(Mabasa 3:19)
“Naizvozvo, tendevukai mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe kuti nguva dzokusimbiswa dzinobva kunaShe dzisvike.”
Ko vaapostori vaiva nokutenda kwemhando ipi?
Vaidavira kubhapatidzo yaJesu, uye kuropa rake paMuchinjikwa.
Tichitarisa pavadzidzi vaJesu Kristu; hudzamu hwekutenda kwavo pavakave nokuwana kugara kweMweya Mutsvene hwakange hwakatosiyana, zvakajeka, nokutenda kwavo kana dai vakanga vasina. Miviri yavo haina kuratidza kuve neshanduko zvayo; asi mushure mokugamuchira Mweya Mutsvene, hupenyu hwavo hwakashandurwa zvachose nechiedza chaJesu Kristu.
Guta randinogara rine makomo nenyanza, zvinoyevedza. Kana ndichiona nzvimbo dzinoyevedza dzakadaro, ndinova nokuzadzwa nokugutsikana; nokushamiswa, kuti handingatogoni, asi kungotenda Ishe nezvisikwa zvakadaro. Hunjenjenje hwemvura yakachena sekristaro, ichivaimiswa nezuva, hunoita kuti moyo wangu uzadzwe; nenzvimbovo dzakandipoteredza dzinoita kunge ndarama.
Asi pane nzvimbovo, idzo hunaku hwemuono hwakadaro hahuzviratidzi hwega. Pane nzvimbo idzo denga rinenge rakajeka zvakabwinya, asi mvura iyo inenge iri pasi pechadzera chezuva yakangoita dovetove. Hapana unjenjenje huri pamuono wakadaro. Ndichitarisa nyanza yakadaro, ndinotenda Ishe neevhangeri yavo yakaisvonaka, iyo yakanatsa zvivi zvangu; ikandipavo kugara kweMweya Mutsvene.
Sokusavakuma nechadzera chezuva kunoita pamusoro penyanza ine dovetove, saizvozvovo tinogonavo kuve kure kwazvo nechiedza chaMwari, tichiva takananga kumutondwe usingazikanwe, mukusaziva, nokuda kwechibarirwe chedu chokuva nezvivi. Asi kana Mweya Mutsvene achigara mukati memoyo yedu, tinova nokuratidzwa sevana vaMwari; tigovavo nokutungamirwa kuti tive nokudzidzisa evhangeri kune vamwe vanhu. Nokuda kwekuti takagamuchira chiedza chavo, tichava nokubwinya sechiedza.
Saizvozvovo, mushure mokumuka kwaJesu; vadzidzi vake vakave nokugamuchira Mweya Mutsvene; ndokubva vave vana, uye vaapostori, vechiedza. Chiedza cheMweya Mutsvene iropafadzo huru kwazvo kunavose; uye naizvozvo, vanhu vazhinji vanoshuvira kugamuchira Mweya Mutsvene.
Kutenda kwamuapostori Pauro
Ko Pauro waiva nokutenda kwemhando ipi? Pauro, mupupuro yorutendo rwake, akataura kuti akanga akadzidziswa, akave nokurovedzwa zvakakwana ari pasi paGamarieri (umwe venyanzvi huru dzaidzidzisa murairo panguva iyoyo) zvine rumano; sezvaibva pamurairo wamadzibaba ake. Asi akapupura kuti kunyange nomurairo, haana kutongokwanisa kuponeswa pazvivi zvake; uye kuti akanga ari mutambudzi waJesu, Muponesi wedu, zvamazvirokwazvo. Nerimwe zuva akasongana naJesu, achienda Damasko, ndokubva ave muparidzi wevhangeri yake. Akave nokutenda kuna Jesu Kristu, seMwanakomana waMwari; uyo akauya munyika muno, akava nokubhapatidzwa naJohane, kuti zvivi zvose zvenyika zvinatswe, ndokubva adeura ropa rake paMuchinjikwa, kuti atorere kwaari mitongo yose yepazvivi izvozvo. Mune mamwe manzwi, Pauro aiva nokutenda kwekuregererwa kwematadzo mukati memoyo wake.
Vadzidzi vaJesu vaidavira kuti kubhapatidzwa kwaJesu naJohane, pamwe neropa rake paMuchinjikwa, zvaive zvokuvakanganwira pazvivi zvavo zvose. Pauro aigoveranavo kutenda kumweko nevadzidzi, uye naizvozvo akave nokuponeswa pazvivi zvake zvose.
Pauro akati, muna VaGaratia 3:27, “Nokuti vose pakati penyu, vakabhapatidzwa muna Kristu, makafuka Kristu,” ndokubva apupura kutenda kwake kubhapatidzo yaJesu, pamwe noruponeso rwake. Zvakare, Pita akati, muna 1 Pita 3:21, “Naiwo mufananidzo worubhapatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kuna Mwari nokumuka kwaJesu Kristu,” uyevo akaratidza evhangeri yakaisvonaka yokubhapatidzwa kwaJesu, kuburikidza norugwaro urwu. Vadzidzi vaJesu vaidavira kuti kubhapatidzwa kwake naJohane kwakanatsa zvivi zvose zvenyika. Vakave nokuregererwa pazvivi zvavo, uye naizvozvo, havasisiri pasi pokutukwa kwemurairo, kuburikidza nokudavira kuzvokwadi iyi.
Vakadavira kubhapatidzo yaJesu, pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Zvine humbowo kuti kudavira uku kwaiva kwakafanira, pafaniro dzakakodzera dzokuva vadzidzi. Muna Mabasa 1:21-22, inotaura kuti, “Zvino pakati pavarume vaivungana nesu nguva yose, Ishe Jesu yaakapinda nokubuda nayo pakati pedu, kutanga pakubhapatidzwa kwaJohane, kusvikira pazuva raakabva kwatiri, achikwidza, mumwe wavo unofanira kuva chapupu chokumuka kwake pamwechete nesu.” Kuve chapupu chaJesu kwakatanga nokudavira mukubhapatidzwa kwake na Johane.
Zvokwadi yatinoda kuti tive nokuregererwa pazvivi zvedu, ndiyo yokutenda kubhapatidzo yaJesu, pamwe nekuropa rake paMuchinjikwa. “Nokuti vose pakati penyu, vakabhapatidzwa munaKristu, makafuka Kristu” (VaGaratia 3:27). Naizvozvo, Pauro aidaviravo mukubhapatidzwa kwaJesu naJohane, pamwe nomuropa rake paMuchinjikwa.
Ngatitarirei pana Tito 3:5, “Wakatiponesa, asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama, atakanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuberekwa kutsva, nokuvandudzwa kweMweya Mutsvene.” Pano, mutsetse wokuti, “kushambidzwa kwokuberekwa kutsva” zvinoreva kuti zvivi zvose zvenyika zvakave nokunatswa apo Johane akabhapatidza Jesu. Saizvozvovo, kana uchida kuregererwa pazvivi zvako, unofanira kudavira kuevhangeri yakaisvonaka, iyo inotaura kuti zvivi zvako zvakave nokutambidzwa kuna Jesu, kuburikidza nokubhapatidzwa kwake naJohane. Chikonzero icho Jesu akaroverwa, uye akadeura ropa kusvika pakufa, ndechokuti akange ave nokutora zvivi zvedu zvose, kuburikidza nebhapatidzo yaakagamuchira kubva kuna Johane. Kudavira kuzvokwadi iyi kwakakwanira kuti uve nokuwana kugara kweMweya Mutsvene. Pauro akapupura kuti aidaviravo mukubhapatidzwa kwaJesu naJohane, uye nemuropa rake paMuchinjikwa.
Ngatitarisei pana VaHeberu 10:21-22, inotaura kuti, “Vuye zvatinoMuprista Mukuru paimba yaMwari, ngatiswedere nomwoyo wazokwadi, nokutenda kwakasimba, mwoyo yedu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiviri yedu yakashambidzwa nemvura yakanaka.” Pano, kuti “kushambidzwa nemvura yakanaka” zvinoreva kubhapatidzwa kwaJesu naJohane, iyo yakanatsa zvivi zvose zvevanhu.
Naizvozvo; tinogona kuwana, kubva muTestamente Yakare neItsva, kuti zvikamu zvedzinde reevhangeri yakaisvonaka ndezvinoti; bhapatidzo yake, uye nokufa kwake paMuchinjikwa. Kana newevo unofanira kugoverana kutenda kumwechete nekwaPauro.
Parinhasi, vaKristu vazhinji vanodavira kwaari zvisina pundutso, pasina kuziva kuti apo Johane akabhapatidza Jesu, zvivi zvose zvenyika zvakave nokunatswa. Dzimwe nyanzvi dzechitendero dzinoita nharo dzokuti vanhu pachezvavo vanofanira kubhapatidzwa mumvura kuti vave nokuregererwa pazvivi zvavo. Muono uyu, zvichida, unoitwa nokuda kwekusaviza evhangeri yezvokwadi, uye yakaisvonaka, yemvura noMweya, sekunyorwa kwayakaitwa muBhaibheri. Zvivi zvedu hazvingagoni kuregererwa nemhemberero badzi, apo patinobhapatidzwa mumvura. Kutenda kubhapatidzo yaJesu, pamwe nekuropa rake paMuchinjikwa, kunotinatsa pazvivi zvedu zvose. Avo badzi vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka ndivo vanoregererwa pazvivi zvavo. Uyevo, kuburikidza nokudavira kuropa raJesu, vakave nokuripira mitongo yavo yose. Avo badzi vane kutenda uku ndivo vanogona kugamuchira Mweya Mutsvene.
“Ngatiswedere nomwoyo wazvokwadi, nokutenda kwakasimba, mwoyo yedu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiviri yedu yakashambidzwa nemvura yakanaka” (VaHeberu 10:22). Munyori weVaHeberu anotiudza kuti tiswedere pedyo naMwari nemoyo wazvokwadi nokutenda kwakasimba. Unofaniravo kuswedera padyo navo nemoyo wazvokwadi nokutenda, kwakakwana, muevhangeri yakaisvonaka.
Nhasi uno, vaKristu vanotarisira, neidi, kuwana kugara kweMweya Mutsvene. Asi Mweya Mutsvene anogara mukati badzi meavo vakave nokuregererwa zvivi zvavo. Voruzhinji havazive izvi; uye naizvozvo, vanoshuvira kugamuchira Mweya Mutsvene pasina kudavira kuevhangeri yakaisvonaka, yebhapatidzo yaJesu neropa rake. Avo vanodavira kuna Jesu asi vasingadaviri kubhapatidzo yake nekuropa rake paMuchinjikwa, havangagoni kugamuchira Mweya Mutsvene. Chikonzero ndechokuti havana moyo yakanatswa.
Pauro akadavira kubhapatidzo yaJesu nekuropa rake paMuchinjikwa; saka naizvozvo, akave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Zvakare, akave nokupararidza kudavira uku, akabva ave nokutambudzwa achinzi mudzidzisi wenhema. Asi nokuda kwekuti Mweya Mutsvene akanga achigara mukati memoyo wake, akakwanisa kuparadzira evhangeri yemvura noMweya kusvikira pamugumo wake. “Ndingaita zvose naiye unondipa simba” (VaFiripi 4:13). Akava nokushumira Mwari, akave nokurarama pasi pedziviriro yoMweya Mutsvene, kudzamara aenda kumusoro kuna Mwari; tinovonga kune kugara kweMweya Mutsvene. Avo badzi vane kutenda kumwe nekwaPauro, ndivo vanogona kugamuchira Mweya Mutsvene.
Ngaticherechedzei kutenda kwaPauro. Muna VaKorose 2:12, kwakanzi, “Makavigwa pamwechete naye pakubhapatidzwa, pamakamutswavo pamwechete naye nokutenda kwenyu simba raMwari wakamumutsa kuvakafa.” Akave nokuregererwa pazvivi zvake zvose, kuburikidza nokudavira kuna Jesu, uyo akave nokubhapatidzwa naJohane.
Ko chiKristu chakave nokushanduka sei kubvira pamakare?
Zvino ngatitarisei pupuro yevamwe sisi; avo vakave mudzidzi, mushure mokugamuchira Mweya Mutsvene muna Jesu Kristu.
“Ndakange ndave kuchembera, asi ndisingakwanisi kuita mwana; saka kuti ndive nokugamuchira ropafadzo yavo, kuburikidza nokunyengetera, ndakatanga kufamba kubva kukereke ino ndichienda kune imwe. Kunyange kana ndaive ndoga pamba, ndainamatira kuve nemwana, kweawa imwe kana mbiri; uye mhando yechitendero ichi yakave chikamu chehupenyu hwangu hwezuva rimwe nerimwe.
Pandakange ndiri kurarama hupenyu hwechitendero hwemhando iyi pachezvangu, ndakave nokusangana nemumwe mudzimai wechikuru. Akandiudza kuti kana ndichida kukumbira Mwari kuti vandipe mwana, ndaifanira kuedza kugamuchira munyengetero wokuiswa maoko kubva kwaari. Ndakave nokunzwa kubva kumwe kuti mudzimai uyu aiva nhumwa yaMwari; saka ndakave nokumutendera kuti aise maoko pamusoro wangu. Panguva iyoyo, ndakave nokusangana nezvandakange ndisati ndambonzwa kumashure. Rurimi rwangu rwakatanga kupeturika, uye ndakange ndave kutaura neumwe mutauro wakasiyana; ndokubva ndave nokunzwa simba rainoshamisa uye raipisa, richindisimudzira mudenga.
Ndakave nokutora kusangana uku sokunoreva kuti ndakange ndave nokugamuchira Mweya Mutsvene, uye kuti yakanga iri mhinduro yavo kuminyengetero yangu. Mudzimai akange aisa maoko ake pamusoro pangu airatidza kunge aive nechipo chinobva kuMweya Mutsvene, uye aikwanisa kupurofita, pamwe nokuporesa. Akange asina kumbogamuchira dzidzo yemashoko aMwari; asi, achishandisa simba roMweya Mutsvene, akange ave nokubatsira vafundisi vazhinji, pamwe neavo vakafunda, kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene.
Kubvira ipapo, ndakatanga kuenda kumagungano akadaro, rimwe racho raideedzwa kuti “[3]Bato Rekuvandudzwa/Rekumutsidzirana.” Ndiri pakati peumwe weminyengetero yangu, ndakanzwa kubvunda mumuviri wangu wose, ndokubva moyo wangu watanga kupisa norudo rwokuda Mwari, pamwevo navavakidzani vangu. Chinhu chimwechetecho ichi chakaitikavo kune vamwe, uye vanhu vaiva nokufenda, uye vachiva nokutauravo nendimi. Paivevo nevanhu vakange vakagarwa nemadhimoni ipapo, uye mutungamiri wegungano iri akave nokudzinga madzimoni aya. Chinangwa cheMusangano weKuvandudwa/Kumutsidzirana uyu chaiva chokubatsira vanhu kuti vave nokusongana noMweya Mutsvene kuburikidza nezvinhu zvakadaro sekubvunda, kupurofita, kudzinga madhimoni, uye nokutaura nendimi. Asi zvisinei nokusangana kwese uku, ndakanga ndichingori nechivi, uye zvivi zvaive mumoyo wangu zvakandiita kuti ndive nokunzwa kutya pamwe nokusvoda.
|
[3] Kuvandudzwa kwamazvirokwazvo chikamu chechibarirwo uye chakafanira chehupenyu hwechiKristu, uye kunounza kukura kwepamweya, uko kunopiwa huchapupu kuburikidza nechibereko choMweya. Asi mumakore mashomanana apfuura, mamwe mapato akave nokupa imwevo dudziro kushoko rokuti “kuvandudzwa” nenzira yokuti rinobva rave nokushaya fanano nekuyendeko yokukura kwepamweya yakatsanangurwa muMagwaro. “Kuvandudzwa” kwavo, uko kunobereka madengetera asingagoni kuzvibata, kunoonekwa nemutoo wose wezviratidzo zvemanyepo, uye kunofambidzana nedzidziso pamwe netsika dzebhaibheri dzakavandudzwa, kana kuti dzisiri dzemubhaibheri.
Idzi dzedzimwe dzedzidziso netsika, dzisina tsarukano, dzinokurudzirwa pakati pemapato ekuvandudzwa uye ekumutsidzirana: simbiso yakaraudzira yekunzwa rutapatiro, pachinhambo cheMagwaro; zvakazarurwa zvenhema, dzidziso dzenhema, kupurofita kwenhema, zviratidzo nezvishamiso zvenhema, pamwe nezvimwevo. Asivo, chinhu chine ngozi huru kwazvo, pamapato aya, ndechokuti ave nokukonzera kuti vanhu vazhinji vave nokusanzwisisa zvokwadi pamusoro pokugamuchira Mweya Mutsvene; pamwevo nokuti evhangeri yakaisvonaka ive nokuiswa parutivi.
|
Naizvozvo, nguva dzose dzandainamata; ndainamatira, zvakatendeta, kuti ndikwanise kugadzirisa dambudziko rechivi. Ndakave nokupupura kuti ndakange ndakatadza, asi vanhu vaitoramba vachinditora sengirozi. Ndakafunga kuti ndakanga ndiine kutenda kwakanaka, asi ndakanga ndiine nyasire. Kana dai ndakanga ndisina kuona nyasire yangu, zvimwe ndingadai ndisina kuwana mukana wokugamuchira Mweya Mutsvene.
Mushure maizvozvo, ndakave nokusongna neavo vanoparidzira evhangeri yemvura noMweya, ndikave nokugamuchira kuregererwa pazvivi zvangu zvose, kuburikidza nokudavira kumashoko aMwari. Zvino ndave nerufaro, zvamazvirokwazvo. Ndinodavira kuevhangeri yemvura noMweya, uye ndakave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Ndinoshuvira kuti dai vaKristu vakapoteredza pasi rose vave nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka, vagova nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Ndinotenda Ishe vedu.
Pano tave nokudzidza kuti, kuti tive nokugamuchira Mweya Mutsvene, tinofanira kuve neevhangeri yemvura noMweya. Kana uchida kuve nokuregererwa pazvivi zvako zvose, unofanira kuve nokutenda kukubhapatidzwa kwaJesu naJohane. Ngatitarirei pana VaEfeso 4:5. “Ishe mumwe, nokutenda kumwe, norubhapatidzo rumwe.” Pano pakarehwa kuti kuna Ishe mumwe, uye norubhapatidzo rumwe, izvo zvatinodavira. Tose tinofanira kudavira mukubhapatidzwa kwaJesu naJohane, uye muropa rake paMuchinjikwa, kuti tive nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Kana tikasadaro, Mweya Mutsvene haambovi nokugara mukati medu.
Pakambove, imwe nguva, nevanhu vaidzidzisa uye vaidavira kuti Bato roHutsvene noKururama raizove nokuvabatsira kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Asizve, unofunga here kuti Mweya Mutsvene anova nokugara matiri kana tikajoina mapato akadaro? Wakave nokugamuchira Mweya Mutsvene nokuda kweBato roHutsvene noKururama here? Kana dai zvikwanisika, ungadai wakave nokuchenjera kuti uve nokuchengetedza kutenda. Asi kana Mweya Mutsvene akauya pauri nechikonzero ichi, saka Jesu angadai asina kuuya pasi, akave nokutiponesa kubva pazvivi, uye angadai asina kubhapatidzwa naJohane, kana kuroverwa paMuchinjikwa.
Kuve nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene chipo chinobva pakudavira kuevhangeri yokubhapatidzwa kwaJesu, neropa rake; izvo zvakakuunzirai kuregererwa pazvivi zvenyu. Kugara kweMweya Mutsvene chipo chinopiwa kune avo vakave nokunatswa zvivi zvavo, zvikave nokuregererwa kuburikidza neevhangeri yezvokwadi.
Mazuva ano, pakati peavo vanobatira muBato reKuvandudzwa/Kumutsidzirana, pane vamwe vanodavira kuti minamato yakaperera yokupupura inogona kuvabatsira kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Vanotaura ivo kuti kunyange zvazvo munhu aine zvivi mumoyo wake, kana akanamata achitendeuka, anobva ave nokugamuchira Mweya Mutsvene.
Bato rechiPentekosta-Chekushangazhira, iro rakave nokupararira pasi rose, rakavambira kuUnited States mumakore ekuma1800. Bato iri rakavamba mushure meIndustrial Revolution, apo hunhu netsika dzevanhu zvakange zvarashika. Bato iri rakasvika pakutsviriridza paro apo moyo yevanhu yakange yakasuruvadzwa nokuda kweGreat Depression. Kubvira panguva iyoyo, kutenda kunodzambira pamashoko aMwari kwakadzikira, uye bato idzva rechitendero rakatanga kusimukira. Raiva Bato rechiPentekosta-Chekushangazhira, iro raiva rakananga pakunzwa Mweya Mutsvene panyama (Mwari) – kuona mabasa aMwari nemeso, uye kunzwa simba remashoko aMwari nomuviri pamwe nendangariro.
Kanganiso, ine mugumo werufu, yebato iri ndeyokuti rinobvisa vatendi kubva pamashoko aMwari, uye rinongovapo sechitendero chokushingairira kuwana maropafadzo epanyama badzi. Semhedzisiro, vateveri vebato iri vanobva vave varevereri vechishamani. Kunyange naparinhasi, avo vanoshumira muBato rechiPentecostal-Charismatic vanodavira kuti kana munhu aine kutenda kuna Jesu, anobva ave nokuwana hupfumi, chirwere chake chinova nokuporeswa, anova nokubudirira pazvinhu zvose, achiva nokugamuchira Mweya Mutsvene, uye nokutaura nendimi; agovevo nesimba rokuporesa vamwe. Bato rechiPentekosta-Chekushangazhira rave nokupararira, richipoteredza pasi rose. Bato iri zvino rave chidziviso pakutenda kwevanhu kuevhangeri yakaisvonaka, uye pakugona kwavo kuti vawane kugara kweMweya Mutsvene.
ChiKristu Chanhasi chakave nokuvambira pazvitendero zvaLuther naCalvin, makore angakwana mazana mashanu apfuura. Asi mukati menharaunda yechiKristu; dzidzo yeBhaibheri pamusoro pokugara kweMweya Mutsvene, haina kunyatsovakwa zvakasimbaradzwa. Dambudziko nderokuti, kubvira pamavambo echiKristu chanhasi, vaKristu vazhinji vakave nokudavira kuna Jesu vasingazive kukosha kwebhapatidzo yake, pamwe nokufa kwake paMuchinjikwa. Zvakare, kunhinhidza zvinhu; vanhu vakatanga kusimbisa dzidziso dzechiKristu dzisidzo, uye vachisimbisavo magogo avanonzwa panyama badzi. VaKristu vose vanofanira kudavira kuevhangeri yakaisvonaka; iyo inoti, Jesu akave nokubhapatidzwa naJohane, kuti zvivi zvose zvenyika zvive nokutorwa; uyevo kuti akave nokuroverwa, kuti ave nokutongerwa zvivi izvozvo. Kudavira uku kunove nokukuita kuti uve nokugamuchira Mweya Mutsvene.
Nhasi uno, chikonzero chinoita kuti vanhu vazhinji vave nokusuruvara ndechokuti vanhu vane chiwanzo chokusave nehanya nezvokwadi yebhapatidzo yakagamuchirwa naJesu kubva kuna Johane, uye zvokwadi yeropa rake paMuchinjikwa. Jesu vanotitaurira kuti tive nokuziva zvokwadi. Kudavira mukubhapatidzwa kwaJesu naJohane, pamwe nekuropa rake paMuchinjikwa; zvinoreva kuti, kudavira kuevhangeri yemvura noMweya. Kana uchida kugamuchira Mweya Mutsvene, unofanira kudavira kuti; apo Johane akabhapatidza Jesu, zvivi zvako zvakave nokutambidzwa kwaari, uye kuti ropa rake rakave kutongwa nokukanganwirwa kwezvivi zvako zvose. Unobva wave nokugamuchira Mweya Mutsvene.
VaKristu vazhinji vanodavira kuropa raJesu badzi, seevhangeri yedzikinuro. Asizve, avo venyu vanodavira kuropa raJesu badzi, vangagona here kusunungurwa pazvivi? Ko iwe ungagona here? Kana uchifunga kuti izvi zvinogona kuve nokudaro; zvichida, ungori badzi neruzivo rwusina kutsarukana pamusoro pechirevo chemazvirokwazvo chebhapatidzo yaJesu. Kana zvakadaro, mumoyo mako muchiri nezvivi. Kana wave nokubatanidza bhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake, sokutenda kumwechete; ndipo badzi paunogona kuve nokuponeswa pazvivi zvako, ugova nokugamuchira Mweya Mutsvene. Bhaibheri rinotaura kuti iyi ndiyo badzi evhangeri inotibatsira kuti tive nokukunda nyika. “Nokuti kune zvitatu zvinopupura, zvinoti: Mweya, nemvura neropa; zvitatu izvi zvinopupura chinhu chimwe” (1 Johane 5:8). Naizvozvo, tinofanira kuzviziva, kuti; mukushuva kwavo kuti vatiponese pazvivi zvedu, Mwari vakaita kuti Johane ave nokubhapatidza Jesu, ndokubva vazomuita kuti ave nokuroverwa.
Chikonzero icho vaKristu vazhinji vasina kuregererwa kwezvivi, kunyange zvazvo nokudavira kwavo kuna Jesu, ndechokuti havadaviri kuevhangeri yakaisvonaka iyo yakave nokuzadzikiswa nokubhapatidzwa kwaJesu naJohane, uye neropa rake paMuchinjikwa. Avo vanodavira kuzvinhu zviviri izvi vanova nokuregererwa pazvivi zvavo, uye Mweya Mutsvene achiva nokugara mumoyo yavo.
Kana vanhu vakaona kuti zvivi zvavo zvave nokunatswa, moyo yavo inova nokuwana rugare, uye ichipavhurika semvura yakagadzikana. Nhambo idzo Mweya Mutsvene anogara mumoyo wemunhu, rugare rwakaita serwizi rwunova nokuyerera rwuchipinda nokubuda mukati memoyo wake. Tinova nokusangana naShe, kuburikidza nokudavira kuzvokwadi iyi, uye nokufamba noMweya, apo patinenge tichiparidzira evhangeri yokugamuchira Mweya Mutsvene. Moyo yedu haina kumbobvira yave norugare rwakadai. Kubvira panguva yatinotanga kudavira kuevhangeri yemvura noMweya, hupenyu hwedu hunove norunyararo, uye moyo yedu inove norufaro rwakakwana. Hatingagoni kuve nokufuratira evhangeri yakaisvonaka iyi. Mweya Mutsvene anogara mumoyo yedu nguva dzose, achitirangaridza kuti tive nokuparidzira shoko ravo; uye achitendera vanhu vanodavira kwairi kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene.
Nokuda kwekuti takadavira kuevhangeri yakaisvonaka yebhapatidzo yaJesu neyeropa rake paMuchinjikwa, takave nokuropafadzwa noMweya Mutsvene. Zvino unofanira kuve nokutenda kubhapatidzo yaJesu, nekuropa rake paMuchinjikwa, kuti uve nokugamuchira Mweya Mutsvene. Zvakakosha kuti vanhu, vakapoteredza pasi rose, vatangise ndinde yokudavira kushoko raMwari; rinoti, Jesu akave nokubhapatidzwa naJohane, kuti ave nokutora zvivi zvose zvenyika, uye kuti akave nokufira paMuchinjikwa kuti atongerwe zvivi zvavo. Kana vachiva nokudaro, vanova nokugamuchira Mweya Mutsvene, pakupedzisira.