(Johane 16:5-11)
“Asi zvino ndinoenda kunowakandituma; hakunomumwe wenyu unondibvunza, achiti: ‘Munoendepiko?’ Asi zvino moyo yenyu yafa neshungu zvandakuudzai izvi. Asi ini ndinokuudzai zvokwadi, kana ndichiti: Zvirinani kwamuri kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangavuyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. Iye kana asvika, uchazivisa nyika pamusoro pezvivi, napamusoro pokururama, napamusoro pokutongwa, pamusoro pezvivi, nokuti havatendi kwandiri; pamusoro pokururama nokuti, ndinoenda kunaBaba, hamungazondioni; pamusoro pokutongwa nokuti muchinda wenyika ino watongwa.”
Ko mabasa eMweya Mutsvene ndaapi?
Anozivisa nyika pamusoro pezvivi, pamusoro pokururama nepamusoro pokutongwa.
Muna Genesi 1:2 kwakanyorwa kunzi, “Nyika yakanga isina kugadzirwa, isinechinhu; rima rakanga riri’po pamusoro pemvura yakadzika; Mweya waMwari wakanga achigarira pamusoro pemvura” Tinogona kuona kubva mundima iyi kuti Mweya Mutsvene haugare mumoyo izere nebishapisha pamwe nezvivi, asi unogara badzi mumoyo yeavo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka. Asivo, vanhu vazhinji, mubishapisha ravo pamwe neshayisano, vanowira mukushandiswa nekutenda kwehunyaunyau, vachitaura kuti vanoda kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene apo vaine zvivi mumoyo yavo.
Mweya unogamuchirwa nemutoo wekutapatira-kwehunyaunyau hausi Mweya wakaisvonaka. Mabasa aSatani anogara pavatendi vehunyaunyau, avo vasina murayiro; uyevo vanhu vehunyaunyau ava vari kuwira, nyore nyore, munheyo dzemabiribidi pamwe nesimba rake. Asi Mweya Mutsvene ndiMwari-Munhu akangwara, akadengetera, uye ane chido chomene. Akave nekubata naMwari vanova Baba uyevo neMwanakomana wavo Jesu Kristu mukusika pasi rino. Tichava zvino nokudzidza kuti Mweya Mutsvene wakave nekuita basa rakaita sei munyika ino.
Mweya Mutsvene anozivisa nyika pamusoro pezvivi
Ko basa rekutanga tanga rinoitwa neMweya Mutsvene nderipi? Anozivisa nyika pamusoro pezvivi. Vanhu vanoziviswa naye ndeavo vasingagamuchiri evhangeri yakaisvonaka yebhapatidzo yaJesu naJohane pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Anozivisa vatadzi vose, uyevo kuzivisa zvivi zveavo vasingadaviri kuevhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya.
Anozivisa nyika pamusoro pekururama kwaMwari
Ko chinhu chechipiri chinoitwa neMweya Mutsvene ndechipi? Anopa huchapupu kukururama kwaMwari, uye kumadambu aJesu mukuponesa vatadzi kubva pazvivi zvavo. Johane 16:10 inoti, “Pamusoro pokururama, nokuti ndinoenda kunaBaba, hamungazondivoni” Tinofanira kuziva kuti kururama kwaMwari kunorevei muBhaibheri. Kunoreva zvokwadi yekuti Jesu akatora zvivi zvose zvenyika kuburikidza nekubhapatidzwa kwake naJohane uyevo kuti ani nani anodavira kwaari anogona kuve wakarurama kuburikidza nengoni dzaMwari. Jesu akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi uye akagamuchira zvivi zvose zvenyika, akadeura ropa rake paMuchinjikwa, akamutswa achiva Muponesi wevatadzi vose. Iyi ndiyo evhangeri yakaisvonaka iyo Mwari vakatipa. Jesu akatora zvivi zvose zvenyika kuburikidza nemvura pamwe neropa, zvichitevera kuda kwaMwari, akava Tenzi wehupenyu hwedu.
Mweya Mutsvene unobatsira vanhu kuti vave nekudavira kuevhangeri yekubhapatidzwa kwaJesu naJohane pamwe neropa rake paMuchinjikwa, zvichiva nekuvabatsira kuti vawane kuregererwa pazvivi zvavo. Unofanira kuziva kuti mabasa aMwari muHutatu-mumwe anodyidzana. Mweya Mutsvene unobatira evhangeri yakaisvonaka, zvinoita kuti vanhu vave nekudavira murudo rwaMwari. Anovavo nekuvimbisa evhangeri yakaisvonaka, yechokwadi, yemvura neMweya kuve yechokwadi.
Anozivisa nyika pamusoro pekutongwa
Ko basa rechitatu reMweya Mutsvene nderei? Anoparadza mabasa aSatani. Satani anozevezera mundangariro dzevanhu, achiti, “Unogona kudavira zvako kuna Jesu, asi imbofunga ChiKristu sechimwe chezvitendero zvakangowanda zvepanyika.” Satani anoedza kudzivirira vanhu mukudavira kubhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa, kuitira kuti vasakwanisa kuwana kuregererwa pazvivi zvavo, kunyangwe zvazvo vachidavira kuna Jesu. Nekuda kwekuti Satani akaderedza ChiKristu kuchiita chitendero “chemanga manga,” vanhu vazhinji vanowira muunhapwa hwemanyepo aSatani ekuti, chikonzero chekudavira kuna Jesu ndechekuti tive vangu vakanaka. Asivo, chinangwa chomene chekudavira kuna Jesu ndechekuzvarwa patsva sevanhu vakarurama.
Haufanire kuti uve nekutenda kwenhema. Kutenda kwenhema hakungaite kuti uitwe mutsvene, zvisinei nekuti unodavira zvakadii kuna Jesu. Kana uine kutenda kwenhema, haungazive kana kuona Jesu zvakajeka nekuda kwenhema dzaSatani. Mweya Mutsvene unove chivimbiso chekuponeswa kune avo vakave nekuponeswa kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya. Kumwe kudavira kose kweavo vane zvivi mumoyo yavo hakuna maturo.
Mweya Mutsvene unopupura kuzvokwadi yeevhangeri yakaisvonaka. Jesu akabhapatidzwa kuti ave nekutora zvivi zvose zvenyika uye akaroverwa kuripira mibairo wechivi. Mweya Mutsvene unopa uchapupu kuzvokwadi iyi. Mweya Mutsvene anoyambira vanhu vose vemunyika kuti vave nekuregerewa pazvivi zvavo zvose kuburikidza nekudavira kuevhangeri yechokwadi. Asivo, tinofanira kuzviisa mupfungwa kuti Mweya Mutsvene anozivisa uyevo kutonga avo vasingatoreri evhangeri yakaisvonaka mumoyo yavo.
Munhu wose anofanira kuva nekutenda kwakaropafadzwa
Ko kutenda kwakaropafadzwa ndokupi? Ndeuko kutenda kunotitungamirira kuti tive nekugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza nekuregerewa kwezvivi. Asivo, tinoona vaKristu vazhinji pasi rose vachiri nezvivi mumoyo yavo, kunyange zvazvo vakachengetedza kudavira kwavo kuna Jesu kwenguva refu. Kureba kwenguva yavanodavira kuna Jesu, ndikovo kuramba vachiva vatadzi kwavanoita Dambudziko guru rinovadzivirira kuti vasave nekugamuchirwa kubva kuzvivi zvavo nderekuti, vanofunga kuti kutaura nendimi pamwe nekuita zviroto, ndihwo humbowo hwekuti vakagamuchira Mweya Mutsvene. Havana zivo pamusoro pekutonga kwaMwari pazvivi zvavo.
Vanhu vazhinji munyika muno havagoni kusiyanisa pakati pebasa reMweya Mutsvene kubva kune basa raSatani. Basa raSatani rinosvitsa vanhu pamamiriro ekukangaidzika kuburikidza nekuvapa kudavira kwenhema, rigobva ravatungamirira kukuparadzwa. Izvi ndizvo Satani anoedza kuzadzikisa kuburikidza nekupandukira Mwari. Satani anoita kuti vanhu vawire pasi pesimba rezvidaviro zvemanenji, agova nekuvatora sevaranda vake. Satani anoisa mavari dokwairo yekusangana nemanenji ezviratidzo pamwe nezvishamiso, kuburikidza nekuvaita kuti vafunge kuti kusangana kwakadaro kwakanyanya kukosha kupfuura gamuchiro yekugara kweMweya Mutsvene, iyo inoburikidza nekutenda kuevhangeri yakaisvonaka.
Asivo, Mweya Mutsvene unotendera vanhu kuti vave nekuona nyika yaMwari kuburikidza neShoko. Kuburikidza neMweya Mutsvene, vanova nekuziva pamwe nekudavira kuti Mwari vakasika munhu, kuti Mwari vanovada, uyevo kuti Mwari vanoda kuvaponesa. Zano ravo pamusoro pevatadzi raiva rekuti Jesu Kristu ave nekuvaponesa kubva kuzvivi zvavo kuburikidza neevhangeri yemvura neMweya, agova nekuvakoka kuti vararame murudo rwavo nekuda kwekutenda.
1 Pita 3:21 inoti, “Naiwo mufananidzo worubhapatidzo, runokuponesai zvino.” Uyevo, 1 Pita 1:23 inoti, “Nokuti makaberekwa kutsva, zvisingabvi pambeu inovora, asi pane isingavori, neshoko raMwari benyu rinogara nokusingaperi.”
Basa reMweya Mutsvene nderekudzidzisa munhu nezvezvokwadi yechivi, yokururama, neyokutongwa, uyevo kuvaita kuti vadavire zvokwadi idzodzo. Mweya Mutsvene unovaita kuti vazive pamusoro pekutonga kwaMwari, uyevo kuti vanogona kugamuchirwa kubva kuzvivi zvavo kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka yekubhapatidzwa kwaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Mweya Mutsvene anovapa ruzivo rwekuti anogara mavari kana vaine kutenda kuevhangeri yemvura neMweya.
Parizvino tave nekubata pamabasa eMweya Mutsvene. Vanhu vose vari munyika muno vanogona kuwana kugara kweMweya Mutsvene pamwe nerudo rwaMwari kana badzi vave nekuwana kuregererwa kwezvivi, kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka yaJesu, yemvura neMweya.
Hunhu hwoMweya Mutsvene
Mweya Mutsvene ndiMwari Vemasimba ose. Ane zvimiro zvakakosha zvepauzima, zvinoti; ungwaru, madengetera, pamwe nechinangwa. Nekuda kwekuti Mweya Mutsvene ane ungwaru, anotsvaga kunyange nezvinhu zvakadzama zvaMwari (1 VaKorinte 2:10) pamwe nemumoyo yevanhu.
Nekuda kwekuti Mweya Mutsvene ane madengetera, anova nekufadzwa neavo vanodavira kushoko raMwari, asi anotura befu rakadzika pamusaka peavo vasingatendi. Uyevo, vakarurama vanogona kunzwa rudo rwaMwari kuburikidza neMweya Mutsvene.
Mweya Mutsvene anodeedzwa kuti “Munyaradzi.” Izvi zvinoreva kuti Mweya Mutsvene anobatsira avo vakarurama mukati mematambudziko, agova nekuunza kukunda kwavari, achivarwira pavavengi vavo. Ane ungwaru, madengetera, pamwe nechinangwa, sezvatinoitavo isu vanhu, uyevo anogara mukati meavo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya.
Basa reMweya Mutsvene ndeiro rinotevera
Mweya Mutsvene anotendera vanhu kuti vave nekuziva zvokwadi yekuregererwa kwezvivi, uye anogara mukati memoyo yevanotenda. Basa raka nderekupa huchapupu kuzvokwadi yekuti Jesu akatora zvivi zvose zvevanhu kuburikidza neBhapatidzo yake pamwe neropa rake (1 Johane 5:6-8). Anovavo nekunyaradza varanda pamwe nevatsvene vake mumatambudziko api zvawo, uyevo anovasimbisa kuti vasimuke zvakare. Iye amene anovareverera, apo vanenge vasingazive kuti vanofanira kunamata kuti chii (VaRoma 8:26). Uyevo anopa zororo kune avo vakarurama mukereke yaMwari, uye anovatungamirira kumashoko ake mazhinji (Mapisarema 23).
Basa reMweya Mutsvene rinodyidzana neBhaibheri
Mweya Mutsvene anotungamira vakarurama kuti vazive pamwe nekudavira kuzvokwadi iri mumoyo yavo, uyevo kuti vaiparidzire kune vamwe. “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama” (2 Timotio 3:16).
“Tsvakai pabhuku yaJehova, murave; hapana chimwe chezvinhu izvi chichashaikwa, chichashaiwa shamwari yacho; nokuti muromo wangu wakaraira izvozvo, nomweya wake wakazvivunganidza” (Isaiah 34:16).
“Muchiziva pakutanga, kuti hakuna vuprofita hwerugwaro hunongodudzirwa nemunhu; nokuti hakuna vuprofita hwakatongovuya nokuda kwemunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene” (2 Pita 1:20-21).
Mweya Mutsvene wakanyukunyudza varanda vaMwari kuti vave nekunyora shoko raMwari kuitira kuti tive nekurifunda. Anozivisa vanhu evhangeri yemvura neMweya, uye anotitungamira kuti tiiparidzire kunyika. Nokudaro, kunyange zvazvo vakarurama vachigona kutambudzwa nezviedzo zvizhinji muupenyu hwavo, vanokwanisa kuzvikunda; tinotenda kusimba reMweya Mutsvene.
Zvipo pamwe nechibereko cheMweya Mutsvene
Zvipo zveMweya Mutsvene, zvinoreva, kugona kwaanopa kuvatsvene kuti vaparidzire evhangeri yakaisvonaka yaMwari kune vamwe. Nokudaro, vatsvene vanozvipikira kubasa raMwari, nezvipo zvaanopa, uyevo Mweya Mutsvene unovabatsira kuti varumbidze Mwari. “Asi mumwe nomumwe unopiwa kuratidzwa kwoMweya, kuti vose vabatsirwe” (1 VaKorinte 12:7).
Chinangwa chezvipo zveMweya Mutsvene chaiva chekupa vatsvene kutenda, uye kuvabatsira kuti vamhanye mujaho uyo waiva pamberi pavo (VaEfeso 4:11-12). Mweya Mutsvene anopa ugoni kuvaranda vaMwari, pamwe nevatsvene, kuvabatsira mukuparadzira evhangeri. Chechi yaMwari inharaunda yevatsvene avo vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu (1 VaKorinte 1:2).
MuKristu umwe neumwe uyo akagamuchira Mweya Mutsvene anofanira kuzvitunha zvinoenderana nechinzvimbo pamwe nemabasa aakapiwa, sezvo Jesu Kristu ari mutungamiri wekereke. Mweya Mutsvene anova nekupa kungwarira pamwe nekugona kwepamweya kuvatsvene kutira kuti vagone kubatira Humambo hwaMwari. Anoita zvose izvi kuti aratidze kuhwinya kweevhangeri iyo yatakapiwa naMwari. Anoti, “Naizvozvo, kana muchidya kana muchinwa, kana muchiita chinhu chipi nechipi, itai zvose kuti Mwari akudzwe” (1 VaKorinte 10:31).
Mhando dzakasiyana siyana dzezvipo zvoMweya
Pane mhando gumi nembiri, dzakasiyana, dzezvipo zveMweya Mutsvene. Tinogona kuona, muBhaibheri, kuti zvipo izvi zvinoratidzika nemitoo mizhinji kuvanhu vakasiyana. Mudungwe murefu wezvipo izvi unoratidzwa muna VaRoma 12:6-8, 1 VaKorinte 12:8-10, uyevo VaEfeso 4:11. Zvinotevera, ndizvo zvipo zveMweya zvakataurwa nezvazvo muna 1 VaKorinte chaputa 12.
1) Shoko rokuziva: Izvi zvinotipa kunyukunyudzwa kwepaMweya kuti tive nekunzwisisa evhangeri yemvura neMweya, uye zvinotiita kuti tiparidzire avhangeri yakaisvonaka iyi.
2) Shoko rovuchenjeri: Uku ndiko kugona kugadzirisa matambudziko mazhinji, ayo anouya muhupenyu hwevakarurama, kuburikidza nemashoko akanyorwa Mwari.
3) Kutenda: Mweya Mutsvene anopa kutenda kwakasimba, pamwe nevimbo, kuvatsvene, kuitira kuti vagone kuita chishamiso chekuponesa vanhu kubva pazvivi zvavo nepanaSatani. Munhu wakarurama anogona kuregererwa zvivi zvake pamwe nekurapwa kusagadzikana kwepamweya, kuburikidza nesimba rekutenda.
4) Zvipo zvokuporesa: Mweya Mutsvene anopa goneso yekuporesa vanhu vakarurama kuburikidza nekutenda kushoko raMwari.
5) Kuita mabasa esimba: Ichi ndicho chipo chinoshamisa chinoita kuti mutsvene aite basa raMwari kuburikidza nekudavira kushoko raMwari. Chishamiso chinhu chinoitika zvine manenji kuburikidza nekutenda, chichiraudzira muganhu weruzivo hwemunhu rwemurairo wepanyika.
6) Kuprofita: Panguva ino, avo badzi vanodavira pamwe nekutevedzera shoko raMwari ndivo vanogona kupurofita zvinofambidzara nezvakanyorwa. Mashoko emunhu uyo ane kudavira kusingabvi pane zvakanyorwa muBhaibheri haangagoni kuva chipurofita chezvokwadi. Varanda vaMwari, avo vane kugara kweMweya Mutsvene, vanova nekuparidzira shoko raMwari, uye mukudaro anovavandudza patsika pamwe nekuvakurudzira kuti vaite basa rake, kuburikidza nekereke, iyo inova muviri waMwari. Mweya Mutsvene akapa goneso iyi kuvaranda vaMwari pamwe nevatsvene.
7) Kuzivisisa mweya: Iyi igoneso yekuona kana munhu akave nekuregererwa zvivi zvakwe. Chinhu chinogoneka kuti isu tive nekusarwa naSatani, kana tisina chipo ichi. Nekuda kwekuti nyika iri pasi pehutungamiri hwaSatani, tinogona kuva nechipo ichi kuburikidza badzi nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka iyo Mwari vakatipa, uye mukudaro tigova nekukunda zviedzo, mitoro, pamwe nekusarurama kuri munyika muno. Munhu akarurama anogamuchira chipo ichi kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi. Nokudaro, anogona kududza kana munhu aine chivi mumoyo make.
8) Kutaura nendimi: Bhaibheri rinotiudza pamusoro pekutaura nendimi: “Asi pakereke ndinoda zvikuru kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu, kuti ndidzidzise vamwevo, pakutaura norumwe rurimi mashoko ane zvuru zvine gumi” (1 VaKorinte 14:19). Mutsvene anofanira kuziva kuti zvakanyanyokosha kunzwisisa shoko raMwari rezvokwadi, pane kutaura nendimi iyo yaasinganzwisise iye pachake. Naizvozvo, anofanira kusiyana nekutaura nendimi.
9) Kududzira ndimi: Ichi chipo chakapiwa kuvadzidzi kuti vakwanise kuparidzira evhangeri mumazuva echechi yekutanga. Mazuva ano, Mweya Mutsvene unoparadzira evhangeri kuburikidza nebato rekushandura pamwe nekuturukira kwemashoko mumitauro yakasiyana siyana. Muturukiri anenge asina basa, kana munhu anenge achiparidza evhangeri achigona kutaura mimwe mitauro yose. Asivo, kana takatarisana nezvidziviso zvinokonzerwa nemitauro, Mwari anotititendera isu vaturikiri kuti tive nekuzadzikisa basa rake. Mwari havabati mukusagadzikana, kana mumamiriro ekutapatira. Mweya Mutsvene anobata muevhangeri yakaisvonaka, uye anotungamira vatsvene kuti vashandurire evhangeri mumitauro yakasiyana siyana.
Ko zvibereko zveMweya Mutsvene ndezvipi?
Pamusoro pezvibereko zveMweya Mutsvene, Bhaibheri rinotiudza kuti, “Zvino chibereko choMweya ndirwo rudo, nomufaro, norugare, nomwoyo murefu, nomwoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka, novunyoro, nokuzvidzora; hakunomurairo unodzivisa zvinhu zvakadai” (VaGaratiya 5:22-23).
1) Rudo: Rudo rwezvokwadi ndeurwo rwekuti vakarurama vave nekuponesa vatadzi vose kubva pazvivi zvavo, kuburikidza nekuparidzira evhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya. Nekuda kwekuti vanhu vakarurama vane evhangeri yakaisvonaka, iyo inove rudo rwezvokwadi rwaJesu, vanova nekuparidzira evhangeri yerudo rwechokwadi, uyevo vane rudo rwechokwadi kune vamwe.
2) Mufaro: Urwu rufaro rwunoshamisa, rwusingatsanangurike urwo rwunotubuka kubva pakadzika dzika pemoyo yedu kana tichinge tazvarwa patsva. Munhu wakarurama uyo akave nekuregerewa pazvivi zvake zvose ane rufaro mumoyo make (VaFiripi 4:4). Nekuda kwekuti mumoyo yeavo vakarurama mune rufaro, vane goneso yekugoverana rufaro rwavo nevamwe vanhu.
3) Rugare: Uyu moyo wekunyaradza uyo unopiwa kune munhu wakarurama, uyo akave nekuregererwa pazvivi zvake kuburikidza nekudavira kuevhangeri yemvura neMweya. Mweya Mutsvene anoita kuti vakarurama vaparidzire evhangeri yakaisvonaka yerugare. Vanhu avo vakanzwa evhangeri yakaisvonaka yerugare iyi vanokwanisa kutungamira vamwe kuti vave nekukunda zvivi zvenyika, uyevo nekuva nekuziva kwakasimba kwekutenda pamwe nekwevimbo kuchipo cheruponeso. Vanhu vakarurama avo vanoita rugare pakati paMwari nevanhu vanova nekunzi vanakomana vaMwari (Mateo 5:9) uyevo vanotungamirira vamwe kuti vave nekugamuchira kuregererwa kwezvivi (Zvirevo 12:20). Mweya Mutsvene unoita kuti vakarurama vave nekurarama hupenyu hwakarurama, uye kuti vakomborere vamwe nerugare kuburikidza nekuparidzira evhangeri yakaisvonaka.
4) Kutsungirira: Zvibereko zvekutsungirira zviri mumoyo yeavo vakarurama, avo vakave nekugamuchirwa kubva pazvivi zvavo kuburikidza neevhangeri yezvokwadi. Tinogona kuwana chibereko ichi kuburikidza nekukurudzira zivo yeruwadzano yakatsengeyeka. Mukati mevakarurama mune moyo wekutsungirira uye moyo murefu.
5) Tsitsi: Mwari vakave nenyasha kwatiri apo taive takazara nezvivi, uye vakatigamuchira kubva pazvivi zvedu zvose kuburikidza nebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Tinogona kuda, pamwe nekuva nenyasha kune vamwe nekuda kwekuti Jesu akave nenyasha kwatiri, akabvisa zvivi zvedu zvose, uyevo nokuda kwekuti takadavira kwaari, tikave nekugamuchira ngoni dzake. Vakarurama vane moyo izere netsitsi uyevo nezvibereko zveevhangeri yakaisvonaka.
6) Kunaka: Kuti kunaka, pano, zvinoreva kuti “kururama patsika.” Vanhu vakarurama vane kunaka pamwe nekutenda kuna Mwari, mukati kati memoyo yavo.
7) Kutendeka: Kuti kutendeka zvinoreva moyo wakazadzwa nekutenda kuna Mwari. Kutendeka kuri mukati memutsvene kunobva pakuterera kuna Jesu.
8) Vunyoro: Izvi zvinoreva kuva negoneso yekunzwisisa vamwe zvakakwana, uyevo kuvabata nerufaro uye zvakapfava mumoyo yedu. Vakarurama vane moyo inoda vavengi vavo uye inonamatira kuti vave nekugamuchirwa.
9) Kuzvidzora: Kuzvidzora, zvinoreva kugona kuva nekuzvipa mugumo, kugona kudzivirira kurarama hupenyu hwusakarurama; uyevo, pachinhambo, ugova nekurarama pakuzvibata uye paumweresano.
Kuve nekuzadzwa noMweya Mutsvene
Ko mugumisiro wekuzadzwa neMweya Mutsvene ndewei? Kugamuchira ropafadzo iyi kunoita kuti vatsvene vave nekurarama sevadzidzi vaJesu Kristu, uyevo vanojoina kereke yaMwari. Mweya Mutsvene unoita kuti vakarurama vave midziyo yekururama, uyevo kuti vave nekuzvipira mukuzadzikisa chido chaKristu. Kuda kwevakarurama kunotungamirwa nekuda kwaIshe, uye vanova nekupira, pakuda kwavo, zvinhu zvavo zvose pamwe nezvipo zvavo kwaari. Mweya Mutsvene unoita kuti vakarurama vave nekurarama hupenyu hwakapikirwa mukukunda zvivi zvenyika, nezivo yekubudirira, yerufaro nevimbo; kwete hurombo hwepamweya, kukundwa kana kukondoka (VaRoma chaputa 7).
“Asi muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene wavuya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu paJerusarema, napaJudea rose, napaSamaria, nokusvikira kumugumo wenyika” (Mabasa 1:8). Kuzara kweMweya Mutsvene kunotungamira wakarurama kuti ave nekuparidzira evhangeri.
Ishe vakapa zivo yakasimba yekutenda kune avo vanogarwa neMweya Mutsvene. Uyevo, Mwari vakapa, kune avo vanoregererwa zvivi zvavo kuburikidza nekutenda kwavo kuevhangeri yakaisvonaka yaJesu, kodzero yekuva vana vake (Johane 1:12). Vanhu vakarurama, avo vakave vana vaMwari, kuburikidza nekutenda, vanogona kuparidzira evhangeri yakaisvonaka munyika muno.
Vanhu vakarurama vane goneso yekukunda Satani kuburikidza neevhangeri yekuregererwa kwezvivi. Uyevo, vane simba rekuporesa kurwara kwepamweya (Marko 16:18), simba rekutsokoda masimba aSatani (Ruka 10:19), uyevo simba rekuenda kuHumambo hweKudenga (Zvakazarurwa 22:14). Vanhu vakarurama vanorarama nesimba rakafanana neremadzimambo, kuburikidza nekudavira kumashoko aMwari echipikirwa (2 VaKorinte 6:17-18).
Mweya Mutsvene unoita kuti vanhu vakarurama vave nekurasira ruchiva rwavo rwose rwenyika. Anovavo nekutitungamira kuti tiparidzire evhangeri yechokwadi (VaGaratiya 5:6).
Mweya Mutsvene anoita kuti vakarurama vave nekufunda uyevo kudavira kuevhangeri yakaisvonaka, uyevo vave nekuidzidzisa kune vamwe (1 Timotio 4:13).
Mweya Mutsvene anounganidza vatsvene pakereke yaMwari zuva rimwe nerimwe (VaHeberu 10:25).
Mweya Mutsvene anoita kuti vakarurama vave nekupupura zvivi zvavo (1 Johane 1:9) kuitira kuti moyo yavo ive nekucheneswa nechiedza chezvokwadi (VaEfeso 5:13).
Mweya Mutsvene anotungamirira vakarurama kumakwara akarurama, muhupenyu hwavo (Mapisarema 23).
Mweya Mutsvene anoraira vakarurama kuti vasadzimura zvipo zvake (1 VaTesaronike 5:19).
Mweya Mutsvene anoita mabasa makuru kuburikidza neevhangeri inoshamisa (Marko 16:17-18).
Mweya Mutsvene anotungamirira avo vakarurama kuti vararame sevadzidzi vaShe, kuburikidza nekuvaisa kukereke yaMwari. Anotungamira vakarurama kuti vararame hupenyu hwepamweya hwekuparidzira evhangeri yakaisvonaka, uyevo kuti vazadzwe neMweya Mutsvene. Iri ndiro basa reMweya Mutsvene kuburikidza neevhangeri inoshamisa (1 Pita 2:9).
Ari kubata mukati memoyo yevatsvene panguva dzino. Haleluya!