• All e-books and audiobooks on The New Life Mission website are free
  • Explore multilingual sermons in global languages
  • Two new revised editions in English have been released
  • Check out our website translated into 27 languages
Search

Sermons

Musoro 8 : Mweya Mutsvene

[8-3] Makagamuchira Mweya Mutsvene Pakutenda Kwenyu Kuna Jesu Here? (Mabasa 19:1-3)

(Mabasa 19:1-3)
“Zvino Aporo achiri paKorinte, Pauro wakati agura namativi enyika okumusoro, akasvika paEfeso, akawana vamwe vadzidzi, akati kwavari: ‘Makagamuchira Mweya Mutsvene pakutenda kwenyu here?’ Vakati kwaari: ‘Kwete, hatina kutongonzwa kuti Mweya Mutsvene uripo.’ Akati: ‘Ko makabhapatidzwa norubhapatidzo rwupiko?’ Vakati: ‘Norubhapatidzo rwaJohane.’”
 
 
Nemhaka yei Bhaibheri richiti, “Kubva pamazuva aJohane Mubhapatidzi kusvikira zvino, Vushe hweKudenga hunopambwa, vapambi vanohutora nesimba?”
Nokuti vanhu vanogona kutora Vushe hweKudenga kuburikidza nokutenda kuevhangeri yakaisvonaka; iyo inoti, Jesu akadzima zvivi zvose zvenyika, kuburikidza nokubhapatidzwa kwake naJohane, uye neropa rake paMuchinjikwa.
 
Ko Pauro akaparidza evhangeri yemhando ipi? Akaparidza evhangeri yebhapatidzo yaJesu, uye yeropa rake. Mabasa 19:1 inoti, “Zvino Aporo achiri paKorinte, Pauro wakati agura namativi enyika okumusoro, akasvika Efeso, akawana vamwe vadzidzi, akati kwavari: ‘Makagamuchira Mweya Mutsvene pakutenda kwenyu here?’” Asivo, vanhu ava vaidavira kuna Jesu, apo vachiva nokusiya chirevo chebhapatidzo yaJesu. Vakanga vasingazive evhangeri yakaisvonaka iyo inosvitsa pakugara kweMweya Mutsvene. Ndiko kusaka mubvunzo waPauro, wokuti, “Makagamuchira Mweya Mutsvene pakutenda kwenyu here?” wakanga usinganzwisiswe nevamwe vadzidzi vepaEfeso. Vamwe vanhu vangagona kudaro vakavabvunza kuti, “Ko unotenda kuna Jesu here?” Asi Pauro akave nokubvunza mubvunzo uyu, nenzira yemandiriri iyi, kuti vave nokukwanisa kugamuchira Mweya Mutsvene, kuburikidza nokuvandudza kutenda kwavo kuevhangeri yakaisvonaka. Bato raPauro raiva rokuparidza evhangeri yakaisvonaka yebhapatidzo yaJesu, neyeropa rake. Pauro, Pita naJohane vakavevo nokupa uchapupu kukubhapatidzwa kwaJesu naJohane Mubhapatidzi.
Ngaticherechedzei fakazo dzevaapostori kuevhangeri yebhapatidzo. Pauro akatanga nokufakaza, achiti, “Haisva? Isu takafa kuzvivi, tichagara seiko mukati mazvo? Ko hamuzivi here kuti isu takabhapatidzwa muna Kristu Jesu, takabhapatidzwa murufu rwake?” (VaRoma 6:2-3), uyevo achiti, “Nokuti vose pakati penyu, vakabhapatidzwa muna Kristu, makafuka Kristu” (VaGaratia 3:27).
Muapostori Pita akavevo nokufakaza kuevhangeri yebhapatidzo yaJesu, muna 1 Pita 3:21, achiti, “Naiwo mufananidzo worubhapatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kuna Mwari nokunuka kwaJesu Kristu; iye uri kurudyi rwaMwari, wakapinda kudenga, vatumwa namadzishe namasimba zvikaiswa pasi pake.”
Johane, muApostori, akavevo nokufakaza kuevhangeri ino, muna 1 Johane 5:5-8. “Ndiyaniko unokunda nyika? Haazi iye unotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari here? Ndiye wakavuya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; haana kuvuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Ndiye Mweya unopupura, nokuti Mweya ndiye zvokwadi. Nokuti kune zvitatu zvinopupura, zvinoti: Mweya, nemvura, neropa; zvitatu izvi zvinopupura chinhu chimwe.”
Johane Mubhapatidzi akabata basa guru kwazvo mukuzadzisa evhangeri yakaisvonaka. Bhaibheri rinotaura zvinotevera pamusoro paJohane Mubhapatidzi, muna Maraki 3:1-3, nemuna Mateo 11:10-11. Johane Mubhapatidzi akanga ari mumiriri wevanhu, uye akave nokupurofitwa nezvekuuya kwake naErija, sezvazvakanyorwa muTestamente Yakare. MuTestamente Yakare, chipiriso chechivi chayiuraiwa kuti ropa racho rideurwe; mushure mekunge chave nokutora zvivi zvemunhu, kuburikidza nokuisa mavoko ake pamusoro pacho. Asivo, MuTestamente Itsva, Jesu akave chipiriso chechivi, icho chakatora zvivi zvose zvenyika, kuburikidza nokubhapatidzwa kwake; akave nokufira paMuchinjikwa kuti ave nokuripira mibairo yezvivi. Jesu akaponesa vanhu nokuda kwekuti Johane Mubhapatidzi akatambidza zvivi zvose zvenyika kwaari, kuburikidza nebhapatidzo muRwizi Jorodani.
Mwari vakaronga mhando mbiri dzezviitiko zvikuru, kuitira kuti vave nokuponesa vanhu pazvivi zvavo, uye vakave nokuzvizadzikisa zvose. Chokutanga chaiva chokuita kuti Jesu ave nokuuya munyika muno, kuburikidza nomuviri wemhandara Maria, uye kumuita kuti ave nokubhapatidzwa, nokuroverwavo, kuti ave nokutora zvivi zvose zvenyika. Chechipiri chaiva chokuita kuti Johane Mubhapatidzi ave nokuzvarwa, kuburikidza naErizabeti. Mwari vakaita kuti zviitiko zviviri izvi zvive nokuitika, kuti vanhu vaponeswe pazvivi zvavo. Iri ibasa rakarongwa naMwari muHutatumumwe. Mwari vakatuma Johane Mubhapatidzi munyika muno, mwedzi mitanhatu nechekumberi kwaJesu; ndokubva vazotuma Jesu Kristu, Muponesi wevanhu, munyika muno kuti ave nokusunungura vanhu pamitongo yezvivi zvavo.
Jesu akapa uchapupu kuna Johane Mubhapatidzi, muna Mateo 11:9. “Asi makanga mabudireiko? Kuzovona muprofita here? Hon’o, ndinoti kwamuri, unopfuura kwazvo muprofita.” Zvakare, apo Johane Mubhapatidzi, uyo akatambidza zvivi zvose zvenyika kuna Jesu, akamuona, pazuva ramangwana racho, akapa huchapupu, achiti, “Tarirai, Gwaiana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika” (Johane 1:29).
Bhaibheri rine zvinyorwa zvizhinji pamusoro paJohane, uyo akabhapatidza Jesu, uye tinofanira kushingaira kuti tive nokuwana ruzivo rwuri nane pamusoro pake. Johane Mubhapatidzi akave nokuuya munyika muno, Jesu asati auya. Basa rake raiva rokuzadzikisa evhangeri yakaisvonaka, uko kwaive kuronga kwaMwari. Bhaibheri rinotaura kuti Jesu akagamuchira zvivi zvose zvenyika kubva kuna Johane; uye kuti Johane akazvitambidza kwaari kuti ave nokuzadzikisa kuda kwaMwari.
Tinomudeedza kuti Johane Mubhpatidzi nokuda kwekuti ndiye akabhapatidza Jesu. Ko kubhapatidzwa kwaJesu naJohane kunombori nechirevo chei? Shoko rokuti “kubhapatidzwa” rinoreva kuti “kushambidzwa.” Sezvo zvivi zvose zvenyika zvakave nokuiswa kuna Jesu, kuburikidza nekubhapatidzwa kwake, zvakave nokushambidzwa. Kubhapatidzwa kwaJesu kwakave nechirevo chimwechete “nekuiswa kwemavoko” uko kwaigamuchirwa nechipiriso chechivi muTestamente Yakare. Chirevo chepamweya chebhapatidzo ndechokuti “kutambidza,” “kuve nokushambidzwa.” Kubhapatidzwa kwaJesu naJohane chaiva chiito cherudzikinuro, chokutora zvivi zvevanhu vose vari munyika.
Bhapatidzo yaJesu ine kukosha kwakafanana nekuiswa kwemavoko; iyo yaive nzira yokutambidza nayo zvivi kuchipiriso chechivi, muTestamente Yakare. Mune mamwe manzwi, vaIsraei vaitambidza zvivi zvavo zvegore pachipiriso chechivi, paZuva Rokuyananisira, kuburikidza nokuisa mavoko emuprista mukuru. Chibairo chemuTestamente Yakare ichi chaiva nebasa rakangofanana nokubhapatidzwa kwaJesu, uye nokufa kwake paMuchinjikwa.
Mwari vakanga vakagadza Zuva Rokuyananisira, senguva yokutora zvivi zvevaIsraeri. Nezuva regumi romwedzi wechinomwe, muprista mukuru aitambidza zvivi zvose, zvegore, zvevanhu pamusoro wembudzi yechipiriso chechivi, kuburikidza nokuisa maoko ake pachibairo, kuti zvivi zvevanhu zvive nokuyananisirwa. Iyi yakanga iri tsika yokubaira yakanga yakavumbwa naMwari. Yakanga iriyo badzi nzira yokutambidza nayo zvivi zvevanhu kuchipiriso; uyevo, kuiswa kwechivi, kuburikidza nekuisa maoko, waiva murairo wokusingaperi wakaumbwa naMwari.
“Aroni agoisa mavoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu, ndokurevurira pamusoro payo zvakaipa zvose zvavana veIsraeri nokudarika kwavo kwose, izvo zvivi zvavo zvose; ngaazviise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza, itumwe kurenje nomunhu wakanga arairwa. Mbudzi iyo inofanira kutakurira zvakaipa zvavo zvose kunyika isina vanhu; unofanira kuregedza mbudzi iyo murenje” (Revitiko 16:21-22).
MuTestamente Yakare, munhu anenge atadza ayiisa mavoko ake pamusoro wechipiriso chechivi, achiva nokutambidzira zvivi zvake kwachiri, kuti ave nokuregererwa. Uyevo, paZuva Rokuyananisira, Aroni muprista mukuru, somumiriri wevaIsraeri vose, ayiisa mavoko ake pamusoro wechibairo, kuti atambidze zvivi zveIsraeri. Chibairo chaizobva chauraiwa, mushure mokunge chava nokutora zvivi zvavo.
Izvi zvine chirevo chepamweya chakafanana nebhapatidzo (MuchiGiriki, kuti baptisma zvinoreva kuti “kushambidzwa, kuvigwa, kutambidza”) yakagamuchirwa naJesu kubva kuna Johane, muTestamente Itsva. Sekuisa mavoko kwayiita muprista mukuru pachipiriso chechivi, achitambidza zvivi zvevanhu veIsraeri, muTestamente Yakare; naizvozvovo, zvivi zvose zvevanhu zvakave nokutambidzwa kuna Jesu, kuburikidza nekubhapatidzwa kwake naJohane Mubhapatidzi. Jesu akazobva afira paMuchinjikwa kuti ave nokuyananisira zvivi zvedu. Iyi ndiyo evhangeri yakaisvonaka yezvokwadi.
Sekupira chibairo chokuyananisira kwayiita Aroni, muprista mukuru, pachinzvimbo chevanhu veIsraeri; Johane Mubhapatidzi, umwe wedzinza raAroni, akaita basa iri, somumiriri wevanhu, rokubhapatidza Jesu, uye mukudaro, akave nokutambidzira zvivi zvose zvevanhu kwaari. Mwari vakave nokutsanangura kuronga kunoshamisa kwakadaro, kwerudo rwavo, muBhainheri muna Mapisarema 50:4-5, sezvinotevera, “Unodana denga kumusoro, Napasi, kuti atongere vanhu vake; Vunganidzirai vatsvene vangu kwandiri; ivo vakaita sungano neni nezvibairo.” Ameni, Haleluya.
Nhoroondo yeKereke inotaura kuti kwakanga kusina Kisimusi, pamakore mazana maviri ekutanga ekereke yokuvambira. VaKristu vekereke yokuvambira, pamwe nevaApostori vaJesu, vakanga vangopemberera badzi zuva rechitanhatu romwedzi waNdira se “Zuva Rokubhapatidzwa kwaJesu” paJorodani, naJohane Mubhapatidzi. Ko sei vakaisa simbaradzo huru kwazvo yakadaro yebhapatidzo yaJesu muchitendero chavo? Mhinduro yacho ndirwo rujuro rwomene rwechiKristu chetsika yevaApostori. Asi ndinovimba kuti hamuzovi nokuvhiringidzwa nebhapatidzo yemvura yevatendi, neBhapatidzo yaJesu.
Bhapatidzo yevatendi, sekuvapo kwayo parinhasi, ine chirevo chakasiyana kwazvo nebhapatidzo yakagamuchirwa naJesu kubva kuna Johane. Nokudaro, tose tinofanira kuva nekutenda kumwechete nokwevadzidzi vaJesu, kana tichida kuve nokugamuchira kugara kwoMweya Mutsvene. Tose tinofanira kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, kuburikidza nokutenda kubhapatidzo yaKristu, iyo yaakagamuchira kubva kuna Johane, uye nekuropa rake paMuchinjikwa.
Kana kereke yokuvambira yakave nokurangarira bhapatidzo sebira rakakoshesa kwazvo, kwakanga kuri kuda kwekutenda kwavo kwaiva nedzinde pabhapatidzo yaJesu; uye tinofanira kutoravo bhapatidzo yaJesu naJohane, pamazuva ano, sechikamu chakafanira pakuponeswa kwedu. Zvakare, tinofanira kuchengeta uye kusvika pakutenda kwakanaka kweruzivo rwakakwana; uko kunodudza kuti Jesu aifanira kuroverwa nokuda kwekubhapatidzwa kwake naJohane. Tinofanira kuzviisa mupfungwa kuti Mweya Mutsvene anotanga kugara matiri kana tichidavira kuti Jesu akave nokubhapatidzwa, akafira paMuchinjikwa, uye akave nokumutswa kuti ave Muponesi wedu. Kubhapatidzwa kwaJesu naJohane, neropa rake paMuchinjikwa; zvine chirevo chakakosha muevhangeri yakaisvonaka.
Nzira isingatadzikari yokuti tive nokugamuchira nayo Mweya Mutsvene ndeyokudavira kuevhangeri yakaisvonaka yebhapatidzo yaJesu neropa rake. Bhapatidzo yaJesu yakave nokunatsa zvivi zvose zvevanhu nguva imwechete. Yaive bhapatidzo yedzikinuro, iyo inotitungamira kuti tive nokugamuchira Mweya Mutsvene. Sezvo vamwe vanhu vachiva nokusaona simba rebhapatidzo yaJesu, vanongoinzwisisa semhembererovo zvayo.
Bhapatidzo yaJesu inoumba chikamu cheevhangeri yakaisvonaka, icho chinotiudza nezvekutora kwaakaita zvivi zvose zvenyika; akave nokugamuchira kutongwa nokuda kwavo, kuburikidza nokudeura ropa paMuchinjikwa. Aninani anodavira kumashoko eevhangeri ino yakaisvonaka anobva ave nhengo yekereke, iyo inova mudziyo waShe, uye achajabura maropafadzo eMweya Mutsvene. Mweya Mutsvene chipo chinobva kuna Mwari, kune avo vakave nokuregererwa pazvivi zvavo.
Nebhapatidzo yake, Jesu akave “Gwaiana raMwari rinobvisa zvivi zvenyika” zvakakwanira (Johane 1:29). Muna Johane 1:6-7 kwakanzi, “Kwakanga kunomunhu wakatumwa naMwari, zita rake rainzi Johane. Iye wakavuya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye.” Kuti tive nokudavira kuna Jesu soMuponesi wedu, uyo akave nokutora zvivi zvedu zvose, tinofanira kunzwisisa bato raJohane uye nefakazo yake, sekunyorwa kwazvakaitwa muBhaibheri. Ndipo patinobva tave nokukwanisa kudavira kuna Jesu Kristu soMuponesi wedu. Kuti tive nokugamuchira Mweya Mutsvene, tinofaniravo kuve nokutenda kwedu kwakasimba uko kunogombedzerwa nefakazo yake. Naizvozvo, kuti tizadzise evhangeri yakaisvonaka yezvokwadi, tinofanira kudavira mukubhapatidzwa kwaJesu naJohane nekuropa rake paMuchinjikwa.
Muna Mateo 11:12, kwakanyorwa kuti, “Kubva pamazuva aJohane Mubhapatidzi kusvikira zvino, vushe hwekudenga hunopambwa, vapambi vanohutora nesimba.” Ndima iyi inozivikanwa seimwe yendima dzinogozha kwazvo dzemuBhaibheri. Asivo, tinofanira kubatisisa kumutsetse unoti “kubva pamazuva aJohane Mubhapatidzi.” Zvamazvirokwazvo, inodudza kuti bato raJohane rakanga rakabatana, zvine hunangi, nebato raJesu kuitira kuponeswa kwedu.
Jesu anoda kuti tipinde muHumambo nokutenda kwakasimba, kwakasimba sevapambi. Tinova nokutadza zuva rimwe nerimwe, tiri vatete; asi anova nokutitendera kuti tipinde muHumambo hwake nokutenda kweshingairo, kusinei nokusarurama kwedu. Saka, ndima iyi inoreva kuti vanhu vanogona kutora humambo hwekudenga kuburikidza nekutenda kuevhangeri yakaisvonaka; iyo inotaura kuti Jesu akadzima zvivi zvose zvenyika, kuburikidza nekubhapatidzwa kwake naJohane uye neropa rake paMuchinjikwa. Mune mamwe manzwi, zvinoreva kuti Denga rinogona kutorwa kuburikidza nokutenda kwakasimba kuevhangeri ino yakaisvonaka, yebhapatidzo yaJesu neropa rake.
Bhapatidzo yaJesu yakave nokubvisa zvivi zvedu zvose, uye kutenda kwedu kwairi kunova nokuvimbisa kuti tichave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Tinofanira kuparidzira evhangeri iyi kuvavakidzani vedu, kuhama dzedu, kunavose vatinoziva, uye kuvanhu vose vari munyika. Tinofanira kuve nokutenda kuevhangeri yakaisvonaka, iyo inotaura kuti zvivi zvenyika zvakave nokuiswa kuna Jesu, kuburikidza nekubhapatidzwa kwake. Kuburikidza nokutenda kwedu, tinova nokuwana rufaro rwakakwana rwekudzikinurwa, uye nokuwanavo kugara kweMweya Mutsvene.
Bhapatidzo yaJesu yakabvisa zvivi zvedu, uye ropa rake raive kutongwa kwechivi. Tinofanira kutsanangurira evhangeri yakaisvonaka kune avo vasiri-vatendi. Vachava nokudavira kuevhangeri, vagova nokugamuchira Mweya Mutsvene, kuburikidza badzi nokuita saizvozvo. Ndinoda kuti uve nokutenda. Munhu anogona kuregererwa pazvivi zvake zvose, agova nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, kuburikidza badzi nokuva nokutenda kukubhapatidzwa kwaJesu naJohane uye nekuropa rake paMuchinjikwa.
Munhu wose anogona kuve mwanakomana waShe, uyo anogarwa noMweya Mutsvene mukati make, uye agovavo umwe wemadzikoma nevakunda vedu kuburikidza nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya. Munofanira kuve nokutenda kumwe, sekwaiva naPauro, muevhangeri yakaisvonaka. Ndinotenda Ishe nokutipa evhangeri ino yakaisvonaka, uye ndinomurumbidza. Ameni.