• All e-books and audiobooks on The New Life Mission website are free
  • Explore multilingual sermons in global languages
  • Two new revised editions in English have been released
  • Check out our website translated into 27 languages
Search

Sermons

Musoro 8 : Mweya Mutsvene

[8-19] Evhangeri Yakaisvonaka Iyo Yakabvarura Chidzitiro CheTembere (Mateo 27:45-54)

(Mateo 27:45-54)
“Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvikira panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika yose. Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru achiti: ‘Eri, Eri, rama Sabaktani?’ Ndokuti: ‘Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiireiko?’ Vamwe vakanga vamirepo, vachizvinzwa, vakati: ‘Uyo unodana Eria.’ Pakarepo mumwe wavo wakamhanya, akatora chipanje, akachizadza nevinega, ndokuchiisa parutsanga, akamumwisa. Vamwe vakati: ‘Regai, timbovona kana Eria achizouya kumuponesa. Zvino Jesu akadanidzirazve nenzwi guru, akarega mweya wake. Ipapo tarira, chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi; nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka; mabwiro akazaruka, nemitumbu mizhinji yavatsvene, vakanga vavete yakamutswa, vakabuda pamabwiro, iye amuka, vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa navazhinji. Zvino mukuru wezana, navairinda Jesu naye, vakati vachiwona kudengenyeka kwenyika, nezvakaitwa, vakatya zvikuru vakati: Zvirokwazvo uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari.”
 
 
Ko nemhaka yei chidzitiro cheTembere yaMwari chakabvaruka apo Jesu akarega Mweya wake paMuchinjikwa?
Nekuti Humambo hweKudenga hwakave nekuzarurirwa kune avo vanodavira kubhapatidzo pamwe nekuroverwa kwake.
 
Kuti ave nekunzwisisa zvokwadi yeevhangeri yakaisvonaka iyi, munhu anofanira kutanga aziva pamwe nekunzwisisa muitiro wekubaira wayiitwa kuti zvivi zvevanhu zvive nekuregererwa pamberi paMwari, muTestamenete Yakare. Unofanira kuziva uyevo kudavira kuzvokwadi inotevera.
Zvichitevera kubayira kwakare kwekuyananisira, sezvazvakanyorwa muna Revitiko chaputa 16 muTestamente Yakare, muprista mukuru ayiisa maoko ake pamusoro pembudzi mhenyu kuti aise kwairi zvivi zvese zvakaitwa nevanhu pagore rose. Zvadaro, chakamiririra vaIsraeri, chibairo chayiurayiwa uye muprista mukuru aikusha ropa racho pachifunhiro chokuyananisa. Izvi zvaiyananisira zvivi zvese zvevaIsraeri. Saizvozvovo, avo badzi vaidavira mukuisa kwemaoko, ropa pamwe nemashoko aMwari ndivo vaikwanisa kupinda munzvimbo Tsvene.
Vaprista vaingopinda muchikamu chekutanga chetabenakere, vachiita mabasa avo. Asi muchikamu chepiri, muNzvimbo Tsvene-tsvene, muprista mukuru aikwanisa kupinda ari ega, kamwechete pagore, kwete asina ropa, iro raaipira kuzviitira iye uyevo nekuzvivi zvevanhu izvo zvakaparwa mukusaziva (VaHeberu 9:6-7). Saizvozvovo, kunyangwe nemuprista mukuru haaikwanisa kupinda muNzvimbo Tsvene-tsvene kana asina ropa rechibairo rinenge ragadzirwa kuburikidza nekuisa maoko pachiri, nekutenda.
 
 
Sezvatinoudzwa muTestamente Itsva, Jesu Kristu wakabairwa kuitira isu
 
MuTestamente Itsva, tinoudzwa kuti munhu anokwanisa kupinda muHumambo hwaMwari kuburikidza nekutenda kwake kubhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Ko chidzitiro cheTembere yaMwari chakabvaruka kuita mapandi maviri, kubvira kumusoro kusvika zasi, panguva ipi? Paiva apo Jesu ave nekuroverwa, mushure mekunge auya munyika muno, akave nekubhapatidzwa naJohane.
Ko chikonzero chakapiwa pane izvi chaiva chei? Jesu akauya panyika pano sechibairo, chinodomwa kunzi Gwayana raMwari, akatora zvivi zvenyika kuburikidza nekubhapatidzwa naJohane, uye nokudaro akachenesa vanhu pazvivi zvavo zvese apo akaroverwa. Kubvaruka kwechidzitiro chiratidzo chekuti zvivi zvese zvevanhu, izvo zvakatiparadzanisa naMwari, zvakave nekunekudzwa kuburikidza nebhapatidzo yake pamwe neropa rake paMuchinjikwa.
Jesu pachake akaputsa chidziviso ichi kuburikidza nekuripira mubairo wezvivi, uyo unova rufu. Jesu akabhapatidzwa uye akaroverwa kuti zvivi zvenyika zvive nekutorwa. Ichi ndicho chaive chikonzero chidzitiro cheTembere yaMwari chakabvarukira muzvipandi zviviri. Sekupinda kwaigona kuita vaprista mutabenakere nekudavira mukuisa kwemaoko, zvino tave kugona kupinda muHumambo hwaMwari, tichiwonga mukudavira kwedu kubhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake.
Apo Jesu akave nekuroverwa, akadeedzera neinzwi repamusoro, kuti, “Eri eri rama Sabaktani”, ndiko kuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiireiko?” (Mateo 27:46) Paakazorega mweya wake pakupedzisira, akati, “Zvapera!” (Johane 19:30) Jesu wakasiiwa naBaba vake paMuchinjikwa kwekanguva nekuti akanga akatakura zvivi zvese zvenyika kubvira pakubhapatidzwa kwake naJohane muRwizi Jorodani.
Akafa kuitira kuponeswa kwevanhu vose. Semhedzisiro yekubhapatidzwa kwaJesu pamwe nekufa kwake paMuchinjikwa, avo vose vakave nekutenda kwaari vakave nekuponeswa. Nekuda kwekuti tinozvarwa tiri vatadzi, uye takanangiswa kukuzvidzwa, Jesu akabhapatidzwa kuti zvivi zvedu zvese zvitorwe.
Zambara rekuHumambo hweKudenga raiva rakavharwa zvakasimba kudakara Jesu vatinekudza pazvivi zvedu zvese. Apo Jesu akabhapatidzwa naJohane uye akazofa paMuchinjikwa, chidzitiro cheTembere yaMwari chakabvaruka muzvipandi zviviri, kubva kumusoro kusvika kuzasi, kuitira kuti ani nani anodavira kuevhangeri yakaisvonaka akwanise kupinda Tembere yaMwari yekudenga.
Ndinotenda kuna Ishe kuti ndine kutenda kuevhangeri yemvura neMweya. Zvino ndinokwanisa kupinda muHumambo hweKudenga kuburikidza nekudavira kwangu kuevhangeri yakaisvonaka iyo Jesu akazadzikisa kuburikidza nebhapatidzo yake pamwe neropa. Handaikwanisa kuwana ruponeso kuburikidza nemasimba angu pachangu, kana madambu kana kuedzesera kwangu.
Ropafadzo inotitungamirira kuHumambo hweKudenga haiwanikwe kuburikidza badzi neminyengetero, nekupa, uyevo nekuzvipira. Munhu anogona kuponeswa kubva muzvivi kuburikidza badzi nekudavira kubhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake paMuchinjikwa. Munhu anogona kupinda muHumambo hweKudenga kuburikidza badzi nekuva nekutenda kuevhangeri yakaisvonaka iyi. Jesu ndiye zambara reKudenga. Hapana dzimwe daviro dzakafanira kune avo vanodavira kuna Jesu. Kuenda kudenga hakupiwe semuripiro wekupa mukuzvipira kwemunhu, kana kushereketa kwenyika, kana mabasa akanaka. Chinhu chimwe chezvokwadi chakafanira kuti vatendi vapinde muHumambo hwaMwari ndiko kutenda kuevhangeri yekubhapatidzwa kwaJesu muRwizi Jorodani uye kuropa rake paMuchinjikwa.
Kudavira kumvura (bhapatidzo yaJesu muRwizi Jorodani) pamwe neropa rake (Muchinjikwa) kunokutungamirira kuHumambo hweKudenga. Munhu achiri nezvivi mumoyo make, kunyangwe zvazvo achidavira kuna Jesu, anofanira kudavira kuchinhu chimwechete: evhangeri yemvura neMweya. “Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai” (Johane 8:32).
Hatizive nguva chaiyo yatichafa asi Jesu anoziva zvese. Sezvo achiziva zvomene muzvarirwo wedu wekutadza, akashambidza zvivi zvedu zvese kuburikidza nebhapatidzo yake pamwe neropa paMuchinjikwa, makore ane zvuru zviviri apfuura.
 
 
Tinofanira kudavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi, iyo yakabvarura chidzitiro cheTembere yaMwari
 
Muponesi akazvarwa nemhandara kuti aponese vanhu kubva kuzvivi zvavo. Kwaiva kuburikidza nebhapatidzo yake, ava nemamakore gumi nematatu, muRwizi Jorodani, apo Jesu akatora zvivi zvose zvevanhu. Zvivi zvese zvevanhu, zvinobva pakunetekara kwavo uyevo pakudarika kwavo, zvakave nekuregererwa, tinotenda kuna Jesu. Bhapatidzo yake pamwe neropa ndizvo zvisungo zvekusingaperi zveruponeso rwevanhu vose. Jesu akabhapatidzwa uyevo akayeredza ropa paMuchinjikwa uyevo zvino avo vose vane kutenda kuevhangeri ino vanogona kupinda muHumambo hweKudenga.
Chidzitiro cheTembere yaMwari chakabvaruka apo Jesu akarega mweya wake paMuchinjikwa. Ko chidzitiro cheTembere yaMwari chakabvaruka muzvipandi zviviri sei apo Jesu akafa paMuchinjikwa? Chikonzero ndechekuti kuponeswa kwevanhu kwakakwaniswa naye muevhangeri yakaisvonaka.
MuTestamente Yakare, tinodzidza pamusoro petabenakere yeIsraeri. Ipapo paiva pakagadzikwa aritari yechibairo chekupisira uyevo nemudziyo wokushambidzira. Kuchibva pamudziyo wokushambidzira uyu, paiva netabenakeri, uyevo mukati metabenakeri, nechekumashure kwechidzitiro kwaiva neareka, apo huvepo hwaMwari pamwe nekuhwinya zvaigara. Chidzitiro ichi chaiva chakarukwa zvakabata zvekuti mabhiza mana achikweva kubva kumativi mana haaikwanisa kubvarura chirukwa ichi. Kunyangwe zvazvo Mambo Soromoni vakatsividza tabenakeri neTembere, chitarisiko chayo chekuvambira hachina kushandurwa, uye chidzitiro chakaramba chiripo chichivharidzira nzira yaienda kuNzvimbo Tsvene-tsvene. Asizve, chakabvaruka muzvipandi zviviri, kubva kumusoro kusvika kuzasi, apo Jesu akafa achibuda ropa paMuchinjikwa. Izvi zvinofakaza kuzvokwadi yekuti evhangeri iyo yakazadzikiswa nebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake yakaisvonaka uye kukwana sei.
Mwari vakaropafadza vanhu vose nekuregererwa kwezvivi uyevo nehupenyu husingaperi, vakazvifungata neevhangeri yakaisvonaka. Jesu, sechibairo, wakaripira mubairo wezvivi apo akabhapatidzwa naJohane uye akafa paMuchinjikwa. Bhaibheri rinoti, “Mubairo wezvivi rufu” (VaRoma 6:23). Sepanguva yemuTestamente Yakare, munhu aikwanisa kupinda muTembere yaMwari aine ropa rechibairo, agove nekugamuchira kuyananisirwa pazvivi, saka tinokwanisa kuuya kuna Mwari tiine chibairo chedu, icho chinova Jesu, tigove nekuregererwa pazvivi zvedu. Iyi ndiyo zvokwadi. Mashoko ekuti, “Mubairo wechivi rufu” anotiratidza kuti evhangeri yakaisvonaka yakakwana sei.
Nzira yeKudenga ndeyekudavira kuevhangeri yakaisvonaka. Kubvaruka kwechidzitiro, muzvipandi zviviri, kunomirira kuzaruka kweHumambo hwaMwari. Kana tikave nekuziva uyevo kudavira kuevhangeri iyi, tichiti, “Oh, Jesu akatora zvivi zvangu zvose. Oh, Jesu akaripira mibairo yose yezvivi paMuchinjikwa!” mazambara eKudenga anova nekuzaruka pamberi pedu. Denga zvino rakazaruka kune avo vakawana kusunungurwa kuburikidza nekutenda kwavo kubhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake. Ropa raJesu rakaponesa vatadzi kubva kurufu uyevo bhapatidzo yake yaiva nzira yekutora zvivi zvevanhu vose.
Nyika yakadengenyeka uye mabwe akatsemuka apo Ishe vakarega Mweya wavo paMuchinjikwa. Pakarepo, ropa rake rakadonhera pasi, ndokubva ratanga kuyerera richidzika nyasi. Apo Jesu akafa paMuchinjikwa, zvivi zvese zvevanhu zvakave nekunekurwa, evhangeri yakaisvonaka ikave nekuzadzikiswa uyevo vatendi vose vakave nefaniro yekupinda muHumambo hweKudenga. Iyi ndiyo zvokwadi chaiyo yekuzvarwa patsva.
Pane nyanzvi dzedzidzo dzakawanda idzo dzakaita tsvakiridzo dzekuda kuramba kurarama kwaJesu Kristu semunhu chaiye. Asi havana kukwanisa kuenderera mberi nedzingave tsananguro dzavo kuti dzipikisane nehumbowo hwenhoroondo huzhinji hwekurarama kwake. Pakati pavo, vazhinji vakadzokera uye vakave nekudavira kuevhangeri yebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake. Vakave nekuona kuti humbowo hwaJesu hwakange hwakasimba kwazvo kuti varambe kurarama kwake. Vakave nekugamuchira Jesu seMuponesi wavo apo pavakave nekuziva pamwe nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka, ndiko kuti, kuzvarwa kwake, kubhapatidzwa, kufa, kumuka, kukwira kudenga, uyevo Kudzoka Kwepiri.
Hatina kuona bhapatidzo yaJesu. Meso edu haana kuona zvakaitika makore angakwana zvuru zviviri apfuura. Asizve, kuburikidza nezvakanyorwa, ani nani anogona kusangana neevhangeri yakaisvonaka iyi. Jesu akaputsa chidziviso chezvivi pakati paMwari nemunhu kuburikidza nebhapatidzo yake pamwe neropa, uye nokudaro chidzitiro cheHumambo hwaMwari chakabvaruka, muzvipandi zviviri, kubva kumusoro kusvika kuzasi.
Zvino munhu wose anodavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi, iyo yakazadzikiswa nebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake, anogona kupinda muHumambo hweKudenga. Ko une kutenda here kuzvokwadi yekuti bhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake, ndokuti evhangeri iyi yakaisvonaka, ndiyo kiyi yekuHumambo hwaMwari?
Ndaimbove mutadzi ini pachangu, uyo aivimba Jesu sekuve Muponesi wangu, asi ndakange ndisingazive evhangeri yakaisvonaka. Asivo, nerimwe zuva ndakave nekuverenga, muBhaibheri, pamusoro perudo rwake kwandiri, urwo rwusina zvirango. Ndakazove nekuziva kuti akave nekubhapatidzwa kuitira ini, akafa paMuchinjikwa kuitira ini uyevo akamutswa kuitira ini. Jesu akatiponesa kuburikidza nekubhapatidzwa muRwizi Jorodani, uye akaroverwa kuti aripire mubairo wezvivi, nekuda kwerudo rwake kwatiri. Tinokwanisa kupinda muHumambo hweKudenga kuburikidza nekudavira kuevhangeri yakaisvonaka iyi.
Uku ndiko kururama kukuru kwaMwari kuvanhu uye nguva yezviitiko zvakakosha zvenhoroondo. Bato rake rose – kuzvarwa, kubhapatidzwa muRwizi Jorodani, kufa paMuchinjikwa, uyevo kumuka – raiva rokutiponesa kubva kuzvivi zvedu zvose. Takange takanangiswa kugehena mushure mekufa kwedu, asi Jesu akadzikinura moyo yedu kubva kuhupenyu husingaperi mugehena, ndokutipa evhangeri yakaisvonaka senzira yekupinda muHumambo hweKudenga.
Hama dzadiwa, apo Jesu akange afa paMuchinjikwa, umwe musoja akamubaya parutivi pake nepfumo, ndokubva, pakarepo, ropa nemvura zvabuda. Izvi zvinofakaza kuzvokwadi yeevhangeri yakaisvonaka yebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake.
Unofungidzira kuti kutenda kwako kuropa raJesu paMuchinjikwa kwakakwanira here kuti kukudzikinure kubva pazvivi zvako zvese? Ko bhapatidzo yaJesu haina kunyanyokosha here, kana kuti ingori masanga badzi mukuponeswa kwako? Kana uchidavira kudaro, ndapota tendeuka. Zvino tinofanira kudavira kuevhangeri yebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake, uyevo tigoiziva sezvokwadi yaMwari.
 
 
Unoda kucheneswa pazvivi zvako zvese here?
 
Sezvatinongofaniravo kuti tiripire kuti tibve muchikwereti, tinofanira kuva nekutenda kuevhangeri yakaisvonaka yebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake kuti tigova nekucheneswa pazvivi zvedu zvese. Hatifaniri kupara chivi chekusatenda kuevhangeri yebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake. Kunyangwe tisina kuisa zvivi zvedu kuna Jesu pauzima, mumiririri ainzi Johane muBhapatidzi akatiitira basa iri.
Apo Jesu akafa paMuchinjikwa, mabwiro evatsvene vemuJerusarema akavhurika, uyevo mushure memazuva matatu akava nekumutswa ndokubva aenda Gaririya. Chiitiko chinoshamisa ichi chakaitika zvomene, asi pakave nevanhu vazhinji vasina kuzvibvuma.
Ishe vedu vakapa Humambo hweKudenga kwatiri, vakarurama, isu takagamuchira kuregererwa kwezvivi. Takave nekuponeswa, tikazvarwa patsva, kwete nekuda kwesimba redu repanyama, kana nekuedzesera kwezvitendero zvedu, asi kuburikidza nekutenda kwedu kuevhangeri yakaisvonaka. Evhangeri ino haisi nyaya yengano. Zvivi zvose zvenyika zvakaiswa kuna Jesu apo akabhapatidzwa. Makange musina chivi maari, asi akave nekufa paMuchinjikwa kuti ayananisire zvivi izvo zvaakatora pabhapatidzo yake.
Apo Jesu akarega mweya wake, nyika yakadengenyeka uye mabwe akave nekutsemuka. Apo mukuru wezana pamwe neavo vaaiva navo vachirinda muviri waJesu, vakanzwa kudengenyeka kwenyika nezvinhu zvakange zvaitika, vakanzwa kutyiswa kukuru, vakapupura kuti, “Zvirokwazvo uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari” (Mateo 27:54).
Josefa, murume aiva akafuma aibva Arimatiya, akatora mutumbi waJesu, akauputira nemachira matete akachena, akamuradzika mubwiro rake. Muprista mukuru pamwe nevaFarisi vakaraira kuti pabwiro parindirwe kusvika nezuva retatu.
Asivo, Jesu wakamutswa kuti ape hupenyu hutsva kune avo vanotenda kuevhangeri yakaisvonaka. Akaenda kuGaririya, uko akange avimbisa kuzosangana nevadzidzi vake asati aroverwa. Zvinhu zvose izvi – kuzvarwa kwake, kubhapatidzwa, kuroverwa, kumuka, kukwira kudenga, uyevo Kudzoka Kwepiri – zvaiva zvakanangiswa kune avo vanodavira kuevhangeri yakaisvonaka. Ndakavevo mupupuri uyo anopupura kuti Jesu Mwanakomana waMwari mupenyu, uyevo Muponesi wangu.
 
 
Ko evhangeri yezvokwadi inoparidzirwa nani?
 
Vanotenda kubhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake vanova nekupupura kuevhangeri yakaisvonaka yezvokwadi. Evhangeri yakaisvonaka inoparadzirwa kuburikidza nekupupura kwevanhu ava vakaponeswa kubva kuzvivi zvavo zvese. Kana munhu akadzikinurwa kubva kuzvivi zvake, kuburikidza nekudavira kuevhangeri, Mweya waMwari unotanga kumutungamira, uyevo unomushandura zvisinei nekuda kwake. Mashoko aMwari ekuhwinha moyo anoramba achishandura munhu wakarurama uyevo kumupa kutenda kwakasimba. Anobva atanga kurumbidza Ishe. Shoko raMwari rinogara maari, uye nekudaro anova nekusangana nekuvandudzwa kwemunhu wake wemukati, zuva rimwe nerimwe. Vachimuona achishandurwa kudai, vanhu vanopupura kuti, “Munhu akagamuchirwa zvomene. Akave muKristu wechokwadi, uyevo mwana waMwari.”
Kunyangwe neusakarurama anogamuchira uye anopavo mukana kuevhangeri yakaisvonaka iyi. “Ndinorwadziswa!” anova nekudaro. “Asi ichokwadi kuti munyika hamuna chivi. Hapana munhu ane chivi mumoyo make.” Nokudaro usakarurama anobata nemundangariro dzevanhu, achikangaidza muhupenyu hwavo hwakatendeka. Basa rousakarurama nderekuvadzivirira kubva mukugamuchira zvipo zvepamweya zveevhangeri.
Satani akakundwa zvachose pahondo yake naJesu. Satani akabudirira mukuita kuti Jesu aroverwe kuburikidza nekutungamira ndangariro dzevanhu. Asivo, Jesu akange atotora zvivi zvevanhu apo akave nekubhapatidzwa, uye apo paakafa paMuchinjikwa kuti aripire mubairo wezvivi. Nechikonzero ichi, akave nekuponesa vose avo vanodavira kuevhangeri.
Usakarurama haana kukwanisa kuti atadzise zano raMwari rekuponesa vanhu kubva pazvivi zvavo. Jesu wakaripira zvivi zvevanhu vose kuburikidza nebhapatidzo yake pamwe neropa rake, kuti ave nekuzadzikisa evhangeri yakaisvonaka. Zvino, hamusisina chivi munyika muno. Jesu wakatora zvivi zvose kuburikidza nebhapatidzo yake, akave nekuisa mugumo kuzvivi zvose kuburikidza nekufa kwake paMuchinjikwa, achiti, “Zvapera!” (Johane 19:30). Satani akanyimwa simba rekupomera mhosva kune avo vane kutenda kuevhangeri yakaisvonaka. Jesu wakakunda usakarurama kuburikidza nekuzvarwa kwake, kubhapatidzwa, kurovererwa, uyevo nekumuka.
Uchiri nechitadzo mumoyo mako here? Kwete. Vatendi vanogona kudada vachiti, “Handina chivi mumoyo mangu” nokuda kwekutenda kwavo kuevhangeri yakaisvonaka yezvokwadi. Munhu anodavira kuevhangeri yakaisvonaka yebhapatidzo yaJesu pamwe neropa rake haana kunyangwe aunzi yechivi mumoyo make.
Zvino evhangeri yakaisvonaka yakave nekunyorwa pamoyo yedu. Zvino tinomira takasununguka kubva pakugugudza pamberi paMwari. Imi mose munodavira kuti Jesu akatora zvivi zvenyu zvese kuburikidza bhapatidzo yake muRwizi Jorodani here? Kana muchidaro, kuwonga kwenyu kuna Mwari uye rufaro rwenyu zvichave nekuzadzwa. Kuburikidza nekuva nekutenda kuevhangeri yakaisvonaka, takave nekuitwa vatsvene uye tikadzikinurwa kubva kuzvivi zvedu munyika muno. Tinotenda Mwari.
“Wakatisunungura pasimba rerima, wakatiisa muvushe bgoMwanakomana worudo rwavo; watinedzikinuro maari, ndiko kukanganwirwa kwezvivi zvedu” (VaKorose 1:13-14). Haleluya, rumbidzai Ishe.
Jesu wakazarura zambara reruponeso kuburikidza neevhangeri yakaisvonaka. Unofaniravo kuputsa zvidziviso zviri mumoyo mako, zvose kamwechete, nesimba reevhangeri yakaisvonaka, sekubvaruka kwakaita chidzitiro chetabenakeri kuita zvipandi zviviri. Evhangeri yakaisvonaka yakagadzirirwa iwe neni. Tinogona kupinda muHumambo hwaMwari kuburikidza nekudavira kuevhangeri iyi, uyevo ndiyo zvokwadi yekupedzisira inotitendera kuti tiwane kugara kweMweya Mutsvene.