• All e-books and audiobooks on The New Life Mission website are free
  • Explore multilingual sermons in global languages
  • Two new revised editions in English have been released
  • Check out our website translated into 27 languages
Search

Sermons

Musoro 8 : Mweya Mutsvene

[8-8] Ko Mvura Mhenyu yoMweya Mutsvene Inoyerera Mukati Mavapi? (Johane 7:37-38)

2021.04.19 27
(Johane 7:37-38)
“Zvino nezuva rekupedzisira, zuva guru romutambo, Jesu wakamira, akadanidzira, akati: Aninani, kana anenyota, ngaavuye kwandiri, anwe. Unotenda kwandiri, sezvazvakarehwa noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.”
 
 
Ko ndiyani anogona kunwa mvura mhenyu yoMweya Mutsvene?
Ndeavo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka yebhapatidzo yaJesu, nekuropa rake paMuchinjikwa.
 
Mvura mhenyu yoMweya Musvene inoyerera ichibuda mumoyo yeavo vnodavira kuevhangeri yakaisvonaka. Johane 7:38 inoti, “Unotenda kwandiri, sezvazvakarehwa noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.” Izvi zvinoreva kuti pane ruponeso rwechokwadi, uye nekuregererwa kwezvivi kune avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka yatakapiwa naMwari.
Ko kugara kweMweya Mutsvene kunozoitika panguva dzipi? Kugara kweMweya Mutsvene kunogona kuwanikwa kana munhu akaterera uye akadavira kuevhangeri yezvokwadi, iyo inotaura kuti Jesu Kristu akatora zvivi zvose zvenyika kuburikidza nekubhapatidzwa kwake naJohane. Munhu anogona kuzobva ave nekunwa mvura mhenyu yoMweya Mutsvene. Avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka vane kugara kweMweya Mutsvene, uye vanogona kuva nekusangana nekunzwa mvura mhenyu, inotonhorera, yeMweya ichipfachukira uye ichinyongovedza moyo yavo yakaoma, nguva dzose apo vanenge vachiparidzira kana kunzwa mashoko aMwari.
Mvura mhenyu yoMweya Mutsvene inoyerera ichibuda mumoyo yeavo vanodavira kuevhangeri yemvura noMweya, iyo inotaura kuti Ishe vakauya munyika muno kuti vave nekuponesa vatadzi vose kubva pazvivi zvavo. Mweya Mutsvene ndiye zvokwadi isingagoni kuparadzaniswa neevhangeri yemvura noMweya, uye anogara mukati mevanhu avo vanodavira kumashoko aMwari.
Aninani anoda kunwa mvura mhenyu yeMweya Mutsvene, anofanira kugamuchira kuregererwa kwezvivi zvake zvose kuburikidza nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka yekubhapatidzwa kwaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Mvura mhenyu yeMweya Mutsvene inogara mukati memoyo yeavo vanodavira kumashoko aMwari. Vanhu vanodavira kuevhangeri yemvura noMweya vane mvura mhenyu yoMweya Mutsvene, iyo inoyerera serwizi, ichipopomera kuburikidza mukati memoyo yavo. Kunyange panguva dzino, mvura mhenyu yoMweya Mutsvene iri kubvajuka ichibuda semvura yechitubu, mumoyo yeavo vakave nokugamuchira kuregererwa kwezvivi zvavo, kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka yekubhapatidzwa kwaJesu Kristu pamwe neropa rake paMuchinjikwa.
Asivo, hapana kana donhwe rimwechete zvaro remvura mhenyu yoMweya Mutsvene ingayerera kubva mukati memoyo yeavo vasingadaviri kuevhangeri yakaisvonaka yezvokwadi iyi. Kudzamara pandakazodavira uye pandakabvuma evhangeri yemvura noMweya, ndakanga ndisina kana donhwe rimwechete zvaro remvura mhenyu yoMweya, yaiyerera kubva mukati memoyo wangu. Panguva iyoyo, kunyange zvazvo ndaidavira kuna Jesu Kristu, nomoyo wose, ndakanga ndisingatombozive kukosha kwemvura mhenyu yoMweya Mutsvene, nokuda kwekuti ndakange ndisina Mweya Mutsvene mukati memoyo wangu. Asivo, zvino ndave neevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, uye nemvura mhenyu yeMweya Mutsvene inoerera kubva mukati memoyo mangu zvakasununguka.
Zvino, mvura mhenyu yoMweya Mutsvene yave kuyerera ichibva mukati memoyo wangu, uye ichibvavo mumoyo yeavo vanonzwa, nekudavira kushoko raMwari. Sezvakarehwa naJesu, “Aninani kana ane nyota ngaavuye anwe kwandiri,” mvura mhenyu yoMweya Mutsvene inozorodza vamwe kuburikidza nevaKristu vakazvarwa patsva, avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya. Mvura mhenyu iyi inoyerera kubva mukati memoyo wangu, pamwe nokutenda kwangu kuevhangeri yemvura noMweya, kunyange naparizvino, zvinoita kuti vamwe vave nekunwa kubva kwairi. Mwari vanoita kuti mvura mhenyu yoMweya Mutsvene ive nokuyerera ichibva mukati memoyo wangu, serwizi. Ichi chinhu chinozikanwa kune avo badzi vane kugara kweMweya Mutsvene.
Sezvazvakanyorwa muna Zvakazarurwa, kuti hapana unoziva kunze kweuyo anenge achigamuchira; kugara kweMweya Mutsvene, pamwe nemvura mhenyu, chinhu chakavanzikara chinozikanwa badzi neavo vanoziva pamwe nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya. Naizvozvo, unofanira kuziva kuti Mweya Mutsvene anogara mukati maani. Unofanira kuziva kuti kugara kweMweya Mutsvene kunopiwa kune avo badzi vanodavira kuevhangeri yaJesu.
 
 
Ndaive nekutenda kuropa raJesu paMuchinjikwa badzi
 
Kunyangwe zvazvo ndaidavira kuropa raJesu paMuchinjikwa, kwemakore anopfuura gumi, chivi chakange chichiri mukati memoyo wangu. Panguva iyoyo, ndaiva nekudavira kwekuti zvivi zvangu zvakave nokuregererwa kuburikidza neropa raJesu badzi. Asivo, handina kugona kugamuchira kuregererwa kwakakwana kwezvivi, kana kugara kweMweya Mutsvene, kuburikidza nekudavira kwemutoo uyu; uye muhupenyu hwangu maingova badzi nokukangaidzika uye nekusaziva. Chiratidzo choga chairatidza kudavira kwangu muna Jesu, yaingova zvomene yokuti ndayienda kukereke.
Ndipo pandakatanga kucherechedza kudavira kwangu zvakare. ‘Ndakagamuchira Mweya Mutsvene zvamazvirokwazvo here?’ Pandakatanga kudavira kuna Jesu, moyo wangu waiva wakazadzwa nerudo kwaari, kunyange ndakange ndine chipo chendimi. Asi chii chakave nekuitika kwandiri? Ndakave nekuona kuti zvandainzwa izvi, zvekupiswa nemadengetera, chakanga chisiri chiratidzo chekugara kweMweya Mutsvene, ndakazivavo kuti ndakange ndisina kuve nekugamuchira Mweya Mutsvene, zvachose. Ndaidavira kuna Jesu, asi Mweya Mutsvene, uyevo nemvura mhenyu yoMweya Mutsvene, zvakange zvisiri mukati memoyo wangu.
Chinhu chakange chisina kunyanyokosha, kuti moyo wangu waipisa here kana kutonhora, sezvo kutenda kwangu kwaivambira [4]pachiCalvinism. Mibvunzo yandakave nekuti ndipindure ndeinotevera:
(1) Ko Mweya Mutsvene anogara mukati mangu here? ─Kwete.─ Handina chokwadi chekuti ari mukati mangu.
(2) Ndine chivi mukati mangu here? ─Hongu, chirimo.─ Zvamazvirokwazvo, mukati mangu makanga muine chivi, nguva idzodzo, kunyange zvazvo ndaidavira kuropa raJesu paMuchinjikwa. Ndakanga ndichiri nechivi mumoyo mangu, kunyange zvavzo ndaidavira kuna Jesu, ndichiva nekuita minyengetero yokuregererwa, zuva nezuva. Chivi chaiva mumoyo mangu hachina kumbove nokucheneswa zvakakwana, zvisinei nekuti ndayiedza zvakaoma sei.
 
[4] Tsika yomushanduriro wechiKristu yakavambwa naJohn Calvin. Inonyanya kusimbaradza kutondeswa pamwe neruponeso. Pfungwa shanu dzechiCalvinism, dzakave nekuwumbwa semhinduro kumamiririro echiArminian.
ChiCalvinism chinodzidzisa: 1) Chikuyo chakazara: kuti munhu anobatwa nechivi pazvikamu zvose zveuzima hwake: muviri, moyo, pfungwa, nemadengatera, 2) Mutsa isingakodzerwi: kuti mutsa yaMwari inobva pakuda kwekusarudza kwavo pachavo, uyo hainei nechekuita nemunhu. Haitongokodzerwi nemunhu zvachose, 3) Kuyananisira kune mugumo: kuti Kristu haana kutora zvivi zvemunhu wose akave nekurarama, asi pachinzvimbo chokudaro, akatora zvivi zveavo vakasarudzirwa muruponeso, 4) Nyasha dzisingapikiswe: kuti kudana kwaMwari kune umwe munhu kuti ave nokuponeswa hakungagoni kupikiswa 5) Kutsungirira kwevatsvene: kuti hazvigoneke kuti munhu ave nekurasikirwa noruponeso rwake. Asi unogona kusiyanisa, zvakanyatsojeka, dzidziso yacho kubva kune iyo yeevhangeri yemvura noMweya, zvikuru sei maererano nedzidziso yacho yekuyananisira kune mugumo.
 
‘Ko ndingave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene sei?’ ‘Ko ndingashambidzire sei chivi chiri mukati memoyo mangu?’ Aya ndiwo matambudziko maviri aibingisa, andaiva nawo mundangariro dzangu, kunyange mushure mekunge ndave nekutenda kuna Jesu. Ndakange ndave kutaura nendimi, mushure mekunge ndave nokudavira kuna Jesu, uyevo ndaidavira kuti zvivi zvangu zvakashambidzwa, ndichiwonga kutenda kwangu kuropa raJesu.
Asivo, nguva yakave nekufamba, zvivi zvikaramba zvichironga murwi mukati memoyo mangu. Ndakange zvino ndazadzwa nematadzo. Minyengetero yekuregererwa, kana kutsanya, hazvina kugona kushambidza zvivi zvaiva mukati memoyo mangu, sezvo ndaidzambira paropa raJesu badzi. Ndakazvidya moyo kwenguva refu, pamusoro pezvivi zvangu chaizvo. Kuramba ndichizvidya moyo kwandayiita, ndiko kuwedzera kwandayiitavo kuparidzira, zvine simba, mashoko aJesu kune vamwe. Ndakatanga kuendavo kukereke mazuva ose, uye ndikazvipira pakushumira Jesu, ndichizembera paropa rake.
Asivo, nekufamba kwenguva, zvivi chaizvo zvaiva mukati memoyo mangu zvaindivharira pakuti ndive nokuwana kutenda kwechokwadi. Zvakanga zvave kundiwomera kuti ndidavire kuna Jesu, sezvazvisina kumbove kumashure. Ndakaedza kudzambira zvakadzama kuropa raJesu, uye ndikaisa simba rangu rose, ndikave nokuwedzera kuzvipira kwangu kuna Mwari. Asivo, kushaya chinhu kwemumoyo mangu kwakave nekuwedzera. Kutenda kwemutoo uyu kwakandisiya ndichinzwa kusaziva, uye ndisisina simba; uye kwakandishandura kuve muKristu wekunyepedzera, uyo aingotaririra badzi munhu wokunze. Ndichifunga pachangu, kuti, ‘Kutenda kuna Jesu kwakaita saizvozvi kuvanhu vose, handizi inini badzi!’ Ndakaedza kuramba kuti kutenda kwangu kwakanga kusina kutsarukana. Asivo, ropa raJesu, pamwe neminyengetero yekuregererwa, hazvina kuva nokugona kushambidzira zvivi zvangu zvose chaizvo.
Saka zvivi zvangu zvomene zvinokwanisa kucheneswa nekutenda kupi? Zvivi zvangu zvinokwanisa kushambidzwa kuburikidza badzi nokudavira kwangu, kuti zvivi zvangu zvose zvakave nokutambidzwa kuna Jesu, apo akabhapatidzwa muRwizi Jorodani. Izvi ndizvo zvakanyorwa muna Mateo 3:13-17. Saka sei zvivi zvangu zvomene zvakave nokusashambidzwa neropa raJesu? Ndakange ndisingazive uye ndisingadavire kuevhangeri yakaisvonaka, iyo ine chirevo chebhapatidzo yaJohane kuna Jesu.
Ko izvi zvinoreva here kuti zvivi zvose zvenyika zvakave nokushambidzwa kuburikidza nekubhapatidzwa kwaJesu? Hongu, ndizvozvo. Bhaibheri rinopa huchapupu kwazviri, kuburikidza nokuti, “Kana munhu asingaberekwi kutsva, nemvura noMweya, haangagoni kupinda muvushe hwaMwari” (Johane 3:3-5). Jesu akauya munyika muno, akave nokugamuchira zvivi zvose zvenyika, kuburikidza nebhapatidzo yake naJohane.
Ndakange ndichiri nekusatenda pamusoro peizvi, ndikave nekuenzanisa Testamente Yakare neItsva, kuti ndive nekujekesa izvi. Mhedzisiro yakave yokuti, ndakazove nekuona kuti zvamazvirokwazvo ichi chaiva chokwadi. Zvivi zvose zvenyika zvakave nekutambidzwa kuna Jesu, apo akabhapatidzwa; uyevo, zvivi zvangu zvose zvakavevo nokutambidzwa kuna Jesu, panguva iyoyo. Ndakave nekuitwa mutsvene, kuburikidza nekutenda kwangu kumashoko aya. Ndakave nekuziva kuti shoko iri ndiro shoko rezvokwadi, sezvazvakanyorwa muBhaibheri, uyevo kuti ndiyo evhangeri yakaisvonaka kwazvo munyika.
Pamusoro pazvo, ndakaziva kuti sei zvivi zvangu zvakange zvisina kubviswa, kuburikidza nokutenda kwangu kuropa raJesu badzi. Chikonzero chaiva chokuti, ndaisagona kutambidza zvivi zvangu, zvomene, kuna Jesu, apo ndakanga ndisingazivi zvokwadi yekubhapatidzwa kwake muRwizi Jorodani. Ndakazove nekusangana nezvokwadi, pamugumo. Ndakave nekudzidza kuti Jesu akauya munyika muno nokuda kwangu, uyevo kuti akatora zvivi zvose zvenyika kuburikidza nebhapatidzo yake, akazove nekuroverwa kuti ave nekutigamuchira kubva kuzvivi zvose zvenyika. Ndakavevo nekudzidza pamwe nokudavira kuzvokwadi yokuti chinangwa chekubhapatidzwa kwaJesu, uye cheropa rake paMuchinjikwa, chaiva chokutora zvivi zvose zvenyika. Ikezvino ndave wakarurama, ndinotenda kudavira kwangu kuevhangeri yakaisvonaka yatakapiwa naJesu, pamwe nokuda kwekuti zvivi zvangu zvose zvakave nokuregerewa.
Dzidziso dzekereke hadzisiridzo dzakave nekubvisa zvivi zvangu; bhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa ndizvo zvakave nokudaro. Zvokwadi yaiva muevhangeri yakaisvonaka. Ndakave nokuponeswa kubva pazvivi zvangu zvose, ndikabva ndava wakarurama, kwete badzi nokuda kwekudavira kwangu kuropa raJesu, asi kuburikidza nekutenda kwangu, kuti bhapatidzo yaJesu, neropa rake paMuchinjikwa, ndizvo zveruponeso rwangu.
Chimwevo chinhu chandinoda kupa kutenda kwachiri, ndechekuti Mweya Mutsvene waMwari wakauya pamusoro pangu, mushure mekunge ndave nokutanga kudavira kuevhangeri yakaisvonaka. Parizvino, Mweya Mutsvene anogara mandiri, pamwe nemashoko ekubhapatidzwa kwaJesu naJohane, uye neeropa rake paMuchinjikwa.
Ndinotenda Ishe, avo vakave nekundipa evhangeri yakaisvonaka iyi, uye avo vanondiita kuti ndiparidzire kutenda uko kwakafanana nekwevaApostori vaJesu. Mwari vakandipa chipo cheMweya Mutsvene, kunyange zvazvo chinhu chimwechete badzi chandakave nekuita, chiri chekudavira kuevhangeri yakaisvonaka. Ikezvino ndave kugona kugovera shoko iri, ndiine rukudzo pamwe nekuziva kukuru, kuvanhu vose vari munyika. Zvirokwazvo, ndinogona kuvaudza kuti; kudavira kuropa raJesu badzi hakungavi nekubvisa zvivi zvavo zvose!
Asi ndinogona kuvaudzavo kuti zvivi zvavo zvose zvinova nokushambidzirwa, zvomene, kana badzi vakave nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka; iyo inotaura nezvekubhapatidzwa kwaJesu naJohane, uye nezveropa rake paMuchinjikwa. Handina kana nyadzi, kana napaduku pose, pamberi paMwari, kana ndichiparidzira evhangeri yakaisvonaka iyi. Ikezvino ndave kugona kuparidzira, zvine rukudzo, evhangeri yakaisvonaka iyi, yekuzvarwa patsva nemvura noMweya, kuvanhu vose vemunyika. Ndinopa kutenda kunaShe. Ndinotenda Ishe avo vakanditendera kuti ndive nekunwa mvura mhenyu yoMweya Mutsvene, kuburikidza nekundipa evhangeri yemvura noMweya.
 
 
Matesiti ekiriniki anoratidza kuti evhangeri yechokwadi ndeiyo yemvura noMweya
 
Ko wakave nekugamuchira kuregererwa kwezvivi zvako, uye nekugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, zvamazvirokwazvo here? Ko ungave nekuziva sei kuti evhangeri ndeyechokwadi zvamazvirokwazvo? Ndakambove nekuita tsvakiridzo pane vanhu vakange vave nekuda kutenda kuevhangeri yakaisvonaka, iyo yatakapiwa naJesu. Kune umwe munhu, ndakangova nekumuparidzira shoko reropa raJesu Kristu paMuchinjikwa badzi. Ndakavevo nekumuudza kuti munaJesu Kristu hamufaniri kuva nechivi. Kune umwezve munhu, zvakare, ndakave nekumuparidzira evhangeri yakaisvonaka yekubhapatidzwa kwaJesu naJohane, pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Mhedzisiro yakava yokuti; munhu uyo akave nekugamuchira kuregererwa kwezvivi zvake, kuburikidza nekudavira kuropa raJesu badzi, akava nokuti, aifanira kungoramba achiva nokuregererwa pazvivi zvake zvomene. Asi umwevo munhu uya akave nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka yekubhapatidzwa kwaJesu, pamwe neropa rake, nerumwevo rutivi, akataura kuti akange zvino ave munhu asina kana chivi.
Akataura kuti haana chivi mumoyo make nokuda kwekuti akave nekudavira kuzvokwadi yokuti Jesu vakatora zvivi zvake zvose, uye vakave nokuzvitongerwa. Akave nekukwanisa kugamuchira Mweya Mutsvene kubva kuna Mwari, nokuda kwekuti akadavira kuevhangeri yakaisvonaka, iyo inotaura kuti kubhapatidzwa kwaJesu naJohane kwakave nokushambidzira zvivi zvose zvenyika.
Chikonzero icho munhu uyu akave nokutaura kuti akanga asisina chivi mukati memoyo make chaiva chokuti akange ave nokugamuchira Mweya Mutsvene mumoyo make, kuburikidza nekudavira kwake kuevhangeri yakaisvonaka. Mweya Mutsvene wakave nokumupa ziviso yekuti haana chivi mukati memoyo make. Mwari vanopa kugara kweMweya Mutsvene kune avo vose vanodavira kubhapatidzo yaJesu naJohane, pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Ko Mweya Mutsvene anova nekugara mukati maani? Mweya Mutsvene anopiwa sechipo kune avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka yekubhapatidzwa kwaJesu naJohane, uyevo yeropa rake paMuchinjikwa.
Kungove nekuona zvomene yechiitiko, iyo isina hudzamu, paZuva rePentekosta, kwakave nekusakisa kuti vanhu vazhinji vave nekusanzwisisa zvokwadi pamusoro pekugamuchira Mweya Mutsvene, uyevo kukave nekuisa evhangeri yakaisvonaka parutivi. Vanhu vanofunga kuti kana vakanyengetera, zvakaperera, vachitsvaga Mweya Mutsvene, vanobva vave nokukwanisa kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Kwenguva refu kwazvo, vaKristu vakapoteredza nyika yose vakange vasina kana zano, napaduku pose, rezvokwadi; iyo inoti, munhu anokwanisa kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza badzi nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka yebhapatidzo yaJesu, uye neyeropa rake. Asivo, parizvino varanda vaMwari vazhinji, avo vakagamuchira kugara kweMweya Mutsvene, kuburikidza nokudavira kwavo kuevhangeri yemvura noMweya; vakave nekuparidzira evhangeri, vachibatsirwa noMweya Mutsvene. Semhedzisiro, vanhu vazhinji vari munyika mose vakave nokudzidzira kugamuchira evhangeri yakaisvonaka iyi, ndokubva vave nokugamuchiravo kugara kweMweya Mutsvene.
Mwari vanotendera vanhu avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi kuti vave nekusangana nekugara kweMweya Mutsvene. Mubhaibheri, zvakava nokunzi, “Namazuva okupedzisira, Ndichadurura zvoMweya wangu pamusoro penyama yose” (Mabasa 2:17). Asivo, munhu anofanira kuziva kuti, kuedza kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene pasina kuziva evhangeri yakaisvonaka, chitori chikanganiso. Hakunazve imwe nzira yekugamuchira nayo kugara kweMweya Mutsvene, kunze kwekudavira mukubhapatidzwa kwaJesu naJohane, pamwe neropa rake paMuchinjikwa.
Sezvo Mwari vachitaura kuti hakuna munhu anogona kupinda muHumambo hweKudenga, kunze badzi akave nokuzvarwa patsva nemvura noMweya, uye kuti avo badzi vakave nokuzvarwa patsva ndivo vanowana chipo choMweya Mutsvene; hapana rupokano pakuti munhu wose anotoda kugara kweMweya Mutsvene, kuti ave nekupinda muHumambo hweKudenga. Ko ungafunga nezvekugamuchira Mweya Mutsvene, kana nezvekupinda Denga sei, pasina kudavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya? Hakuna imwe nzira yokuenda nayo kuDenga kunze kwekudavira kuevhangeri yakaisvonaka. Unogona kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza badzi nokudavira kuevhangeri yebhapatidzo yaJesu, neyeropa rake. Sekuripira mari kwatinoita, kana tichitenga zvinhu, tinova nekugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kana tikadavira kuevhangeri yakaisvonaka.
Ndinoda kukutaurira kuti, kana zvamazvirokwazvo uchida kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, unofanira kutanga waziva, uye wadavira, kuevhangeri yemvura noMweya. Unozobva wave nekusangana kweMweya Mutsvene. Unogona badzi kuve nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya. Mwari vanoda kukuwanisa nekugara kweMweya Mutsvene.
Ndinodavira kuevhangeri yakaisvonaka, uye nekufamba kunoita nguva, ndinoramba ndichinzwa kusimbaradzwa, kuti evhangeri yakaisvonaka yandakapiwa naMwari iyi, ndicho chinhu chakaisvonaka uye chakanyanyokosha munyika muno. Ndinonzwa kuwonga kuna Mwari. Ko unonzwa zvimwechetevo here? Tinoona kuti avo vedu vakave nekugamuchira Mweya Mutsvene vakave nokuropafadzwa zvikuru naMwari.
Ndiri kukupai shoko rekugamuchira kwamungagona kuita kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka. Vanhu vangagona kuve nokuzviti vakakodzera kuve nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, kuburikidza badzi nekugamuchira evhangeri yakaisvonaka iyi, yekuzvarwa patsva nemvura noMweya.
Muna Johane 7:38, Jesu anoti, “Unotenda kwandiri, sezvazvakarehwa noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.” Izvi zvinoreva kuti vanhu avo vanogamuchira kuregererwa kwezvivi zvavo zvose, kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka, iyo yavakapiwa naJesu Kristu; vane kugara kweMweya Mutsvene. Mvura mhenyu yoMweya Mutsvene ichava nekuyerera, senzizi dzemvura, kubva mukati mavo. Vanhu vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi vanova nekusangana nekuyerera kwemvura mhenyu dzoMweya.
Kunyange zvazvo ndakange ndiri mutendi akakwana muna Jesu, ndisati ndave nekuzvarwa patsva kuburikidza neevhangeri yemvura noMweya, mukati memoyo mangu makanga musina mvura mhenyu yoMweya Mutsvene yaiyerera kubva mukati mawo. Asivo, mushure mekunge ndave nokutenda kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, mvura mhenyu yakatanga kuyerera kubva mukati memoyo wangu, zvakasununguka, sezvazvakangonyorwa muBhaibheri. Kunyange naikezvino, mvura mhenyu yoMweya Mutsvene inoyerera pamwe neevhangeri yemvura noMweya, iyo yandakapiwa naMwari. Mvura mhenyu yoMweya Mutsvene inoyerera muruzhinji, kubva mukati memoyo wangu, kuburikidza gore rose. Ndakave nokutanga kuita basa reuvhangeri, ndichiparidzira evhangeri yakaisvonaka, mushure mekunge ndave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene.
 
 
Kupupura kwangu kwekutenda; mushure mekunge ndave nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka, uye mushure mekugamuchira kugara kweMweya Mutsvene
 
Makange muri mushure mekunge mwaka wechitatu wegore woda kundopera, ndichangovambira kuita makore makumi maviri. Mwaka uyoyo wakakandiita kuti ndinyanye kufunga pamusoro pekusadziviririka kwekufa kwangu. Gore iroro, hupenyu hwangu hwakaonekwa nokusanzwisisa kwangu, nokusaziva kwangu, uye nerima, nokuda kwezvivi zvaiva mukati memoyo mangu. Ndakange ndiri kufamba negwara risiro, ndisingazive kuti ndotsaukira kurutivi rwupi. Muviri wangu wakanga uchiva nokudzimba, uye kusaziva kwemumoyo mangu kwakaramba kuchikura.
Nokuda kwezvivi zvangu, ndakave nokushaya tariro zvachose, uye ndakanga ndisingatombozive chikonzero. Ndakange ndisisina imwe sarudzo, asi kutongomirira kutonga kwaMwari, pamugumo wakarewo weupenyu hwangu, ndigova nekudembera kuregererwa kwezvivi zvangu. “Oh Ishe, ndinoda kuva nokugamuchira kuregererwa kwezvivi zvangu, kuburikidza nekutenda kwangu kwamuri, ndisati ndafa. Zvakare, ndapota poresai chirwere chiri mumuviri mangu!” Ndakanamata ndanamatazve.
Pakarepo, tariro itsva yakatanga kuturuka kubva pakadzika dzika pemoyo wangu waiva wakachona. Moyo wangu wakave nekuzadzwa nemadanha aMwari, uye wakanga uchiva nokupisa sebhoraromwoto. Kwakange kusiri kushaya tariro; yaitove tariro itsva iyo yaibvira somoto une ukasha mukati memoyo mangu. Kubvira pazuva iroro, zvichienda kumberi, ndakavambira hupenyu hutsva hwechitendero, ndichiva nokudavira kuti Jesu akafa paMuchinjikwa, kuti ave nokundiponesa kubva pazvivi zvangu.
Nguva pfupi, mushure maizvozvo, ndakave nokusangana nekutaura nendimi. Mushure menguva, ndakaenderera mberi nokudeura misodzi, apo ndaifunga pamusoro peropa rakadeurwa naJesu paMuchinjikwa. Ndakave nokutenda kuti vakave nekudeura ropa ravo paMuchinjikwa, kuitira ini.
Mushure mechiitiko ichi, ndakave nokusiya hupenyu hwangu hwakare, ndikabva ndawana basa idzva, iro raiita kuti ndive nokuchengeta Sabata tsvene. Panguva iyoyo, moyo wangu wakanga uzere norudo kuna Jesu, uye uchipfachukira nekutenda kusingaperi, nguva dzose apo ndainzwa kuti Jesu akave nokudeura ropa rake paMuchinjikwa kuti ave nekundiponesa kubva pazvivi zvangu. Mweya wechitendero changu wakatanga kukura; asi, waingova badzi wakadzambira pamashoko eropa raJesu paMuchinjikwa.
Asizve, mukufamba kwenguva, hupenyu hwechitendero changu hwakatanga kukondomberwa nematambudziko, nokuda kweundonda hwangu, uye nokuda kwezvivi zvangu zvomene. Zvivi zvangu zvose, zvomene, zvakanga zvisina kushambidzirwa zvakakwana, nokuda kwekuti kudavira kwangu kwaiva muropa raJesu paMuchinjikwa badzi. Ndakaedza kushambidzira zvivi zvangu, zvomene, kuburikidza neminyengetero yokuregererwa. Asivo, minyengetero yandakaita netariro yekuwana ruregerero rwaMwari, haina kukwanisa kushambidza zvivi zvangu zvomene, zvakakwana. Chikonzero chaiva chokuti handina kukwanisa kuchengeta mirairo yaMwari. Zvivi zvangu zvomene zvavakatanga kuronga murwi.
Kunyange zvazvo zvivi zvangu zvakange zvisina kunyatsoshambidzwa, kuburikidza neminyengetero yangu yokuregererwa, ndakange ndisisina imwe sarudzo, asi kutongoramba ndichiita minyengetero iyi. Ndaiva nokudavira kuti nguva yose yandaitadza, ndaikwanisa kuve nokushambidzira zvivi zvangu, kuburikidza neminyengetero yekuregererwa, uye kuburikidzavo nekurangarira pamusoro peropa raJesu paMuchinjikwa. Kuramba kwandakaita ndichienderera mberi nehupenyu hwechitendero changu, ndiko kuwedzera kuita murwi kwayiita zvivi zvangu zvomene, nokuda kweundonda hwangu. Kutambudzika kwangu kwaitongove nokuwedzera, nokuda kwezvivi izvi.
Ndakange ndave kuita muKristu wechiFarisi, uye ndakabva ndagadzwa kuve muparidzi, uye ndokuzobva ndaitwa muvhangeri; zvisinei zvazvo nomutoro wezvivi zvangu. Ndayienda kundoparidzira evhangeri, nguva dzose apo ndainzwa marwadzo ezvivi zvangu zvomene, ndichifunga kuti iyi ndiyo nzira badzi yekuchenura moyo wangu. Asi, zvivi zvangu zvomene hazvina kuva nekushambidzwa kuburikidza nemhando yekutenda uku, uko kunodzambira padzidziso,uye nepakuzvipira kwepauzima.
Ndakatombove nekusangana ndichiva nokubatwa naSatani. Ndakawira mukuzvidzwa, nokuda kwezvivi zvangu zvomene, ndikatombove nekunzwa kurudziro yekufira kudarika kwangu. “Wakave nokutadza, hauna here?” Satani akaenderera mberi nokundizvidza, uye nokunditambudza, nezvivi zvangu.
Kutenda kwangu kwainge kwasvika kumugumo wekuti kuchidonha. Ndakave nekuona kuti handaikwanisa kushambidza zvivi zvangu zvomene, kuburikidza nokutenda kuropa raJesu, pamwe neminyngetero yekuregererwa badzi, ndokuzobva ndaguma ndave nokukondoka.
Ndakave nechido chekuziva chikonzero chekuti sei Jesu akabhapatidzwa naJohane, apo ndakange ndichidzidza chiCalvinism, mune chimwe chikoro chekudzidzira Bhaibheri. Ndakave nokubvunza nyanzvi dzedzidzo zhinji kuti sei Jesu Kristu akave nokubhapatidzwa naJohane muJorodani. Asi mhinduro dzavo dzaingova dzimwedzo; sokuti, akabhapatidzwa kuti ave nokuratidza kuzvideredza kwake, kana kuti, kuti ave nokuzivisa kuti aiva Mwanakomana waMwari. Asivo, mhinduro idzi dzakanga dzisina kukwanira kuti dzive nekupedza nyota yangu yechiriga.
 
 
Zvokwadi yekubhapatidzwa kwaJesu naJohane yakandiita kuti ndive nokuziva evhangeri yakaisvonaka
 
Mushure menhambo ndiri pachikoro chekudzidzira Bhaibheri ichi, zvivi zvangu zvakanga zvisati zvave nokushambidzirwa, uye ndakatambudzika pasi pemutoro wazvo; zvakapetwa kupfuura mazuva ose. Ndokubva, rimwe zuva ndazove nokunzwisisa kuti sei Jesu akabhapatidzwa, uyevo kuti sei akataura kuti kururama kose kuchave nokuzadzikiswa kuburikidza nechiito ichi. Yakange iri evhangeri yakaisvonaka, iyo yaireva kuti zvivi zvangu zvose zvakave nokutambidzwa kuna Jesu, kuburikidza nokubhapatidzwa kwake muRwizi Jorodani. Mwari vakandibatsira kuti ndive nokuziva zvokwadi iyi, kuburikidza neshoko ravo rakanyorwa.
Mushure mekuverenga, uye mekuverenga zvakare, mashoko aMwari, umo makanyorwa evhangeri yakaisvonaka, ndakapedzisira ndave nekuziva zvokwadi yokuti zvivi zvangu zvose zvakave nokutambidzwa kuna Jesu, kuburikidza nekubhapatidzwa kwake naJohane, uyevo kuti akave nokuzvitongerwa paMuchinjikwa.
Apo ndipo pandakave nokuziva kuti kugara kweMweya Mutsvene kwave nokuzadzikiswa kwandiri. Zvivi zvose zvaiva mumoyo mangu zvakave nokukanganwirwa, mushure mekunge ndave nekunzwisisa, uye nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi. Zvivi izvo zvaive zvakandichurikira mukukondoka, nemukushaya tariro, zvakave nokushambidzirwa zvakakwana nesimba reevhangeri yakaisvonaka. Zvivi izvozvo, izvo zvakange zvisingazombobviswe zvisinei nekuzvipira kwangu kusingaperi, uyevo neminyengetero yekuregererwa; zvakave nokutsakatika zvose nguva imwechete. Zvamazvirokwazvo, ndinopa kutenda kunaShe.
Ndinoreva chokwadi kana ndichitaura kuti zvivi zvose zvenyika hazvingakwanisi kushambidzirwa kuburikidza neropa raJesu paMuchinjikwa badzi. Kubhapatidzwa kwaJesu naJohane kwakasvitsavo pakuregererwa kwezvivi. Zvino, munhu wose anofanira kunzwisisa, pamwe nokudavira, kuti zvivi zvake zvose zvakave nokushambidzirwa; tichitenda kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya. Ndine kugara kweMweya Mutsvene mukati memoyo wangu, nokuda kwekuti ndinodavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, uye kushoko reChapupu chaMwari, iro ravakapupura pamusoro peMwanakomana wavo; zvakakwanira kuva nokudzinga zvivi zvose kubva mukati memoyo wangu. Ndakave nokugamuchira Mweya Mutsvene, senjiva, nokuda kwekudavira kwangu kuevhangeri yakaisvonaka.
Kubvira pazuva iroro, zvichienda kumberi, Mweya Mutsvene akave nokubata mukati memoyo wangu, achinditendera kuti ndive nokubata basa rangu repamweya; mune mamwe manzwi, rinova rekuparidzira evhangeri yakaisvonaka. Kubhapatidzwa kwaJesu naJohane, pamwe neropa rake paMuchinjikwa, zvakave nokupa huchapupu kukuregererwa kwezvivi zvangu, kukava nokunditungamira kuti ndive nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Haleluya! Ndinorumbidza Ishe. Mweya Mutsvene wakawira pamusoro pangu, chinyararire, senjiva; ndokubva watanga kugara mandiri, kubvira pazuva randakave nokudavira kuevhangeri yemvura noMweya. Akatanga kubata mukati memoyo wangu, dzimwe nguva, senjiva; dzimwevo nguva sebisiro rekunyungurudusira.
Ikezvino, unogona kugamuchiravo kugara kweMweya Mutsvene, kana ukave nekugamuchira, pamwe nokudavira, kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya. Ko haudi here kugamuchira Mweya Mutsvene, ugova nokurumbidza Ishe, kuburikidza neevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, pamwe neni? Haudi here, kushandira pamwechete neni mukuparidzira evhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya kunyika yose? Evhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya inova nokukuita mutsvene, igova nokukupa kugara kweMweya Mutsvene. Kururama kwaMwari kunoratidzwa muevhangeri, kubva pakutenda kuchienda kukutenda. Ndiko kusaka kugara kweMweya Mutsvene kuchiva nokupiwa kuburikidza badzi nekutenda kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya.
 
 
Zvinhu zvinoshamisa zvandakaitirwa noMweya Mutsvene
 
Mushure mekunge ndave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, ndakatanga kubatira pakereke itsva, kuti ndive nokuparidzira evhangeri yakaisvonaka. Mweya Mutsvene akanditendera kuti ndive nokuparidzira evhangeri yakaisvonaka, zvine simba.
Pakave panguva idzi apo chiitiko chinotevera chakave nokuitika. Muguta randaigara, maiva nemusoni uyo aitengeserana nevatengi vokunze kwenyika. Munhu uyu aiva mudhikoni. Akambova nokupfuura nepahotera yemunharaunda achida kutengeserana neumwe munhu, ndokubva aona posita redu ipapo. Akave nokukwezvwa nekukokwa uku, ndokubva aedza kuti andibate. Akazove nokusangana neni, ndokubva ataura kuti akange ave nokurarama muzvivi kwenguva refu. Mushure memaawa mashanu ekurairidzwa pamusoro peevhangeri yemvura noMweya, akapedzisira ave nokuziva zvokwadi yokuregererwa kwezvivi. Akabva ave nokuzvarwa patsva, ndokubva avevo nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, panguva iyoyo.
Herwunozve rumwe rungano rwakaitika apo ndakaenda ndichindotsvaga chivakwa chekereke. Ndakave nokuwana chivakwa chakanaka uye chaiva nenzvimbo hombe. Asi panguva idzodzo, ndakange ndisina mari yaikwanira kuti tirende sechivakwa chedu chekereke. Zvakaratidza kuve zvisingakwanisiki kuti ndive nekurenda chivakwa ichi, nokuda kwekushota kukuru kwandaive ndakapima. Asivo, Mweya Mutsvene ari mandiri akati, “Simba, uye uve nevimbo.” Kushamisa kwazvo, ndakakwanisa kuve nokuwana chivakwa chekereke ichi, uye nokuita basa ravo; ndichitenda kurubatsiro rweMweya Mutsvene. Mweya Mutsvene wakandiita kuti ndive nokuparidzira evhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, kubvira panguva iyoyo, zvichienda mberi. Mweya Mutsvene, uyo anogara mumoyo mangu, aneni, kunyange napanguva dzino, achiva nokundirangaridza kuti ndiparidzire evhangeri yakaisvonaka kuvanhu vose. Uyevo ndinova nokuona avo vanonzwa pamwe nokudavira kuevhangeri ino yakaisvonaka vachiva nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene.
Ndinotenda Mweya Mutsvene uyo akandipa goneso yokuparidzira evhangeri ino yakaisvonaka. Ndinoziva kuti kunyange nenguva yehupenyu hwangu hwose haingakwaniri kuti ndinyore pamusoro pezvinhu zvose zvandakave nokuitirwa noMweya Mutsvene. Mweya Mutsvene akandiita kuti ndive nokurarama nemvura mhenyu, ichiyerera kubva mukati memoyo wangu, zvakasununguka. Ndinopa kutenda kune uyo agree mandiri.
 
 
Mweya Mutsvene akave nokudyara kereke iyo inofamba naye kuburikidza neevhangeri yemvura noMweya
 
Ndakambove nokuenda kurenje kundoparidzira evhangeri yakaisvonaka. Panguva idzodzo, Mwari vakanditungamirira kune rimwe guta duku, ndokubva ndasangana nerimwe boka duku revanhu avo vaitsvaga Mwari. Mwari vakanditungamira kuti ndive nokuparidzira evhangeri yakaisvonaka kwavari, izvo zvakavaita kuti vave nokuwana kugara kweMweya Mutsvene. Vakavevo nokugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nokuterera, pamwe nokudavira, kuevhangeri yakaisvonaka. Mweya Mutsvene wakavatungamirira kuti vave vabatiri, uye ndakave nokuparidzira evhangeri ino yakaisvonaka, kunyika dzose, pamwe navo, kubvira panguva iyoyo.
Panguva iyoyo, vaingove boka duku kwazvo revanhu, vasina chitendero chekereke chavakange vakarerekera. Vaida kurarama sezvinobva pamashoko aMwari, asi vaiva nekuchema zvekuperera kuna Mwari kuti vave nokuregererwa pazvivi zvavo, nokuda kwehutapwa hwavo kuzvivi. Mweya Mutsvene akanditungamirira kuboka revanhu ava, akanditsigisa kuti ndive nokuparidzira evhangeri ino yakaisvonaka. Ndakakwanisa kuona kuti Mweya Mutsvene akange ave nokugadzirira kuti ivo pamwe neni tive nokusangana. Mwari vakanditungamira kuti ndive nokuparidzira evhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya; ndichivambira patsika yekubaira, sezvayakanyorwa muna Revitiko, ndokubva vanhu vave nokugamuchira Mweya Mutsvene, kuburikidza nemashoko eevhangeri yakaisvonaka.
Mwari vakave nokuvaka kereke yoMweya Mutsvene, pamwe nevatendi ivavo, muevhangeri yakaisvonaka. Mweya Mutsvene akave nokuvagadza kuti vave vadzidzi vaJesu, kuburikidza neevhangeri yakaisvonaka. Parizvino, makwayana mazvinji akatanga kugamuchira Mweya Mutsvene, achiva nokupinda mukereke.
Mweya Mutsvene akanditungamira kuti ndive nokutanga chikoro chemishoni, ndikave nokuita vadzidzi. Akandibatsira kuti ndive nokudzidzisa mashoko aMwari kuvanhu, ndikave nokuvabatsira kuti vave nokudzidza kuterera kuburikidza nokutenda, pamwe nokubatira sevashandiri vaMwari. Akave nokutendera kuti mabasa eevhangeri yakaisvonaka ave nokuiitika kwewe kwese kwavanoenda, uye Mwari vakave nokudyara makereke avo kuburikidza navo. Mweya Mutsvene akange ari kutungamira varanda vake kuti vave nokuparidzira evhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya. Mweya Mutsvene anotungamira vakarurama, avo vakagamuchira kuregererwa kwezvivi, kuti vave nokubatana pamwe nekereke, vachiva nokuropafadzwa kuti vararame hupenyu hwakarurama munyika muno.
Satani akange ari kunyengedza vanhu kubvira panguva yakare, uye acharamba achiita saizvozvo. Satani anotaurira vanhu kuti vanogona kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza neminyengetero yekuregererwa, kutsanya, kana kuiswa kwemavoko. Ichi hachizi chokwadi, zvachose. Vanhu havangagoni kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza neminyengetero yekuregererwa, kana nekuiswa kwemaoko. Vanogona kugamuchira Mweya Mutsvene kana badzi vakave nokuregererwa pazvivi zvavo zvose, kuburikidza nokudavira kuevhangeri yemvura noMweya, iyo yatakapiwa naMwari. Iyi ndiyo dudziro yechokwadi yekugara kweMweya Mutsvene. Mweya Mutsvene akaramba achiva nokutungamira vadzidzi vaJesu Kristu kuti vave nokuparidzira evhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, kuitira kubatsira vanhu kuti vave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene.
 
 
Mweya Mutsvene akatitungamira kuti tive nokuita mapato ezvinyorwa pasi rose
 
Sekusiya kwakaita Pauro evhangeri yakaisvonaka, mutsamba dzake; Mweya Mutsvene anogara mukati memoyo wangu akave nokuva gombedzero kwandiri, kuti ndive nokuparidzira pamwe nokuparadzira evhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, muzvinyorwa. Ichi ndicho chikonzero tichiva nokudhinda mabhuku echiKristu ane evhangeri yakaisvonaka, iyo inotungamira vatendi kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Pakutanga, takavamba netwumabhuku tudiki twaive nemapeji mashomanana; asi nenguva pfupi, mabhuku edu, ayo ane evhangeri yakaisvonaka, akave nokupararira kuburikidza pasi rose.
Mweya Mutsvene, uyo anogara mandiri, akave nokutungamira vanhu vazhinji navazhinji kuti vapinde kereke, mushure mekugamuchira kuregererwa kwezvivi zvavo, kuburikidza nokuverenga mabhuku aya, uye nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka. Uyevo, akatitungamira kuti tiparidzire evhangeri yakaisvonaka kunyika dzekunze dzakasiyana siyana. Akatitungamira kuti tiparidzire evhangeri yakaisvonaka kunyika dzingasvika zana nemakumi mashanu, dzakapoteredza pasi rose, kusanganisira neUnited States.
Mweya Mutsvene akarangaridza kereke kuti inyengeterere zvinangwa zvebasa rokubata munyika, uye akave nokutitungamira kuti tive nokushandurira evhangeri yakaisvonaka mumitauro yakasiyana siyana, uye nokuiparidzira kuburikidza nemapato ezvinyorwa, kuitira kuti vanhu vazhinji venyika dzakasiyana siyana vave nokukwanisa kuinzwa pamwe nokudavira kwairi. Mweya Mutsvene akanditungamira kuti ndishandire pamwe nevadzidzi vatsva vari kune dzimwe nyika, tikave nokuparidzira evhangeri yakaisvonaka pamwe navo ikoko. Ndinopa kutenda kuMweya Mutsvene.
Mweya Mutsvene akandizadza nechido chekuti ndive nokuparidzira evhangeri kuRussia. Mweya Mutsvene akatitungamira kuti tive nokunyengetera, ndokubva atipa mukana wekuti tisangane nevavhangeri vekuRussia avo vaitsvaga zvokwadi, ndokubva tave nokuparidzira evhangeri yakaisvonaka kwavari. Ndipo pavakave nokunzwa evhangeri yakaisvonaka, kekutanga. Vakabva vave nokugamuchira Mweya Mutsvene, sezvatakangoitavo, mushure mokunzwa, pamwe nokudavira, kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya.
Umwe wavo, anove nyanzvi yedzidzo pane imwe univhesiti yenyika iri kuMoscow, akave nokupa pupuro iyi kwandiri, mushure mekunzwa evhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya.
“Ndakave nokudavira kuna Mwari kwemakore matanhatu, asi ndaidavira ndisinganyatsi kuvanzwisisa zvomene. Asivo, mushure mekunzwa nezveevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, ndakave nekutenda kwakasimba, pamwe nerunyararo rwakagadzikana, mukati memoyo wangu. Zvamazvirokwazvo, ndinotenda Ishe. Ndaifunga, kudzamara ipapo, kuti ndainge ndave nokurarama hupenyu hwechitendero, kuburikidza nemhando kwayo yekutenda. Hupenyu hwangu hwechitendero hwaingove badzi hwekudavira kuropa raJesu, uyo akatifira paMuchinjikwa. Asivo, ndakange ndisina ruzivo kuti Mwari vakange vakashambidzira zvivi zvangu zvose.
Ndakabva ndave nekusangana nevafundisi vakange vakazvarwa patsva, ndikabva ndanzwa nezveevhangeri yakaisvonaka iyo yatakapiwa naMwari, ndikabva ndadzidza kuti ndakanga ndichiri mutadzi. Ndakave nokuziva zvizhinji pamusoro peevhangeri yakaisvonaka, uyevo pamusoro pezvinoreva kuti, kuve nokururama. Ndakave nokuziva kuti zvivi zvangu zvose zvakave nokutambidwa kuna Jesu, apo akave nokubhapatidzwa. Yaiva evhangeri yakaisvonaka. Ndakave nokuziva kuti, kwete zvivi zvangu zvokuvambira badzi, asivo zvivi zvangu zvezuva nezuva, pamwe nezvivi zvangu zvose zvichauya; zvakave nokutambidzwa kwaari kuburikidza nekubhapatidzwa kwake. Ndakave nokuwana mufaro mukuru wekuzvarwa patsva, kuburikidza nokunzwa, pamwe nokudavira, kuevhangeri ino yezvokwadi.”
MaRussian mazhinji, kusanganisira nyanzvi yedzidzo iyi, akave nokugamuchira Mweya Mutsvene, kuburikidza nokunzwa, pamwe nokudavira, kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya. Parizvino, kereke yoMweya Mutsvene yakave nokudyarwa ikoko, uyevo vanhu vazhinji navazhinji vakave nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka, kuburikidza nebasa roMweya Mutsvene. Mwari vakave nokuita zvinhu zvose izvi, saka naizvozvo ndinopa kutenda kwakakosha zvikuru kuMweya Mutsvene.
Mweya Mutsvene, uyo anogara mukati mangu, akandiita kuti ndive muKristu akazvarwa patsva, sezvakaita avo vose vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, uye zvino ndinoparidzira evhangeri yakaisvonaka kunyika. Anoita kuti mabhuku edu, pamusoro peevhangeri yakaisvonaka, ave nokuramba achingoshandurirwa, kwete muChirungu badzi, asivo mune mimwe mitauro mizhinji yakaburikidza pasi rose. Akave nokutiita kuti tiparidzire evhangeri ino yakaisvonaka kuburikidza pasi rose. Ndinopa kutenda kuMweya Mutsvene. Kana newevo unogona kuva nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Mwari vanoda kuti iwe uwane kugara kweMweya Mutsvene.
Vanhu vazvinji vanoedza kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nokudeedza zita rake, uye nokuita minyengetero yakaperera kuna Mwari. Asivo, kuedza kugamuchira Mweya Mutsvene, pasina evhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, iyo yatakapiwa naJesu, chitori chikanganiso. Kutaura kuti munhu anogona kugamuchira Mweya Mutsvene pasina evhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, idzidziso yenhema.
Ko vadzidzi vaJesu vakagamuchira Mweya Mutsvene vasina kudavira kuevhangeri yakaisvonaka, iyo yavakapiwa naJesu here? Kwete, zvamazvirokwzvo kwete. Unofanira kuziva kuti; pamazuva ano, Mweya Mutsvene anogara mukati meavo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, uye mvura mhenyu yoMweya Mutsvene inoyerera kubva mukati mavo. Kunyange napanguva idzo dzino, mvura mhenyu yoMweya Mutsvene inoyerera kubva mukati mangu, pamwe neevhangeri yakaisvonaka. Haleluya, ndinotenda Ishe.