(Johane 8:31-36)
“Zvino Jesu wakati kuvaJuda avo vakanga vamutenda: ‘Kana imi muchigara mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.’ Vakamupindura vakati: ‘Tiri vorudzi rwaAbrahama isu, hatina kutongova varanda vomunhu; zvino iwe ungareva seiko kuti muchasunungurwa?’ Jesu akapindura, akati: ‘Zvirokwazvo zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mumwe nemumwe unoita zvivi, ndiye muranda wezvivi. Muranda haagari mumba nokusingaperi; mwanakomana ndiye unogara nokusingaperi. Naizvozvo kana mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo.’”
Ko tinofanira kuita sei kuti tigamuchire kugarwa kweMweya Mutsvene?
Tinofanira kudavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura noMweya, tigova nekurarama nekutenda.
Unoziva kuti zvokwadi ndeipi here? Jesu vakati, “Ndini zvokwadi” (Johane 14:6) Saka kuziva Jesu ndiko kuziva zvokwadi. Ko Mweya Mutsvene uyo anogara mauri anowonga kudaviro yako kuevhangeri yakaisvonaka here? Unofanira kuziva kuti bhapatidzo yaJesu uye neropa rake paMuchinjikwa ndizvo zvinomirira evhangeri yakaisvonaka, ugova nekudavira kwairi.
Vanhu vanhasi vanoshandisa zvizhinji musara wekuti ‘kuzvarwa patsva.’ “Vanhu vanofanira kuzvarwa patsva. Matongerwo enyika anofanira kuzvarwa patsva. Chitendero chinofanira kuzvarwa patsva.” Vanoshandisa mashoko aya seakafanana nokuti ‘vandudzo.’ Neimwe nzira, kuzvarwa patsva hazvireve kuvandudzwa kwemuzvarirwo wenyama. Kuzvarwa patsva zvinoreva kugamuchira kugarwa kweMweya Mutsvene kuburikidza nekuterera uye kudavira kuevhangeri yemvura neMweya.
Ndeapi mashoko ezvokwadi anoita kuti tizvarwe patsva?
Ko sei munhu achifanira kuzvarwa patsva? Munhu haana kukwanisika saka anofanira kugamuchira kugarwa kweMweya Mutsvene kuitira kuti ave nekuzvarwa patsva semwana waMwari. Tinoona vanhu vakawanda avo vanodavira kuna Jesu asi vasina kugarwa kweMweya Mutsvene. Nikodimasi waiva mutongi wemaJuda. Nikodimasi, uyo watinoona muna Johane 3, waiva mutungamiri wechiJuda uyo akazama kuchengetedza mirairo yakapiwa naMwari. Neimwe nzira, aibata semutungamiri wechitendero chevanhu, asingazive nezvekugara kweMweya Mutsvene.
Kuti tive nekugamuchira kugarwa kweMweya Mutsvene, tinofanira kudavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya tigova nekurarama nekutenda. Munhu anogamuchira kugara kweMweya Mutsvene kana badzi akatanga kudavira kumashoko ezvokwadi ari muevhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya. Jesu akati, “Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika, mukasatenda, mungagotenda seiko, kana ndichikuudzai zvinhu zvokudenga?” (Johane 3:12).
Evhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya ndeinotevera. Ishe vedu vakazvarwa munyika muno, vakabhapatidzwa vava nemakore nakumi matatu, vakafira paMuchinjikwa mushure memakore matatu, vakamutswa naizvozvo vakatigamuchira kubva kuzvivi zvedu zvese. Akave Muponesi weavo vanodavira kuti Jesu wakabhapatidzwa naJohane akave nekumuka zvakare kuvakafa. Akapa kuregererwa kwezvivi uye kugara kweMweya Mutsvene kune avo vakadavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi.
Avo vachiri nezvivi mumoyo yavo vanofanira kuregererwa pazvivi zvavo kuburikidza nekudavira kubhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake. Munhu haangazvibatsiri mukutadza pamberi paMwari saka anofanira kuponeswa kuburikidza nekugamuchira Jesu seMuponesi wake. Jesu akashamba zvivi zvese zvenyika neevhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya. Vatadzi vese vanoponeswa kuburikidza nekunzwa uye kudavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya. Avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka uyi vanoropafadzwa nekugarwa kweMweya Mutsvene.
“Mosesi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana wemunhu unofanira kusimudzwavo” (Johane 3:14) MuTestamente Yakare, nyangwe zvazvo vanhu veIsraeri vakatadza, vakarumwa nenyoka dzaityisa murenje, vakaramba vachifa zvine huchoni, vazhinji vakakwanisa kurarama kuburikidza nekutarisa nyoka yendarira iyo yakamiswa semureza.
Saizvozvovo, tine kugarwa kweMweya Mutsvene. Jesu wakapa kugara kweMweya Mutsvene kune avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka. Satani anotidzivirira kuti tizive evhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya, uye anozama kutidzivirira kuti tigamuchire Mweya wezvokwadi. Neimwe nzira, Mwari vakatiropafadza nekuregererwa kwezvivi uye kugarwa kweMweya Mutsvene kuburikidza nekutenda kwedu kuevhangeri yebhapatidzo yaJesu uye ropa rake.
Unokwanisavo kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kana uchidavitra kuevhangeri yakaisvonaka iyi. Unotora here evhangeri yakaisvonaka iyi seyezvokwadi pamberi paMwari here? Unodavira here kuti unokwanisa kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza nekutenda kwairi, evhangeri yechokwadi?
Mwari vakatiudza kuti tizive zvokwadi iyo inotiponesa kubva kuzvivi zvedu zvese. “Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai” (Johane 8:32) Unoziva zvokwadi yeevhangeri yakaisvonaka iyo inotiponesa uye kutiropafadza nekugara kweMweya Mutsvene here? Kana uchigamuchira evhangeri iyi, uchave nekugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, zvamazvirokwazvo.