• All e-books and audiobooks on The New Life Mission website are free
  • Explore multilingual sermons in global languages
  • Two new revised editions in English have been released
  • Check out our website translated into 27 languages
Search

Sermons

Musoro 8 : Mweya Mutsvene

[8-16] Mishoni Yeavo Vose Vakave Nekugamuchira Mweya Mutsvene (Isaya 61:1-11)

(Isaya 61:1-11)
“Mweya waShe Jehova uri pamusoro pangu; nokuti Jehova wakandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; wakandituma kuti ndirape vane moyo yakaputsika, kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokuna vakasungwa kuti vachazarurirwa; kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehova, nezuva rekutsiva raMwari wedu; kuti ndinyaradze vose vanochema; kuti ndigadzirire vanochema paZioni vapiwe korona panzvimbo yamadota, mafuta omufaro panzvimbo yokuchema, nenguvo yekurumbidza panzvimbo yomweya waziya; kuti vanzi miti yokururama, chakasimwa naJehova, kuti iye akudzwe. Ipapo vachavaka matongo akare, vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa dzokutanga, vachagadzira maguta akanga aitwa matongo, zvakaparadzwa zvamarudzi namarudzi. Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai, navaeni vachava varimi venyu navagadziri vemizambiringa yenyu. Asi imi muchanzi vaprista vaJehova, vanhu vachakutumidzai vashumiri vaMwari wedu; muchadya pfuma yamarudzi avanhu, muchazvirumbidza nokukudzwa kwawo. Panzvimbo yokunyadziswa kwenyu, muchapiwa migove miviri; panzvimbo yokushoorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo vachava nemigove miviri, vachava nomufaro usingaperi. Nokuti ini Jehova ndinoda zvakarurama, ndinovenga kupamba pamwechete nezvakaipa; ndichavaripira zvirokwazvo, vuye ndichaita sungano isingaperi navo. Vana vavo vachazikanwa pakati pemarudzi, nezvibereko zvavo pakati pavanhu, vose vanovaona vachavaziva, kuti ndirwo rudzi rwakaropafadzwa naJehova. Ndichafarira Jehova kwazvo, mweya wangu uchava nemufaro munaMwari wangu; nokuti wakandifukidza nguwo dzoruponeso, wakandipfekedza chokufuka chokururama, sechikomba chinoshonga korona, vuye somwenga unozvishongedza novukomba bwake. Nokuti nyika sezvainobudisa miti yayo, nemunda sezvaunomeresa zvakadyarwamo, saizvozvo Ishe Jehova uchameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.”
 
 
Ko mishoni yeavo vagamuchira Mweya Mutsvene ndeipi?
Ndeyekuparidzira evhangeri yemvura ne Mweya kuvanhu vese vemunyika
 
Ko munhu akagamuchira Mweya Mutsvene anofanira kuita sei? Anofanira kuparidzira evhangeri yemvura neMweya kuvanhu vese. Mwari vakavimbira evhangeri yakaisvonaka yekuzvarwa patsva nemvura neMweya kune avo vakagamuchira kugarwa kweMweya Mutsvene. Avo vakaregererwa zvivi zvavo pamberi paMwari vakagamuchira Mweya Mutsvene. Saka unofunga kuti sei Mwari vakapa chipo cheMweya Mutsvene kwavari?
Kuti avape chivimbiso chekupedzisira chekuti akave nekuvaita vake, anovapa Mweya Mutsvene. Anodokwairiravo kuvabetsera kuti vakunde Satani. Vanoita kuti avo vakave nekuregererwa zvivi zvavo uye vakave nekugamuchira kugarwa kweMweya Mutsvene vave nekuita zvinotevera:
 
 
Vanovaita kuti vaparidzire mashoko akanaka kuvarombo
 
Ko mashoko akanaka kuvarombo ndaapi? Ndee evhangeri yemvura neMweya. Mwari vakaraira avo vakagamuchira kugarwa kweMweya Mutsvene kuti vaparidzire evhangeri yakaisvonaka kuvarombo. Avo vakagamuchira Mweya Mutsvene havazombogutswi nezvinhu zvapanyika, sezvo vaine tariro yeDenga.
Mwari vakapa evhangeri yemvura neMweya kuvarombo uye vakavaregerera kubva kuzvivi zvavo. Vakazobva vapa kugara kweMweya Mutsvene kwavari uye vakavatendera munyika isingaperi. Mwari vakaraira avo vakarurama kuti vaparidzire evhangeri yemvura neMweya kuvarombo. Vakavagombedzeravo kuti vaparadzire daviro yemuna Mwari naJesu. Chikonzero icho Mwari vakatipa Mweya Mutsvene chaiva chekuti tiparidzire zvine hudzamu mashoko akaisvonaka kuvarombo vemunyika.
 
 
Vanotituma kuti tirape avo vane moyo yakaputsika
 
Ko Ishe vedu vanorapa moyo yedu sei? Vanorapa avo vakaputsika moyo neevhangeri yemvura neMweya. Pane vanhu vazhinji kwazvo vane moyo yakaputsika. Kwavari, hupenyu hawuna maturo, uye kururama kwavo pachavo kwakaputsika. Vanorarama hupenyu hwokuzvideredza uye hunorwdza nekuda kwezvivi zvavo. Nokudaro, nguva zvinji vanotambudzwa nekuda kwerupokano rwavo pamusoro peupenyu. Vanhu vese vanoshuwira kurarama munyasha uye vanodavo kufadzwa nebudiriro panyama nepamweya yavo, asi izvi hazvingoitike nyore nenzira imwechete sekuti kana vanhu vakave nekubirwa zvinhu zvavo zvese nembavha.
Saizvozvovo, avo vane zvivi mumoyo yavo vanoramba vachingorandwa kururama kwavo kwese, uye kumagumo, vanoenda kugehena nokuda kwezvivi zvavo. Nokunzwira tsitsi avo vakaputsika moyo, ndokusaka Mwari vakatiraira kuti tiparidzire evhangeri yakaisvonaka kwavari. Ko Mwari vakavarapa nemashoko apiko? Vakaita saizvozvo neevhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya. Vakarapa avo vakaputsika moyo uye vakavapa hupenyu husingaperi.
 
 
Vanoparidzira kusunungurwa kuvatapwa vezvivi
 
Vanopa rusununguko kuvatapwa. Ko izvi zvinomborevei? Zvinoreva kuti Mwari vakadzikinura moyo yevanhu kubva kuzvivi zvese zvepanyika. Vakapa mishoni iyi kune avo badzi vakagamuchira Mweya Mutsvene, uye vanovavo nekusunungura vamwe kubva kuzvivi zvavo.
Munhu ane muviri nemoyo. Uye muviri wake pamwe nemoyo zvinorarama, zvakabatwa nekutukwa kwezvivi uye nekwemurairo. Hapana chaangakwanisa kuita asi kutorarama semutapwa wechivi, zvisinei nekuti anodavira kuna Mwari here kana kuti kwete. Sezvaakazvarwa aine zvivi, haangatokwanisi asi kuti atotadza chete. Naizvozvo, akatondweswa kuti ararame semutapwa wezvivi muhupenyu hwake hwese. Anorarama nenzira iyi uye akatondweswa kuparadzwa kumugumo.
Ichi ndicho chikonzero achiva nokurarama hupenyu husingadziviririke apo achizviisa pakuzvinzwira tsitsi maererano neundonda hwake uho hwakamupinza muchimiro ichi. Mwari vakatumira Mweya Mutsvene kune avo vasingatokwanise asi kuti vatotadza uye vakatondweswa kufa, kuti vave nekuparidzira evhangeri yakaisvonaka kuvasungwa vezvivi, uye kuti vape vatapwa ava rusununguko kubva kuzvivi zvavo.
 
 
Vanonyaradza vose vanochema
 
Mwari vakapa chii kune avo vanochema? Nokuvapa evhangeri yekuregererwa, Mwari vanonyaradza vanhu vese vepanyika vanochema. Vakatuma Jesu Kristu munyika muno kuti azoregerera vanhu pazvivi zvavo. Uyevo kuti zvivi zvese zvenyika zviiswe paari, vakaita kuti ave nekubhapatidzwa naJahane akazove nekufa paMuchinjikwa. Aya ndiwo manatsirwo atakaitwa pazvivi zvedu. Naizvozvo Mwari vakatiponesa kubva kuzvivi zvese zvenyika.
Ishe vedu vanonyaradza avo vese vanochema kuburikidza nekuvazivisa nezveevhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya. Mukuita saizvozvo, vanoropafadza avo vanotambudzika kubva mukutenda kusina kukwana. Vanotungamira avo badzi vane Mweya Mutsvene kuti vaparidzire evhangeri yakaisvonaka iyi, kuti varape avo vakaputsika moyo uye kuti vasunungure vakasungwa kubva kuzvivi.
Chinangwa chehuvepo hwedu pano panyika ndechekuti tiregererwe naIshe vedu uye kuti tizoparidzira evhangeri yakaisvonaka kune avo vakabatwa nezvivi, uye vanoda kunyaradzwa kuti vave nekusunungurwa kubva kuzvivi. Mwari vanotiudza kuti nyangwe zvazvo hupenyu hwedu huri hupfupi, hausi hwemahara zvachose. Humbowo hwezvokwadi iyi ndehwokuti Mwari vakagadzirira kuregererwa kwezvivi uye maropafadzo marere kuvanhu.
Ishe vedu vakapfekedzvavo avo vanochema nekorona yekubwinya. Izvi zvinoreva kuti vatadzi vakaregererwa pazvivi zvavo, tinotenda kubhapatidzo yaJesu uye naizvozvo tinova nekupinda muHumambo hweDenga. Kana munhu akaregererwa kuzvivi zvake, anofefeterwa mundangariro yake, uye anobva akoshesa marere eropafadzo iyi. Ishe vedu vanomupfekedza korona yekubwinya. Vanopa vatadzi evhangeri yemvura neMweya uye vakaita vose vanotenda kuti vave vana vavo. Avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi vanoitwa kuti vanzwe rufaro pachinzvimbo chekusuruvara.
Sevanhu vese zvavanozvarwa uye vachifa nekuchema, rufaro nderwenguva shoma, uye ndangariro dzavo dzakanyanyozara nekusuwa. Neimwe nzira, Mwari vakasangana navo vakavaita kuti vave nekuzvarwa patsva netariro uye nemufaro. Saizvozvovo, avo vakazvarwa patsva nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka vanorarama hupenyu hutsva uye vane basa idzva. Pamusoro pazvo, vanokwanisa kuita zvinodikanwa naMwari, izvo zvinove kuparidzira evhangeri yemvura neMweya kuvatadzi vese vepanyika, kudzinga kusuruwara kwese pamoyo yavo nekuvaita kuti vafadzwe nenzira dzose dzekunakidzwa uye dzerufaro.
Avo vanoregererwa pazvivi zvavo naMwari vanomurumbidza. Vakaudza avo vakarurama kuti vaparidze evhangeri yakaisvonaka. Akavaudza kuti vaparidzire zita rake, neevhangeri yaakapa kwatiri, uye kuti Humambo Hwedenga hwaakatigadzirira hunobwinya sei. Tinoona kubwinya kwaMwari mune avo vakave nekuregerewa naye. Avo vaimbochema muupenyu hwavo mushure mekunge vasati vazadzwa neMweya Mutsvene, zvino vave kuzorodzwa nerufaro, avo vaive vakasungwa kuzvivi zvino vave kunzwa rufaro hwerusununguko, uyevo avo vaimborarama hupenyu husina maturo zvino vave kurarama hupenyu hwakaturama. Zvose izvi zvinoratidza kubwinya kwaMwari. Mwari vakadudza vakarurama seavo vachazovakurudza rusvingo rwakare, vagomutsa matongo ose, uyevo kugadzira maguta akaparadzwa.
Zvomene mene, evhangeri yakaisvonaka iyi yemvura neMweya ndiyo evhangeri yakaparidzwa neVaApostori mumazuva echechi yekuvambira. Jesu wakatumwa panyika makore angakwana zvuuru zviviri apfuura. Evhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya yakaparidzwa panyika pano kusvikira AD 300. Evhangeri inoparidzwa nguva ino neavo vakarurama ndiyo evhangeri imweyo yeMweya Mutsvene, iyo yakaparidzwa neVaApostori panguva iyoyo. Neimwe nzira, mumazuva ekuvambira e4th century muhumambo hwemaRoma, apo Rome payakaita chiKristu chitendero chenyika yose uye ikapa vanhu vayo rusununguko rwezvitendero, evhangeri yebhapatidzo yaJesu yakave nekukanganiswa ikabva yave nekumbonyangarika mushure menguva. Pakave mushure meizvi, apo chiKristu sechitendero chakagodza chakazove nekuramba chichingobudirira, zvekuti vanhu chaivo vaiparidzira evhangeri yechokwadi vakazove nekupera.
Ko kutenda kweavo vaidavira uye vachiparidzira kuchiKristu chechokwadi uye kuevhangeri yechokwadi kwakazoshanduka sei? Mushure mekunge chiKristu chaitwa chitendero chenyika chehumambo hweRoma, maKristu akave nekusunungurwa kubva kuzvidziviso zvakasiyana vakave nekutanga kuwana hubatwa hwakafanana nehweVaRoma. VaKristu vakave nekukwanisa kuzoroodzana nemaRoma uyevo vachikwanisa kupinda nekubatira muhurumende yavo. Nekuda kwemukana uyu, kutenda kwavo kwakaderedzwa kubva mukutenda kwekumutswa kuchiita chitendero chiduku. Kubvira ipapo, evhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya yakave nekunyangarika, uye imwe mhando yakashomapara yechiKristu chinobva padzidziso yenyika yakatanga kusekesera.
Mwari vanotiraira isu vaKristu vekupedzisira panguva yekutsviriridza kudzoka kwavo kuti tiparidzire evhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya iyo yakange yakaraswa kumarara kwenguva refu kwazvo, kuti saizvozvo vanhu vaponeswe kubva kuzvivi zvavo. Vachave nekumutsidzira evhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya iyo yakaparidzirwa mumazuva evaApostori. Evhangeri yemumazuva evaApostori yaive evhangeri yakaisvonaka yebhapatidzo yaJesu uyevo ropa rake paMuchinjikwa. Vanotidaidza kuti varume nevakadzi vanogadzira maguta akaparadzwa. Vakatiita kuti tive nekudzidza uye kudavira kuevhangeri yemvura neMweya, vakatiita varimi vemuzambiringa wavo.
Mwari vakatipa mishoni yakafanana neyavakaita kuvaApostori. Vakaita kuti iwe neni tive nekuparidza evhangeri iyi chaiyo yemvura neMweya. “Mweya waShe Jehova uri pamusoro pangu nokuti Jehova vakandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka.” Mwari vakaita kuti avo vakatogamuchira Mweya Mutsvene nechekare vave nekuparidzira evhangeri uye vakatipa Mweya Mutsvene.
Mwari vakatishongedza korona yemaruva, vakabvisa kusuruvara kwese, vakatipfekedza gemenzi rekurumbidza kuburikidza nekutikurudzira nemufaro uri matiri. Avo vane Mweya Mutsvene mumoyo yavo vanodyara mhodzi dzeevhangeri yakaisvonaka iyi kune vamwe kuti vave nekumugamuchiravo. Vanozogamuchiravo evhangeri iyo yakapiwa naIshe wedu, vagova nekuregererwa, uye pamugumo vagogamuchira Mweya Mutsvene.
Tave zvino vashandiri vaMwari. Iwe neni takaropafadzwa nekubwinya kweHumambo hweDenga. Neimwe nzira, Mwari vakaita kuti avo vasina Mweya Mutsvene vapofumadzwe kuti vasaziva, kana kuona, kana kunzwisisa evhangeri yakaisvonaka iyi. Vangakwanisa havo kuita kuti vanhu vadavire kuna Jesu, asi havangambokwanise kuvaita kuti vagamuchire Mweya Mutsvene.
Mwari vakaita zvinhu zvinotevera, kuburikidza neavo vane Mweya Mutsvene. Vakavaita kuti vaparidzire mashoko akaisvonaka kuvarombo uye kuti vaporese avo vakaputsika moyo neevhangeri yemvura neMweya. Vakapavo kune avo vakatapwa muzvivi kusunungurwa kwechokwadi kweruponeso, uye vakanyaradza avo vose vaichema neevhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya. Vakadzikinura avo vakabatwa kuzvivi nekuda kwemanyaro avo, vakapa kwavari rufaro pamwe netariro vakazobva vakwira kuDenga.
Kuchitevera izvi, Mweya Mutsvene uyo anogara matiri akatiita kuti tiparidzire evhangeri yemvura neMweya kuvanhu vese. Jesu Kristu akaudza avo vakaregererwa uye vaine Mweya Mutsvene mukati mavo kuti vaponese vatadzi vese kubva kuzvivi zvavo. Mwari vakasimbisa avo vane kugarwa kweMweya Mutsvene kuti vave nebasa pane izvo zvavakaronga kuzoita. Vakaita kuti vanhu vese vakarurama vave nekuita basa ravo. Tiri vashandiri vavo, avo vakagadzwa sevatariri mumuzambiringa wavo. Tiri varanda vavo. Mwari vakatipa maropafadzo anoshamisa aya.
Tinowona apo patinonetekara kana tikatarisa nyama yedu, asi sezvo Mwari vachibata nesu, tinodavira mavari uye tave varanda vavo nekutenda. Tinodavira kuti Mwari vachaita mabasa mazhinji akakura kuburikidza nesu uye vachaparadzira hukuru hwavo kwatiri.
Mwari vakasarudza kuvakurudza matongo eevhangeri mumaguta akaparadzwa. Vakavimbisa kuti vachamutsa matongo akare, vagogadzira maguta akaparadzwa. Ndinodavira kuti pachava nekumutsidzirwa kweevhangeri zvakare kuburukidza pasi rese!
Zvakadaro, ichi handicho chishuwo changu. Ndinodavira kwazviri nekuti Mwari vakati zvichave saizvozvo. Ishe vedu vakaita kuti avo vane Mweya Mutsvene vaparidzire evhangeri yakaisvonka iyi panyika pese. Vakatuma mwanakomana wavo munyika muno uye vakazadzikisa evhangeri, uyevo ndinodavira kuti vari kuzadzikisa kuda kwavo kuburikidza neavo vedu vane Mweya Mutsvene. Avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi vachaona kubwinya kwaMwari. Haleluya!