(Mabasa 1:4-8)
“Akavaraira avungana navo kuti varege kubva Jerusarema, asi vagarire chipikirwa chaBaba, achiti; chiya chamakanzwa kwandiri, nokuti Johane, zvirokwazvo wakabhapatidza nemvura; asi imi muchabhapatidzwa noMweya Mutsvene, mazuva mazhinji asati apera. Zvino ivo vakati vavungana, vakamubvunza vachiti; ‘Ishe modzosera vushe kuna VaIsraeri nenguva ino here?’ Akati kwavari: ‘Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo. Asi muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene wavuya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu paJerusarema, napaJudea rose, napaSamaria, nokusvikira kumugumo wenyika.’”
Ko kugara kweMweya Mutsvene chipo chinobva kuna Mwari here kana kuti kunopiwa nokuda kwekushereketa kwemunhu pachake?
Chipo chinopiwa kumunhu anenge agamuchira kuregererwa kwezvivi zvake, uye kune chirevo chekuzadziswa kwechipikirwa chaMwari.
Ndakambove neshwiro yokugamuchira marimi echinhu chakaita soMweya Mutsvene kuburikidza nokunyengetera. Asi marimi aya haana kugara kwenguva refu, ndokubva ave nokudzima pasina nguva, pamusaka pezvivi izvo zvakaramba zvichivungana. Asivo, zvino ndinoda kukuratidza zvokwadi pamusoro poMweya Mutsvene, uyo achava nokugara matiri nokusingaperi, kwete kuburikidza neMweya yenhema, iyo inodzimurwa zviri nyore nechivi; asi kuburikidza neevhangeri yezvokwadi. Mweya Mutsvene uyo wandichasuma kwauri, parizvino, kuburikidza nemharidzo ino, haasi chimwe chinhu chaungagona kugamuchira kuburikidza neminyengetero, asi kuburikidza badzi nokutenda kuevhangeri yemvura noMweya.
Ndinoda kukutungamira kuti uve nokugamuchira [1]kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza nebhuku rino. Muchava nekuona kuti Mweya Mutsvene anofuridzira mharidzo iyo yandiri kupa kwamuri. Chishuvo chaMwari chakatsarukana, chekuti isu tigamuchire kugara kweMweya Mutsvene panguva dzino. Unogona kudzidza pamusoro pokugara kweMweya Mutsvene, uye kuva nekumugamuchira, kuburikidza nebhuku rino. Kana bhuku rino risingakukwanire, ndinokuyambira kuti umbove nokuverenga mamwe mabhuku maviri andakadhindiswa mumashure merino. Unofanira kuve wakagamuchira kutenda kwakakwana pamberi paMwari kuburikidza nemabhuku aya.
|
[1] Mweya Mutsvene anogara mumoyo yevakazvarwa patsva, avo vakaregererwa pazvivi zvavo zvose kuburikidza nekudavira kuevhangeri yemvura noMweya. Kana angouya mukati memutsvene, anova nokugara maari nokusingaperi, uye haazombomusiye, kana badzi achingotenda kuevhangeri. Anopa ziviso kuvatsvene, uye anovatungamira kuti vave nekuziva kuda kwaMwari kuri muBhaibheri, anovasimbisa kuti vave nokukunda zviedzo pamwe nezvigozhero zvinomomota munyika muno, agozovaita kuti vaite zvibereko zvoMweya zvizhinji. Mwari vanopa kuhwinya kumuviri wemutsvene, setembere yaMwari, kuburikidza nekugara kweMweya Mutsvene (Mabasa 2:38-39, Johane 14:16, 16:8-10, 1 Vakorinte 3:16, 6:19, VaGaratiya 5:22-23).
|
VaKristu vazhinji vari kuedza kugamuchira Mweya Mutsvene sekudzika kwaakaita pavadzidzi vaJesu paZuva rePentekosta. Vamwe vanhu vakava nokuwana mari zhinji kwazvo kuburikidza nekuita bindupindu nenzira iyi. Vanonyepedzera kuti Mweya Mutsvene ndechimwe chinhu chinogona kuwanikwa kuburikidza nekushereketa kwemunhu. Vanoda ivo kuva nokuita zvirotso, kuita zviratidzo, kunzwa inzwi raJesu pachake, kutaura nendimi, kuporesa marwere pamwe nekudzinga madhimoni. Asivo, vatori nezvivi mumoyo yavo, uye vari kutoshandiswa nemweya yakaipa (VaEfeso 2:1-2). Kunyange nazvino, vanhu vazhinji vanoramba vachingorarama vasingazive kuti vari pasi pesimba remweya yakaipa. Ndiko kusaka Satani achiva nokukwezva uye achinyengedza vanhu achishandisa mhando dzose dzemitoo; dzakaita sezvishamiso nezviratidzo izvo zvingori miono yenhema badzi.
Jesu akaraira vadzidzi vake kuti “varege kubva Jerusarema, asi vagarire chipikirwa chaBaba” (Mabasa 1:4). Kugamuchirwa kweMweya Mutsvene kwakaratidzwa munaMabasa hakuna kuuya kuburikidza “neshwiro,” “nekuzvipira” kana “neminyengetero yekuregererwa,” asi kuburikidza “nekumirira chipikirwa chaBaba” chekupa Mweya Mutsvene kwavari. Chatinofanira kudzidza kubva mundima iyi ndechekuti, kugara kweMweya Mutsvene hakuiitike kuburikidza neminyengetero yakaperera inoitwa nevanhu. Chipo chaMwari, icho chinogona kuwanikwa kuburikidza badzi nokutenda kwakakwana kuevhangeri yemvura noMweya, iyo yakapiwa kuvanhu naMwari Baba pamwe naJesu Kristu. Kugara kweMweya Mutsvene kwechokwadi kunoitika kuburikidza nokutenda kuevhangeri iyo yatakapiwa naJesu Kristu. Mwari vakatipa zvokwadi yemvura noMweya, kuti tikwanise kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene (1 Johane 3:3-5).
Mutsetse wekuti “Chipikirwa cheMweya Mutsvene” unoratidzwa pakawanda muTestamente Itsva. Pita akataura, mumharidzo yake (Mabasa 2:38-39) pamusoro pebhapatidzo yeMweya Mutsvene, paZuva rePentekosta, achiti, “Chipikirwa chaMwari chekuti vape Mweya Mutsvene kune avo vagamuchira kuregererwa kwezvivi nekuda kwekudavira kuevhangeri yakaisvonaka.”
Kugara kweMweya Mutsvene chipo chinopiwa kune avo vanogamuchira kuregererwa kwezvivi zvavo, uyevo makuri mune chirevo chekuzadziswa kwechipikirwa chaMwari. Mweya Mutsvene, muTestamente Itsva, hausi chinhu chinowanikwa kuburikidza nekuyanana pakati paMwari nevanhu, asi chipo chakapikirwa kubva kuna Mwari. Naizvozvo, kugara kweMweya Mutsvene, sezvakaratidzwa muna Mabasa, hakusi chimwe chinhu chingagona kuwanikwa kuburikidza nemunyengetero (Mabasa 8:19-20).
Mweya Mutsvene anouya pamusoro peavo badzi vanodavira kuevhangeri yemvura noMweya, yatakapiwa naJesu. Jesu akavimbisa kuzotumira Mweya Mutsvene kuvadzidzi vake, kuti vakwanise kuwana kugara kweMweya Mutsvene. “Nokuti Johane, zvirokwazvo, wakabhapatidza nemvura; asi imi muchabhapatidzwa noMweya Mutsvene, mazuva mazhinji asati apera” (Mabasa 1:5). Saka vadzidzi vake vakamirira kuzadziswa kwechipikirwa chaMwari.
Kuburikidza nokucherechedza kudavira kweavo vemuBhaibheri vakave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, tinoona kuti kwakaitika zvisiri nekuda kwekushereketa kwavo asi nokuda kwekuda kwaMwari. Kugara kweMweya Mutsvene, uko kwakauya pamusoro pevadzidzi, muna Mabasa hakuna kuitika nekuda kwekushenaira kwevanhu kana nemadambu epamweya.
Kuuya kweMweya Mutsvene pamusoro pevadzidzi vake kwakazozadzikiswa munguva pfupi, sezvazvakanyorwa muna Mabasa. Kwakave sezvakanga zvarehwa naJesu, kuti “mazuva mazhinji asati apera.” Iyi yakave ropafadzo yekutanga panguva yekereke yokuvambira. Kuburikidza nokucherechedza paMagwaro, tinogona kuona kuti chipikirwa chaMwari hachina kuve nokuzadziswa kuburikidza nekutsanya, neminyengetero kana kuzvipira kwemunhu, asi kuti kuburikidza nokutenda kuna Jesu. Mushure meKukwira kwaJesu, vatendi vakagamuchira kuregererwa kwezvivi uyevo nekugara kweMweya Mutsvene, panguva imwechete.
Mweya Mutsvene akauya pavadzidzi vaJesu pakarepo kubva kuDenga!
“Zvino Zuva rePentekosta rakati rasvika, vakanga vakaungana vose pamwe chete panzvimbo imwe” (Mabasa 2:1) Vadzidzi vaJesu vakaungana pamwe chete vachimirira kuzadziswa kwechipikirwa chaMwari chekutumira Mweya Mutsvene kwavari. Mweya Mutsvene akazobva auya pamusoro pavo, pakupedzisira.
“Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga, kukazadza imba yose mavakanga vagere. Vakavona vo ndimi dzichiparadzana, dzinenge dzomoto, ndokumhara pamusoro pemumwe nemumwe wavo. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo noMweya kureva” (Mabasa 2:2-4).
Mweya Mutsvene wakauya kwavari “pakarepo kubva Kudenga.” Pano, shoko rekuti “pakarepo” rinoreva kuti zvakaitika kusiri nokuda kwekuda kwemunhu. Zvakare, mutsetse wekuti “kubva Kudenga” unotsanangura kwakange kwabva Mweya Mutsvene, uyevo unovhara pfungwa yekuti kugara kweMweya Mutsvene kunogona kuwanikwa kuburikidza nekuda kwemunhu kana edzesero yake. Mutsetse wekuti “kubva Kudenga” unoratidza kuti, kuti Mweya Mutsvene anokwanisa kuwanikwa kuburikidza neminyengetero murandu wekunyengedza.
Mune mamwe mazwi, kutaura kwekuti Mweya Mutsvene akauya pakarepo kubva Kudenga, kunoreva kuti kugara kweMweya Mutsvene hakuitike kuburikidza nenzira dzenyika, dzakaita sekutaura nendimi kana kuzvipira kwemunhu. Pakutanga, vadzidzi vaJesu vaitaura nendimi kuti vave nokuparidzira evhangeri kuvanhu vaibva kumarudzi ose. Chikonzero cheizvi chaiva chekuti vakwanise kuparidzira evhangeri kuvaJuda, avo vakanga vachitaura zvirudzi zvekune dzimwe nyika, mumitauro yavo vachibetserwa noMweya Mutsvene. Vanhu vaibva kumarudzi ose vakaona ari mananara kuti vakanga vanzwa vadzidzi vachitaura nendimi dzemitauro yavo, nokuti vazhinji vevadzidzi vaibva Gaririya.
“Vakavonavo ndimi dzichiparadzana, dzinenge dzemoto; ndokumhara pamusoro pemumwe nemumwe wavo. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo noMweya kureva” (Mabasa 2:3-4). Pano tinofanira kunyanyobatisisa mutsetse unoti, Mweya Mutsvene “akamhara pamusoro pemumwe nemumwe wavo.” Vadzidzi, apo vakanga vakamirira kuuya kweMweya Mutsvene, vari pamwe chete, vakanga vachidavira nechekare kuevhangeri yekuzvarwa patsva nemvura noMweya.
VaKristu vazhinji, vemazuva ano, havanyatsonzwisisa chikamu ichi chendima, vachiva nokudavira kuti kuuya kweMweya Mutsvene kunoitika nekamuhonyera kakaita sekuvhuvhuta kwemhepo, apo pavanenge vachinyengetera. Asivo, kusanzwisisa uku, pamusoro poMweya Mutsvene, kunouya kubva mukusaziva pamwe nekuvhiringika. Ko Mweya Mutsvene anoita mahonyera akadaro here kana achiuya pamusoro pevanhu? Kwete, haadaro.
Zvinenge zviri kunzwika nevanhu nenzeve dzavo mahonyera anoitwa naSatani apo anenge achiteteza moyo yevanhu. Anoita mahonyera aya apo anobata nemiono yenhema, manzwi ekuedzerera pamwe nezviratidzo zvenhema nechinangwa chekuchurika vanhu mukusanzwisisa kuburikidza nekunyepedzera kuve Mweya Mutsvene. Vanhu vanokanganisa vachiona zvinhu izvi sehumbowo hwekuuya kweMweya Mutsvene. Vanhu vanofungavo kuti Mweya Mutsvene unouya nekamuhonyera kanoti “Suihhh~”, kakaita sekemhepo ine simba. Vari kurasiswa namadhimoni. Kuuya kweMweya Mutsvene sezvakanyorwa muna Mabasa, kwakakwanisika badzi kuburikidza nekutenda kuevhangeri yakaisvonaka.
Kutenda kwaPita kwakanga kwakakwanira, kuchimutendera kuti ave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene
Kuburikidza nekusimbisa, nebefu, zviitiko zvePentekosta yekutanga muna Mabasa 2, Mwari vanoda kusimbisa chokwadi chekuti Mweya Mutsvene wakauya kwavari nekuti vaidavira nechekare kuevhangeri yemvura neMweya. Asi kazhinji vanhu vanowanzofunga “Pentekosta” senguva iyo Mweya Mutsvene anova nokudzika kubva kudenga uine zviratidzo zvinoshamisa pamwe nemahonyera ane ruzha rukuru.
Ndiko kusaka mazuva ano, mumisangano yekumutsidzirana, kuchidavirwa kuti munhu anogona kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza neminyengetero yakaperera, nekutsanya, kana kuisa maoko. Mananara akaita sekugarwa namadhimoni, kana kufenda, kana kuzviisa mukati merukope kwemazuva akati kuti, kana kubvunda zvisina gadzikano haasi mabasa eMweya Mutsvene.
Mweya Mutsvene munhu anonzwisisa uye haavi nokucherechedza hunhu hwemunhu. Haaite hunhu hwekuvirima kumunhu nekuti ndiMwari Umwe ane hungwaru, madengetera, pamwe nechido. Anouya kuvanhu kana badzi vachidavira kumashoko eevhangeri yemvura noMweya (Mabasa 2:38).
Pita akapupura kuti Mweya Mutsvene akanga auya pamusoro pavadzidzi sekudomera kwamuprofita Joere. Kwakanga kuri kuzadziswa kwechipikirwa chaMwari; icho chaiti, Mweya Mutsvene achawira pane avo vanogamuchira kuregererwa kwezvivi zvavo. Mune mamwe manzwi, kugara kweMweya Mutsvene kunopiwa kune avo vanodavira kuzvokwadi yokuti Jesu akabhapatidzwa naJohane, akave nokuroverwa, kuti ave nokuponesa vanhu vose pazvivi zvavo. Mharidzo yaPita, pamwe nechiprofita chaJoere, zvinotiratidza kuti tinofanira kuziva kuti sei Jesu akave nekubhapatidzwa, uye kuti sei tichifanira kudavira kwazviri. Kuziva zvokwadi iyi kunotungamira vaKristu kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene.
Unodavira here kuevhangeri yakaisvonaka iyo yaifakazwa kwairi naPita? (1 Pita 3:21). Kana kuti, uchiri here nekudavira kusina maturo uye kwemashiripiti, uko kusingakodzeri paevhangeri yakaisvonaka? Unoedza kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nekuita kwako here, usingatori mazano aMwari? Kunyange kana munhu achidavira kuna Mwari uye achiita minamato yokuregererwa, netariro yokuti zvivi zvake zvive nekushambidzwa, hakuna imwe nzira yokugamuchira nayo kugara kweMweya Mutsvene kunze kwekudavira kuevhangeri yemvura noMweya.
Ko uchakangomirira here kugara kweMweya Mutsvene, nyangwe zvazvo usina ruzivo rweevhangeri yemvura noMweya? Unoziva here zvokwadi yezvinoreva bhapatidzo yaJesu, uye neropa rake paMuchinjikwa, izvo zvinoita kuti Mweya Mutsvene ave nokugara mumoyo mako? Unofanira kuziva kuti kugara kwoMweya Mutsvene kunokwanisika kana badzi uchidavira kuevhangeri yemvura noMweya. Kugara kweMweya Mutsvene, kwazvokwadi, kunogona kutenderwa kune avo badzi vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya. Tinotenda Mwari nekutipa evhangeri yavo yemvura noMweya, iyo inotiita kuti tive nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene.