• All e-books and audiobooks on The New Life Mission website are free
  • Explore multilingual sermons in global languages
  • Two new revised editions in English have been released
  • Check out our website translated into 27 languages
Search

Sermons

Musoro 8 : Mweya Mutsvene

[8-5] Ko Unoda Kuva noKuyanana noMweya Mutsvene Here? (1 Johane 1:1-10)

2021.04.19 26
(1 Johane 1:1-10)
“Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, zvatakanzwa, zvatakaona nameso edu, zvatakatarira, nezvatakabata nemavoko edu, zveShoko revupenyu-(vupenyu hwakaratidzwa tikahwuona, tinopupura nekukuparidzirai vupenyu hwusingaperi, hwakanga hwuri kunaBaba, hwukaratidzwa kwatiri): Izvo zvatakavona, nezvatakanzwa, ndizvo zvatinokuparidziraivo, kuti nemivo muyanane nesu; kuyanana kwedu tinako naBaba, noMwanakomana wake Jesu Kristu. Zvinhu izvi tinokunyorerai, kuti mufaro wedu uzadziswe. Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari yatinokuparidziraivo, kuti Mwari chiedza, hamune rima maari. Kana tichiti, tinoyanana naye, tichifamba murima, tinoreva nhema, hatiiti zvokwadi; asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari pachiedza, tinoyanana isu neropa raJesu Kristu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose. Kana tichiti, hatine zvivi, tinozvinyengera, zvokwadi haizi matiri. Kana tichizvirevurura zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu, nokutinatsa pakusarurama kwose. Kana tichiti, hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harizi matiri.”
 
 
Ko ndeipi faniro yokutanga mukuva nezivo yokuyanana noMweya Mutsvene?
Tinofanira kutanga taziva uye tadavira kuevhangeri yemvura noMweya, tigova nokuzvinatsa pazvivi zvedu zvose, kuburikidza nokutenda.
 
Kana uchida kuve nokuyanana noMweya Mutsvene, chokutanga, unofanira kuziva kuti kunyange nechivi chiduku, pamberi paShe, chinoita kuti kuyanana kwakadaro kuve nokutadzikara. Ungagova kuve nokufunga, kuti, ‘Ko munhu angatadza kuve, kana, nechimhedu zvacho chechivi sei, pamberi paShe?’ Asi kana uchidokwairira kuyanana naShe, zvamazvirokwazvo, haufaniri kuve nerima mukati memoyo wako. Naizvozvo, kuti uve nokuyanana naShe, unofanira kuziva kuti unofanira kudavira kuevhangeri yokudzikinurwa, ugova nokuzvichenesa pazvivi zvako zvose.
Kana uchishuwira kuva nokuyanana noMweya Mutsvene, zvamazvirokwazvo, unofanira kutanga waziva pamwe nokudavira kuevhangeri yemvura noMweya, ugova nokuchenesa zvivi zvako, kuburikidza nokutenda. Kana usingazive evhangeri yemvura noMweya, uye kana usingaitoreri mukati memoyo wako; naizvozvo haufanire kutombofunga zvekuva nokuyanana naShe. Kuva nokuyanana noMweya Mutsvene kunogoneka badzi kana zvivi zvako zvose zvave nokucheneswa mumoyo mako, kuburikidza neevhangeri yemvura noMweya.
Zvivi zvose zvinogona kucheneswa mundangariro dzemunhu, nezvokwadi yemvura noMweya, zvake. Ishe vanokuropafadza noMweya Mutsvene kana uchidavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya. Unoda, zvamazvirokwazvo, here kuva nokuyanana naShe, pamwe noMweya Mutsvene? Saka, iva nokuziva zvivi zvako, ugova nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka, kuti uve nokuzvinatsa pazvivi. Mushure maizvozvo, unogona kuve nokuyanana naShe, zvamazvirokwazvo.
Kana uchishuvira kuve nokuyanana naShe, unofanira kudavira kubhapatidzo yakagamuchirwa naJesu kubva kunaJohane, muRwizi Jorodani, ugovevo nokudavira kuropa rake paMuchinjikwa. Kana vanhu vachishuva kuve nokuyanana noMweya Mutsvene, zvamazvirokwazvo, vanofanira kuziva kuti Mweya Mutsvene ndiyani. Mweya Mutsvene ndiye Uyo Wakarurama. Saka naizvozvo, anogona kugara mukati meavo badzi vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka.
Ngatitarirei kupupura kweumwe munhu, uyo akave nokucheneswa zvivi zvake, kuburikidza nokudavira kubhapatidzo yaJesu naJohane, pamwe nekuropa rake; uye parizvino ane kuyanana noMweya Mutsvene.
“Pane vanhu vazhinji kwazvo, vakasiyana siyana, munyika muno; uye munhu wose anorarama nepakufunga kwake pauzima, uye nepanzira dzake. Ndakange ndiri umwe wakangoitavo savo. Ndakararama hupenyu hwehungoya, uye kubvira pavuduku hwangu, ndaitevera amai vangu kuenda kukereke, ndokubva ndave nokungodavira kuna Mwari, pamuzvarirwo. Baba vangu vaiva munhu asingadaviri kuti kunaMwari, uye nguva zhinji vainditsoropodza pachitendero changu, asi vamwe vose vemumhuri vaienda zvavo kukereke. Kuenda kukereke chaitove chikamu chikuru chovupenyu hwangu.
Asivo, panguva yandakange ndoda kusvika pavujaya; ndichivona baba vangu varere panhovo yovurwere, pfungwa zvinji pamusoro pezvinhu zvakadai sovupenyu norufu, Denga neGehena, dzakave nokuvuya pandiri. Vanhu vazhinji vakati kana ndikave nokudavira kuna Mwari, ndaikwanisa kuve nokuenda Kudenga, ndigova mwana wavo; asi ndakange ndisina chokwadi nazvo. Ndakange ndisina chokwadi chokuti ndaizove mwana wavo. Ndakadzidza kuti kana ndikave nokuita zvakanaka panyika, ndaizokwanisa kuenda Kudenga; saka ndakaedza kuitira zvakanaka kune vanoshaya.
Asi, kune rumwe rutivi rwomoyo wangu, ndaiziva kuti ndakange ndakatadza. Ndaikwanisa kuratidza kunge ndiri munhu akanaka kune vamwe; asi handaikwanisa, asi kunzwa mhaka pazvivi zvangu. Panguva iyoyo, ndakayiita tsika, yokuenda kukereke, ndichinamata, kuti, ‘Ndapota, regai ndive mwana wenyu, zvamazvirowzvo. Ndapota, ndiitei kuti ndizive zvokwadi.’ Pandakange ndichinamata, ndakavambira kurudziro itsva mukati memoyo wangu. Pose pandainzwa dzidziso dzemashoko avo, handaikwanisa kunzwisisa, kana kuona mashoko. Ndakange ndapererwa nokuda kweshayisano yehupenyu hwangu, yezvivi zvangu, yekufa, neyezvimwevo.
Ndakabva ndave nokuita pfungwa dzakadro seidzi, ‘Ndinoda kuzvarwa patsva. Kana ndikagona kuve nokuzvarwa patsva, handingavi nokurarama seizvi.’ Asi, zvisinei nendangarariro idzi, ndakatanga kuenda kukereke nenguva iri kure; ndokubva ndazosvika panguva yevujaya. Ndakanga zvino ndave kuda kutsvaga basa, asi zvaiva zvakaoma kwazvo pane zvandaitofungidzira. Ndakave nokunetseka zvikuru, uye zvisinei nokuedza sei kwandakaita, handina kukwanisa kunyevenuka. Ndichizvitarisa nemoyo une shayisano, ndakave nokunetekara. Panguva iyoyo, ndakabva ndanzwa evhangeri kubva kuna mukoma wangu.
“Naizvozvo tendevukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokusimbiswa dzinobva kunaShe, dzisvike” (Mabasa 3:19). Iyi yaiva evhangeri yemvura noMweya, zvamazvirokwazvo. Chandakange ndangodzidza pamisangano yekereke, kumashure, chaiva chokuti; Jesu akafira zvivi zvedu paMuchinjikwa. Asi evhangeri iyi yakanditaurira kuti Jesu akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi, kuti ave nokutora zvivi zvedu, akave nokutongerwa zvivi zvedu paMuchinjikwa.
Ndakange ndave nokuenda kukereke pavupenyu hwangu hwose, uye ndakange ndave nokunyepedzera kuve mwana waMwari, asi ndakange ndatadza. Ndakange ndaedza kunzwisisa zvinoreva mashoko avo, asi ndakange ndatadza. Asivo, mushure mokunzwa evhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, ndikave nokudavira kwairi; chitadzo chaiva mandiri, pamwe nezvinhu zvose zvainditambudza, zvakave nokupera; uye moyo wangu wakava norugare.
Ndaifunga kuti ndaizova nokuenda kuDenga; kana ndikadavira kuna Mwari badzi, ndiine chido, uye kana ndichiva nokuenda kukereke ndisingarovhi. Asi Mwari vakanditumira evhangeri yemvura noMweya, ndokubva zvivi zvangu zvave nokukanganwirwa. Vakandipa chipo choMweya Mutsvene. Ndisati ndave nokugamuchira rudzikinuro rwavo, ndakange ndisingazive nezveMweya Mutsvene, uye nezvechirevo chokutaura nendimi. Ndaingove nokuenda kukereke, ndichidavira kuti kana ndikave nokurarama ndakatendeka, ndichishumairira kereke yangu, Mwari vaizova nokundiropafadza. Asi ndakazove nokuziva kuti ndaikwanisa kugamuchira Mweya Mutsvene, kana badzi zvivi zvangu zvave nokuregererwa, kuburikidza neevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya.
Muhupenyu hwangu hwekumashure, ndakanga ndichiri muzvivi, kunyange zvazvo, ndaidavira kuna Mwari. Uye ndairarama hupenyu hwemhando yepamuganhu, ndisingazive kukosha kwekugamuchira Mweya Mutsvene. Asi, kuburikidza nemurandarume wavo, uyo akaparidzira evhangeri yakaisvonaka, sezvinobva muBhaibheri; ndakave nokudavira, ndikabva ndave nokuziva kuti Mweya Mutsvene anogaravo mandiri.
Mushure mokugamuchira rudzikinuro; pakutanga handina kukwanisa kupwiswa kuti Mweya Mutsvene akanga ari mandiri here kana kuti kwete. Asi ndakaramba ndichifunda mashoko avo, ndikave nokuona kuti mumoyo mangu makanga muchisekesera norutendo rutsva; uye kuti ndakanga ndave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Parizvino, chave chokwadi; uye ndinonzwa kupwiswa, kuti Mweya Mutsvene anogara mandiri! Pavakakanganwira zvivi zvangu, ndakave nokuziva kuti avo badzi vakasunungurwa pazvivi ndivo vanokwanisa kuve vana vaMwari, vachivavo nokugamuchira Mweya Mutsvene.
Ndakazivavo kuti edzesero dzangu dzokuratidza kuve ndakarurama mumeso avo, kana kuve nokurarama zvakarurama, hazvaigona kunditendera kuti ndive nokugamuchira Mweya Mutsvene. Mwari vanouya kune avo vanoziva kuti vatadzi, asi vasingazive kuti vangaita sei nazvo. Anova nokusangana neavo vanomutsvaga nechido, uye vanomuda.
Vakandiita kuti ndive nokuvona kuti; kuita zvakanaka, pamwe nokudavira kuna Mwari, ndiine kusiya kwehubacha, hazvingavi nokundiendesa kuDenga; uye kuti Jesu Kristu vakauya munyika muno kuzondiponesa pazvivi zvangu, kuburikidza neevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya. Vakandipa Mweya Mutsvene, kuti ave nokugara mukati mangu nokusingaperi.
Ndinotenda Ishe nokundiita mwana wavo, uye nokundiropafadza nekugara kweMweya Mutsvene. Kana dai kwakanga kusiri kuda kwaShe, ndingadai ndichingori nechivi mumoyo mangu, uye ndichizopiwa mhaka yekusungwa kwehupenyu hwose muGehena.”
Saizvozvovo, ndakambovevo nokutenda kuropa raJesu paMuchinjikwa badzi; uye handina kukwanisa kuve nokugamuchira Mweya Mutsvene, kunyange ndakange ndichida kudaro. Panguva iyoyo, ndaidavira kuna Jesu, asi ndakanga ndiine chivi mumoyo wangu, icho chaindivharidzira kuti ndive nokugamuchira Mweya Mutsvene. Mutadzi haangagoni kuve nokugamuchira Mweya Mutsvene mumoyo make. Asi zvichakadaro, vatadzi vazhinji vanoedza kugamuchira Mweya Mutsvene, kunyange kana moyo yavo yakazara nezvivi.
Kana uchishuvira kugamuchira Mweya Mutsvene, zvamazvirokwazvo, pamwe nokuva nokuyanana navo; unofanira kudavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, ugova nokuwana rudzikinuro. Unobva wave nokugona kunzwa evhangeri yezvokwadi kubva kune avo vakatogamuchira Mweya Mutsvene nechekare. Avo vanoshuvira kuva nokuyanana noMweya Mutsvene vanofanira kuve nemoyo ine nyota, vagova nokuvimba kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya.
Vakarurama badzi ndivo vanogona kunzwa mashoko eMweya Mutsvene, kuburikidza nekereke. Vanogona kurarama hupenyu hwavo hwakatendeka, kuburikidza nokunzwa evhangeri yakaisvonaka; asi vatadzi vanorarama hupenyu hwavo hwakatukwa, hwakatondeswa kuGehena, pasina kumbove nokunzwa evhangeri.
Naizvozvo, unofanira kudzidza pamusoro peevhangeri yemvura noMweya. Ko sei uchifanira kuva nokudavira kuevhangeri iyi? Zvakafanira kuti uve nokupoya kubva kuchitendero chomurairo, ugova nokuvaka kutenda kwako muevhangeri yakaisvonaka, sezvinobva pamashoko aMwari. Vadzidzi vaJesu vakatevera evhangeri yakaisvonaka iyi, uye parizvino ndeye avo vakave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Evhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya yakangofanana neiyo yaiteverwa nevaapostori, pamavambo ekereke yokutanga. VaKristu vose vanofanira kugamuchira Mweya Mutsvene. Ndipo badzi pavanozogona kuve vana vaMwari.
Avo vachiri kusadavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya vanofanira kunge vane chivi mumoyo yavo. Havangagoni kuve nokuyanana noMweya Mutsvene. Kuti vave nokuyanana naye, vanofanira kutanga vadavira kuevhangeri yemvura noMweya iyo yavakapiwa naMwari; vagova nokugamuchira Mweya Mutsvene.
 
 
Bhaibheri rinotaura nezveMweya Mutsvene zvakapamhidzwa
 
Kugara kweMweya Mutsvene kwakatanga mushure mekumuka kwaJesu. Nhasi ndiro zuva roruponeso, uye zvino ndiyo nguva yenyasha dzavo dzisina mugumo. Asi irombo rakaipa, zvamazvirokwazvo, kana tikasagamuchira evhangeri yemvura noMweya; uye kana tikararama tisina kuyanana noMweya Mutsvene.
Ko une kuyanana noMweya Mutsvene here? Uri kuvharidzirwa kuve nokuyanana noMweya Mutsvene nokuda kwezvivi zvako here? Saka funda pamusoro peevhangeri yemvura noMweya, iyo yawakapiwa naMwari, ugova nokudavira kwairi. Kana ukadavira kuevhangeri yemvura noMweya; Mweya Mutsvene anova nokugara mumoyo mako, achiva mufambidzani wako. Mweya Mutsvene anogara mumoyo yeavo badzi vanodavira kuevhangeri yemvura noMweya. Mweya Mutsvene anoratidza kuda kwake mumoyo yevakarurama, nguva dzose. Bato raPauro, noMweya Mutsvene, raiva rokupararidza evhangeri yakaisvonaka.
Ko ungadoma sei munhu akave nokugamuchira Mweya Mutsvene? Ganhuro yacho ndeipi? Ganhuro ndeyokuti; anodavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya here. Kana munhu achiziva, pamwe nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya; ndiye munhu ane kugara kweMweya Mutsvene.
Mweya Mutsvene haagari mukati meavo vasingadaviri kuevhangeri yemvura noMwera. Mweya Mutsvene anogara mukati meavo badzi vanodavira kuevhangeri yokuregererwa kwechivi, iyo inobva pabhapatidzo yakagamuchirwa naJesu kubva kuna Johane, pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Ko unoshuvira kuve nokuyanana noMweya Mutsvene here?
Ko unoziva here nezvemhando yeevhangeri yaunofanira kunzwisisa kuti uve nokugamuchira Mweya Mutsvene, ugove nokuyanana naye? Evhangeri yakaisvonaka inowanikwa mukati mokutenda kubhapatidzo yaJesu naJohane, pamwe nekuropa rake paMuchinjikwa. Kana usingadavire kuevhangeri yemvura noMweya, zvivi zvako hazvingagomi kuve nokuregererwa; saka naizvozvo, Mweya Mutsvene haangagoni kugara mauri. Mweya Mutsvene anorayira kuti vanhu vanofanira kudavira kuevhangeri yemvura noMweya, kuti vave nokumugamuchira.
Mweya Mutsvene haangagoni kugara mukati memoyo yevatadzi. Kana uchida kugamuchira Mweya Mutsvene, unofanira kutanga wadavira kuevhangeri yakaisvonaka, kuti uve nokuzvichenesa pazvivi zvako zvose. Zvakare, kana uchishuwira kuve nokuyanana noMweya Mutsvene, unofanira kuve wakatendeka pakuparidzira evhangeri yakaisvonaka. Kana uchida kutungamirwa noMweya Mutsvene, unofanira kuve norudo neevhangeri yakaisvonaka, nguva dzose; ugoedza kuipararidza kwese kwaunoenda. Mweya Mutsvene ane avo vanoparidzira evhangeri yemvura noMweya.
Kugara kweMweya Mutsvene kunopiwa kune avo vakarurama badzi, avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka. Vakarurama badzi, avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka; ndivo vanogona kuve nokuyanana noMweya Mutsvene. Evhangeri yakaisvonaka inotenderwa noMweya Mutsvene ievhangeri iyo yakave nokuzadzikiswa nekubhapatidzwa kwaJesu naJohane, pamwe neropa rake (1 Johane 5:3-7).
Pita aidaviravo kuevhangeri yemvura noMweya, uye akave nokuti, “Naiwo mufananidzo worubhapatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kuna Mwari nokumuka kwaJesu Kristu” (1 Pita 3:21). MuBhaibheri, kuti “mvura,” kazhinji kacho, zvinomirira bhapatidzo yakagamuchirwa naJesu kubva kuna Johane Mubhapatidzi.
Avo vanokwanisa kugamuchira Mweya Mutsvene, vakave nokugamuchira rudzikinuro, kuburikidza neevhangeri yakaisvonaka, uye vakasunungurwa pazvivi zvose. Avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka vanogona kunamata Baba, mumweya nomuzvokwadi, nenhungamiro yoMweya Mutsvene (Johane 4:23). Mweya Mutsvene anobatsira avo vakarurama kuti vave nokurarama hupenyu hwavo hwakazadzwa noMweya Mutsvene. Avo vane kugara kweMweya Mutsvene vanogona kurarama nokusingaperi, vachiva nokurumbidza Ishe. Mweya Mutsvene anovimbisa kuti isu tiri vana vaMwari. Tinokwanisa kurarama nokusingaperi mukati meevhangeri yemvura noMweya, uye mukati moMweya Mutsvene.
 
 
Mweya Mutsvene haavi nokuyanana neavo vanozvinyengera
 
Mweya Mutsvene anotaurira vatadzi, muna 1 Johane 1:8, “Kana tichiti, hatinezvivi, tinozvinyengera, zvokwadi haisi matiri.” Mweya Mutsvene haangagari mukati meavo vanozvinyengera. Mweya Mutsvene anodzivisa vatadzi, achiti, “Ko sei usina kudavira kuevhangeri yakaisvonaka, yakazadzikiswa nokubhapatidzwa kwaJesu, pamwe neropa rake?”
Tichave nokutarisa kupupuro yemumwe muKristu akazvarwa patsva; uyo, pakutanga, aidavira kuti akange ave nokugamuchira Mweya Mutsvene, pasina kuvepo kwebhapatidzo yaJesu, pamwe neropa rake. Murume uyu, parizvino, ave kudavira kuevhangeri yemvura neropa; uye akave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Pano, tinofanira kuburitsa, zvamazvirokwazvo, kuti Mweya Mutsvene anove nokugara pana ani.
“Mwari vakatanga kugara mukati memoyo wangu pandakave nokuziva chikonzero chokuvepo kwangu pano panyika. Ndichizvicherechedza, ndinofunga kuti kunetekara kwangu kwekurarama, ndiri ndoga, munyika ino yakakasharara, kwakauya sedokwairo yepanaMwari. Handina kuve nokutsvaga Mwari, asi ndakave nokungodavira kuhuvepo hwavo, pachibarirwe; nokuti havaonekeki, asi variko zvavo. Zvamazvirokwazvo, ndakazvibvunza, kuti, ‘Variko zvomene-mene here?’ asi kunyange nendangariro yazvo yaindityisa, sezvo ndaidavira kuti ndivo Musiki wezvose.
Avo vakaramba Mwari vairatidza kuve novupenzi, asi nedzimwe nzira, vakange vakatosimba kupfuura inini. Vairatidza sokunge vanokwanisa kupinda mumamiriro ose pachezvavo; uye, norumwevo rutivi, ini ndaiita sebenzi risina simba. Asi nokuda kwekuti ndaiva netariro yovupenyu mushure mokufa, ndakatarira pana Mwari norukudzo rukuru. Ndakashaya kuziva kuti Denga yaiva nzvimbo yevanhu vakaita seni here, avo vanogara vachinzwa kuti vari pakushaya nguva dzose. Uyevo mubvunzo uyoyo wakandiita kuti ndirambe ndichidokwairira, nokutendeka kwakapetwa, kuParadiso yoKudenga.
Vabereki vangu vaitarisira pasi, vanhu vezvitendero; uye vemhuri yangu vaingoenda kukereke vasina kuzvipira. Vakafunga kuti kuzvipira kwangu kukereke kwaizove nokuguma, pasina nguva, saka havana kundidzivisa kuenda kukereke, kudzamara pandakanga ndave pakati pezvidzidzo zvesekondari. Saka ndakatanga kubva pakereke imwe ndichienda kune imwevo; ndikadzamara ndave kuenda kune imwe kereke yaiva padyo nemusha wangu, kuzosvikira ndave kukoreji.
Chikonzero icho ndakasarudza kuenda kukereke iyi chaiva chokuti, yaiva nokusimbirira zvakanyanya paevhangeri. Mufundisi wekereke iyi aiva mumutsidziri wevhangeri, uyo airatidza kusave nokuita chinhu chipi zvacho chingave nokukangaidza mashoko eBhaibheri. Ndaive nezvikonzero zvokurarama hupenyu hwechitendero hwakatendeka, kunyange kana ndakamanikidzwa kana ndakapishwa nezvidzidzo zvangu.
Chikonzero chaiva chokuti, apo vanhu vaideedza vamwe vokukereke kwangu vachivati mahedheni, ndaidavira kuti kereke yangu yakange iri yechokwadi, uye ndakanga ndine tsarukano yokuti ndaive nokuenda kuDenga. Tsarukano iyoyo yaidzambira paevhangeri. Vaitaura kuti vatadzi havangagoni kupinda pamazambara eKudenga, asi vanhu vemamwe makereke vaitauravo kuti moyo yavo yakanga izere nezvivi. Ndaimbovevo nokudavira kuti vanhu vokukereke kwangu vaive vatadzi, ndisati ndapinda kereke iyi, saka handina kunyanya kufunga zvakadzama nezvekumhura uku.
Asi avo vaizviti vamutsidziri vevhangeri vakange vakasiyana neavo vandakenge ndambosangana navo, kumashure. Vaitaura ivo kuti kana tikadavira kuna Jesu nenzira kwayo, tinove tisina zvivi. Uye kutivo avo badzi vasina zvivi ndivo vanogona kuenda Kudenga. Vaitauravo kuti Jesu wakatiunzira kururama paMuchinjikwa; saka naizvozvo, takange tisiri vatadzi, asi vanhu vakarurama. Handina kutenda kwazviri, pakutanga, asi pandakazofunga nezvazvo, zvakave zvine musoro. Ndakange ndichiri mudiki, uye ndakafunga kuti kana ndichida kuenda Kudenga, Mwari vaiva nokunditendera kana badzi ndisina chivi, sezvo Mwari vachishora chivi.
Kereke iyi yakanga ine daviro dzakasiyana neidzo dzandakange ndajaira, uye bemberero rezvikamu zvokushumira raiva rakati siyanei zvakare. Asi nokuda kwekuti Denga inzvimbo inopindwa navashoma badzi vakasarudzwa, zvairatidza sokuti vanhu vomukereke iyi vakange vakatora kudavira kwechokwadi. Nokuda kwekuti kereke iyi yaisimbisa nezvemuviri neropa raJesu, Svondo yoga yoga taidya chimhedu chechingwa, nokusvuta waini. Nokuda kwekuti mhemberero iyi yaidzambira pamashoko aMwari, ndakava nokuigamuchira. Asi ndakazove nokuona, mushure menguva, kuti vanhu vaingove nokutora nzvimbo mubemberero iri, pasina kunzwisisa zvarinoreva, zvamazvirokwazvo.
Ndaidavira kuti Mweya Mutsvene anogara mukati mevatendi, uye nomumoyo yevakarurama, uye kuti vanova nokunzwa minyengetero yavo yose. Saka ndakadavira kuti Mweya Mutsvene aigara mandiri. Ndaiva nezvokwadi yokuti Mwari vaiva mufambidzani wangu, uye handina kumbove nokusatenda kuevhangeri yandaidavira kwairi. Apo ndaipinda munguva dzakaoma, ndaitaura naMwari, sokunge vari padivi pangu. Ndinodavira kuti vaiva nokuterera kwandiri apo ndaivataurira zvinhu zvandaisakwanisa kuudza ani zvake. Saka ndaivimba navo, uye ndichiyanzva navo.
Handina kuve nokukwanisa kunzwisisa avo vaienda kumagungano ekumutsidzirana, kuti vave nokutaura nendimi; uye ndaitoseka avo vaienda kuminamato yokutsanya. Ndichicherechedza shingairo dzakadaro, ndakafunga kuti, ‘Ko vanozvipinzireiko pakushingaira kusina zvakunoreva kwakadaro, kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene? Mweya Mutsvene anouya kwavari kana badzi vasina zvivi, uye anova nokugara navo nguva dzose. Vanofanira kuve vatadzi. Haangavi nokuuya pavari kunyange nokushingaira kwavo kose.’ Ndaive nokuvanzwira tsitsi. Ndaifunga kuti vaive novupenzi vukuru. Ndiine zvakadaro mupfungwa, ndakave nokufunga kuti kutenda kwangu muevhangeri ndiko kwaive kwakakunda kumwe kose; uye kuti zvitendero zvevamwe zvaive zvemanyepo.
Moyo wangu wemanyawi wakave nokusvika kumugumo. Kwemakore gumi, ndakange ndave nokurarama hupenyu hwechitendero changu pauzima. Asi mukufamba kwenguva, mibvunzo yakatanga kuuya mupfungwa dzangu, pamwe nomumoyo mangu. Ndakave nokufunga, kuti, ‘Handina chivi nokuda kwevhangeri yeropa raJesu paMuchinjikwa; asi, ko vamwe vatendi vose havanavo zvivi here? Vanotendavo kuevhangeri iyi, zvamazvirokwazvo, here?’ Handina kuziva kuti sei ndakatanga kubvunza mibvunzo iyi. Mibvunzo iyi yakangove nokuuya mupfungwa dzangu, uye handina kukwanisa kubvunza munhu. Uku kwaiva kudavira kwepauzima, uye kwaisafanira kukangaidzwa. Uyevo, waikwanisa kunge uri mubvunzo wehutocha, kuti ndibvunze kune umwe munhu.
Asi ndakatanga kuzvibvunza mibvunzo iyi pauzima. While Pandakange ndiri kukoreji, ndakatanga kuita zvinhu izvo zvaimborambidzwa nemirairo yechitendero, uye moyo wangu wakave nerima, zvokuti kudavira kwangu kwakatanga kushomapara. Ndakange ndisisiri nechokwadi nekudavira kwangu. ‘Ndingagona kuve nokuzvideedza kuti munhu wakarurama here? Ko Jesu akandichenesa pazvivi zvangu zvose, zvamazvirokwazvo, here?’ Ndiri pakati pokusanzwisisa kose uku, ndakazvimanikidza kuti ndifunge nezveevhangeri yoMuchinjikwa, uye ndakayiisa mundangariro mangu. Asi kuwedzera kwandaiita kuzvimanikidza, ndiko kuwedzera kwandaiita kurasika; uye ndakabva ndaregera kuenda kushumiro dzokukereke. Ndaidoma mabasa andinenge ndichiita kukirabhu kwangu sechikonzero.
Ndiri pakati pokusanzwisisa, uye pebongozozo iri; ndakazoguma ndasangana nezvokwadi. Ndakanzwa nezveevhangeri yemvura noMweya, uye yakave nokuuya kwandiri somurazvu wemheni. Hudzamu hwacho hwaiva hukuru kwazvo, zvokuti ndakanzwa kuda kuchema. Asi ndichiterera evhangeri yacho; ndakave nokubvuma kuti zvose zvandakange ndadavira kwazviri, kudzamara, ipapo akanga ari manyepo.
Ndakanga ndisina kutambidza zvivi zvangu kuna Jesu. Ndakambenge ndadavira, zvisina tsarukano, kuti akange akatora zvivi zvangu, uye kuti ndakanga ndiri munhu asina zvivi; asi zvakanga zvasiyana neizvi. Ko sei Jesu akavuya munyika muno kuzobhapatidzwa? Nokuti waida kutiratidza kuti akanga akapfava segwaiana? Kuti afakaze kuti akave nokuuya somunhu? Kana kuti, kuti apurofite nezvekufa kwake, uko kwaisadzivirika? Handina kana nokutomborota kuti ruzivo rwupi zvarwo, rwusina tsarukano, urwo rwandaive narwo pamusoro pebhapatidzo rwakange rwakakosha zvakadaro. Zvokwadi yaive yokuti; Jesu akave nokubhapatidzwa naJohane, mumiriri wevanhu vose; uye kuti nebhapatidzo iyoyo, zvivi zvedu zvose zvakave nokutambidzwa kwaari.
‘Oh! Ndiko kusaka Jesu akave Gwayana raMwari rakatakurira naro zvivi zvedu zvose!’ Zvino, zvinhu zvose zvakave nomusoro. ‘Jesu akatongerwa zvivi zvangu paMuchinjikwa. Ndiko kusaka ndisina zvivi mukati memoyo wangu.’ Nhambo dzandakaziva nezveevhangeri yemvura (bhapatidzo yaJesu), ropa (Muchinjikwa), noMweya Mutsvene (Jesu ndiye Mwari), zvivi zvandainzwa mukati memoyo wangu zvakave nokubva.
Zvino handisisina chitadzo, zvamazvirokwazvo, uye ndiri munhu wakarurama; uyevo Mweya Mutsvene akazove nokugara mukati memoyo wangu. Kudavira kwandaive nako kuMuchinjikwa kwaive kusina kukwanira kuti kuve nokundichenesa pazvivi zvandakange ndiinazvo mukati memoyo wangu. Kana usingazive kuti, zvamazvirokwazvo, zvivi zvako zvakatambidzwa sei kuna Jesu, zvivi zvako hazvigoni kuve nokuregererwa, uye Mweya Mutsvene haangagoni kugara mauri. Ndakakwanisa kuve nokugamuchira Mweya Mutsvene, kuburikidza neevhangeri yakaisvonaka.
Pasina kana neshingairo, ndakave nokuregererwa, kuburikidza neevhangeri yemvura noMweya; uyevo Mweya Mutsvene ave kugara mukati mangu, zvino nokusingaperi. Parizvino, ndinogona kuzvideedza, nokugitsikana, kuti munhu asina zvivi; uye ndinogona kufarira kuti Humambo hweKudenga ndehwangu. Ndinotora mukana uno kuti nditende Ishe nokundipa ropafadzo yakadaro pasina muripiro. Haleluya!”
Avo vanogamuchira Mweya Mutsvene vanogona kududza kuti havana zvivi pamberi paMwari. Zvisinei nokuti wakadavira kuna Jesu kwenguva refu sei, kana usingadavire kuevhangeri yakaisvonaka yatakapiwa naMwari, zvamazvirokwazvo une zvivi mukati memoyo wako. Vanhu vakadaro varo kuzvinyengera, pamwevo naMwari zvakare. Vanhu ava havasati vambosangana naShe. Kana mutadzi achishuvira kuve nokuyanana noMweya Mutsvene, anofanira kutanga aregera kuzvinyengera, agova nokupupura kuti akave nokutadza. Ndipo badzi, paanokwanisa kuve nokukodzera kuve nokudavira kuevhangeri yemvura noMweya. Avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi vanokodzera kugamuchira Mweya Mutsvene.
Ko Mweya Mutsvene anotaura kuti chii kuvatadzi? Anovayambira kuti vatore kuregererwa kwepazvivi zvavo, kuburikidza nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka, iyo yakave nokuzadzikiswa nebhapatidzo yaJesu, pamwe neropa rake. Kana ukataura kuti hausi mutadzi, apo iwe wakatadza, haumbove nokugamuchira Mweya Mutsvene. Avo vasingadaviri kuevhangeri yakaisvonaka, asi vachiva nokutaura kuti havana kutadza, vanonyengera Mwari, pamwe naivo pauzima. Vatadzi vanofanira kuziva nezveevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, vagova nokugamuchira Mweya Mutsvene. Ndipo badzi pavanogona kudzikinurwa pakutongwa kwakakasharara kwaMwari.
 
 
Vakarurama vanogona kuve nokuyanana noMweya Mutsvene kuburikidza nokupupura zvivi zvavo
 
Ndinotaura kune avo vanodavira kuevhangeri yemvura noMweya, saka naizvozvo, avo vakave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Ngatitarisei kune zvakataurirwa vakarurama naMwari. Muna 1 Johane 1:9, kwakanzi, “Kana tichirevurura zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu, nokutinatsa pakusakarurama kwose.” Rugwaro urwu rwunoreva kuti tinogona kunatsa zvivi zvedu zvomene, mumoyo yedu yakasviba, kuburikidza nokuzvirangaridza, pamwe nokudavira kuevhangeri kuevhangeri yakaisvonaka iyo inodudza kuti Jesu akatora zvivi zvedu zvose, apo akabhatidzwa, akave nokuzviyananisira, kuburikidza nokuroverwa. Vakarurama vanofanira kupupura zvivi zvavo zvomene kuna Mwari. Ndipo badzi pavanogona kuve nokuyanana noMweya Mutsvene. Vakarurama vanofanira kupupura zvivi zvavo zvomene, vagova nokuramba vachidavira kuevhangeri yakaisvonaka.
Makare-kare, evhangeri yakaisvonaka, yebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake, yakave nokunatsa zvivi zvedu zvose; saka nokudaro, vakarurama vanofanira kudavira kuevhangeri iyi, vagova nokusununguka pazvivi zvavo zvose. Ishe vakatove nokukanganwira zvivi zvavo zvose, nechekare, kuburikidza neevhangeri yemvura noMweya. Vakarurama vanofanira kudavira kuevhangeri yakaisvonaka kuti vave nokusunungurwa pazvivi zvavo. Vakarurama vanogona kunatsa moyo yavo, kuburikidza nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, kana vave nokusvibiswa nezvivi zvavo zvomene.
Ishe vedu vakanatsa zvivi zvose zveavo vakarurama, makare-kare, nebhapatidzo yavo pamwe neropa ravo. Naizvozvo, avo vanotenda vakasunungurwa pazvivi zvavo zvose, zvamazvirokwazvo. Asivo, vakarurama vanofanira kupupura, vagova nokubvuma zvivi zvavo pamberi paMwari. Kana zvadaro, vakarurama vanofanira kudzokera pakutenda kubhapatidzo yaJesu pamwe nokuropa rake, izvo zvakavamba evhangeri yakaisvonaka; kuti vave nokusunungurwa pazvivi zvavo zvose. Naizvozvo, vanogona kurarama hupenyu hwakatutsirwa hutsva, vachifambidzana noMweya Mutsvene. Avo vanogona kutarira kunaShe, vasina hanya neundonda hwavo, vanogona kuve nokuyanana kwezvokwadi naMwari, ngativonge evhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya.
 
 
Ko tingasvika sei pakunzwisisa kwezvokwadi kwokuyanana noMweya Mutsvene?
 
Kune vanhu vazhinji kwazvo vanoshuvira kuve nokuyanana noMweya Mutsvene. Asi havazive kuti vangaite sei kuti chishuvo ichi chive nokuzadzikiswa, kunyange zvavo vachidavira kuna Jesu. Vanhu vose vanova nokugamuchira Mweya Mutsvene, kuburikidza nokudavira kuevhangeri yemvura noMweya, vagova nokutanga kuve nokuyanana noMweya Mutsvene kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi.
Saizvozvovo, nzira badzi iyo munhu wakarurama anogona kuve nokuyanana noMweya Mutsvene ndeyokuziva, pamwe nokudavira, zvokwadi yeevhangeri yemvura noMweya. Kuyanana kuri pakati pevakarurarama neMweya Mutsvene hakungagoni kukwanisika pasina evhangeri yezvokwadi. Ko kuyanana noMweya Mutsvene kei? Kunongokwanisika kuburikidza badzi nokudavira kuzvokwadi yeevhangeri yakaisvonaka here?
 
 
Mwari vanotaura kuti munhu anova nokutadza kuburikidza pavupenyu hwake
 
Muna 1 Johane 1:10, kwakanzi, “Kana tichiti, hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harizi matiri.” Hapangavi nomunhu asina kutadza pamberi paMwari. Kunyange neBhaibheri rinoti, “Zvirokwazvo, hapanomunhu wakarurama panyika, unoita zvakanaka, asingatadzi” (Muparidzi 7:20). Vanhu vose vanotadaza pamberi paMwari. Kana munhu achiti haana kutadza, murevi wenhema. Vanhu vanotadza kuburikidza pavupenyu hwavo, kusvikira pamaawa ekufa kwavo, ndiko kusaka Jesu akave nokubhapatidzwa naJohane, kuti ave nokutakura zvivi zvavo zvose. Kana dai tisina kutadza, tingadai tisingafaniri kudavira kuna Mwari soMuponesi wedu.
Ishe vanoti, “Shoko rangu harizi mamuri” kune avo vanofunga sokuti havana kutadza. Kana munhu asina kutenda kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, anokodzera kuve nokuparadzwa. Kana munhu wakarurama, kana mutadzi, akataura kuti haana kutadza pamberi paMwari, haakodzeri kuve nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka.
Ishe vakapa munhu wose chipo chinoshamisa cheevhangeri yakaisvonaka. Takave nokupupura zvivi zvedu zvose, tikatendeuka, kuti tive nokugamuchira kuregererwa kwezvivi, neevhangeri yakaisvonaka. Tinokwanisa kudzokera shure kuevhangeri yakaisvonaka, iyo yakapiwa kwatiri naMwari, sekanganwiro pazvivi zvedu; tikave nokudavira kwairi, kuti tive nokuyanana noMweya Mutsvene. Kunzwisisa kwezvokwadi kwekuyanana noMweya Mutsvene kuri muevhangeri yemvura noMweya, uye avo badzi vane evhangeri yemvura noMweya ndivo vanokwanisa kuve nokuyanana na Mwari.
Vanhu vainge vari kure kwazvo naMwari, nokuda kwezvivi zvakagarwa nhaka kubva kunaAdamu naEva. Asi zvino isu, takave nokugara nhaka yemhodzi yechivi, tinogona kutaririra kukuve nokuyanana naMwari zvakare. Kuti tive nokuita saizvozvo, tinofanira kudzokera pakutenda kuevhangeri yaJesu Kristu yemvura noMweya, tigove nokuregererwa pazvivi izvo zvakave nokutiisa kure kwazvo naMwari.
Avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka vachava nokuponeswa pazvivi zvavo zvose, uye Mwari vachava nokuvazadza noMweya Mutsvene. Vakarurama vanogona kuve nokuyanana naMwari, sezvo vakave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Naizvozvo, avo vakanga vakaganhurwa pana Mwari nokuda kwezvivi zvavo, vanofanira kudzokera kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, vagova nokudavira kwairi. Ndipo badzi pavangagona kutanga kuve nokuyanana kwomene naye.
Kugara kweMweya Mutsvene kunouya nokutenda kuevhangeri yakaisvonaka. Tinofanira kuziva kuti kugara kweMweya Mutsvene kunouya kuburikidza badzi nokudavira kuevhangeri yemvura noMweya. Kudavira kuevhangeri yakaisvonaka kwakave nokumutsa gwara idzva rinoenda kuna Mwari. Ishe vakave nokuputsa rusvingo rwapakati, urwo rwakanga rwakatiparadzanisa navo, nokuda kwezvivi zvedu zvokuvambira pamwe nezvomene; vakabva vatitendera kuti tive nokuyanana naMwari, kuburikidza nokutenda kwedu kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya.
Tinofanira kuvaka kuyanana noMweya Mutsvene, zvakare. Kuyanana noMweya Mutsvene kwezvokwadi kunokwanisika kuburikidza nokunzwisisa evhangeri yemvura noMweya, kuitira kuterera kukutenda. Kuyanana noMweya Mutsvene kunoitika kana tichiva nokutenda kuzvokwadi yokuti kuregererwa kwezvivi zvedu kunobva kuevhangeri yakaisvonaka. Avo vasina kugamuchira kuregererwa pazvivi zvavo havangagoni kuve nokuyanana noMweya Mutsvene. Mune mamwe manzwi, hapana munhu anogona kuve nokuyanana noMweya Mutsvene, pasina kudavira kuevhangeri yemvura noMweya.
Kana zvakaoma kuti uve nokuyanana noMweya Mutsvene, unofanira kutanga wabvuma kuti haudaviri kuevhangeri yemvura noMweya, uye kuti zvivi zvako hazvina kuve nokuregererwa. Ko unoshuvira kuve nokuyanana noMweya Mutsvene here? Saka ibva wadavira kuevhangeri iyo yakave nokuzadzikiswa kuburikidza nebhapatidzo yaJesu, pamwe neropa rake. Ndipo badzi pauchave nokuregererwa pazvivi zvako zvose; uye uchiva nokugamuchira Mweya Mutsvene, somubairo, mukati memoyo wako. Evhangeri ino yakaisvonaka inogona, zvamazvirokwazvo, kukupa kuyanana noMweya Mutsvene.