• All e-books and audiobooks on The New Life Mission website are free
  • Explore multilingual sermons in global languages
  • Two new revised editions in English have been released
  • Check out our website translated into 27 languages
Search

Sermons

Musoro 8 : Mweya Mutsvene

[8-11] Kuti Uchengetedze Hupenyu Hwako Huzere noMweya Mutsvene (VaEfeso 5:6-18)

(VaEfeso 5:6-18)
“Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai namashoko asina maturo; nekuti nemhaka yezvinhu izvi, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pavanakomana vokusaterera. Naizvozvo regai kushamwaridzana navo; nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza munaShe; fambai sevana vechiedza. (Nokuti chibereko chechiedza chiri mukunaka kwose, nokururama, nezvokwadi), muchiidza muzive zvinofadza Ishe. Regai kuyanana nemabasa erima asinezvibereko, asi zviri nane kuti muaraire; nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirehwa. Asi zvinhu zvese, kana zvarairwa zvinoratidzwa nechiedza;nokuti zvose, zvinoratidzwa, chava chiedza. Saka iye unoti: ‘Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu uchakuvhenekera.’ Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba sevasina kuchenjera asi sevakachenjera; mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa. Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaShe. Regai kubatwa newaini, nokuti ndipo panokusazvidzora, asi muzadzwe noMweya.”
 
 
Ko, tinofanira kuita sei kuti tive nekuchengetedza hupenyu hwedu huzere noMweya Mutsvene?
Tinofanira kuzviramba, tigotakura muchinjikwa, tigoramba pfungwa dzedu dzakaipa, tigozvipira pakuparidzira evhangeri.
 
Kuti tive “nekuchengetedza hupenyu huzere noMweya Mutsvene,” tinofanira kuzvipira pakuparidzira evhangeri. Kuti tive nekurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, tinofanira kutanga tagamuchira ropafadzo inoita kuti Mweya Mutsvene agare mukati memoyo yedu. Kuti tive nekugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, tinofanira kuve nekutenda kwemhando iyi, ndiko kuti, tinofanira kudavira kuevhangeri yemvura noMweya yatakapiwa naMwari. Kuburikidza nekuva nekutenda uku, tinova nekugamuchira ropafadzo inoita kuti Mweya Mutsvene ave nekugara matiri.
Ko, avo vane kugara kweMweya Mutsvene, vanoda hupenyu huzere noMweya Mutsvene here? Hongu vanoda. Ko sei zvichidaro kuti vamwe vavo havagoni kurarama hupenyu uhu? Chikonzero ndechekuti matambudziko avo pauzima anova nekutanga kuuya shure kwemabasa aMwari, zvichireva kuti havagoni kufamba naye. Kuti tichengetedze hupenyu huzere noMweya Mutsvene, tinofanira kudzidza uye kudavira kumashoko aMwari. Chekutanga, ngatitarisei muBhaibheri kuti tione mhando yehupenyu uye kutenda, zvatinofanira kuve nazvo.
 
 
Ko chikonzero nei vamwe vanhu vasingagoni kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene?
 
Chekutanga, tinogona kuti, nekuda kwekuti havagoni kuzviramba. Bhaibheri rakataura kuti avo badzi vanozviramba ndivo vanokwanisa kufamba naShe. Sezvo kuwana hupenyu huzere noMweya Mutsvene kusingagoneki kuburikidza nesimba remunhu pauzima, munhu wose anofanira kuve nekutenda kukugara kweMweya Mutsvene, kuitira kuti ave nekuzviramba. Kunyangwe kune avo vane kugara kweMweya Mutsvene, hazvisi nyore kuti vave nekuzviramba, pasina kuve nehanya neHumambo hwaMwari. Saka, kuti tive nehupenyu huzere noMweya Mutsvene, tinofanira kushumira evhangeri yemvura noMweya. Ndipo badzi munhu anogona kuzviramba, agova nekurarama semuranda wokururama.
Muna Mateo 16:24-26, inotaura kuti, “Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake: Kana munhu achida kuvuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake, anditevere. Nokuti aninani unoda kuponesa hupenyu hwake, ucharashikirwa nahwo; asi aninani unorashikirwa novupenyu hwake, nokuda kwangu, uchahuwana. Nokuti munhu uchabatsirweiko kana awana nyika yose, akarashikirwa novupenyu hwake?”
Chikonzero icho vamwe vanhu vakave nekuzvarwa patsva vasingagoni kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene ndechekuti vakatadza kuramba kuchiva kwenyama yavo. Kunyangwe nevanhu vane kugara kweMweya Mutsvene vanogona kutevera Mweya Mutsvene kana badzi vasiya kuchiva kwavo kwenyama. Pane mamiriro mazhinji ehupenyu hwepanyama awo atinofanira kuregera, kuti tigova nekutevera Ishe. Ishe vakati, “Ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake, anditevere.”
Kuve nendangariro dzepanyama ndirwo rufu, asi kuve nendangariro dzepamweya ndiho hupenyu nerugare. Vanhu vanoshuwira kufamba muMweya vanofanira kusiya hupenyu hwepanyama. Avo badzi vanoshinga kuita mhiko iyi ndivo vanogona kuchengetedza hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Iyi ndiyo zvokwadi yokuzadzwa noMweya Mutsvene.
Ko unoda kutevera ani, Ishe kana nyika? Zvichienderana nesarudzo yako, hupenyu huzere noMweya Mutsvene, kana hupenyu hwekuchiva, hunova hwako. Kana uchinyatsoda kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, sarudzo ndeyako. Mwari vakatiponesa kubva kuzvivi zvedu zvose, uye vakatipa chipo chekugara kweMweya Mutsvene. Asi zviri kwauri kuti usarudze kuti urarame hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Mune mamwe manzwi, hupenyu huzere noMweya mutsvene hauna kusarudzwa nechekare, kana kutondeswa naMwari. Hupenyu huzere noMweya Mutsvene hunoenderana badzi nezvido zveavo vedu vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya.
 
 
Unofanira kuva nechido chekurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene
 
Kana uine chido chekurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, Mwari vanova nekuzvitendera. Vanova nekukubatsira pamwe nekukuropafadza. Asi kana usingade izvi, unofanira kusiya hupenyu huzere noMweya Mutsvene.
Unogona kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza badzi nokutenda kuevhangeri yemvura noMweya, kwete nokuda kwako. Asi kurarama uye kuchengetedza hupenyu huzere noMweya Mutsvene kunobva pachido chako.
Naizvozvo, kana uchida hupenyu huzere noMweya Mutsvene, unofanira kuongorora chido chako pauzima, ugokumbira rubatsiro kuna Mwari. Kana tichinyatsoda hupenyu huzere noMweya Mutsvene, Mwari vanova nekutiropafadza uyevo nekuzadzikisa zvishuvo zvedu. Asi, kuti tive nekuzadzikisa chinangwa chedu, tinofanira kuramba kuchiva kwepanyama.
Chechipiri, kuti uve nekurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, tinofanira kutakura michinjikwa yedu. Tinofanira kurarama uye kufamba nekuda kwaMwari, kunyangwe mumamiriro akaoma sei. Izvi ndizvo zvazvinoreva kuti kurarama hupenyu hwakarurama, huzere noMweya Mutsvene.
Chechitatu, Ishe vakati, “Nokuti aninani unoda kuponesa hupenyu hwake, ucharashikirwa nahwo; asi aninani unorashikirwa novupenyu hwake, nokuda kwangu, uchahuwana. Nokuti munhu uchabatsirweiko kana awana nyika yose, akarashikirwa novupenyu hwake?” Izvi zvinoreva kuti kutevera Ishe kwakafanira kuhupenyu hwedu. Zvamazvirokwazvo, kana tikavatevera, mweya nenyama yedu zvichava nekupundutsika; asi kana tikasavatevera, tikave nekusarudza kurarama hupenyu hwedu pachezvedu, mweya yedu nenyama zvichave nekuparara.
Ko tinotadza sei kuwana hupenyu huzere noMweya Mutsvene? Chikonzero ndechekuti hativi nekuramba ndangariro dzedu, dzinova, kuchiva kwenyama. Kana tikatevera Jesu, Mweya unosimbisa munhu wedu wemukati, saka nokudaro anogona kutitungamira nesimba guru.
Muna VaEfeso 5:11-13, inoti, “Regai kuyanana nemabasa erima asinezvibereko, asi zviri nane kuti muaraire; nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirehwa. Asi zvinhu zvese, kana zvarairwa zvinoratidzwa nechiedza;nokuti zvose, zvinoratidzwa, chava chiedza.” VaKristu vanofanira kusayanana nemabasa erima asina zvibereko. Asi kana tikazviisa mumabasa erima asina zvibereko, Mwari vanotiudza kuti tiaraire. Tinofanira kurayidzwa nemabasa edu erima, nokuti izvo zvinoitwa navo pakavanda zvinonyadza kana zvichirehwa. As zvinhu zvose kana zvarairwa, zvinoratidzwa nechiedza.
Ko ndiyani anogona kuraira uye kutaura pamusoro pezvinhu zvinonyadza izvi? Kana vamwe, madzikoma ako kana vakunda vako uye nevaranda vaMwari, vasingagoni kuzviraira, unofanira kuzviraira pachako. Zvakarehwa kuti zvinhu zvose, kana zvarairwa, zvinoratidzwa nechiedza. Naizvozvo, tinofanira kubvuma mabasa edu akaipa, seasina kunaka, tigova nekutungamirwa noMweya Mutsvene, kuti tiraire, pachezvedu, mabasa erima asina zvibereko, kana kuburikidza nemutungamiri wedu.
Munyika muno, zvinhu zvose zvinorairwa zvinongoguma sezvazvakapomerwa, asi munyika yaMwari, zvinhu zvose zvinorairwa zvinove nekuratidzwa nechiedza, nokuti zvose zvinoratidzwa, chava chiedza. Sezvo tiri kure kwazvo nekururama, tinopara zvivi zvizhinji, mukusaziva, munyika muno. Asivo, kana tichidururira chiedza chemashoko aMwari kwatiri, tinova nekuziva zvimwe zvitadzo, uyevo kuva nekukwanisa kuzvibvuma. Saka ndiko tichiva nekupa kutenda kusingaperi kuna Mwari.
Nokuda kwekuti Jesu akatora zvivi zvedu zvose uye nekudarikira kwedu kose, uye kururama kose kwaMwari kukazadzikiswa apo akabhapatidzwa muRwizi Jorodani, tinokwanisa kuratidzirwa nechiedza kuburikidza nekururama kwaMwari. Mabhirioni ezvivi zvakaparwa nevanhu akava nekuiswa pana Jesu, apo Johane akamubhapatidza. Ndiye Gwaiana raMwari rakatora zvivi zvenyika, akafira paMuchinjikwa, kuti ave nekuzvitongerwa, akazove nekumutswa. Jesu akaregerera zvivi zvose zvevanhu, uye paakati, “Zvapera” (Johane 19:30), vanhu vose vakave nekuponeswa. Tinova nekuitwa vatsvene kuburikidza nekutenda kwedu kune izvo zvakaitwa naJesu Kristu. Sezvo zvivi zvedu zvakave nekuregererwa, tinogona kuuya kuchiedza zvakare, tigova nekutevera Mwari nekururama.
 
 
Mwari vakatirayira kuti tive nekungwarira nguva
 
Pauro akati kana tichida kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, tinofanira kungwarira nguva. Muna VaEfeso 5:16-17, inoti, “Mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa. Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaShe.” Kana tichida kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, tinofanira kungwarira nguva, uye tisingavi mapenzi. Tinofanira kunzwisisa kuti kuda kwaShe ndekupi, tigova nekukuita. Tinofanira kusarudza kuti ndezvipi zvakanyanyokosha: hupenyu hwekutendeka kunyama yedu, kana hwekuzvipira kuna Mwari.
Mushure mekunge tazvarwa patsva, Mweya Mutsvene anova nekugara mukati medu. Kana tichigamuchira kugara kweMweya Mutsvene, zvinoreva kuti Tenzi vedu ndivoShe, uye kuti ndivo Mambo vedu. Ivo chete ndivo Muponesi wedu, uye tinofanira kuvagamuchira zvakakwana kuti vave Mwari vedu. Ndivo Tenzi vedu chete. Ndivo Tenzi vakandisika, vakaregerera zvivi zvangu zvose, vakandiropafadza. Uyevo, ndivo Mambo vane hutongi pamusoro pehupenyu hwangu uye nerufu, maropafadzo kana kutukwa. Tinofanira kubvuma kuti Ishe ndivo Tenzi Pachavo, uye Mwari, saka tinofanira kuvaterera pahupenyu hwedu hwose.
Regai tione zvazvakarehwa kubva muna VaFiripi 2:5-11, “Ivai nomoyo uyo, wakanga uri muna Kristu Jesu vo; iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana-kuti kuenzana naMwari ndichinhu chinofanira kubatisiswa; asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana nevanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akaterera kusvika parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa. Saka Mwari vakamukudza zvikuru, vakamupa zita rinopfuura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose afugame, avari kudenga navari panyika, navari pasi penyika, kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiyeShe, kuti Mwari Baba, varumbidzwe.”
Pauro akati, “Ivai nomoyo uyo.” Akati uyu moyo ndiwo wakanga uri muna Jesu Kristu. Zvakataurwa naPauro zvaiva zvokuti “moyo uyo” ndewaJesu, uyo aiva Mwari Musiki, uye akauya munyika muno kuzoponesa vanhu vake kubva pazvivi zvavo, zvichitevera kuda kwaBaba vake. Ishe vakauya panyika pano, vakave nekutora zvivi zvose zvenyika, kuburikidza nekubhapatidzwa kwavo naJohane. Uyevo apo akave nekufa paMuchinjikwa, zvivi zvenyika zvakave nekudzupurwa naye. Akazove nekumutswa nezuva retatu, akave Muponesi wedu.
Chikonzero icho Jesu Kristu, Musiki, akauya panyika pano chaiva chekutiponesa. Akaratidza rudo rwake kwatiri kuburikidza nebhapatidzo yake uye neropa rake paMuchinjikwa. Zvisikwa zvose zvinofanira kupfugama pamberi pake, zvichitenda rudo rwake, urwo rwakatipa kuregererwa kwezvivi kuburikidza nekuzvideredza sechisikwa, nyangwe zvazvo ari Musiki. Ndiko kusaka zvisikwa zvose zvichifanira kupupura kuti ndiye Muponesi wezvokwadi. Vakatiita kuti tive nekupupura kuti havazi badzi Ishe vezvisikwa zvose, asivo ndiShe vekururama kwakadzama kwatiri.
Isu, tinodavira kuna Mwari uye tine kugara kweMweya Mutsvene, tinofanira kudavira kuti ‘Mwari ndivo badzi Tenzi vomene kwandiri’, tigova nerudo rwaJesu Kristu mumoyo yedu. Tinofanira kuva nekutenda, kuti tenzi vedu havasi isu, asi ndiJesu Kristu, avo vakatisika uye vakatiponesa kubva pazvivi zvedu zvose. Uyevo, tinofaniravo kuva nekutenda kuti ndiye Tenzi wedu, anotiita kuti tirarame hupenyu hutsva hwakaropafadzwa, uye anogadzira zvinhu zvedu zvose pamwe nekutibatira.
Pane vanhu vazhinji vasingade kuchinja vanatenzi, mushure mekunge vazvarwa patsva. Pane vazhinji vane kugara kweMweya Mutsvene, asi vanosimbira kuti ndivanatenzi vavo pachezvavo. Hupenyu huzere noMweya Mutsvene ndiho hupenyu hwekutevera Mwari. Hupenyu hwemhando iyi haungagoni kuwanikwa nezuva rimwechete, asi hunogoneka badzi kana tikadavira kuti Jesu ndivo Tenzi wehupenyu hwedu, uye kuti ndivo vakatisika, pamwe nezvisikwa zvose zviri munyika. Tinofanira kuva nekutenda, kuitira kuti tive nekushumira Jesu, Ishe vedu, Tenzi, uye Mwari, avo vakatiponesa kubva pazvivi zvedu, uye vakava nekutipa hupenyu husingaperi muHumambo hweKudenga.
Tinofanira kutakura zvokwadi mundangariro dzedu. Vanhu vazhinji vanorarama hupenyu hwavo vachiva vanaTenzi vavo pachezvavo. Vanodzivirira uye kuchengetdza hutongi pamusoro pehupenyu hwavo pachavo. Asi zvino yava nguva yekuchinja vanatenzi. Zvino, tave avo vanoziva Mwari, saka Tenzi vedu vanokosha ndivoShe.
Isu tose tine zvivi mumoyo yedu, uye tinofanira kuzvidzwa kusvika kugehena, pakutadza kwedu. Asi takawana Mwari, kuburikidza nekutenda kwedu kuevhangeri yemvura noMweya. Mwari vanotida kwazvo, zvokuti vakauya munyika muno, vakatora zvivi zvedu zvose, kuburikidza nekubhapatidzwa naJohane, uye vakafa paMuchinjikwa kuti vave Muponesi wedu womene. Uye, kuburikidza nekutenda kwedu kuna Mwari, takave nekugamuchirwa pazvivi zvedu zvose. Mune mamwe manzwi, takave nekugamuchira kugara kweMweya Mutsvene.
Bhaibheri rinoti, “Asi kana munhu asinoMweya waKristu, haazi wake” (VaRoma 8:9). Apo patakagamuchira rudzikinuro rwavo, rwunove, kugara kweMweya Mutsvene, takabva tave vana vaMwari. Mweya Mutsvene ndiMwari kwatiri, uye tinofanira kufamba mukururama kwaMwari, kuri pasi pekurayira kweMweya Mutsvene. Kuti tirarame saizvozvo, tinofanira kusiya hutenzi pamusoro pedu. Mushure mekunge tasangana naJesu, uye tave nekugamuchirwa naye, tinofanira kumuita Tenzi wedu umwe woga badzi.
 
 
Tinofanira kutambidza zvigaro zvehumambo zviri mumoyo yedu kuna Jesu
 
Hatingagoni kutevera Ishe kana tichizvitora sevanatenzi vehupenyu hwedu. Kana Mwari vakatirayira kuti tivashumire, tinova nekuti “Hongu” tisinganonoki, kana tisingazi vanatenzi vedu pachezvedu. Zvimwe, tingazove nekuti “Ko sei ndichifanira kuzviitira kwamuri?” Munhu anove tenzi wake pachezvake anoramba kuita zvinodiwa naMwari kuti aite, achifunga kuti, “Vanofanira kundikumbira kuti ndiite zvavanoda, sesarudzo yangu.” Kumunhu akadaro, kurayira kwaMwari hakuzi chinhu, asi kungori mashoko ebvocho uye ekunetsa.
Asivo, kuti tive nekuzadzwa noMweya Mutsvene, tinofanira kuterera kurayira kwavo. Hatingaiti semombe dzinokweverwa kundouraiwa, asi zviri nani kuti tizvipire pachedu pakutevera Mwari. Tinofanira kutevera Mwari, Muponesi wedu, avo vanotitungamira mumakwara okururama. Mwari ndivoShe, avo vakatiropafadza neruponeso. Kana tikavashumira, saTenzi vedu, uye tikachengeta mirairo yavo, tinogona kuva nekuzadzwa noMweya Mutsvene. Kana iwe, pamwe nevamwe vemhuri yako, mukava nekuisa hutongi hwenyu kuna Jesu, mukave nekumuisa pamusoro pezvose, munova nekuwana ngoni uye nemaropafadzo muhupenyu hwenyu.
Unogona kuve wakamboona mifananidzo, yakaita seumwe apo umwe munhu anenge achityaira chikepe, achipikisana nedutu remhepo, uye Jesu akamira kumashure kwake. Kana zvichiratidza sekunge tiri kukwanisa kugadzirisa zvigozhero zvemuupenyu hwedu, uye tichiita basa raShe, zvamazvirokwazvo ndiShe vedu Jesu Kristu, vari kutitungamira pamwe nekubata maoko edu. NdiMwari Vemasimba avo vanotaririra hupenyu hwedu. Vanotidzivirira kubva kuna Satani, vanotitungamira, uye vane hutongi pamusoro peupenyu hwedu.
Sezvo vakave Tenzi wedu, vanokwanisa kutitaririra uye kutiropafadza. Asi kana tisingavabvumi saTenzi wedu, havangagoni kubata basa iri. Sezvaari Mwari weuzima, haatimanikidze kuti titevedzere kuda kwake. Kunyangwe zvazvo vari Mwari Vemasimba, havaite chimwe chinhu kwatiri kudzamara tazvipira pachedu kuvashumira saTenzi vedu, tigova nekukumbira rubatsiro.
 
 
Isa zvinhu zvose kwavari
 
Isa zvinhu zvose kwavari, kuitira kuti vagone kubata hutenzi pamusoro pedu. Iva nekuvashumira, uye bvuma kuti ndivo Tenzi vedu. Sezvo tiri kure kwazvo nekururama, tinofanira kuisa zvinhu zvose kwaari, tigovavo nekuisa mabasa ose kwaari. Kana badzi tangove nekuisa mhuri dzedu, hupenyu hwedu hwezuva rimwe nerimwe, pamwe nezvinhu zvose kwaari, tichava nekugamuchira uchenjeri kubva kuna Mwari, uye tigova nekukwanisa kurarama sekuda kwavo, tichigadzirisa matambudziko ose nekutenda uye nesimba ratakapiwa naMwari.
Matambudziko edu anobva ava aTenzi vedu, izvo zvinoreva kuti kana tikangotevedzera Jesu chete, Mwari Vemasimba, vanova nekubate basa kwatiri. Tinova nekukwanisa kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, tigova nekujabura rugare runogara maari. SevaKristu vakatendeka, tinofanira kupfugama pasi, pamberi paMwari, tigovabvuma uyevo kuvashumira saTenzi vedu.
Ngatiove kuti zvakati chii muna VaFiripi 3:3, pamusoro pemhando yekutenda kwatinofanira kuve nako kuti tive nekurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene. “Nokuti isu tiri vokudzingiswa, tinonamata noMweya waMwari, tinozvirumbidza munaKristu Jesu, tisingavimbi nenyama.” “Kudzingiswa”, pano, zvinoreva avo vanonamata Mwari muMweya, vachirumbidza muna Kristu Jesu, uye vasina vimbo nenyama.
Kurarama sevakadzingiswa zvinoreva kuti kuchekenura zvivi zvose zviri mumoyo yedu, tichiva nekuzvitambidza kuna Jesu Kristu, uyo akabhapatidzwa naJohane. Avo vanotungamirwa noMweya, vanoronza hupenyu hwavo kuMweya. Vanoshumira Mwari, uye vachirumbidza muna Kristu Jesu, vachiti, “Jesu akanditungamira kuti ndirarame hupenyu hwekubwinya uhu. Akandiita mutsvene, akava nekundiropafadza. Akandipa ngoni dzose dzandinoda kuti ndive nekumushumira.” Tinofanira kurarama seizvi. Uhu ndiho hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Pauro akati, “Naizvozvo, kana muchidya, kana muchinwa, kana muchiita chinhu chipi nechipi, itai zvose kuti Mwari akudzwe” (1 Vakorinte 10:31).
Muna VaFiripi 3:13-14, inoti, “Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kune zviri mberi, ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubairo wokudana kwaMwari kunobva kudenga, munaKristu Jesu.” Mwari vakatirayira kuti tikanganwe zvinhu izvo zviri kumashure, tigonanavira kumberi kune zvinhu izvo zvemberi. Tinofanira kushingairira kunharidzano yedu. Zvisinei nemabasa edu akarurama, kana kutadza kwedu, tinofanira kukanganwa zvinhu izvo zviri kumashure kwedu, tigoedza kunanaira mberi kune zvinhu izvo zviri kumberi, tigova nekushingairira kunharidzano yedu. Nharidzano iyi ndeyekushumairira kuda kwavo, takabatira pana Jesu Kristu, kuburikidza nekudavira kwavari.
Tiri kure kwazvo nekuva vakarurama, saka tinogona kuwira pasi kana tichinzwa kukwezva kwenyama. Asivo, kuburikidza nekutarira kuna Mwari, uye nekuva nekutenda, tinogona kusandura kunetekara uye kudarikira kwedu kose. Apo Jesu Kristu akave nekubhapatidzwa naJohane, akave nekufira paMuchinjikwa, zvivi zvedu zvose zvakatambidzwa kwaari. Apo akave Muponesi wedu, kuburikidza nerumuko, takave nekupiwa hupenyu hutsva; tinotenda kudavira kwedu kwaari. Naizvozvo, tinofanira kusandura zvinhu zvose izvo zviri kumashure kwedu, tigonanavira mberi kune zvinhu izvo zviri kumberi, tigoshingairira kunharidzano yedu.
 
 
Kuti uve nokuchengetedza hupeyu huzere noMweya Mutsvene
 
Tinofanira kunanavira mberi kune zvinhu izvo zviri kumberi, uye tigoshingairira kunharidzano huru. Ndinovimba kuti unova nokugona kukanganwa zvose zvakare, nekukurumidza kwaungagona nako, kana zvichiva nekukuremera. Pane zvinhu zvizhinji zvisingagone kuitwa nekuda kwekunetekara kwedu, asi izvozvo hazvina maturo nekuti zvakanyanyokosha ndizvo zviri kumberi. Sezvo ramangwana rakanyanyokosha, tinofanira kuisa hutongi hwedu kuna Jesu Kristu, kuburikidza nekutenda, tigova nekutungamirwa naye. Tinofanira kuvaregera kuti vasarudze kuti tichazorarama sei mune ramangwana, uye tigova nekuita zvinovafadza.
 
 
Tinofanira kurarama sezvakaitwa nevadzidzi
 
Tinogona kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene kana badzi tikave takasimba pakutenda kwedu mukuregererwa kwezvivi. Izvi zvakakosha kwazvo. Ngatitarisei muna 2 Timotio 2:1-10. “Naizvozvo iwe, mwana wangu, iva nesimba munyasha dziri muna Kristu Jesu. Izvo zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, uzvipe vanhu vakatendeka, vanogonavo kudzidzisa vamwe. Utambudzike pamwe chete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu. Hakunomunhu unorwa papfumo unozvipinganidza namabasa ovupenyu bguno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo. Nomunhuvo kana achivhivhana navamwe, havashongedzwi korona, kana asina-kuvhivhana sezvakarairwa. Murimi unobate basa ndiye unofanira kutanga kudya zvibereko. Funga zvandinoreva, nokuti Ishe uchakupa kunzwisisa pazvinhu zvose. Rangarira Jesu Kristu wakamuka kuvakafa, worudzi rwaDavidi, sezvandinoparidza paevhangeri yangu; yandinotambudzikira kusvikira pakusungwa somunyangadzi; asi shoko raMwari harina kusungwa. Saka ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavakasanangurwa, kuti naivo vawane kuponeswa kuri muna Kristu Jesu, pamwe chete nokubwinya kusingaperi.”
Sezvakarehwa naPauro kuna Timotio, Mweya Mutsvene anoti kwatiri, “Iva nesimba munyasha dziri muna Kristu Jesu. Izvo zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, uzvipe vanhu vakatendeka, vanogonavo kudzidzisa vamwe.”
“Iva nesimba munyasha dziri munaKristu Jesu.” Pano, kuva nesimba munyasha, zvinoreva kuti tinofanira kusimbisa kutenda kwedu muevhangeri yemvura noMweya, kuburikidza nekudavira maari, uye nekubatira paari. Jesu Kristu akauya munyika muno kuzogamuchira zvivi zvedu zvose, kuburikidza nekubhapatidzwa kwake, akafira paMuchinjikwa, akamutswa uye akave Muponesi wedu. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kuva nesimba munyasha dzaMwari, tigova nekutenda kwaari. Mwari vakatiponesa, uye naizvozvo tinofanira kugamuchira ruponeso kuburikidza nekutenda, sechipo chaMwari. Urwu ndirwo ruponeso rwekuregererwa kwezvivi. Harwunei nekuita minyengetero yamangwanani, zuva rimwe nerimwe, kana kupa chipo chemari kuti pavakwe kereke. Zvinhu zvose izvi zvinova nekukonzera njodzi huru, pane kunaka, pakugamuchira ruponeso.
Kuponeswa kwedu, kuburikidza nekuregererwa kwezvivi, zvinoreva kuti Jesu Kristu, akabhapatidzwa kuti atore zvivi zvedu zvose, zvisinei nemabasa edu, akava nekufira paMuchinjikwa kuti abvise kutadza kwedu kose. Akave nekumutswa kuitira kuti atiponese kubva pazvivi zvedu zvose. Vafundisi vanoregererwa pazvivi zvavo kuburikidza nekudavira kuevhangeri iyi yezvokwadi, sezvinoitwavo vamwe vose. Aninani anodavira muna Jesu Kristu seizvi, nemoyo wake wose, anogamuchira kuregererwa kwezvivi. Naizvozvo, tinogona kuva nevimbo munyasha dzokuponeswa, tigova nekusimbisa kutenda kwedu.
Kana tichida hupenyu huzere noMweya Mutsvene, tinofanira kuva nekusimba mukutenda kwedu muevhangeri yemvura noMweya. Pane zvikamu zvehupenyu hwedu izvo zvatinotadza kupima, uye zvatiine mugove wehundonda. Ndiko kusaka tichifanira kuve nekusimba munyasha dzeruponeso. Nguva dzose apo kutadza kwedu kunoratidzira, tinofanira kurangarira pakutenda kwedu, kuburikidza nekuzvitaurira kuti, “Mwari vakandiponesa, kuburikidza neevhangeri yemvura noMweya. Jesu akaregerera zvivi zvangu zvose kuburikidza nemvura noMweya.” Tinova vakarurama kuburikidza nekudavira kuevhangeri iyi, uye tigozvisimbisa pachedu kuburikidza nekuva nekugara kweMweya Mutsvene. Takaponeswa kubva pazvivi zvedu zvose, uye tikave takasimba kuburikidza nekudavira kuevhangeri yemvura noMweya. Takave vanhu vakaropafadzwa kuburikidza nekutenda kwedu.
Pauro akati, “Naizvozvo, kana muchidya, kana muchimwa, kana muchiita chinhu chipi nechipi, itai zvose kuti Mwari vakudzwe” (1 Vakorinte 10:31). This is a very important. Ichi chinhu chakakosha kwazvo. It means that we must dedicate our lives to God. Zvinoreva kuti tinofanira kupikira hupemyu hwedu kuna Mwari. “Kana muchidya, kana muchinwa.” Tinofanira kudya, kunwa uyevo kuve takasimba panaMwari, kuitira kuti tiite basa ravo. Tinofanira kudya zvinhu zvakanaka kuitira hutano hwedu, kuti tive nekuparidzira evhangeri.
“Hakunomunhu unorwa papfumo unozvipinganidza namabasa ovupenyu bguno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo” (2 Tinotio 2:4). Unofanira kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene kuitira kuti uve nekuparidzira evhangeri. Tinogona kurarama hupenyu hwakatendeka kana tichirarama hupenyu nechinangwa chekuparidzira evhangeri. Vose avo vanorarama hupenyu hwakatendeka seuhwu, vakazadzwa noMweya Mutsvene. Tose tinofanira kushingairira hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Kunyangwe nemipiro, iyo yawakawana kuburikidza nekushanda kwako nesimba, inofanira kushandiswa paevhangeri.
Kana uchida kuchengetedza hupenyu huzere noMweya Mutsvene, unofanira kuzvipikira pachako kunaShe, ugova pahushandiri hwavo, uchishandisa mari yako paevhangeri, uyevo kugovera rufaro rwako rwose, pamwe nekusuwa kose, naMwari. Kana tichida kurarama hupenyu hwemhando iyi, tinofanira kurarama mukutenda, tiine chido chakasimba chekushumaira evhangeri.
Vanhu vazhinji vakave nekuzviraramira hupenyu hwepachezvavo, kudzamara zvino. Vakave nekuvaka rusvingo, uye vakazvivunganidzira pfuma pachezvavo, kuburikidza nekuzviita vanatenzi pachezvavo. Asivo, zvino tinofanira kuraramira Mwari. Tinofanira kutora Mwari saTenzi vedu vamwechete, uye voga. Ishe vakati, “Hakunomunhu unorwa papfumo unozvipinganidza namabasa ovupenyu bguno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo.” Kurarama hupenyu hwemurwi wakanaka, zvinoreva kutevedzera mitemo. Ishe vanotigadzirisira matambudziko edu, vanotidzivirira, uyevo vanotitungamira kana tichivararamira, sevarwi vakatendeka. Vanotiudza kuti titange nekutsvaga Humambo hweKudenga pamwe nekururama kwavo (Mateo 6:33).
Mushoko raMwari hamuna manyepo. Kana tikavatevera, tinova nekusangana nezvokwadi yeshoko ravo. Asi rangarirai kuti, chekutanga, munofanira kuva nekugara kweMweya Mutsvene mumoyo yenyu. Munhu asina kugara kweMweya Mutsvene haangagoni kuisa chigaro chake chehumambo kuna Mwari. Asivo, munhu ane kugara kweMweya Mutsvene anogona kupa chigaro chehumambo hwemoyo wake kuna Mwari, uye mukudaro, agova nekusangana nekuzadzwa kweMweya Mutsvene, agova nerufaro pamwe nerugare mumoyo make.
Kugara kweMweya Mutsvene kunova nekuzadzikiswa kwauri kana badzi ukave nekunzwisisa uye nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya. Kana uchida kuwana kuzadzwa kweMweya Mutsvene, uye uchida kurarama hupenyu hwakaropafadzwa, unofanira kushumira Mwari, saMambo, ugova nekuraramira kunaka kweHumambo hwavo. Unobva wave nekuzadzwa noMweya Mutsvene, uye moyo wako unobva wave nekuzadzwa; uye hupenyu hwako hune pundutso hunova nekuchengetedzwa, apo unowana maropafadzo ekuva vana muHumambo hwaMwari.
Ndaparidzira mharidzo yekuti vanhu avo vakagamuchira ruponeso kubva kuzvivi, pamwevo nekugara kweMweya Mutsvene, kuburikidza nekudavira kunaShe, vanofanira kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Ndave nekutsanangura zvinoreva hupenyu huzere noMweya Mutsvene, uye ndikatsanangura kuti hupenyu hwemhando iyi hunogona kuchengetedzwa sei. Ndave nekutsananguravo kuti, kuburikidza nokutenda, munofanira kuisa zvigaro zvenyu zvehumambo kunaShe; uye kuburikidza nokutenda, munofanira kuvashumira, uye kuchengetedza hupenyu huzere noMweya Mutsvene.
Zvakare, kumunhu ane kugara kweMweya Mutsvene, kuzvarwa patsva handiwo mugumo. Anofanira kuramba achirarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Tinofanira kuziva uye nekudavira, zvine tsarukano, kuti mweya yedu pamwe nenyama yedu zvinogona kuropafadzwa kana badzi tikave nekurarama hupenyu hwakadaro.
Hupenyu hwemhando iyi haungaoitike zvekumanikidzira Hunongoitika badzi kana tikadavira kunaShe, saTenzi vedu, uye tikavaisa panzvimbo yakakwirira mumoyo yedu. Mwari vakatiponesa, uye vakatotipa hupenyu huzere noMweya Mutsvene nechekare, hupenyu hwekushumaira evhangeri. Vakatipavo basa ravo, pamwe nezvinzvimbo zvekuti tibate basa ravo, kuti tigone kuchengetedza hupenyu huzere noMweya Mutsvene.
Unofanira kuzvipira kwaari, uye kuraramira hupenyu hwavo kwavari. Vashumirei, kuburikidza nekuparidzira evhangeri yakaisvonaka iyi. Moyo wako unobva wazadzwa noMweya Mutsvene, nerufaro, uye nyasha dzichayerera kubva pauri. Pazuva rokudzoka kwake, muchava nekuropafadzwa, muchiva nekufara makamira pamberi paMwari, uye muchiwana mibairo yavo. Iwe neni tinofanira kuyeva hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Tinofanira kushingaira kuti tirarame hupenyu hwemhando iyi, kuburikidza nokutenda. Aya ndiwo machengetedzerwo anoitwa hupenyu huzere noMweya Mutsvene.
Makave nekugumura zvigaro zvehumambo zvemumoyo menyu here, kuti muve nekurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene? Ndinovimba muchave nekumuita kuti abate chinzvimbo chikuru mukati memoyo yenyu. Unofanira kuva nechido chekurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Kana zvadaro, ndiko kuti vave nokukuropafadza, kuti ugone kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene.