(VaEfeso 2:14-22)
“Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwakapati rwaiparadzanisa; zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murairo wezvakarairwa pazvirevo; kuti asvike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo; kuti mumuchinjikwa ayananisezve vose vaviri, vave muviri mumwe kuna Mwari, zaakauraya kuvengana naiwo muchinjikwa; akasvika akaparidza rugare kwamuri, imi maiva kure, norugare kunaivo vaiva pedyo; nokuti isu tose tinopinda naiye noMweya mumwe kuna Baba. Naizvozvo hamuzati muchiri vaeni navatorwa, asi vobgo pamwechete navatsvene, naveimba yaMwari. Makavakwa pamusoro penheyo dzavaapostora navapurofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona. Maari imba yose yakasonganiswa kwazvo, inokura, ive tembere tsvene munaShe. Maari nemivo makavakwa pamwe chete, kuti muve vugaro hwaMwari, muMweya.”
Ko chii chakabvisa munhu pana Mwari?
Chivi chake ndicho chakave nokudaro.
Mwana akarerwa nokuda kwenhamo
Makore hafu yezana ave nekupfuura, kubva pakupera kweHondo yekuKorea. Asi yakave nekusiya mavanga anokatyamadza, pakati pevanhu vechiKorean. Semhedzisiro yeHondo yekuKorea iyi, vana vakawanda vakave nekurerwa kunyika dzevatorwa. Kunyangwe zvazvo mauto eSangano remubatanidzwa weNyika (reUnited Nations) akave nekuuya kuKorea, akatibatsira zvikuru panguva iyoyo, asi vana vazhinji vakasiyiwa vasina vanababa, mushure mekudzokera kwemauto aya.
Vazhinji vemauto eUN vakanga vaine vakadzi nevana kuno vakasiya mhuri dzavo pavakadzokera kumusha kwavo. Vazhinji vevana ava vakabva vandoiswa zvakare kumisha inorerwa nherera, nanaamai vavo, ndokubva vaendeswa kundorerwa kunyika dzevatorwa. Zvamazvirokwazvo, yaitove mhanza kuti vana vechidiki ava vakwanise kuwana vabereki vanovarera, vachiva nekuchengetwa zvakanaka.
Vana vakandorerwa ava vakazoona kuti vainge vakasiyana kwazvo nevabereki vavo, uye nevavakidzani vavo, pavakange vava kukura, ndokubva vazoziva kuti vakange vakatorwa kubva kunyika yekure inonzi Korea. ‘Ko vabereki vangu vakandiramwirei? Vakandiendesa kure, kunyika ino, nekuda kwekundivenga kwavo here?’ Nendangariro dzavo dzehupwere, vana ava havana kugona kunzwisisa zvakange zvakaitika.
Zviringa zvavo, pamwe noruvengo, kuvabereki vavo chaivo, zvakatanga kukura pamwechete nechishuwo chekuda kusangana navo. ‘Handizive kuti vabereki vangu vakaita sei? Ko sei vakandiramwa? Vakaita izvi nokuda kwekuti vaindivenga here? Kwete, panogona kuve nechikonzero chavakaitira izvi.’ Vanogona kunge vaive nekusanzwisisa kuzhinji, uye dzimwe nhambo vaiva nekunzwa ruvengo rukuru. Uye dzimwe dzenguva, vanogona kunge vakatenderana kusafunga nezvazvo, zvachose. Vasati vatomboziva kana, nguva yakange yatofamba, uye vana vaya vakatokura kuita vanhu vakuru. Vakava nekuroora, vakaita vana, vakatanga mhuri dzavo.
Ndakatanga kutevedza nezvevana ava kuburikidza nechirongwa chepanhepfenyuro yedzimwe dzeTV dzemuno. Muchirongwa ichi, mutori wenhau akaita mbonano neumwe mukadzi ave kugara kuGermany, parizvino, uyo akange achengetwa nevabereki vasiri vake. Mukadzi uyu aiva nemakore ari kumakumi maviri, panguva iyoyo, uye aidzidzira kosi yezvidzidzo zveBhaibheri. Pakutanga, mukadzi uyu akaedza chose kuti asasangana nevatori venhau, nekuda kwekuti akanga asindadi kuti vanhu vazive kuti akanga akarerwa nevavereki vasiri vake. Mutori wenhau akamugombedzera kuti ave nokunzwisisa kuti kubvuma kuita mbonano iyi kwaigona kuva nokubatsira pakumiswa kwetsika yokutora vana vachindochengetwa kunyika dzevatorwa. Mukadzi uyu akabva abvuma.
Umwe wemibvunzo wemutori wenhau waiva wokuti, “Ko ungave nokuti chii, kana ukasangana nevabereki vako chaivo? Ndechipi chaungada kunyatsoziva?” Mukadzi uyu akapindura kuti, “Handitombonzwisise kuti sei vakave nekundiendesa kuti ndindorerwa nevamwe vabereki. Ndinoda kuvabvunza kuti sei vakandivenga kudaro.” Mai vake vokubereka vakave nekuona mbonano yomukadzi uyu paTV, ndokubva vave nekuchaira kunhepfenyuro yaiburitsa, ndokubva vati ivo vaida kusangana nemwanasikana wavo. Aya ndiwo masanganiro akazove nekuita vaviri ava.
Mai ava vakaenda kunhandare yendege, nokukurumidza, ndokubva vamirira kusvika kwemwanasikana wavo. Pakadzika mukadzi wechidiki uyu kubva mukati, mai vake vakangogona kumira ipapo vachichema badzi.
Vaviri ava vakanga vasati vambosangana, zvekuonana. Mai vake vakatomuona kekutanga, ava munhu mukuru, apo akabuda paTV. Kunyange zvazvo vaitaura mitauro yakasiyana, vaikwanisa kutaura nemoyo yavo, uye kuburikidza nekutarisana kwemadengetere kwavaiitirana. Vakabatana zviso zvavo, apo mai vacho vachidembera ruregerero pane zvavakange vaita. Chavakangokwanisa kuita ndechekungochema, uye nokudzokorora kuti vaive nehurombo zvikuru sei.
Mai ava vakave nekuunza mwanasikana wavo kumba, vakava nekudya pamwechete. Zvamazvirokwazvo, mwanasikana wacho aingotaura chiGermany badzi, uye mai vacho chiKorean badzi, saka vakave nokutadza kutaurirana nomuromo. Asi, neimwevo nzira, zvomene yokuti vaiva mai nemwana yakave nokuita kuti vave nokunzwisisana. Vakaita hurukuro zhinji kwazvo dzisingataurwi nemashoko, uye vaiva nokuzviratidzira kuburikidza nemasaini, vachibatana zviso zvavo, uye vachitaurirana nemeso avo uye nemoyo yavo.
Panguva yaakazodzokera kuGermany, mwanasikana uyu akava nokuziva kuti mai vake vokubereka vaimuda zvikuru. Vatori venhau vamwechetevo, avo vakange vamboita mbonano naye kumashure, vakabva vave nokutaura naye zvakare, musi waakange asati asimuka. “Pakange pasina chikonzero chekuti ndibvunze kuti sei amai vangu vakange vandiisa kuti ndiende kundorerwa kumwe. Amai vangu murombo kunyange nazvino. Vapfumi vari munyika muno vakafuma zvekuti vanova nekutyaira mota dzekunze, asi amai vangu vachiri kurarama munhamo.” Akaenderera mberi achiti, “Kunyange zvazvo ndisina kubvunza amai vangu mubvunzo uyoyo, uye kunyange ndisina kuwana mhinduro kubva kwavari, ndakakwanisa kuona kuti, vakave nekundiendesa kure kuti vave nekundinunura munhamo. Ndiko kusaka ndisina kunzwa faniro yekuvabvunza mubvunzo uyoyo, ndiko kusakavo kusatenda kose, neruvengo, zvave nekupera, zvino.”
Vanhu vakave nokubva panaMwari nokuda kwezvivi zviri mumoyo yavo
Ko sei tichiva nekuparadzana naMwari, uye sei tisingagoni kuswedera pedyo navo? Mukadzi ainge aendeswa kuti andorerwa kumwe akave nokudzidza kuti mai vake vokubereka vaiva vakamuendesa kuti vave nokumununura kubva panhamo. Zvimwechetezvo zvinodarovo here pana Mwari? Mwari vakatisika nomufananidzo wavo. Ko chingagona kuva chakazotiparadzanisa naye chii? Mhinduro ndeyokuti, Satani akaedza munhu kuti ave nekupara chivi, uye chivi chikave nokumuparadzanisa naMwari.
Pamavambo, Mwari vakasika munhu nemufananidzo wavo, vakave nokuda chisikwa chavo zvikuru. Vanhu vakave nekusikwa semidziyo yerudo rwaMwari, uye vaine muitiro wakakwirira kukunda wezvisikwa zvose. Asivo, ngirozi yakadonha kubva kudenga, inonzi Satani, yakabata kuti ibvise vanhu pana Mwari. Satani akaidza munhu kuti asave nekudavira kumashoko aMwari, ndokubva amuita kuti ave nokudya muchero wemuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa.
Saka munhu akave nokuparadzaniswa kubva pana Mwari, nokuda kwechivi chake. Munhu haana kuterera kuna Mwari. Munhu haana kudya muchero wemuti weupenyu, uyo unopa hupenyu husingaperi, uyevo waiva wakatenderwa naMwari; asi akava nokudya muchero wakarambidzwa uyo wakamupa ruzivo rwezvakanaka nezvakaipa. Mhedzisiro yakave yokuti, munhu akabva aparadzaniswa naMwari.
Waimbove, mudziyo werudo rwaMwari, munhu, akatadza kuterera, akabva aparadzaniswa navo, nekuda kweukuriri. Nokuda kwechivi, icho chakave nokugara mukati memoyo wake, munhu akave nekubva panaMwari, semhedzisiro. Mushure maizvozvo, munhu akararama ari kure naMwari kwenguva refu, azogunun’una achiti, “Ko Mwari vakatiramwirei, mushure mekunge vambenge vatisika? Ko vakatiregerei tichiva nokutadza? Ko vanotiendesera chii kugehena, mushure mekunge vatinetesa? Zvaitova nani kana dai vasina kutombotisika zvavo, pachinzvimbo chokutanga.” Tairarama tiine mibvunzo mizhinji, pamwe nezviringa, nekusatenda pamwe neruvengo, tisati tave nokuzvarwa patsva.
Pandakaona mukadzi akange arerwa kure pachirongwa chepaTV, ndakaona kuti hukama huri pakati pemunhu naMwari, hwakafanana nehwemukadzi uyu naamai vake chaivo. Hakuna dambudziko, kana kusanzwisisa, kana kutukwa, kana chivi cherudzi rwupi chingagona kutiparadzanisa kubva pana Mwari, pamaererano api zvawo. Uyevo, ndakave nekunzwisisa kuti kunyange zvazvo hukama huri pakati paMwari nemunhu huchibva parudo, zvakange zvichiri kugoneka kuti kusanzwisisana kuitike.
Saamai ava zvavasina kuendesa mwana wavo kure, nokuda kweruvengo, naizvozvovo Mwari vakazviparadzanisa nemunhu kwete nokuda kweruvengo, asi nokuda kwechivi. Hapana chikonzero chekuti Mwari vave nekuvenga munhu, uye hapana chikonzero chekuti vanhu vavenge Mwari. Tinodanana. Chikonzero chinoita kuti munhu arambe akaparadzaniswa naMwari ndechekuti akave mutadzi, mushure mekupa mukana kuhubiribidi hwaSatani.
Mwari vakava nekutifungata kuburikidza naJesu
“Asi zvino muna Kristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu. Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwaiparadzanisa; zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murairo wezvakarairwa pazvirevo; kuti asvike ava vaviri vava munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo” (VaEfeso 2:13-15). Ishe vakave nokubhapatidzwa naJohane, ndokubva vatora zvivi zvose zvenyika, kuitira kuti mutemo wemirairo uve nokugumiswa. Akabva adeura ropa rake paMuchinjikwa kuitira kuti aponese vanhu kubva pazvivi zvavo, akavatendera kuti vave nekufungatirwa naMwari. Mwari, zvino, vakave nokufungatira avo vakave nokucheneswa navo.
Ko wakambokarakadza here kuti dai nyika isina mvura? Nguva pfupi yapfuura, ndakamboenda kumusangano weBhaibheri, kuGuta reInchon, imwe yenhandare huru dzemuKorea, apo mvura yemumapombi yakanga isingabude, panguva iyoyo, kwemazuva mashomanana, ndokubva ndafunga kuti, ‘Vanhu havangararami pasina mvura.’
Kana dai Mwari vaiita kuti nyika ino ishaye mvura kwemwedzi umwechete, hazvaigoneka kurarama mumaguta nokuda kwekunhuwa, tsvina, uye nenyota inenge yatekeshera. Tinofanira kunzwisisa kukosha kwemvura, iyo yatakapiwa naMwari Sekudikanwa zvakanyanya kunongoitwa mvura nevanhu, bhapatidzo yakagamuchirwa naJesu kubva kuna Johane, muRwizi Jorodani, yakakosha kwazvo.
Kana dai Jesu asina kuuya munyika muno kuti azobhapatidzwa naJohane, vanotenda kuna Jesu vaizogamuchira kuregererwa kwezvivi sei? Sekusararama kunoita vanhu pasina mvura, munhu wose ari munyika muno angadai akave nokufa kubva pazvivi zvake, kana dai Johane asina kubhapatidza Jesu.
Asivo, sezvo bhapatidzo yaJesu yakave nokutora zvivi zvedu zvose, zvino tinogona kunzwa kuva tine vimbo mukuziva kuti moyo yedu yakave nokucheneswa, uye kuti takave nokuropafadzwa noruponeso. Bhapatidzo yaJesu yakakosha kwazvo pakutenda kwedu. Pamusoro pazvo, bhapatidzo yake yakafanira zvikuru pakuti tive nekugamuchira kugara kweMweya Mutsvene.
Pita, umwe wevadzidzi vaJesu, akati, “Naiwo mufananidzo worubhapatidzo, runokuponesai zvino, - nokumuka kwaJesu Kristu” (1 Pita 3:21). Mutsetse waPita unotaura kuti Jesu akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi, akave nokudeura ropa rake, kuitira kuti ave nokutiponesa kubva pazvivi zvedu. Bhapatidzo yaJesu, iyo yakashambidza zvivi zvose zvenyika, ndiyo evhangeri yezvokwadi.
Zvino ngatichitarisai pandima yepamusoro pemudziyo wendarira wekushambidzira, wakanyorwa nezvawo muna Eksodo 30:17-21. “Zvino Jehova wakataura naMosesi, akati: Unofanira kuitavo mudziyo wendarira wokushambidzira, nechigadziko chawo chendarira, ugouisa pakati petente rokusongana neartari, ndokuisa’mo mvura. Kuti Aroni navanakomana vake vashambe’mo mavoko avo netsoka dzavo. Kana vopinda mutente rokusongana, vanofanira kuzvishambidza nemvura, kuti varege kufa, kana voswedera paartari kuzoshumira, kana kupisira Jehova chipisiro chinopiswa nomoto. Vanofanira kushamba mavoko avo namakumbo avo, kuti varege kufa; unofanira kuva mutemo usingaperi kwavari, kwaari nokuvanakomana vake kusvikira kumarudzi avo ose.”
Mukati metabenakere maiva nemudziyo wokushambidzira wendarira, uyo waigadzikwa pakati petente rokusongana neartari, uye waigara uine mvura yekushambidzira. Kana dai mudziyo wokushambidzira uyu waisava mutabenakere, vaprista vaipira zvibairo vaidai vane tsvina yakaita sei?
Iropa netsvina zvakawanda sei, zvaizosvibisa vaprista avo vaipira zvibairo zvizhinji zvezuva rimwe nerimwe, zvevanhu, uye vachiisa maoko avo pamusoro pezvibairo zvechivi, vachizobva vazviwuraya? Kana dai pakange pasina mudziyo wokushambidzira, mutabenakere, vaprista vaiva nekuita tsvina kwazvo.
Uku ndiko kusaka Mwari vakavagadzirira mudziyo wokushambidzira, kuitira kuti vave nekukwanisa kuswedera pedzo navo, nemavoko akachena. Vatadzi vaitambidza zvivi zvavo, kuburikidza nokuisa maoko pamusoro wezvipiriso zvekubaira, ndokubva vaprista vozozvibaira kuna Mwari, vakavamiririra. Mwari vakagadzira mudziyo wokushambidzira kuitira kuti vaprista vakwanise kupinda munzvimbo tsvene, uye kuti vakwanise kuzvishambidzira nemvura, kuti varege kufa. Kunyange nemuprista haaikwanisa kupinda munzvimbo tsvene, apo aine madodzi eropa remhuka. Ndiko kusaka vaprista vaishambidzira tsvina yose nemvura yemumudziyo wekushambidzira, kuitira kuti vave nekuswedera pedyo naMwari, mushure mokupira zvibairo zvevanhu.
Bhapatidzo yaJesu yakashambidza zvivi zvose zvenyika
Kuburikidza nebhapatidzo yaJesu, muRwizi Jorodani, zvivi zvose zvakave nekutambidzwa kwaari. Kunyikwa kwake mumvura, kwemuviri wose, kunomirira kufa kwake; uye kubuda kwake kubva mumvura kunomirira kumuka kwake. Mune mamwe manzwi, Jesu akava nekubhapatidzwa naJohane kuti ave nokutora zvivi zvose zvenyika, akaripira mubairo wechivi, ndokufira paMuchinjikwa. Rufu rwake kwaiva kuripira zvivi zvedu, uye kumuka kwake kwakava nekutipa hupenyu husingaperi.
Kana dai tisina kudavira kuti Jesu akatora zvivi zvedu zvose kuburikidza nebhapatidzo yake, moyo yedu inongadai izere nezvivi. Pamumiriro uyoyo, taigona sei kukwanisa kuswedera pedyo naMwari? Evhangeri yokuregererwa kwezvivi haisi dzidziso yesangano rimwechete, asi izvokwadi yaMwari.
Hatingagoni kutungamira kutenda kwedu pasina ruzivo rwakakwana; mune mamwe manzwi, hatingagoni kukunda nyika kana tisina hanya nokuti, zvomene, Jesu akave nekubhapatidzwa naJohane. Sekudikanwa kunoitwa mvura nezvinhu zvose zvinorarama, kuti zvive nokuchengeta hupenyu hwazvo; tinoda ruregerero rwematadzo, nemvura yebhapatidzo yaJesu, kuti tigova nokurarama nokutennda, uyevo kuti tigopinda muHumambo hweKudenga. Jesu aifanira kutobhapatidzwa, kutofira paMuchinjikwa, uye kutomuka; kuitira kuti ave nokutiponesa kubva pazvivi zvedu. Iyi ndiyo evhangeri yemvura noMweya, iyo yatinofanira kudavira nomoyo yedu yose.
Kunyange zvazvo Jesu akave nokuroverwa kusvika afa paMuchinjikwa, hapana chaakange aita kuti ave nekufanira murango wakadaro. Akauya munyika muno kuti ave nokushambidzira zvivi zvedu, akave nokubhapatidzwa ava nemakore makumi matatu, akazove Muponesi wedu, kuburikidza nokufa kwake paMuchinjikwa, ava nemakore makumi matatu nematatu. Mwari vaida kuita vanhu kuti vave vana vavo, zvisinei nokuti tiri vatete uye tiri vatadzi sei. Ndiko kusaka Jesu akave nokubhapatidzwa. Mwari vakatipa kuregererwa kwezvivi, nechipo choMweya Mutsvene, panguva imwechete.
“Kana munhu asingaberekwi kutsva, nemvura noMweya, haangavoni Vushe hwaMwari, kana kupinda mabguri” (Johane 3:3-5). Unofanira kuziva uye nokudavira kuti Jesu akabhapatidzwa kuitira kuti zvivi zvedu zvose zvive nekushambidzirwa. Kunyange kana munhu ari muKristu akazvarwa patsva, kana akasarangarira pazvokwadi yekuti Jesu Kristu akatora zvivi zvose zvenyika kuburikidza nebhapatidzo yake; moyo wake unova nekupushirwa pasina nguva. Nekuda kwekuti tiri vanhu venyama, tine goneso yekuva nekupushirwa nezvizvi muhupenyu hwedu hwezuva rimwe nerimwe. Ndiko kusaka tichifanira kurarama nokutenda, uye nokurangarira bhapatidzo yaJesu, ropa rake, nekumuka kwake. Kutenda uku kunotivhumbata kudzamara zuva ratichapinda muHumambo hweKudenga.
Jesu akange asina sarudzo, asi kutongove nekubhapatidzwa, uye kutofira zvivi zvedu; saka tinofanira kudavira kuti, kuburikidza nokudaro, akatiunzira ruponeso. Hakuna chimwe chinhu chatinofanira kuita kunze kwekudavira kuevhangeri yakaisvonaka, kuti tive nekugamuchirwa kubva pazvivi zvose zvenyika.
Tinopa kutenda kunaShe, avo vakatipa evhangeri yemvura noMweya. Chipo chikuru-kuru chatakapiwa naMwari chaiva chekutuma Mwanakomana wavo umwechete kuti ave nokutiponesa kubva pazvivi zvedu zvose, kuburikidza nebhapatidzo yake, uye neropa rake.
Chikonzero icho tisingakwanisi kuswedera pedyo naMwari, uye takave nekumanikidzwa kurarama tiri kure naye, chaiva chekuti taiva nezvivi mumoyo yedu. Jesu akave nokubhapatidzwa naJohane, kuti ave nokutora zvivi zvose zvenyika, ndokubva afa paMuchinjikwa, kuti ave nokuputsa rusvingo rwaiva rwakaparadzanisa Mwari nemunhu. Hukama huri pakati paMwari nemunhu hwakave nokudzoreredzwa nebhapatidzo yavo, pamwe neropa ravo. Tinovatenda nokuda kwezvipo izvi. Rudo rwemubereki wepanyama kuvana vake rwukuru kwazvo, asi harwungaenzaniswe nerudo rwaMwaro, kuburikidza Jesu akave nokuponesa isu vatadzi.
Bhapatidzo yaJesu, uye neropa rake, zvinhu zviviri zvakakosha. Kana dai pakanga pasina mvura munyika muno, pane chinhu chinorarama chaikwanisa kurarama here? Pasina bhapatidzo yaJesu, pangadai pasina nomumwe asina chitadzo mumoyo make. Kana dai Jesu asina kubhapatidzwa, uye kana dai asina kufa paMuchinjikwa, hapana nomumwe angadai akagamuchira kuregererwa kwezvivi. Rombo rakanaka, Jesu akave nokubhapatidzwa, uye akaita kuzvipira kwekupedzisira, pachinzvimbo chedu. Kunyange zvazvo tiri kushaya, uye tiine faniro yekukonewa, tinogona kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nokudavira kubhapatidzo yake, uye neropa rake paMuchinjikwa.
Vanhu vanodavira kubhapatidzo yaJesu Kristu, nekurufu rwake paMuchinjikwa, vanogona kuswedera pedyo naMwari, kuvanamata pamwe nokuvarumbidza. Zvino tave kukwanisa kurumbidza Ishe, nekuvashumira, nokuda kwekuti takave vana vavo. Idzi inyasha pamwe nemaropafadzo aMwari. Evhangeri yekubhapatidzwa kwaJesu, uye yeropa rake paMuchinjikwa, inoshamisa zvomene. Tose tinogona kugamuchira ruponeso uye nehugaro hweMweya Mutsvene kuburikidza nokudavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi.