(VaRoma 8:28-30)
“Tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobatsirana kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari, avo vakadanwa sezvaakafunga. Nokuti vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare kuti vafanane nomufananidzo womwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji; avo vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaakadana ndivo vakaruramisawo; vakaruramisa, ndivo vaakaudzawo.”
Ndizvo here kuti Mwari anevamwe vaakasarudza pakati pedu?
Kwete. Akatisarudza tose muna Jesu Kirisito.
Pfungwa dzezvidzidzo zvekugadzwa uye nokusarudzwa kutsvene, uko kunova hwaro hwezvidzidzo nepfungwa dzinoumba magwaro echikirisito, atungamirira vazhinji vanoda kutenda muna Jesu kusanzwisisa shoko raMwari. Pfungwa idzi dzisina kuchengetedzwa dzakonzera kusanzwisisa kukuru.
Zvinotaurwa nezvidzidzo zvemanyepo pamusoro pekugadzwa zvinoti Mwari akasarudza vanhu vaanoda achirasa avo vaasingadi. Kureva kuti vamwe vakasarudzwa ndivo vakazvarwa patsva nemvura nemweya uye vakagamuchirwa kudenga apo vamwe vasina kusarudzwa vakananga kugehena.
Kana dai Mwari ainge akasarudza vamwe vedu, hapana zvataigona kuita asi kuti kutambura nokuda kwemubvunzo, “Ndakasarudzwawo here kuti ndigowana ruponeso?” Kana dai tisina kusarudzwa, hazvaibatsira kuti titende muna Jesu. Nokuda pfungwa iyoyi iyi yakakonzera kuti vanhu vade kuziva kuti vakasarudzwa naMwari nevimbo pachayo.
Kana tikatenda mune izvozvi izvi tingagosununguka sei mukusagutsikana uku tikava nokutenda muna Mwari chete? Tinozvibvuma sei kuti Mwari vakatisarudza? Angangova Mwarika weavo vakasarudzwa kunyangwe achiti, “Ko Mwari ndiye wevaJudha voga here? Haazi wevahedheniwo here? Hongu, wavahedheniwo” (VaRoma 3:29).
Nokuti vanhu vazhinji havana kunzwisisa zvinoreva kugadzwa nokusarudzwa kutsvene, vari kutyira kuti vachaparadzwa kunyangwe vachitenda muna Jesu.
VaEfeso 1:3-5 inoti, “Ngaavongwe Mwari naBaba vashe wedu Jesu Kirisito wakatiropafadza nokuropafadza kwose nomweya kudenga muna Kirisito, sezvaakatisanangura maari nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene vasina mhosva pamberi pake murudo, akatitemera kare, kuti naJesu kirisito tiitwe vanakomana vake sezvaakafadwa pakuda kwake.”
Nokudaro tinofanira kuongorora dingindira redzidziso dzekugadzwa nekusarudzo tsvene. Tinofanira kutanga tanzwisisa kuti Bhaibheri rinoti kudii nezvekugadziwa nokusarudzwa kutsvene. Uye nokutisimbisa mukutenda muruponeso rwedu kuburikidza nemvura nemweya.
VaRoma inotitaurira kuti kudii? Vamwe vadzidzi vezvezvitendero vakava nokusimudzira pfungwa usipo “yesarudzo isiri pamutemo.” Ongororo yezvitendero ndihwo uMwari here? Ongororo iyoyi handihwo uMwari.
Kunyangwe nyika isati yasikwa, Mwari akanga atosarudza marudzi ose nemuna Jesu kirisito akava nepfungwa dzokutiponesa isu tose nokutiita vakarurama. Jesu anotida tose pasina waanovenga. Musamuita Mwari wekusarura. Vasingatendi vanekuvimbawo kwemupfungwa dzavo asi vanotenda vanoiswa hwaro hwekutenda kwavo mushoko rakanyorwa raMwari.
KUSARUDZWA KUTSVENE KURI MUTESITAMENDE YEKARE
Pfungwa yokusarudza kusiriko ndeye chokwadi here?
Kwete. Jehovha wedu haana pfungwa dzakamanikana dzoumwari hwakadaro. Mwari akasarudza vatadzi vose nemunaJesu kwete kusarudza vashoma.
Muna Genesis 25:21-26, tinoverenga nezve vanakomana vaviri vaIsaka, Esau naJakobho. Mwari akasarudza Jakobho vana vaviri ava vaIsaka vachiri mudumbu maamai vavo.
Avo vasinganzwisisi shoko raMwari vanotora seihwo hwaro hwepfungwa yokusarudza kusiriiko. Zvakangofanana nokusanganisa Mwari wematambudziko nechikirisito.
Kana tichitend kuti Mwari vakatisarudza nenzira “yekusarudza kusiko” uye nokusava muna Jesu kirisito, nokudaro zvinongofanana nokupfugamira Mwari wematambudziko uye wezvifananidzo. Mwari wedu haasi Mwari wematambudziko. Kana dai taitenda muna Mwari wematambudziko, zvaitoreva kuti tiri kuramba marongero aMwari uye tichinopinda mumambure aDhiyabhorosi.
Kana vanhu vasingaiti kuda kwaMwari, naizvozvo, vanongova mhuka dzinenge dakamirira kuora. Sezvo isu vatendi tisiri mhuka, tinofanira kuve vatendi vechokwadi vanoverenga nokutenda chokwadi chakanyorwa muBhaibheri kwete kutanga tafunga nezvechokwadi chakanyorwa muBhaibheri kwete kunenge kuchitove kuzvisvitsa kuna Dhiyabhorosi.
Kuti tive nekuvimba kwechokwadi, tinofanira kutanga tafunga nezvechokwadi chakanyorwa muBhaibheri uye totevera vimbo yeavo vakazvarwa patsva muna kurisito.
Pfungwa nezvidzidzo zvechitendedo zvava John Calvin dzaitaura nezveruregerero rwaJehovha hazviwanikwi kune vamwe chingava chokwadi here ichi?
Bhaibheri rinoti, “Mwari vanoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva chokwadi.” (1 Timoti 2:4) Kana makomborero ekuregererwa achingowanikwa kuvashoma chete. Kureva kuti vanotenda vazhinji vacho vachapedzisira vasiyana nokutenda muna Jesu. Ndiani angada kutenda muna Mwari ane njere dzakamanikana kudaro?
Tinofanira kuve tinogutsikana kuti Mwari haasi wenjere shoma. NdiMwari wechokwadi, werudo, uye nokururamisa. Tinofanira kutenda muna Jesu uye nemuvhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya naizvozvo tinoponeswa kubva kuzvitadzo zvedu zvose. Jesu muponesi weavo vanenge vazvarwa patsva nemvura nemweya.
Sezviri mukutenda kwaJohn Calvin, kana paiva nevanhu gumi, vamwe vavo vakaponeswa naMwari vamwe vavo vachisara voendeswa kugehena remwoto. Idzi ndidzo nhema.
Hazvina njrere kuti titi Mwari anoda vamwe achirasa vamwe. Ngatimbotii, Mwari anesu nhasi uno. Kana akafunga zvokusarudza vose vagere kurudyi rweruoko rwake apa oita dzimwe pfungwa dzokuendesa avo vagere kuruoko rweruboshwe kugehena, tingazomutora saMwari here?
Ivavo vanenge vasina kusarudzwa havangapopoti nemanzwi ari pamusoro vachipokana nazvo here? Zvipuka zvose zvingachema zvichiti, “Ko Mwari angaita sei zvisina kuenzana kusvika pakadai?” Sarudzo isina kukodzera haisi yechokwadi nokuti Mwari akasarudza vanhu vose nemuna Jesu kirisito.
Nokudaro munhu wose anodaidzwa naMwari nemuna kirisito anenge akatosarudzwa. Naizvozvo Mwari anodaidza ani kwaari? Mwari haadaidzi avo vanozvitora sevakarurama.
Makomborero eruregerero rwaMwari nderwe avo vakatarisana negehena uye nevatadzi. Sarudzo inoreva kudaidzwa kwevatadzi naMwari kuti agovaita vanakomana vake vakarurama.
MWARI WAKATENDEKA
Mwari vanongoda avo vakasarudzwa chete here?
Kwete. Mwari haana pfungwa dzakamanikana kudaro Mwari akatendeka.
Mwari wakatendeka. Haasi Mwari vaya vanoda avo vashoma vakasarudzwa zvisiri pamurairo. Anodaidza vatadzi nemuzita raJesu. Pasina ruponeso nokuda kwekuregererwa naJesu kirisito uye nekanganwiro yake yezvitadzo. Taigozoziva rudo rwaMwari neruponeso rwake sei? Musamuita Mwari asina kutendeka.
Edza kutsvaka chisipo kana uchiverenga vaEfeso 1:3-5, “Ngaavongwe Mwari naBaba vashe wedu Jesu Kirisito, wakati ropafadza nokuropafadza kwose kwemweya, kudenga muna kirisito, sezvaakatisanangura maari nyika isati yavambwa kuti tive vatsvene vasine mhosva pamberi pake murudo, akatigadza kare, kuti naJesu kirisito tiite vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake.” Chii chiri kushaikwa? Shoko riri kushaikwa nderinoti, “Muna Jesu Kirisito.”
Kusarudzwa kusiko kuri muna vaCalvin nepfungwa dzavo hakuenderani nezviri muBhaibheri. Bhaibheri rinoti, “sezvaakatisanangura maari nyika isati yavambwa.”
Mwari vakasarudza vanhu vose nomuna Kirisito kuti vazvarwe patsva nemvura nemweya. Avo vakazvarwa patsva vanoponeswa kubva kuzvitadzo nokuitwa vana vake. Akasanganisa vanhu vose pagwaro revachaponeswa uye nokusarudzwa muna Jesu Kirisito.
Nokuti vadzidzi nevaongorori vezvitendero vanoramba vakasimbirana nekusarudzwa kusiko. Uko kunoti vamwe vakasarudzwa, vanhu vazhinji vakatarisana nokuwira mumatambudziko ekutenda mumagwaro asina kunzveriwa zvakanaka. Vaongorori vezvenhema dzezvitendero ava vanoti Mwari akasarudza vamwe uye akasiya vamwe nokuda kwesarudzo isiyo iyi, asi shoko rechokwadi raMwari rinoti Mwari vakasarudza vatadzi vose nemuna Jesu. Vanhu vazhinji vanosvika pakuve vevanhu vemagwaro enhema nokuda kwekutenda kwavo kwakarasika.
Rangarira kuti vana tikaziva kuti Mwari vanoronga kuponesa marudzi ose nemuna Jesu uye kuregerewa kwezvitadzo kunowaniwa nomunhu wose anotenda muna Jesu. Tikaita izvozvo tinogona kuponeswa kubva kuzvitadzo zvedu zvose tobva tave vana vaMwari, tobva tave vanhu vakarurama, vane upenyu husingaperi, uye tobva tave nekugutsikana kuti Mwari vakarurama nokutendeka.
KUSARUDZWA KUTSVENE MUNYAYA YAJAKOBO NAISAKA
Mwari vakasarudza ani? Avo chete vakadaidzwa here?
Kwete. Mwari akasarudza marudzi ose muna Kirisito. Nokudaro aninani anotenda muna kirisito uye asina chitadzo
nokuda kwekubhabhatidzwa kwaJesu akasarudzwa.
Muna Genesisi 25:19-28, Esau naJakobo vaitambura vose vari mudumbu raamai vavo Rabheka muna Genesisi 25:23 Mwari vanoti, “Jehovha akati kwaari, mune ndudzi mbiri muchizvaro chako, ndudzi mbiri dzichaparadzana dzichibva mudumbu rako, Rumwe rudzi ruchakunda rumwe nesimba; Mukuru uchashumira muduku.”
Vatadzi vakatora pfungwa dzemashoko aya kudziisa mupfungwa yekutsvakurudza zvekugadzwa nesarudzo tsvene, vachisiya ruzhinji runotenda muna Jesu rusisazivi pekutangira nezvekuti vakasarudzwa here kana kuti havana? Kana vachizvitora sevakasarudzwa ivo pachavo, vanofunga kuti vakaponeswa uye vobva vashaya chido chekuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Chiitiko chesarudzo isiyo chatsautsa vanhu vazhinji vanotenda muna Jesu kubva mukuregererwa nokuvanda mugehena. Uye chabva chaita kuti chiite Mwari sevasina kururama.
Nokuti vaongorori vezvitendero vadzidzisa magwaro ekunyepa ayo anobuda pamifungo yavo, voruzhinji vanotenda muna Jesu vave vasina kuchengetedzeka uye havachazivi kuti vakasarudzwa here kana kuti ruregerero rwavo rwakagadzwa kare.
Pakati paEsau naJakobo Mwari vakasarudza ani? Akasarudza Jakobo nemuna Jesu kirisito. Muna vaRoma 9:10-11 munonzi, Mwari akadaidza Jakobo pane mukoma wake kunyangwe vainge vakazvarwa nomunhu umwe uye vasati vamboita chakaipa kana chakanaka.
Chinangwa chaMwari chaiva chokusarudza Jakobo, kwete nokuda kwesarudzo yake. Bhaibheri rinotitaurira kuti Jesu akauya kuzodaidza vatadzi vose kwete avo vakararama upenyu hwakanaka chete.
Vanhu vose serudzi rwaAbhurama, vanozvarwa vari vatadzi. Dhavita wakati akange ari mutadzi kubva panguva yaaive mudumbu raamai vake uye anoti akazvarwa ane huipi. “Tarira ndakaberekwa muzvakaipa, mai vangu vakandigamuchira muzvitadzo” (Mapisarema 51:5).
Vanhu vose vanozvarwa vari vatadzi nokuda kwezvitadzo zvemadzinza avo. Nokudaro munhu wese anozvarwa panyika pano anotongozvarwa ari mutadzi, achingoita zvinoitwa nemutadzi, achitobereka zvibereko zvezvitadzo.
Mwana mudiki asati amboita chitadzo anotove mutadzi nechekare nokuti akazvarwa nemhodzi yezvitadzo. Ane mifungo yakaipa, upombwe, noupfeve, nokuba nokuuraya mumwoyo make. Akangozvarwa akatakurana nezvitadzo zverudzi rwake. Vanhu vose vanotove vatadzi vasati vazvarwa.
Chikonzero chakaita Mwari kuti atiite takaneta ndechokuti vanhu vose zvisikwa zvaMwari, asi Jehovha vane hurongwa hwekuti vana vavo nokutiponesa muzvitadzo. Ndiko kusaka vakarega Adhamu achitadza.
Patakaita vatadzi nokuda kwaizvozvo, Mwari vakatuma Jesu panyika pano achitendera mwanakomana wake mumwechete oga kuti azotora zvitadzo zvose zvamarudzi ose nokuda kwekubhabhatidzwa kwake.
Chinangwa chake Mwari kwaiva kuda kuregerera marudzi ose kuburikidza nomukubhabhtidzwa kwaJesu uye nemuropa rake ari pamuchinjikwa kuti avape simba rokuve vana vake nokutenda muna Jesu. Akabvumidza Adhamu kutadza nokuda kwevimbiso yokusukwa kwezvitadzo zvose nemuna Kirisito.
Vatadzi vanotenda mumagwaro emanyepo unonzwa vachiti, “Tarirai pana Jakobo naEsau. Akasarudza mumwechete, uye achirasa mumwe wacho.” Mwari havana kutisanangura zvisina kodzero, asi kuti vakatisanangura muna Jesu kirisito. Tinofanira kutsvaga kuverenga mashoko ari muBhaibheri. VaRoma 9:10-12 inoti, “Hazvisi izvowo bedzi, asi Rebhekawo, wakati ava nemimba kunomumwe, iye Isaka, vedu (nokuti vana vasati vazvarwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa kuti kufunga kwaMwari pakusanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kana iye unodana.) Zvakanzi kwaari: mukuru uchava muranda kumuduku.”
Mwari vakasarudza Jakobo nemunaJesu. Jakobo aiva mumiriri wevatadzi avo vainge vasina kukosha uye vakarasikirwa nokururama kwavo. VaEfeso 1:4 inoti, Mwari akatisanangura maari.
Mwari vakadaidza ani? Vakadaidza Jakobo nokuti vaiziva kuti mutadzi mukuru asina kururama pamberi paMwari uye aivimba muna Mwari. Akadaidza Jakobo muzita remwanakomana wake Jesu akamuregerera nevhangeri remvura nemweya uye neropa ndokumuita mwana wake, nokudaro Mwari vakadaidza Jakobo vakamuropafadza nekumuregerera.
Anodaidza vatadzi kuti avaite vakarurama kuburikidza neruregerero rwemuna Jesu. Ndihwo hurongwa hwaMwari.
MAGWARO EMANYEPO PAMUSORO POKUSARUDZWA KUSIKO
Sei Mwari vaida Jakobo?
Nokuti Jobo aiziva nezvekusarurama kwake.
Ndichangobva mukuverenga nezvebhuku rine nyaya iri pamusoro pokusarudzwa kusiko. Mumwe mukomana wechidiki akarota hope. Mumwe mudzimai wechikuru akazviratidza muhope dzomukomana uyu akamutaurira kuti vasangane pane imwe nzvimbo, iye akabva aenda panzvimbo ipapo. Mudzimai uya akamuudza kuti ainge asarudzwa naMwari.
Akabvunza mudzimai uya kuti zvaigoita sei kuti Mwari vamusarudze iye asingatendi muna Mwari wacho? Akamuudza kuti Mwari akamusarudza zvisinei nokusatenda kwake.
Izvi handizvo zvingaita sei kuti Mwari, vamwe anovarasira kugehena vamwe ovasarudzira ruponeso? Mwari vanosarudza munhu wese nemuna Jesu.
Pfungwa yezvitendero pamusoro pesarudzo iyo inosiya Jesu ndeye manyepo, haisi yechokwadi. Asi vaongorori vezvezvitendero vanoramba vachisimbirira kuti Mwari vakangosarudza vashoma vedu chete. Handichokwadi ichi. Mwari vanoda kuponesa munhu wose muna Jesu. Kunze kweavo chete vasingatendi mukuregererwa nemvura nemweya zviri muna Jesu ndivo vachaponeswa.
Mwari vakatemera marudzi ose ruponeso nokuda kwemwanakomana wake Jesu, aive netarisiro yokutiita vana vake kunyangwe nyika isati yavambwa. Akaita urongwa hwekuponesa marudzi ose kubva kuzvitadzo zvenyika kuburikidza noruregerero ruri muna Jesu kirisito. Ichi ndicho chokwadi sezvazvakanyorwa muBhaibheri.
Vakarurama vanozvarwa patsva muna kirisito ndivo vakasanangurwa. Asi vaongorori vezvitendero vanongorambira pakuti Mwari vakasarudza vashomanana vedu chete. Somuenzaniso vanogona kuti vaya vakapikira muchitendero chekereke ye ‘BUD-DHISM’ ndivo vacho vasina kusarudzwa naMwari. Asi Mwari vakavasarudza nemuna Jesu.
Kana Mwari vaingosarudza zvisizvo nevasina Jesu, havaibatsira kuti tiparidze kuti tiparidze vhangeri. Kana dai Mwari vainge vaita hurongwa hwekusarudza nevasina Jesu, kureva kuti vatadzi havaizogona kutenda muna Jesu. Ko zvino shoko rake rerudo, rechokwadi uye nererudzikinuro raizozadzikiswa sei?
Paizova nechikonzero here chaizoita kuti vashandiri vaMwari vaparidze vhangeri munyika muno. Zvine njere kuti Mwari vakasarudza nechekare vakaponeswa, akasiya vasiri muna Jesu.
Chikonzero chakaita kuti Mwari vasarudze Jakobo muna Jesu, chikonzero chakaita kuti Mwari vade Jakobo vachivenga Esau ndechokuti aitoziva nechekare vasati vazvarwa kuti Jakobo achatenda muna Jesu uyuwo Esau haaizotenda muna Jesu.
Kune vatadzi vazhinji chose munyika muno vanotenda muna Jesu. Vamwe vavo vakaita saEsau uye vamwewo vakaita saJakobo.
Sei Mwari vaida Jakobo? Jakobo aive asina kururama uye aiziva kusakosha kwake. Nokudaro akabvuma kuti aive mutadzi pamberi paMwari, uye akakumbira maropafadzo aMwari. Ndiko kusaka Mwari vakaponesa Jakobo.
Asi Esau airarama pachake ega asina hanya naJehovha uye asingadokwairiri maropafadzo aMwari. Nokudaro Mwari vakati vachada Jakobe vagovenga Esau. Iri ndiro shoko rechokwadi.
Mwari vatitemera isu tose ruponeso muna Jesu. Vatadzi bose vanofanira kutenda muna Jesu. Naizvozvo chokwadi chaMwari nokutendeka kwake kuchazadzwa mumwoyo yedu. Isu vatadzi hapana chatinoita asi tinofanirwa kutenda mumwoyo yedu yose mukuponeswa nomuna Jesu. Chatinofanira kuita kutenda mururegerero kuburikidza nemuna Jesu.
MANYEPO ENGUVA REGU MUPFUNGWA YOKUCHENURWA
Ichokwadi here kuti mutadzi anotora nguva refu kuti ave akarurama?
Kwete, hazviiti. Kamwechete kwenguva dzose. Mwari akaita vatadzi vakarurama uye vasina mhosva kuburikidza nokuregererwa kuri mukubhabhatidzwa uye nemurufu rwepamuchinjikwa waJesu.
Dhiyabhorosi akanyengedza vatadzi nepfungwa yokuchenurwa nguva nenguva kuti vasave vanoponeswa kubva kuzvitadzo zvavo. Kuchenurwa nguva nenguva kunoreva kuti vatadzi vanova vatsvene kana vachinge votenda muna Jesu.
Pfungwa yacho inodai; vatadzi havangavi vakarurama kamwe kwenguva dzose asi kuti vanoponeswa kubva kuzvitadzo zvemavambo kana votenda muna Jesu. Zvimwe zvitadzo zvinotevera zvinosukwa nokupa minamato yokupinduka zuva nezuva uye vanhu vanocheneswa nguva nenguva.
Dambudziko guru repfungwa iyi nderekuchenurwa nguva nenguva. Zvinoita sechinhu chikuru chose kuti munhu anogona kutenda muna Jesu uye obva ava mukirisito mutsvene nguva nenguva. Pfungwa iyi yakanyengedza vakirisito vakawandisa kwemakore akawanda asi vachinwa sevakachengetedzeka. Ndicho chikonzero kune vakawanda vanozviti vatsvene kudarika avo vakirisito varimuchikirisito.
Vanofunga kuti nerimwe zuva vachangoona vashandurwa vobva vachirega kutadza zvachose. Asi vanogara upenyu hwavo hwose vachingove vatadzi uye vachatongwa pamberi paMwari mushure mokufa kwavo.
Ngativerengei shoko rechokwadi riri muBhaibherei. Muna vaRoma 8:30, “Avo vakatemerwa kare ndivo vakadanawo, vaakadana, ndivo vaakaruramisawo, vaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo.”
Uye mundima yechi 29, “Nokuti vaakaziva kare ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo womwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji.” Ukatanga kucherechedza panoita kunge panotangwa paitwa chikamu chokuve mutsvene wakarurama. Asi shoko rinotitaurira kuti vakarurama vose vakakupiwa kamwe kwenguva dzose.
“Vaakadana ndivo vaakaruramisawo.” Jesu akadaidza vatadzi akavaita vakarurama kuburikidza nokubhabhatidzwa kwaJesu paJorodhani uye nerufu rwake ari pamuchinjikwa.
Nokudaro uyo anotenda mururegerero rwaJesu anova mwana waMwari anokudzwa. Inyasha dzaMwari dzokuregerera vatadzi nokuvakudza muzita rake.
Izvi ndizvo zvatinotaurirwa naMwari. Asi vamwe vakirisito vanotitaurira kuti titarise munavaRoma 8:30. “Kune zvikamu nezvikamu zvokuti uchenurwe. Hazvirevi here kuti tinofanira kuchenurwa nguva nenguva?” Izvi ndizvo zvavanonyengedza nazvo. Vanotaurira vanhu vezvenguva ichatevera vachiti vatadzi vachave vakarurama nekufamba kwenguva.
Asi Bhaibheri harititauriri nezvichazoitika, asi nezvakaitika kare kuti takaitwa vakarurama kamwe kwenguva dzose. Pane musiyano mukuru pakati pezvichazoitika newezvakaitika kare.
Tinofanira kutenda zvakasimba muBhaibheri. Zvichienderana nezvakanyorwa, tinogona kuve vana vaMwari kamwe kwenguva dzose. Izvi zvakasiyana nokuchenurwa nguva nenguva.
Pfungwa yokuchenurwa nguva nenguva inongoti zvitadzo zvemavambo chete ndizvo zvinokanganwira kana tave kutenda muna Jesu. Izvi zvinotiudza kuti tinofanira kuita upenyu hwechitendero togara tichipinduka kubva kuzvitadzo zvedu zuva nezuva, kuti kana tomira pamberi paMwari tinove takarurama.
Nokuti vanhu vazhinji vanotenda mupfungwa iyi, vanoramba vachingove vatadzi kunyangwe vachitenda muna Jesu. Ndicho chikonzero pfungwa yokuchenurwa nguva nenguva iri yemanyepo.
Bhaibheri rinotitaurira pachena kuit tinove vana vaMwari vakarurama nokuda kwekutenda. Sokuuya kunoita vana vadiki pano panyika. Vana vaMwari vanova vakachenurwa apo pavanongoziva nokutenda mukurererwa naJesu. Kuchenurwa nguva nenguva kunoparira nemanyepo.
KUDZIKINURWA KWAKAKWANA KUBVA KUZVITADZO ZVOSE
Tinofanira kuitei kuti tichenurwe zvakakwana?
Tinofanira kutenda mururegerero rwemvura nemweya.
VaRoma 8:1-2 inoti, “Naizvozvo hakuchina kupiwa mhosva kune vari muna Kirisito Jesu. Nokuti murairo wemweya woupenyu muna kirisito Jesu wakandisunungura pamurairo wezvitadzo nowofuru.” Izvi zvinotitaurira kuti Mwari vakaita vatadzi vose vakarurama uye akadzikinura vose vakauya kuna Jesu kubva kumurairo wezvitadzo noworufu.
Bhaibheri rinotitaurira nezveruregerero rwakakwana muna vaHebheru 9:12. “Haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake chairo, kamwe chete zvikapera, panzvimbo tsvene, akatiwanira rudzikinuro rusingaperi.” Izvi zvinoreva kuti isu tinotenda muna Jesu takadzikinurwa tikagamuchirwa kudenga.
Takanzwa tikatenda vghangeri rekuregererwa nemvura nemweya muna Kirisito Jesu uye tikakanganwira zvitadzo zvedu zvose. Asi vatadzi vanotenda kuti vakakanganwirwa zvitadzo zvemavambo chete havagoni kuti vaponeswe. Kuti vachenurwe zvitadzo zvavakaita mushure mokutenda muna Jesu, vanonzwa kuti vapinduke zuva nezuva.
Kutenda kwavo kwakarasika kunovatungamirira kugehena. Kutenda kwakakanganisika kunovaita kuti vapinduke zuva nezuva kuti vagozvisunungura kubva kune zvakaipa zvavo. Hakusiiko kuvimba kwechokwadi kungavaponesa kubva kugehena.
Kana vakangotenda muna Jesu vakaregererwa kamwe kwenguva dzose, vanenge vatove vakarurama uye nokuve vana vaMwari. Kuregererwa kwechokwadi kunoita kuti vatendi vave vakarurama nokuvashandura kuti vave vana vaMwari kamwe kwenguva dzose.
Kunyangwe vatendi vachidzikinurwa kubva kuzvitadzo zvavo zvose zvepanyika, nyama yavo haishanduki kusvikira pazuva rokufa kwavo. Asi mwoyo yavo inenge yakanyura mukururama kwaMwari. Hatifaniri kusanzwisisa pfungwa iyi.
Bhaibheri rinotitaurira kuti takachenurwa uye tikava takarurama nokuti tinotenda muvhangeri.
Ngatitarisei vaHebheru 10:9-14 kuti tione vhangeri rechokwadi. “Ndokuzoti, tarirai ndakauya kuzoita kuda kwenyu, unobvisa chokutanga, kuti aise chepiri. Nokuda ikoku takaitwa vatsvene nechibayiro chomuviri waJesu Kirisito, chakabayirwa kamwechete. Mushumiri mumwe nomumwe unomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvimwe nezvimwe, zvisingagoni kubvisa zvitadzo, asi iye wakati wabayira chibayiro chimwe chete pamusoro pezvitadzo, akagara nokusingaperi kurudzi rwaMwari. Kubva zvino achimirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake. Nokuti nechibayiro chimwe chete wakakwanisa nokusingaperi avo vanoitwa vatsvene.” Onai kuti pakanyorwa nezvechiitiko chisingaperi kwete zvichazouya.
Kuti tinyatochenurwa zvakakwana, tose tinofanira kutenda mukuregererwa nemvura nemweya izvo zvatakapiwa naJesu.
JESU AKAPA RUREGERERO RUSINGAPERI KAMWECHETE KWENGUVA DZOSE
Sei munhu akabvumidzwa kufara nguva dzose? (1 VaTesaronika 5:16)
Nokuti Jesu akatora zvitadzo zvake zvose, hapana chimwe chaangaita asi kuzvidukupisa pamberi paMwari nokutenda rukudzo rwake.
Kana tikatenda mururegerero rusingaperi rwaJesu tinove takarurama kwenguva dzose. Bhaibheri rinoti, “Farari nguva dzose, rambai muchinyengetera, vongai pazvinhu zvose; nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Jesu Kirisito” (1 VaTesaronika 5:16-18).
Farai nguva dzose. Tingafara sei nguva dzose? Avo vanenge vagamuchira ruregerero rusingaperi kwenguva dzose ndivo vanofara zvisina mugumo. Nokuti vakasununguka kubva muzvitadzo. Vari pakanaka nokuti vanoziva kuti Jesu ndiye akatora zvitadzo zvavo zvose pana Jorodhani. Vanozvidukupisa pamberi pake vachitenda rukudzo rwake nokudaro vanofara nguva dzose.
“Vakaropafadzwa vakakanganwirwa zvisakarurama zvavo, navakafukidzirwa zvitadzo zvavo.” (VaRoma 4:7) Izvi hazvirevi kuti zvitadzo zvedu zvakafukidzwa kunyangwe zviri mumwoyo yedu yakachenurwa. Jesu akasuka zvitadzo zvedu zvose akatiponesa kamwechete kwenguva dzose.
Ruregerero rusingaperi urwu, rwunowanikwa muTesitamende Itsva. Jesu paakabhabhatidzwa, akati, “Chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” (Mateo 3:15)
Sekutora kwaingoita mbudzi kana makwai zvitadzo zvavanhu kuburikidza nokuturika maoko uko kuti muTesitamende Yekare, Jesu akatora zvitadzo zvose zvepanyika akanatsa marudzi ose nenzira yakafanira uye yakarurama.
“Saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” Akadaro Jesu. Jesu akabhabhatidzwa nenzira yakafanira uye akaisa zvitadzo zvenyika paari. Kururama kwaMwari kwapedziswa.
Hatifaniri kurega kunzwisisa rureregererorusingaperi urwu. Tinofanira kutora izvi seshoko rake rerudzikimuro. “Wakakomborerwa wakakanganwirwa zvitadzo zvake” (Mapisarema 32:1).
Zvitadzo zvose zvepamwoyo nezvepanyama, Jesu ndizvo zvaakasuka izvozvo apo paakabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi pana rwizi Jorodhani. Akatongwerwa zvitadzo zvatinopara munyika ino yazara nehuori. Mushure mokutora zvitadzo zvedu zvose, akafira, pamuchinjikwa.
Aninani anotenda mururegerero urwu rwezvitadzo achave akarurama uye asina mhosva kamwe kwenguva dzose. Nokuti Jesu anorarama nokusingaperi, aninani anotenda mururegererorrwemuna Kirisito anoramba akarurama.
Zvino tinogona kumira pamberi paMwari nekuvimba uye tichiti, “Makadii henyu Jehovha? Ndinotendanda mumwanakomana wenyu mwechete oga, Jesu Kiristo uye neniwo ndiri mwananomana wenyu. Ndinotenda, Baba ndinotenda nokundigamuchira semwana wenyu. Izvi hazvisi zvokuda kwemabasa angu, asi nokuda kwekuvimba mukuzvarwa patsva nemvura nemweya muna Jesu. Makandiponesa kubva kuzvitadzo zvepanyika zvose. Ndinotenda kune zvamunotaura. “Saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” (Mateo 3:15). Kuburikidza nokubhabhatidzwa kwaJesu uye nemuchinjikwa wake, ndakakwanisa kuve mwana wenyu. Nokuda kwaizvozvo ndinokupai rukudzo rukuru.
Wakaisa zvitadzo zvako zvose pana Jesu here? Zvitadzo zvako zvose zvakatorwa naJesu here? Bhaibheri rinotitaurira kuti titende kurubhabhatidzo rwaJesu uye nerufu rwake ari pamuchinjikwa, vatadzi vanozva vakachenurwa nokutenda mazviri chete.
UKAMA HURI PAKATI PORUBHABHATIDZO RWAJESU NORUREGERERO
Ukama hupi huri pakati perubhabhatidzo rwaJesu neruregerero?
Rubhabhatidzo rwaJesu ndiwo mufananidzo weruregerero rwakaporofitwa kuburikidza nokuturika maoko uko kwaiitwa muTesitamende Yekare.
Ngatimbotorai somuenzaniso munhu anorarama semutadzi kunyangwe achitenda munaJesu onamata ari mukereke, “Mudikanwi Mwari, veduwe ndikanganwirei zvitadzo zvangu zvandakapara vhiki yapera. Ndikanganwireiwo zvimwe zvandakaita mazuva matatu apfuura, Ho! Jehovha, ndikanganwireiwo zvitadzo zvangu zvanhasi. Ndinotenda kwamuri.”
Tomboti munhu uyu akanganwirwa zvitadzo zvake zvezuva nezuva nokuda kwemunamato uyu. Asi mushure mazvo, anodzokerazve kumabasa ehupenyu hwake ekutadza zvakare. Nokudaro anobva aita mutadzi zvakare.
Jesu akava hwayana yaMwari akatora zvitadzo zvavatadzi vose kuburikidza nokubhabhatidzwa ndokuvaregerera nokurovererwa pamuchinjikwa. Kana vatadzi vachida kuregererwa, vanofanira kutenda mune zvinotevera.
Zvitadzo zvose zvakatorwa naJesu paakabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi, nokudaro akazadzisa kururama kwaMwari. Zvitadzo zvose zvepanyika zvakasukwa zvose. Aninani anotenda muchokwadi ichi achadzikinurwa. Sekunyorwa kwazvakaitwa muna Mateo 3:13-17, “Nokuti saizvozvo” Jesu akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi akaitwa muponesi wevatendi vose.
Vhangeri rechokwadi rinotitaurira kuti Jesu akatora zvitadzo zvenyika zvose kamwe kwenguva dzose. Asi zvidzidzo zvemanyepo zvinotitaurira kuti tinoregererwa zuva rega-rega. Zvino totenda zvipi? Takaregererwa kamwe kwenguva dzose here kana kuti tinoregererwa zuva nezuva?
Zviri pachena kuti Jesu akatidzikinura kamwe nokusingaperi. Kutenda kwechokwadi kuvimba mururegerero rwemvura nemweya kamwe kwenguva dzose. Avo vanotenda kuti tinofanira kuregererwa zuva nezuva havazofi vakadzikinurwa.
Vanofanira kuziva kuti kuregererwa kwechokwadi kunouya nokutenda muna Jesu kuti akatidzikinura kamwe kwenguva dzose nokuda kwerubhabhatidzo rwake uye norufu rwake ari pamuchinjikwa. Zvatinofanira kuita apa chete, kupa kuvonga kuna Mwari nokutenda muvhangeri rwchokwadi iri.
Asi avo vari kutungamirirwa zvisizvo mukubimba kwavo vanoti tinodzikinurwa kubva kuzvitadzo zvemavambo chete, kuti tinofanira kuregererwa zuva nezuva kubva kuzvitadzo zvedu zviripo parizvino, uye kuti tinogona kuve takarurama “nguva nenguva.” Hazvisizvo izvozvo.
Kubhabhatidzwa kwaJesu uye nerufu rwake ari pamuchinjikwa zvakapedzisa kanganwiro yezvitadzo kamwe kwenguva dzose. Ichi ndico chokwadi. Zvitadzo zvedu zvakaiswa pana Jesu naJohane mubhabhatidzi uye Jesu akazofira pamuchinjikwa kuti tikwanise kuponeswa.
Kutaura kuti “Ndikanganwirwiwo” mushure mokutadza hazvienderani nokururama kwaMwari. Murairo waMwari unoti mubairo wezvitadzo rufu. Tinofanira kuziva kuti Mwari vakarurama uye vatsvene.
Avo vanonamata kuna Mwari vachiti, “Ndine urombo, veduwe ndikanganwireiwo” mushure mokutadza havazivi kururama kwaMwari. Vanonamatira kanganwiro, asi kunyevenutsva hana dzavo. Zvakakodzera here kuti munhu anotadza zuva nezuva asimbise hana yake nokudzokorora kuita rupinduko rwake rwekudarika kwake kwose? Nzira yokudzikinurwa nayo chete, kutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake riri pamuchinjikwa. Tinofanira kuzvitenda izvi mumwoyo yedu. Ndiyo nzira chete yatingavharidzira mutongo waMwari.
Ngatifungei zvakanyanya nezvekudzikinurwa kubva kuzvitadzo. VaHebheru 9:22 inoti, “Zvirokwazvo, tingati pamurairo zvinhu zvinenge zvose zvinonatswa neropa, uye kana kusine ropa rinoteurwa hakuna kanganwiro.”
Zvichienderana nemurairo waMwari, zvitadzo zvinofanira kunatswa neropa, uye kusine ropa rinoteuka hakuna kanganwiro. Ndiwo murairo wakarurama waMwari. Pasina mubairo wezvitadzo, hapana kanganwiro iripo.
Murairo waMwari wakarurama. Jesu akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi akadeura ropa ari pamuchinjikwa kuti adzikinure isu vatadzi. Akatora kutadza kwedu kwose kuburikidza nokubhabhatidzwa uye nokudeura ropa ari pamuchinjikwa kuti aripire zvitadzo zvedu zvose. Akaripira zvitadzo zvose.
Ruregerero runopiwa kamwe kwenguva dzose here kana kuti zuva nezuva?
Kamwe kwenguva dzose, Jesu akatora zvitadzo zvavatadzi vose kuburikidza nokubhabhatidzwa kwake.
Muna Mateo 3:15, Jesu paakabhabhatidzwa nenzira yakafanira, akabvisa zvitadzo zvose kuburikidza nokubhabhatidzwa kwake uye akafira pamuchinjikwa kuti atidzikinure kubva kuzvitadzo zvose zvepanyika.
Kukumbira kanganwiro zuva nezuva zvinongofanana nokukumbira kuti atore zvitadzo zvako nokukufira kasingaperi, zuva nezuva. Tinofanira kunzwisisa nezvekururama kwemurairo waMwari. Jesu haafaniri kuramba achingotifira nguva nenguva kuti atidzikinure kubva kuzvitadzo zvedu zvose.
Mwari vanozvitora sezvinhu zvisina rukudzo kune vanotenda muna Jesu kuti vakumbire rusingaperi kanganwiro yezvitadzo zvavo chaizvo. “Mafuza asina rukudzo! Vari kukumbira mwanakomana wangu, Jesu kuti abhabhatidzwe kechipiri uye kuti afire pamuchinjikwa zvakare! Vanotenda mururegerero rwaJesu asi vozvidaidzazve kuti vatadzi! Ndichavatonga nemurairo wangu wakarurama nokuvakanda vose mugehena rizere mwoto. Unonzwa kuda kuuraya mwanakomana wako mumwechete oga kaviri here? Uri kundikumbira kuti ndiuraye mwanakomana wangu zvakare nokuda kwezvitadzo zvako chaizvo. Ini ndakauraya mwanakomana wangu kare kuti akuponese kamwe kwenguva dzose kubva kuzvitadzo zvenyika. Nokudaro usamutsa kutsamwa kwangu nokundikumbira kanganwiro yamatadzo ako chaiwo zvakare, ingotenda chete muvhangeri reruregerero rwemvura nemweya.”
Jesu anotaurira avo vanoramba vari vatadzi kuti vanofanira kuenda kukereke uko kunoparidzwa vhangeri rechokwadi, siyai kutenda kwemanyepo mugamuchire ruregerero nokukunda kuvimba kusiri kwechokwadi.
Zvino, yave nguva yako yokuti uponeswe nokutenda mumwoyo mako. Unozvitenda here?
ZVINOBVA MUKUVIMBA KUSIRI KWECHOKWADI, ASI MUMABASA
Sei vakirisito vazhinji vachikundikana kutungamirira upenyu hwakavimbika kwenguva refu?
Nokuti vanonyanya kurarama nemabasa avo.
Vatadzi vose vanotenda muna Jesu asi vasina kudzikinurwa vanogona kubwinya kwemakore matatu kusvikira kumashanu. Vanenge vakashingirira mukutanga, asi kuvimba kwavo kunodzima nokufamba kunoita nguva. Kana ukatenda muna Jesu nokuda kwemabasa, kushingirira kwako kunonyangarikawo zvakare.
Bofu haringaoni, nokudaro vanorarama nokushandisa njere nokukurumidza kubata mamiriro echinhu. Vakanzwa misodzi ichierera vanokanganisa kuzvitoredzera kuchiratidzo chekanganwiro. Kanganwiro yechokwadi haisi yokuita zvokuda kunzwa.
Mapofu pamweya vanoda kuwana rudo rwavo rwekutanga nokupinda ungano dzisina mabasa akanaka asi havangawani kunzwa kwavo. Kanganwiro yezvitadzo inonetsa kuiwana. Kana dai vainge vakangotenda nemazvo kubva pakutanga, kanganwiro nenyasha dzake zvaingoramba zvichibwinya nokufamba kunoita mazuva.
Asi kanganwiro isiri yechokwadi inobwinya pakutanga yobva yorasa chiedza chayo nokufamba kwenguva. Kukura kwekusimba kunonyangarika nokuti mapofu pamweya vakakundikana kuteerera kuvhangeri rechokwadi kubva pakutanga.
Vanyengeri nevanyori nevaFarisei vanosenga maBhaibheri mumaoko mavo, vagobata nemisoro minamato yaJehovha uye netsika dzavapositora uye vagonamata nguva nenguva. Vanobva vasimudzirwa vopiwa zvigaro zvepamusoro-soro mukereke vobva votonga asi zvitadzo zvinenge zvichitowedzera nokudaro vanobva vadzingwa pana Mwari. Kunze kwavo vakafukidzwa nokusimudzirwa kwemukereke vobva vasimbarara, asi mukati mepfungwa dzavo mune zvitadzo zvatoora. Ndizvo zvinobuda pakusavimba muchokwadi asi mumabasa akatsamirana nechitendero.
TINOVE VAKARURAMA NOKUVIMBA
Kuregererwa kwematadzo panyika pano kwakatozadzikiswa here?
Hongu. Kwakazadzikiswa kuburikidza nokubhabhatidzwa kwaJesu uye nerufu rwake pamuchinjikwa.
Zvino ngatimboravai vaHebheru 10:16-18, “Iyi ndiyo sungano yandichaita navo, shure kwemazuva iwayo, ndizvo zvinotaura ishe ndichaisa mirairo yangu pamwoyo yavo, nokuinyora pakufunga kwavo. Ndokuzoti; zvitadzo zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangariri. Zvino kana zvinhu izvi zvakanganwirwa, zvitadzo hazvichabayirwi.”
Zvino, nokuti takaregererwa nokuda kwemvura yaJesu yerubhabhatidzo rwake uye neropa rake repamuchinjikwa hapachadiwi kubayirwa kwezvitadzo. Zvingaita sezvishamiso kuzvitaura kana uchitanga kuzvinzwa, asi ndizvo zvinoenderana neshoko riri muBhaibheri. Mashoko aya ndeemarudzi ose? Bhaibheri rupawo rwechigaro uye mutsetse uyo unoshanda kutarisisa kururama kwezvose.
“Shure kwamazuva iwayo, ndichaisa mirairo yangu pamwoyo yavo nokunyora pakufunga kwavo.” Unonzwa sei mushure mokudzikinurwa? Zvino, nokuti mwoyo wako wasununguka kuzvitadzo, unonzwa uchifefeterwa. Wave munhu wakarurama uye wave kurarama uri muchiedza.
Uye muna vaHebheru 10:17, Jehovha vanoti, “Zvitadzo zvavo nokudarika handichatongozvirangariri.” Anotitaurira kuti haachatongozvirangariri zvitadzo nokudarika kwevakaregererwa. Nemhaka yei? Nokuti Jesu akabhabhatidzwa nenzira yakafanira, “Saizvozvo zvakafanira.” Mushure mokutora zvitadzo zvose, Jesu akatongerwa vose vanotenda maari.
Zvino nokuti akaripira zvitadzo zvedu zvose, tinogona kuzvirangarira asi hatichafaniri kunzwa setine mhosva. Hatichafaniri kufira zvitadzo zvedu nokuti Jesu akasuka zvitadzo zvose akadeura ropa ari pamuchinjikwa kuitira isu.
VaHebheru 10:18 inoti, “Zvino, kana zvinhu izvi zvakanganwirwa zvitadzo hazvichabayirwi.” Izvi zviri kureva kuti Jesu akabvisa zvitadzo zvapanyika zvose. Zvakare zvinoreva kuti vose avo vakazvarwa patsva muna Jesu havachatsvagi kupa zvibayiro zvakare.
“Ho, Mwari wangu, veduwe ndikanganwireiwo. Chikonzero chinoita kuti nditende mamuri asi ini ndichingoramba ndiri mukutambura ndezvokuti handisati ndadzikinurwa. Ndiri mukirisito, asi pfungwa dzangu dzizere nezvitadzo zvakaora.” Hatifaniri kuita munamato wakadaro.
Vatadzi vanopara zvitadzo vasingazvizivi, zvakadaro havazivi kuti chitadzo chii nokuti havazivi murairo waMwari wechokwadi. Vanongoziva chete kuti havafaniri kuita zvitadzo muhana dzavo asi vasingazivi kuti chii chinonzi kutadza pamberi paMwari. Mwari vanotitaurira kuti chinotove chitadzo kusatenda muna Jesu.
Muna Johane 16:9 anoti, chinyi kutadza pamberi paMwari. “Pamusoro pezvitadzo, nokuti havatendi kwandiri.” Chitadzo pamberi paMwari kusatenda maari. Johane 16:10 inoti kudii pamusoro pokururama, “Pamusoro pokururama, nokuti ndinoenda kuna Baba hamungazondioni.” Nemamwe mashoko, Jesu akatodzikinura nyika ino nechekare kubva kuzvitadzo zvose naizvozvo kureva kuti haachazotidzikinuri zvakare nerubhabhatidzo rwepiri uyezve nokufira pamuchinjikwa zvakare.
Anodaidza avo vanotenda mururegerero kuti avachenure nokuvaita vakarurama. Kuregererwa munyika ino kwakaitwa kukapera nokubhabhatidzwa kwake uye norufu rwake ari pamuchinjikwa. Hapachinazve rumwe ruregerero ruchadiwa kuti kudzikinurwe vatadzi.
“Nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.” (Mabasa avaPositora 4:12). Jesu akaburukira panyika pano, akabhabhatidzwa naJohane mubhabhatidzi, akadeura ropa ari pamuchinjikwa kuti adzikinure vatadzi vose. Tenda izvi mumwoyo wako ugoponeswa. Jesu akakuchenura nemvura nemweya.
Jesu akatsvaira zvitadzo zvose kubva panyama yedu nemvura nemweya. Tinoponeswa nokuvimba kana tikatendamuchokwadi, kana tikatenda muvhangeri nomuna Jesu kirisito, tinove takarurama kamwe kwnguva dzose. Rubhabhatidzo rwaJesu uye norufu rwake ari pamuchinjikwa; zviri zviviri zvinhu izvozvi ndizvo hwaro hwechokwadi.
NDIMA DZINOSHANDISWA NAVATADZI SEMAPAKO EKUHWANDA MAARI
Tingaregererwa nokugara tichireurura zvitadzo here kana kuti takatoregererwa kare?
Mwari vakatipa ruregerero rwezvitadzo kamwe kwenguva dzose.
Muna 1 Johane 1:9 inoti, “Kana tichireurura zvitadzo zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvitadzo zvedu, nokutinatsva pakusarurama kwose.”
Zvinenge zvakanakawo chose kuti tingoreurura zvitadzo zvedu kuti tikanganwirwe. Neizvi zviri mupfungwa, vamwe vaongorori vezvitendero vakauya nepfungwa huru yokuita magwaro nezvidzidzo zvitsva. Vakasimbirira pakuti nguva nenguva panoreurura munhu ndipo paanokanganwirwa. Hazvipedzi nhambwe here? Asi Jesu haana kumboti tinokanganwirwa pose pose patinoreurura kuna Mwari.
Tingangoramba tichikanganwirwa zvitadzo zvedu here, kana kuti takatoregererwa kare? Unotenda munezvipi? Vanhu vanotora magwaro emanyepo aya votenda kuti vanokanganwirwa pose pavanoreurura zvitadzo zvavo, asi chokwadi ndechokuti vatadzi vanoramba vachingove vatadzi mumwoyo yavo nokuti havazivi mashoko eruregerero. Hazvina zvazvinoreva kuti vatadzi vanotenda muna Jesu vanokanganwirwa pose pose apo vanoita minamato yokukanganwira matadzo avo chaiwo.
Nokuda kwechikonzero ichi tinofanira kuteerera mashoko ake eruregerero uye tosarudza pakati pechokwadi nemanyepo zvisinei kuti taudzwa kuti kudii.
Vatadzi havanzwisisi 1 Johane 1:9, vanoitoredzera nepasipo vofunga kuti inotaura nezvezvitadzo uye nokukanganwirwa zuva nezuva. Ngativerengei dzidziso iyi zvakanaka, “Kana tichireurura zvitadzo, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvitadzo zvedu nokutinatsa pakusarurama kwose.” Unofunga kuti tinongoponeswa chete kubva kuzvitadzo zvamavambo uye kuti tinofanira kureurura zvimwe zvose zvatinotadza kwaari kuti tigove takarurama takatendeka uye tozokanganwirwa? Idzi dzinongova pfungwa dzakarasika chete nokuda kwenyama yedu yakaneta.
Tinozozvirangarira kuti handi chokwadi kana tave kutenda mukubhabhatidzwa kwake uye nemuropa raJesu. Zvitadzo zvose zvakasukwa nerubhabhatidzo rwake uye neropa pamuchinjikwa kare kare.
Kutenda zvinoenderana nepamweya uye nokutenda zvinoenderana nepfungwa dzakarasika zvinhu zviviri zvakasiyana chose. Zvo vanotenda zvinoenderana nepfungwa dzavo vanonzwa kuti vanoda kusukwa zvitadzo zvavo zuva nezuva, asi avo vanotenda mururegerero rwemvura uye neropa vanotoziva kuti vakadzikinurwa kamwe kwenguva dzose kuburikidza nekubhabhatidzwa uye nemuropa raJesu Kirisito.
Avo vanoti vanotenda kuti vanofanira kureurura zuva nezuva kuti vagoregererwa patsva vari kutopara zvitadzo zvokusatenda mukuregererwa kuburikidza nokubhabhatidzwa uye nemuropa raJesu.
Wakaregererwa kamwe kwenguva dzose nokuda kwekubhabhatidzwa kwaJesu uye neropa rake here? Avo vasina kuregererwa vanoda kuedza kuwana ruponeso nokureurura zuva nezuva. izvi zvinoramba zvakasiya dambudziko rokuti zvoitwa sei nezvimwe zvitadzo zvavachazotadzazve muupenyu.
Vanoedza kuda kureurura zveramangwana, asi nokuda kuita izvozvo vanoratidza kusatenda muna Jesu vanhu ivava mapofu kuvhangeri reruregerero. Jesu akatidzikinura kubva kuzvitadzo kamwe kwenguva dzose nokubhabhatidzwa kwake uye neropa rake, akatora mutongo kuuisa paari. Tinodzikinurwa nokuda kwekungotenda maari chete.
Kana uchifunga kuti unofanira kureurura nezvitadzo zvako zveramangwana kuti uponeswe, hauna kusiyana neavo vasingatendi vasingazivi nezvekuzvarwa patsva nemvura nemweya. Vatadzi havangaregererwi nokuti vanoreurura.
Kana ukareurura wakavimbika, “Ndiri mutadzi asati aregererwa,” uye woteerera wotenda muvhangeri rekubhabhatidzwa kwake uye norufu rwake pamuchinjikwa. Mwari vachakudzikinura kubva kuzvitadzo zvako zvose.
Asi kana usingatendi muvhangeri reruregerero uye wongohwanda nokuita minamato yorupinduko, uchasangana nokutongwa kunorwadza kana Jesu ave kuzouya pano panyika semutongo wakatendeka.
Avo vasingatendi muvhangeri remvura nemweya vachatongwa. Kana vakahwanda shure kwekureurura kwavo, vachasangana nokutongwa, nokudaro, usamirira zuva rokutongwa kuti risvike, chitenda zvino muvhangeri remvura nemweya rakaropafadzwa.
KUREURURA NENZIRA KWAYO UYE NOKUVIMBA KWECHOKWADI
Ndokupi kureurura kwakanaka kunofanira kuitwa nomutadzi?
Kureurura kuti achine zvitadzo uye achaenda kugehena kunze kwekutoti atenda muvhangeri rechokwadi.
Mwari akatiregerera kamwe chete kwenguva dzose. Ndiye upenyu chaihwo hwemufananidzo unoratidza zvandiri kuda kuedza kuburitsa pachena. Ngatimbotii musvori wekuchamhembe kweKorea oshanyira kumaodzanyemba. Obva aona kubudirira kwatiri kuita pashoko, obva arangarira kuti akanyengedzwa, opedzisira afunga kunozvipira pachake.
Mushure mokuenda pedyo nekamba yemapurisa, anogona kunoreurura achiti, “Ndiri musvori ndabva kuchamhembe kana kuti ndanga ndabva kumaodzanyemba ndichida kuzoita mabasa ohuurayi, ndauraya apo neapo ndikapaza apozve nepapo. Zvino ndave kuzvipira kwamuri nokudaro handichisiri musvori zvakare.”
Iyi ndiyo nzira kwayo yokureurura nayo here? Kana dai aida kureurura chaizvo-chaizvo, zvaaifanira kungotaura chete kungoti, “Ndiri musvori.” Mashoko iwaya anotaura zvakawanda pamusoro pake; zvokuti munhu akaipa anofanira kutongwa nemashoko iwaya chete zvisinei nechinangwa chaanga afambira, anotobva anzwirwa ngoni.
Zvakangofanana nokudarowo, kana mutadzi achireurura pamberi paMwari kungoti “Ndiri mutadzi asati aregererwa. Ndakatarisana nekukandwa mugehena uye nokutongwa. Veduwe ndikanganwireiwo.” Uye nokutenda muna Jesu, acharegererwa. Jesu akabhabhatidzwa akadeura ropa pamusaka pedu, uye isu zvatinofanira kungoita chete kutenda muruponeso kuburikidza nemaari kuti tiponeswe.
Zvakazarurwa 2:17 inoti, “Ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzva rakanyorwapo, risingazikanwi nomunhu, asi naiye unoripiwa.” Bhaibheri rinoti aninani anogamuchira vhangeri rechokwadi ndiye achaziva zita raJesu. Uyo anenge aregererwa kamwe kwenguva dzose ndiye anoziva zvakavanzika zvokuve akarurama.
Avo vasingazvizivi izvozvo vacharamba vari vatadzi zvisinei nokuti vanoita minamato yokupinduka zuva nezuva kureurura hazvirevi kuita munamato yerupinduko zuva nezuva. kunyangwe munhu ange ari mukirisito kwemakore gumi, anoramba achingove mutadzi kana achikumbira kanganwiro yaMwari zuva nezuva. Anenge asati ave mwana waMwari.
Kuti vaponeswe vanofanira kureurura kuti vatadzi uye vanotenda mururegerero ruri muna Jesu. Uku ndiko kuvimbika kwechokwadi.
KUTAURA ZVITADZO ZVAKO CHETE HANDIZVO ZVATINOUDZWA MUNA 1 JOHANE 1:9 PAMUSORO POKUREURURA
Tinofanira kureurura zvitadzo zvedu zuva nezuva here, kana kuti kamwechete kuti tiponeswe?
Kamwechete beedzi.
Zvinoita here, kuti mbavha kana muurayi areurure mabasa ake agoregererwa? Vatadzi havangoregererwi nokureurura zvitadzo zvavo chete, asi kuti vanoregererwa kuburikidza nevhangeri rekuzvarwa patsva rakaropafadzwa remvura nemweya zviri muna Jesu. Vamwe vakirisito vakarasika vanoreurura saizvozvi.
“Mudikanwi Mwari, ndapokana neumwe munhu nhasi zvakare, ndaita chitadzo. Ndakanyengerdza umwe munhu. Ndakaba chimwe chinhu.”
Kana vakaramba vachidaro kuna Mwari, anovati “Nyarara iwe mutadzi! Saka zvoitwa sei?”
“Veduwe Mwari nditeerereiwo, makatiudza kuti tireurure zvitadzo zvedu, ndinokumbirawo mundiitire nyasha.”
Rudzi rweminamato yakadai ndiyo isingadi kunzwikwa naMwari. Anoda kunzwa minamato yeavo vanotenda mukuregererwa nemvura nemweya: avo vanobvuma zvitadzo zvavo uye kutenda muvhangeri rechokwadi rekuzvarwa patsva.
VaAgositino vanoti vakareurura kuti vakayamwa zamu raamai vavo. Anofunga kuti kureurura kwakadai kunomuendesa kudenga. Tinognoseka zvedu kune zvakadai. Kureurura zvitadzo hakuna zvakunobatsira.
Mwari vanoti, “Teerera, ingondiudza chete kana wakaita zvitadzo. Kana wakatadza, chinyarara nezvazvo. Watenda nepasipo kusvika zvino nokudaro enda kukereke kunodzidziswa chokwadi. Tenda muvhangeri rekuregererwa nenzira yakafanira wobva waregererwa. Kana zvisiri izvozvo, ndichauya ndokutonga.”
Minamato yerupinduko uye nekanganwiro nekumwe kuedza kuda kuponeswa nokureurura kunoratidza kurasika uye nokutenda kusiri kwechokwadi.
Muna 1 Johane 1:9 makanyorwa kuti, kana tikabvuma zvitadzo zvedu, vhangeri remvura neropa zvichatidzikinura kubva kuzvitadzo zvedu zvose.
“IBVAI KWANDIRI”
Kuita zvisina kururama zvinorevei?
Zvinoreva kutenda muna Jesu une zvitadzo mumwoyo mako.
Vakirisito vakarasika mukuvimba vachiita zvisakarurama pamberi paJesu. “Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro; Ishe, Ishe hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? Zvino ndichavaudza pachena, Handina kumbokuziva, ibvai kwandiri imi vaiti vokusarurama.” (Mateo 7:22-23).
Ngatimbotorai somuenzaniso, kuti uyo ange asingatendi muchokwadi, obva auya kuzomira pamberi paMwari, uye obva ati, “Makadii henyu Jehovha? Maratidzika kuve makanaka chose apo ndaifunga nezvenyu ndichiri panyika, asi nazvino munoratidza kutonakisisa chose iko kuna kwamuri. Ndinotenda, Jehovha makandiponesa. Ndinotenda kuti makanditora semunhu asina kutadza kunyangwe ndine zvitadzo mumwoyo mangu. Ndauya kuno, sezvo makandivimbisa kuti muchatitora ndoenda kudenga. Zvino ndichaenda uko kune maruva akaisvonaka chose ayo, chisarai uye ndikotarisira kusangana nemi ikoko.”
Anotanga kufamba akananga kubindu, asi Jesu vanomumisa. “Mira! Rega tione kana munhu uyu asina chitadzo mumwoyo wake. Uri mutadzi here?”
“Hongu ndakatadza. Asi handina kutenda kwamuri here?”
“Une chitadzo here kunyangwe waitenda mandiri?”
“Zvirokwazvo, ndine chitadzo.”
“Wati kudii? Une chitadzo? Ndivigire bhuku roupenyu, ugondivigira bhuku remabasa zvakare. Tarisa zita rake. Ona kuti zita rake riri mubhuku riri.”
Kutaura chokwadi, zita rake raive mubhuku remabasa. “Zvino chireurura zvitadzo zvose zvawakaita uri panyika.”
Munhu uyu akada kuedza kuramba asi Mwari vakamumanikidzira akamuvhura muromo akareurura zvitadzo zvake.
“Hongu ndakatadza chino, nechino nechocho chitadzo ...” Anoramba achireurura zvokusavhara muromo.
“Zvakanaka, zvakawanda izvozvo! Akaita zvakawanda zvinoita kuti agamuchirwe kugehena. Anokodzera chose! Muendesei kunopfuta uko.”
Haana kuzoendeswa kubindu riya rinemaruva akaisvonaka aya, asi kunzvimbo izere nomwoto unobvira nemazivhunze. Akachema akaruma mazino ake achitya kuendeswa kugehena.
“Ndinotenda mamuri, ndichiporofita nemuzita renyu, ndichiparidza nemuzita renyu, ndikatengesa imba yangu kuti ndikushandirei, ndikabatsira nherera, ndikatambudzwa chose muzita renyu, ndichinamata mambakwedza, ndikarapa varwere … ndinokodzera kuenda kudenga.”
Akarumanidza mazino ake zvine simba kusvika ose abva pasina chashanda. Paakasvika kugehena, akaona vakirisito vose avo vainge chokwadi chinorehwe noruregerero rwaJesu. Avo vainge vasinganzwisisi vhangeri rokuregererwa vachadzingwa maari.
ZVITADZO ZVEVATENDI VEMANYEPO ZVINONYORWA MUBHUKU REMABASA
Zvitadzo zvevatadzi zvinonyorwa pai?
Zvinonyorwa mumwoyo yavo uye nemubhuku remabasa.
Kutenda muna Jesu, kana kusatenda Mwari achavaparadza vose avo vane zvitadzo mumwoyo yavo. Kana akangowana kanhu kadiki kakaipa mumwoyo wemunhu. Munhu iyeye anotorasirwa kugehena nezuva rokutongwa. Mwari vari kukurudzira vatadzi vose vasati varegererwa uti vareurure kuti havasati vadzikinurwa kana vachida kuwana ruregerero.
Zvitadzo zvemutadzi zvinonyorwa mumwoyo wake. Avo vakazvarwa patsva nemvura nemweya vanogona kurangarira zvitadzo zvavo, asi zvinodzimwa mumwoyo yavo. Ndivo vakarurama.
Asi avo vasina kuzvarwa patsva vanezvitadzo mumwoyo yavo nokudaro vatadzi pamberi paMwari. Apo posr pavanopfugama kuti vanamate, zvitadzo zvavo zvinovapatsanura pana Mwari uye zvovakonesa kuti Mwari anzwe minamato yavo. Vanonamatira chino nechino, asi zvitadzo zvavo hazviperi zvinoramba zviripo. Vanopedzisira voreurura zvitadzo zvavo, voita rupinduko rwekudarika kwavo kwose kwemakore gumi apfuura, kweamwe gumi nerimwe, kana kusvika pamakore makumi maviri.
Zvinoda kuti varambe vachipinduka nguva nenguva paminamato yavo here? Nemhaka yei vachizviita izvozvo? Havadi kuita zvakadaro, asi pose pavanotanga kunamata vanobva varangarira kuti vane mhosva pamberi paMwari. Nokudaro vanoona zvichiita kuti varipire zvitadzo zvavo vasati vanamata zvakasimba.
Mwari vanonyora nepeni yamatare, nemuromo wedhaimondi pahwendefa yemwoyo yavo kuti zvitadzo zvavo zvigorega kudzimwa. Nokudaro vanonzwa kuti vanofanira kureurura zvitadzo zvavo nguva dzose pavanouya kuna Mwari. Naizvozvo vose avo vanotenda muvhangeri raJesu risina kukwana vachararama vari vatadzi vanotambudzika vozopedzisira vave mugehena.
Muna Jeremiya 17:1, makanyorwa kuti, “Zvitadzo zvaJudha zvakanyorwa nepeni yamatare, nemuromo wedhaimondi, zvakatemwa pahwendefa yemwoyo yavo napanyanga dzamaAtari enyu.”
Judha izita rerudzi rweumambo rwevanhu veIsiraeri. Bhaibheri rinotora Judha kuti amirire marudzi ose nokudaro Judha zvinoreva munhu wose.
Zvitadzo zvaJudha zvinonyorwa nepeni yematare nomuromo wedhaimondi zvotemerwa pahwendefa. Dhaimondi ihwendefa rakasimba chose panyika pano. Nepeni yematare ine murom o wedhaimondi, zvitadzo zvedu zvinonyorwa.
Kana zvichinge zvatemerwa, hazvichadzimiki, hazvidzimiki kunze kwekutoti tatenda muchokwadi chemvura nemweya.
Hazvibatsiri kuti veregererwe mupfungwa dzavo, kutenda mumagwaro nedudziro dzezvikirisito, kuziva nemusoro ongororo dzezvitendero, vachizvipira kunezvemakereke kana chitadzo chichingove mumwoyo hapana kwazvakananga.
Sezvo zvitadzo zvavo zvisingadzimiki nokuda kwekusatenda mukubhabhatidzwa kwaJesu. Vatadzi vanoramba vachingozvirangaira, vachiti, “Jehovha, ndiri mutadzi,” kana vachinamata. Vanenge vachingove nezvitadzo mumwoyo yavo zvisineyi nokuti vanoda kuedza kuita ukama hwakadii naMwari, ivo vachinyanya kusimbirira kunezve makereke, uye nokudzidza vachiita ongororo dzezvitendero nemagwaro azvo.
Nokudaro vanoenda mumakomo avo voedza zvisina basa kutaura nendimi nokutsvaka kuoneswa zviratidzo zvemoto inopfuta. Asi zvose izvi hazvina nemabasa akanaka. Kana zvitadzo zvichiramba zviri mumwoyo wako hauzofi wakawana rugare.
Sokunyorwa kwazvakaitwa muna Jeremiya 17:1, zvitadzo zvedu zvinotemerwa pamahwendefa nepanyanga dzamaAtari edu. Kudenga, kune bhuku roupenyu uye nebhuku remabasa. Zvitadzo zvavatadzi zvinonyorwa remabasa nokudaro vanhu havana kupukunyuka kwavangaita kukanganisa kwose. Mwari anozvinyora mubhuku remabasa uye nepahwendefa yemwoyo yavo uye vanozviratidza kwatiri nomumutemo wavo.
Tinofanira kuchenesa zvinyorwa izvi nokutenda mukubhabhatidzwa kwaJesu uye nropa rake raakadeura pamusoro pedu uye nokuponeswa. Nokudaro tinenge takagadzirira upenyu husingaperi, uye mazita edu achanyorwa mubhuku reupenyu.
ZITA RAKO RIRIMO MUBHUKU REUPENYU HERE?
Mazita ana ani anonyorwa mubhuku roupenyu?
Mazita eavo vasina zvitadzo mumwoyo yavo ndivo vanonyorwa imomo.
Zvakakosha kuti zita rako rive mubhuku roupenyu. Zvino zita rako rakanyorwawo here imomo. Zvinobatsirei kutenda muna Jesu? Kuregererwa kwechokwadi, unofanira kutenda mukuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Jesu akauya panyika pano, akabhabhatidzwa ave nemakore makumi matatu okuberekwa kuti ave anosukwa zvitadzo zvose zvepanyika, uye akafira pamuchinjikwa kuti atidzikinure. Sekunyorwa kwazvakaita muna Mateo 3:15, Jesu akati, “Saizvozvo zvinofanira” akabhabhatidzwa akarovererwa pamuchinjikwa. Tinofanira kutenda mune izvi kuti mazita edu agonyorwa mubhuku roupenyu.
Kana vanhu vakafa uye vomira pamberi paMwari, Mwari vanoti, “Tarisai kana zita romunhu uyu riri mubhuku roupenyu.”
“Hongu ririmo Jehovha.”
“Hongu, wakatambudzika akava nokuchema panyika kuchemera ini, zvino, ndava kuita kuti usachema zvakare.”
Mwari vanopa korona yokururama kumunhu akadaro somugove wake.
“Ndinovonga, Jehovha. Ndinonzwa kufara kusingaperi.”
“Ngirozi inoisa korona pamunhu uyu.”
“Jehovha zvakawanda zvamakandiitira kuti mundiponese, korona iyi yakanyanyisa kwandiri. Ndavonga, ndinofara zvikurusa kuti makandiponesa. Ndinonzwa kugutsikana ndichirarama ndiri pedyo nemi.”
“Ngirozi pfugamai uye mutore mwanakomana wangu wepazviuru gumi, mumubereke kumusana kwenyu.”
Ngirozi dzinobvumira, “Hongu, mambo”
“Hama yangu enda kumusana kwangu.”
“Kune utepfetepfe, ndiri kuita zvinotodzera here, ngatichienda hedu.”
Ngirozi inofamba zvakanaka.
“Unoda kumbofamba famba here?”
“Ha-a, kuno kwakanaka, yakakura zvakadii nzvimbo ino?”
“Ndakafamba nzvimbo ino kwemakore akazanirana, asi handisati ndaona kwainoguma.”
“Ichokwadi here? Ndinenge ndava kukuremera, ungandiburutsa here.”
“Kuno kwatiri hatipererwi nesimba.”
“Ngatirambe tichifamba.”
Halleluah! Vanombundirana nokusekererana vachigara vachifara nokusingaperi.
Parizvino ngatichimboona nezvemunhu anotenda muna Jesu asi achingore mutadzi ofa, omira pamberi paMwari. Anobva ati anotenda muna Jesu uye nokubvuma zvitadzo zvake uye kuti mutadzi.
Mwari vanongoti, “Tarirai muone kana zita romunhu uyu riri mubhuku roupenyu.”
“Harisi kuonenekwa mubhuku umo, Jehovha.”
“Zvino chitarisai mubhuku remabasa.”
“Zita rale nezvitadzo zvake zvirimo.”
“Nokudaro tumirai munhu uyu kunzvimbo yaasinganotamburi nokudhura kuri kuita mafuta ekufambisa, momurega ariko kweupenyu hwake hwose.”
“Ha-a Jehovha, mune tsvete . . .”
Anoti pane tsvete, sei azoendeswa kugehena iye aitenda muna Jesu zvakanakawo kudaro?
Chikonzero ndechokuti akanyengedzwa naSatani uye akakwanisa kuteerera kuvhangeri chokwadi chisina kukwana chevhangeri. Kana tikasanzwisisa chokwadi chinoreva ruregerero rwaJesu, nesuwo tinopedzisira tava kugehena.
Munhu uyu aitenda muna Jesu, asi achinyengedzwa zvakare naSatani uye achiramba achifunga kuti mutadzi. Kuti pamwe dai akanzwa vhangeri rechokwadi, dai pamwe akazviona kuti kutenda kwake hakusiiko. Asi akakundikana kutenda nokuda kwehumbimbindoga huri mumusoro make uye nokutenda kwakarasika.
Kana uchida kupinda kuumambo hwekudenga, unofanira kutenda mukuzvarwa patsva nemvura nemweya. Sokunyorwa kwazvakaita munaMateo 3:15, “Saizvozvo zvakafanira” Jesu akatora zvitadzo zvose zvapanyika. Unofanira kutenda muruponeso rwemvura neropa.
Mazita ana ani akanyorwa mumbuku remabasa?
Mazita avo vane zvitadzo mumwoyo yavo ndivo vakanyorwa imomo.
Kana ukasarudza kutenda mune zvimwewo, somunhu asingagoni kuramba zvaanoudzwa zvisina kunaka, unopedzisira wave kugehena. Kune vakawanda vanhu vakanaka chose kugehena, asi kudenga kune varwi vechokwadi avo vanorwira zvavanotenda mazviri.
Vose avo vari kudenga vaiziva kuti vatadzi vainge vakananga kugehena uye vakava nokutenda kukuru kuti zvitadzo zvavo zvakasukwa naJesu nokubhabhatidzwa kwake uye neropa rake.
Kunonzi kune matutu nematutu enzeve nemiromo kudenga. Nokuti vanhu vazhinji vanotenda mukuregererwa naJesu nomuromo nenzeve chete. Mwari vanorasira mitumbi yavo yose mumwoto wesarufu unopfuta chose.
Kune munhu anotenda muna Jesu, asi aine chitadzo mumwoyo wake omira pamberi paMwari. Uye obva oti, “Jehovha, vanhu vainditi ndakarurama nokuti ndaitenda munaJesu, kunyangwe zvangu ndaive nechitadzo mumwoyo wangu. Ndaitendawo kuti muchanditarisa semunhu asina chitadzo. Izvi ndizvo zvandakadzidza nokutenda mazviri. Ndaitendawo sezvaingoita vanhu vose. Ndiko kutenda kwainge kugamuchirwa kwandakabva.”
Mwari vanopindura vachiti, “Handingakanganwiri avo vane chitadzo mumwoyo yavo. Ndakasuka zvitadzo zvavo zvose nemakomborero ekuzvarwa patsva nemvura nemweya. Asi makaramba kuteerera mazviri. Ngirozi! Kandai munu uyu mugehena remwoto.”
Aninani anotenda muna Jesu asi anoramba achifunga kuti ane chitadzo mumwoyo make achapedzisira ave kugehena. Teererai kuvhangeri rechokwadi rekuregererwa uye mugodzikinurwa kubva kuzvitadzo zvose nepamwepo, munogona kupedzisira mave kugehena.
Kuzviti hauna chitadzo mumwoyo wako, kunyengedza Mwari. Tinogona kuona musiyano uripo pakati pavatadzi nevakarurama. Uchazozviona kuti sei ndichiti wakaregererwa.
Uchaona musiyano uripo pakati pavanotenda mukuregererwa kwakakwana (kubhabhatidzwa kwaJesu uye nerufu rwake ari pamuchinjikwa) neavo vasingatendi kana uchinge wamira pamharadzano dzenzira inoti yokudenga uye neyekugehena. Panoita mutsauko mukuru chose. Vamwe vachapinda kumambo hwekudenga asi vamwe vachakundikana voenda kugehena.
Unotenda muna Jesu here, asi uchingoramba uri mutadzi? Nokudaro unofanira kurangarira kuti unofanira kuzvarwa patsva nemvura nemweya. Mwari vanoendesa avo vane zvitadzo mumwoyo yavo kugehena. Kunze kweavo vanotenda mukanganwiro yakakwana yezvitadzo ndivo vachapinda umambo hwekudenga.
Zviitw izvozvi, ukambozviisa parutivi, kunogona kutove kuri kunonoka. Gara wakagadzirira. Usati waenda kugehena, tanga watenda mururegerero rwemvura nemweya uye ugove wakachenurwa.
Mbiri ngaipiwe kuna Jehovha Jesu! Tinomuvonga nemaropafadzo ake ekuti isu vatadzi tive takarurama. Halleluah!
JESU: MUTSIGIRI WEVAKARURAMA
Zvitadzo zvedu zvinogona here kubviswa nokuda kweminamato yorupinduko?
Kwete, hazvimbofa zvakaita. Ndiyo yedzimwe nzira Satani yaanotinyengedza nayo.
Ngativerengei 1 Johane 2:1-2 “Vana vangu vaduku, ndimokunyorereai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza tinomurevereri kuna Baba, iye Jesu Kirisito wakarurama, ndiye mudikinuri wezvitadzo zvedu; haazi wezvitadzo zvedu chete asi wezvitadzo zvenyika yosewo.”
Uri kuona kuti chii chakanyorwa apa here? Pachine anotenda asi achingove nezvitadzo mumwoyo wake here? Kana uchine chitadzo mumwoyo wako asi uchitaurira Mwari kuti hauna, uri kunyengedza Mwari, uye uri kuzvinyengedzawo zvakare.
Asi kana uchinzwisisa Jesu pachokwadi uye nokutenda munezvaakakuitira zvokusuka zvitadzo zvose pana Jorodhani, unosunungurwa kuzvitadzo zvako zvakaperera. Zvino unogona kuti, “Jehovha ndakazvarwa patsva nemvura nemweya mauri. Handina chitadzo. Ndonomira pamberi penyu ndisinganyari.”
Nokudaro Jehovha vanopindura vachiti, “Hongu, uri pachokwadi. Sokutenda kwaiita Abhurama mandiri uye akatenda kuti wakarurama, naizvozvo wakaruramawo nokuti ndakasuka zvitadzo zvako zvose.”
Asi ngatimbotarisai nezvemunhu ane zitadzo mumwoyo wke kunyangwe achitenda muna Jesu. Anoti, nokuti ndinotenda muna Jesu, ndichaenda kudenga kunyangwe ndine chitadzo chidiki mumwoyo wangu.
Anoda kuti vagamuchirwe kudenga zvokuti anoramba akamira asingadi kubva pamberi pechigaro chohutongo. Asi anongozopedzisira ava kugehena. Nemhaka yei? Haana kuziva makomborero evhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Munhu wose anofanira kupupura kuti mutadzi pamazuva ake ari pano panyika. “Ndiri mutadzi. Ndichaenda kugehena. Ndiponeseiwo.” Mutadzi haaregererwi nokuita minamato yokupinduka. Nokudaro, anofanira kubvuma kuti mutazi uye anogamuchira ruregerero rwemvura nemweya kuti adzikinurwe. Anogona kuve wakarurama chete nokuda kweruregerero rwmvura nemweya.
Ivhangeri remanyepo kuramba tichiti zvitadzo zvemavambo chete ndizvo zvinokanganwirwa naJesu uye tinofanira kureurura zvitadzo zvedu chaizvo zvatinopara kuti tigowana ruponeso. Izvi zvinotitungamirira kugehena chaiko. Vatendi vazhinji vanozviparadza pachavo nokuenda kugehena nokuda kwekutenda muvhangeri remanyepo iri uye chiitiko ichi chiri kunyanya kukura pamazuva ano.
Unogona kuzozviziva mushure mokunge wawira muvhangeri remanyepo iri here? Ungave uchine chikwereti here kunyangwe mushure mokubhadhara chikwereti chacho? Funga nezvazvo izvi. Kana uchiri kuzviti mutadzi asi iwe uchitenda muna Jesu, zvisinganzi unotenda maari nemazvo here? Uri mutendi zvose nokuve mutadzi here kana kuti mutendi uye munhu akarurama?
Unogona kuzvisarudzira izvi pachako. Unogona kutenda kuti zvitadzo zvose zvakakanganwirwa, kana kuti unogona kutenda kuti unofanira kureurura zvitadzo zvako zuva nezuva. sarudzo yako ndiyo ichakuratidza kuti unoenda kugehena here kana kuti unoenda kudenga. Unofanira kuteerera vaparidzi vanokuudza vhangeri rechokwadi.
Vose avo vanotenda muvhangeri remanyepo vanoramba vachinamatira kanganwiro yezvitadzo zvavo panguva dzeminamato yamambakwedza, paminamato yechitatu yega yega, kumunamato wechishanu manheru nechinangwa chokuti vasukwe zvitadzo zvavo.
“Jehovha, ndakatadza, ndakatadza vhiki ino” vanodaro. Nokudaro vanorangarira zvitadzo zvemakore nemakore uye vonamata zvakare kuti vakanganwirwe. Ndiko kushora vhangeri rakakomborerwa remvura nemweya.
Zvitadzo zvedu zvinofanira kuripirwa neropa. VaHebheru 9:22 inoti, “Pasi kudeura ropa hapana kukanganwirwa.” Kana uchifunfa kuti une chitadzo, zvino uchiri kukumbira kuti adeure rimwe ropa pamusoro pakozve? Avo vasingatendimukuregererwa kwakazara vane mhosva yokuramba ruregerero rwaJesu vachiruita rwenhema. Vanorambira pakuti Jesu haana kutidzikinura kamwe kwenguva dzose uyezve vachimuti murevi wenhema.
Kuti uregererwe muna Jesu, unofanira kutenda mukuregererwa kwechokwadi nemvura nemweya. Zvingaita here kuti ukanganwirwe nokuda kwemaza nemazana yeminamato? Vhangeri rechokwadi rakatiregerera kamwe kwenguva dzose. Iva wakarurama, enda kuumambo hwekudenga uye ugogara upenyu hwakarurama kwenguva dzose.
♪Ndave kurarama upenyu hutsva muna Jesu. Zvakare zvakapera uye ndave chisikwa chitsva. Nguva yakapedzerwa pasina yakapfuura. Ho, Jesu ndiye upenyu hwangu hwechokwadi. Ndave kurarama upenyu hutsva muna Jesu♪.
unorarama upenyu hutsva muna Jesu. Zvisinei nokuti unoratidzika kuve wakanaka kumeso sezvaunoda kuve, zvisinei kuti uri mupfupi, kana kuti mutete zvishoma kana kuti mukobvu ari pakati nepakati, vose avo vakakomborerwa nevhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya vanorarama upenyu hunofadza. Zingava nebasa here kuti mhino yako haina kumira zvakanaka, kana kuti uri mupfupi zvishomana. Nokuti hatina kururama tose, tinoponeswa nokutenda mukuzvarwa patsva nemvura nemweya zviri muna Jesu. Asi avo vose vanozvitutumadza vanopedzisira vavekugehena.
Ndinovonga, Jehovha. Ndinogara ndichipa kuvonga kuna Jehovha, nokuti tinotenda mukuzvarwa patsva nemvura nemweya, tichagamuchirwa kudenga.
ZVEMANYEPO ZVINOTITUNGAMIRIRA KUGEHENA
Nokupedzisira ndiani achawana korona yokururama?
Ani nani uyo anokwanisa kukunda zvemanyepo.
Zvemanyepo zvinotitaurira kuti tinofanira kupinduka zuva nezuva kuti tikanganwirwe, asi vhangeri remvura nemweya rinotitaurira kuti takatokanganwirwa zvakakwana changosara chete kutenda mazviri.
Chokwadi ndechipi? Tinofanira kupinduka here zuva nezuva? Kana kuti zvinokodzera here kuti titende kuti Jesu akatidzikinura apo paakabhabhatidzwa nenzira inofanira kuti atore zvitadzo zvedu zvose kamwe kwenguva dzose nezira kwayo yakaita kuti tive neruponeso.
Tinofanira kukunda zvemanyepo muhondo yepamweya vanhu vazhinji vari kutevera zvemanyepo. “Nyorera mutumwa wekereke iri pagomo uti, zvanzi naiye unomunondo, unopinza, unocheka kwose: Ndinoziva paunogara uye nemabasa ako, ndipo pane chigara choushe chaSatani; wakabatisisa zita rangu, ukasaramba kutenda kwangu, chapupu changu munhu wanguwakatendeka wakaurawa pakati penyu, apo panogara Satani.” (Zvakazarurwa 2:12-13).
“Unokunda, ndichamupa mana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzva rakanyorwapo, risingazivikanwi nomunhu, asi naiye unoripirwa” (Zvakazarurwa 2:17).
Panogara mweya yakaipa mizhinji uye manyepo ndipo paanenge akamira ipapo kuedzesera kunge chokwadi, Satani anobva aratidzika achiita kunge mutumwa anobwinya. Mwari haabatsiri uyo anonzwa nokuziva chokwadi cheruponeso rwmvura nemweya asi asingatendi machiri; zvirokwazvo munhu akadaro anopedzisira ave kugehena.
Munhu wese anofanira kuzvifungira pachake kuti otenda muruponeso rwaJesu. Hakuna anokupfugamira, achikumbira kuti utende uye nokudzikinurwa.
Kana uchida kuponeswa kubva kuzvitadzo, naizvozvo tenda muruponeso rwemvura nemweya. Kana uchinzwa kuda kuvonga rudo rwake ruri muruponeso uye nerukudzo mukutiponesa. Naizvozvo tenda mazviri. Kana uri mutadzi akatarisana negehena, nokudaro tenda mumvura nemweya, rubhabhatidzo rwaJesu uye nerufu rwake ari pamuchinjikwa. Naizvozvo uchava wakarurama.
Kana uchifunga kuti hausi mutadzi haufaniri kuregererwa nokutenda muna Jesu. Vatadzi chete ndivo vanodzikinurwa kubva kuzvitadzo zvose nokutenda muvhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya. Jesu ndiye muponesi wevatadzi uye muyananisi wevanotambudzika. Ndiye musiki. Ndiye mambo werudo.
Ndinokukurudzirai kuti mutende muvhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya. Tenda mazviri. Unove nechokwadi kuti Jesu achava muponesi wako, shamwari, mufudzi iye naMwari kwauri. Vatadzi vanofanira kutenda muna Jesu. Kana usingadi hako uchapedzisira wave kugehena unofanira kutenda mazviri. Mwari haatikumbiri kuti titende muvhangeri reruponeso.
Unoda kugamuchirwa kudenga here? Zvino chitenda muvhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya. Jesu akati, “Ndini nzira, chokwadi neupenyu tendai mandiri.” Uri kuti unoda kukandwa kugehena here? Kana zvakadaro rega hako kutenda. Anoti akatotigadzirira nzvimbo yako kugehena kare.
Mwari havakumbiri. Mutengesi anogamuchira munhu wese asingasarudzi achiitira kuti zvinhu zvake zvigowana vanotenga, asi Mwari vanopa umambo hwavo hwekudenga pachena pasina muripo asi kune avo chete vakaregererwa. Mwari wakarurama.
Vanhu vanoti kuguma kwenyika kwave pedyo. Hongu, neniwo ndinofunga sokudaro. Uye ufuza kusatenda muvhangeri rechokwadi rekuzvarwa patsva nemvura nemweya.
Tenda muruponeso rwakakomborerwa rwevhangeri rekuzvarwa patsva nemvura nemweya. Ngatiendei tose pamwe chete kuumambo hwekudenga. Hamuendi neni kunogara panzvimbo yaJesu here?
Uri mutadzi kana kuti munhu akarurama?
Munhu akarurama asina chitadzo mumwoyo make.
Ngativerengei kubva kuna vaRoma 8:1-2. “Naizvozvo hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kirisito Jesu. Nokuti murairo wemweya woupenyu muna Kirisito Jesu wakandisunungura pamurairo wezvitadzo noworufu.”
Jesu akatora zvitadzo zvedu zvose nokubhabhatidzwa kwake uye nerufu rwake ari pamuchinjikwa. Akaponesa vatadzi vose avo vainge vakatarisana nokutongwa pamusoro pezvitadzo zvavo.
Ruponeso rwaMwari rune zvinhu zviviri. Chokutanga murairo uye chepiri rudo. Murairo unotiratidza kuti tiri vatadzi sezviri pamutemo, mubairo wezvitadzo rufu. Hatingaponeswi nemurairo, unotidzidzisa chete nezvekutadza kwedu uye nematambudziko ari mberi anoita kuti tizive kuti tiri vatadzi.
Kuti aripire mubayiro wezvitadzo, Jesu akatoita kuuya pasi pano, akatora zvitadzo zvedu zvose akazviripira noupenyu hwake kuti atiponese kubva pakutongwa. Rudo rwaMwari ndirwo rwakatiponesa kubva kuzvitadzo zvose.
Tinofanira kukunda manyepo Mwari vakatipa makomborero ekuzvarwa patsva nemvura nemweya kune avo vanenge vakunda manyepo.
Tinoponeswa nokutenda muna Jesu nokutenda mumashoko ake. Tinowana kururama uye nokunzwisisa chokwadi. Tendai muchokwadi chokuzvarwa patsva nemvura nemweya mumwoyo yenyu, uye muchaponeswa.