• All e-books and audiobooks on The New Life Mission website are free
  • Explore multilingual sermons in global languages
  • Two new revised editions in English have been released
  • Check out our website translated into 27 languages
Search

Sermons

Musoro 8 : Mweya Mutsvene

[8-6] Tenda Kuti Mweya Mutsvene Anogara Mauri (Mateo 25:1-12)

2021.04.19 20
(Mateo 25:1-12)
“Zvino vushe bwokudenga hwungafananidzwa navasikana vane gumi, vakatora mwenje yavo, vakabuda kundochingamidza chikomba. Vashanu vavo akanga ari mapenzi, vashanu vakanga vakachenjera. Nokuti mapenzi akatora mwenje yawo, akasatora mafuta. Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo. Zvino chikomba chakati chichinonoka, vakakotsira vose, vakavata. Pakati povusiku vakanzwa mhere-mhere: ‘Chikomba chovuya! Budai mumuchingamidzei!’ Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje yavo. Mapenzi akati kunavakachenjera: ‘Tipeivo mamwe mafuta enyu, nekuti mwenje yedu yodzima.’ Asi vakachenjera vakapindura, vakati: ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose; endai henyu kunavanotengesa, muzvitengere.’ Vakati vachienda kundotenga, chikomba ndokusvika; zvino vakanga vakazvigadzirira vakapinda nacho pamutambo wekuwana, mukova ukapfigwa. Pashure vamwe vasikana vakasvika, vakati: ‘Ishe, Ishe, tizarurirei!’ Akapindura akati: ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Handikuziviyi imi.’”
 
 
Ko Mweya Mutsvene anouya pana ani?
Anouya pane avo vakaregererwa pazvivi zvavo, kuburikidza nokutenda kubhapatidzo yaJesu, neropa rake.
 
 
Ko ndevapi vanomirirwa nevasikana, avo vanokugara kwoMweya Mutsvene?
 
Mundima dziri pamusoro, pane vasikana vashanu vakachenjera, uye nevasikana vashanu aiva mapenzi. Vashanu vakange vari mapenzi vakakumbira vashanau vakanga vakachenjera kuti vavapevo mamwe mafuta avo. Asi avo vakange vakachenjera vakaudza vakanga vari mapenzi, kuti, “Kwete, zvimwe haangakwaniri isu tose; endai henyu kunavanotengesa, muzvitengere.” Zvino, apo vakanga vari mapenzi pavakabuda vachienda kundotenga mafuta, vasikana vashanu vakange vakachenjera, avo vaiva namafuta mumwenje yavo, vakapinda pamutambo wekuwana. Ko zvino tinogona kugadzirira Ishe mafuta sei? Chinhu choga chatinofanira kuita ndechokuvamirira tiine kuregererwa kwezvivi mukati memoyo yedu.
Tinogona kuwana mhando mbiri dzekutenda pakati pevanhu. Yokutanga, ndiko kutenda kuevhangeri yokuregererwa kwezvivi. Uku kunosvitsa pakugamuchira Mweya Mutsvene. Imwe yacho ndeyokungova nokutendeka kudaviro dzechitendero chako – usina hanya nokuti Ishe vakave nokukanganwira zvivi zvomunhu here kana kuti kwete.
Kune avo vakatendeka kudaviro dzavo pachezvavo, evhangeri yakaisvonaka inoramba uri mutoro kwavari. Sezvakaita vasikana vakange vari mapenzi, avo vakabuda vachienda kundotenga mafuta, apo chikomba chakange chave kuuya; avo vanobva pane imwe imba yokunyengeterera vachienda kune imwe, netariro yokuda kuva nokugamuchira Mweya Mutsvene, hapana wavari kunyengedza kunze kwavo pachavo. Vanhu vakadaro havana ruzivo nezvokwadi yokuti vanofanira kuve nokutenda kuevhangeri yakaisvonaka mumoyo yavo, Zuva roKutongwa risati rasvika. Vanodokwairira kuve nokugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nokushamisa Mwari nokushingaira kwavo. Tichava nokutarisa rubvumo rwokutenda rwoumwe mudhikoni, uyo akaita edzesero huru kwazvo dzokuti ave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Rubvumo urwu rwuchava norubatsiro kwauri.
“Ndakaita zvinhu zvose kuti ndive nokugamuchira Mweya Mutsvene. Ndakafunga kuti kana ndikazvipira pakutenda kwangu nechidakwa, ndinova nokukwanisa kugamuchira Mweya Mutsvene, saka ndakave nokuchinja makereke, kubva pane imwe ndichienda kune imwe. Vanhu vokune imwe yedzikereke idzi vairidza piano yemagetsi, pamwe nengoma, sechikamu cheshumiro yavo. Mufundisi, uyo aitungamirira gungano, aidana kune avo vaishuwira kugamuchira Mweya Mutsvene, vachiita umwe noumwe; uye paaikwapaidza pahuma yomunhu, aibva atanga kutaura nendimi. Aibva atanga kumhanya achitenderera, aine microphone, achideedzera kuti, “Gamuchirai moto, moto, moto” obva aisa ruoko rwake pamisoro yevanhu, achiita kuti vamwe vavo vave nokupfarika, vachibva vafenda. Ndaive nokusatenda kwangu, pakuti kuita uku kwaive kwekugamuchira Mweya Mutsvene here, asi ndakange ndatojairira kuzvinhi izvi. Pasinei nezvose izvi, handina kumbove nokubudirira mukugamuchira Mweya Mutsvene.
Mushure mokusangana neizvi, ndakakwira kumakomo, ndikabva ndaedza kuchema, ndichinamata husiku hwose, ndakabatira pamuti wemupaini. Ndakatomboedza kunamata ndiri mubako, asi hazvina kuva nebetsero zvakare. Mushure maizvozvo, ndakaedza zvekunamata mahusiku hwose kwemazuva makumi mana, asi handina kukwanisa kuve nokugamuchira Mweya Mutsvene. Ndokubva rimwe zuva ndakokwa kune chimwe chidzidzo chepamusoro poMweya Mutsvene. Chidzidzo ichi chaiitwa kamwechete pavhiki, uye chakava nokupera mushure mevhiki nomwe.
Chidzidzo ichi chaiva pamusoro perudo rwaMwari, Muchinjikwa, kumuka kwaJesu, tsika yokuisa maoko, chibereko choMweya, uye nekukura pamweya. Panguva iyoyo, apo chidzidzo ichi chakanga choda kundopera, muparidzi wezvidzidzo izvi akaisa maoko ake pamusoro pangu, ndokubva andinamatirira Mweya Mutsvene, saka ndakaita sezvaakange anditaurira kuti ndiite. Ndakabva ndagadzikana, ndokubva ndasimudza maoko angu ndichimaratidza mudenga, ndokubva ndadeedzera kuti “la-la-la-la” ndichidzokorora zvakare uye zvakare. Pakarepo, ndiri pakati pokudeedzera ndichiti “la-la-la-la,” ndakatanga kutaura, zvakatsetseka, neimwe ndimi isingazivikanwe. Vanhu vazhinji vakandikorokotedza pakugamuchira Mweya Mutsvene. Asi ndaizoti kana ndave ndega pamba, ndaibatwa nokutya. Saka ndakatanga kushanda semushandi wepachena webato rezvidzidzo iri. Ndakave nokufunga kuti ndinofanira kuve nokubata zvizhinji, sepakukwanisa kwangu; saka ndakave nokufambira kunharaunda dzemunyika, ndichibata basa rangu. Uye ndaiti kana ndikaisa maoko angu pavarwere, zvirwere zvavo zvairatidza kuva zvaiporeswa, kunyange zvazvo zvaizove nokudzoka zvakare, pasina nguva. Ndakabva ndatanga kuona zviratidzo mumeso angu, ndokubva ndaona kuti ndaikwanisa kupurofita. Kushamisa kwazvo, zvipurofita zvangu zvose zvaizove nokuzadzikisika. Kubvira panguva idzodzo, ndakave nokukokwa kunzvimbo dzendudzi dzose, uye ndichiva nokubatwa sehavukavu. Ndokubva, rimwe zuva ndakave nokunzwa inzwi richiti, “Usanekuka kubva panzvimbo ino uchienda pane imwe nzvimbo seizvi; pachinzvimbo chokudaro, enda undobatsira mhuri yako kuti ive nokugamuchira ruponeso.” Asivo, ndakanga ndisingazive kuti chinonzi ruponeso chii. Ndaingoziva badzi izvo zvandakange ndave nokuudzwa nevamwe – kuti kana ndikasave nokushandisa chipo choMweya Mutsvene ichi, aizova nekuchitora kubva kwandiri. Kune rumwe rutivi, ndakange ndichitya kushandisa hugoni hwangu, asi ndakanga ndisingakwanisi kuregera kudaro, zvakare.
Nerimwe zuva, ndakanzwa kuti umwe mushamani wechikadzi aishuwira kuve nokutenda kuna Jesu; saka ndakamushanyira pamwe neshamwari dzangu. Hatina kunge tamuzivisa nechekare kuti takange tichizova nokumushanyira. Asi mushamani wechikadzi uyu akange akatotimirira, nechekare, kunze kwezambara rake, ndokubva ati, “Ndange ndichiziva kuti manga muri kuuya.” Pakarepo, akabva atanga kutidira mvura, ndokubva ati, “Hapana musiyano uripo pakati pechishamani chekuMabvazuva nechishamani chokuMavirira!” Akatideedza kuti “vashamani vaJesu,” atatendeka kwatiri, ndokubva ati, “Muchinda uyu unotyisa, asi uyo haatyisi.” Zvakange zvataurwa nemushamani wechikadzi uyu zvakauya kwandiri sechibhakera chomumusoro. Ndakatanga kufunga kuti zvose zvandakange ndiri kuita, izvi, zvakange zvisina nomusiyano wose nezvinoitwa nevashamani. Hapana kana chinhu chimwe chandakaita chakave nokuunza Mweya Mutsvene kwandiri, nokuda kwekuti ndakanga ndichiri nechivi mukati memoyo wangu.”
Kubva murubvumo urwu, tinodzidza kuti kugamuchira Mweya Mutsvene kuri kure kwazvo needzesero dzedu. Nokuda kwekuti kutenda kwakadaro hakudzambiri paevhangeri yaMwari, avo vanorarama mhando yehupenyu hwechitendero ichi havana mafuta mumwenje yavo.
MuBhaibheri, mwenje zvinoreva kereke; uyevo, mafuta zvinoreva Mweya Mutsvene. Bhaibheri rinoreva kuti; avo vanoenda kukereke, zvichida ingava yaMwari kana kuti kwete, vasina kugamuchira Mweya Mutsvene ndivo mapenzi.
Mapenzi vane chiwanzo chokupisa majekenyedza, pamwe nekushingaira, kwezvitendero zvavo, zuva rimwe nerimwe. Zvichiiswa mune umwe mutoo, mapenzi vari kupisa madengetera avo, pamwe nokushingaira kwavo, uko kwakapofumadzwa panaMwari. Kana tanga tiri kuti; madengetera edu anoerwa kusvika pamasentimita makumi maviri, uye kuti zvichitora zuva rimwechete kuva nokupisa sentimita imwechete; zvinoreva kuti, zvaizova nokutora mazuva makumi maviri badzi, kuti madengetera edu ose ave nokuparadzwa nomwoto. Madengetera ekutenda kwavo anowedzera simba idzva; kuburikidza neminyengetero yemangwanani-ngwanani, minyengetero yehusiku hwose, minyengetero yemutsanyo, pamwe nemisangano yekumutsidzirana; asi madengetera avo anovavo nokubvira, muhupenyu hwavo hwose. Vakave nokupindwa nendinde iyi yokupisa madengetera avo pauzima.
Madengetera avo anova nokupiswa, muzita raJesu. Vanoenda kukereke, vachiva nokupisa madengetera avo, asi moyo yavo ichiri nekukangaidzika; saka vanova nokutsvaga zvimwe zvinhu, zvakare. Chikonzero cheizvi ndechokuti, kutenda kwavo kunobva pane zvavanonzwa pamiviri yavo; naizvozvo, vane faniro yokuramba vachisimbisa madengetera aya, kuitira kuti rimiromoto risave nokudzimuka. Asivo, havangagoni kugamuchira Mweya Mutsvene, nekutenda kwemhando iyi. Kupisa madengetera avo hakungavi nokuvatungamira kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene.
Isu tose tinofanira kugadzirira kutenda kwakafanira kuti tive nokugamuchira Mweya Mutsvene, muhuvepo hwaMwari hwakakwana. Tadaro, ndipo badzi patinozove takakodzera kuve nokugamuchira Mweya Mutsvene. Ko tinowana sei kutenda kunotiita vakakodzera kuve nokugamuchira Mweya Mutsvene? Zvokwadi iri muevhangeri yakaisvonaka; iyo yakave nokuzadzikiswa nebhapatidzo yaJesu muJorodani, uye nekudeuka kweropa rake paMuchinjikwa.
Mwari vakave nokutireva vachiti, “Vana vevaiti vezvakaipa” (Isaya 1:4). Tinofanira kubvuma pachedu kune izvi. Vanhu vanozvarwa, pamavambo, vaine mhando gumi nembiri dzezvivi. Vanhu havangagoni kuzvibatsira pakutadza; kubvira pazuva ravanozvarwa, kusvikira pazuva ravanova nokufa.
Muna Johane 1:6-7, kwakanyorwa kuti, “Kwakanga kunomunhu wakatumwa naMwari, zita rake rainzi Johane. Iye wakavuya kuzopupura, kuti apupure chiedza, kuti vose vatende naye.” Johane Mubhapatidzi akave nokubhapatidza Jesu, ndokubva atambidza zvivi zvose zvenyika paari, akati, “Tarirai, Gwaiana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika” (Johane 1:29). Takave nokuponeswa pazvivi zvedu zvose, ngatitende bhapatidzo yaJesu yakaitwa naJohane. Kana dai Johane asina kubhapatidza Jesu, uye kana dai asinavo kududza kuti ndiye Gwaiana raMwari rinobvisa zvivi zvenyika; tingadai tisina kukwanisa kuziva kuti Jesu akatorera kwaari zvivi zvedu zvose kuMuchinjikwa. Hataikwanisavo kunge takaziva nzira yokugamuchira Mweya Mutsvene nayo. Asi, tinowonga kupupuro yaJohane; takave nokunzwisisa kuti Jesu akatora zvivi zvedu zvose, uye takave nokukwanisa kugamuchira Mweya Mutsvene.
Nokutenda uku, tinobva tave svitsa dzakagadzirira zvakakwana kuti tive nokugamuchira Jesu, anova chikomba. Tiri vasikana vanodavira kuna Jesu, uye takagadzirira zvakakwana kuti tive nokugamuchira Mweya Mutsvene.
Ko unodavira kuevhangeri yemvura noMweya, nomwoyo wako wose, here? Unotenda here, kuti Jesu Kristu akatora zvivi zvako zvose, nekubhapatidzwa kwake naJohane? Bhaibheri rinoti, “Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raKristu” (VaRoma 10:17). Tinofanira kudavira kuti Jesu akave nokubhapatidzwa naJohane, akave nokufira paMuchinjikwa, kuti tive nokugamuchira Mweya Mutsvene. Tinofanira kuziva kuti kugamuchira Mweya Mutsvene kunogona kuuya nekubva badzi mukudavira kuti Jesu akauya panyika, semunhu wenyama, akabva abhapatidzwa naJohane, uye kuti akafira paMuchinjikwa, akabva ave nokumutswa.
Kunyange nanhasi, pane mapoka maviri evatendi; sokungovepo kwemhando mbiri kwaiva kwakaita vasikana vanegumi, murungano rwuri pamusoro. Ko iwe uri kudivi ripi? Unofanira kugamuchira Mweya Mutsvene, kuburikidza nokudavira kumvura noMweya. Unoenda kuchechi, asi, zvichakadaro, uchiri pakumirira Mweya Mutsvene kuti ave nokuuya kwauri here? Unofanira kuziva nzira yezvokwadi yokugamuchira Mweya Mutsvene nayo.
Ko tinogona kugamuchira Mweya Mutsvene nekudavira kupi? Ungagona kugamuchira Mweya Mutsvene, kuburikidza nemafariswa ekutapatira echiShamanism here? Unogona kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nemurugaro rwekukangaidzika here? Ko, unogona kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nokudavira kuzvitendero zvekutapatira here? Ko unofanira kuve nokuramba uchingonyengetera kuna Mwari, kuti uve nokuregererwa pazvivi zvako here? Bhaibheri rinotaura kuti, apo Jesu ave nokubhapatidzwa, achibva abuda kubva mumvura; Mweya waMwari wakabva waburuka senjiva. Akabhapatidzwa, kuitira kuti ave nokutakura zvivi zvedu zvose; uyevo kuitira kutizivisa kuti aizova nokuroverwa, kuti ave nokuripira mibairo yekudarika kwedu kose.
Jesu akabhapatidzwa naJohane, kuti atakure kutadza kwenyika, akabva aenda kuMuchinjikwa, kuti tikwanise kuponeswa, tigova nokugamuchira Mweya Mutsvene. Iyi ndiyo zvokwadi. Jesu akabhapatidzwa naJohane, akave nokutongerwa zvivi zvedu zvose paMuchinjikwa, ndokubva azove nokumuka. Tinofanira kudavira mukubhapatidzwa kwaJesu naJohane, pamwe nemuropa rake paMuchinjikwa, kuti tive nokugamuchira kuregererwa pazvivi zvedu. Tinogona kuona, kubva pabhapatidzo yaJesu (Mateo 3:13-15), kuti Mweya Mutsvene anouya murunyararo, senjiva, pane avo vedu vakave nokucheneswa, kuburikidza nokudavira kubhapatidzo yake.
Kuti uve nokugamuchira Mweya Mutsvene, zvakakosha kuve nokudavira kubhapatidzo yaJesu naJohane, nekuropa rake paMuchinjikwa. Mweya Mutsvene anouya pamunhu, zvine runyararo, senjiva; kana achidavira mukuregererwa kwezvivi. Avo vakatogamuchira Mweya Mutsvene nechekare vanofanira kuziva kuti izvi zvakave nokukwanisika nokuda kwekuregererwa kwezvivi, kuburikidza nokutenda. Mweya Mutsvene anoburukira pane avo vanodavira mukuregererwa kwezvivi, nomwoyo yavo yose.
Jesu Kristu akauya kuburikidza nechingwa pamwe newaini yohupenyu husingaperi (Mateo 26:26-28, Johane 6:53-56). Apo Jesu akabuda mumvura, mushure mekubhapatidzwa kwake, pakaita inzwi rakabva kudenga, richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, unodikanwa, wandinofarira” (Mateo 3:17).
Zviri nyore kudavira kuna Mwari, saVatatumumwe. Mwari ndivo Baba vaJesu, uye Jesu Mwanakomana waMwari. Mweya Mutsvene ndiMwari zvakare. Vatatumumwe ndiMwari Vamwechete kwatiri.
Unofanira kuziva kuti haumbofe wakagamuchira Mweya Mutsvene, kuburikidza nokudavira badzi kuMuchinjikwa, kana nekuedza kuzviita mutsvene pachako, kuburikidza nemabasa akarurama. Unogona kugamuchira Mweya Mutsvene kana badzi ukave nokudavira kuti Johane akabhapatidza Jesu, kuti zvivi zvedu zvose zvive nokuiswa paari, uyevo kuti akave nokuroverwa kuti zvivi zvedu zvose zviyananisirwe. Zvokwadi iri nyore, uye yakajeka, sei? Hazvina kuwoma kuti ugamuchire kuregererwa kwezvivi, uye noMweya Mutsvene.
Mwari vakataura kwatiri muzvisungo zviri nyore. Chiero cheungwaru (IQ) hweruzhinji chinopima zviri pakati pe110 ne120. Shoko ravo riri nyore kwazvo kuti vanhu voruzhinji vave nokurinzwisisa. Kunyange kuvana vari pamakore mana kana mashanu; evhangeri yakaisvonaka haimbogozhi kuti vave nokuinzwisisa. Asi kana dai Mwari vakataura kwatiri pamusoro pokugara kweMweya Mutsvene, nenzira yaiva yakagozha, tingadai takave nokuvanzwisisa here? Mwari vakaregerera zvivi zvedu zvose, nenzira yakarurama, ndokubva vapa Mweya Mutsvene sechipo kune avo vanodavira kwakuri.
Mwari vanotitaurira kuti hatingagoni kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nekuiswa kwemavoko, kana neminyengetero yokuregererwa. Mweya Mutsvene haauye nokuda kwekutsanya, kana nokuzvipira, kana nokunyengetera husiku hwose kumakomo. Ko kutenda kwemhandoi kunemugumo wekugamuchira kweMweya Mutsvene mukati medu? Ndiko kutenda kuzvokwadi yokuti Jesu akauya munyika muno, akave nokubhapatidzwa kuti atore zvivi zvedu zvose, akafira paMuchinjikwa, ndokuzobva ave nokumutswa.
 
 
Zvamazvirokwazvo, tinofanira kutenda kune izvi here?
 
Ko sei tichifanira kuve nokugamuchira kuregererwa kwezvivi, uye nokudaro, tigova nokugamuchira Mweya Mutsvene? Kuti tive vagari veHumambo hwaMwari, tinofanira kuve noMweya wavo. Naizvozvo, kuti tive nokugamuchira Mweya Mutsvene, tinofanira kudavira kuna Jesu soMuponesi wedu, kubhapatidzo yavo pamwe neropa ravo, uye pamugumo, tinofanira kuve nokuregererwa pazvivi zvedu.
Ko sei Mwari vachipa Mweya Mutsvene kune avo vakave nokuregererwa zvivi zvavo? Chikonzero ndechokuvaisa rupao sevana vavo. Kuti vaise rupao kune avo vanodavira kuna Jesu, sezvinobva pashoko raMwari, vanova nokuvapa Mweya Mutsvene, sechivimbiso.
Saka vanhu vazhinji vanochengetedza mhando yokutenda isiri iyo. Zviri nyore kwazvo kudavira kubhapatidzo yaJesu, uye nokugamuchira Mweya Mutsvene. Zviri nyore kune avo vedu vakave nokugamuchira Mweya Mutsvene nechekare, asi hazvingagoneki kune avo vasina kuve nokugamuchira kuregererwa kwezvivi. Havazive zvokwadi, uye pachinzvimbo, vanotsvaga dzimwe nzira dzokugamuchira Mweya Mutsvene nadzo, dzakaita sokuzvinyudza mukukangaidzika kwechitendero, kuburikidza nezviito zvakatapatira. Havana zivo kwazvo, zvokuti vanova nokukangaidzwa nembeu idzo dzakave nokusimwa naSatani, vachiva nokuwira munhungamiro yezvitendero zvamanenji.
Mweya Mutsvene anogara mukati meavo vanodavira kubhapatidzo yaJesu, pamwe neropa rake paMuchinjikwa, uye mukati meavo vakagamuchira kuregererwa kwezvivi. Avo badzi vanodavira kuruponeso rwaMwari ndivo vanogona kupupura, kuti, “Handina chivi.” Kana munhu asingadavire kuevhangeri yemvura noMweya, haangagoni kureva kuti hchivi. Saizvozvovo, Mwari vakapa Mweya Mutsvene sechipo kuvana vavo, avo vanodavira kubhapatidzo yaJesu, pamwe neropa rake paMuchinjikwa, uye vakave nokugamuchira kuregererwa kwezvivi.
Ndiyani akapupura kuti bhapatidzo yaJesu, pamwe neropa rake, zvakave nokutora zvivi zvedu zvose? Jesu, vadzidzi vake, pamwe noMweya Mutsvene, vakapupura kudaro. Ndiyani akaronga kuponesa vanhu vose pazvivi zvavo? Baba Vatsvene ndivo vakadaro. Ko akazozadzikisa kuronga uku ndiyani? Jesu Kristu ndiye akadaro. Ko ndiyani akazopedzisira nokuvimbisa kuti kuronga uku kwainge kwave nokuzadzikiswa? Mweya Mutsvene ndiye akadaro.
Mwari vaida kutiita vana vavo, saka naizvozvo, vakatsunga kutiponesa pazvivi zvedu zvose, kuburikidza nokubhapatidzwa kwaJesu, pamwe neropa rake. Naizvozvo, Humwari hweVatatumumwe hunovimbisa ruponeso rwedu rwepamugumo, uye hunotendera kuregererwa kwezvivi zvedu.
Muna Mateo 3:17, kwakanyorwa kuti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira!” Avo vane Mweya Mutsvene waMwari ndivo vana vaMwari. Ndivo vana vavo. “Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira.” Jesu ndiye Mwari, pakuvambira. Mwari, vanova Baba, vanotiudza kuti, “Kana muchida kugamuchira kuregererwa pazvivi zvenyu, tendai kuti zvivi zvevanhu vose zvakave nokutorwa naJesu, Mwanakomana wangu umwe woga; gamuchirai Mweya Mutsvene, mugove vana vangu.” Avo vanodavira kune izvi vanova nokugamuchira kuregererwa pazvivi zvavo, vachiva nokuva vanakomana nevanasikana vaMwari. Vanovapa chipo choMweya Mutsvene, kuti vave nokuvaisa rupao rwekuva vana vavo. Tinogamuchira kuregererwa pazvivi zvedu kana badzi tave nokudavira kubhapatidzo yaJesu, uye pamwe neropa rake.
Kana vanhu vasingavi nokusiya moyo yavo, uye vasingavi nokudavira kuevhangeri yokuregererwa; vane chiwanzo chokudavira kuti chivi chokuvambira chakaenda nechekare, asi kuti, pazvose izvi, vanofanira kunamata zvisina mugumo, minamato yokuregererwa, kuti vave nokuregererwa pazvivi zvavo zvomene. Kana vakave nokuitwa nhapwa nepfungwa dzakadaro seidzi, Bhaibheri rinobva rave nokusanzwisisika, uye richikangaidza. Naizvozvo, vanova nokuita zvitendero zvakasiyana neizvo zvevadzidzi vake.
Vamwe vanova nokuti Mweya Mutsve unova nokuuya pavari “kuburikidza neminyengetero.” Asi ichi hachisi chokwadi chine rumano, kubva kumuono weBhaibheri. Izvi zvinogona kuratidza kuve zvakajeka, uye zvine musoro, asi Bhaibheri rinotaura kuti apo Jesu akabuda mumvura, mushure mekubhapatidzwa naJohane, Mweya Mutsvene akaburukira paari senjiva. Chinoratidzwa neizvi ndechokuti, kana tichishuwira kugamuchira Mweya Mutsvene, tinofanira badzi kudavira kuti Jesu akauya munyika muno, akabhapatidzwa naJohane, kuti ave nokutora zvivi zvose zvenyika, akazvitongerwa paMuchinjikwa nokuda kwavo, akazove nokumutswa kuti ave Muponesi wedu.
Ko Mwari vanova nokuti chii kwatiri kana tikadavira kuzvokwadi iyi, tikabva tave nokugamuchira Mweya Mutsvene? Vanova nokuti, “Uri mwanakomana wangu. Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira.” Mwari vanova nokutaura chinhu chimwechetecho kune avo vanozova nokutenda, vachiva nokuregererwa pazvivi zvavo, pane ramangwana. Zvokwadi iyi ndiyo vimbiso yaMwari, yokutiita vana vavo.
Asi vanhu vachiri kufunga kuti pane dzimwe nzira dzokugamuchira nadzo Mweya Mutsvene. Ko unofunga here kuti Mweya Mutsvene anova nokuuya pamusoro pako kuburikidza nekuchema kwako, pamwe nekuedzesera kwepanyika? Mabasa aMwari anopinywa nokuda kwavo badzi, uye vanova nokupa Mweya Mutsvene kune avo badzi vanogamuchira kuregererwa pazvivi zvavo. Vanova nokuti, “Ndakaita kuti Mwanakomana wangu abhapatidzwe, kuti ave nokutora zvivi zvenyu zvose, ndikabva ndamuita kuti ave nokuroverwa, kuti ave nokutongwa pamusaka pavo. Ndakagadza Mwanakomana wangu seMuponesi wenyu. Kana muchigamuchira kuregererwa kwezvivi zvenyu, uko kwakazadzikiswa neMwanakomana wangu, ndichava nokukutumirai Mweya Mutsvene.”
Baba vedu vanoita sokuda kwavo. Kunyange kana munhu akaramba akapfugama namabvi ake, husiku hwose, akachemera kwavari, kudzamara mapapu ake ave kuda kutsemuka, Mwari havavi nokumutumira Mweya Mutsvene, zvakafanira. Vanongova badzi nokumudzivisa, vachiti, “Hauzati wave nokugamuchira zivo yezvokwadi nanhasi, uye uchiri kuenderera mberi nokudavira kwako kwakakanganisika. Mweya Mutsvene anova nokubviswa kwauri, kana uchiramba kutenda kwezvokwadi.”
Munyika muno, sarudzo dzevanhu dzinogona kushanduka, sezvinoenderana nemamiriro, asi murairo uyo wakavambwa naMwari, pakuregererwa kwezvivi, pamwe nokupa kweMweya Mutsvene, unoramba usingashanduke. Kana ukawira pasi pemushumo wedaviro dzakakanganisika, zvakaoma kuti uve nokuwana gwara romene zvakare. Bhaibheri rinotaura kuti Jesu ndiye mudzivisi kune avo vasingatereri (1 Pita 2:8).
Vanhu vanodavira kuna Jesu, asi vasingazive kuti sei akave nokubhapatidzwa, vanodavira badzi kuhafu yeevhangeri yekudzikinurwa, uye vachava nokukandwa kuGehena, zvine tsarukano. Naizvozvo, paunotanga kudavira kuna Jesu, unofanira kuziva nezvebhapatidzo yaJesu, uye nezveropa rake, apo panovambwa evhamgeri yokuregererwa kwezvivi. Uyevo, kana ukagamuchira kuregererwa kwezvivi, unobva wavevo nokugamuchira Mweya Mutsvene.
Ngatifungei pamusoro pehupenyu hwaJesu panyika. Jesu akave murume, ndokubva atora kutadza kose kwenyika ino, nebhapatidzo yake. Akafiravo paMuchinjikwa, akave nokutongerwa zvivi zvedu, kuti ave nokutiponesa kubva kumarimi eGehena. Avo vanodavira kwaari vanova nokugamuchira Mweya Mutsvene sechipo.
Naizvozvo, isu tose tinofanira kutevera gwara rezvokwadi, kuti tigova nokugamuchiraa Mweya Mutsvene. Chinodikanwa ndiko kufunga sezvinobva pamashoko ezvokwadi. Kana tikave nokuita izvi, Jesu vanobva vave nokukuchengetai pamwe nokukuropafadzai. Avo vanotuna moyo yavo, vachiva nokudavira kumashoko aMwari, vanogona kurarama muzvokwadi, kuburikidza nokugamuchira kuregererwa kwezvivi, vagova nokutungamirwa noMweya Mutsvene. Uyevo, vanogona kutungamirira vamwe mumakwara ezvokwadi, norubatsiro rweMweya Mutsvene.
Tendai kurudzikinuro rwakave nokuzadzikiswa nebhapatidzo yaJesu, pamwe neropa rake. Ndipo badzi patingagona kuvatevera nekutenda, tigova nokugamuchira ropafadzo yokuregererwa kwezvivi, ropafadzo yehupenyu husingaperi, pamwe nokugara kweMweya Mutsvene. Jesu ndiye Ishe wokuregerera, uyo wakave nokutora zvivi zvose zvenyika, kuburikidza nebhapatidzo yavo, pamwe nokufa paMuchinjikwa. Jesu akachenesa zvivi zvedu zvose, ndokubva apa Mweya Mutsvene kune avo vakadavira kuevhangeri yezvokwadi. Unogona kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nokuzvitorera kutenda kwezvokwadi.