(Tito 3:1-8)
“Uvayeudzire kuti vazviise pasi pavabati navanesimba, kuti vaterere, kuti vave vanhu vakazvigadzirira kubata mabasa ose akanaka, varege kurevera umwe zvakaipa, varege kuva negakava, vave vanyoro, vaitire vanhu vose vunyoro hwose. Nokuti nesuvo kare taiva vokusafunga, tisingatereri, takarashika, tiri varanda vokuchiva kuzhinji navezvose zvinofadza, tigere mukati mokushata negodo, tichivengwa, tichivengana. Asi vunyoro hwaMwari, Muponesi wedu, norudo rwake kuvanhu, zvakati zvavonekwa, akatiponesa asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama, atakanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuberekwa kutsva, nokuvandudzwa noMweya Mutsvene, waakadurura achiwanza pamusoro pedu, naJesu Kristu Muponesi wedu, kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe vadyi venhaka nekuda kwetariro yevupenyu hwusingaperi. Ishoko razvokwadi, vuye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, zvokuti avo vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Ndizvo zvakanaka, zvinobatsira vanhu.”
Ko tinogona kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene sei?
Tinofanira kunzwisisa kuda kwaMwari, tigova nekuparidzira evhangeri sezvakunoreva.
Avo vanotenda kuna Jesu, uye vaine kugara kweMweya Mutsvene, vanofanira kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene. KuvaKristu, hupenyu huzere noMweya Mutsvene ndizvo zvinodikanwa naMwari. Tinofanira kutevedzera mirairo yavo. Saka tingagona sei kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene? Tinofanira kubatisisa izvo zvakataurwa namuapostori Pauro pamusoro peizvi.
Ko chii chinodikanwa kuti uve nekurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene?
Muna Tito 3:1, Pauro akati, “Uvayevudzire kuti vazviise pasi pavabati navanesimba, kuti vaterere, kuti vave vanhu vakazvigadzira kubata mabasa ose akanaka.” Chekutanga, akatiudza kuti tizviise pasi pevabati nevane simba, kuti titerere uye kuti tive vanhu vakazvigadzira kubata mabasa ose akanaka. Zvaaireva zvaiva zvekuti, hatingagoni kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene kana tisingatereri mirairo yenyika. Zvomene mene, kana vabati venyika pamwe nemurairo zvichipikisana nezvokwadi, hatifaniri kuzvitevedzera. Asi kana mirairo yacho isingapikisane nekutenda kwedu, tinofanira kuiterera kuti tive nekushumira evhangeri murunyararo.
Tisu avo vakave nekugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Tingagokwanisa seiko kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene kana tichityora mirairo yenyika? Naizvozvo, kuti tive nekurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, tinofanira kutevedzera mirairo yenyika. Avo vanogamuchira kugara kweMweya Mutsvene vanofanira kuterera tsika dzemugariro. Tinogona kufamba naMwari kana badzi tichichengetedza mirairo yenyika.
Tomboti umwe wedu akapara mhosva apo ayienda kukereke. Anokwanisa here kushumira Ishe aine kugadzikana? Angagokwanisa seiko kurarama zvinoenderana nedzidziso dzaShe kana akararama kunze kwemurairo? Hatifanire kutyora tsika dzemugariro apo tichiva nekufamba muMweya. Hapana chakanaka chinobva pakutyora murairo. Tinofanira kuchengetedza runyararo kuburikidza nekutevedzera murairo. Tinofanira kugwinya kuti tirarame hupenyu hwakaswatuka apo tichiparidzira evhangeri. Kuti vararame nekuzadzwa kweMweya Mutsvene, zvine hungwaru kuti vatsvene vave nekutevedzera mirairo yemunharaunda.
Tinofanira kuchengetedza kuzvideredza mukati memoyo yedu
Pauro akati, “Varege kurevera umwe zvakaipa, varege kuva negakava, vave vanyoro, vaitire vanhu vose vunyoro hwose.” Kuti tirarame hupenyu huzere noMweya Mutsvene, hatifanire kurevera umwe zvakaipa, hatifanire kuva negakava, tinofanira kuve nevunyoro uye kuitira vanhu vose vunyoro hwese.
Mumoyo yeavo vakazvarwa patsva, mune kuzvideredza, kuzvidzora, pamwe nevunyoro. Izvi zvinogoneka nekuda kweMweya Mutsvene unogara matiri. Pauro akatiudza kuti hatifanire kushovonora evhangeri kuburikidza nekurwisana. Zvamazvirokwazvo, tinofanira kurwisa kana murairo wemuhugaro uchipokana neevhangeri. Asi kana usingadaro, tinofanira kugara murunyararo. Tinofanira kuita kuti vamwe vafunge pamusoro pedu seizvi, “Nyangwe zvazvo achiita seanombopenga seshumba dzimwe nguva, ane runyararo serwenjiva, zvomene. Kudavira kwake muchiKristu, zvichida, kunomuita kuti apfave, uye kuti ave munhu ane utetsa.”
Muruchiva rwepanyama hamuna vunyoro kana kuzvideredza. Asi kuburikidza nekugara kweMweya Mutsvene, uyevo kuburikidza naShe uyo akatiponesa kubva kuzvivi zvedu; tinokwanisa kuva nevunyoro kune vamwe. Kuregerera umwe munhu anenge anditadzira zvikuru “kuregerera” kwomene, uyevo kumubata nekuzvideredza kunobva pakadzika pemoyo wangu “kuzvideredza” kwomene. Kunyepedzera kwangu kunge ndine tsitsi hakuzi kuzvideredza, kana ndiine ruvengo rwomene kwaari. Kuve nemoyo uzere nekuzvideredza pamwe nekuregerera ndidzo tsika dzemukati dzevaKristu vakazvarwa patsva.
Tinofaniravo kuve nevunyoro kana vanhu vakatitadzira. Tinofanira kuitira vunyoro kuvanhu vose, fanika kana vasingaedzi kudzivisa evhangeri. Asi kana vachidaro, tinofanira kutsividza chiedza chevunyoro nechiedza chezvokwadi. Vunyoro hunowanikwa badzi muzvokwadi yaMwari, saka avo vanopikisa, kana kupingidza kana kufumura shoko raMwari havakodzeri kubatwa nevunyoro.
Mwari havaregereri avo vanovapikisa, asi vanovaita kuti varipire muripo. Mwari vakaudza Abrahama kuti, “Ndicharopafadza ivo vanokuropafadza; unokutuka, ndichamutukavo” (Genesi 12:3). Vanhu vanopikisa evhangeri yezvokwadi havana nzira yavangaponeswa nayo. Havazokwanise kudzivirira njodzi ichazokanganisa kwete hupenyu hwavo badzi, asivo kusvika kurudzi rwechitatu rwedzinza ravo.
Ko sei tichifanira kuregerera pamwe nekuva vanyoro? Sezvazvakanyorwa muna Tito 3:3, “Nokuti nesuvo kare taiva vokusafunga, tisingatereri, takarashika, tiri varanda vokuchiva kuzhinji, nave zvose zvinofadza, tigere mukati mokushata negodo, tichivengwa, tichivengana.” Taive takangoita sevanhu ava, tisati tazvarwa patsva. Saka tinofanira kuregerera pamwe nekuvakanganwira nekuti taimbove takaita savo.
Muna Tito 3:4-8, “Asi vunyoro hwaMwari, Muponesi wedu, norudo rwake kuvanhu, zvakati zvavonekwa, wakatiponesa, asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama, akatanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuberekwa kutsva, nokuvandudzwa noMweya Mutsvene, waakadurura achiwanza pamusoro pedu, naJesu Kristu Muponesi wedu, kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe vadyi venhaka nokuda kwetariro yovupenyu bwusingaperi. Ishoko razvokwadi, uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, zvokuti avo vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Ndizvo zvakanaka zvinobatsira vanhu.”
Sezvinoreva Bhaibheri, Mwari havana kutiponesa kubva pazvivi zvedu nokuda kwekuti takaita mabasa akanaka. Vakatipa ropafadzo yekuzvarwa patsva nekuda kwekuti vakatida uyevo vakatinzwira tsitsi. Mune mamwe manzwi, Jesu Kristu akauya panyika pano, akabhapatidzwa, akafa paMuchinjikwa, akamutswa, uye mukudaro akave nekushambidza zvivi zvedu zvese. Jesu akave nekumutswa, uye zvino akagara kuruwoko rwaMwari rwokurudyi. Kuburikidza nekumuka zvakare pakati pevakafa, zvinhu zvese zvaive zvisina kuzadzikiswa zvakave nekuzadzikiswa.
Mwari vakatiropafadza neMweya Mutsvene kuburikidza naJesu Kristu Muponesi wedu. Jesu Kristu akave nekubhapatidzwa naJohane kuti atore zvivi zvose zvenyika, uye akafa paMuchinjikwa kuti zvivi zvedu zvese zvikwanise kuregererwa. Takave nekuponeswa uye tave vakarurama.
Bhaibheri rinotivo zvakare, “Tiitwe vadyi venhaka nokuda kwetariro yovupenyu hwusingaperi.” Izvi zvinoreva kuti isu, sevadyi venhaka yaMwari, tisu avo vakave nekugara nhaka yepfuma pamwe nekuhwinya kwake kose. Kuti tirarame mhando yeupenyu hwakaropafadzwa uhwu, tinofanira kurarama hupenyu mukuzara kweMweya Mutsvene. Unofanira kudavira kuevhangeri yemvura noMweya, ugova nekuregererwa pazvivi zvako zvose, ugova nekuparidzira evhangeri kune vamwe.
Naizvozvo, tave nekuregererwa pazvivi zvedu, tinofanira kubata zvinove nekubatsira vamwe, tinofanira kuchengetedza mirairo yenyika uyevo kuparidzira evhangeri kune avo vari kutsvaga Mwari. Uyevo tinofanira kuregerera vanhu avo vatotitadzira, tichiva nekuvabata nekunaka pamwe nekuzvideredza, kuitira kuti vasave nekupingidza mukuparidzira evhangeri yakaisvonaka. “Ndizvo zvakanaka, zvinobatsira vanhu.” Kana uchidokwairira kuzadzwa neMweya Mutsvene, unofanira kurangarira zvakataurwa kwatiri naPauro. Izvi zvinogona kuita kunge zvisina kukosha, asi aya mashoko akakosha zvikuru.
Sezvo tichigara munyika muno, hatingagoni kuzadzwa noMweya Mutsvene kana tiri pakukakavara nevamwe kuburikidza nekusaterera mirairo yenyika ino. Naizvozvo, tinofanira kutevedzera murairo, kusatoti uchipikisana neshoko raMwari. Tinofanira kutevedzera mirairo yemunyika muno. Kunyangwe tiine kutenda, kutevedzera murairo isarudzo iri nane kana tichishuva kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Kuti tive nekuita mabasa akanaka, tinofanira kutevedzera mirairo yenyika, uye tigowirirana nevavakidzani vedu.
Ko unoda kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene here?
VaEfeso 5:8-11 inoti, “Nokuti kare makanga muri murima, asi zvino muri chiedza munaShe. Fambai sevana vechiedza (nokuti chibereko chechiedza chiri mukunaka kose, nokururama, nezvokwadi), muchiidza muzive zvinofadza Ishe. Musingavi nekuyanana nemabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani kuti muaratidze.” Ndima iyi inotiudza kuti tifambe sevana vechiedza, uye kubereka zvibereko zveMweya.
VaEfeso 5:12-13 inoti, “Nokuti izvo zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirebwa. Asi zvinhu zvose, kana zvarairwa, zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvose, zvinoratidzwa, chava chiedza.” Pano, Pauro anotaura kuti zvinhu zvose, zvinenge zvarairwa, zvinove nokuratidzwa nechiedza. Kana munhu akarurama asingagoni kurarama zvakarurama, anova nokurairwa naMwari kana naiye amene. Ko chii chinoitika kana munhu akawamikwa achiita mabasa erima, akabva adziviswa nechiedza? Mushure mekubvuma kukanganisa kwake, moyo wake unove nekubatidzwa apo anotarira kuna Mwari zvakare. “Zvinhu zvose, kana zvarairwa, zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvose, zvinoratidzwa, chava chiedza.” Zvakanaka kuva nokurairirwa kuchiedza. Tinobva tave nekubvuma zvivi zvedu, tigove nekudzokera kuna Mwari.
Kana tichinatsa kuda kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, tinofanira kuva netsitsi mukati memoyo yedu. Kunyangwe kana munhu asina chivi mumoyo make, hazvireve kuti haafanire kuva netsitsi. Tinofanira kurarama nekunaka pamwe netsitsi mumoyo medu. Tinofanira kuparidza nehungwaru, uye kunamatira vanhu vasingazive evhangeri yemvura noMweya kuti vave nekuinzwisisa, vagova nekuregererwa pazvivi zvavo. Uyevo, hatifaniri kuita chigare kune vamwe. Tinofanira kudyira, kurarira uyevo kuraramira evhangeri, tigovavo nekubatira vamwe.
Kuti tive nekurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, tinofanira kufunga nezvekukosha kwenguva, tigoshumaira evhangeri yakaisvonaka sevanhu veungwaru. Kana tikada nyika, tinozviisa paujarijari hwerima uye kuva nekushaya hanya mukuita basa raMwari. Naizvozvo, tinofanira kunangisa meso edu panaShe, uye kuita zvavanoda. Apo tichidavira kuruponeso urwo rwatakapiwa naMwari, tinofaniravo kucherechedza panguva dzose. Munhu weungwaru hwepaMweya anofanira kuzvipira pakuparidzira evhangeri yakaisvonaka kupasi rose, nyika isati yave nekuzadzwa nerima.
Iva nokuzwisisa kuda kwaShe
Tinofanira kuedza kutsvaga izvo zvinofadza Mwari. Tinofanira kudzidza izvo zvavanoda kuti tiite kuburikidza nekereke yavo pamwe nemashoko avo. Tinofanira kuziva izvo zvatinogona kuita kuti tive nekufadza Mwari, uye kuti tive nekuziva kuda kwavo kwatiri.
Vanhu vakaregererwa pazvivi zvavo ndivo avo vakazvarwa patsva, uye avo vakazvarwa patsva ndeavo vane kugara kweMweya Mutsvene. Avo vane Mweya Mutsvene mukati mavo, vanhu vatsvene zvomene uyevo vana vaMwari. Vanofanira kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Iri ndiro basa revatsvene vose. Hatifaniri kutambisira hunyanzvi hwedu pamwe nesimba redu kwatiri, tisingatori matanho kune zvido zvevamwe. Hatifaniri kudzivisa mabasa aMwari kuburikidza nekutevedza zvikova zvenguva idzodzo.
Kana takaitwa vatsvene uye tikagamuchira hupenyu hutsva, kuburikidza nerudo rwaMwari, tinofanira kuve vanhu vakanaka kuitira kuti tienderere mberi tichibata basa ravo. Kana tave vana vaMwari, kuburikidza nekudavira kwavari, zvakanaka kuti tive vanhu vekunaka.
Muviri wevana vaMwari uri kure nekuva wakarurama, asi unova nekufadza Mwari; asi ndokunge tine chekuita nekuda kwaMwari, uye tichiita zvinhu zvakanaka. Asi kunyangwe neavo vakazvarwa patsva vanokwanisa kuita zvakaipa kune vamwe kana vachizviraramira pachavo. “Regai kubatwa newaini, nokuti ndipo pane kusazvidzora, asi muzadzwe noMweya” (VaEfeso 5:18) zvinoreva kuti hatifaniri kubatwa neruchiva rwepanyama, asi tinofanira kubata mabasa ekunaka.
Pauro akati, muna VaEfeso 5:19-21, “Mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumoyo yenyu, muchiwonga Mwari, Baba, nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose, muzita raShe wedu, Jesu Kristu; muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Kristu.” Kana tichida kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, tinofanira kudavira uye kuparidzira evhangeri yeruponeso, uyevo kuratidza izvo zvatakaitirwa naMwari.
Mwari vanotiropafadza pose patinonamata, uye vakanyora maropafadzo ose aya mumapisarema, nenziyo, nezviimbo zvomweya, kuti tive nekuvarumbidza nezwi rimwechete. Tinofanira kuvatenda, kuvavonga pamwe nekuvarumbidza. Tinogona kurarama hupenyu hwakaropafadzwa, huzere noMweya Mutsvene kana tichinyengeterera avo vasati vave nekuponeswa, uye kunamatirana pachedu. Tinofanira kutenda Mwari kubva pakadzika pemoyo yedu, uye kuremekedza Jesu Kristu, avo vakatiponesa. Tiine ndangariro dzakadai mumoyo yedu, tinofanira kugona kubvuma kutadza kwedu, uye kuratidza kuvonga kwedu pakucheneswa kwezvivi zvedu, tigova nekuvaterera. Izvi ndizvo zvazvinoreva kuti kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene.
Tinofanira kushumira evhangeri yakaisvonaka pahupenyu hwedu hwose
Tinofanira kuronga mabasa akanaka, tigova nekuaita kuitira kurumbidzwa kukuru kweevhangeri yakaisvonaka. Tave nekupinzwa mukereke yaMwari, tinofanira kunyengetera pamwechete, tichidana kuna Mwari kuti vave nekuponesa moyo yevanhu vose. Pachiri nevanhu vazhinji vasiri kukwanisa kuzvarwa patsva nekuda kwekuti havazive evhangeri yakaisvonaka, kunyangwe zvazvo vakave nekutsvaga Mwari. Tinofanira kunyengeterera vanhu ava, tichiti, “Mwari, ndapota, vaponeseivo.” Uyevo hatifaniri kudevedza zvinhu zvehumberera, asi tinofanira kupa midziyo yedu mukushumairira evhangeri kuti tiponese vakarasika. Kuraramira moyo yevamwe pamwe nekukura kweHumambo hwaMwari, kuita basa rakanaka.
Kuita basa remhando iyi zvinoreva kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Kurarama nekuzadzwa kweMweya Mutsvene hazvireve kuve negoneso yekutaura nendimi, uye kuita zviratidzo; zviri nani kudzidza kuti ungafadza Mwari sei. Zvinoreva kudavira kuruponeso rwatakapiwa naMwari, kurumbidza uye kupa rubwinyo kuna Mwari nenhetembo uye nemapisarema. Kuvonga, kurumbidza uye kupa rubwinyo kuna Mwari nemoyo yedu yose, uyevo kuvashumira nemiviri yedu semidziyo yekururama, kuda kwaMwari. Kutevedzera kurayira kwavo zvinoreva kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene.
Kuti tive nekurarama hupenyu huzere noMweya, tinofanira kuteererana. Kana munhu akatipa yambiro, tinofanira kuterera kune zvaanotaura. Nenzira imweyo, kana ndikapa yambiro kwaari, anofaniravo kuterera kunyangwe kana asingabvumirane neni. Saizvozvovo, tinofanira kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, kuburikidza nekuteererana, uyevo nokubata basa raMwari.
Kurarama hupenyu huzere noMweya zvinoreva kurumbidza Jesu Kristu
Kurarama hupenyu huzere noMweya zvinoreva kuchengetedza mirairo yaJesu Kristu. Ngatiwone kuti izvi zvinorevei, kuburikidza nekuverenga muna VaEfeso 6:10-13. “Pakupedzisira ivai nesimba munaShe, nomusimba rake guru. Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDiaborosi. Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga. Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose.”
Ko zvinorevei kuti kurarama hupenyu huzere noMweya? Zvinoreva kuva nekusimba panaShe uyevo kuva nekutenda musimba ravo. Zvinoreva kurarama nesimba reMweya Mutsvene rinogara mukati medu, kwete nesimba redu badzi. Pamusoro pazvo, zvinoreva kurarama hupenyu hwemunyengetero. Kuburikidza nekunyengetera, tinogona kurarama hupenyu hwakasimba, tichigamuchira kugona kwakasiyana siyana pamwe nemaropafadzo anopiwa naMwari. Kurarama hupenyu hwemhando iyi zvinoreva kupfeka nhumbi dzokurwa nadzo dzaMwari. Takanetekara kwazvo zvokuti kunyangwe tikaedza kufamba naye, kushumira uye kunamata Mwari, hatingararami hupenyu huzere noMweya, kusatoti tabatira pamashoko ake.
Kudavira kumashoko aMwari kwakakosha pakusimudzira simba redu repamweya. Kunyangwe kana tiine kutenda, tinofanira kupfeka nhumbi dzose dzokurwa nadzo, nokutaura kuti, “Ndine chokwadi chekuti zvichave sezvazvakanyorwa mumashoko aMwari.” Uku ndiko kutenda kunotiita kuti tive nekurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene.
Pane vamwe venyu here vari kuita dambudziko rekurarama mhando yehupenyu hwakadai? Ibvai marangarira mashoko eMagwaro, mugova nekupfeka nhumbi dzose dzekurwa nadzo dzaMwari. Mwari vakatiudza kuti tipfeke nhumbi dzavo dzose dzokurwa nadzo. Kuburikidza nekuisa mashoko pakadzika pemoyo wako, unova nekudzidza zvazvinoreva kuti kupfeka nhumbi dzose dzaMwari, dzokurwa nadzo. Zvisinei nenharaunda dzedu, kana zvinotaurwa nevamwe vanhu, tinofanira kubatira pamashoko aMwari. Nenzira iyi, tinove nekurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene.
Ko tinogona kuwana kudavira uku kubvepi? Zvakazarurwa 3:22 inoti, “Une nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.” Tinofanira kuterera kune zvinorehwa neMweya kukereke. Mune mamwe manzwi, hataigona kunzwa mashoko aMwari, kana kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, asi kuvaranda vaMwari. Mweya Mutsvene anotaura kuburikidza nemuna ani? Mwari vanotaura kuvatsvene pamwe nekuvanhu vose vemunyika kuburikidza nevaranda vavo vari mukereke yavo.
Ndiko kuti, unofanira kudavira kuti dzidziso dzekereke yaMwari dzinobva pamashoko aMwari zvechokwadi. Unofanira kugamuchira dzidziso dzekereke, nekutenda kwakadai mupfungwa. Kana Mweya Mutsvene asina kugara mukati memuparidzi, zvinogoneka kuti ave nekudzidzisa ndangariro dzake pauzima. Muparidzi ane kugara kweMweya Mutsvene anoparidzira mashoko aMwari, pasi penhungamiro yeMweya Mutsvene. Kana akasadaro, asi achiva nekuparidzira mashoko asingabvi muBhaibheri, Mweya Mutsvene anova nekumumisa nekuti anogara mumoyo make.
Mweya Mutsvene ndiMwari. Simba remuranda waMwari rakakura zvakaraudzira, nekuti Mwari vanogara mukati make. MuTestamente Itsva, Jesu Kristu akati kuna Pita, “Ndichakupa kiyi dzovushe bgoKudenga” (Mateo 16:19). Kiyi yekuenda Kudenga ndiyo evhangeri yemvura noMweya. Mune mamwe, manzwi, evhangeri ino ndiyo kiyi yekupinda Kudenga. Mwari vakapa simba rekuparidzira shoko raMwari kwete kuna Pita badzi, asivo kumuranda upi zvake waMwari pamwe nevatsvene vose, ndokunge kana vakazvarwa patsva, uye vaine kugara kweMweya Mutsvene.
Kuti tirarame hupenyu huzere noMweya Mutsvene, tinofanira kupfeka nhumbi dzose dzekurwa nadzo dzaMwari. Kana tisina kutenda, tinofanira kuchengetedza dzidziso dzekereke mupfungwa, zuva nezuva, kuburikidza nekudavira kusimba rekereke, nerevaranda vaMwari. Kunyangwe kana mharidzo yaunonzwa nhasi isina maturo, uye isingaenderane nehupemyu hwako, unofanira kuiterera zvakadaro, ugova nekuyiisa mumoyo mako. Tsvaga mashoko ari muBhaibheri ayo anodikanwa zuva rimwe nerimwe muhupenyu hwako. Nenzira iyi, unove munhu wekutenda. Unobva wakwanisa kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, kufamba naMwari, uye kukunda hondo yekupikisana nemasimba pamwe nevatongi verima munyika.
Ungave wakakangaidzika nekuti wakave nekutaurirwa kuti unofanira kuterera vatongi venyika, asi zvino ndinoti kwauri unofanira kurwisana nevatongi verima renyika. Panguva yeVaRoma, Mambo weRoma aizviti iye Mwari, uye mutemo waisungira vanhu vose kuti vamubate saMwari. Asi ichi chaiva chinhu vaKristu vaisagona kuita, nekuti zvaipikisana neshoko raMwari. Saka vaKristu, panguva iyoyo, vakanga vasina sarudzo asi kutorwisa Mambo weRoma, uyo ayiita kuti vanhu vamugwadamire sekuti aiva Mwari.
Kuti tive nekukunda kurwisana nadhiaborosi, tinofanira kudavira uye nekubatirira kushoko raMwari. Kana tikararama zvinoenderena neshoko raMwari, tinova nekuwana ropafadzo yavo, tigova tinokwanisa kurwisa dhiabhorosi. Kunyangwe kana takaponeswa, tinova nekukundwa pahondo naSatani, kusatoti tabatira pashoko raMwari. Mwari vakatisvinudza, “Muvengi wenyu diaborosi, unofamba famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza” (1 Pita 5:8). Munhu asingadaviri kushoko raMwari anogona kurwiswa zviri nyore nadhiaborosi.
Kunyangwe naJesu haaisakwanisa kurwisa Satani, kana dai kwaisava kuda kweshoko raMwari. “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haangararami nechingwa badzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari’” (Mateo 4:4). Akava nekudzinga dhiabhorosi kuburikidza nekutenda kune zvakanyorwa. Ko zvino isu kei? Hatina ungwaru uye hatingafananidzwi naJesu. Naizvozvo, tinofanira kudavira uyevo kubatira zvakasimba kwazvo kushoko raMwari.
Hatifaniri kungoti, “Ndinofunga mashoko acho ndeechokwadi, asi handigoni kudavira kwaari ose.” Tinofanira kubatira pamashoko. “Ndinodavira kuti zvinhu zvose zvichabuda kuve chokwadi, sezvazvakanyorwa.” Uku ndiko kutenda kwakafanira, uye kunokuita kuti upfeke nhumbi dzose dzokurwa nadzo, dzaMwari. Vanhu vanoti, “Zvinhu zvose zvichave nekuonekwa, zvamazvirokwazvo, sezvakarehwa naShe wedu”, vachave nekuropafadzwa. Kana munhu akabatira pashoko raMwari, uye akavimba naro, zvinhu zvinomubudira zvakanaka, zvinoenderana nekutenda kwake. Kunyangwe kana dhiabhorosi akazama kutiedza, anova nekuenda zvine tsarukano, kana tikava nekuti, “Ndinodavira kushoko raMwari. Ndinodavira kuti shoko ravo ndiro mhinduro dzezvokwadi.” Iyi ndiyo nzira yekukunda nayo hondo yekupikisana nadiaborosi.
Tinofanira kubatira pashoko raMwari
“Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose. Naizvozvo mirai makasunga zviuno zvenyu nezvokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chokururama, makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweevhangeri yorugare; pamusoro paizvozvo makatora nhovo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomwoto yowakaipa. Torai nguwani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro Shoko raMwari” (VaEfeso 6:13-17).
Mundima, “Naizvozvo mirai makasunga zviuno zvenyu nezvokwadi,” shoko raMwari rinofananidzwa nebhande rakasunga chiuno chemunhu. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kusunga ndangariro dzedu neshoko raMwari. Vari kutitaurira kuti titevedzere mashoko ezvokwadi, kuitira kuti tigone kuva pamwe mundangariro naMwari. Asi, bhande iri sezvarinopfekeka zvakabata pamuviri, tinofaniravo kuzviisa kushoko raMwari, zvakabata. Kana tiri pandangariro imwechete naMwari, tinove nekukwanisa, zvechibarirwe, kudavira, uye tichiti, “Ndinodavira kuti zvinhu zvose zvichabuda mune zvakanaka. Ndine chokwadi kuti zvinhu zvose zvichave nekuonekwa sezvazvakarehwa naMwari.”
Tevere, tinofanira kupfeka chidzitiro chechifuva chokururama. Tinofanira kupfeka chidzitiro chechifuva cheevhangeri yemvura noMweya, iyo inoti Mwari vakatiponesa. Tinofanira kusunga zviuno zvedu nezvokwadi, kana tave nekupfeka chidzitiro chechifuva chokururama. Tinofanira kupfeka chidzitiro chechifuva chezvirukwa zvemabwe akakosha. Tinofanira kuzvipfeka mukudavira kwekuti Mwari vakakanganwira zvivi zvedu zvose. Tinofanira kudavira shoko raMwari nemoyo yedu yose. Tinofaniravo kuparidzira evhangeri yeruponeso iyo inopa rugare.
Mushure mekubata mashoko ose ari pamusoro, tinofanira kupfekedza tsoka dzedu negadziriro yeevhangeri yerugare, tigova nekuenda kundoparidzira evhangeri yeruponeso iyo inopa rugare rwaMwari kuvanhu vose. Kana takave nekuponeswa kubva pazvivi zvedu, tinova nekupupura kudavira uku kuburikidza nemiromo yedu. Uyevo, nguva dzose apo zvivi nekuipa kwedu zvinoratidzwa, tinofanira kuzvibvisira kure kuburikidza nekuvhenekera pazvokwadi yekuti Mwari vakatokanganwira zvivi zvedu zvose nechekare. Vakaita saizvozvo kuburikidza nebhapatidzo yaJesu uye neropa rake paMuchinjikwa. Tinofanira kurarama hupenyu hwekubwinya kuburikidza nekutenda Mwari. Tinofanira kuparidzira evhangeri yemvura noMweya, iyo inopa rugare kumunhu wese asati agamuchirwa kubva pazvivi zvake.
Pamusoro pazvose, tinofanira kurwisa usakarurama nechidzitiro chekutenda. Kana Satani akarwisa, tinofanira kumudzingira kure nechidzitiro chekutenda muruoko, uye nemashoko ezvokwadi kune rumwe ruoko.
Tinofanira kubva tapfeka nguwani yeruponeso. Tinofanira kugamuchira mashoko eruponeso, tichiti, “Ndakaponeswa kubva pazvivi zvangu zvose, kuburikidza neevhangeri yemvura noMweya. Mwari vakakanganwira zvivi zvangu nenzira iyi.” Tinofanira kuziva zvokwadi iri mumusoro medu. Tinofanira kuita shoko raMwari nguwani yeruponeso, uyevo kuita munondo weMweya zvombo zvedu zvekupikisa diaborosi.
Kana Satani akatirwisa, tinofanira kuvhomora munondo tigova nekumurwisira pasi. “Mwari vakataura kudaro! Uye ndinodavira kuti ndizvozvo!” Tinodzingira Satani kure kuburikidza nekutenda kumashoko aMwari. Kana tikadavira kumashoko aMwari, uye ukavhomora munondo wemweya, Satani anove nekutiva, achiridza mhere, kuti, “Eishi! Zvinorwadza kudai.” Tinogona kuparadza kurwisa kwaSatani kwemutoo upi zvawo, kana badzi tichidavira kushoko raMwari.
Unofanira kurarama hupenyu hwechitendero chakadaro, uchipupura kuti, “Nyama yangu iri kure kwazvo nekuva yakarurama, asi ndiri munhu waMwari akave nekugamuchira rudzikinuro. Ndinorarama nokutenda, ndakabatira pamashoko andakaudzwa naMwari.” Kana tiine kutenda kwemhando iyi, tinogona kudzingira Satani kure, nemunondo wezvokwadi, nguva dzose apo anouya kuzofurusa uye kuzopingidza hupenyu hwedu hwakatendeka. Satani haatombohwairi zvake, kana tikamurwisa nemashoko epanyika badzi. Saka tinofanira kumurwisa kuburikidza nokuti, “Izvi ndizvo zvakataurwa nMwari.” Satani anobva asarenda pamberi pesimba reshoko raMwari.
Kana tichida kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, tinofanira kunamata kuna Mwari kuti kereke, vatsvene vose pamwe nevaranda vaMwari vave nekuzvipira pakuparidzira evhangeri. Kuburikidza nekuita munyengetero wakaita seuyu, “Ndiregei ndiratidze zvakavanzika zveevhangeri nekufesherwa,” tinova nekurarama hupenyu hwakanangiswa pakushumira evhangeri. Uhu ndiho hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene kwakakosha kuvatsvene vose. Kana tichida kuva vatsvene vechokwadi, tinofanira kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Kurarama hupenyu hwakadaro kwakakosha kuvatsvene vose, sekungokosha kwakaita kuregererwa kwezvivi kumunhu wose. Uku kurayira kwaMwari.
Avo vakave nekuponeswa kubva pazvivi zvavo, asi vasingazive kuti vangararama sei upenyu hwakatendeka, vanofanira kuziva kuti vanofanira kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Izvi ndizvo zvinodikanwa naMwari. Vatsvene vanofanira kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene, uko kunova kuda kwaMwari. Hupenyu huzere noMweya Mutsvene hunokurudzira vatsvene kuti vaparidzire evhangeri kuburikidza nekuita mabasa akanaka. Vanofarira kuparidzira evhangeri, kunamata kuna Mwari; uye kudavira, pamwe nekubatira kumashoko aMwari. Tinofanira kupfeka nguwani yeruponeso, uye nechidzitiro chechifuva chokururama, tigova nekudzingira Satani kure, nekuti, “Ini ndakarurama panguva dzose.”
Sezvo vatsvene vaine kugara kweMweya Mutsvene, vanova nekufamba muMweya, uye vanokwanisa kugamuchira simba reMweya Mutsvene. Vari kuita basa rake, nemaropafadzo aMwari avakawana kuburikidza nemunyengetero wokutenda. Uye vanofanira kufamba muMweya kudzamara vakunda Satani, uye vave nekumira pamberi paMwari. Vanhu vanogona kupfeka nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, ndeavo badzi vaKristu vakave nekuzvarwa patsva, avo vanogona kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene.
“Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namadzishe enyika yerima rino, nemweya yakaipa yedenga” (VaEfeso 6:12). Hondo yeavo vakazvarwa patsva haisi hondo yenyama neropa. Asivo, hondo yeavo vane kugara kweMweya Mutsvene ndeyekupikisana nemweya yakaipa yekusarurama, uyevo kupikisana neavo vanopingidza hupenyu hwedu hwakatendeka, avo vasingashumiri evhangeri vachiva nekutikangaidza.
Kana tichienda kundorwa hondo yepamweya kuitira evhangeri yaShe, tinofanira kupfeka nguwani uye nenhumbi dzokurwa nadzo dzeMweya. Kana tikapfeka nhumbi dzamazuva ose muhondo iyi, tinova nekukuvadzwa. Saka tinofanira kupfeka nhumbi dzokurwa nadzo. Tinofanira kuve neminondo, zvidzitiro, uye nguwani. Kuti tikunde hondo iyi, tinofanira kuve takagadzira zvakakwana pamberi pehondo iyi. Tinofanira kupfeka chidzitiro chechifuva, kusunga zviuno zvedu uye kupfeka shangu kutsoka dzose. Tinofanira kubva takunda vavengi vedu, tiine munondo nechidzitiro mumaoko ose. Uhu ndiho hupenyu huzere noMweya Mutsvene.
Tinofanira kuchengetedza evhangeri yakaisvonaka
Pauro akatiudza kuti, “Icho chakanaka, chawakapiwa, uchichengete noMweya Mutsvene unogara matiri” (2 Timotio 1:14). Ko kuronza kwakanaka ndekupi? Ndekweevhangeri yemvura noMweya, iyo yakatiponesa kubva pazvivi zvedu. Muna Tito 3:5, inoti, “Wakatiponesa asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama atakanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa, kwokuberekwa kutsva, nokuvandudzwa noMweya Mutsvene.” Ishe vedu vakashambidza zvivi zvedu zvose zvatakange tapara munyika muno, vakafa paMuchinjikwa, uye vakazomutswa. Tinofanira kuchengetedza evhangeri yakaisvonaka iyi. Tinofanira kupfeka nguwani yeruponeso, pamwe nechidzitiro chechifuva chokururama, tigosunga zviuno zvedu nezvokwadi. Tinofanira kudavira kuevhangeri yemvura neMweya.
Mushure mekuzvishonga nenzira iyi, tinofanira kukunda hondo yekupikisana naSatani. Ndipo badzi patinokwanisa kuwana kukunda, uye kugoverana nako nevamwe. Tunifanira kurwa hondo dzepamweya zhinji tichipikisana naSatani, uye tigotorera mikombe mizhinji kubva kwaari, kusvika pazuva ratichapinda muHumambo hweKudenga, hunova nhaka yedu. Kukunda kwedu pahondo zhinji, pakupikisana nevavengi, kunoita kuti hondo inozotevera ive nyore. Tose tinofanira kunyengeterera kuti Humambo hwavo huyamuke pamwe nekuseketera. Tinobva tawana hupenyu huzere noMweya Mutsvene.
Hatifanire kugutswa nekuregererwa pazvivi zvedu, asi tinofanira kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Kuitira evhangeri uye nemabasa edu akanaka, tinofanira kudavira kushoko raMwari. Tinofanira kutungamirwa noMweya Mutsvene, uye kurarama kuburikidza nekuchengetedza shoko raMwari pamwe nekudavira kwariri, kuti tisakundwa pahondo yekupikisana naSatani, tichiva nekukanganiswa.
Ko unondinzwisisa here? Ndipo badzi patingawana hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Ndinovimba kuti uchavevo nokushumira evhangeri yemvura noMweya, uye kuva nekuvimba nayo, uyevo kutevera shoko raMwari. Tose ngatibate basa rekuponesa vanhu kubva kuna Satani. Tinogona kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene kudzamara Ishe vachidzoka zvakare. Kugamuchira kuzadzwa kweMweya Mutsvene murairo wepiri watakapiwa naMwari. Tenda kwavari. Tinogona kuwana kugara kweMweya Mutsvene nekuda kwekuregererwa kwezvivi zviri mumoyo yedu. Uye dai kwanga kusiri kuda kwekugara kweMweya Mutsvene, handaisakwanisa kuvamba hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Ndinotenda Mwari nokutitendera kuti tirarame hupenyu huzere noMweya Mutsvene.
Ko unodavira here kuti unogona kuwana kugara kweMweya Mutsvene? Kune avo vedu takave nekuregererwa pazvivi zvedu, tine kugara kweMweya Mutsvene. Asi avo vasina kudzima zvivi zvavo, havasati vave nekugara kweMweya Mutsvene. Avo vasingazive kana vasingadavire kuevhangeri yemvura noMweya havana kugara kweMweya Mutsvene. Vanhu vose vemunyika vachava nekukandwa muGehena, kana vasina kugara kweMweya Mutsvene.
Sezvo tisina zvivi mumoyo yedu, tine kugara kweMweya Mutsvene. Uyevo, nokuda kwekuti Mweya Mutsvene anogara mumoyo yedu, tinogona kurarama hupenyu huzere noMweya Mutsvene. Isu, tine kugara kweMweya Mutsvene, tinofanira kuterera zvinoda Mweya kuti tive nekuzadzwa neMweya Mutsvene. Kuramba kwatinoita tichiterera zvinoda Mweya, ndiko kusimba kunoitavo kunoita kutenda kwedu, semurwi ari muhunifomu yakakwana. Asi kana tikatadza kuterera Mweya, zvakafanana nekuti tatorerwa nhumbi dzedu dzekurwa nadzo.
Ngatikurei kuburikidza nemashoko eMweya Mutsvene, uye tigova vanhu vekutenda. Kana tichinzwa mashoko eMweya Mutsvene, kutenda kwedu kunovandudzwa nokuti Mwari vakataura kuti, “Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raKristu” (VaRoma 10:17). Naizvozvo kunyangwe kana Satani akatirwisa, tinove nekudzivirirwa nokuda kwekutenda kwedu kumashoko aya. Satani haagoni kurwisa avo vakave nekushongwa nechidzitiro chekutenda, kuburikidza nekudavira kuevhangeri yemvura neMweya. Vanhu vakatendeka vane simba rekudzorera pakurwisa kwaSatani, nekutenda kwavo.
Ngatiraramei hupenyu huzere noMweya Mutsvene, nekutenda. Hupenyu huzere noMweya Mutsvene zvinoreva hupenyu hwekuparidzira evhangeri yemvura noMweya, zvakatendeka, kupasi rose. Hwakadaro ndihwo hupenyu huzere noMweya Mutsvene.