• All e-books and audiobooks on The New Life Mission website are free
  • Explore multilingual sermons in global languages
  • Two new revised editions in English have been released
  • Check out our website translated into 27 languages
Search

Sermons

Musoro 8 : Mweya Mutsvene

[8-2] Ko Munhu Angagona Kutenga Mweya Mutsvene Zvamazvirokwazvo Here Nokuda Kwesimba Rake? (Mabasa 8:14-24)

(Mabasa 8:14-24)
“Zvino vaApostora vaiva paJerusarema, vakati vanzwa kuti vaSamaria vakanga vagamuchira shoko raMwari, vakatuma Petro naJohane kwavari. Ivo vakaburukirako vakavanyengeterera kuti vapiwe Mweya Mutsvene; nokuti wakanga asina kuburikira pamusoro pemumwe wavo; vakanga vangobhapatidzwa muzita raShe Jesu badzi. Ipapo vakaisa maoko avo pamusoro pavo, vakapiwa Mweya Mutsvene. Zvino Simoni wakati achivona kuti Mweya Mutsvene wapiwa nokuiswa kwamaoko avaApostora, akavuya kwavari nemari, achiti: ‘Ndipeivo simba iri, kuti wandinenge ndichiisa mavoko pamusoro pake, apiwe Mweya Mutsvene.’ Zvino Petro akati kwaari: ‘Sirveri yako ngaiparadzwe newe, nokuti wakafunga kutenga chipo chaMwari nemari. Hauno mugove, kana chikamu, pachinhu ichi, nokuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari. Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako, ukumbire kunaShe, kuti zvimwe ukanganwirwe murangariro wemoyo wako. Nokuti ndinovona kuti wapinda munduru inovava, napakusungwa kusakarurama.’ Simoni akapindura, akati: ‘Mundikumbirire imi zvikuru kunaShe, kuti ndirege kuwirwa nechimwe chaizvozvo zvamareva.’”
 
 
Ko munhu angagona kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nokuiswa mavoko here?
Anofanira kutodavira kuevhangeri yemvura noMweya.
 
Ndichidzambira parugwaro rwapamusoro, ndinoda kupa mharidzo pamusoro pokuti “munhu angagona kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza nesimba rake here?” Panguva yekereke yokuvambira, vaApostora vakagamuchira simba kubva kuna Mwari, ndokubva vatumirwa kunzvimbo dzakasiyana siyana, navo. Muna Mabasa, mune zviitiko zvemanenji zvakati kuti, chimwe chacho chiri chokuburukira kweMweya Mutsvene pamusoro pevatendi, apo vaApostora vakaisa mavoko avo pamusoro pavo. Bhaibheri rinoti, “Zvino vaapostora vakaisa mavoko avo pamusoro peavo vakanga vasinokugamuchira Mweya Mutsvene, kunyange zvazvo vachitenda kuna Jesu, vakagamuchira Mweya Mutsvene.”
Saka zvino vakave nokugamuchira Mweya Mutsvene sei, kuburikidza nokuiswa mavoko? Panguva iyoyo, mashoko aMwari akanga achiri kunyorwa uyevo basa rakanga risati rapedzwa; saka Mwari vakapa vaApostora masimba akatsarukana ekuti vabate basa ravo. Vakanga vaine vaApostora, uye vakave nokuita zviratidzo nezvishamiso zvizhinji, kuburikidza navo. Yakanga iri nguva yakatsarukana, apo Mwari vakaita zvishamiso nezviratidzo izvo zvaikwanisa kuvonekwa nameso evanhu, kuitira kuti vaite kuti vanhu vadavire kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari, uye ndiye Muponesi. Pakanga paine faniro yokuti Mwari, pamwe nevaApostora, varatidze basa roMweya Mutsvene zvine masimba, kuitira kuti vave nokufakaza kuti Jesu Kristu ndiMwari, uye kuti ndiye Mwanakomana waMwari, anova Muponesi. Kana dai Mweya Mutsvene akanga asina kubata kuburikidza nezvishamiso nezviratidzo, panguva yekereke yokuvambira, hakuna munhu angadai akatenda kuti Jesu ndiye Muponesi.
Asivo, nhasi uno, hazvisisina kufanira kuti tive nokugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nezvishamiso nezviratidzo zvinovonekwa, nokuda kwekuti Bhaibheri rakave nokupedzwa. Pachinzvimbo chokudaro, kugara kweMweya Mutsvene zvino kunodzambira pakutenda. Mune mamwe manzwi; pakudavira kuevhangeri yezvokwadi. Mwari vanopa kugara kweMweya Mutsvene kune avo vane kutenda kuevhangeri yezvokwadi, pamberi paMwari. Kugara kweMweya Mutsvene kunoitika kune avo badzi vanodavira kumashoko aMwari, sekuzadziswa kwaakaitwa nekuuya kwaJesu munyika muno, uye nebhapatidzo yake neropa rake.
Mazuva ano, vafundisi vazhinji vanodzidzisa vatendi kuti mananara anooneka ezvishamiso ndizvo zviratidzo zvekugara kweMweya Mutsvene. Uyevo, vanotungamira vatendi kuti vagamuchire Mweya Mutsvene nenzira imweyo. Vanonyengedza vanhu kuburikidza nokuvapa dzidziso dzenhema, dzakadaro sokuti; kutaura nendimi chiratidzo chokuuya kweMweya Mutsvene. Vafundisi ava vanozvitora sevaapostora avo vanoita zvishamiso nezviratidzo zvikuru, uye vanokwezva vatapatiri vechitendero, avo vanoda kusangana naMwari kuburikidza nemadengetera avo.
Hunyau-nyau uhu hwakave nokupararira kuvaKristu vakaburukidza pasi rose, uyevo ruzhinji rwavo rwunotevera kudavira kwavo, ruchiva nokugamuchira mweya yakaipa, kuburikidza nenzira dzemashiripiti. Kunyange naparizvino, vanhu avo vakave nokudzimaidzwa nehunyau-nyau hwechitendero vanofunga ivo kuti vanogona kuita kuti vamwe vave nokugamuchira Mweya Mutsvene, kuburikidza nekuisa kwemavoko.
Asivo; saSimoni, uyo wakanga akadzimatidzwa, vakangofanana nen’anga iyo yataverenga murugwaro rwapamusoro. Vakakorwa nekugutswa kwavo kwepauzima, nemachivachiva; asi zviito zvavo zvose zvinongokonzera kuvhiringidzika badzi pakati pevanhu. Dzidziso yenhema yemutoo uyu inofuratira kubva panzira yezvokwadi yokugamuchira nayo kugara kweMweya Mutsvene.
Kunyange naparinhasi, vaprofita venhema vanobata basa raSatani kuburikidza nezvirau zvechitendero zvenhema, vachinyepedzera kuita basa roMweya Mutsvene. VaKristu vezvokwadi vanofanira kubatira pashoko raMwari; ruzivo urwo rwunova nzira badzi yokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene nayo. Avo vanozviti ivo MaPentekosta, avo vanoisa simbaradzo huru pakusangana kwepanyama kweMweya Mutsvene, vanofanira kusiya kudavira kwavo kusina maturo, vagove nokudzokera kumashoko aMwari, vachiva nokudavira kuzvokwadi; iyo inovasvitsa, zvamazvirokwazvo, pakugara kweMweya Mutsvene.
Simoni aive n’anga yakakurumbira kwazvo paSamaria, panguva idzodzo. Mushure mekunge avona vadzidzi vaJesu vachiita kuti vanhu vave nokugamuchira Mweya Mutsvene, akaronga kutenga Mweya Mutsvene nemari. Vanhu vane kutenda kwemhando iyi vanobva vave nhapwa dzaSatani, zvisingadzivirike; vachiva nokushandiswa naye kuita basa rake. Simoni akada kugamuchira Mweya Mutsvene, asi chido chake chaisava chinhu asi kukarira chete. Tinogona kuvona kuti kutenda kwemhando iyi hakusi kutenda kwezvokwadi; kunova nokugamuchirisa Mweya.
Simoni akaedza kutenga Mweya Mutsvene nemari; mukudokwairira kwake, kwehumberera, kusimba ravo. Akadziviswa, zvakakasharara, nemuranda waMwari, Pita, nokuda kwechikonzero ichi. Kunyange zvavo zvakarehwa kunzi Simoni akanga achitenda kuna Jesu; akanga asiri munhu akange akagamuchira Mweya Mutsvene, kuburikidza nokuregererwa kwezvivi. Mune mamwe manzwi, akave nokufunga kuti aikwanisa kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza nokupa zvinhu zvenyika kuna Mwari.
Kunyange zvazvo mamiriro ake ekunze airatidza kunge aiva mutendi muna Jesu, ndangariro dzake, dzomene, dzomukati dzakanga dzisingadyidzane nemashoko ezvokwadi aJesu. Pachinzvimbo chokudaro, akange akazadzwa nemakaro epanyama. Pita, uyo akange achiziva ndangariro dzaSimoni, akamudzivisa pakuedza kuda kutenga Mweya Mutsvene, uyo anova chipo chaMwari, nemari badzi. Akataurira Simoni kuti achaparadzwa pamwe nemari yake.
Parizvino, vaprofita venhema, avo vanenge vakagarwa nomweya yakaipa, vanotsvaga kuti vanyengedze vanhu kuburikidza nokuvaita kuti vafunge kuti zviratidzo zvose nezvishamiso mabasa oMweya Mutsvene. Kazhinji, tinogona kuona kuti vanhu vanoyemura simba remhando iyi, vachiva nokunamata zvakaoma kwazvo kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Asivo, munhu anofanira kuzviisa mupfugwa kuti hapana munhu angakwanisa kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza neminyengetero inoitwa mumakaro ake enyika.
Munharaunda yako mune vanhu vokushangazhira here, nerimwevo rombo ripi zvaro? Unofanira kuchenjerera vanhu vemhando iyi. Vanoswedera pane vamwe vaine kutenda kwehunyaunyau. Vanoti ivo, vanogona kudzinga madhimoni, kana nokutoita kuti vanhu vave nokugamuchira Mweya Mutsvene, kuburikidza nokuisa mavoko avo. Asizve, vane simba risiri roMweya Mutsvene, asi romweya yakaipa. Avo vanodudza kuti vakave nokugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nenzira yokuiswa mavoko; vanozvitungamira ivo pachavo, pamwe nevamwe, kuti vave nokugamuchira mweya yakaipa badzi.
Kugara kweMweya Mutsvene kwezvokwadi kunouya pane avo vanodavira kumashoko emvura noMweya (1 Johane 5:3-7). Kunyange zvazvo evhangeri yemvura noMweya yakanyorwa zvakajeka muBhaibheri; nokuda kwekuti vanhu vazhinji vane zvivi mumoyo yavo, vanoedza kusvika pana Mwari kuburikidza nemasimba emanenji, uye nekusangana kwakadaro sekwekurivaridzwa, kutaura nendimi, nehufemberi, nekudzinga madhimoni. Uku ndiko kusaka vaprofita venhema vachikwanisa kunyengedza vanhu vazhinji kuti vadavire kuchiKristu chamanenji icho chinovambira pana dhiabhorosi.
Pita akadzivisa Simoni achiti, “Sirveri yako ngaiparadzwe newe, nokuti wakafunga kutenga chipo chaMwari nemari. Hauna mugove, kana chikamu, pachinhu ichi, nokuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari. Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako, ukumbire kunaShe, kuti zvimwe ukanganwirwe murangariro wemoyo wako. Nokuti ndinoona kuti wapinda munduru inovava, napakusungwa kusakarurama.” Tinofanira kutura befu rekusuwa pazvomene yokuti pane vafundisi vazhinji kwazvo vakadaro, mazuva ano. Vazhinji vavo vanhu vekushangazhika. Vanopanga mari kubva kumapoka avo. Tinofanira kuzviisa kure norutendo rwemhando iyi, tigova nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza nokudavira kuevhangeri yezvokwadi, yemvura noMweya (Mateo 3:15, 1 Pita 3:21, Johane 1:29, Johane 19:21-23).
 
 
Vanhu vekushangazhika vanobata kuburikidza nokuisa kwemaoko!
 
Tinofanira kubvira kure pakutenda kwemhando iyi. Mazuva ano, vamwe vanhu vane kudavira kusina maturo kwekuti vanogona kugamuchira Mweya Mutsvene kana vakave nokugamuchira kuiswa kwemaoko kubva kune avo vakawana simba. Vanofunga ivo kuti sezvo Magwaro achitaura kuti vanhu vazhinji vakagamuchira Mweya Mutsvene apo vakasangana nokuiswa kwemavoko kubva kuvaApostora, saka ivo vanokwanisavo kuita saizvozvo. Vamwevo vanyengedzi vane kudavira kusina maturo kwekuti vanogona kupa kugara kweMweya Mutsvene kuvanhu, kuburikidza nekuisa mavoko avo. Tinofanira kungwarira huvepo hwevanhu vemhando iyi.
Asivo, tinofanira kuzviisa mupfungwa kuti kutenda kwavo kwakasiyana zvikuru neuko kwevaApostora, panguva yekereke yokuvambira. Mazuvano, chipikiso chikuru kuzvitendo zvevamwe vaKristu ndechokuti havana rutendo muevhangeri yemvura noMweya. Vanotaura ivo kuti vanodavira kuna Mwari, asi havavaremekedzi; uye pachinzvimbo chokudaro, vanozvinyengera pachavo, pamwe nevamwevo. Asivo, mutadzi haangakwanisi kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, kana kuve nokukonzera kuti vamwe vave nokudaro. Kana umwe munhu akareva kuti Mweya wakave nokuuya pamutadzi, mweya uyu unenge usiri Mweya Mutsvene zvamazvirokwazvo; asi pachinzvimbo, unenge uri mweya waSatani unenge uchinyepedzera badzi kuve Mweya wechokwadi.
VaApostora vepanguva yekereke yokuvambira vakanga vari vanhu vaiziva, vachidavira kuti Jesu Kristu aive Muponesi; uyo akatora zvivi zvose zvevanhu, kuburikidza nokubhapatidzwa kwake naJohane, uye nokufira kwake paMuchinjikwa. Vakave nokukwanisa kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, nokuda kwekuti vakadavira kuzvokwadi yebhapatidzo yaJesu neyeropa rake paMuchinjikwa. Vakavavo nokuparidzira evhangeri yemvura noMweya kune vamwe; uye mukudaro, vakava nokuvabatsira kuti vave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene.
Asi mazuva ano, vaKristu vazhinji vane kudavira kwehutapatira kwakabomoka. Ko mazuva ano, zvinogoneka zvamazvirokwazvo here; kuti mutadzi ave nokugamuchira Mweya kuburikidza nokuiswa mavoko neumwevo mufundisi anove mutadzi zvakare? Aya ndiwo mapwapwa, zvachose. Pane vanhu vanoti ivo, kunyange zvazvo vaine zvivi mumoyo yavo, vakave nokutogamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Kunyange munhu achiratidza kunge mufudzi akanaka mumeso evatsigiri vake, haangagoni kukonzera kuti ani zvake ave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, kana mumoyo make muine chivi.
Zvichakadaro, vanhu vazhinji vane kutenda kwenyasire kwemhando iyi. Ichi ndicho chikonzero vaprofita vazhinji kwazvo venhema vachikwanisa kutungamirira vanhu kugehena. Unofanira kuziva zvomene yokuti, avo vanodzidzisa nezvekutenda kwemhando iyi vaprofita venhema. Ava ndivo vanhu vakatotapwa namadhimoni nechekare.
Kana munhu aine chivi mumoyo wake, Mweya Mutsvene anogona kugara maari here? Mhinduro ndeyokuti, kwete. Saka, zvinokwanisika here kuti munhu ane chivi mumoyo make ave nokukonzera kuti vamwe vave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene? Zvakare; mhinduro inoti, kwete. Saka chii chinokonzera kuti vanhu vekushangazhika vave nokuita zviratidzo nezvishamiso muchiKristu, mazuva ano; apo vachiri nezvivi mumoyo yavo. Kunyange nemweyavo inoita kudaro. Mweya Mutsvene haambogoni kugara mukati memutadzi. Anongogara mukati meavo badzi vane kutenda kuevhangeri yemvura noMweya. Une chokwadi here kuti mweya wakauya pauri Mweya Mutsvene?
Muna Johane 3:5, Jesu akati, “Kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muvushe hwaMwari.” Naizvozvo, kugara kweMweya Mutsvene kunogona kuwanika kuburikidza badzi nokudavira kuevhangeri yezvokwadi yemvura noMweya. Kanganiso inoitwa nevaKristu vazhinji, mazuvano, ndeyekudavira kuti munhu anogonavo kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza nokugamuchira kuiswa kwemavoko nevafundisi vanotadza. Iyi ikanganiso yomene. Mazuva ano, vaKristu vazhinji nevafundisi vane kutenda uye neziviso yokuti kugara kweMweya Mutsvene kunouya pavari kuburikidza nekuiswa mavoko.
 
 
Hukama huri pakati pokuregererwa kwezvivi kwezvokwadi nekuiswa kwemavoko
 
“Kuisa maoko” inzira iyo munhu anogona kuisa chimwe chinhu chiri mukati make pane chimwe chinhu. Funga nezvenzira iyi: Kana tikataura pa-microphone, mahonyera anova nokufamba kuburikidza nemutambo achipinda mu-amplifier, obva abuda kubva nepa-loud speaker kuti munhu wose agone kunzwa. Zvimwechetevo, muTestamente Yakare; apo mutadzi ayiisa mavoko ake pamusoro wechipiriso chechivi, zvivi zvake zvaibva zvatambidzwa pachipiriso chechivi, uye mukudaro, aibva aregererwa. Nenzira imweyo, simba raMwari rinotambidzwa kuvanhu kana varanda vavo vakave nokuisa mavoko avo pavari. Nenzira iyi, kuisa kwemavoko kwakatora chirevo chokuti “kutambidza, kuisa.”
Vanhu vekushangazhika havakonzeri kuti vanhu vawane kugara kweMweya Mutsvene, kuburikidza nokuisa mavoko avo; pachinzvimbo chokudaro, vanovakonzera kuti vave nokugamuchira mweya yakaipa. Unofanira kutondera kuti munhu ane simba remweya yakaipa anotambidza mamhepo kune vamwe, kuburikidza nokuisa mavoko. Kana munhu anenge akagarwa nedhimoni akaisa mavoko ake pamusoro peumwe, dhimoni riri maari rinotambidzwa kune munhu uyoyo, nokuda kwekuti Satani anobata kuburikidza nevatadzi. Nechikonzero ichi, vanhu vose vanofanira kudavira kuevhangeri yemvura noMweya, kana vachida kuve nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Satani anotonga avo vari muzvivi, kunyange kana vachidavira kuna Jesu, kana vakatadza kusagamuchira kuregererwa kwezvivi.
Kana munhu akagamuchira kuiswa kwemavoko kubva kumunhu akagarwa nedhimoni, madhimoni anovavo nokuuya paari, uye anobva avevo nokuita zviratidzo zvenhema. Tinofanira kuziva kuti madhimoni anouya kuzogara mune vamwe kuburikidza nokuiswa kwemavoko, uyevo kuti kugara kweMweya Mutsvene kunokwanisika kuburikidza badzi nokutenda kuevhangeri yemvura noMweya.
Kuisa kwemavoko inzira yakavumbwa naMwari, yokutambidza nayo chimwe chinhu pane umwe munhu. Asi Satani anoita kuti vanhu vazhinji vave nokugamuchira mweya yakaipa kuburikidza nokuiswa kwemavoko. Zvomene yokuti, mazuvano, pane vanhu vazhinji vanoedza kutenga simba roMweya Mutsvene nemari idambudziko rakatokura kwazvo.
 
 
VaKristu vazhinji havanzwisisi zvokwadi yokugara kweMweya Mutsvene
 
Kana vakabvunzwa kuti vanogona kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene sei, vanhu vazhinji vanopindura vachiti zvinokwanisika kuburikidza neminyengetero yokuregererwa kana nekutsanya. Ichi hachisi chokwkadi. Ko Mweya Mutsvene anouya pauri kana ukaita minyengetero, yakanangana, kuna Mwari here? Kugara kweMweya Mutsvene kunouya pane avo badzi vanodavira kuevhangeri yemvura noMweya.
Nokuda kwekuti Mwari ndivo zvokwadi, vakave nokuvumba murairo wokugamuchira nawo kugara kweMweya Mutsvene. Ko Mweya Mutsvene anogona kugara pamunhu ane chivi mumoyo make here? Mhinduro inoti, kwete zvamazvirokwazvo. Munhu hangagoni kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nokuiswa kwemavoko. Kunyange kana munhu akaenda kumagungano ekumutsidzirana, uye akanamata zvakanyukudzika kuna Mwari kuti zvimwe ave nokugamuchira simba roMweya Mutsvene; Mweya Mutsvene anoramba ari kunze kwekunzwisisa kwake. Zvagara, vatadzi havangagoni kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Vatadzi vanogona kuve nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kwamazvirokwazvo, sechipo, asi kana badzi vave nokugamuchira kuregererwa kwezvivi, kuburikidza nokudavira kuevhangeri yemvura noMweya.
Munhu wose asingazive evhangeri yemvura noMweya haangagoni kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Pamazuva ano, evhangeri yemvura noMweya iri kupararira nekukurumidza kuburikidza nezvinyorwa zvechiKristu, nemisangano yekereke, ne-internet, kunyange nema-electronic books, kuburikidza pasi rose. Naizvozvo, munhu wose anotsvaga evhangeri yezvokwadi anogona kuve nokudavira kwairi, agova nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Kana usati wave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene nanhasi, unofanira kuziva kuti, kuti uve nokudaro, unofanira kudavira kuevhangeri yemvura noMweya.
 
 
Muenzaniso wakadzama wekutenda kwenhema!
 
Mazuvano, kana tichicherechedza zviratidzo zvevanhu vanogamuchira mweya yenhema, tinogona kuona huvepo hwomene hwemadhimoni. “Magungano ekumutsidzirana eMweya Mutsvene” magungano awo vanhu vanoshuwira zvakapereredza, kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Mumagungano aya, tinoona vanhu vachiwombera mavoko avo, uye vachiita minamato yokuregererwa, apo vachichema nokutsanya. Muparidzi anovaraira kuti vaite minamato yehutapatira; kuburikidza nokuvaudza kuti Mweya Mutsvene haangavi nokuuya pavari kudzamara vaita saizvozvo. Vanhu vanobva vadeedzera kuti “Ishe!” vachibva vatanga minyengetero yavo yehutapatira.
Ko vatapatiri ava vangagona kugamuchira Mweya Mutsvene nemutoo uyu here? Kwete. Pamagungano akadaro, unova nekuona vanhu vachizhamba vobva vawira kumashure, vachibva vatanga kubvunda, apo vachiita mahonyera asinganzwisisiki. Vamwe vanowira kumashure, vachiva nokubvunda vari pasi, pano nepapo, uye tinovaona vachizhamba, vachibva vatanga kutaura nendimi. Umwe munhu anozhamba kunge achatsemuka musoro, kuburikidza pashumiro yose, uye gungano rinobva ranyukunyudzwa nemadengetera. Vamwe vavo vanobva vatanga kupfarima, vachibvunda muviri wose, uye vachitaura nendimi. Vanhu vanoti ivo mananara aya ndiho umbowo hwekuti Mweya Mutsvene anenge ave nokuuya pavari. Asi chimbofunga kuti chii chinoitika kana dhimoni richiita basa raro? Ko iri ibasa roMweya Mutsvene here? Haisva kwete.
 
 
Satani anonyengedza vaKristu vazhinji kwazvo
 
Mazuvano, vaKristu vazhinji vari kurarama mhando yehupenyu hwechitendero iyo inodikanwa naSatani. Satani anonyengedza vanhu kuburikidza nokuvataurira kuti vanofanira kugamuchira kuiswa kwemavoko, kubva kune mufundisi ane simba, kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene. VaKristu vazhinji vane chiwanzo chokutenda kune izvi sedzidziso yakarairwa. Satani anodyaravo, mukati mendangariro dzavanhu, pfungwa yokuti vanozova nokugamuchira Mweya Mutsvene kana vakave nokunyengetera zvakapfurikidza. Satani ange ari kuedza kupeta kaviri, uye katatu, huwandu hwevanhu vane kutenda kwemhando iyi.
Naizvozvo, vanhu vazhinji havazive, uye havatomboedzi kana kudzidza pamusoro peevhangeri yemvura noMweya. Tinofanira kushingaira kuti tidziviridze ndangariro idzo Satani anoedza kuisa mukati mepfungwa dzedu; tigova nekuziva nekudavira kuevhangeri yemvura noMweya. Kugara kweMweya Mutsvene kunouya badzi kune avo vanodavira kuevhangeri yemvura noMweya.
 
 
Mazano asiwo evaKristu pamusoro pokugara kweMweya Mutsvene
 
Chekutanga kutangira zvose, pane kusanzwisisa kukuru mukati mezvitendo zvevateveri vazhinji vechiKristu chekushangazhika. Vanoedza kugamuchira Mweya Mutsvene vaine zvivi mumoyo yavo. Vanodavira, zvakakanganisika, kuti kunyange zvazvo vaine zvivi mukati memoyo yavo, vanova nokukwanisa kuve nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Asizve, munhu asina kana nokutenda kose zvako kuevhangeri yemvura noMweya haangagoni kugamuchira kuzadzwa kweMweya Mutsvene.
Chechipiri, zvinonzi manyawi evanhu anovadzivisa kuti vave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Saka izvi zvinoreva here kuti munhu anogona kugamuchira Mweya Mutsvene kana akatunha zvisina manyawi? Pane here munhu munyika muno asina chikamu chiduku chemanyawi? Munhu ane manyawi ekusagona kuve nokuregererwa naMwari ndeuyo anotutsira njere dzake pashoko raMwari. Vanhu vazhinji vanoedza kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza nenzira dzavo pauzima, vasine hanya neevhangeri yezvokwadi, yemvura noMweya. Asizve, kugara kweMweya Mutsvene kunouya kune avo badzi vanotenda kuevhangeri yemvura noMweya.
Chechitatu, zvinonzi kugara kweMweya Mutsvene kunouya kana munhu akapupura zvivi zvake zvose, akatendeka, pamberi paMwari. Saka vanova nokukurudzirwa kuti vapupure zvivi zvavo kana vachida kuve nokugamuchira Mweya Mutsvene. Asi, unofanira kurangarira kuti, kugara kweMweya Mutsvene hakuuye kana munhu akangove nokupupura zvivi zvake badzi. Mazuvano, vaKristu vazhinji vanoshuvira kugara kweMweya Mutsvene nechido chikuru, uye kuti vave nokuzadzwa naye; asi havangagone kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, nokuda kwekuti vachiri nezvivi mukati memoyo yavo. Munhu ane dokwairo yemawara, yemutoo uyu, anova nokutapwa namadhimoni.
Chechina, vamwe vanoti ivo kugara kweMweya Mutsvene kunogona kupiwa kana tikave nokudembera Mwari, takatendeka, kuti vatipe ropafadzo iyi. Uku kungori kufunga kwakakanganisika badzi.
Chechishanu, vamwe vanodoma kugara kweMweya Mutsvene sekuve kune masimba emweya. Kutaura nendimi kunotorwa sehumbowo hwakajeka hwekugara kweMweya Mutsvene. Asi, Mweya Mutsvene haagari mumoyo wemunhu nokuda badzi kwekuti anokwanisa kudzinga madhimoni nezita raJesu, kana kutaura nendimi dzisingazikanwe. Zvivi ndezvaSatani. Ko, munhu ane zvivi mumoyo wake anogona kureva zvamazvirokwazvo here kuti ave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene nokuda kwekuti ave nokugarwa nemasimba emandiriri? Zvakare, uyu musarinya unoitwa namadhimoni.
Evhangeri yemvura noMweya, iyo yatakapiwa naJesu, ndiyo badzi evhangeri yezvokwadi inogona kutitungamira kuti tive nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Kana uchifunga kuti unogona kugamuchira Mweya Mutsvene, pamwe nekuregererwa kwezvivi, kuburikidza nedzimwevo nzira, wakarasika zvakadzama. Ndinovimba kuti uchave nokuzvisunungura kubva pazvitendo zvako zvakakanganisika; uye, pachinzvimbo chokudaro, uchibva wave nendangariro dzomweya, uye nekutenda kwezvokwadi.
Kureva kwekuti mazuvano vaKristu vazhinji vakagarwa namadhimoni, hakuzi kuwedzerera ba. VaKristu vazhinji pasi rose vanoenda pasi pesimba ramadhimoni nokuda kwekuti vanoda kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza nemagungano ekumutsidzirana akatsarukana, kana kuburikdzavo nekuiswa kwemavoko. Vanoenda kusaruraude yevanhu; vakaita sevatungamiri vedzimba dzekunamatira, vadhikoni vakuru, vamutsidziri, kana vafundisi, avo vanenge vachinzi vakave nokugamuchira simba roMweya Mutsvene. Vanoenda kwavari netariro yekugamuchira Mweya Mutsvene, kuburikidza nokuiswa mavoko. Asizve, hapana munhu angagona kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, kuburikidza nekutenda kwemhando iyi, zvisinei nokuti anotenda zvakaomarara sei kuna Jesu. Mune mamwe manzwi, hakuna mumwe, kunze kwaMwari, angagona kuita kuti munhu ave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene.
SaSimoni, vanhu vazhinji vamazuvano vanoedza kutenga Mweya Mutsvene. Vanoedza kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nokudavira kudzidziso dzenyika, pachinhambo cheevhangeri. VaKristu vazhinji, pasi rose, vakava nokudzimbirwa mumuono uyu. Mweya Mutsvene anouya kune avo badzi vane kodzero dzakafanira dzekuti vamugamuchire. Nzira badzi yokugamuchira nayo Mweya Mutsvene ndeyekuburikidza nokudavira kuevhangeri yemvura noMweya, uye iyi ndiyo mhinduro yoga yezvokwadi iyi (Mabasa 2:38).
Kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nekuiswa mavoko kwakangokwanisika kwenguva pfupi badzi, panguva yekereke yokuvambira. Mushure mazvo, kugara kweMweya Mutsvene kwakave nokuuya pavanhu nguva imwecheteyo yavanova nokuziva, uye nokudavira, kuevhangeri yemvura noMweya. Naizvozvo, rimwe rose ibasa ramadhimoni; kunze badzi kwebasa roMweya Mutsvene, rinoitika kuburikidza nokutenda kushoko raMwari. Mwari vanotaura kuti madhimoni varanda vaSatani, uye Satani akave nokubata, zvine ungwaru, nenzira yakadaro sokuti vanhu havangagoni kugamuchira kuregererwa kwezvivi kunyange kana vachidavira kuna Jesu. Satani anonyepera vanhu kuburikiidza nokutaura kuti anova nokuvapa Mweya Mutsvene kana vakadavira kuna Jesu, uye vakave nokugamuchira kuiswa mavoko. Satani anokudza nyika yake, pasi rose, kuburikidza nebiribidi remhando iyi.
Tichave zvino nokutarisa zviratidzo zveavo vanosvikirwa namadhimoni. Chokutanga, kana tichicherechedza zviratidzo zvekugara kwedhimoni pamufemberi, kana pamushamani, tinoona kuti vanosangana nokubvunda kwekupfaruma, kurivarikana, kana kutofenda. Zvadaro, zvirimi zvavo zvinobva zvapeturika, uye manzwi asinganzwisisike anobva atanga kubuda mumukanwa mavo, pakusada kwavo. Vanotaura nendimi dzisinganzwisisike.
N’anga pamwe nevaKristu avo vakange vakagarwa namadhimoni, kuburikidza nekuiswa mavoko, ndivo varidzi vekusangana uku, pamwechete. Kana mumutsidziri wokushangazhika akatora maiki yake, akabva adeedzera achiti, “Nemoto, nemoto, nemoto,” sangano rose rinobva rabatwa nemafariswa, vachibva vatadza kuzvibata. Vanhu avo vanenge vachida kugamuchira kuiswa kwemavoko, kubva kwaari, vanobva vaenda nechekumberi. Vanova nekusangana nekupfaruma kwekudedera, uko kusingagoneki kuti vazvibate, uye nekutaura nendimi. Zviratidzo izvi ndiwo mabasa amadhimoni, ayo ari kunyepera kunge ari kuita basa roMweya Mutsvene.
Vanhu vanenge vakagarwa nomweya yakaipa, iyo inogona kukotsvwa nevashamani uye nevafemberi vezvitendero zvose zvechinyakare, vanoratidza zviratidzo zvimwechete nezvevaKristu vanenge vakagarwa namadhimoni, kuburikidza nekuiswa mavoko. Asivo, vanhu havavi nokunzwisisa izvi, zvisinei nehumbovo hwese uhu. VaKristu ivavo vakanyudzwa mukusanzwisisa kwakadzama kwazvo nokuda kwekuti vanofunga ivo kuti vakatove nokugamuchira Mweya Mutsvene, kana vachisangana nezviratidzo zvemhando iyi.
 
 
Satani anobatira mukati mevaKristu semufemberi
 
Satani anogonesa vanhu vakagarwa namadhimoni kuti vaite minamato yechiprofita. Vanokuprofita vachiti, “Uchave mutungamiri akatsarukana. Zvuru zvamakwai zvichave nokufurira pamberi pako. Mwari vachakudzidzisa, pane ramangwana, vagova nokukuita mutungamiri akatsarukana.” Kune vamwevo, vanova nokureva mashoko ekudzivaidza, sokuti, “Uchave muranda waMwari akatsarukana. Uchave muranda waMwari anoremekedzwa kwazvo,” kuitira kuti vave nokugombedzera vanhu kuti vave nokuvatevera, vachiva nokurarama sevaranda vamadhimoni, pahupenyu hwavo hwese.
Vafemberi vanovavo nokuita zviprofita pamusoro pehupenyu hwamangwana hwevamwe vanhu. “Unofanira kungwarira mvura pane ramangwana rako.” “Uchave nokuita mari zvinji kwazvo.” “Munhu anoremekedzwa achabva kumabvazuva agova nokukubatsira.” Iyi ndiyo mienzaniso yezvinhu zvavanotaura. Chiratidzo chokutanga chinova nokuratidzika pavanhu vakagarwa namadhinoni ndechokuti vanoita zviprofita zvenhema.
Vanobva vave nokutaura nendimi idzo dzavasingagone kunzwisisa pachavo. Vanova nokusangana nekubvunda, kunyange nekutoita zviratidzo zvemadhunamatuna euzima. Kana ukasangana nemushamani, kana mufemberi, ungadudza here kuti vane hunhu hwakanaka. Vane chiwanzo chekutaura nenzira yemutocha kuvanhu vakuru kwazvo kupfuura ivo.
Asivo, vanhu avo vane kugara kweMweya Mutsvene vakave nokumugamuchira kuburikidza nokudavira kuzvokwadi yeBhaibheri; iyo inotaura kuti Jesu akagamuchira zvivi zvose zvenyika kuburikidza nokubhapatidzwa kwake uye nekufira kwake paMuchinjikwa. Vanhu ava vanovavo nokubatsira vamwe kuti vave nokuziva uye nokudavira kuevhangeri yemvura noMweya, uye kuvabatsiravo kuti vave nokugamuchira kuregererwa kwezvivi, pamwe nekugara kweMweya Mutsvene. Ivo pachavo vanoedza kurarama munzira dzakururama, uye hunhu hwavo hunofadza uye hwakafanira pakuti vave nokutungamirira vamwe kuropafadzo yokutenda yaMwari, uye kumutoo wehupenyu unodikanwa naMwari. Kubvira nokubvira, Mwari vanovarayidza kuti vave nokuvachengetedza kuti vave vanoera, apo ndangariro dzavo dzinoedza kudzokera kunyika.
Vakarurama, avo vakave nokugamuchira kuregererwa kwezvivi zvose, vakasiyana kwazvo nevanhu avo vakave nokuparadzwa hunhu hwavo nomweya yakaipa. Hunhu hwezvokwadi hunomutsidzirwa zvakare kana munhu akave nokugamuchira kuregererwa kwezvivi, vachiva nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, ipapo. Pamusoro pazvo, vakarurama vanove nokutambudzika zvakadzama kwazvo pamusoro pavamwe vanenge vari pamamiriro asina pundutso; uye pamusoro pezvavanoshuvira zvamazvirokwazvo mushoko raMwari, vachivanamatira kuti vave nokudzikinurwa, uye vachizvipira kuti vave nokuvabatsira.
Kune rumwevo rutivi, tinogona kuona kuti hunhu hwevanhu vakagarwa namadhimoni hwakave nokuzengaidzika. Satani anovadzimurira uye achivatendeudzira kuzvido zvake, nokuda kwekuti vanofunga ivo kuti zvinhu zvakadaro sekubvunda, nekutaura nendimi ndizvo zvipo zveMweya Mutsvene. Asivo, kusangana kwakadaro seuku hakuzi zvipo zvoMweya, zvamazvirokwazvo.
Pane vafundisi vazhinji kwazvo vanozvikudza nemasimba avo; akadaro sekuita zviprofita muzita raMwari, kana kuve nokukwanisa kuita zvishamiso zvizhinji, uye nokutaura nendimi. Asi kana vachiri nezvivi mukati memoyo yavo, naizvozvo masimba avo ndicho chiratidzo chaicho chezvomene yokuti vakave nokugarwa namadhimoni. Naizvozvo, havangagoni kupa kugara kweMweya Mutsvene kune vamwe, asi vanogona badzi kupa kugara kwamadhimoni. Zvakare, nokuda kwekuti Satani munyengeri; zviratidzo zvavakaita zvinoitika nyore kwenguva pfupi kwazvo.
Pane musiyano wakajeka kwazvo uri pakati pebasa roMweya Mutsvene neiro redhimoni. Kunyange zvazvo zvichiva nokuratidza sekuti basa roMweya Mutsvene hariratidzi shwiro yakatsarukana, simba raMwari rinoramba richikura mumoyo yevakarurama sezuva riri kubuda panguva dzamangwanani.
 
 
VaKristu vakagarwa namadhimoni
 
Ko sei zvichidaro kuti vanhu vazhinji vanobva vagarwa namadhimoni, kunyange zvazvo vachiedza kugamuchira Mweya Mutsvene?
Nekuti vanogamuchira madhimoni kuburikidza nekuiswa mavoko nevaprofita venhema.
 
Kushamisa kwazvo, tinogona kuona vatendi vazhinji kwazvo avo miviri yavo nemoyo yavo, zvakave nokuparadzwa, nokuda kwekuti vakave nokugamuchira madhimoni, kuburikidza nekuiswa mavoko nevaprofita venhema. Vanhu ava havanei nechekuita naMwari, nekuti kutenda kwavo hakudzambiri pamashoko eBhaibheri. Vari mushishi rokushandisa simba ravo, vasingazive kuti kubatira kwavo uku kuri kukonzera kuti vanhu vazhinji kwazvo vave varanda vaSatani. Ko sei vachiva nokushanda nesimba pakuratidza masimba avo muchiKristu? Nokuti awo avanoti masimba avo achava nokupera, munguva pfupi, kana vakasave nokuashandisa. Uku ndiko kusaka vachiva nokushininika.
Vanoramba vachiva nokunyengetera uye vachiita zvishamiso nezviratidzo nezita raJesu. Vanhu avo vanoti, “Ndakave nokugamuchira chipo chekuparidza evhangeri,” vanoramba vachiva nokuparidzira evhangeri, nokuda kwekuti kana vakasadaro, mafaro avo ekunyebera anova nokupera. Kana vanhu ava vakasaita madanha kuzvipo zvedhimoni zvekutaura nendimi, kuporesa, kana kuprofita; mune mamwe manzwi, kana vakasatendeka kumabasa aSatani, Satani anogona kuvaita kuti vave nokungorwara pasina chikonzero. Zvakangofananavo nekubatwa neurwere, hwenguva refu, kunoita mufemberi, kana mushamani; kana akave nokusiya basa rekuve muranda waSatani. Uku ndiko kusaka vachifanira kutoshandisa zvipo zvavakave nokugamuchira kubva kuna Satani nokushingaira kukuru, kuti vasave nokusiiwa munjodzi, mushure mekunge simba ravo rave nokupera.
Ndaimboziva umwe munhu akange ari mutendi akakwana kuna Jesu, uye achiratidza kunge akange akagarwa nemasimba mazhinji kubva kuna Mwari. Aikurudzira vanhu kuti vagamuchire kuzadzwa kweMweya Mutsvene; uye aitungamira magungano ekumutsidzirana, apo aidzinga madhimoni kuburikidza nekuisa mavoko, uyevo achiita zviratidzo zvakaita sekutaura nendimi, uye nekuporesa. Akave munhu aichochorwa kwazvo uye airemekedzwa, kuburikidza nemabasa ake anoshamisa. Zvuru zvezvita zvevatendi zvakave nokumutevera. Asivo, pasina nguva, akabva atanga kuramba Jesu, achiti, “Jesu Kristu mukundikani. Haasi Mwanakomana waMwari.” Akave nokutuka Jesu Kristu, uye akatove nokuzvireva iye sokuva Mwari pachake. Akapedzisira auraya Jesu Kristu mumoyo make, uye nemumoyo yavaKristu vazhinji.
Vanhu vakaita seava vanoramba evhangeri yemvura noMweya nokuda kwekuti Satani ndiye mutungamiri wavo. Vanova nekuita chitendo chisicho, kubvira pamavambo, nokuti vane kudavira kusiko kwekuti vane simba rakafanana nerevaApostora; rekuona kugona kwavo, rekuita kuti vanhu vataure nedzimwe ndimi, uye rekudzinga madhimoni kuburikidza nekuisa mavoko. Vane kudavira kwakasimba kwekuti kugara kweMweya Mutsvene kwakauya pavari.
Vanodzidzisa vanhu pamusoro penzira dzokugamuchira nadzo Mweya Mutsvene, vachifunga kuti zvinokwanisika kumugamuchira kuburikidza nekuita minamato yekuregererwa. Asivo, nzira yokugamuchira nayo Mweya Mutsvene iyi haidzambiri pamashoko aMwari. Pasinei neizvi, vanotaura ivo kuti kana mutendi wemunaJesu akataura nendimi, achiita zviprofita; naizvozvo, izvi ndizvo zviratidzo zvekuuya kweMweya Mutsvene paari. Nokuda kwekuti vanhu vazhinji havana kunzwisisa nezvekugara kweMweya Mutsvene zvamazvirokwazvo, vanodavira kuti vanogona kugamuchiravo Mweya Mutsvene kuburikidza nekudzidza uye nekutevera dzidziso dzevaprofita venhema. Aya ndiwo makwanisiro akaita Satani kuzadza vaKristu nemweya yamadhimoni, uye achiva nokutonga pamusoro pavanhu ava. Nzira dzose idzi ndizvo zvidzingi zvaSatani.
Vanhu vazhinji kwazvo vakave nokugarwa namadhimoni kuburikidza nedzidziso dzavaprofita venhema. Ruzhinji rwavatendi rwunorarama hupenyu hwechitendero hwakanetekara, asi vanhu vakagarwa namadhimoni, vanoshandisa simba remweya yakaipa, vachiratidzika kunge vanorarama hupenyu hwechitendero hwakanyevenuka. Ko zvigoneso zvavanova nokuratidza ndezvipi? Vane goneso yokuporesa, yokutaura nendimi dzisingazikanwe, uye yokuva nokutungamira vamwe kuti vave nokugarwa namadhimoni, kuburikidza nekuisa mavoko. Tinofanira kuziva kuti kuisa mavoko inzira yekutambidza nayo chimwe chinhu pane zvimwe zvinhu, uyevo kuti humambo hwamadhimoni hwakave nokuvandudzwa zvikuru kuburikidza nenzira iyi.
 
 
Mweya yakaipa inoshanda kuburikidza nemakaro evanhu!
 
Satani anoshanda mukati mevanhu saSimoni wemundima yokutanga. Vanhu ava vanoti ivo vanogona kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nekuiswa mavoko, zvisinei nekutenda kwavo kuevhangeri yemvura noMweya. Mazuva ano, vanhu vazhinji vanonyengedzwa naSatani, uye vanoedza kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza neminyengetero yokuregererwa, nekutsanya, nekuzvipira kana nekuiswa mavoko. Asivo, vakave nokugarwa namadhimoni, uye vanorarama hupenyu hwakatukwa.
Tinofanira kuziva zvamazvirokwazvo kuti chiKristu chanhasi chinobatsira madhimoni kuti ave nokubata basa mukati memoyo yevanhu vose, kuburikidza nenzira iyi inonzi ‘kuisa mavoko.’ Vanhu ava, avo vane zviratidzo zvimwechete nezvaSimoni, ndivo vaprofita venhema pamberi paMwari. Kunyange navatendi muna Jesu vanogona kugarwa namadhimoni, kana vaine zvivi mumoyo yavo. Vanhu ava vanogona kuita zviratidzo kuburikidza nekubata kwadhiabhorosi. Satani anotungamira vanhu kuti vave nokugamuchira kuiswa mavoko nevaranda vake, kuitira kuti kugarwa kwavo namadhimoni kukwanisike, uye achiva nokuvaka humambo hwake kuburikidza pasi rose. Nhasi uno, makereke eBato rechi [2]Pentekosta-Chekushangazhika ari kutorwa zviri pamurairo semasangano echiKristu akarairwa, kuburikidza pasi rose.
 
[2] ChiKristu chekumadokero chakatanga kuvuna pamberi pepundutso yezvenyika, uye pekushukutika kukuru, pakundopera kwehafu ye20th century. Nokuda kwechikonzero cheizvi, panguva imwecheteyo, vaKristu vazhinji, avo vaitsvaga nzira yokuswedera pedyo naMwari nayo, havana kuve nokugutswa nekusafadza kwedzikereke dzavo dzekumashure. Vamwe vakave nokutambudzwa nekusava nokukura pamweya, kana kukura kwepamweya kwakananava; uyevo vamwe vakange vachakatsamwiswa nokuda kwekusagona kwavo kushandurira kutenda kwavo kuti kuve rudo rwepanaJesu.
Nokuda kwamamiriro aya, Bato rechiPentekosta-Chekushangazhika, sezvarairehwa, rakave nokumutswa. Avo vaibatira mubato iri vaitsvaka shwiro dzehunyaunyau uye zviito zvakaita sekutaura nendimi, kuprofita, kuita zviratidzo nezvishamiso; vachiyeva zviitiko zvePentekosta yekutanga. Muhunyaunyau hwavo uhu; vanozvitendesa pachavo, nechido, kune hwavanoti ivo hutongi hwoMweya Mutsvene, asi tichitaura zvine rumano, 
zhinji dzedzidziso dzavo nezviito zvavo hazvidzambiri paBhaibheri.
Munyika dzichiri kukura, bato iri rave nokuvandudzika zvikuru pakati pezvishuvo zvavo. Vatungamiri vavo vakave nokukwezva vaKristu vekunyika dzichiri kubudirira nemaropafadzo epfuma, uye nehutano, pamwe nerufaro rwemuchitendero. Dzimwe tsauko dzebato iri, dzakadaro sechiPentekosta chitsva, dzinotorehwa sebato rinogoverana dzidziso dzimwechete nedzeBato re Nhambo Dzino.
 
Nyika iri kunanga kumagumo, zvishoma nezvishoma. Kana tichida kuzvarwa patsva mumazuva ekupedzisira, tinofanira kuziva kuti dhiabhorosi anobata sei, tigova nokumira takasimba tichipikisana nezvirongwa zvake. Tinofaniravo kuva nokuponeswa pazvivi zvedu, zvachose, tigova nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene sechipo, kuburikidza nokudavira kuevhangeri yemvura noMweya. Tinofanira kudzokera kuzvokwadi, tine ruzivo rwakakwana rwekuti Mweya waMwari anouya kwatiri sei.
Sezvakarehwa naMwari, kuti, “Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo” (Hosea 4:6), mazuvano vashavi vazhinji vezvokwadi vanova nokuparadzwa; apo vanoraswa nevanhu vakashangazhika, mukusaziva kwavo. Vanhu vanoti ivo, kunyange kana kereke dzinonzi idzo dzechiPentekosta-Chekushangazhika dzikave nokuvakwa mugwenga, vanhu vanova nokuungana ipapo. Ko sei zvichidaro? Vanhu vakashangazhika vanovandudza makereke avo kuburikidza nekukangaidza vamwe nemasimba avo ekunyebera, vachiva nokuvatungamira kuti vave nokugarwa namadhimoni, kuburikidza nokuisa mavoko. Chimwe chezvipo zvavo zvakatsarukana ndechekuti, apo panongogarwa vanhu namadhimoni, kuburikidza nekuiswa mavoko, vanobva vave nehunyaunyau pamusoro pekurarama hupenyu hwechitendero.
Chimwe chiratidzo chevanhu vakashangazhika ndechekuti vanopa mari zhinji kwazvo kudzikereke dzavo, uye vanobva vave vatendi vakatapatira, pasina zvirango. Kunyange neruzhinji rwevaKristu rwunofarikaravo pamusoro pekuparidza nesimba remadhimoni, asi vari kuenda kugehena, zvine tsarukano, vasingavi nokuona mutondwe wavo pachavo. Vanhu ava, avo vanotenda kusimba radhiabhorosi zvakasimba, sehumbowo hweruponeso rwavo, vari kutotarisira kuenda kudenga vasina kana kusatenda kupi zvako. Asivo, vane zvivi mukati memoyo yavo, uye vakatondeswa kuve nokuparadzwa.
Kana vakave nokubvunzwa mubvunzo unoti, “Ko une chivi mukati memoyo wake here, kunyange zvazvo uchidavira kuna Jesu?” vanopindura zvamazvirokwazvo kuti, chitori chibarirwo kuti vave muzvivi. Vanofunga ivo kuti hazvikwanisike kuti munhu asave nezvivi mukati memoyo wake, kunyange kana achidavira kuna Jesu.
Vanhu vane chiwanzo chokufunga kuti vanokodzera kupinda muhumambo hweKudenga, kunyange kana vaine zvivi mukati memoyo yavo; nokuda kwekuti vanonzwa kudekaira mukudavira kuna Jesu, vaine humbowo hwesimba rekunyebera.
Ivimbo isina maturo sei iyi! Chikonzero chekutenda kwavo kwakasimba uku ndechekuti vane goneso yakada kuve seyemanenji. Vakave nokusangna nekutaura nendimi, kupiwa zviratidzo, uye kuporesa vanorwara, uye vanofunga pamwe nokudavira zvakasimba kushwiro idzi sedzinove basa roMweya Mutsvene. Naizvozvo, vanozvitaurira pachavo kuti vakave nokugamuchira rudzikinuro rwamazvirokwazvo, uye noMweya Mutsvene, kuburikidza neshwiro idzi.
Nokuda kwekuti vanhu ava havana ruzivo rwakakwana rwemazwi eruponeso, havana vimbo muruponeso rwavo; kana pasina chigoneso chipi zvacho, chinoonekwa, chinenge chave nekuuya kwavari. Naizvozvo, vanhu ava vanoedza zvakaoma kwazvo kuti vawane zvisimbiso zvinooneka zveruponeso; vachiguma vave nokushandiswa naSatani, mubasa rake, mushure menguva. Nokuda kwekuti vanhu ava vari kuedza kuwana mhinduro dzaMwari kuburikidza neminyengetero yekuregererwa, kana nekuzvipira, pachinzvimbo chekudavira kuevhangeri yemvura noMweya; vanoguma vave nokugamuchira mweya yakaipa, pachinzvimbo choMweya Mutsvene.
Satani anopa mhosva kuvanhu kuburikidza nekuzevezera munzeve dzavo, achiti, “Wakave nokutadza, hauna kudaro here?” agova nokuvatungamira kuti vawire mukuzvizvidza. Pane umwe munhu wandinoziva, uye akazove nokugamuchira kuregererwa kwezvivi, pamwevo noMweya Mutsvene, parizvino. Ichi chinhu chakaitika kwaari asati ave nokuzvarwa patsva, apo aive mushingairi, asi ari mutendi wehubacha muna Jesu. Munhu uyu akatove nokutaura nendimi, uye akaita zviratidzo zvizhinji kwazvo. Kunyange zvazvo aideedzera uye achiita minyengetero yokuregererwa, pahusiku hwese, zvisinei nokudavira kwake kuna Jesu, zvivi zvaiva mukati memoyo wake zvakaramba zvichimushusha. Apo ndipo pakave nokutanga kuzevezera kwaSatani. “Wakave nokutadza, saka zviri nani kuti ufe pane kuti urarame.” Satani aiuya kwaari nguva zhinji, achimupa mhosva, achimushusha, uye achimurangaridza nezvezvivi zvake. Satani akamutungamirira mukuzvizvidza uye mukuzvitonga. Asivo, chaaingokwanisa kuita ndechokurevurura zvivi zvaiva mumoyo wake. Haana kukwanisa kuzvidzikinura pakupiwa mhosva naSatani, kudzamara anzwa uye nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka.
Unofanira kuziva kuti avo vasingadaviri kuevhangeri yemvura noMweya vanova nokuve nhapwa dzadhiabhorosi. Unofunga kuti aninani asina kugamuchira kuregererwa kwezvivi ane simba rokugona kuramba dhiabhorosi here? Aninani asingabatiri paevhangeri yezvokwadi yemvura noMweya achave nokutapwa uye agoshushwa naSatani. Evhangeri yaMwari, yemvura noMweya, yakafanira zvachose pamudzinga Satani. Naizvozvo, munhu wose anodavira kuna Jesu anofanira kudavira kuevhangeri yemvura noMweya, uye agovavo nokuiparidzira kuvanhu vose vemunyika. Avo vanonzwa izvi vanofanira kuzviteerera uye kudavira kwazviri.
 
 
Shura rokusatevedza murayiro ratove mushishi munyika!
 
Nyika yose zvino yafukidzwa namabasa amadhimoni. Kana tichida kuparidzira evhangeri iyo inotungamira vanhu kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene, tinofanira kubvisa kusanzwisisa kwakadzama pamusoro pekugara kweMweya Mutsvene.
Chekutanga kutangira zvose, tinofanira kujekesa kuti manyepo ekuti Mweya Mutsvene anouya kuburikidza nokuiswa kwemavoko. Tinofanira kupupura zvakajeka kuti shwiro dzakadaro se “kutaura nedzimwe ndimi mushure mekugamuchira kuiswa kwemavoko, kunzwa sekutsva kuburikidza nokurevurura uye nekutsanya, uye kunzwa mashoko anobva kuna Jesu mbune” ndiwo mabasa adhiabhorosi. Vanhu vanogona kuve nokudzikinurwa pahubidibidi hwadhiabhorosi, kuburikidza badzi nekutenda kuevhangeri yemvura noMweya. Tinogona kuponeswa pazvivi zvedu nekutenda badzi, kuburikidza neevhangeri yemvura noMweya.
Tinofanira kukunda dhiabhorosi, “baba venhema,” neevhangeri yemvura noMweya. Satani ave nokusunga vanhu vose, vakaburikidza pasi rose, nehutapwa hwekuzvizvidza; saka tinofanira kudzorera vanhu ava kuzvokwadi, kuburikidza nekuvaita kuti vazive kuti shwiro nemadengetera avo, zvisakatsarukana, ndihwo hubidibidi hwaSatani.
Mazuva ano, vanhu vakaita saSimoni muSamaria, uyo akaedza kutenga Mweya nemari, ndivo vari kuparidzira mudzikereke. Mapofu ari kutungamirira mamwe mapofu. Havangagoni kuratidza vanhu nzira dzokuruponeso rwakakwana nokuda kwekuti havazive nezveevhangeri yemvura noMweya, uye vane zvivi mumoyo yavo. Saka vanokonzera kuti Satani ave nokugara mumoyo yevateveri vavo, kuburikidza nekuita shumiro dzeminyengetero yehusiku hwese, kuita minyengetero yokuregererwa, uye kushandisa kuisa kwemavoko. Zvamazvirokwazvo, vanhu ava vakagarwa nadhiabhorosi, uye kana tichida kuti vave nokudzokera kushoko raMwari, tinofanira kuparadza basa raSatani kuburikidza nokuvapa ruzivo rwakakwana rwemvura noMweya. Kana vanhu vasingazive pamusoro pemazano aSatani, vanosara vasina imwe nzira asi kutotambudzika mukushaya rubatsiro.
Sezvandakareva, kuita zviratidzo zvakaita sekutaura nendimi, uye nekuita zviprofita, mushure mekugamuchira kuiswa kwemavoko, ose mabasa adhiabhorosi. Mune mamwe manzwi, masimba evanhu vakashangazhika anoratidzwa kuburikidza nekubata kwadhiabhorosi. Tinofanira kuti tivadzidzise. “Kana mumoyo mako muine zvivi, kunenge kuri kuda kwaSatani uyo anenge achibata mauri. Kana uchifunga kuti Mweya Mutsvene anogara mauri, kunyange zvazvo uine zvivi mumoyo wako, unenge wakanyengerwa.”
Kutenda kwevaApostora uyevo neuko kwevanhu avo vakave nokugamuchira kuiswa kwemavoko, mundima yokutanga yaMabasa 8, kwakave nokuiswa mumupanda umwechete, nokuda kwekuti mapoka avo ari maviri aya aiziva nezveevhangeri yaJesu Kristu yemvura noMweya. Asi kutenda kwevaApostora kwakange kwakasiyana zvachose nekweruzhinji rwavaKristu vanhasi, avo vanongodavira nyore kuti kuiswa kwemavoko kunova nokuvakonzera kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene.
Ko munhu anove nokugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nekuiswa mavoko neumwe munhu akave nokugamuchira kuregererwa kwezvivi here? Kwete. Bhaibheri rinotaura kuti Mweya waMwari wakanga uchitandazika uri pamusoro pemvura (Genesi 1:2). Izvi zvinoreva kuti, kuti munhu ave nokugamuchira kuregererwa kwezvivi, uye noMweya Mutsvene, anofanira kunzwa uye kudavira kuevhangeri yemvura noMweya. Mwari vanotumira Mweya Mutsvene sechipo kune muKristu anodavira kuevhangeri yemvura noMweya.
Tinofanira kuzviisa mundangariro kuti kunenge kuchitoita sokupikisana neevhangeri yemvura noMweya, iyo Mwari vakaronga kuti vave nokutiponesa pazvivi zvedu nayo, kana tikadzidzisa vanhu kuti vatsvake kuiswa kwemavoko kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Kufunga kuti munhu anogona kupa umwe munhu Mweya Mutsvene kwakafanana nokupikisa Mwari, uye vanhu avo vane kutenda kwemhando iyi vanova nokuwira munheyo dzaSatani zviri nyore. Izvi hazvifaniri kubvira zvakatenderwa kuti zviitike.
Zvivi zvedu zvose zvinova nokuregererwa kana tichidavira kuevhangeri yemvura noMweya, uye Mweya Mutsvene anova nokupupura kwazviri. Munhu anodavira kuevhangeri yemvura noMweya anenge asisina zvivi mumoyo wake. Uku hakusi kuda kwekuti haana kumbove nokutadza, asi pachinzvimbo chokudaro, kuda kwekuti anodavira kusimba reevhangeri yemvura noMweya. Evhangeri yemvura noMweya inopupura kuti haachina chivi mumoyo make, uye kuti Mweya Mutsvene anopupuravo kwazviri. Munhu haangagoni kudana Jesu seMuponesi wake pasina kuve noMweya waMwari mukati make.
Vanhu vakagarwa namadhimoni havazive nezveevhangeri yemvura noMweya, uye havatombovi nokuyiita musoro wenyaya. Havatombozive nezveevhangeri yemvura noMweya; uye pamusoro pazvo, havakwanise kuve nokuratidza zvokwadi. Vanotaura ivo kuti Mweya Mutsvene anova nokuuya badzi kana vakave nokuita uye nokugamuchira kuiswa kwemavoko. Asivo, Mweya Mutsvene haambove nokuuya kuburikidza nekuisa kwemavoko. Unofanira kuziva kuti kubata kwadhiabhorosi zvino kwave kushandisa simba guru pamusoro pavanhu vari mudzikereke, vakaburukidza pasi rose, nekudzidzisa kwako kwenhema. Nokuda kwechikonzero ichi, zvakafanira kuve nokugamuchira kugara kwoMweya Mutsvene kwamazvirokwazvo kuburikidza nokudavira kuevhangeri yemvura noMweya.