(Joshua 4:23)
“Nokuti Jehova Mwari wakapwisa mvura yaJoridani pamberi penyu, kusvikira mayambuka sezvaakaita iye Jehova Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka.”
Ko chiitiko chepaRwizi Jorodani chinotidzidzisa kuti chii?
Chinotidzidzisa kuti Jesu Kristu akakunda zvachose rufu rwakakonzerwa nezvivi, yevo kutongwa kwaizotevera, kubva kuvanhu
Zvino ndave kuda kutaura pamusoro peevhangeri yakaisvonaka yezvokwadi iyo inotiita kuti tigamuchire kugara kweMweya Mutsvene. Mushure mekufa kwaMosesi, Mwari vakagadza Joshua semutungamiri weIsraeri. Mosesi waiva mumiririri wemurairo muTestamente Yakare. Kana dai Mosesi akayambuka Rwizi Jorodani pamwe nevanhu veIsraeri, uyevo akasvika kuKenani, zvaizodai zvisina kufanira kuti Joshua ave mutungamiri wevanhu. Asivo, Mwari vakaita kuti Mosesi asvike panzvimbo yaingova pamberi penyika yeKenani vakamudzivisa kuti aipinde.
Ishe vedu vakatipa Mosesi naJoshua
Mosesi, mumiriri wemurairo muTestamente Yakare, haana kukwanisa kuenda nevanhu veIsraei kuKenani. Kana dai akakwanisa kudaro, apo achitungamirwa neMurairo, zvaizopikisana nezano raMwari rekuponeswa kwedu. Hapana munhu angave akasununguka kubva pazvivi zvake, pamberi pemurairo waMwari, nekuti hapana munhu angagona kuchengeta murairo. Nekuti murairo ndewekutipa ruzivo pamusoro pechivi (VaRoma 3:20).
Chikonzero icho Mwari vakapa munhu murairo ndechekumupa ruzivo rwechivi, kuti murairo uve murairidzi wake, ugova nekumutungamirira kuna Kristu, kuti akwanise kuva nekuenzanisirwa nekutenda. Sezvo murairo wakanga usiri chinhu chingaraudza kungove nhungamiri yekuti tiwane Jesu, vanhu vakanga voda Jesu, ndokusaka Jesu akazouya munyika muno. Mwari zvavakaraira Joshua kuti aite, zvaiva zvekuti araire vanhu veIsraeri kuti vayambuke Rwizi Jorodani vagova nekupinda munyika yeKenani.
Mwari vakavatunganira kuti vapinde munyika yeKenani nemutungamiri wavo mutsva, Joshua, mushure kwekufa kwaMosesi. Joshua wakaraira vatungamiri vevanhu achiti, “Pindai napakati pemisasa, muraire vanhu, muti: ‘Zvigadzirirei mbuva, nokuti mazuva matatu achigere kupera muchafanira kuyambuka Joridani urwu, kuti mupinde panyika iyo yamunopiwa naJehova Mwari wenyu, ive yenyu’” (Joshua 1:11)
Mwari vakarayira Joshua kuti apinde muKenani mushure mekunge zvaratidza kuve zvisingagoneki kuburikidza naMosesi. “Mwari vakarayira Joshua vachiti, Iwe unofanira kuraira vaprista kuti vatakure areka yesungano, uchiti: ‘Kana masvika parutivi rwemvura yaJoridani, munofanira kumira muJoridani.’ Zvino Joshua akati kuvana vaIsraeri: ‘Vuyai pano, munzwe mashoko aJehova Mwari wenyu.’ Joshua akati: ‘Muchaziva nechinhu ichi kuti Mwari mupenyu uri pakati penyu, vuye kuti uchadzinga zvirokwazvo pamberi penyu vaKanani, navaHeti, navaHivi, navaPerezi, navaGirgashi, navaAmori, navaJebusi’” (Joshua 3:8-10).
Mushure mekufa kwaMosesi, Mwari vakagadza Joshua kuve mutungamiri weIsraeri, ndokubva vamuraira kuti apinde munyika yeKenani nevanhu veIsraei. Zita rokuti Joshua rinoreva kuti “Muponesi,” rakafanana nekuti “Jesu” kana kuti “Hosiya.” Joshua, muranda waMwari, akaraira vaprista kuti vatakure Areka yeSungano uye kuti vayambuke Rwizi Jorodani vakatungamira vanhu. Apo vaprista vaiva vakatakura Areka vakanyika tsoka dzavo mumvura (sezvo Jorodani rwuchipfachukira kumahombekombe kwarwo munguva yokukohwa), mvura yaibva kumusoro yakava nekumira, ikasimukira mudenga paAdamu, guta riri pedyo neZaretani. Saka mvura iyo yaidzikira ichipinda muGungwa reAraba, Gungwa reMunyu, yakaganhurwa uye vanhu vakakwanisa kuyambukira kumhiri, kwakadziva Jericho (Joshua 3:15-16).
Kuburikidza nechiitiko ichi, Mwari vanotidzidzisa kuti vakabvisa rufu zvachose urwo rwaikonzerwa nechivi, pamwe nekutongwa kwaizotevera, kubva kuvanhu. Mune mamwe manzwi, Jesu Kristu Muponesi wedu akatora zvivi zvese zvevanhu apo akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi uye akave nekuroverwa. Nenzira iyi, akaponesa vanhu kubva kuzvivi zvavo kuburikidza nekuvatungamirira kunyika yeKenani, iyo inomirira Humambo hweKudenga.
Rwizi Jorodani ndiyo nzvimbo apo vanhu vakave nekucheneswa
Zviitiko zvenhoroondo zvakapoteredza kuyambuka rwizi rweJorodani, sezvazvakanyorwa muTestamente Yakare pamwe neItsva, zvakange zviri zviitiko zvakakosha zvikuru, izvo zvaizosvitsa kuruponeso, pakupedzisira, kubva mukutukwa pamwe nemukutongwa kunobva pazvivi zvevanhu.
Rwizi rweJorodani rwairehwa rwuchinzi rwizi rwerufu, uyevo kuduriro kwerwizi urwu ndiko kune Gungwa reRufu. Shoko rekuti Jorodani rinoreva kuti “rwizi rwunoyerera rwuchidzika badzi, rwakananga kurufu” kana kuti “kunyudza, kudzikisa, kumanikidzira pasi, kudonha.” Izvi zvinoratidza, zvakajeka, nhoroondo yezvivi zvevanhu. Murwizi umu, Jesu, kuburikidza nekubhapatidzwa kwake, akagamuchira kuyerera kwezvivi zvose, izvo zvisingagoni kupedzwa nemunhu upi zvake, uye ndokubva azofa paMuchinjikwa; achiva nekugamuchira mutongo wezvivi izvi, pachinzvimbo chevanhu.
Ko isu, vedzidza raAdamu naEva, takananga kupiko? Sezvo zvisikwa zvose zvichizvarwa zvine chivi, zvinova nekutopara zvivi, uyevo semubairo wezvivi izvozvo, zvinofamba zvakananga kurufu. Kuburikidza munhoroondo yose yemunhu, zvisikwa zvose zvakananga kukuparadzwa kubvira pakuzvarwa kwazvo. Kunyangwe zvazvo zvichiedza zvakaoma sei kugadzirisa muzvarirwo wazvo wekutadza, zvinokundikana, uye ndokusaka zviri kufamba zvakananga kukutongwa kwekupedzisira pazvivi zvazvo.
Asivo, Mwari vakaganhura kuyerera kwezvivi pamwe nekutongwa. Mwari vakatungamira Joshua kuti aende nevanhu veIsraeri kunyika yeKenani, kuburikidza nekuyambuka Rwizi Jorodani. Ichi ndicho chaiva chinangwa chaMwari panaJoshua. Iyi nyaya inosimbisa kuti, kuti tidzinurwe kubva kuzvivi, tinofanira kuripira mibairo yezvivi, iyo inova rufu; uyevo kuti, kuburikidza nemubairo uyu, tinocheneswa pazvivi zvedu zvose, tigova nekuenda Kudenga.
MuTestamente Yakare, kuyerera kwerwizi kwakave nekumiswa, kukashandurwa kuve nzvimbo yakawoma; apo vaprista, vaiva vakatakura Areka yeSungano, vakaisa tsoka dzavo mumvura. Izvi zvakaita kuti vaIsraeri vayambuke rwizi. Uku kwakave kuregererwa kwezvivi uko kwakapiwa kune avo badzi vakadavira kuevhangeri yakaisvonaka. Evhangeri yemvura neMweya ndiyo yakaripira mibairo yezvivi zvevanhu, uyevo takave nekugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi.
Changamire Naamani
Naamani, uyo anowanikwa muchaputa 5 yaMadzimambo yechipiri, aive ari mutungamiri mukuru, uye airemekedzwa, weuto reSiriya, uyo aive akanunura nyika yake kubva kuvavengi. Aiva ane maperembudzi, uye akatondeswa kuti ave nokurasikirwa nezvinhu zvose, nekuda kwekutukwa uku. Asi akazove nekunzwa nhau yakaisvonaka yekuti aikwanisa kununurwa kubva mukutukwa uku. Zvakataurwa kunzi aizokwanisa kununurwa kana akaenda kundoona muranda waMwari aigara kuIsraeri. Murandakadzi wechidiki ndiye akave nekusvitsa mashoko awa. Akataura kuti, “Dai ishe wangu aiva kumuprofita uri paSamaria, ungadai akavaporesa maperembudzi ake” (2 Madzimambo 5:3).
Akatenda (Namani) mashoko aya, akabva aenda kuIsraeri. Paakasvika pamberi pemusha waErisha, Erisha akabva atuma nhume kwaari, achiti, “Enda, undoshamba kanomwe munaJoridani, nyama yako idzokerezve kwauri, uve wakanaka” (2 Madzimambo 5:10). Sezvaaitarisira kurapwa nechishamiso, Namani akatsamwa zvikuru, ndokubva afunga zvokudzokera kunyika kwake. Asizve, nekuda kwekudembetedzwa nemuranda wake, akava nekutevedzera mashoko aErisha, ndokubva adzira kuzasi uko akandozvinyika muviri wake kanokwana kanomwe muJorodani. Pakarepo, ganda rake rakadzoreredzwa, kuita ganda rakapfuura remwana mucheche, zvakare.
Nenzira imweyo, takave nekuziva kuti, kuti tive nekuregererwa pazvivi zvedu zvose, tinofanira kusiya ndangariro dzedu pachedu, tigova nekugamuchira zvakanyorwa muBhaibheri. Tinobva tapiwa maropafadzo akaisvonaka. Ani nani anoda kuponeswa anofanira kutevedzera mashoko aMwari agova nekudavira kwakakwana kwaari.
Bhaibheri rinotaura kuti zvivi zvose zvenyika zvakashambidzirwa kuburikidza nebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake. Hatifaniri kufunga nenzira imwechete naNamani wekusaterera. Hatingacheneswi pazvivi zvedu kana pasina evhangeri yemvura neMweya. Nokudaro, kuti tive nekuregererwa pazvivi zvedu, tinofanira kudavira kuevhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya. SaNamani zvaakave nekuchena kuburikidza nekunyika muviri wake kanokwana kanomwe mumvura, tinodavira kuti tinogona kucheneswa pazvivi zvedu kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka yebhapatidzo yaJesu, kuroverwa uyevo kumuka kwake. Tinofanira kudavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi sezvairi.
Chishamiso ichi chemuRwizi Jorodani chakapa dzinza rose raAdamu ropafadzo iyo yakaganhura kuyerera kwezvivi zvose, chikabvisa kutongwa. Vanhu vose vakadzingwa kubva muBindu reEdeni nekuda kwekuti Adamu naEva vakatadza mushure mekunge vaidzwa naSatani. Asivo, chiitiko chemuJorodani chaiva evhangeri yakaisvonaka iyo inotungamira vanhu vose kuti vadzokere kuBindu reEdeni.
Chiitiko chepaRwizi Jorodani
Bhaibheri rakanyora nhau yakaisvonka yokuti Jesu akatora zvivo zvose muJorodani. “Chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose” (Mateo 3:15). Bhaibheri rinotaura kuti zvivi zvose zvakaiswa pana Jesu apo akabhapatidzwa muRwizi Jorodani. Mune mamwe manzwi, bhapatidzo yaJesu ndicho chiitiko chakadimbura cheni yezvivi yaiva yakasunga vanhu vose. Aya ndiwo maitiro akaitwa naJesu kuti aise zvivi kumugumo, uyevo akazotipa ruponeso neropa rake paMuchinjikwa.
Jorodani rwaiva rwizi rwebhapatidzo urwo rwakachenesa zvivi zvedu zvose. Takakwanisa kuzadzikisa murairo waMwari, “Mubairo wechivi rufu” (VaRoma 6:23), nokuti Jesu akaripira mibairo kuburikidza nekubhapatidzwa muRwizi Jorodani uyevo nekufa paMuchinjikwa. Iyi ndiyo evhangeri yakaisvonaka iyo Ishe vedu vakapa kuvanhu.
Zvivi zvose zvevanhu zvakaendera kubvira pana Adamu, asi zvikazomira zvachose nebhapatidzo yaJesu muRwizi Jorodani pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Hapana chivi chakave nekusara, tinotenda kubhapatidzo yaJesu. Inhau yakaropafadzwa uye yakaisvonaka sei. Isu, kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi, takaponeswa kubva mukuyerera kwezvivi zvichitenderera, takacheneswa pazvivi zvedu zvose uyevo tikava nekuitwa vatsvene pamurairo waMwari wekudzikinura. Saizvozvo, bhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa ndiyo evhangeri inoponesa vanhu. Tinofanira kutenda mazviri pachokwadi. “Zvose zvisingabvi pakutenda, zvivi” (Varoma 14:23). Saizvozvovo, tinoropafadzwa kana badzi tikatenda kuevhangeri yakaisvonaka iyi.
Ko uchiri nechivi mumoyo mako here kunyange zvazvo zvivi zvose zvakave nekuiswa pana Jesu apo akabhapatidzwa naJohane? Jesu akatora zvivi zvose zvenyika. Unofanira kugamuchira izvo zvakanyorwa muBhaibheri. Evhangeri yebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa badzi ndiyo inogona kubvisa zvivi zvako, pamwe nekukudzivirira kubva kurufu, pamwe nekumwe kutukwa. Kubhapatidza zvinoreva kuti “kushambidzwa, kunyikwa, kuvigwa, kugashidza, kana kuti kusandudzwa.”
Vanhu vose vanogova kuregererwa pazvivi zvavo kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka yakapiwa naJesu. Ndokusaka Jesu akazvireva achiti ‘nzira yeKudenga.’ Tinogona kuenda Kudenga uye kuva nehupenyu husingaperi kuburikidza nekudavira kwaari. Ndivo Ishe vedu, avo vakatipa kugara kweMweya Mutsvene. Tinohesvurwa kubva mukutongwa kose kwepazvivi zvedu kuburikidza nekudavira kubhapatidzo yake pamwe neropa rake.
Kutukwa kwakave nekupera, ndokubva rwizi rwapinduka kuve nzvimbo yakawoma nokuda kwekuti vaprista avo vaiva vakatakura Areka yeSungano vakaisa tsoka dzavo mumvura, nekutenda. Izvi ndizvo zvaive zvakarongwa naMwari, uyevo bhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake zvakave nekuzadzikisa chirongwa ichi. Evhangeri iyi yakaisvonaka sei. Uyu waive murairo weruponeso, uye pasina izvi kuponeswa kwedu kwaisakwanisika. Avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi vanogona zvino kuyambuka Rwizi Jorodani vachiva nekupinda munyika yeKenani. Kuti mvura yakapwa yose, zvinoreva kuti zvivi zvose zvenyika zvakaiswa kuna Jesu, uye akave nekutongwa nekuda kwedu. Iyi ndiyo evhangeri inotipa kugara kweMweya Mutsvene.
Mwari, avo vakasika munhu, vanoziva kuti chiero chehungwaru hwevanhu (IQ) vazhinji chingori pakati pemapoinzi 110-130. Naizvozvo, havangavi nekuomesa zvokwadi iyi yekugamuchira Mweya Mutsvene. Mwari vakatora zvivi zvavo zvose nebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Vakaita kuti zvikwanisike kuti vagamuchire Mweya Mutsvene kuburikidza nekudavira kuevhangeri yemvura neMweya kuitira kuti vanhu vose vave nekuiziva. Uchave nekuzivavo kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi.
Zvichitevera zvakanyorwa muBhaibheri, hatingakwanise kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nekungonyengetera mukutendeuka badzi. Vanhu vanofunga kuti Mweya Mutsvene ndechimwe chinhu chinopiwa kana vakave nekupa ndudzi dzeminyengetero mizhinji. Asi ichi hachisi chokwadi. Mweya Mutsvene unopiwa kune avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka, uye inodikanwa kuvaita kuti vave vana vaMwari. Uku ndiko kuti, kugara kweMweya Mutsvene kwaiva chivimbiso chekuti munhu anenge ave mwana waMwari. Mwari vanopa Mweya Mutsvene kune avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka, kuti vaone kuti vave vana vavo.
Kana vanhu vachidavira kuna Jesu, asi vasingazive uye vasingadavire kuevhangeri iyi, havangavi nevimbo kuzvokwadi yokuti zvivi zvavo zvose zvakave nekuiswa kwaari. Naizvozvo, vanhu vose vanofanira kuziva pamwe nekudavira kuti bhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa ndiyo evhangeri yakaisvonaka iyo yakabvisa zvivi zvedu.
Ndiyani akave nekupupura kuti Jesu ndiye akatora zvivi zvose zvenyika? Johane Mubhapatidzi akave nekudaro. Kuti akabhapatidzwa naJohane, akave nekutora zvivi zvose zvenyika; ndizvo zvakange zvakarongwa naMwari, Baba vedu (Revitiko 4:13-21, 16:1-30) Ko, akazadzikisa hurongwa hwavo ndiyani? Jesu akave nokudaro. Ko akazopedzisira kusimbisa kuzadzikiswa kwehurongwa uhwu ndiyani? Mweya Mutsvene akava nokudaro. Mwari muhutatu-mumwe vakazadzikisa kuregererwa kwezvivi, nebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa, kuti vave nekutiita vana vavo. Mweya Mutsvene anogara mukati medu, uye anosimbisa kuti takave nekuponeswa kubva kuzvivi zvedu zvose apo Jesu akazadzikisa hurongwa hwaMwari.
Ko zvinhu zviri munyika ino zvinoratidza kuva zvakaoma zvokutoturisa befu here? Uyevo, ndangariro dzako dzakakangaidzika zvakadii? Munhu haangwakwanisi kudavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi, kudzamara asiya ndangariro dzake pachake. Dzidziso yechiKristu chanhasi iyo inodavirwa kwairi nevanhu vazhinji ndeyekuti, ‘chivi chekutanga chakapfuura, asi zvivi chaizvo zvinoregererwa kana munhu akanyengetera achipupura.’ Asivo, izvi zviri kure nekuva chokwadi chakakwana; itori evhangeri yenhema, zvamazvirokwazvo. Kana uchidavira kwairi, haungagoni kunzwisisa Bhaibheri kubva kumavambo kusvika kwarinoperera, uyevo nekufamba kwenguva unosangana nematambudziko mazhinji mukutevera Jesu. Ndiko kusaka, pakati pevaKristu, paine avo vanodavira kuevhangeri dzakasiyana uyevo kuna Mwari wakasiyana.
Vamwe vanhu vanotaura kuti vakagamuchira kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza ne’kunyengetera. Zvinoita sekunge zvakatsarukana, asi Bhaibheri rinodoma kuti Mweya Mutsvene wakadzikira pana Jesu senjiva, apo akabhapatidzwa, ndokubva abuda mumvura. Iyi ndiyo evhangeri yechokwadi, uyevo Mweya Mutsvene anouya pane avo vanodavira kuevhangeri iyi.
Pamusoro pazvo, vamwe vanhu vanoti vakagamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nekuisa minyengetero yekupupura. Ko Mweya Mutsvene ungave nekupiwa here kana vanhu vakangove nekukumbira kuregererwa? Mwari vakarurama. Mweya Mutsvene haauye nekuda badzi kwekuti avanzwira tsitsi. Zvisinei nekuti vanhu vachema kana kunyengetera zvakaoma sei, Mweya Mutsvene haangauyi pamusoro pavo. Anouya pamusoro peavo vanodavira kuti Mwari vakazadzikisa hurongwa hwavo hwekuvaponesa. Unofanira kuzviisa mundangariro kuti haungagoni kugamuchira Mweya Mutsvene, kunyangwe ukachema zvakareba sei kuna Mwari kana kunyengetera zvakaoma sei? Mweya Mutsvene wakasununguka kubva kubva kuzvishuwo zvemunhu.
Kunyangwe matanho enhoroondo evanhu munyika muno anokwanisa kushandurwa, asi evhangeri yakaisvonaka pamwe nemurairo wekugara kweMweya Mutsvene hazvishanduriki; ndiko kuti, hazvizomboshanduke. Kana vanhu vasinganzwisise evhangeri yakaisvonaka, zvakaoma kuti vave nekudzokera mukuita kutenda kwechokwadi. Ndiko kusaka kwechikonzero ichi vanhu vazhinji vasingakwanise kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Ko ungazonzwa kugumbuka zvakadii kana ukave nekudavira kuna Jesu asi ukazove nekuparadzwa nekuda badzi kwekuti hauna kuziva nezveevhangeri yakaisvonaka? Bhaibheri rinotaura kuti, kune vamwe vanhu, evhangeri yakaisvonaka yaJesu chidziviso uyevo idombo rechinyangadzo.
Kana ukave nekunzwisisa nenji rebhapatidzo yaJesu naJohane, unokwanisavo kuregererwa pazvivi zvako ugova nekuwana kugara kweMweya Mutsvene. Akaponesa vatadzi vose kuburikidza nekubhapatidzwa, kufa paMuchinjikwa uyevo nekumutswa. Rudzikinuro urwo Jesu akatipa rwaiva nzira yakarurama yeruponeso. Akave Muponesi wechokwadi wevatadzi vose, uye akasimbisa kugara kweMweya Mutsvene.
Kana badzi ukadavira kwairi!
Zvakanyorwa muTestamente Yakare kuti apo vaprista vakaisa tsoka dzavo muJorodani, rwizi rwakashanduka kuve nzvimbo yakaoma. Chakave chishamiso kwazvo kuti mvura yakave nekumira, asi zvimwe zvishamiso zvakazenge zvichitevera. Chinonyanya kushamisa ndechekuti rwizi rwakapinduka kuve nzvimbo yakawoma. Chiitiko ichi chakashuma sechivimbiso cheruponeso rwaMwari, uho hwakatisvitsa pakuregererwa kwezvivi kuburikidza nebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Nzvimbo yakaoma yaimirira nziya iyo zvivi zvose zvenyika zvaizove nekuregerewa, tinotenda bhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Zvivi zvose zvakabva pana Adamu zvikaenda kuvanhu vose, asi kutukwa kwemutongo kwakapera nebhapatidzo yaJesu. Zvino, chatinongofanira kuita ndechekuva nekuregererwa pazvivi zvedu kuburikidza nekuva nekutenda, uyevo nekugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Ko unodavira here kuzvokwadi yakaisvonaka yekuti Jesu akatora zvivi zvako zvose kuburikidza nebhapatidzo yake muRwizi Jorodani?
Unofanira kudavira kuti Jesu Kristu akabhapatidzwa kuti zvivi zvose zvenyika zvive nekutorwa. Pamusoro pazvo, unofaniravo kuziva, kunzwisisa uyevo kudavira kuti bhapatidzo yake yaiva yakakosha sei? Kana dai vaprista vasina kupinda muJorodani, vaIsraeri vangadai vasina kukwanisa kubudirira mukupinda munyika yeKenani. Danho rekutanga pakupinda muKenani kwaiva kuyambuka Rwizi Jorodani. Nokudaro, kana badzi tave nekuyambuka rwizi tiine Areka yeSungano, ndiko kuti tigone kupinda munyika yeKenani. Izvi zvinotidzidzisa kuti munhu anogona kuregererwa pazvivi zvake kuburikidza nekudavira kuevhangeri yemvura neMweya.
Bhaibheri rinotaura kuti bhapatidzo yaJesu raiva basa raMwari. Izvi zvakaitikavo pamusoro pevaprista. Sekumira kwakaita mvura yeRwizi Jorodani, apo vaprista vakaisa tsoka dzavo mumvura, vanhu vemunyika vanoponeswa kubva kuzvivi zvavo kuburikidza nekudavira kuevhangeri iyi.
Kugara kweMweya Mutsvene kunopiwa zvichibva pakutenda kuevhangeri yakaisvonaka iyi. Bhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa zvinokusvitsa pakugamuchira kuregererwa kwezvivi uyevo neMweya Mutsvene. Evhangeri yakaisvonaka yemvura neMweya yakafanira pakuwana kugara kweMweya Mutsvene.