(Mabasa 2:38)
“Petro akati kwavari: ‘Tendevukai, mumwe nemumwe wenyu abhapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.’”
Ko ndekupi kutendeuka kwezvokwadi kunodiwa kuti ugamuchire Mweya Mutsvene?
Ndekwekudzokera kuevhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya uye kudavira kubhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa.
Bhaibheri rinotaura muna Mabasa 2 kuti mharidzo yaPita yakabata vanhu zvakadzama uye ikaita kuti vatendeuke pazvivi zvavo. Vakabaiwa kusvika pamoyo vakabva vati kuna Pita uyevo nekune vamwe vapostori vese, “Ko zvino toita seiko?” Pita ndokubva apindura achiti, “Tendevukai, mumwe nemumwe wenyu abhapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene” (Mabasa 2:38)
Mharidzo yaPita yakatiratidza zvakajeka kuti kutenda kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya kwakafanira pakuti tive nokugamuchira Mweya Mutsvene, uye kunotiratidza kuti kutendeuka kwezvokwadi ndekupi. Tinofanira kuziva kuti tinogamuchira Mweya Mutsvene pamwe nekuregererwa kwezvivi kuburikidza nekucherechedza magwaro zvakadzama uye nekudavira kuevhangeri yemvura neMweya.
Chinhu chekutanga chatinofanira kuve nacho kuti tigamuchire kugara kweMweya Mutsvene kudavira mukutendeuka kwemuBhaibheri. Neimwe nzira, tinofanira kungwarira kududza kutendeuka uku sekuzvidemba. Pano, kutendeuka zvinoreva kutenda kuna Jesu Kristu. Tinozviona muBhaibheri kuti vanhu vakatozvidemba nechekare pakurovera Ishe. Vakazvidemba vachibvunza Pita zvavaifanira kuti vaite, uye vakabvuma zvivi zvavo kunyange apo Pita akange asati avaudza kuti vatendeuke. Tinoona pane izvi kuti kutendeuka kwairehwa naPita kwaisave kwekuzvidemba pazvivi, kana kuzvibvuma, asi kwekutora Jesu Kristu mumoyo mako seMuponesi wako uye kuve nekutenda kuevhangeri yakaisvonaka yaakatipa. Iyi ndiyo nzira chaiyo yekutendeuka.
Rudo rwaJesu Kristu rwakauya kwatiri pasati pambove nekuzvidemba kwemunhu pachake pazvivi zviri mumoyo yedu. Izvi zvinoreva kuti Jesu akatora zvivi zvedu apo akabhapatidzwa muRwizi Jorodani, akafa paMuchinjikwa, uye akazomuka zvakare kubva kuvakafa. Nenzira iyi, akatichenesa kuzvivi pamwe nekudarika kwedu kwese.
Kutendeuka kwezvokwadi zvinoreva kudavira kuzvokwadi iyi. Unofunga kuti zvivi zvedu zvingaenda zvachose here, kana badzi tikangozvidemba pazvivi zvedu tobva takumbira kuregererwa? Uku handi kutendeuka kwezvokwadi. Kutendeuka kwezvokwadi zvinoreva kugamuchira kuregererwa kwezvivi zvedu kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka yekubhapatidzwa kwaJesu uye ropa rake. Bhaibheri rinotaura kuti tinofanira kuregererwa pazvivi zvedu kuburikidza nekutendeuka. Saizvozvovo, tinofanira kudavira kuevhangeri yekubhapatidzwa kwaJesu pamwe neropa rake kuti tigamuchire kuregererwa kwakazara kwezvivi zvedu.
Pita aiita bhapatidzo “muzita raJesu Kristu” kune avo vaitenda kuna Jesu. Jesu akabhapatidzwa kuti ave nekutora zvivi zvevanhu vese. Bhapatidzo yake uye kufa kwake paMuchinjikwa kwakave kuzadzikiswa kweevhangeri yakaisvonaka iyo inoita kuti vanotenda vagamuchire kugara kweMweya Mutsvene (Mateo 3:15-17) Vanhu vanoitwa vatsvene nekutenda kubhapatidzo yaJesu uye kuropa rake paMuchinjikwa. Muchidimbu, avo vakagamuchira kuregererwa kwezvivi kuburikidza nekudavira kuevhangeri vakagamuchira Mweya Mutsvene.
Ko munamato ungaunza kugara kweMweya Mutsvene here?
Vanhu havangagamuchiri kuregererwa kwezvivi uye kugara kweMweya Mutsvene nyangwe vakanamata zvakaoma sei kuti vakugamuchire. Kuti uwane kugara kweMweya Mutsvene, zvakafanira kuve nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka yakazadzikiswa nebhapatidzo yaJesu Kristu pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Mweya Mutsvene waMwari unopiwa badzi kune avo vakashambwidzwa zvivi zvavo.
Kutenda kuevhangeri zvinoreva kubvuma Jesu Kristu seMuponesi wezvokwadi. Mabasa 2:38 inoti, “Tendeukai, mumwe nemumwe wenyu abhapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya mutsvene.” MuApostori Pita akataura kuti kugara kweMweya Mutsvene kunopiwa kune avo varegererwa pazvivi zvavo kuburikidza nekutenda kukutendeuka kwechokwadi. Kuregererwa kwezvivi uye kugamuchirwa kweMweya Mutsvene zvinhu zvakarukana.
Bhaibheri rinoti, “Tendeukai, mumwe nemumwe wenyu abhapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya mutsvene. Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naShe, Mwari vadu” (Mabasa 2:38-39).
Munhu anogamuchira Mweya Mutsvene badzi kana moyo wake wakatsveneswa uye usina chitadzo. Nokudaro, tinofanira kudavira kuevhangeri yatakapiwa naJesu Kristu. Tinofanira kuva vatsvene mushure mekuwana kuregererwa pazvivi zvedu kuburikidza nekudavira kuevhangeri inoshamisa iyo inoti zvivi zvese zvenyika zvakashambidzwa apo Jesu Kristu akave nekubhapatidzwa. Kuda kwaMwari kwekuti Mweya Mutsvene ugare muvanhu. “Nokuti kuda kwaMwari ndihwo hutsvene hwenyu” (1 Vatesaronike 4:3).
Kuregererwa kwezvokwadi kunopiwa zvisiri nekuda kwekushereketa kwevanhu, kuzvipira kwavo, kana kunaka kwavo kwechibarirwo; asi badzi nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka yeizvo zvakazadzikiswa naMwari, neHutsvene hweVatatu-mumwe, kuburikidza naJohane Mubhapatidzi. Mwari, neHutsvene hweVatatu-mumwe, vanopa kugara kweMweya Mutsvene kune avo varegererwa kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka.
Boka revanhu rakabaiwa kusvika pamoyo apo vakanzwa zvakataurwa naPita paZuva rePentekosta. Vakachema vachiti, “Varume hama, ko tichaiteiko” (Mabasa 2:37) Izvi zvinoratidza kuti vakange vashanduka ndangariro dzavo uye zvino vave kudavira kuna Jesu seMuponesi wavo. Vakavevo nekuponeswa kubva kuzvivi zvavo kuburikidza nekudavira kukutendeuka kwezvokwadi kwakaparidzwa naPita. Kuregererwa kwezvivi kwakapiwa kuvanhu vese zvichienderana nekutenda kwavo kuEvhangeri yakaisvonaka yebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa.
Chinangwa chebhapatidzo yaJesu chaiva chekumutendera kuti atakure zvivi zvenyika. Kudavira kune izvi ndicho chirango chakakosha pakugamuchira Mweya Mutsvene. Mwari vanopa kugara kweMweya Mutsvene kune avo vanodavira kuevhangeri yezvokwadi iyo inozembera pabhapatidzo yaJesu. “Jesu wakati wabhapatidzwa, pakarepo akabuda mumvura; zvino, tarira denga rakamuzarurirwa, akavona Mweya waMwari achiburuka senjiva, akavuya pamusoro pake” (Mateo 3:16). Kuuya kweMweya Mutsvene paZuva rePentekosta kune kudyidzana kwakakosha nekutenda kwevapostora muevhangeri yakaisvonaka: Bhapatidzo yaJesu, kufa kwake paMuchinjikwa uye kunuka.
Mabasa inotaura kuti vanhu vakabhapatidzwa muzita raJesu vakave nekugamuchira Mweya Mutsvene. Tinofanira kudavira kuti kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene chipo chakakosha kubva kuna Mwari. Kuti tigamuchire chipo cheMweya Mutsvene, zvivi zvedu zvese zvinofanira kushambidzwa kuburikidza nekutenda kubhapatidzo yaJesu uye kufa kwake paMuchinjikwa.
Sezvinorehwa muna Mabasa, vose avo vakanzwa mharidzo yaPita, apo akataura kuti, “Muzviponese parudzi urwu rwakakombama” (Mabasa 2:40), vakaterera rayiro yake vakave nekubhapatidzwa. Chatinodzidza kubva muBhaibheri ndechekuti, vapostori, mumazuva echechi yekuvambira, vakagamuchira Mweya Mutsvene nokuda kwekutenda kwavo kubhapatidzo yaJesu Kristu pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Ichi ndicho chirango chakanyanyokosha pakugamuchira Mweya Mutsvene. Kudavira kubhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa zvinhu zvakafanira kana munhu achitsvaga kuregererwa kwezvivi.
Kudavira kunotitungamira kuti tigamuchire Mweya Mutsvene kuburikidza nekutendeuka kwechokwadi
Ngatitarise pana Mabasa 3:19. “Naizvozvo tendeukai, mudzoke kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzekusimbiswa dzinobva kunaShe dzisvike” (Mateo 3:19) Ko tingatsanangura sei kutendeuka? Ngatimbofunga zvakare nezvazvo.
MuBhaibheri, kutendeuka zvinoreva kudzokera kudaviro yekusunungurwa. Mumazuva iwawo, vanhu vayiita sezvavanoda uye vachinamata zvinhu zvakasikwa naMwari. Asi mushure mekuziva kuti Jesu Kristu akavaponesa kubva kuzvivi zvavo, nemvura pamwe neropa rake, vakave nekushandurwa. Uku ndiko kutendeuka kwemuBhaibheri. Kutendeuka kwezvokwadi ndekwekudzokera kuevhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya.
Ko kutendeuka kwezvokwadi kunodiwa kuti munhu agamuchire Mweya Mutsvene ndekupi? Ndekwekudavira kubhapatidzo yaJesu uye kuropa rake paMuchinjikwa. “Nguva dzekusimbiswa dzinobva kunaShe dzisvike” Kana vanhu vaine kudavira uku, vanoregererwa pazvivi zvavo vagova nekugamuchira Mweya Mutsvene. Nekuda kwekuti Jesu akapa hutsvene kune vatadzi vose vari munyika, kuburikidza nebhapatidzo yake pamwe neropa rake paMuchinjikwa, tinofanira kudavira kuEvhangeri yakaisvonaka iyi, tigowana rusununguko uyevo tigogamuchira Mweya Mutsvene.
Kuti ave nekudavira kuna Jesu uye agamuchire kugara kweMweya mutsvene, chitadzo chemunhu chinofanira kuiswa kuna Jesu kuburikidza nekutenda kubhapatidzo yake uye kufa kwake paMuchinjikwa. Tinofanira kudavira kuti Jesu akatora zvivi zvedu zvese akafa paMuchinjikwa kuti ave nekutongwa pamusaka pezvivi zvedu. Uku ndiko kutenda kwezvokwadi uye kutendeuka kwezvokwadi, kunotitendera kuti tiwane kugarwa kweMweya Mutsvene.
Mweya Mutsvene unouya pamusoro peavo vane kuregererwa kwezvivi zvavo zvese. Ko sei Mwari vachipa Mweya Mutsvene sechipo kune avo vane kusunungurwa? Chikonzero nekuti Mweya Mutsvene, sezvo uri mutsvene, unoda kugara mukati mavo uye kuvasimbisa sevana wawo.
Mweya Mutsvene ndiMwari. Baba, Mwanakomana uye Mweya Mutsvene vanova Mwari umwechete. Vanova Vanhu vatatu, asi vanovazve Mwari umwechete kune avo vanodavira kuna Jesu. Baba vakauya nezano rekutiponesa kubva kuzvivi zvedu, ndokusaka Jesu Mwanakomana akauya munyika muno, akabhapatidzwa naJohane kuti atore zvivi zvenyika, akafa paMuchinjikwa, akamuka zvekare kubva kuvakafa nezuva retatu, ndokubva atorerwa kuenda kudenga. Mweya Mutsvene unotitungamira kuti tidavire kuevhangeri yakaisvonaka kuburikidza nekupupura kubhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa.
Mwari vanoisa zvisimbiso kune avo vakaponeswa kuburikidza neMweya Mutsvene. Ishe vanopa Mweya Mutsvene kune avo vanodavira kuevhangeri yekuti Jesu akatora zvivi zvenyika. Mwari anovapa Mweya Mutsvene serubato rwekuvaisa zvisimbiso zvekuve vana vake. Mweya Mutsvene ndiwo humbowo hweruponeso hwekupedzisira kubva kuzvivi kune avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka.
Avo vane Mweya Mutsvene ndivo vana vaMwari. Avo vane kugarwa kweMweya Mutsvene vanonzwa kufefeterwa nguva dzose. Vane kudavira kwakasimba kumashoko aMwari, kubhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Vane mufaro wezvokwadi. Avo vanotendeuka nenzira kwayo havana zvivi mumoyo yavo uyevo vane kugara kweMweya Mutsvene.
Bhaibheri rinotaura kuti pane kutendeuka kunounza kuregererwa kwezvivi. Wakapinda mukutendeuka kwakadaro here? Kana ukatendeuka ukave nekutora kudavira kwechokwadi, kana newevo unokwanisa kugamuchira evhangeri yakaisvonaka. Ndinokupa yambiro yekuti utendeuke pazvivi zvako ugove nekugamuchira Mweya Mutsvene. Wakagadzirira here kuti utendeuke uchiva nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka iyo inosvitsa kuhugaro hweMweya Mutsvene?