(Isaya 9:6-7)
“Nokuti takazvarirwa mwana, takapiwa Mwanakomana; humambo huchava pafudzi rake; zita rake richanzi: Unoshamisa, Gota, Mwari une simba, Baba vokusingaperi, Muchinda woRugare. Kukura kwehumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agare pachigaro chovushe chaDavidi napavushe hwake, avusimbise avutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehova wehondo kuchazviita.”
Ko chii chinotendera Mweya Mutsvene kuti ave nokugara mukati mevatendi?
Ievhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya.
Kuti tive nokugamuchira Mweya Mutsvene, tinofanira kunge tiine kutenda kuevhangeri yemvura noMweya. Ishe vedu vanotumidza kuti; Unoshamisa, Gota, uye Mwari une simba. Ishe vedu vakazvireva pachavo senzira yoKudenga. Jesu Kristu akapa munhu wose chipo cheevhangeri yakaisvonaka.
Asivo, munyika muno, pane vanhu vazhinji kwazvo vachiri kurarama murima. Vanoedza kutiza vachibva kurima iri; asi, nokuda kwekuti havazive pamusoro peevhangeri yakaisvonaka, havangagone kutiza kubva kuzvivi zvavo. Pachinhambo, vanova nekuvuna kubva pakudavira kwavo kudzidziso dzenhema. Semusiyanovo, kune avo vanotsvaga zvokwadi, vanova nokusangana neevhangeri yakaisvonaka, vagova nokurarama hupenyu hwavo hwese vachizadzikisirwa nemaropafadzo aMwari. Ndinodavira kuti iropafadzo yakakosha yaMwari iyo inonditendera kuvabatsira kuti vave nekuwana evhangeri yakaisvonaka, inova nokuvachenesa pazvivi zvavo.
Naizvozvo, kusunungurwa kubva muzvivi hakwaikwanisika kana kwaisava kuda kweropafadzo yavo. Kana takave nekusangana naShe, tikave nokugamuchira Mweya Mutsvene, takave nokuropafadzwa zvizhinji. Rombo rakaipa, vanhu vazhinji havazive kuti ropafadzo yaMwari inobva pakutenda kuevhangeri yakaisvonaka.
Ropafadzo yaMwari inobva pakudavira kuevhangeri yakaisvonaka iyo yatakapiwa naJesu Kristu, Mwanakomana wavo umwechete. Jesu ndiye anotiponesa kubva pazvivi zvenyika, uye nokutiropafadza nenyasha dzake. Hapana nemumwe angagona kutiponesa kubva pazvivi zvedu, kana kuti, kutibatsira kuti tive nokudzima mhaka dziri mukati memoyo yedu. Ndiyani angakwanisa kugona kuzviponesa kubva pazvivi zvake pauzima, uye kubva kumarwadzo ekufa kusingaperi?
Mwari vanotiudza, kuti, “Munhu unovona nzira achiti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu” (Zvirevo 16:25). Vanhu vanova nokuvaka zvitendero zvavo pachavo, vachiva nokuzvitinhira kukuparidzwa pamwe nekukufa. Zvitendero zvizhinji zvinova nokuzvikudza pakuti zvinosimbisa kuva nokururama, uye zvinoratidzira nzira dzazvo pachazvo dzokuponesa vanhu kubva pazvivi zvavo; asi ievhangeri yemvura noMweya badzi, iyo yatakapiwa naShe, iyo inogona kutiponesa kubva pazvivi zvedu. Jesu badzi ndiye Muponesi, uyo anogona kuponesa vatadzi kubva pazvivi zvavo.
Muna Johane 14:6, Ishe vedu vakati, “Ndini nzira, nezvokwadi, novupenyu; hapanomunhu unovuya kuna Baba, asi nokwandiri.” Akave nokupira muviri wake pamwe neropa rake, kune avo vaive munzira yokuenda kurufu. Akavevo nokuzvireva senzira inoenda kuhupenyu hwezvokwadi. Mwari vakataura kuti kana munhu asingadaviri kuevhangeri yakaisvonaka yaJesu, haangagoni kupinda muHumambo hweKudenga.
Tinofanira kudavira kuevhangeri yemvura noMweya, tigova nokuregererwa pazvivi zvedu, pamwe nokudavira kuti iye ndiye Muponesi wedu, kuitira kuti tive nokupinda muHumambo hweKudenga.
Imwe nguva muIsraeri yakare!
“Zvino pamazuva aAhazi, mwanakomana waJotami, mwanakomana waUziya, mambo waJuda; Rezini mambo weSiriya, naPeka mwanakomana waRemania, mambo waIsraeri, vakaenda kundorwa neJerusarema, asi vakakoniwa kurikunda” (Isaya 7:1).
Pakutanga, Israeri yaiva nyika imwechete. Asivo, Israeri yakazove nokukamukira muzvikamu zvinoti yokuchamhembe, neyokumaodzanyemba. Tembere yaMwari yaiva kuJerusarema, reKuchamhembe kweJudea, uko Rehoboamu, mwanakomana waMambo Soromoni aibata vushe. Mushure menguva, Jeroboamu, umwe wevaranda vaSoromoni, akave nokuvaka rumwe rudzi kumaodzanyemba, ndokubva Israeri yave nokukamuka. Kubvira panguva iyoyo, kutenda kuna Mwari kwakave nokushatiswa. Kushatiswa kwekutenda uku kwakave mavambo ezvitendero zvedzidziso dzemanyepo dzanhasi. Naizvozvo, Jeroboamu ndiye akave muvambi wevadzidzisi venhema. Akave nokuvandudza murairo waMwari, nokuda kwekuti aida kuchengetedza vushe hwake, saka naizvozvo akave baba vevadzidzisi venhema. Akamutsira vanhu vake veIsraeri, chitendero chakasiyana, vekuHumambo hwekuMaodzenyamba; uye akatomboedzavo kurwisa Juda, Humambo hwekuChamhembe. Makore angasvika zvuru zviviri ave nokupfuura, zvino, asi hukama kwakatuvira pakati pehumambo huviri uhwu hauna kushanduka.
Asivo, Mwari vakataura, kuburikidza naIsaya, kuti, “Nokuti vaSiria navaEfraimi, nomwanakomana waRemaria vakarangana kukuitira zvakaipa, vachiti: ‘Hendei tindorwa navaJuda, tivatyise, tivakunde, tigadze mambo pakati pavo, iye mwanakomana waTabeeri.’ Zvanzi naShe Jehova: ‘Izvozvi hazvingamiri, vuye hazvingaitiki. Nokuti musoro weSiria ndiDamasko, nomusoro weDamasko ndiRezini; makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfraimi vachaputswa-putswa, kuti varege kuva rudzi; musoro wevaEfraimi ndiSamaria, nomusoro weSamaria ndimwanakomana waRemaria. Kana musingadi kutenda, zvirokwazvo hamungasimbiswi’” (Isaya 7:5-9).
Panguva idzodzo, Mwari vakapurofita, kuburikidza naIsaya, kuna Mambo Ahazi, asi mambo haana kuva nokutenda kwaari. Ahazi aingova badzi nokuodzwa moyo pakuti akanga asingatombokwanisi kuva nevimbo pakupikisana nevarwi veSiria, saka paakanzwa pamusoro pekurwisa kweSiria neIsraeri, zvakabatana pamwechete, akadedera nokutya. Asi, Isaya, muranda waMwari, akauya kwaari, akamutaurira kuti, “Makore makumi matanhatu nemashanu asati apera, Israeri yekumaodzanyemba ichave nokuputswa-putswa. Uye chizerenga chakaipa chakave nokurongwa nemadzimambo maviri aya hachizofi chakaitika.”
Muranda waMwari akaudza Mambo Ahazi kuti vakumbire chiratidzo kubva kuna Mwari. “Kumbira chiratidzo kuna Jehova Mwari wako; uchikumbire kunyange pasi pakadzika, kana kumusoro kwakakwirira” (Isaya 7:11). “Chinzwai zvino, imi imba yaDavidi: Chinhu chiduku kwamuri kuti munetse vanhu, zvino modo-kunetsa Mwari wanguvo here? Naizvozvo, Ishe amene uchakupai chiratidzo: Tarirai, mhandara ichava nemimba, ichabereka Mwanakomana, ndokumutumidza Imanueri” (Isaya 7:13-14). Ichi chaiva chipurofita chavo: Kuti vachaponesa vanhu vavo kubva pazvivi zvavo.
Ko muvengi waMwari ndiyani?
Muvengi wevanhu ndicho chivi, uye chivi chinovambira kubva pana Satani. Saka Muponesi wekubva pazvivi zvedu ndiyani? Muponesi haasi umwe kunze kwaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari. Munhu ane manyaro makuru epanyama, uye naizvozvo haangatogoni asi kutongova nokupara zvitadzo. Ari pasi pesimba raSatani. Huwandu hwevanhu vazhinji vachiri kuenda kuvafemberi veramangwana, vachiva nokuedza kurarama hupenyu hwavo chaizvoizvo sezvavanenge varairwa nevapurofita venhema ava. Uhu ndihwo humbowo huri pachena hwekuti vari pasi penhungamiro yaSatani.
Ishe vakapa Isaya humbowo hweruponeso, vachitaura kuti mhandara ichava nokuzvara Mwanakomana, igomutumidza kuti Imanueri. Chaiva chinangwa chaMwari chekutuma Jesu, mumufananidzo wenyama yemunhu inotadza, uye kuti ave nokuponesa vatadzi kubva mukutambudzwa naSatani. Sezvinoenderana nechipurofita ichi, Jesu akauya munyika muno, semunhu, akazvarwa nemhandara Maria.
Kana dai Jesu asina kuuya kwatiri, tingadai tichiri kungorarama pasi pehutongi hwaSatani. Asi Jesu akave nokuuya munyika muno, akave nokubhapatidzwa naJohane, ndokufa paMuchinjikwa, kuitira kuti ave nokutipa evhangeri yakaisvonaka iyo yaizoponesa vatadzi vose kubva pazvivi zvavo. Naizvozvo, vanhu vazhinji vakave nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka, vakave nokugamuchira kuregererwa kwepazvivi zvavo, ndokubva vave vana vaMwari.
Kunyange naparinhasi, nyanzvi zhinji dzechitendero dzinokakavara kuti Jesu Kristu ndiMwari here kana kuti munhu. Nyanzvi dzechitendero, dzisingadi kushanduka, dzinoti, “Jesu ndiMwari,” asi dzimwe Nyanzvi Itsva Dzechitendero dzinodzikinyidza kuburikidza nokukakavara kuti Jesu akange ari mwana waJosefa asiri pamurawo. Uku kureva kune vurombo sei?
Dzimwe Nyanzvi Itsva Dzechitendero dzinotaura kuti hadzingagoni kudavira kuti Jesu aiva negoneso yekufamba pamusoro pemvura. Vanoti ivo, “Zvamazvirokwazvo, Jesu akave nokufamba pamusoro pechikomo chakaderera, nechapamusoro pejengachenga; ndokubva vadzidzi vake, vachimuona vari kure, vafunga kuti akanga achifamba pamusoro pemvura.” Nyanzvi dzanhasi dzezvehuMwari, idzo dzinotsigira zvikoro zveDzidziso Itsva Dzechitendero; hadzisi dzose nyanzvi huru dzedzidziso dzechitendero. Vazhinji vavo vanongosarudza kudavira badzi kune izvo zvavanogona kunzwisisa muBhaibheri.
Ndichipa umwe muenzaniso zvakare, Bhaibheri rinoti Jesu akapa zvokudya kuvanhu vane zvuru zvishanu, nehove mbiri nezvingwa zvishanu. Asi ivo vanoramba vaine kukokomwa kukuru pamusoro pechishamiso ichi. Vanova nokuchitsanangura nemutoo unotevera. “Vanhu vakanga vachitevera Jesu, uye vakange vave nenzara yekuda kusvika pakufa. Saka Jesu akabva audza vadzidzi vake kuti vaunganidze, pamwechete, zvokudya zvose zvakanga zvasara. Saka umwe mwana akabva amupa chikafu chake, nokungozvipira kwake; ndokubva vamwe vanhu, vose vechikuru, vabatwa, vakabva vaburitsavo zvokudya zvavo pachavo. Saka mushure mekunge vave nokuunganidza zvokudya zvose pamwechete, vakadya, ndokubva matengu gumi namaviri akavunganidzwa semasaririrwa.” Nyanzvi dzechitendero dzemhando iyi dzinongoedza, zviri nyore, kuita kuti mashoko aMwari ave nokuenderana nokunzwisisa kwavo, kune mugumo, pauzima.
Kudavira kuzvokwadi yaMwari, nyore nyore, ndiko kuve nekutenda kuevhangeri yakaisvonaka yakapiwa naMwari. Kutenda hazvireve kuti kudavira kune chimwe chinhu nokuda badzi kwekuti chinoratidza kuve chakatsarukana; asi uchiva nokutadza kudavira kune chimwe chinhu, nokuda kwekuti hachina tsarukano. Kunyange tichigona kuzvinzwisisa kana kusazvinzwisisa, tinofanira kuvimba kwavari, tigova nokugamuchira mashoko avo sezvaakanyorwa.
Zvokwadi yokuti Jesu akauya kwatiri seMwanakomana weMunhu, inoreva kuti akatumwa kuzotiponesa tose kubva pazvivi zvedu zvose. Jesu, anova Mwari, akauya panyika pano kuzotiponesa. Isaya akange apurofita kuti vachauya kwatiri seMwanakomana weMunhu, anozwarwa nemhandara.
Muna Genesi 3:15, Ishe, Mwari vakati kunyoka, “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake; irwo rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.” Izvi zvinoreva kuti Mwari vakanga varonga kutuma Jesu, mumufananidzo wemunhu, seMuponesi wedu, kuti ave nokuponesa vanhu kubva pazvivi zvavo.
MuBhaibheri, kwakanyorwa kuti, “Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako ruripiko? Rumborera rworufu ndizvo zvivi; nesimba rezvivi ndiwo murairo” (1 VaKorinte 15:55-56). Rumborera rwerufu ndizvo zvivi. Kana munhu akatadza, rufu rwunomuita muranda warwo. Asi Ishe vedu vakavimbisa, kuti, “Rudzi rwomukadzi rwuchapwanya musoro wako.” Izvi zvinoreva kuti Jesu aizoparadza rumborera rwezvivi izvo zvakaunzwa naSatani.
Jesu akauya munyika muno, akabhapatidzwa kuti ave nokutora zvivi zvose zvenyika, akabva aroverwa, achiva nokuzvitongerwa. Akavaponesa kubva pazvivi zvavo, avo vose vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka. Apo Adamu naEva vakatadza, Mwari vakavimbisa kuzoponesa vanhu kubva kusimba raSatani. Munyika yaparinhasi, muvengi waMwari ndeavo vasingadavire kuevhangeri yakaisvonaka.
Ko sei Jesu akave nokuzvarirwa munyika muno?
Mwari vakatipa murairo, pamwe neevhangeri yakaisvonaka, kuti vatiponese kubva kuzvivi zvedu. Pasi pemurairo waMwari, vanhu vakave vatadzi pamberi pavo. Saizvozvovo, murairo wakapiwa kuitira kuti vanhu vakwanise kuve nokuziva zvivi zvavo. Apo vanhu vakanga vave varanda kuzvivi, pamwe nokumurairo pachawo, Ishe vedu vakave nokuuya munyika muno kuti vave nokuzadzikisa faniro dzakururama dzemurairo.
Jesu akave nokuzvarwa pasi pomurairo. Akazvarirwa munguva yomurairo. Chikonzero icho vanhu vaida murairo chaiva chokuti vaida kuti vazive zvivi zvavo, kuitira kuti vave nokugamuchira kuregererwa kwazviri. Vanhu vanova nokuwacha tsvina iri panhumbi dzavo kana badzi vakave nokuvona kuti dzave netsvina. Saizvozvovo, kuti vanhu vave nokuvona zvivi zvavo, vanhu vanofanira kuziva murairo waMwari. Kana dai kwakange kusina murairo, kungadai kusina kana tsarukano yezvivi, uyevo Jesu angadai asina kuuya munyika muno.
Kana uchiziva murairo waMwari, saka une mukana wokusangana naye. Takaziva nezvemurairo, uye naizvozvo takakwanisa kudzidza pamusoro pezvivi zvedu. Mushure badzi apo tave nokuziva nezvekutadza kwedu, ndipo apo Jesu Kristu akaunza evhangeri yakaisvonaka, kuti tive nekudavira mairi. Kana dai Mwari vasina kutipa murairo, tingadai tisiri vatadzi, uye kutongwa kungadai kusipo. Saka, Mwari vakatipa murairo, ndokubva vatipa evhangeri yakaisvonaka, kuti vave nokuponesa vatadzi vose kubva pazvivi zvavo.
Murairo unofanira kuvapo pakati paMusiki nezvisikwa zvake ndiwo murairo waMwari weruponeso. Uyu ndiwo murairo werudo. Mwari vakaudza munhu, kuti, “Asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo” (Genesi 2:17). Uyu waiva murairo watakapiwa, ndokubva murairo uyu wave mavambo erudo urwo rwatakaponeswa tose narwo naMwari, kubva pazvivi zvedu. Murairo weruponeso unovambira mukuregererwa kwezvivi zvedu. Mwari vanotitaurira kuti ndivo Musiki wedu, uye kuti zvinhu zvose zvakave nokuvepo sezvinobva pakuda kwavo. Izvi zvinoreva kuti Mwari ndivo Munhu Wamazvirokwazvo, uyevo kuti vanhu vanofanira kudavira kumurairo weruponeso uyo wakave nokuzadzikiswa kuburikidza neevhangeri yakaisvonaka.
Mwari Vamazvirokwazvo vakanaka zvamazvirokwazvo. Rudo rwaMwari rwenyika ino rwakavarangaridza kuti vave nokubaira Mwanakomana wavo umwechete. Kana dai Mwari vakangotisika, vakabva varega kutipa evhangeri yakaisvonaka, kuti tiponeswe kubva pazvivi zvedu, tingadai taikwanisa kukokomwa kwavari. Asi Mwari vaida kutiponesa kubva pakuparadzwa kwedu, naizvozvo, ndokubva vave nokuumba murairo weruponeso. Nokuda kwemurairo, takave nokukwanisa kuziva zvivi zvedu, uye kuburikidza nokutarira kwazviri, pakarepo, takave nokutanga kudavira kuevhangeri yakaisvonaka yaJesu. Kana tikakanganisa shoko raMwari, tinoratidzirwa sevatadzi pamberi pemurairo, uye mushure mezvose, isu vatadzi tinova nokupfugama kuti tidembere nyasha dzavo dzekuregererwa kwezvivi pamberi paMwari.
Jesu akazvarwa nomukadzi, ndokubva auya munyika muno kuzoponesa vanhu kubva pazvivi zvavo. Jesu akauya munyika muno, semunhu, kuti ave nokuzadzikisa chinangwa chaMwari kwatiri. Tinodavira kuevhangeri yavo yakaisvonaka. Naizvozvo, tinorumbidza Mwari.
Vamwe vanotsutsumwa kuti, “Ko sei Mwari vakandiita kuti ndive mutete, zvokuti ndinowira mukutadza, nyore nyore, uye ndakave nokutambudzika zvikuru nokuda kwekutadza kwangu?” Asi Mwari havana kumboda kuti tive nokutambudzika. Vakatitendera kuti tive nokutambudzika nokuda kwekuti takave norupokano neevhangeri yaJesu. Mwari vakatipa kutambudzika, pamwe neevhangeri yakaisvonaka, kuti tive nesimba rakafanana neravo, sevana vavo. Uku ndiko kwaiva kuronga kwavo.
Asi madhimoni anova nokuti, “Kwete! Kwete! Mwari vane humbimbindoga! Endererai mberi muchirarama sezvamunoda. Sunungukai! Itai fuma yenyu kuburikidza nesimba renyu!” Madhimoni anoedzavo kudzivaidza kutenda kwevanhu kuna Mwari. Asi avo vanosarudza kurarama vasiri panaMwari ndivo zvidziviso zvezano ravo reruponeso. Jesu akauya munyika muno, ndokubva adana kune avo vaiva pasi pesimba raSatani kuti vave nokusiya zvivi zvavo. Hatifaniri kurarama tisiri pana Mwari.
Munhu anozvarwa ari mutadzi akatondeswa kuGehena
Hapana zvokwadi isingavi nokushanduka, munyika muno. Asi evhangeri yakaisvonaka, yaJesu, ndiyo zvokwadi isingavi nokushanduka. Naizvozvo, vanhu vanogona kuvimba nezvokwadi iyoyo, vagova nokugamuchirwa kubva kumasimba aSatani. Vanhu vakave nokugara nhaka yezvivi zvaAdamu naEva, saka pasina kupindira kwaMwari, vanova nokutondeswa kumarimi eGehena. Pachinzvimbo chokudaro, munhu akava nokuropafadzwa nesimba rekuti ave mwana waMwari, tichitenda kuchibairo chavo. “Asi iye, waiva pakumanikidzwa, haangazovi nerima” (Isaya 9:1). Mwari vakatuma Mwanakomana wavo munyika muno, vakave nokunatsa avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka yeruponeso.
“Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; vaigara munyika yomumvuri worufu, vakapenyerwa chiedza” (Isaya 9:2). Nhasi uno, shoko iri rinozadzikiswa kwauri nekwandiri. Kuburikidza nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka, takave nokuropafadzwa nehupenyu husingaperi, uhwo hwatisingagoni kuwana panyika pano. Jesu Kristu akave nokuponesa vanhu kubva pazvivi zvose zvenyika; uye kune avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka, anopa hupenyu husingaperi, uye neHumambo hweKudenga, kwavari.
Akava nokubakidza chiedza chakaisvonaka, cheevhangeri, pane avo vakange vasina tariro
Munhu anorarama munyika muno kwenguva pfupi, sezvinoita mhute, achibva ashaika, nokukasika. Hupenyu hwake hwakafanana nohwezvirihwa, kana bundo, zvinokohwewa gore negore. Bundo rinova nokudyorera simba rovupenyu bwaro kwemwedzi mishomanana kwazvo panguva yegore, rigova nokupera, sezvinobva paRombo raMwari. Zvose hazvina maturo, muhupenyu hwedu; hazvina zvazvinoreva, sezvinoita bundo iri. Asi Mwari vakapa evhangeri yakaisvonaka kumoyo yedu yakange yakanetekara; uye vakatiita vana vavo, nokuda kwekururama kwavo. Inyasha dzinoshamisa sei idzi? Hupenyu hwedu, uhwo hwakange husingarevi chinhu, hwakave hupenyu husingaperi, ngatitendei rudo rwaMwari; uye takavevo nokuropafadzwa nekodzero yokuva vana vavo.
Hekuno kupupura kwemoyo wakave nokuropafadzwa nenyasha dzaMwari, kuburikidza nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka.
“Ndakazvarwa mumhuri yakanga isingatendi kuna Mwari. Nokudaro, ndakave nokuyarutswa ndichifunga kuti chinhu chakange chakanaka kuti amai vangu vave nokunamata vamwari vedenga nenyika, mangwanani ega ega, vaine mbiya yemvura pamberi pavo; kuitira raramo yakanaka yemumhuri mangu. Zvandakange ndichikura, ndakange ndisingazive nezvekukosha kwangu, kana chikonzero chekuvepo kwangu; izvo zvakaita kuti ndive nokudavira kuti hazvina hazvo mhosva kana ndikave nokufa, kana kuti ndikararama. Nokuda kwekuti ndakanga ndisingazive nezvekukosha kwangu, ndakave nokurarama ndiri horera.
Hupenyu hwemutoo uyu hwakazove nokundinetesa, saka ndakave nokumhanyirira kuroorwa. Hupenyu hwangu hwemukuroorwa hwakanga hwakanaka. Hapana kana chandaishuwira kuve nacho, saka ndakararana hupenyu hwechinyerere, uye hwerunyararo. Ndakabve ndave nemwana, uye kubvira panguva iyoyo, ndakave nokuona kuti rudo rwakatangavo kuva mandiri. Ndakatanga kuve nokusiya zvishuvo zvekukarira zvandaive nazvo, asi ndaityiravo kuzosiyiwa neavo vaiva pedyo neni.
Nokudaro, ndakatanga kutsvaga Mwari. Ndakanga ndiri mutete, uye ndisina ugonzvi; saka naizvozvo, ndaida Munhu Wemazvirokwazvo, kuti ave nokutarisira vadikanwi vangu. Saka ndakatanga kuenda kuchechi, asi kutenda kwangu kwaiva kwakati siyanei neuko kwaamai vangu, sezvo vainamata vari pamberi pembiya yaiva iine mvura – kunamata kwangu kwaingobva badzi pakutya, uye nepatariro, isina tsarukano.
Imwe nhambo, ndakamboenda kune umwe wemisangano midiki yaiitwa pachechi yemunharaunda; ndokubva, pandakanga ndichinamata, misodzi yatanga kuturuka kubva mumeso angu. Ndakave nokunyarikara, ndokubva ndaedza kuti ndiregere kuchema, asi misodzi yakaramba ichingoturuka. Vanhu vaivepo vakabva vaisa maoko avo pamusoro pangu, ndokubva vandikorokotedza pakugamuchira Mweya Mutsvene. Asi ndakabve ndave nokuchechemara. Ndakange ndisitomborina ruzivo nemashoko aMwari, uye kutenda kwangu kwavari kwakange kusina tsarukano; saka ndakange ndisina vimbo yokuti simba iri raiva Mweya Mutsvene.
Chechi yandaipinda yaidyidzana neBato rechiPentekosta-Chekushangazhika, saka vazhinji vakanga vaine kusangana kwakafanana nokwangu uku, uye tingatoti munhu wose aitaura nendimi. Rimwe zuva, ndakakokwa kumusangano wekumutsidzirana, waitungamirwa nevamwe mufundisi, avo vainzi nevanhu vainge vakave nokuzadzwa noMweya Mutsvene. Mufundisi vakave nokuunganidza vanhu vazhinji pakereke, ndokubva vati vaizova nokuporesa sinusitisi yeumwe munhu, sezvo simba ravo repamweya raivatendera kudaro. Asivo, ndakave nokurangarira kuti sinusitisi chaiva chirwere chairapika nyore-nyore muzvipatara, saka ndakave nokuda kuziva zvakanyanya kuti vakange vave nokugamuchira Mweya Mutsvene nenzira ipi. Asi mufundisi ava vakaratidza kuve vaibudirira mukuedzesera kwavo pakuporesa; vakatanga kuzvikudza vachiti vaikwanisa kufembera kuti mwana wechikoro, ari kuita fomu-sikisi, aigona kupasa bvunzo yake yokuti awane nzvimbo yekuunivhesiti here kana kuti kwete. Vanhu vazhinji vakave nokurumbidza masimba avo, sekunge vakange ari aMwari.
Asi handina kukwanisa kuva nekuvanzwisisa. Handina kukwanisavo kureva kuti simba raigona kunge rina mufundisi ava, raiva riine chokuita noMweya Mutsvene. Handina kufunga kuti chaive chinhu chakakosha chekuti, vaikwanisa kurapa sinusitisi here kana kufembera budiriro yemunhu pabvunzo. Saka, handina kukwanisa kuva nokutora zvaiita sekunge zviratidzo zvavo izvi, semabasa eMweya Mutsvene.
Simba nerudo, zvaMwari zvandaive nazvo mupfungwa, zvakange zvakasiyana neizvo zvandakave nokuona. Nokuda kwechikonzero ichocho, ndakaregedza kuenda kuchechi iyoyo, ndokubva ndazvidzivirira kubva kune vanhu vaitenda kumasimba avamufundisi ava. Mushure maizvozvo, ndakatanga kuenda kune imwe kereke yaiva iine runyararo zvishoma, iyo yandakasarudza nokuda kwekuti ndakadavira kuti yainyanyobata zvizhinji nezvemashoko aMwari. Ndakave nokudzidza nezvemurairo, uye kuburikidza mauri, ndakanga ndisina kururama kwazvo. Mwari vakave chikonzero chekutya kwangu, uye ndakave nokudzidza kuti handaikwanisa kuratidzika kuve ndine rukudzo pamberi pavo, uye kuti Mweya wavo wairatidza kuve wainditsondora.
Muna Isaya 59:1-2 kwakanyorwa kunzi, “Tarirai, ruvoko rwaJehova haruna kupfupiswa, kuti rukoniwe kuponesa, nzeve yake haina kuremerwa, kuti ikoniwe kunzwa; asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu, zvivi zvenyu zvakakuvanzirai chiso chake, kuti arege kunzwa.” Izvi zvakaratidza kuve zvainderana nemamiriro angu. Zvakange zvisingagoneke kuti ndive mwana wavo, uye kuti ndigamuchire Mweya Mutsvene, nokuda kwekuti chinhu chose chandayiita, kana kurangarira, chaiva chakaipa.
Ndaitya Mwari, saka ndaive nokuramba ndichingoita minyengetero yokuregererwa. Hapana munhu akanditaurira kuti ndive nokuita saizvozvo, asi ndaida kuve nokumira pamberi paMwari semunhu ane rukudzo. Nokuda kwekuti ndakange ndakaipa, ndakave nokuwedzera kuita minyengetero yokuregererwa zvine ukombe. Asi minyengetero iyi yakave nokutadza kushambidzira zvivi zvangu. Zvandaingove nokuita, kwaingove badzi kuvaratidza pfungwa dzangu, pamwe nehuzvomene hwangu, saka zvivi zvangu zvakanga zvichiri mandiri. Kubvira panguva iyoyo, ndakatanga kuratidza kukokomwa kwangu kuna Mwari. Ndakashuwira kuve ndakarurama mumeso avo, asi handaikwanisa kuve ndakarurama pakarepo; saka kukokomwa kwangu, pamwe nezvivi, zvakaita murwi.
Munguva iyoyi, yekukangaidzika kwechitendero changu, baba vangu vakabva vaita chirwere chepfari. Vakave nokutambudzika kwemazuva makumi mana, vari mudzimba dzokurapirwa, uye pamibhedha yemuchipatara, vasati vave nokufa. Asi handina kumbokwanisa kunyengeterera baba vangu kana kamwechete zvako. Ndakange ndiri mutadzi, saka ndakafunga kuti kana ndikanyengeterera baba vangu, marwadzo avo aingove nokuwedzera badzi. Ndakashushikana nokushaya kwangu kutenda, uye ndaishuvira kutevera Mwari, asi ndisingakwanisi, saka ndakaramba ndichingotsutsumwa, ndokubva, pakupedzisira, ndave nokubva pavari. Hupenyu hwangu hwechitendero hwakave nokuguma saizvozvo. Ndakafunga kuti kana ndikadavira kwavari, Mweya wavo waive nokugara mandiri, uye ndaibva ndawana rugare; asi handizvo zvakave nokuitika. Mushure maizvozvo, hupenyu hwangu hwakawedzera kusava nechirevo, uye ndakararama mukutya, nemukusuruvara.
Asi Ishe havana kundisiya. Vakandiita kuti ndive nokusangana nemutendi, uyo akange ave nokugamuchira Mweya Mutsvene pazvokwadi, kuburikidza nemashoko aMwari. Ndakave nokudzidza kubva kumunhu uyu, kuti Jesu akatora zvivi zvedu, kuburikidza nekubhapatidzwa kwake naJohane, uye kuti akave nokuzvitongerwa paMuchinjikwa. Naizvovo, zvivi zvose zvenyika, kusanganisira nezvangu, zvakave nokuregererwa. Pandakanzwa, uye ndikazove nokunzwisisa izvi, ndakakwanisa kuona kuti zvivi zvangu zvose zvakange zvakashambidzwa. Mwari vakandibatsira kuti ndive nokugamuchira kuregererwa kwepazvivi zvangu, vakandipa ropafadzo yeMweya Mutsvene, ndokubva vandipa hupenyu hune rugare. Vakanditungamirira zvakanyarara, vakandipa kunzwisisa kwakajeka kwezvakanaka nezvakaipa, ndokubva vandiwanza nesimba rekukunda zviedzo zvenyika ino. Vakave nekupindura minyengetero yangu, vakave nokundibatsira kuti ndirarame hupenyu hwakarurama, uye hupenyu hune kukosha. Ndinotenda Mwari, pachokwadi, nokundipa Mweya Mutsvene.”
Ruzhinji rwedu rwunova nokuropafadzwa nenyasha dzaShe, uye rwunokwanisa kuve nokugamuchira Mweya Mutsvene. Ndinotenda Ishe nokutipa evhangeri yavo yakaisvonaka. Mwari vakaropafadza vakarurama nerufaro rwakadaro. Moyo yevakarurama yakafaranuka. Ishe vedu vakatipa rufaro rwekusingaperi. Tinoziva kuti ruponeso, rudo nenyasha, zvaMwari, zvakakosha sei, uye tinowonga nokuda kwazvo. Ishe vakatipa rufaro kuburikidza neevhangeri yakaisvonaka yeKudenga. Ichi chinhu chisingagoni kutengwa nemari. Mwari vakatitumira Mweya Mutsvene, pamwe neevhangeri yakaisvonaka, kuitira kuti tive nokuitwa vakundi uye vanonduramo. Evhangeri yakaisvonaka ndiyo inoita kuti hupenyu hwedu huve hwakaropafadzwa. Ishe vedu vakatipa evhangeri yakaisvonaka; uye vanofara pakuti avo vakarurama vanojabura hupenyu husingaperi.
Sezvazvakanyorwa muna Ruka, Maria akati, “Nokuti hakuneshoko raMwari richashaiwa simba… Tarirai ndiri mushandiri waShe! Ndiitirwe hangu sezvamataura” (Ruka 1:37-38). Nhambo iyo Maria akadavira kumashoko akaisvonaka aMwari, sezvaarehwa nemutumwa wavo, Jesu akave nokunambwa. Saizvozvovo, kuburikidza nokutenda kwavo, vakarurama vanova nokunamba evhangeri yakaisvonaka mukati memoyo yavo.
“Nokuti makavhuna joko raivaremedza, netsvimbo yairova mapfudzi avo, neshamhu yevaivamanikidza, sapamazuva avaMidiani” (Isaya 9:4). Satani akasaka matambudziko ose, marwere ose, hudzvinyiriri hwose, muhupenyu hwedu, asi takanetekara kwazvo kuti tive nokumukunda. Asi Mwari vanotida, saka vakarwisa vachipikisana naSatani, ndokubva vamukunda.
“Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; vumambo huchava pafudzi rake; zita rake rinonzi: Unoshamisa, Gota, Mwari unesimba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare. Kukura kwovumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agare pachigaro chovushe chaDavidi napavushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehova wehondo kuchazviita” (Isaya 9:6-7).
Mwari vakavimbisa kutinatsa, sevana vavo, kuburikidza neevhangeri yakaisvonaka, iyo yakaunzwa naJesu. Vakava nokukunda Satani, sezvaienderana nevimbiso yavo, ndokubva vatidzikinura kubva kusimba raSatani.
Ishe vakauya panyika, uye nesimba ravo, vakavimbisa kubvisa rima rose rezvivi. Saka tinodeedza Ishe wedu kuti, Uyo Unoshamisa. Vakave nokuita zvinhu zvizhinji zvinoshamisa kwatiri. Sarudzo yaMwari yekuuya panyika pano, seMwanakomana weMunhu, yaiva nenji. “Chiuyai zvino titaurirane, ndizvo zvinotaura Jehova; kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava, somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai” (Isaya 1:18).
Ishe vakavimbisa kutiponesa kubva kuzvivi zvedu, ndokubva vatipa kuregererwa kwekusingaperi. Jesu anorehwa kunzi uyo Unoshamisa uye, naizvozvovo, akave nokutiitira mabasa anoshamisa. “Zita rake rinonzi: Unoshamisa, Gota, Mwari unesimba.” Mwari, seGota redu, vakaronga kuponeswa kwedu, neevhangeri yakaisvonaka, ndokubva vazadzikisa kuronga uku, kuti vatiponese nokusingaperi pazvivi zvedu.
Vupenzi hwaMwari hune ungwaru kupfuura hwemunhu. Hwaiva huchenjeri hwavo kuti Jesu ave nokubhapatidzwa naJohane, uye kuti ave nokufira paMuchinjikwa, kuitira kuti ave nokutiponesa kubva pazvivi zvedu zvose. Iri ibasa renenji ravakatiitira, asi murairo werudo ndiwo wakatiponesa kubva pazvivi zvedu zvose. Murairo werudo ndiwo evhangeri yezvokwadi, iyo inotitungamira kuti tive nokugamuchira Mweya Mutsvene, kuburikidza nemvura pamwe neropa, zvake.
Ishe vanotaura, muna Isaya 53:10, kuti, “Asi kwaiva kuda kwaJehova kuti arwadziwe; wakamurwarisa.” Jesu vakaita moyo wavo chipiro chechivi, kuitira kuti ave nokuita kuda kwaMwari. Vakave nokutambidzira zvivi zvenyika kune Mwanakomana wavo, Jesu Kristu, ndokubva vamuita kuti ave nokutambudzika nemarwadzo ekuroverwa, kuitira kuti ave nokukwanisa kuzvitongerwa. Iyi ndiyo evhangeri yakaisvonaka iyo yakaponesa vanhu kubva pazvivi zvavo, kamwechete kuitira vose. Kristu wakapira hupenyu hwake kuitira isu, akaripira mibairo yezvivi, ndokubva atiropafadza neruponeso.
Tsika yaMwari yokubaira
Ko Jesu akave nokutora zvivi zvingani, kuburikidza nokubhapatidzwa kwake naJohane?
Zvivi zvakare, zvanhasi nezveramangwana; kubvira panguva yamavambo kusvikira kune yemugumo,
Bhaibheri rinotaura nezvechipiro chaiva nokusvitsa pakuregererwa kwezvivi zvezuva rimwechete. Munhu anenge atadza aifanira kuunza mhuka isina mavara, obva aisa maoko ake pamusoro pemhuka iyi, kuitira kuti ave nokutambidza zvivi zvake. Aizobva auraya chibairo ichi, obva apa ropa racho kumuprista. Muprista aitora rimwe reropa remhuka, obva ariisa panyanga dzearitari yezvipiriso zvekupisira; ozobva adira rinenge rasara pazasi pearitari.
Nenzira iyi, aigona kuva nokuregererwa pazvivi zvake zvezuva rimwechete. Kuisa kwemaoko yaive nzira yekuti mutadzi ave nokutambidza zvivi zvake kuchibairo. Avo vaipira zvibairo zvavo, sezvinoenderana netsika yekubaira, vaikwanisa kugamuchira kuregererwa kwezvvi zvavo. Tsika yokubaira yaiva nzira yataiyananisira zvivi zvedu, munguva iyo Jesu asati ave nokutora zvivi zvose.
Mwari vaivavo vakagadza Zuva Rokuyananisira, kuitira kuti vaIsraeri vakwanise kuita yananiso pazvivi zvinenge zvaparwa pagore rose. Kubaira uku kwaiitwa pazuva regumi remwedzi wechinomwe. Mwari vakagadza Aroni, muprista mukuru, kuti ave munhu aizotambidza zvivi zvegore rose zvavaIsraeri vose kumbudzi yaAzazeri. Bira iri raiitwa sezvinoenderana nekuronga kwaMwari. Kuregererwa kwezvivi kwakabva paungwaru hwavo, pamwe nerudo, kuvanhu. Iri ndiro simba ravo.
“Nyanga dzeartari yechibairo chekupisa” dzinomirira “Bhuku roKutongwa” (Zvakazarurwa 20:12), umo makanyorwa zvivi zvevanhu. Chikonzero icho muprista ayiisa ropa rechipiro chechivi panyanga dzeartari yezvipiriso zvekupisa, chaiva chokudzima mazita, pamwe nokutadza, uko kwakanyorwa muBhuku roKutongwa. Ropa ndiro hupenyu hwenyama yose. Chibairo chaiva nokutora zvivi zvevaIsraeri, uye mbudzi yaAzazeri yaiuraiwa kuitira kuripira mibairo yezvivi. Mwari vaiita kuti vave nokuuraya mhuka, kuti ive nokugamuchira mutongo wezvivi zvavo. Ichi chaiva chiratidzo cheungwaru pamwe norudo rwavo kwatiri.
Jesu Krsitu akave nokuuya panyika pano sechibairo chezvivi, kuitira kuti ave nokuzadzikisa kuronga kwaMwari. Jesu akave nokutora zvivi zvenyika, kuburikidza nekubairwa kwake. Kana tikacherechedza mashoko echivimbiso ichi, tinoona kuti, “Asi kwaiva kuda kwaJehova kuti arwadziwe; wakamurwarisa” kana kuti “Akatora zvivi zvenyika.”
“Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; vumambo huchava pafudzi rake; zita rake rinonzi: Unoshamisa, Gota, Mwari unesimba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare. Kukura kwovumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agare pachigaro chovushe chaDavidi napavushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehova wehondo kuchazviita” (Isaya 9:6-7).
Chivimbiso chemanenji, uye chinoshamisa, chaiva chokuti Jesu aizozadzikisa kuda kwaMwari, agova nokupa vatendi vose rugare, kuburikidza nokutora zvivi zvenyika. Chivimbiso chaMwari chaive chivimbiso cherudo, kuburikidza icho vakave nokuronga kuunza rugare kuvanhu vose. Izvi ndizvo zvatakavimbiswa naMwari, uye ndizvo zvavakave nokuita.
Mateo 1:18, inoti, “Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai: Maria, mai vake, wakati anyengwa naJosefa, vasati vasongana, wakavonekwa ava nemimba noMweya Mutsvene.” “Jesu” zvinoreva Muponesi, uyo anova nokuzoponesa vanhu vake kubva kuzvivi zvavo. “Kristu” zvinoreva Mambo Muzodzwa, Mambo. Jesu akange asina zvivi, uye ndiye Mambo wedu, uye Muponesi uyo akave nokuzvarwa nemhandara, kuitira kuti ave nokuponesa vanhu vake kubva kuzvivi zvavo.
“Iye uchazvara Mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi JESU; nokuti ndiye uchaponesa vanhu vake pazvivi zvavo. Izvozvo zvose zvakaitwa kuti zviitike zvakarehwa naShe, nomuromo womuprofita” (Mateo 1:21-22).
Jesu akatora zvivi zvose zvenyika, pamwe naye, kuburikidza nebhapatidzo yake
Kwakanyorwa, muna Mateo 3:13-16, kuti, “Zvino Jesu wakabva Garirea, akasvika paJorodani kunaJohane kuzobhapatidzwa naye. Asi Johane wakaidza kumudzivisa, akati: Chirega hako zvino, nokuti saizvovo zvakafanira kuti tizadzise kururama kose. Ipapo akamurega. Jesu, wakati abhapatidzwa, pakarepo akabuda mumvura; zvino, tarira, denga rakamuzarurirwa, akavona Mweya waMwari achiburuka senjiva, akauya pamusoro pake.”
Johane Mubhapatidzi anobuda mundima iyi. Ko sei Jesu akave nokubhapatidzwa naJohane? Jesu aifanira kubhapatidzwa, kuitira kuti ave nokutora zvivi zvose zvemunyika; agova nokuzvitora zvose, sezvinobva pakuronga kwaMwari.
“Vumambo vuchava pafudzi rake” (Isaya 9:6). Pano, kuti “vumambo” zvinoreva kuti Jesu ndiye Uyo ane kodzero pamwe nesimba, saTenzi veKudenga, saMambo wenyika. Iyi ikodzero yakapiwa kuna Jesu Kristu badzi. Jesu akaita chinhu chaishamisa chokutora zvivi zvose zvevanhu. Chinhu chaishamisa ichi, chaiva chokuti ave nokubhapatidzwa naJohane. Zvaireva Jesu, paakati, “Nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kose” ndezvokuti, kutora zvivi zvose zvenyika kwaiva kwakanaka uye kwakafanira.
VaRoma 1:17, inoti, “Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda.” Kururama kwaMwari kunoratidzwa muevhangeri. Ko evhangeri yezvokwadi, yemvura noMweya, inoratidza kururama kwaMwari, zvomene, here? Hongu! Evhangeri yezvokwadi ndeyekuti Jesu Kristu akatora zvivi zvose zvenyika, kuburikidza nokubhapatidzwa kwake, pamwe nokuroverwa. Evhangeri yemvura noMweya ndiyo evhangeri yakaisvonaka, iyo mairi, kururama kwaMwari kunova nokuratidzwa. Ko Jesu akave nokutora zvivi zvenyika sei? Akatora zvivi zvose apo Johane akave nokumubhapatidza muRwizi Jorodani.
“Kururama kose” ndiko kuti “δικαιοσύνη” muchiGiriki. Izvi zvinoreva kuti Jesu akatora zvivi zvose zvevanhu, nenzira yakanyanyorurama, uye inoshamisa. Izvi zvinoreva kuti, kushambidzirwa kwezvivi zvose zvenyika, naJesu, kwaiva kwakarurama, uye kwakatsarukana, zvachose. Jesu aifanira kubhapatidzwa naJohane, kuitira kuti ave nokubvisa zvivi zvenyika.
Mwari vaiziva kuti kubhapatidzwa kwaJesu kwaiva kwakafanira zvachose, kuitira kuti vanhu vave nokuunzirwa rugare. Jesu haaikwanisa kuve Muponesi wedu, kana dai asina kubhapatidzwa naJohane, uye asina kudeura ropa rake paMuchinjikwa. Jesu akabatira sechipiro chezvivi, mukutorwa kwezvivi zvose zvenyika.
Mwari vanoti, muna Isaya 53:6, “Isu tose takanga takarashika samakwai, takatsauka mumwe nomumwe nenzira yake; asi Jehova wakaisa pamusoro pake kuipa kwedu kose.” Jesu aifanira kutogamuchira zvivi zvose zvenyika, kuitira kuti ave nokuita kuda kwaMwari. Ichi ndicho chikonzero icho Jesu akave nokuuya sechipiriso, panyama yemunhu, akave nokubhapatidzwa naJohane.
Jesu aifanira kutogamuchira zvivi zvose zvevanhu, agova nokuzvitongerwa, kuitira kuti akwanise kuzadzisa kuronga kwaMwari, agova nokuratidza rudo rwake urwo rusingafi. Apo Jesu akabuda mumvura, mushure mokubhapatidzwa kwake, Mwari vakati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira!” (Mateo 3:17).
Mwana akazvarirwa kwatiri
“Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; vumambo vuchava pafudzi rake; zita rake richanzi: Unoshamisa, Gota, Mwari unesimba, Baba vokusingaperi, Muchinda Worugare” (Isaya 9:6). Jesi ndiye Mwanakomana waMwari. Jesu ndiye Mwari weZvisikwa, uyo wakasika pasi rose. Haazi badzi Mwanakomana waMwari Vanemasimba; ndiye zvakare Musiki, uye Mambo weRugare.
Jesu ndiye Mwari vezvokwadi. Akave nokutora zvivi zvedu zvose, akatiponesa, akave nokutipa rugare. Ko munyika muno mune chivi here? Kwete, hamuna chivi? Chikonzero tichigona kureva, takasimba, kuti munyika hamuna chivi, nechekuti; tinodavira kuevhangeri yakaisvonaka, iyo inoti; Jesu akashambidza zvivi zvose zvenyika kuburikidza nekubhapatidzwa kwake, uye neropa rake paMuchinjikwa. Jesu haana kunyepa kwatiri. Akave nokuripira mibairo yezvivi, nebhapatidzo yake, pamwe neropa rake. Akaita kuti munhu wose, akave nokudavira kune izvi, ave mwama wake, ndokubva apa rugare kwatiri tose. Akatiita kuti tive nokurarama sevana vake vakaitwa vatsvene, mukutenda, nokusingaperi. Ndinorumbidza Ishe, uye ndinopa kutenda kwavari.
Tarirai, Gwaiana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika!
Johane 1:29, inoti, “Ava mangwana akavona Jesu achivuya kwaari, akati: ‘Tarirai, Gwaiana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika.’” Jesu Kristu akadzoka zvakare pamberi paJohane Mubhapatidzi, ava mangwana, mushure mekutora zvivi zvose zvenyika, kuburikidza nokubhapatidzwa kwake. Johane Mubhapatidzi akapa huchapupu kuna Jesu, kuburikidza nokuti, “Tarirai, Gwaiana raMwari rinobvisa zvivi zvenyika.” Zvakare, akava nokupa huchapupu, muna Johane 35-36, “Ava mangwanazve, Johane wakanga amire navadzidzi vake vaviri; akatarisa Jesu achifamba, akati: Tarirai Gwaiana raMwari!”
Jesu aive Mesiya, uyo akauya seGwayana raMwari, sezvakangovimbiswa naMwari, muTestamente Yakare. Mesiya, Jesu Kristu, akauya kwatiri, seUyo Unoshamisa, seGota, saMwari unemasimba; ndokubva abhapatidzwa, kuti ave nokutiponesa pazvivi zvedu zvose. Mwana wakazvarirwa kwatiri. Akava nokugamuchira zvivi zvose zvenyika, kuburikidza nekubhapatidzwa kwake naJohane; akaripira mubairo wechivi; ndokubva ave Muchinda woRugare, uyo unotipa rugare, pamwe nokuregererwa kwezvivi zvedu zvose. “Tarirai, Gwaiana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika.”
Vanhu vakambenge vasina imwe sarudzo, asi kutofa nokuda kwezvivi zvavo. Vanhu vakanga vakatondeswa kukupara zvitadzo zvisingaverengeki, nokuda kwemuzvarirwo wavo weutadzi, vachizobva vazvidzirwa kuGehena. Vairarama hupenyu hunosuwisa; hapana kana nomumwe wavo aikwanisa kupinda, kana tutomborota nezveHumambo hweKudenga. Jesu Kristu, uyo anova Mwari vedu, akagamuchira zvivi zvavo zvose, apo akabhapatidzwa naJohane, muRwizi Jorodani, ndokubva aroverwa, sekutongwa kwekutadza kwavo. Pakufa kwake, Kristu akati, “Zvapera” (Johane 19:30). Uku ndiko kwaiva kureva kwezvapupu zvavo, kuzvokwadi yokuti Jesu akaponesa vanhu pazvivi zvavo, napakufa kwavo; uye kuti akadzikinura aninani akadavira kuevhangeri yakaisvonaka, zvakakwana.
“Tarirai, Gwaiana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika.” Ko unoziva here kuti zvivi zvose zvenyika zviri kupi? Ko hazvisi pamuviri waJesu Kristu here? Ko zvivi, pamwe nokudarika, izvo zvaitideredza munyika muno, zviri kupi? Zvose zvakave nokuiswa kuna Jesu Kristu. Ko zvivi zvedu zvose zviri kupi? Zviri munyama yeUyo ane hugota pafudzi rake; zviri munyama yaMwari vamasimbaose.
Zvivi zvose, kubvira pakuzvarwa kusvika pabwiro!
Tinopara zvitadzo kusvika pamugumo wehupenyu hwedu. Takapara zvitadzo kubvira pazuva ratakazvarwa; kudzamara zuva ratakasvitsa makore makumi maviri. Ko zvivi zvose izvo zvakaparwa kwemakore makumi maviri zvakaenda kupi? Zvakave nokuiswa kunyama yaJesu Kristu. Zvitadzi izvo zvatakapara pakati pamakore makumi maviri nerimwe, nemakumi mana, zvakave nokutambidzwa kuna Jesu, zvakare. Hazvina mhosva kuti anorarama makore akawanda sei, zvivi zvaakapara, kubvira pamavambo ehupenyu hwake, kusvikira pamugumo, zvakave nokuiswa kuna Jesu Kristu. Zvitadzo zvose zvakaparwa nevanhu, kubvira pana Adamu, kusvikira kumunhu wokupedzisira munyika muno; zvakave nokuiswa kuna Jesu. Kunyangevo nezvivi zvevana vedu, pamwe nezvevazukuru vedu, zvakatotambidzwa kuna Jesu nechekare. Zvivi zvose zvakave nokuiswa kuna Jesu panguva iyo yaakabhapatidzwa.
Ko munyika muchiri nezvivi here? Kwete. Hapana kana nechimwe chakasara. Munyika hamuna chivi chakasara nokuda kwekuti tinodavira kuevhangeri yakaisvonaka iyo yatakapiwa naJesu Kristu. Ko uchiri nechivi mumoyo mako here? Kwete. Ameni! Tinodavira kuevhangeri yakaisvonaka, iyo inoti, Jesu Kristu wakatiponesa pazvivi zvedu zvose. Tinorumbidza Jesu, Unamasimba ose, nokutiitira basa rinoshamisa iri.
Jesu Kristu akadzorera hupenyu hwedu, hwakanga hwakarasika, kwatiri. Zvino, tave kudavira kuevhangeri yakaisvonaka, kuitira kuti tive nokukwanisa kurarama naMwari. Kunyange navanhu avo vakanga vari vavengi vaMwari – vatadzi avo vakanga vasina imwe sarudzo, asi kutozvivanza mumatondo ane rima – vanogona zvino kuponeswa pavivi zvavo, kuburikidza nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka.
Evhangeri yakaisvonaka inotidzidzisa kuti Ishe vakashambidza zvivi zvedu zvose, apo vakabhapatidzwa naJohane, vakaroverwa, ndokubva vave nokumutswa. Takave nokuitwa vana vatsvene vaMwari, kuburikidza nokudavira kuevhangeri yaJesu. Jesu akapira muviri wake pachake, sechipiriso chezvivi zvedu. Iye, Mwanakomana waMwari Une masimbaose, uyo asina kumbopara kana chitadzo chimwechete, munyika muno; akava nokutora zvivi zvose zvenyika, ndokubva aponesa munhu wose anodavira kwaari. Isaya 53:5, inoti, “Asi wakakuvadzwa nokuda kwekudarika kwedu, wakarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu.”
Jesu akatora zvivi zvose zvenyika, kusanganisira zvivi zvokuvambira, pamwe nezvomene-mene; uye hakuna nechivi chimwechete chaakasiya. Akaripira mibairo yechivi, nekufa kwake paMuchinjikwa, uye mukudaro akave nokutiponesa pazvivi zvedu zvose. Jesu akashambidzira zvivi zvose zvenyika, kuburikidza neevhangeri yakaisvonaka iyi. Takave nokuwana hupenyu hutsva kuburikidza naJesu. Avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi, havasisina kufa pamweya. Zvino tave nehupenyu hutsva, uye husingaperi, nokuti Jesu akaripira mibairo yose yezvivi. Takave nokuva vana vaMwari, kuburikidza nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka yaJesu Kristu.
Ko unodavira kuti Jesu Kristu mwanakomana waMwari here? Unodaviravo kuti ndiye Muponesi wako here? Ini ndinodavira. Jesu Kristu ndiye Vupenyu kwatiri. Takawana hupenyu hutsva kuburikidza naye. Taiva takatondeswa kuti tife, nokuda kwezvivi zvedu, uye nokudarika kwedu. Asi Jesu akave nokuripira mibairo wechivi, kuburikidza nebhapatidzo yake, pamwe nokufa kwake paMuchinjikwa. Akatidzikinura pahuranda hwechivi, pasimba rerufu, uye paketani dzaSatani.
Ishe ndivo Mwari avo vakatiponesa pazvivi zvedu, ndokubva vave muponesi wemunhu wose anodavira kuna Jesu. Kana tikatarisa panaVaHeberu 10:10-12, 14 na 18 tinogona kuona kuti Ishe vakave nokutiita vatsvene, zvekuti pakange pasisina chimwe chikonzero chekugamuchira kuregererwa kwezvivi. Tinova nokupinda muHumambo hwaMwari kuburikidza nokudavira kuna Jesu. Taive takatondeswa kuti tive nokufa pamusaka pezvivi zvedu, pamwe nokudarika kwedu, asi zvino tinokwanisa kuve nokupinda Kudenga, tichiva nokukwanisa kujabura hupenyu husingaperi, kuburikidza nokudavira kubhapatidzo yaJesu, neropa rake.
“Mufudzi wakanaka unorashira makwai ake vupenyu hwake” (Johane 10:11). Ishe vedu vakave nokuuya munyika muno, kuti vave nokutiponesa pazvivi zvenyika; kuburikidza nebhapatidzo yavo, kufa kwavo paMuchinjikwa, pamwe nokumuka kwavo. Vakavevo nokupa kugara kweMweya Mutsvene kune avo vakave nokugamuchira kuregererwa kwezvivi zvavo, kuburikidza nokudavira kuzvokwadi iyi. Ndinokutendai Ishe. Evhangeri yenyu ndiyo evhangeri yakaisvonaka, iyo inogona kupa vatendi kugara kweMweya Mutsvene. Haleluya! Ndinorumbidza Ishe.