendarama, haisi kupiwa Mwari, asi inopedzisira yave muhomwe dzevashumiri vemanyepo avo vanokara saJeroboami. Hamufaniri kuteiwa nemariva evatsauki nevanyengeri.
Naizvozvo, sei Mwari vakafadzwa nezvipiriso zvokupisa chiuru chimwe zvaSoromoni? Nokuti Soromoni aiziva zvitadzo zvake zvazviri, uye kubvuma kuzvifira nokudaro aipa zvibayiro zvaienderana nokutenda kwake. Akapa zvibayiro chiuru chimwe kutenda ruponeso rwaMwari. Aipa chiuru chezvibayiro zuva nezuva, achifunga nezve kuregererwa nemvura nemweya.
Zvino unofanira kurangarira chokwadi chinoreva`vangeri` kuti usanyengedzwe nevashumiri vemanyepo.
AVO VANOSHUMIRA VASINA KUZVARWA PATSVA VANYENGERI
Vanyengeri vanotii nekuzvarwa patsva?
Vanoti vanozvarwa patsva, nehope kuratidzwa pamweya, uye nekuve noruzivo pamweya.
Varipo vanodzidzisa nezvekuzvarwa patsva, ivo pachavo vasina kuzvarwa patsva mukutenda. Vose ivavo vanyengeri. Vanotaurira vamwe kuti vazvarwe patsva ivo vasingakwanisi. Izvozvo nokuti havazivi nezvevhangeri remvura nemweya. Tinobva tangoseka zvedu.
Vashumiri venhema vanoparidza vhangeri renhema, vachitaura nepasipo vhangeri remvura nemweya. Vanotaurira vanhu kuti vasuke zvitadzo zvavo zuva nezuva.
Vanoti, “Endai munonamata mumakomo, edzai kutsanya, zvipire chose pabasa raMwari, namatai kusvika mangwanani, ipai mari yakawanda yokuvaka makereke, asi ngwarirai kuongorora nezvematadzo enyu.”
Pamwe ndakambonzwa umwe achipupura achiti akazvarwa patsva, achitaura achiti muhope dzake akarota akamira mumutsetse uye pakasvika chijana chake, Jesu akadaidza zita rake, akati iye nokudaro, ndihwo uchapupu hwekuti akazvarwa patsva. Asi zvino kupupurira kwechokwadi here uku? Jesu haana kumbodaro.
Muna Johane 3 anoti, “Kunze kwekuti munhu azvarwa nemvura nemweya, haangatooni nokupinda umambo hwaMwari.” Mwari vanoti, avo chete vanozvarwa nemvura nemweya ndivo vanova vashumiri vechokwadi. Uyo anofunga kuti anozvarwa patsva nokurotswa, nekuratidzwa zviri pamweya, kana nokunamata kuti apinduke, unotove munyengeri.
Mazuva ano vanhu havatendi muzvinyorwa zveshoko raMwari asi vachichengeta zvakanyorwa zvemakereke avo pane kuti vatozvarwa nemvura nemweya. Avo vanoramba kuparidza vhangeri rokuzvarwa patsva nemvura nemweya vakirisito vemanyepo uye vanyengeri.
SHANDURUDZO NECHIKIRISITO CHIRI KUWANIKWA ZVINO UNO
Vhangeri rechokwadi rakatanga riini kusanganiswa neramanyepo muzvitendero?
Kubva panguva yeutongi hwemutongi wevaRoma paakatora Milan mugore ra313 A.D
Masangano ezvikirisito akashandurwa riini? Masangano akaita sePresbyterian, Methodist, Baptist, Lutheran, Holiness uye nevhangeri rizere zvakatanga riini? Shanduko iyi yakaitika mumazana mashanu emakore apfuura.
VaKirisito vokutanga-tanga ndivo vaya vaitevera Jesu ari pano panyika. “Vakirisito,” zvinoreva “vanotevera kirisito.”
Vakirisito vekutanga vaiva vaPositora nevadzidzi vavo. VaPositora nana baba vemakereke vaitevera vhangeri rechokwadi kusvika mumakore ana 313 A.D, zvakadaro hazvo, kubva panguva dzaConstantine, vakirisito nevaya vainge vasina rudzi vakatanga kusangana. Mushure mazvo, pakava nokuonekwa kwerima kwemakore chiuru, uye nokurasika kwevanhu.
Mushure maizvozvo, munana 16th Century vaMartin Lurther vakataura vachiti “Vakarurama chete ndivo vachararama nokutenda” Chinguva chidiki, pakati pemakore a1500 na 1600, vakaita savana John Calvin navaJohn Knox vakatungamirira shanduko kubva muchikatorike. Idzi ndido dzimwe shanduko dzakakwanisa kuitwa.
Shandurudzo dzose idzi kwaiva kuda kuedza kumutsa makereke matsva akasiyana nekereke dzechiRoma. Vashanduri ava havana kuda kuramba chikatorike kwete.
Kwete kuti vaive nechinangwa chokuramba kuvamba nokuzvarwa patsva nemvura nemweya, chavaida, kwaiva kuzvisunungura kubva pahudzvanyiriri nehuori hwaiva mukerekeyechiRoma. Kereke dzechiRoma dzakadaidza nguva iyi kuti nguva yokupikisa, kureva kuti ivo vakave vanopokana nazvo.
Panguva iyoyo, kereke dzechiRoma dzakakurudzira vanhu kutenga zvinhu zvakanaka zvinofadza, vachiti vanokwanisa kutumira kumadzitateguru avo kudenga. Zvinhu izvozvo zvaitengwa nemazimari akawanda. VaLurther havana kuzvicherechedza kuti chikatorike chainge chatokanganisika. Aingoedza kuti kereke dzechiRoma dzisatengesa zvinhu zvinofadza kuti vatsvake mari yokuvaka imba yavaPita.
Kubva muchiitiko ichochi, ndimo matinoona zvipoka zvekereke dzechiRoma, bhabhatidzo yevacheche; minamato yekupinduka yakafanana nekureurura, inoitwa pasi pechiRoma, kupira kutsvene, cherechedzo dzeavo vanobva kunodzidzira zvechitendero vachigadzwa kuve mashumiri, vaparidzi, zvose izvozvi ndiko kupatsanurana nokuita zvipoka nezvipoka zvechiRoma.
Tichiverenga kuba pashanduko dzemunana 1500, nhoroondo dzekupikisa dzave nemakore anoita mazana mashanu. Gore rino rechimazana mana nemasere nerimwe richicherechedzwa pakuitwa shandurudzo. Haungazvirangariri kuti vaLurther vakapokana nekereke yavaive makore anodarika mazana mana nemasere nerimwe apfuura.
Vebato rekupokana ava havana chavaigona kuti ndechavo nokuda kwekutora kwavo sevadiki, shanduko dzechikirisito dziri kuenderera mberi, uye dzicharamba dzichingoitika. Zvakadaro hazvo, pane chimwe chinhu chatinofanira kuisa mupfungwa dzedu, hatifaniri kukanganwa kuti kunze kweavo chete vakazvarwa patsva chete nemvura nemweya ndivo vachapinda umambo hwekudenga. Ngatiparidzei! Uri kuparidza vhangeri raJesu, vhangeri rokuzvarwa patsva nemvura nemweya? Kana usingadaro, hausi mushandiri waMwari. Ivhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya iro, Mwari anoda kuti titende mariri. Izvozvo ndizvo zvakadzidziswa Nikodimo naJesu muna Johane3.
Bhaibheri, rinongotaura here chete nezve vhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya, kana kuti rinotaurawo nezvimwe zvakaita sokushandirawo nharaunda dzatiri nokugara upenyu hutsvene? Hongu izvozvi zvinokosha, zvakare, zvichakadaro hazvo, unogona kuita izvozvo kana uchinge wazvarwa patsva nemvura nemweya. Kuda kwaMwari, kuti titende muvhangeri rake.
DZIDZISO DZEVANYENGERI
Munyengeri ndiani?
Uyo anoramba ari mutadzi nyangwe achitenda muna Jesu.
VaKirisito vemanyepo nokutenda kwakatsauka kwakatanga kuvepo riini munyika?
Vanhu veIsiraeri vainamata Mwari umwe chete kusvikira pakupatsanurwa kwavo kwoita madzimambo maviri panguva yaJeroboami sezvakanyorwa muna 1 Madzimambo 12-13. Kubva panguva iyoyo, Jesu Kirisito asati auya panyika pano, kutenda kwakatsauka kwakatanga kukura, nanhasi uno pane kutsauka kuri kuitika izvozvi.
Bhaibheri rinotaura ezvedzidziso dzechikirisito dziri dzemanyepo, muna Isaya 28 uye muna Tito 3:10-11. Bhaibheri rinoti, vanyengeri ndeavo vanotenda munaJesu asi vachingove nezvitadzo mumwoyo yavo, munhu akadaro anotove munyengeri.
Zvakare vanodzidzisa, sezvazvakanyorwa muna Isaya 28:9-10, “Ndianiko waachadzidzisa zivo? Ndianiko waachadzidzisa kunzwisisa shoko? Ivo vakarumurwa pamukaka, vakabviswa pazamu here? Nokuti zvinongoti chirevo pamusoro pechireco, chirevo pamusoro pechirevo, murairo pamusoro pomurairo, murairo pamusoro pomurairo apa zvishoma, napapo zvishoma.”
Vanyengeri vanowedzera, chirevo pamusoro pechirevo, murairo pamusoro pomurairo. Izvi zvinomboreveiko? Zvinoreva kuti “ngwarira, ngwarira, ungwarire avo vanoti vakazvarwa patsva nokutenda munaJesu.” Vanokuudza kuti ungwarire zvisinei nokuti kudii, vanokuudza kuti usateerera, kuti usaenda, iwe ipapo undenge uchitowira mukutsauka.
Zvichichakadaro, kana vane chokwadi kuti zvidzidzo zvavo ndezvechokwadi, ko sei vasingadzosi avo vanopesana neshoko raMwari? Tine tsitsi chose! Vanozvitora kuita vakirisito vechokwadi vakakwana, asi havana kana shoko rokukurira zvavanoti ndizvo zvinonzi vanyengeri. Mukirisito anokunda munyengeri nokuda kweshoko raMwari.
Mazuva ano, vanotenda pachikirisito chavo vega vanoti kuzvarwa patsva “unyengeri” nokuda kwekungoti kutenda kwavo kwasiyana chete. Ko tingagove vanyengeri sei isu tichitenda muvhangeri remvura nemweya?
Kana vanodaidzwa kuti vhangeri vachiparidza vhangeri remvura nemweya; vakirisito vanotenda pachokwadi. Zvimwechetezvo kana vanozviti vakirisito vechokwadi vasingaparidzi vhangeri remvura nemweya, vanotove vanyengeri.
Musiyano uri pakati pokutenda nokutsauka unowanika pakuti unoparidza vhangeri remvura nemweya here uye kana kuti vanotenda munaJesu zvakare vane chitadzo mumwoyo yavo here? Vangagove vatsauki sei ivo vachitenda mushoko raMwari rokuzvarwa patsva?
Kungava kutsauka here kana munhu achitenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuropa rake repamuchinjikwa uyezve kuve wakachenurwa pazviri zvose zvikapera? Kungava kutenda here kusavimba nevhangeri remvura nemweya?
Kune vatenderi nevakirisito vakawanda vakatobva pakutevera Bhaibheri asi ivo vachitenda kuti vakisito vakakwana. Vakasuduruka pakuzvarwa patsva nemvura nemweya sezvakanyorwa muBhaibheri nokuti vanoparidza nezve ropa repamuchinjikwa chete, vachiramba zvekubhabhatidzwa kwaJesu (nemvura).
Ndoupi musiyano uripo pakati pekereke yechiRoma nekereke yekupokana mazuva ano? Sezvakangoita vashandiri vakapandukira kereke rechiRoma vachivaka boka raipikisana neRoma. Tinofanirawo kupikisana nevakirisito vsina chavanoziva uye nevashumiri vemanyepo. Ipapo ndipo patinovhara meso edu tobva taona vhangeri rechokwadi, uye tobva taponeswa zvakakwana kuburikidza nevhangeri remvura nemweya.
Tinofanirwa kuitei kuti tisave vanyengeri?
Tinofanirwa kuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Bhaibheri rinotitaurira kuti, avo chete vanotenda muvhangeri rokubhabhatidzwa kwaJesu uye nokutenda muropa rake repamuchinjikwa, ndivo vantoevera kuvimbika kwechokwadi. Jesu akataura saizvozvo kuna Nikodimo muna Johane 3:1-12.
Vatsauki vanoudza vamwe vavo kuti vazvipire pakuvimbika kwavo. Vanovakurudzira kunamata kusvikira mambakwedza uye kushanda zvakasimba. Izvi zvinenge zvakangofanana nokuudza bofu kuti rimhanye.
Hazvineyi kuti unonamata zvakadii, hazvina nebasa kana usina kuzvarwa patsva nemvura nemweya. Kana tichiti avo vakazvarwa patsva nemvura nemweya ndivo vakarurama, vanyengeri vanopokana nebhuku yavaRoma 3:10, “Hakuna wakarurama kunyangwe noumwe.” Nokuda kwendima iyoyi vanodaidza vatendi kuti vanyengeri.
Tiri pachokwadi, ivo ndivo vanyengeri. Chokwadi chinodudzirwa nendima iyoyi handizvo sezvazvinobuda kana zvodudzirwa. Vanyengeri ava havana kuverenga Bhaibheri rose. Mupositora Pauro vanoti hakuna munhu wakarurama panyika pano. Ainge achitora ndima iyoyi kubva kuTesitamende Yekare, ndima inoti kwakange kusina munhu akanga akarurama Jesu Kirisito asati auya kuzodzikinura marudzi ose kubva kuzvitadzo vachiwana ruponeso rwaMwari. Naizvozvo zvo vakaponeswa naJesu vakave vakarurama.
Kaa tikaverenga gwaro racho rose ndipo patinoona chokwadi. Vanyengeri vanoyambira vamwe vavo kuti vachenjere avo vane kutenda kwasiyana nekwavo. Kunze kwemakereke ayo avanoti ndiwo anotevera tsika chaidzo. Havabvumidzi vamwe vavo kuti vanonamata vari kune dzimwe nzvimbo. Naizvozvo vanotaura kuti ungano dzavo dzisaenda kumakereke anoparidza vhangeri remvura nemweya.
Vanova vana-matsi kuvhangeri rechokwadi uye havazozvarwi patsva. Idzi ndidzo dzidziso dzevakuru vemanyepo avo varikutungamirira vanakomana nevanasikana kugehena. Vachatongwa naMwari nokuda kwaizvozvo. Vatsauki vanofanira kudzoka kuna Mwari.
Vatsauki ndivanaani? Ndivo vakaregererwa here nokutenda muvhangeri remvurra nemweya, kana kuti ndivo vaya vanozviti vanotenda munaJesu asi vachikundikana kuzvarwa patsva nemvura nemweya?
Tito 3:11, inoti “Vaya vanotend muna Jesu asi vachizvipamhosva pachavo ndivo vanyengeri.”
Vanorairidza vamwe vavo kuti vasave nokuenda kumaungano kunoparidzwa shoko remvura nemweua, vachiti izvozvo zvakaipa. Ko ivo vakarurama vangatya sei kusiyana kwekutenda? Vanotya nokuti havana chokwadi kudivi ravo. “Chirevo chichava pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo.” Dzidziso dzevanyengeri ndizvo zvadziri izvozvo.
Vashumiri vemanyepo vanotora ndima shomana kubva pane rimer bhuku, vozotorazve imwe ndima pane iro, kuva mumashoko evadzidzi vakasiyana siyana uye kubvawo muzvinyorwa zvakasiyana siyana, vobva vazvisanganisa mupfungwa dzavo ivo vobva vozvitora kuzviita zvinhu zvine mutsindo nechiremera.
Vonotora vamwe vavo sevasina chavanoziva uye voedza kuvadzidzisa dzidziso dzemashoko chete. Kereke rechokwadi rinoparidza shoko raMwari uye nokudzidzisa vanotenda nezveshoko raMwari. Vanhu havauyi kukereke kuzofundiswa munezvenzira dzezvenyika, asi vanouya kuzonzwa zvinhu zvoutsvene izvo zvisinganzwiki mune zvenyika. Vanouya kuzonzwa shoko raMwari.
Vanhu vanopinda kereke dzavo vari vatadzi asi vanoda kubuda vave vatendi vakarurama vasisina zvitadzo. Saka vashumiri vechinyengeri vanovadzidzisa sei? Vanotaurira vamwe vavo kuti vasaenda kuungano dzinodzidziswa nokuparidzwa nevashandiri vaMwari vhangeri rechokwadi. Vano vharidzira vamwe vavo kuti vazvarwe nemvura nemweya.
Ndihwo ufuza. Vanogona kunyengra vamwe vavo, asi havanganyengedzi Mwari.
Vashumiri vemanyepo vangaita kuti vamwe vavo vazvarwe patsva nemvura nemweya here?
KWETE: Kunze kweavo vakazvarwa patsva ndivozve vanogona kuti vamwe vavo vazvarwewo patsva.
Vanyengeri, kana muri vashandiri vaMwari vechokwadi, hamusi kunzwa mweya uchiushanyirai here? Munofanira kudzoka. Munofanira kurega kuvharira vamwe venyu kuuya kuungano uko vashandiri vaMwari vechokwadi vanenge vachiparidza vhangeri rokuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Vanyengeri vanongodzidzisa vamwe vavo nepfungwa dzavo chete, ipapo vakasangana nedzimwe pfungwa vanokurirwa. Tinonzwa nyasha chose. Vashumiri vemanyepo vakanaka chose pakushumira vasina shoko raMwari. Vanoparidza, kurairidza, nokudzorana zvinenge zvakanangana nezvavanofunga chete. Avo vanobata basa nokushumira vasina shoko raMwari ndivo vanyengeri nomuranda (John 10:13).
Vashumiri venhema ndivo vanyengeri nokuti kunze kwavo nomukati zvakasiyana. Vamwe vanhu vanotsanangura kereke dzisingapindirani nemasangano akaitwa kare semakereke evanyengeri, zvakadaro, dzimwe dzekereke idzodzo hadzidi kubatana nemaungano aya nokuti makereke mazhinji anoshanda ari kure nekurairidza chokwadi chiri muBhaibheri.
Vanyengeri vanoudza vamwe vavo kuti vakaregererwa, kunyangwe ivo pachavo vasina kana chavakagadzirisa pamusoro pezvitadzo zvavo. Vari kuita zvitadzo zvavo. Vari kuita zvitadzo zvaJeroboami. Kana pane achine chitadzo mumwoyo make asi achiedza kuita basa raMwari, anofanira kurangarira kuti zvitadzo zvake noutsvene hwaMwari hazvifambidzani. Anofanira kuziva kuti munyengeri.
Nokudaro, kana pane anoparidza mukereke kana kuti ave rimwe basa roluita imomo achiziva kauti mutadzi, anofanira kurangarira kuti munyengeri. Munyengeri nokuti haazivi vhangeri raKirisito reruponeso, vhangeri rokuzvarwa patsva nemvura nemweya. Kana munhu achiverenga Bhaibheri nohunyengeri ozodzidzisa vamwe nohunyengeri ihwohwo anenge akatotsauka.
Tinoziva muchero nemichero yawo. Avo vakave vakarurama nokutenda nokutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nomuropa rake repamuchinjikwa ndivo vanowana kururama uyewo avo vanenge vari vatadzi vanoramba vari vatadzi. “Saizvozvo muti umwe noumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa.” (Mateo 7:17).
VASHUMIRI VAKATSAUKA VANOPARIDZEI MUMHARIDZO DZAVO?
Vashumiri vakatsauka vanoparidzei mumharidzo dzavo?
Vanoparidza mashoko ezvitendero uye nemifungo yavanhu.
Vashumiri venhema vanotarisa chino, nechino, nechocho. Sei vakanyanyozvikwarira? Vanogara vakazvingwarira kutyira kuti manyepo avo angazoburitswa pachena nokuti havana kutenda kunogutsa kwekuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Vanyengeri vanotora chidiki pano, chidiki apo. Vanonyengera vanhu vachivadzidzisa vasingazivi tsanangudzo yevhangeri.
“Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murairo pamusoro pomurairo, murairo pamusoro pomurairo, apa zvishoma naapo zvishoma” (Isaya 28:13).
Murairo pamusoro pemurairo, vanodaro, “Shoko iri rinoreva kuti zvichingodaro ― zvichingoenda muchiGiriki uye zvichingodaro zvichingoenda ― muchiHebheru. Uye kune pfungwawo dzakadaro dzinongodarowo.” Vanoyeuchidza zvakare vanhu kuti vangwarire kana vakasangana neshoko reruponeso richitsanangurwa zvakanyanya kujeka, vanoti, “Va Martin Lurther vanoti chino avawo vaJohn Knox votiwo izvo nezvozvo, tinofunga kuti umwe noumwe ane zvaari kureva pane zvaanotaura.”
Havatozivi zvavanotaura nezvazvo, kana kutombotenda mazviri. Munhu anotenda pachokwadi anokwanisa kutsanangura zvakajeka. Vanotenda pachokwadi vanokwanisa kuutaura musiyano uri pakati pevakazvarwa patsva nevasina kuzvarwa patsva. Tinoparidza vhangeri rekuavarwa patsva nemvura nemweya zviripachena zvakajeka.
Asi vanyengeri vari munyika yematambudziko. Kutenda kwavo kwakafanana nechimuremwaremwa. Sezvinoita chimuremwaremwa chinofarira kupinda mumapako kana ari masikati chozobuda manheru, vanyengeri vanoda pfungwa dzino nedzodzo, votenda munechino nechocho. Havatombozivi kuti chokwadi ndechipi. Kana mushumiri wemanyepo oenda kugehena vaimutevera vachamuperekedzawo. Nokudaro vanhu vazhinji vachapedzisira vave mugehena nokuti vanotevera vaporofita venhema.
Mushumiri wenyu akazvarwa patsva nemvura nemweya here? Anoparidza mashoko evhangeri rekuzvarwa patsva sezvazvakanyorwa muBhaibheri here? Kana achiita saizvozvo nokudaro makakomborerwa, asi kana asingadaro kubva makatoraswa kare. Kana usina kuzvarwa patsva, unofanira kuteererera kuvhangeri remvura nemweya, uchiverenga mabhuku anotsanangura nezvavo, uye unobva wazvarwa patsva.
Vanyengeri vanoramba vhangeri rokuzvarwa patsva remvura nemweya. Vanoparidza kuti, Jesu Kirisito akauya kuzobvisa zvitadzo zvedu, uye akangoita izvozvo chete. Achiri kungosuka zvitadzo zvedu nanhasi uye acharamba achingodaro kune zvamangwana.” Ichochi chingava chokwadi chakadii? Vanozviti vakarurama asi vanoenderera mberi nokutadza. Vanongova vakarurama kwenguva diki, gare-gare vatove vatadzi.
Pane dzidziso dzemanyepo. Kunyepa here? Munhu anenge ari akarurama kwechinguvana uye ove mutadzi pedzisire munyengeri, atovezve muporofita wemanyepo. Munhu anozvishora pachake, anozvipa huori pachake ndiye umwe chete.
KUTSAMWA KWAMWARI KUTI PAMUSORO PAVANOTEVERA VANYENGERI
Vanyengeri vanonyanya kukoshesa chii?
Mabasa.
Vanyengeri havana kudzikama vanoshanduka-shanduka. Nokudaro havakwanisi kutungamirira vamwe vavo kuti vave vanozvarwa patsva nemvura nemweya. Kana vanotevera vakaenda kwaari kunobvuna kuti vangazvarwa sei patsva. Ipapo, vanotopa vadikanwi vavo pfungwa dzokuti vanhu vanozvarwa nokuve nezvinhu zvakanaka uye havazivi kuti vanozvarwa riini, zvinogumbura.
Muna Johane 3, Jesu akati, “Kunge munhu atozvarwa nemvura nemweya haangatooni nokupinda umambo hwaMwari.” Zvakadaro, mazuva ano, vanhu vakarurama, vakazvarwa patsva vanodaidzwa kunzi vanyengeri vakaomarara.
Vashumiri vemanyepo vanoti havangazviiti vakarurama, nokuti vanozvininipisa. Vanoudza vateveri vavo “Musaenda kumasangano neungano dzinonodzidzisa uye nokuve nevaparidzi vanotaura nezvemakomborero ekuzvarwa patsva nemvura nemweya, ukadaro unenge wave munyengeri. Unoshorwa nekereke rino. Kana uchida kuve nesu, gara uri mutadzi, uye Mwari vachakuita wakrurama kana nguva yakwana.” Izvozvi ndizvo zvavanotaura. Zvavanenge vachireva apa, ndezvokuti zviri kwauri kusarudza kuzvarwa patsva kana kuti kusazvarwa patsva.
Vanyengeri vanotaurira vateveri vavo vachiti, “Zvakanaka kuve nesu, asi zvekuzvarwa patsva ndiwe unozvionera, nokudaro, unozviedza pachako, parizvino imbogara wakadaro, wozoenda pamberi paMwari kana nguva yakwana, ipapo ndipo paunozoona chokwadi. Handizivi kuti chii chinozoitika mushure maizvozvo. Asi ino ndiyo kereke chaiyo yechokwadi nokudaro unofanira kugara nesu.” Unofunga kuti ichokwadi?
Vashumiri vemanyepo ava vanotora zvishoma apa, zvishoma naapo vobva vaita kuti zvive zvavanofunga ivo pachavo. Izvozvo ndizvo zvinobva zvaita zvechokwadi kwavari. Havazivi nezveshoko raMwari iro rinotaura nezvemvura uye nemweya.
Vanyengeri vanodudzira Bhaibheri nepavanoda napo. Tinofanira kududzira Bhaibheri zvichienderana nemashoko ari mariri. Asi vanodudzira nepavanoda ivo. Ndiko kusaka mumakirisito mune zvidzidzo nepfungwa dzakasiyana-siyana.
Nokuti kune zvidzidzo nepfungwa dzakasiyana-siyana muvanyengeri. Kune mabhuku akawandisa enhema. Vashumiri venhema vanotora zvishoma kubva mune rino bhuku, zvimwe zvishoma pane iro bhuke kana vachiparidza. Vashumiri vechokwadi chaivo vanoparidza kubva muBhaibheri.
Vanyengeri vanoba mari neukoronyera kubva kuvateveri vavo nenzira dzeugehva dzakasiyana-siyana. Vanodya zvakanaka nokugara zvakanaka pano panyika asi vanopedzisira vave kugehena nokuti vanenge vakundikana kuzvarwa patsva. Iwowo ndiwo mugumo wavo wavanengee vakagadzirirwa naMwari.
Mwari vanombovatamburira pakutanga asi kune avo vanoramba kugamuchira makomborero ekuzvarwa patsva nemvura nemweya, achavaendesa kugehena.
Mwari vachatonga vanyengeri. Vanyengeri vanotenda munaMwari chaizvo chaizvo uye vanopedza zvikomo nezvikomo zvemaBhaibheri uye nekugadzira mabasa aMwari. Izvi zvinoitika pakutanga. Asi, zvishoma nezvishoma vanotanga kuparidza kubva kuzvirevo zvevanhu, nokuda kwekuti vateveri vavo vasazvarwa patsva.
Vanyengeri vanoratidza kuve vanoita basa repano panyika nesimba ravo rose. Mushumiri wose asingaparidzi vhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya munyengri pamberi paMwari.
Vanokurudzira vateveri vavao kusingagumi, vanovamanikidzira kunopinda minamato yemazuva makumi mana ehusiku, mazuva zana eminamato yamakuseni, kuenda kunonamata mumakomo. Kutsanya zviri pamutemo, kupa zvipo zvemari dzekuvaka makereke. Kupa chiuru chimwe zvipiriso zvokupisa mupiro weungano dzinoitwa . . . uyezve vanogona kutozopedzisira vogadzira mufananidzo yemabhadharigo anoitwa nevamwe kuti apa chipo chakadii. Nokungotarisa chete zvibereko zvemabasa avo, tinotobva taona kuti vanyengeri.
Kutsamwa kwaMwari kuchava pamusoro pevateveri vavo. Vashumiri vanoparidza vasina kuzvarwa patsva uye nevateveri vavo vose vari pakutongwa naMwari.
VANYENGERI VANOEDZA KUDA KUONA ZVIRI MUPFUNGWA DZAVATEVERA VAVO
Sei vanyengeri vachiedza kuda kuona zviri mupfungwa?
Nokuti havana kuzvarwa patsva, asi kuti vashumiri vanehumbimbindoga uye mweya mutsvene mumwoyo yavo.
Vashumiri venhema vanochema zuva nezuva. vanoda kuona kuti vafadza vana Baba naMai muDhikoni, vakuru vekereke uye nevesangano. Ndizvo zvavanoita zuva nezuva.
Vanoita sevana venyoka zuva nezuva. “Utsve ~ ne uye nenyash ~ a....” Vazere nezvitadzo asi vanotaura nezvezvinhu zvitsvene. Vanobva vatoita runyoka kufamba kwezuva rega-rega.
Mumwe muparidzi akati, “Imhosva kushumira usina mweya mutsvene mukati mako.” Zvinoreva izvi ndezvokuti munyengeri anoita basa raMwari iye asina kuregererwa. Upenyu hune mhosva ihwohwo. Kana uri wevamwe vanyengeri ivava, unofanira kuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Aninani anotenda muna Jesu, asi asina kuzvarwa patsva munyengeri. Pamusoro pazvo, munhu wose anofanira kudzoka kuvhangeri remvura uye nemweya. Vakarurama chete uye vakazvarwa patsva nemvura nemweya ndivo vanogona kuparidza vhangeri kune vamwe.
VANYENGERI VANOCHEMERA RUNYARARO PACHAVO VOGA
Vashumiri vemanyepo vanofadza sei vateveri vavo?
Vanochemera runyararo vachiti vateveri vavo vagopinda umambo hwekudenga kunyangwe vari vatadzi.
Isaya 28:14-15, inoti, “Naizvozvo inzwai shoko raJehovha imi vadadi, vanobata noushe vanhu ava vari paJerusarema; imi zvamakati: Tikait sungano norufu takatenderana neSheori, kana shamhu, inokurira ichipfuura, haingasviki nokwatiri, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu takanovanda pasi pokunyengetera.”
Vadadi ndivanaani pano? Ndeavo vanoparidza shoko raMwari, vachisanganisa nokukanganisa kwokutenda kwavo. Dzingava pfungwa dzipi dzine muparidzi, vangataura zvidzidzo zvipi, anotofanira kuturikira zviri muBhaibheri chaizvo chaizvo. Asi vanyengeri vanoparidza Bhaibheri nenzira yavanoona inokodzera kwavari. Ndivo vadadi ivavo.
“Takaita sungano norufu tikatenderana neSheori, kana shamhu inokukura ichipfuura haingasviki kwatiri.”
Vanyengeri vanoti, shamhu inokukura haingasviki nokwavari. Vanoudza vanhu kuti vasatya. Kuparadzwa nokutambudzika kwakavamirira, asi vanoti vasatya nokuti kuparadzwa nokutambura hazviko kwavari. Naizvozvo unofanira kugara kure nevanhu vehunyengeri vakadai kana uchida kurarama.
Vanyengeri vanoti haufaniri kuzvarwa nemvura nemweya. Ichokwadi here? KWETE. Hazvisiri izvo. Haungapindi umambo hwekudenga kunze kwekunge watozvarwa patsva nemvura nemweya.
Zvakanakawo here kuti tisapinda umambo hwekudenga? Ndizvo zvakafanana nokubvunza kuti zvakanakawo here kuti tinotsva kugehena. Hazvibetseri kuti tipe mhinduro kumubvunzo yose iri miviri ― mhinduro ndikwete. Tose ngatibvumei nokutenda muvhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya uye kuti tigopinda umambo hwedenga tose pamwechete.
Vashumiri vemanyepo vanonyengera vanhu, vachiti nokuti vanotenda muna Jesu, zvakakodzera kuti vangogara vari vatadzi uye havazoendi kugehena.
Jesu ane chokuita newe pakubatsira kana uri mutadzi here? Zvinoita kuti mutadzi apinde denga here? Zvingaita kuti usaenda kugehena kunyangwe uri mutadzi here? Zvakanyorwa muBhaibhaeri here kuti hauendi kugehena kana uchitenda muna Jesu, kunyangwe unezvitadzo mumwoyo wako?
Vanyengeri vanoti vakaita chitenderano norufu, kuti rufu rusasvika kwavari. Vanoti mutendi haangatoendi mugehena kunyangwe ane zvitadzo mumwoyo make. Unofunga kuti zvinoitika nenzira iyoyi here?
Vanyengeri vanosimbisa vanhu vachivaudza kuti gehena nerufu hazvina kuvamirira. Vashumiri vemanyepo vanosarudza avo vasina kuzvarwa patsva kuve vanamuDhikomi, kuve vakuru vakuru. Asi vanofanira kuziva kuti tose vachapedzisira vava mugehena nokuti havatendi muvhangeri remvura nemweya. Chavanofanira kuita kudyara muvateveri vavo pfungwa yokuti vatende muvhangeri remvura nemweya.
Zvinokodzera here kuti, kana mutendi ari mutadzi akwanise kupinda denga? Zvingaita kuti mutadzi apinde denga? KWETE. Munhu angava akarurama iye ane zvitadzo here? KWETE. Idzi ndidzo dzidziso dzinotsaudza uye nekutenda kwekunyepa.
Bhaibheri rinoti, “Mubairo wezvivi rufu” (VaRoma 6:23). Mutemo waMwari. Anototumira vatadzi vose kugehena. Kusiyana nedambudziko hombe iri, vose havo vaya vakazvarwa patsva nemvura nemweya vanogamuchirwa kudenga.
“Kana shamhu inokukura, ichipfuura haingasviki nokwatiri nokuti nhema takadziita utiziro hwedu tikanovanda pasi pokunyengetera.” Vashumiri venhema vanotaura mashoko vakasimba uye nokutenda kuti havaendi kugehena kunyangwe vaine zvitadzo mumwoyo yavo. Nokuti vakaita dzidziso dzenhema utiziro hwavo, Mwari haana zvimwe zvaangaita kuti avabatsire. Vanotenda mupfungwa dzavo pane kuti vatende mushoko raMwari. Vanyengeri nevatadzi vakatarisana negehena. Zvinosuwisa sei kuti kune vakawanda vavo.
VANYENGERI VANOFARIRA MARI CHETE
Vashumiri vemanyepo vane chinangwa chipi?
Kubira vateveri vavo mari yakawanda.
Vanyengeri nevashumiri vemanyepo vanonyanya kufarira mari. Vane ruchiva. “Munhu uyu akauya kukereke rangu angabvisa mari yakawanda sei?” Vanofunga nechegumi chaanobvisa. Izvi zvakangofanana nokunamata mhuru dzendarama. “Ndinoda kuve ndakabudirira, ita kuti ndive nemari yakawanda Jehovha.” Vashumiri vemanyepo ndizvo zvavanodzidzisa vanhu kunamata vachiita.
Vanoti, “Kana uchitenda muna Jesu unoita mari yakawanda, uchazvara kana wange usina mbereko, uye uchabudirira pabasa rako rose.”
Nokudaro vanhu vazhinji vanonyengerwa nevashumiri vemanyepo ava, uye vanodyirwa mari yakawanda vachipedzisira vaenda kugehena zvakare nokuda kwematambudziko avo. hazvinawo kunaka zvakadii! Kana munhu ange akatsauka akazoona kuti handizvo nepfungwa dzake, anotozoshamisika nemari yaaibvisa kuvanyengeri vake. Anozozisvora nokuda kweufuza hwake nokuvatevera uye nokuvashandira zvakaomarara kwaaiita.
Vanyengeri vakangwarira kuve magweta kunezvavanoti ndicho chitendero chechokwadi. Vaterveri vanozvipira paminamato yamangwanani, minamato yemumakomo, kupa zvipo, chegumi, mupiro wevhiki. Vane zvikonzero zvakawanda zvokutora mari kubva kuvateveri vavo.
Vateveri vanoshanda zvakasimba, asi vanenge vachingove nezvitadzo mumwoyo yavo. Nokuti hapana akavadzidzisa vhangeri remvura nemweya. Vamwe vanobvunza nezvaro, asi havawani mhinduro chaiyo. Munhu wose asina kuzvarwa nemvura nemweya munyengeri.
VANYENGERI NEVATEVERI VAVO VANONZWISA NGONI
Vanonzwisa ngoni panyika pano ndevapi?
Avo vanoshumira vasina kuzvarwa patsva nemvura nemweya.
“Ha-a! imi vanyengeri vanonzwisisa nyasha munofanira kuti mushandire kuregererwa kwenyu!” Chiratidzo chikuru chekuvimba kwemanyepo kunamata mhuru dzendarama dzaJeroboami. Chinhu chokutanga chakaitwa navanyengeri munguva yeTesitamende Yekare kwaiva kuvaka Tembere ndokuunganidza mhuru dzendarama (1 Madzimambo 12:25-33).
Mazuva avo vanovaka makereke makuru vowana mukana wokubira vateveri mari. Vanoudza vateveri vavo kuti vatore zvikwereti kumabhanga kuti vakwanise kubisa zvipo zvemari dzinovaka makereke makuru. Vanodaidza ungano dzakakura votora mazidhishi makuru anotenderera mukati mevari paungano apa. Mari, mhete, zviringazuva zvendarama zvinozara mumadhishi aya nenguva diki-diki. Vanyengeri vanoshanda nenzvira iyoyi. Ndizvo zvimwe chete mukereke rimwe nerimwe revanyengeri.
Kana wakatarisa kunze, vanoratidza kuve vane utsvene pane zvavanoita, asi pachokwadi vanongofarira mari chete. Ndinokukurudzirai kuti mugare kure nemakereke akadai anonyanya kufarira zvemari chete. Vehama musaenda kumakereke uko kunoti vapfumi ndivo vanopiwa ruremekedzo. Zvakashata chose kudaidzira chikamu chechipo chinenge chabviswa nokuti izvi zvinoratidza kuve nzira yokukwezva mari yakawanda.
Vanyengeri vanotaura mashoko anoedza vateveri vavo.
“Mucharopafadzwa kana mukatenda muna Jesu.”
“Zvipirei pamabasa aMwari pamunoita izvi nesimba muchawedzerwa makomborero.”
“Kana ukashanda semukuru, uchawana makomborero ezvaunoda.”
Nokudaro vareveri vavo vanorwira kuve vakuru. Kana dai painge pasina muripo, aizoda kuve mukuru ndiani? Uyezve vakuru vanotarisirwa kupa mari.
Vanosarudzwa here zvichienderana nokuti vanotenda zvakadii mumagwaro emasangano, uye kuti vanozikanwa zvakadii munharaunda uye kuti vanokwanisa kubvisa mari yakawanda sei mukereke? Ichokwadi.
Vanyengeri vanongonyanya kucherechedza nezvemari. Vanofarira zvekuvaka makereke makuru. Havana hanya kuti vateveri vavo vachaenda kugehena chero vaingokwanisa kubvisa mari yakawanda.
Vanyengeri ndeavo vanoshandira chingwa. Vanoteya vateveri vavo nokuvapa zvigaro zvepamusoro (Ezekieri 13:17-19) vanopa zvigaro izvi kuvateveri vavo zvisina netsarukano yose. Zvose izvi kunenge kuti kuedza kuti vasabude mucheche uye kuti vawedzere upfumi hweketeke. Vanyengeri havaparidzi vhangeri remvura nemweya. Vanoedza kuda kuzvitsvagira upfumi chete.
Kana munhu achangotanga kuenda kukereke asina kana nguva yakareba achipinda kereke, anotosarudzwa kuita muDhikoni. Zvikuru sei kana achitonyanya kuziva magwaro uye kuti ane mari yakadii, anobva atosarudzwa kusvika pachinzvimbo chokuve mukuru wekereke. Ichi chiitiko chechinyakare chinonyadza chezvitadzo zvepanguva yaJeroboami uyo akaisa mhuru yendarama pachinzvimbo chaMwari.
Vanyengeri nevatsauki vanonamata mhuru dzendarama. Havabatsiri vamwe vavo kuti vazvarwe patsva. Vanongotora mari kubva kuvateveri vavo vachingovaedza nevimbiso dzemakomborero. Havana hanya nokuti vateveri vavo vachaenda kugehena nyangwe kereke ravo rava nemari yakawanda.
VANYENGERI HAVANA CHOKWADI NEMHARIDZO DZAVO
Vanyengeri vanowanzoda kuti “Nedzimwe dzenguva” kana kuti “Pamwe” nokuda kwekuti havana chokwai pane zvavanotaura. Havana chivimbo mushoko raMwari uye havatendi zvechokwadi mune zvavanoparidza. Kutenda kwavo hakuenderani nekuvimba mushoko raMwari. Vanoti, “Zvinogona kunzi . . .” Havatauri zvakajeka vane chokwadi. Zvaitova nani kusadzidzisa vateveri vavo pane kuvadzidzisa manyepo.
Vanyengeri havangatungamiriri vanhu kuti vazvarwe patsva nemvura nemweya vanokonzera kuti vanhu vazhinji vatoenda kugehena.
VANYENGERI VANOTORA CHINZVIMBO CHOKUVE VAPOROFITA VEMANYEPO
Chii chinokonzera kuita zvisingaenderani nemweya mutsvene?
Kutenda muna Jesu asi uchirarama semutadzi asingatendi murubhabhatidzo rwake.
Mateo 7 inotitaurira nezveavo vanotenda muna Jesu asi vachizopedzisisa vave mugehena. Vanyengeri vachapandukira Mwari nezuva rokupedzisira. Sezvazvakanyorwa muBhaibheri. “Vazhinji vachati kwandiri nezuva iroro; ishe, ishe, hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? Zvino ndichavaudza pachena: Handina kutongo kuziva; Ibvai kwandiri, imi vaiti vokusarurama” (Mateo 7:22-23).
Havatendi kuti Jesu akasuka zvitadzo zvavanhu vose; havatendi muvhangeri remvura nemweya.
Vanoita zvisiri pamurairo. Zvinorevei izvozvi? Zvinoreva kuti vanoudza vanhu kuti vatende muna Jesu asi vane zvitadzo mumwoyo yavo. Unogona kufunga kuti ko mhosva yacho iri papi nezvakadai asi iyoyi imhosva hombe pamberi paMwari.
Kana mutadzi achiparidza kune vamwe nezvekutenda muna Jesu, haangatovatungamiriri kuzvarwa nokuti iye pachake haana kuzvarwa nemvura nemweya. Naizvozvo vanyengeri vanoburitsa vatadzi chete vanenge vachitenda muna Jesu. Chitadzo pamberi pomweya kuita zvisiri pamurawo.
Vanyengeri havatendi mushoko raMwari kana kuparidza vhangeri sezvazvakanyorwa. Chavo kungobira vateveri vavo mari chete. Vanongove vatadzi chete nyangwe vachitenda muna Jesu. Vanoedza kutungamirira vamwe ivo vasina kuzvarwa patsva. Nechiitiko ichochi vanenge vachitoita zvisiri pamurawo.
VANYENGERI VANONGOVE MUFANANIDZO WEKURURAMA USINA KUJEKA
Tinoona sei musiyano wevakazvarwa patsva nevasina kuzvarwa patsva?
Tinoona musiyano nokuti vane chitadzo here kana kuti kwete.
Musanyengerwa nevaparidzi vemanyepo vanoti vatadzi. Musavape mari yenyu iyo yamunoshandira nesimba.
Sei muchipa mari yenyu kuvaporofita vasina chavanokubatsirai pazvitadzo zvenyu? Kana uchida kupa mari kukereke, imboti mirei kusvikira zvitadzo zvako zvabviswa nevhangeri remvura nemweya.
Semifananidzo iri muzvinyorwa, ndizvo zvimwechete nemuupenyu mune mifananidzo zvakare. Sekuenzanisa mifananidzo yezvitendero haingasuki zvitadzo zviri mumwoyo mako. Ko chitendero chemufananidzo ungachiona sei? Mufananidzo chinhu chinoda kutarisika kunze kunge chechokwadi asi chakasiyana nechaicho-chaicho.
Unofanira kuzvifunga pachako. Vaparidzi vechokwadi ndevapi? Vanyengeri ndevapi? Chii chinonzi kutenda kwechokwadi? Kutenda kwechokwadi muna Jesu uye nemasimba ake ekuregerera. Havana zvitadzo mumwoyo yavo. Asi vanyengeri vane zvitadzo mumwoyo yavo.
Vanhu vose vakaita sevanyengeri here? Zvinogona kunge zvakadaro hazvo, hatidzokerei kuBhaibheri. Uyo anotenda munaJesu asi asina kuzvarwa patsva munyengeri. Zviri pachena kuti vakazvarwa patsva ndivo vechokwadi. Nokudaro vose vasina kuzvarwa patsva vanyengeri. Vanyengeri vanotenda muna Jesu asi vanenge vachingove nezvitadzo mumwoyo yavo.
Vanyengeri zvifananidzo zvekururama. Vanogona kuziva kuti nzira yokuchenurwa nayo kutenda muna Jesu asi urombo chose kuti vanenge vachine zvitadzo mumwoyo yavo. Vanotenda pachavo kuti vatadzi vanozviti vanogona kuenda kudenga uyezve vanoti vanopfugamira Mwari. Zvinoita sekutoti vakarurama, asi ngatiregei kunyengedzwa nezvifananidzo izvi.
KUTONGA KWAMWARI KWAKAMIRIRA VANYENGERI
Sei vhangeri rechokwadi rakashandurudzwa?
Nokuti vashumiri vemanyepo nevanyengeri vakasanganisa kutenda kukanganisika kwevanhu nevhangeri rechokwadi.
“Saka zvanzi nashe, Jehovha wehondo iye wamasimba wavaIsiraeri: Ndichapedza shungu dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, ndichazvitsivira pamusoro pavavengi vangu. Ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri, ndinatse chose marara ako, ndichabvisa tini yako. Ndichadzosera vatongi vako vave sepakutanga, namakurukota ako sapakutanga; shure kwaizvozvo uchanzi Guta, rokurarama, musha wakatendeka Zioni richadzikinurwa nokururamiswa navanodzoka mariri nokururama. Asi vadariki navatadzi vachaparadzwa pamwe chete, vanosiya Jehovha vachapedzwa. Nokuti vachanyadziswa pamusoro pemiti yemiouki yamaifarira, muchava nenyadzi pamusoro peminda yamakasanangura. Nokuti muchava semuouki wasvava mashizha. Uye somunda usina mvura. Unesimba uchava serwodzi, nebasa rake sesasarudzi dzemoto. Zvose zviviri zvichatsva pamwechete, hakuna ungaudzimura.” (Isaya 1:24-31).
Mwari vanotitaurira kuti kana tikatenda muvanhu tichanyadziswa nokuda kwevanhu. Vanotitauria kuti tichanyadziswa nokuda kweketeke ratinenge takasarudza pachedu, uye kunyadziswa kuchava somuti wasvava mashizha uye somunda usisina mvura.
Vanotitaurira kuti vashumiri venhema nevateveri vavo avo vanotenda muzvirevo zvavanhu pane kuti vatende mushoko raMwari vachatsva sesasaradzi dzemoto. Vose vachatsvira mugehena. Vaparidzi venhema nevanyengeri avo vasina kuregererwa pamwechete nevatadzi nevavengi vekururama vachatongwa nevivi remoto waMwari.
Makereke anovakwa nokuda kwekutevera pfungwa dzakaipa anoratidza kukura kunze asi mukati musina chinhu. Kereke rose risina kuvambwa napamusoro pokutenda mushoko raMwari uye nevhangeri rokuzvarwa patsva nemvura nemweya rakangofanana nemunda usina mvura.
Unogona kungove uri muti, asi wakatofa, usisakwanisi kuberka michero. Kana tsime risisina mvura harisi tsime.
“Une simba uchava serwonzi, nebasa rake sesasarudzi zvose zviviri zvichatsva pamwechete hakuna ungadzimura zvachose.” Avo vasina mweya vanogona kuratidza kusimba chose panavamwe, asi mumaziso aMwari, zvakafanana nerwodzi ruchatsvira mugehena.
Jehovah akabvunza, “Nhai murindi, inguva ipi yousiki?” (Isaya 21:11). Vakarurama vane upenyu husingaperi vanofanira kuparidza vhangeri remvura nemweya murima rousiku.
Mwari ndiye chidza uye Satani ndiye rima. Mwari vanotungamirira mukurarama asi Dhiyabhorosi anotungamirira kumatembere emanyepo uye nemumatambudziko.
Panguva yamuporofita Isaya, kuvimba kwevanhu kwaive mumatambudziko kufanana nezviriko nhasi uno. Vaisanganisa shoko raMwari uye nezvirevo zvevanhu vemunyika. Vakarasa vanhu veIsiraeri nematambudziko evanhu kusvika Mwari afunga zvekuvaparadza.
“Ndichabvisa tini yako, ndichadzosera vatongi vako vae sapakuanga nemakurukota ako sapakutanga.” Mupiro usingagamuchirwi naMwari ndewakaita setini, musanganiswa wechokwadi chaMwari nemifunga yavanhu.
Mwari havana kumboda kugamuchira mupiro yakasananiswa. Zvinogona kuratidzika kumaziso emunhu sezvinhu zvakanaka, asi kana zvakasangana nokutenda kunadarika mukati hazvigamuchiriki kana Mwari.
Mwari vakatuka vanhu veIsiraeri, zvikuru sei avo vaive vanyengedzi, vaparidzi remanyepo uye nevatadzi.
Kana tikaverenga kunaEkisodo naNumeri, tinoona kuti Mwari haana kutanga avatuka. Mwari akabatsira vanhu veIsiraeri akavapa makomborero. Asi mushure morufu rwaJoshua, kubva kuvatongi, vanhu veIsiraeri vakapindirwa.
Zvakadaro vakasarudza kufamba neumwe mufambiro wavowo. Panguva iyoyo, Mwari vakatuma muporofita Jeremia akaudza vanhu veIsiraeri kuti vadzokere kuBabhironi.
Jeremia akaudza vanhu kuti vadzokere kuBhabhironi. Izvi zvaiva nechirevo pamweya, zvichiratidza kvakarurama vanoudza avo vanotevera vanyengeri kuti vadzokere kuvhangeri remvura nemweya.
MWARI VANOPOKANA NEVANYENGERI
Sei Mwari vachipokana nevanyengeri?
Nokuti vanopfugamira zvidhori pane kuti vapfugamire Mwari.
Sei vashandiri vaMwari vakatuka vanhu veIsiraeri? Nokuti vakashandura nzira dzokupira zvipiriso nadzo, vakasarudza vanhuwo zvavo vasiri veimba yaifanira kuve yevashumiri, vakashandura mazuva okupa zvibayiro.
Vakashandura zuva rokuwadzaniswa kubva pazuva regumi mumwedzi wechinomwe vaita kuti zvive zvomusi wezuva rechishanu mumwedzi wechisere uye vachisarudza vashumiri vainge vasiri veimba yevarevi. Naizvozvo vakazvivharira nzira yokuzvarwa nayo patsva.
Mwari vakatuka vaparidzi venhema. Avo vaishandira mhuru dzendarama pane kuti vashandire Mwari vakazove vashumiri vevanyengeri.
Mwari havana kungovatukira kunamata zvidhori chete. Iwe neni hatisi kunamatawo zvidhori? Tinotadza nguva nenguva asi kudarika nokuvangarara kwedu hakunyanyi kutorwa sezvivi zvakakurisa nokuti tiri mumaropafadzo nemakomborero aMwari. Asi kuisa mhuru dzendarama pachinzvimbo chaMwari hakukanganwiri. Izvozvo zvinongofanana nokushandura mazuva okupa zvibayiro uye nokusarudza vanhu vasiri veimba youshumiri.
Zvitadzo zvakanyanyisa kuipai? Ndizvo zvitadzo zvakakomba izvozvo, munhu angakanganwirwa sei iye achiisa mhuru yendarama panofanira kuve pana Mwari! MuBhaibheri makanyorwa kuti chainge chiri chitadzo chaJeroboami chakaunza kutsamwa kwaMwari.
Semaratidziro akaita Mwari hasha dzake muTesitamende Yekare, Ikozvino ave kuparadza vatadzi vanomupandukira. Mwari vakataurira vaIsiraeri kuti vachatsamwira nokuranga vose avo vanoramba kubva mukupfugamira zvimhuru zvendarama.
VANYENGERI VANOPA ZVIBAIRO ZVIRI KUNZE KWEMURAWO
Chii chatinofanira kuita tisati tashandira Mwari?
Tinofanira kutanga tasukwa zvitadzo zvedu zvose.
Madzimambo nevashumiri venhema vevaIsiraeri vaipokana naMwari uye vakasarudza vanhu vakasvora nzira dzokupira zvipiriso uye nokupa ushumiri nadzo. Jeroboami, mbmo aive nepfungwa dzakamonyoroka, akagadza munhu ainge asiri weimba yavaRevi kuve mushumiri.
Avo chete vaibva muimba yevaRevi ndivo vaigadzwa kuve vashumiri uye nokubata basa mutende rokusongana zvakajeka chaizvo, vashumiri vaifanira kubva muimba yaAroni. Uyu ndiwo waive mutemo waMwari. Asi Jeroboami wakagadza vashumiri vainge vasingabudi muimba yevaRevi vakave vanopa mupiro kumhuru dzendarama. Tinofanira kuziva matsamwisiro azvakazoita Mwari.
Kana nhasi uno, avo vasina kuzvarwa patsva vanogona kuve vakuru vemukereke nemaDhikoni. Izvi hazvienderani nemutemo waMwari uye zvinodaidza kutsamwa kwake. Mwari vanofadzwa nezvibayiro zvisiri pamutemo here? Vanyengeri vanofanirwa kuparadza zvimhuru zvavo zvendarama vobva vadzoka kuna Mwari uye vozvarwa patsva.
Isaya 1:10-17 inoti, “Inzwai shoko raJehovha, imi vabati vesodoma; teererai murairo waMwari wedu, imi vanhu veGomora, zvanzi naJehovha: zvibayiro zvenyu zvizhinji zvinondibatsirei? Ndagutisa zvipiriso zvenyu zvinopiswa zvamahondohwe, namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; handifadzwi neropa renzombe, kana muchiuya kuzondiona, ndianiko unoreva izvozvo pamaoko enyu kuti mutsike mavazhe angu? Musazouyazve nezvipo zvisina maturo; zvinonhuwira zvinondinyangadza; nguva dzokugara kwemwedzi nedzamasabata nedzokukokera ungano handzizvidi, zvakaipa kunyangwe neungano tsvene. Nguva dzenyu dzokugara kwomwedzi neminamato yenyu zvinovengwa nomweya wangu; zvinondinetsa; ndaneta nokutambudzwa nazvo. Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzirai chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero handinganzwi; maoko enyu azere neropa. Shambai muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa; dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururamisira, batsirai vanomanikidzwa, ruramisirai nherera, mureverere chirikadzi.”
Kana tikaverenga nyaya iyi zvakanaka, tinoona vakuru vekereke dzechiIsiraeri vainge vakavimbika vakazvipira. Asi zvisinei nokushanda vakazvipira, vakaparadzwa nokuti vaipa zvipiriso zvainge zvisiri izvo uye vakasateerera mutemo waMwari.
Tinoona kuti vaisatevera mutemo waMwari apo pavaipa zvibairo, kana kutevedzera shoko raMwari. Vatungamiriri ava vainge vakazvipira zvokuti vaipa zvibayiro zvakawanda chaizvo pamberi paMwari. Bhaibheri rinoti ropa raiyerera mutende rekusangana kuita sokuti riri murwizi.
Zvakadaro hazvo, paitarisa Mwari pane zvavaiita, akati zvainge zvakafanana nechivi cheGomora. Akaona kuti vaipa zvibayiro pamberi pake, asi ivo vaingotadza. Akati zvaitove nani kurega kuuyisa zvibayiro zvachose. Aive asati achada kuzvigashira.
Sezvavaipa zvibayiro pamberi pemhuru dzendarama, Mwari havana kumbovaregerera zvitadzo zvavo. Ainge asati achakwanisa kuzviteerera nokuzvigamuchira. Akavataurira kuti vaifanira kupa zvibayiro zvichienderana nezvaakaraira, kana zvainge zvisiri saizvozvo zvaive zviri nani kutorega kupa zvipiriso zvachose.
Zvibayiro zvavo zvainge zvisingapirwi nenzira yakanaka, nokuda kwechiitiko ichochi vashumiri vakatadza pamberi paMwari. Tinofanira kuziva kuti kushandira nokubata basa raMwari pasina kucheneswa zvitadzo zvako chitadzo chikuru pamberi paMwari.
VANYENGERI VAKAFANANA NEVADZIDZISI VEZVIKORO
Vanyengeri vanodzidzisa chii?
Vanodzidzisa zvamafar kwete zvekuzvarwa patsva.
Vanyengeri varatidzika kuve vatsvene kunze. Kana vave huva, vanoratidza kumira pachokwadi nokuzvipira zvokuti veruzhinji vanonyengedzwa nechimiro chavo chokunze. Vanoratidza kunzwisisa chose, uye kana vopedzisa mharidzo dzavo vanopedzisa nokukurudzira vanhu kuve vakanaka. Imharidzo yerudzii? Musiyano uri papi wemharidzo dzavo nezvidzidzo zvevadzidzisi vezvikoro?
Kereke raMwari ndiyo nzvimbo inoungana avo vakazvarwa patsva kuti vapfugamire Mwari. Kereke iyoyi ndiyo yechokwadi. Kereke yechokwadi yaMwari haidzidzisi zvaunofanira kuita pamberi paMwari. Muparidzi wekereke yechokwadi anoparidza vhangeri yemvura nemweya. Zvisinei nokuneta kwako, Mwari vakasuka zvitadzo zvako zvose.
Vaparidzi vevanyengeri vanoudza vateveri kuti, “Itai ichi nechocho,” vachivapa mutoro mukuru, asi ivo havatodi kana nokuvatsira kusimudza mitoro iyi.
Muparidzi munyengeri anotengera vana vake magitari anokosha uye anovatumira kundoita dzidzo dzavo mhiri kwmakungwa. Mushumiri angazvigona sei izvozvo? Mari iyoyo anoiwana kuti? Kana ane mari yakadaro, ko kuipedzera kuparidza vhangeri hake? Mushumiri angafamba nemotokari dzinokosha here? Zvingaita here kuti afambe nemotokari dzakakosha kuti agonyatsozikanwa. Mushumiri anofamba nemotokari dzinokosha imbavha. Vateveri vake vanenge vasingakwanisi kutenga motokari yakachipa iya. Zvingaita sei kuti afambe nedziya dzinonzi maDeluxe dziya dzemafaro. Tinongotaura kuti uyu muparidzi wevanyengeri.
Muparidzi munyengeri anokumbira mari yakawanda, vamwe vedzikereke vanopa vaparidzi vavo mari inodarika $10,000 pamwedzi, iwoyo ndiwo muhoro wake unenge uri pamutemo. Vanopiwa mari dzechikoro, mari dzemabhuku mari dzokuchengeta vna, nemari dzokushanyira nzvimbo dzavanoda.
Uye zvakare vamwe vavo vanotopopota vachiti havasi kupiwa mari inovagutsa. Vanowana $10,000 pamwedzi asi vanoda kuwedzerwa $10,000 ingava shoma here? Muparidzi anofanira kugamuchira zvaapiwa achizvitora kuve zvakakwana. Sezvo achiparidza shoko remvura nemweya.
Muparidzi wechokwadi anofanira kuwana nyasha nerunyararo kubva kuna Mwari. Asi muparidzi wevanyengeri haana runyararo, anokumbira muripo wemari. Vashumiri vakadaro ndivo vaya vari kupfugamira zvimhuru zvendarama.
Kereke raMwari kazhinji rinowanzodaidzwa, kuti zioni. Hakuna kereke yakanaka seZioni. Kereke yaMwari ndimo munotaurwa nokuparidwa vhangeri remvura nemweya.
Isaya 1:21 inoti, “Haiwa guta rakatendeka rakashanduka kuve chipfeve sei! Iro rakanga rizere nokururamisa! Kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara vaurayi.” Isaya anotsanangura kereke yaMwari achiti, “rizere nokururamisa.”
Mwari vakarurama uye vane nyasha. Nokuti hatina kukwana, nokuti tiri vedzinza raAbhurama uye takazvarwa tine zvitadzo. Jesu akauya panyika pano kuzosuka zvitadzo zvedu nemvura nemweya. Izvi ndizvo zvinoratidza nyasha dzaMwari.
MuTesitamende Yekare, kana vanhu vaziva kauti havana kukwana, vaiuya kuna Mwari vopa zvibayiro. Ndakaita zvitadzo nenzira yakati, ikati. Ndakatadza.” Naizvozvo vaitoregererwa zvitadzo zvezuva nezuva, uyezve vaikwanisa kuwana kanganwiro yezvitadzo zvavo kamwe pagor pazuva rokuwadzaniswa.
Kungofanana nemuTesitamende Itsva. Jesu kirisito akauya panyika pano akabhabhatidzwa uye akarovererwa kuti asuke zvitadzo zvemarudzi ose kamwe kwenguva dzose.
Asi pakutanga kwegore idzva, vanhu vazhinji vanochema vachipinduka. “Mudikanwi Mwari, ndiregereiwo kuzvitadzo zvangu zvandakaita goe rapera. Uye ndikomborereiwo mukutanga kwegore idzva.” Vanhu ivavo vanyengeri.
Ko, zvino chokwadi chokuzvarwa patsva nemvura nemweya chakamira sei? Jesu akauya panyika pano makore zviuru zviviri zvadarika, akasuka zvitadzo zvemarudzi ose kamwe kwenguva dzose naizvozvo akatiregerera nokutiponesa kwenguva dzose. Akatiponesa kuzvitadzo zvenyika nemvura neropa. Asi zvino kana tichikumbira kanganwiro zuva nezuva, achati kudii?
“Haiwa, guta rakatendeka rashanduka kuve chipfeve sei! Iro rakanga rizere nokururamisa! Kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara vaurayi.” Munhu anozvidaidza kuti mutadzi munyengeri.
VASHUMIRI VANYENGERI HAVANGAPARIDZI VHANGERI REMVURA NEMWEYA
Mwari vanonzwa minamato yavatadzi here?
Kwete, haanzwi minamato iyi nokuti zvitadzo zvavo zvakava patsanura pana Mwari.
Mwari vanodaidza kuti vaurayi kune avo vanotenda mavari ivo vachikumbira kukanganwirwa. Zvavanokumbira kuregererwa uye vachizviti vatadzi, vachiri kutarisira kudzoka kwaJesu kuti agozovafira kechipiri kuti asuke zvitadzo zvavo here? Kubhabhatidzwa uye nemuchinjikwa waJesu ndirwo ruponeso rwechokwadi.
Muna 1 Pita 3:21, inoti rubhabhatidzo rwaJesu ifananidzo yoruponeso rwedu. Jesu Kirisito vakafa kamwe kuti vaponese marudzi ose kubva kuzvitadzo. Akasuka zvitadzo zvamarudzi ose kamwe kwenguva dzose uye akamutswa nezuva retaru. Parizvino agere kuruoko rwerudyi rwaMwari.
Jesu Kirisito akabhabhatidzwa kamwe akafa kamwe ari pamuchinjikwa kuti atiponese kuzvitadzo zvachose. Akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi paakange ane makore makumi matatu. Akatifira kuti atiponese kubva kumatadzo epanyika. Izvi hazvirevi here kuti kutongwa kwapiwa kwenguva imwe?
Kana vanyengeri vachiri kuti vatadzi, vari kukumbira kuti aburuke kepiri kuti azorovererwa zvakare. Nemamwe mashoko, aifanira kuramba achizviita pose apo vanokumbira kukanganwirwa.
Vose avo vanotenda muvhangeri remvura nemweya mumwoyo yavo vakaponeswa kubva muzvitadzo zvachose. Vakatove vakarurama. Vachaenda kudenga kunowana makomborero aMwari uye noupenyu husingaperi. Aninani uyo anowana kururama achaponeswa nemvura nemweya uye obva ave wevamwe vanhu vakakomborerwa naMwari. Aninani anokumbira makomborero pamberi paMwari achawana kururama kune ruponeso.
Ngativerengei Isaya 1:18-20, “Chiuyai zvino, titaurira, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyangwe zvitadzo zvenyu zvakaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyangwe zviri zvishava somuti mushava zvichaita samakushe amakwai. Kana muchida, muchiteerera, muchadya zvakanaka zvenyika, asi kana muchiramba, muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo, nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.”
Mwari vanotitaurira kuti kana tichiteerera kuvhangeri remvura nemweya, tichadya zvakanaka zvenyika, asi kana tichiramba tichimupandukira tichaparadzwa nomunondo.
Mwari vedu vanoti, “Chiuyai zvino, titaurirane pamwechete, ngatitauriranei, hauna kukwana here? Hauna kururama here? Unonyanya kuzvida here? Haukwanisi kuita zvinorehwa nomurairo here? Unozviziva asi haudi hako kuzviita? Zvino chiuya kwandiri, kunyangwe zvitadzo zvako zvakaita semucheka mutsvuku zvichaita sezvishava somuti mushava, zvichaita semakushe amakwai.” Izvi zvinoreva kuti Mwari vakaponesa vatadzi nokuvaruramisa uye nokuvaita vatsvene.
Kwainge kusina zvitadzo, apo pakasikwa Adhamu naEvha, naMwari. Asi Satani akauya pachiitiko ichocho. Akavanyengedza kuti vasateerera Mwari uye akaita kuti marudzi oase atadze uye ave vatadzi. Dhiyabhorosi akakodzera kudonha kohunhu. Pakutanga Adhamu naEvha vainge vasiri vatadzi pamberi paMwari vaigara naMwari mubindu reEdheni. Asi vakazove vatadzi, zvino, Mwari vanotidaidza, huyai titaurirane pamwechete. Ngatitauriranei pamwechete.
“Waita zvitadzo zvingani panyika pano? Uye uchaita zvitadzo zvingani usait wafa?
“Ha-a, Mwari wangu. Hazvibviri kuti ndisatadza, hatingachenurwi, zvisinei kuti tinoedza zvakadii.”
“Zvino wakaita zvitadzo zvingani kusvika parizvino?”
“Jehovha wangu, handicharangariri zvose, asi pane zvimwe zvinoramba zviri mupfungwa dzangu. Munorangarira nguva iya? Munoziva zvandinoreva . . . uye pane nguva iya, munoiziva . . .”
Ipapo Mwari vanoti, “Enderera hako mberi nokunditaurira. Unofunga kuti ndizvo chete here? Unoziva zvimwe kunze kwaizvozvo here? Zvakadaro hazvo, zvitadzo zvose zvauchiri kuziva, zvose zvawakanganwa, kana kuti zvauchapara muupenyu, ndakazvisuka zvose zvachose, kwete zvako chete, asi nezvavana vako, nezvevana vevana vako, kusvika kudzinza rezvitadzo zvako. Ndini Mwari vakarurama. Ndakasuka zvitadzo zvako kamwe kwenguva dzose.
Mwavo avo vakasuka zvitadzo zvamarudzi ose kubva kuchitadzo chaAdhamu kusvika kune chemunhu wekupedzisira panyika pano, ndivo Mwari vokutanga nokupedzisira, ndini kutanga nokupedzisira.
“Ndini mununuri Mwari wakarurama.”
“Ndini Jehovha, Mwari wenyasha.”
“Ndichave nenyasha pamusoro peavo vanokodzera kuve nenyasha, uye ndichave netsitsi pamusoro peavo vanokodzera kuve netsitsi.”
Kana tikakumbira nyasha dzake tikava takatenda paari, tinogona kuve netsitsi dzamwari. Baba vedu vanoda kutikomborera tose. Vanoda kuti tose tive takarurama, murudo netsitsi dzake, vanoda kuti tive vana vavo vakarurama.
Mwari vanoda kuti tiitei kana tazvarwa patsva?
Vanoda kuti tiparidze vhangeri kunyika yose.
Vanoda kuti tive takachena sechando. Jesu akasuka zvitadzo zvamarudzi ose kamwe chete kwenguva dzose kuburikidza nokubhabhatidzwa uye neropa rake. Kana kereke isingakwanisi kugadzirisa dambudziko rezvitadzo uye neupenyu hwevatendi, haingadaidzwi kunzi kereke yaMwari.
Vanhu vanouya kuvashumiri vobvunza, “Ndine chitadzo, zvino ndoita sei? Ndakapinduka, uye ndikapinduka kasingaperi, asi zvitadzo zvangu hazvingaperi, handichakwanisi kuramba ndichipinduka zvakare. Handioni ndichakwanisa kuenderera mberi noupenyu hwangu hwanga hwakarurama.” Kana mushumiri akasakwanisa kupa munhu akadai mhinduro yakanaka kudambudziko rake, munyengeri. Anogona kuti, “Izvo zviri kwauri, enda unomamata mumakomo uedze kutsanya mazuva makumi mana.”
Vashumiri vanyengeri kana vatungamiri vezvitadzo vazere nouipi zvokuti havambozivi nezve vhangeri remvura nemweya. Havatombozivi kuti mweya yavo ichaguma yave mugehena.
Vatungamiriri ivavo havana kunaka pamberi paMwari ndivo vakirisito venhema uye vari vanyengeri, kunze vanoratidza sevanotenda muna Jesu, asi mumwoyo yavo muzere nezvitadzo. Havana kusukwa zvitadzo zvavo. Havangaparidzi vhangeri remvura nemweya iro rinosuka zvitadzo zvose. Ngatiregei kunyengerwa navo.
Tito 3:10-11 inotaura nezvevanyengeri, “Munhu wakadaro unodzidzisa zvakatsauka, kana arairwa kamwe norwepiri, umurambe, zvaunoziva kuti wakadaro wakatsauka, unotadza, wazvipa mhosva pachake.” Nokuti vanotenda muna Jesu kirisito asi havana kuzvarwa patsva. Vanozvisvora pachavo sevatadzi. Vanoshaya hanya vatsika tsika vhangeri remvura nemweya, vachizviti vatadzi vasina chimwe chokuita asi kutongoenda kugehena.
Ndivo vanyengeri muchikirisito. Aninani anotenda muna Jesu iye ane chitadzo anotove munyengeri vanyengeri vanosiyana naMwari. Mwari mutsvene, asi ivo havasi vatsvene. Vose vanotenda muvhangeri remvura nemweya vakachenurwa kubva kuzvitadzo zvavo zvose. Nokudaro aninani anotenda muna Jesu asi ane chitadzo, munyengeri. Tinofanira kugara kure nevanoti vanotenda muna Mwari asi vachingori vatadzi.
Ngatiparidzei vhangeri kune avo vasati varinzwa uye vanoda kutenda asi vasingakwanisi kutenda nokuda kwekuti havazivi. Ngativabatsirei kuti vazvarwe patsva. Ngatibvisei avo vanoda kumira munzira yevhangeri remvura nemweya.
Tinofanira kuparidza vhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya kunyika yose. Ameni.