(VaRoma 8:16-25)
“Mweya amene unopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari; zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwe chete na Kristu; kana tichitambudzika pamwe chete naye, tigokudzwavo pamwe chete naye. Nokuti ndinoti madambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri. Nokuti zvisikwa zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari. Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo, zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwevo pavuranda bwekuwora, zviiswe pakusunungurwa kwekubwinya kwavana vaMwari. Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwechete kusvikira zvino. Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesuvo, kunyange tiine zvibereko zvekutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa kwemuviri wedu. Nokuti takaponeswa netariro; asi tariro inovonekwa, haizi tariro; nokuti ndiyani unotarira chaanowona? Asi kana tichitarira chatisingawoni, tinochimirira nokutsungirira.”
Ko sei vakarurama vaine tariro kuMweya Mutsvene?
Nekuti isu vaKristu vakazvarwa patsva tichawana denga idzva nenyika itsva nyangwe zvazvo avo vasina kuzvarwa patsva vachizoparara nekudonha kwenyika ino.
Zvino yave nguva isina tariro
Munyika mune tariro yomene here zvino? Kwete, hamuna. Inowanikwa badzi muna Jesu. Zvino yave nguva yekusaziva uye kusave netariro. Zvinhu zvese zvinoshanduka zuva rimwe nerimwe uye nekukurumidza, uyevo vanhu vari kuzama zvakaomarara kuti vaenderane neshanduko dzinokurumidza kudai idzi. Havavi nekutsvaga zvokwadi yepamweya kana kuve nedokwairo ipi zvayo kumufaro wepamweya. Pachinzvimbo chekudaro vanorwisana nekudzivirira kukundikana uye vanorarama sevaranda venyika ino.
Mabasa matsva anova nekumuka uyevo mabasa akare achiva nekufa. Saizvozvovo, vanhu vari kushanduka nekukurumidza. Nokudaro, vanorarama hupenyu hwakabatikana uye hwekupunyaira. Saka mushure menguva refu, tariro yavo kunyika inobva yapera. Chimwe chezvikonzero cheizvi ndechekuti vari kurarama hupenyu pasina chivimbiso chakajeka cheramangwana. Tiri kurarama munyika isina kugadzikana seiyi.
Tinofanira kuve netariro yehupenyu husingaperi muMweya Mutsvene
Ko tingawane sei tariro yomene? Tinoiwana kuburikidza nekudavira kuevhangeri yemvura neMweya. Tariro yeavo vakagamuchira Mweya Mutsvene haisi pano panyika, asi kudenga. MuPostori Pauro akataura pamusoro pezvetariro yechokwadi yeDenga. Isusu tinova takatogamuchira hugaro hweMweya Mutsvene tine tariro yezvinhu zvekudenga. Tinodaro nekuti tinodavira kuti Jesu Kristu vakauya kuzotora zvivi zvedu zvese, vakave nekuponesa isusu vatadzi kuburikidza nekubhapatidzwa kwavo naJohane pamwe neropa ravo paMuchinjikwa. Mwari vakapa tariro yedenga kune avo vanodavira kuevhangeri yekuregererwa kwezvivi.
VaRoma 8:19-21 inoti, “Nokuti zvisikwa zvinotarisira zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari. Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo, zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwevo pavuranda bwokuvora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwevana vaMwari.” Zvisikwa zvese zvine tariro yekugamuchirwa kubva muusungwa hwehuwori uye rufu.
Zvinhu zvese zviri munyika muno hazvina kutandaridzika, saka zvinogomera zvichimirira kuti vanakomana vaMwari varakidzwe. Pamusoro pazvo, vanoshuwiravo kuti vasunungurwe kubva muusungwa hwehuwori vachiva nekurarama nekusingaperi. Zvisikwa zvose zvakamirira zuva iro zvisingazovi nekuwora kana kushakara, asi kutoti zvirarame nekusingaperi.
Nerimwe ramazuva zvisikwa zvese zvakasikwa naMwari zvichava nekuvandudzwa. Nyangwe zvazvo ruva richisvava uye richibva rawora panyika pano, rinozova nekudombera uye richirarama nekusingaperi munyika itsva. Isusu tine hugaro hweMweya Mutsvene tichavavo nekuwona nyika itsva iyi.
Jesu Kristu vakavimbisa kuti vachadzoka zvekare, vagomutsa avo vane kugarwa kweMweya Mutsvene, vagova nekupa miviri mitsva isingawori uye isingafi kune umwe neumwe wavo, vagovapavo hupenyu husingaperi. Akavavimbisavo kuti vachararama nekusingaperi vari Kudenga pamwe naMwari. Zvisikwa zvose zvepanyika zvakamirira zuva iroro. Vachave nekuraramavo nekusingaperi pamwe nesu, vana vaMwari, pachazove nekuuya zuva iroro.
Nyika ino inoonekwa kuburikidza netariro
Ko roto iyoyi ichazove nekuitika rini kune avo vakarurama? Ichazove nekuitika apo panodzoka Ishe wedu. Tinofanira kuve mutariro apo tinotarisa panyika ino. Jesu vakati pachave nenzara, nehosha,nekudengenyeka kwenyika uyevo hondo kunzvimbo dzakasiyana siyana (Mateo 24:7). Asi magumo haazati asvika. Pazuva rekupedzisira repanyika ino, Ishe vedu vachadzoka zvekare, vagovandudza zvinhu zvedu zvese zvepanyika uyevo vagoisira muviri wemweya usingafi kwatiri. Izvi zvinoreva kuti zvirimwa pamwe nemhuka zvichagamuchira kusafa. Kuburikidza nekudavira kune izvi, tinofanira kuona nyika netariro yakavandudzwa.
Munyika muno, kunyangwe avo vane kugarwa kweMweya Mutsvene vanogomera mukati mavo pamwe nezvisikwa zvese, vachidokwaira vakamirira mukurumbiro wekudzikinurwa kwemiviri yedu sevana vavo. Tinotarisa nyika tine tariro nekuti Mwari vachatiita vana vavo, avo vasingazowore kana kufa apo paanodzoka.
Nyangwe zvazvo nyika ichizoparadzwa rimwe ramazuva, zvinhu zvese zvichavandudzwa apo Ishe vachadzoka zvekare. Tinofanira kurarama netariro nekutenda kwazviri. Pasi rakavandudzwa richave nerufaro uyevo richishamisa sezvakaita nyika ipi zvayo inoshamisa iyo yawakamboverenga mungano. Imbofunga kuti uchiva nekurarama munyika yakaita saiyoyo kwemakore ane churu. Tichawanavo hupenyu husingaperi sevana vavo apo patichapinda muHumambo hweDenga. Tinofanira kurarama netariro yakadaro.
Unoona tariro ipi zvayo here munyika muno? Kwete. Vanhu vanorarama nenzira yerufaro, yezikuenda-nemhanza, nekuti havana kana tariro zvayo kunyika ino. Asi Mwari vedu vakapa tariro yeDenga kune avo vakave nekuregererwa vakave nekuitwa vakarurama. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kuve nemoyo mirefu iyo inokwanisa kumirira kudzoka kwaJesu nekuti takaponeswa nedaviro yedu kumashoko aMwari.
Tine kugarwa kweMweya Mutsvene mumoyo yedu chikonzero nekuti takaponeswa kubva kuzvivi zvedu. Ndokuti, avo vakaregererwa naJesu vane Mweya Mutsvene mumoyo yavo pachinzvimbo chechitadzo. Ko zvino miviri yedu kei? Miviri yedu iyo isina simba ichavevo nekumutswa, ichigamuchira upenyu hutsva uye kusafa. Tichave nekugara nekusingaperi pamwe naMwari apo Jesu achadzoka. Avo badzi vakazvarwa patsva ndivo vane mukana wekuita saizvozvo mutariro, uye nekudaro mweya yedu pamwe nenyama zvinova nekukwaniswa. Nyama yedu inorarama nekusingapei uye hatizombove nekurwara. Miviri yedu yepanyika haina simba, nokudaro hazvikwanisike kuti tirarame hupenyu hwakakwanisika. Asi zvino tinorarama hupenyu hwakakwanisika. Ngatitarisei mberi kuKudzoka Kwepiri kwaIshe. Avo badzi vane kugarwa kweMweya Mutsvene ndivo vanokwanisa kuwana tariro uye hupenyu hwakadaro.
Tariro yewakarurama haisi kuDenga badzi asi inove nekuzadzikiswavo munyika muno. Bhaibheri rinotaura kuti Ishe vedu vachadzoka zvekare apo nyika ino ichazodonha mushure meKutambudzika Kukuru. Vachadzoka zvamazvirokwazvo. Pavakauya kekutanga, vakave nekubhapatidzwa pamusaka pevatadzi, vakafa paMuchinjikwa kuti vave nekuvaita vakarurama, mhedzisiro vakazove nekukwira kuDenga. Zvino yave nguva apo Ishe vave kuda kuchiuya zvekare.
Panguva iyoyo vachava nekumutsa vatsvene vese vakarara, avo vakadavira kuna Jesu vakave nekugamuchira kugarwa kweMweya Mutsvene, vachiva nekuvadzikinura kubva muhusungwa hwehuwori. Vachave nekuvapa miviri mitsva yedenga iyo isingambowori kana kurwara. Pamusoro pazvo, vachawanikwa vari mumakore kuti vasangane naye mudenga uye achaita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.
Mushure maizvozvo, isu, pamwe naJesu Ishe wedu, tichararama tichitonga pamwe naye munyika itsva kwemakore ane churu semuripiro wekubatira evhangeri. Uku kudzidzira kweavo vachazoenda kuDenga. Iyi ndiyo tariro yeDenga uye yezvomene. Panguva iyoyo, zvinhu zvese zvisina kukwanisika zvichave nekukwanisika, uye zvinhu zvinowora hazvizowori zvekare. Mashoko ekuti, “Muviri unodzvarwa pakuwora, unomutswa pakusawora” (1 Vakorinte 15:42), anova nekuzadzikiswa panguva iyoyo kuburikidza muna Jesu Kristu.
Isusu tine kugarwa kweMweya Mutsvene ngativei netariro! Unofanira kurangarira kuti nyangwe zvazvo zvinhu zvese zvichinetekana zvichibva zvafa, uyu handiwo mugumo. Tinofanira kuve nekudavira kwetariro kwekuti Ishe vedu vachaita nyika ino itsva zvakare. Tinofanira kurarama mutariro yedenga idzva nenyika itsva. Mukuva kwedu netariro iyi, tinokwanisa kuparidza evhangeri.
Tinowana kugarwa kweMweya Mutsvene nekuti takaponeswa kubva kuzvivi zvenyika. Saizvozvovo, Mweya Mutsvene ari matiri wakataririra mukudzoka kwaIshe. Anotireverera kuna Mwari Baba achitimiririra kuti tirarame netariro pamwe nekutenda tisina chigumbu mumoyo yedu.
Tinofanira kurarama mutariro iri muMweya Mutsvene
Ko nzvimbo yeavo vakarurama iri kupi? Kuchave [5]Churu chemakore apo Ishe vachazovakurudza kuburikidza nekuvandudza nyika ino pavachadzoka zvakare uyevo Humambo hweDenga. Nokudaro, tinofanira kuve nemoyo mirefu inokwanisa kumirira kuti Zuva iroro risvike. Tinofanira kudavira kuti Ishe vedu vachakwanisa miviri yedu apo pachazodonha nyika ino. Tinofanira kuve netariro yeramangwana rakarumbira.
|
[5] Apo Ishe Jesu vachadzoka pano panyika kechipiri sezvinodudza vimbiso yavo, vachadzika kubva kuDenga, vagotanga nekumutsa avo vakafa muna Kristu. Kuchitevera izvi, vanozoshandura vatsvene vose, vapenyu pamwe nevanenge vamutswa, kuitwa miviri inorarama nekusingaperi, isingawori uye isingazofi, vachasangana nevatsvene vese mumakore kuti vasangane naShe mudenga
(1 VaTesaronike 4:16-17, 1 Vakorinte 15:51-53).
Zvadaro vachaita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva mushure mekunge vadururira ndiro nomwe dzekutsamwa kwavo kuvatadzi vanenge vasara. Vachadzika Humambo hwavo panyika yakavandudzwa, uye vachatonga kwemakore ane churu pamwe neavo vane basa mukumutswa kwekutanga (Zvakazarurwa 20:4-5). Mushure meChuru chemakore, vachatonga vakafa vese, vagovakandira munyanza yemoto (Zvakazarurwa 20:11-15). Zvadaro vachatungamirira vanhu vavo vese kuGuta redenga, Jerusarema idzva, uye vachagara navo nokusingaperi (Zvakazarurwa 21:1-4).
|
Aine kugarwa kweMweya Mutsvene, Pauro akave netariro imweyo neyatiinayo. Tinorarama netariro imwechete mundanagriro dzedu, takamirira Churu chemakore uye Humambo hweDenga. Avo vasina kuzvarwa patsva vachaparara pamwe nekudonha kwenyika ino, asi isu maKristu akazvarwa patsva tichagara mudenga idzva nenyika itsva. Iyi tariro ichazozadzikiswa zvomene. Miviri yedu ichakwaniswa uye tichararama uye nekutonga pamwe naJesu kwemakore ane churu munyika itsva. Tichitaririra kuzuva iroro, tinowana tariro uye tinorarama tisina kutya munyika.
Ngativei nemoyo mirefu, tigova nekumirira. Nyangwe zvazvo hupenyu hwedu huchinyadza, tariro yedu ichave nekuzadzikiswa nekuti tinodavira kuna Mwari. Avo vasina tariro havasi chinhu asi vakatokundwa nevakafa nechekare. Ndapota ivai nekutenda uye chengetedzai ndangariro dzenyu kuburikidza nekutenda kumashoko aMwari.
Sezvomene yakaitika pakuregererwa kwedu, shanduko dzemiviri yedu dzichave dzomene uye izvomene yekuti zvisikwa zvose zviwane hupenyu husingaperi. Tariro yedu ndeyezvomenevo. Iva netariro kune izvo zvaunodavira. Avo vane tariro vanonatswa uye vane rufaro. Vanhu vanova nekushaya rufaro kana vasina tariro. Avo vasina kana ndangariro zvayo havana rufaro. Tinokwanisa kurarama hupenyu hune rufaro nekuti tine tariro yeChuru chemakore uye yeHumambo hweDenga, neyedenga idzva nenyika itsva.
Vakarurama vanofanira kuve netariro uye vachiparidzira tariro iyi muMweya Mutsvene. Tinofanira kuve netariro yekuti evhangeri yedu yapararira pasi rese. Kana uine kutenda kwakasimba, unoona kuti nyika haina kutombokura. Nyangwe zvazvo mavambo edu akange asina kukosha, tichave nekukwanisa kuparidzira evhangeri kupasi rese kana tiine tariro ine utsungi. Tinofaniravo kudavira, sezvakaita Pauro.
Avo vane tariro vanova vakatendeka pabasa ravo rekuparidzira evhangeri yakaisvonaka iyi. Tinofanira kuve netariro yekuti evhangeri ipararire munguva ino yekushaya tariro. Tinofanira kuparidzira evhangeri yakaisvonaka kune avo vakanyadzwa, vasina tariro, naavo vakazvinipisa. Tinofanira kuvanunura kubva murima kuburikidza nekuparidza tariro pamusoro peHumambo hweDenga, hunopindwa neavo badzi vakave nekuregererwa zvivi zvavo kuburikidza nekudavira kuevhangeri yemvura neMweya. Tinofanira kuvakurudzira kuti vave netariro yekuti nyika yaMwari ichazove nekuuya sembavha mushure menguva yematambudziko iyi.
Varanda nevatsvene avo vakazvarwa patsva, ndapota paridzirai evhangeri iyi kumigumo yenyika ino, muchichengetedza zvakasimba tariro yenyu yeDenga. Pasina mhaka kuti nyika ino ichawa nekukurumidza kwakadii, avo vane tariro havazomboparari nekuti vane chimwe chinhu chisingaperi kumberi kwehupenyu hwepanyika. Zvomene vane hupenyu hwechipiri hunopiwa kwavari naIshe.