• All e-books and audiobooks on The New Life Mission website are free
  • Explore multilingual sermons in global languages
  • Two new revised editions in English have been released
  • Check out our website translated into 27 languages
Search

Sermons

Musoro 8 : Mweya Mutsvene

[8-20] Avo Vakasangana neKugara kweMweya Mutsvene Vanova Nekutungamira Vamwe Kuti Vave Nekugamuchiravo Mweya Mutsvene (Johane 20:21-23)

2021.04.21 22
(Johane 20:21-23)
“Jesu akatizve kwavari: ‘Rugare kwamuri! Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumaivo.’ Zvino wakati areva izvozvo, akafemera kwavari, akati kwavari: ‘Gamuchirai Mweya Mutsvene. Avo, vamunokanganwira zvivi zvavo, vazvikanganwirwa; avo vanomubata zvivi zvavo, zvabatwa.’”
 
 
Ishe vakapa simba ripi kune vakarurama?
Vakavapa simba rokuregerera zvitadzo zvaani zvake kuburikidza neevhangeri yemvura noMweya
 
Chaputa 20 yaJohane ine rungano rwekumuka kwaJesu. Ishe vedu vakamuka kuvakafa vakave nekuudza vadzidzi vavo, kuti, “Gamuchirai Mweya Mutsvene.” Vadzidzi vaJesu vakagamuchira kugara kweMweya Mutsvene sechipo kubva kwaari. Jesu akapa kugara kweMweya Mutsvene pamwe nehupenyu husingaperi kune avo vakadavira kuti bhapatidzo yake pamwe neropa rake zvakashambidza zvivi zvavo zvese. Bhaibheri rinotaura kuti bhapatidzo yaJesu ndiwo mufananidzo woruponeso, izvo zvinoreva kuti bhapatidzo yake yakaponesa vanhu vose pazvivi zvavo (1 Pita 3:21).
 
 
Nemhaka yei Jesu akave nokubhapatidzwa?
 
Nemhaka yei Jesu akabhapatidzwa naJohane? Mhinduro yemubvunzo uyu inogona kuonekwa zvakajeka kubva kune zvakataurwa naJesu muna Mateo 3:15, “Nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kose.” Pano, kuti “saizvozvo” zvinoreva kuti Jesu akatora zvivi zvose zvenyika apo akabhapatidzwa. Bhapatidzo yake yakaitwa nenzira yakafanana nemaitirwo ekuisa maoko emuTestamente Yakare. Chinangwa chebhapatidzo yavo chaiva chekuisa zvivi zvenyika kuna Jesu.
Ko zvinorevei kuti “kururama kose?” Ko shoko rokuti “zvakafanira” rinodudza kuti chii? Kuti “kururama kose” zvinoreva kuti zvakanga zvakafanira kuti Jesu atore zvivi zvenyika kuburikidza nebhapatidzo yake. Uyevo, kuti “zvakafanira” kunodudza kuti zvose izvi yaive nzira yakanyanyofanira uye yakarurama mumeso aMwari.
Jesu akatora zvivi zvose zvevanhu, kuburikidza nebhapatidzo yake, akave nekuzvinekudza kuitira vose avo vakadavira kwaari. Jesu akabhapatidzwa uye akaroverwa, semutongo wezvivi zvavo. Iyi ndiyo evhangeri yokuregererwa kwezvivi. Kururama kwaMwari ndiko kuregererwa kwezvivi uko kwakabvisa zvivi zvose zvevatadzi.
Kana vanhu vakanzwisisa nenji rebhapatidzo yaJesu sezvarakanyorwa muna Mateo 3:13-17, vanozokwanisa kugamuchira kuregerewa kwezvivi pamwevo neMweya Muysvene. Zvakaitwa naJesu mukubata kwake pakati pevanhu – kubhapatidzwa kwake, kuroverwa uye kumuka – kwaiva kutipa nzira yakarurama yakanangana noruponeso, sezvakagadzwa nechekare naMwari. Nenzira iyi, Jesu akave Muponesi wezvokwadi wevatadzi vose. Evhangeri yebhapatidzo uye neneropa rake ndeiyo yoruponeso, iyo yakashambidza zvivi zvedu zvese.
Vanhu vanogona kugamuchira Mweya Mutsvene kana badzi vachiziva uye vachidavira kuevhangeri yekubhapatidzwa uye neyeropa raJesu. Nekuda kwekuti bhapatidzo yaJesu yakatora zvivi zvese zvenyika, zvivi zvedu zvakave nekuiswa kwaari. Kufa kwake paMuchinjikwa, akamiririra vanhu vose, kwaiva kufa kwanguvo, uye kumuka kwake kwaivavo kumuka kwangu. Saizvozvovo, bhapatidzo yaJesu, neropa rake paMuchinjikwa, ndiyo evhangeri yokuregererwa kwezvivi uye yokugamuchira Mweya Mutsvene.
Ndinovimba kuti wadzidza chikonzero chebhapatidzo yaJesu, uye ugova nekutenda kuevhangeri. Zvivi zvako zvichabva zvabviswa, uyevo uchabva wava nokugamuchira Mweya Mutsvene. Nemhaka yei Jesu akabhapatidzwa? Kwaiva kutora zvivi zvose zvenyika. “Saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose” (Mateo 3:15). Ameni, Haleluya!
Parinhasi, vamwe vanodavira kuti kutaura nendimi huchapupu hwekugamuchira Mweya Mutsvene. Asizve, huchapupu hwechokwadi hwacho ndehwekutenda kwakakosha kuevhangeri yakaisvonaka iyo yakanyorwa pamoyo yeavo vakagamuchira Mweya Mutsvene pazvokwadi.
 
 
Ishe vakapa simba rokuregerera zvivi kune vanhu vose vakarurama
 
Ishe vakapa vadzidzi vavo simba rekuregerera zvivi, vachiti, “Avo, vamunokanganwira zvivi zvavo, vazvikanganwirwa; avo, vanomubata zvivi zvavo, zvabatwa” (Johane 20:23). Izvi zvinoreva kuti apo vadzidzi vaiparidza evhangeri yemvura noMweya, zvivi zvevose vaiterera uye vachiva nekudavira, zvairegererwa. Asizve, izvi hazvirevi kuti vaikwanisa kuregerera zvivi zvaani nani, zvisinei nokudavira kwake kuevhangeri yemvura noMweya.
Vadzidzi vaJesu vane simba rokuregerera zvivi zvaani nani kuburikidza neevhangeri yemvura noMweya. Nokudaro, kana vachidzidzisa izvo zvakanyorwa, tinofanira kudavira kwazviri. Unofanira kudavira kuti Jesu Kristu vakakupa evhangeri yemvura noMweya kuti zvivi zvako zvose zvinekudzwe. Ndipo badzi paunozokwanisa kuwana kuregererwa kwezvivi, ugova nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Jesu akatipavo simba rokuponesa vanhu vose pazvivi zvavo, kuburikidza nokuparidzira evhangeri yemvura noMweya.
 
 
Simba remutongi wenyika
 
Mumakare, kunzvimbo yandaimbogara, taifamba nebhazi mumugwagwa wakanga usina kupevhurwa. Dzimwe nhambo, vanhu vaitombodzika kubva mubhazi, vachirisunda kuti rikwire makata. Imwe nhambo, ndokubva mutungamiri weKorea auya kumhemberero yekuparurwa kwe-thermal power plant, nemumugwagwa uyoyo. Vanhu vakachingamidza mutungamiri wenyika kuburikidza nekutsvaira mugwagwa, uyevo nekugadzika maruva kumapeto kwawo, pavakanzwa shoko iri. Pakazosvika zuva racho, midhudhudhu yakatungamira nzira, uye kumashure kwayo kwaiuya mota yemutungamiri wenyika. Zvita zvevanhu zvakauya kuzomukwazisa, vaine mireza yenyika mumaoko avo. Zvakazorehwa kuti mutungamiri wenyika akataura iye kuti, “Mugwagwa uno une mabhambo, unoda kuti upevhurwe.” Mazuva mashomanana apfuura, mugwagwa uyu wakapevhurwa ne-asphalt.
Ko chii chakaitika pano apa? Kutaura kumwe koga kubva kumutungamiri wenyika, achipfuura, kwakakwanisa kukonzera shanduko yakashandura mamiriro emugwagwa. Rayiro yemutungamiri wenyika ine simba guru sairoro. Asivo, tinoziva zvachose kuti evhangeri yemvura noMweya, iyo yakapiwa naKristu kwatiri, ine simba rakapfuura iri. Tinofanira kudavira kuti evhangeri iyi ine simba rokutidzikinura kubva kuzvivi zvedu zvese zvemuhupenyu hwedu.
 
 
Simba rezvokwadi rokuregerera zvivi
 
“Avo vamunokanganwira zvivi zvavo, vazvikanganwirwa; avo vamunobata zvivi zvavo, zvabatwa.” Vadzidzi vaJesu vakaparidzira evhangeri yokuti zvivi zvavo zvose zvakave nokuregererwa. Vaiudza vanhu kuti, “Jesu wakabvisa zvivi zvose zvenyika, nebhapatidzo uye neropa rake. Hapana chikonzero chekuti tinetseke. Kunyange makanangiswa kuti mutadze mune ramangwana, Jesu akatotora zvivi zvenyu zvezuva rimwe nerimwe nechekare, akava nokudeura ropa paMuchinjikwa kuitira imi, mushure mekunge abhapatidzwa naJohane. Jesu akakuponesai! Munofanira kudavira kwazviri!”
Vatadzi vakapiwa rudzikinuro nokuda kwekunzwa, uye kwekudavira kuevhangeri yemvura noMweya; kuburikidza nevadzidzi vaJesu. Jesu akapa vadzidzi vake simba rokuregerera zvivi, kuburikidza neevhangeri yemvura noMweya. Nekuda kwekuti vadzidzi vaJesu vakaparidzira evhangeri yemvura noMweya kuvanhu vose vemunyika, vatendi vanokwanisa kugamuchira kuregererwa kwezvivi. Jesu akavapa chipo ichi pamwe nesimba rokuregerera zvivi.
Vanhu vazhinji vakave nokuverenga mabhuku andakadhindisa kumumashure, uye vakave nokuponeswa pazvivi zvavo, mushure mokuaverenga. Vamwe vakabvuma kuti kuziva kwavakaita kuti chikonzero icho Jesu akafa paMuchinjikwa chaiva nekuda kwebhapatidzo yake yekutora zvivi zvose zvenyika, vachitora rugwaro, “Asi wakakuvadzwa nokuda kwekudarika kwedu, wakarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu” (Isaya 53:5).
Mushure mekumuka kwake, Jesu akati kuvadzidzi vake, “Gamuchirai Mweya Mutsvene. Avo vamunokanganwira zvivi zvavo, vazvikanganwirwa; avo vamunobata zvivi zvavo, zvabatwa” (Johane 20:22-23). Jesu akavapa simba rokuregerera zvivi zvevanhu.
Taive takabatwa nokukangaidzika, uye neshayisano, uye nezvivi; tisati tadavira kuzvokwadi yake. Asivo, sezvo zvino tave nokutenda kubhapatidzo uye neropa raJesu, uyevo tasununguka kubva muzvivi; tisu vacho vanofanira kuparidzira evhangeri iyi kune vamwe. Zvakarevo, Ishe vedu vakava nokupa vadzidzi vavo rugare. Ishe vedu vakatipavo rugare uyevo ropafadzo yoMweya Mutsvene, zvakare. Kuti tiwane rugare, uyevo noMweya Mutsvene, kubva kuna Mwari, tinofanira kugamuchira kuregererwa kwezvivi, kuburikidza nokudavira kubhapatidzo uyevo neropa raJesu paMuchinjikwa.
Chinotiponesa pazvivi ndiko kutenda kuevhangeri yemvura noMweya. Uko ndiko kutenda kwepamweya kunotiunzira maropafadzo edenga. Asi kutenda kusina kubatwa nomurairo, uko kunobva pandangariro dzomunhu; kunova nokumuendesa kukuparadzwa. Tinofanira kuwana rusununguko, kuburikidza nokudavira kuevhangeri yemvura noMweya, tigova nokugamuchira Mweya Mutsvene. Kuti tive nokuwana kutenda kwakadaro, tinofanira kusiya ndangariro dzedu dzenyika, tigova nokusandurira kutenda kwedu kuevhangeri yemvura noMweya.
Kuti ave nokutenda kunodikanwa kuti agamuchire Mweya Mutsvene, munhu anofanira kugamuchira evhangeri yekuti Jesu akabhapatidzwa, uyevo akaroverwa nokuda kwedu. Ishe vakatipa kuregererwa kwezvivi, norugare uyevo nokugara kweMweya Mutsvene; npkuda kwekuti tinodavira kuevhangeri yemvura noMweya. Vakapa vadzidzi vavo kugara kweMweya Mutsvene, uyevo nesimba rokuti varegerere zvivi zvaani nani akadavira kuevhangeri yemvura noMweya.
Takavavo nokugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nokudavira kuevhangeri iyi. Evhangeri yemvura noMweya yakabatsira vamwe vazhinji kuti vaitevo zvimwezvo. Kana tichiparidzira evhangeri kuvavakidzani vedu, uyevo nekunyika; avo vanoyiisa pamoyo vanova nokupiwa Mweya Mutsvene. Kana evhangeri yatinoparidzira isingakwanisi kuita kuti vanhu vagamuchire Mweya Mutsvene, haisi evhangeri yezvokwadi. Kune rumwevo rutivi, kana evhangeri yatinoparidzira ichigona kuvatungamira kuti vagamuchire Mweya Mutsvene, evhangeri iyoyo ndeyezvokwadi.
Tinofanira kuropafadzwa uye kutenda zvakadii pakuve neevhangeri yakadaro. Evhangeri iyo yakaparidzirwa newe pamwe neni yakakwanira uyevo ndiyo inosimudzira. Asi nerombo rakaipa, hazvisi nyore kuti uwane munhu anoziva uyevo anodavira kuevhangeri iyi, parinhasi. Naizvozvo, tinofanira kuparidzira evhangeri kupasi rose. Tinofanira kubatsira vanhu kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene.
 
 
Avo vanorashwa naSatani kuti vave nokuramba evhangeri yemvura noMweya
 
Tiri kubatsira kunyange neavo vanotenda kuna Jesu nechekare. Vazhinji vavo havasati vagamuchira Mweya Mutsvene kunyange zvazvo vachidavira kuna Jesu. Saka tinovabatsira kuburikidza nokuparidzira evhangeri, uye naizvozvo, kuvabatsira kuti vagamuchire Mweya Mutsvene.
Kana munhu asina kugamuchira Mweya Mutsvene, nyangwe zvazvo achidavira kuna Jesu, panogona kuve pane matambudziko mukudavira kwake. Avo badzi vakagamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nokudavira kwavo kuna Jesu ndivo vanogona kutorwa sevanhu vane kutenda kwezvokwadi. Naizvozvo, tose tinofanira kuchengeta kutenda uko kunotitungamira kuti tigamuchire Mweya Mutsvene. Tinofanira kuziva evhangeri yemvura noMweya, nokuti zvokwadi yeevhangeri iyi badzi ndiyo inotiita kuti tigamuchire Mweya Mutsvene.
Tinoparidzira evhangeri yemvura noMweya kuti vamwe vagone kugamuchira Mweya Mutsvene. Asivo, avo vanoparidzira evhangeri vakasungirwa kuti vasangane nematambudziko mazhinji. Vamwe vaKristu vanofunga kuti vanogona kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nokumboedzesera kwenguva yakati rebei. Vane ruzivo rwuzhinji kwazvo rwunokangaidza, urwo rwusina kufanira pakugamuchira Mweya Mutsvene. Nguva zhinji pamwe nekuzvipira, zvinodikanwa kuti vajekeserwe neevhangeri yemvura neMweya.
Ko ndiyani aizosatenda kuevhangeri yemvura neMweya kana dai vanhu vese vaifunga kuti munhu anogona kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nekutenda kuevhangeri iyi? Satani akanyengedza vanhu neimwe evhangeri yakasiyana, apo evhangeri yechokwadi isati yauya. Vanhu vakadaro vanoshamiswa kuti ndezvipi zvimwe zvinofanirwa kudavirwa kwazviri zvakare, kana vachitozviwona ivo pachavo sevanodavira kuevhangeri yaJesu nechekare. Nokudaro, vakave nekusabvuma pamwe nekuramba evhangeri yemvura neMweya.
Vanhu vazhinji, parinhasi uye pamakore ano, havagamuchire evhangeri yemvura neMweya zvakakwana, nekuti Satani akatovapofumadza nechekare. Semhedzisiro, vanofunga kuti kudavira kuna Jesu chinhu chiri nyore. Asivo, kuti usvike pakunzwisisa zvokwadi yeevhangeri zvakakwana hazvisi nyore zvachose. Evhangeri yezvokwadi, yemvura noMweya, yakave nokufukidzirwa neevhangeri yenhema.
Vanhu avo vanofunga kuti munhu upi zvake anokwanisa kupinda muHumambo hweKudenga kana akava nokuenda kukereke, uye kuti kana vakadudza kuti vanodavira kuna Jesu. Vazhinji vanofunga kuti kugara kweMweya Mutsvene kunopiwa kuburikidza nokushereketa kwavo; kwakadaro sokunamata uye nokutsanya. Asivo, kudavira kwakadaro kuti kure kwazvo nezvokwadi yokugamuchira Mweya Mutsvene. Vanofunga kuti kutaura nendimi, uyevo nezvimwe zvishamiso, ndizvo zviratidzo zvokugamuchira Mweya Mutsvene.
Saizvozvo, vanonzwisisa zvishoma kwazvo kuti, kuti ugamuchire Mweya Mutsvene, zvakafanira kuti udavire kuevhangeri yezvokwadi yemvura noMweya. Asizve, Bhaibheri rinotaura kuti munhu anogona kugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza badzi nokudavira kushoko raMwari. Mwari vakavanzarika shura rokugamuchira Mweya Mutsvene mukati memashoko avo.
 
 
Avo vanoda kugara kweMweya Mutsvene
 
Ndakamboenda kuTaiwan nevamwe vevabati vedu. Vanhu veikoko vakatikumbira mabhuku epamusoro peMweya Mutsvene. Chinhu chimwecho chakaitikavo kuJapan uyevo nekuRussia. Chikonzero vanhu vazhinji vaida mabhuku epamusoro pokugara kwoMweya Mutsvene ndechokuti vanhu vanhasi vanodokwairira kuti vagamuchire kugara kweMweya Mutsvene. Vanhu vazhinji vanodavira kuna Jesu uyevo dzimwe nguva havana chokwadi kuti vakagamuchira Mweya Mutsvene zvechokwadi here, nokuti havana kugara kweMweya Mutsvene.
Pane vane vazhinji kwazvo avo vanodavira kuna Jesu uye vachirandura kuti vakagamuchira Mweya Mutsvene. Asivo, vanhu avo vakagamuchira Mweya Mutsvene zvachose uye zvekusingaperi vakashomeka kwazvo. Vanhu vazhinji havakwanisi kuti vaite saizvozvo, zvisinei nokudavira kwavo kuna Jesu, uyevo ndokusaka vachishuwira kuti vave nokuita saizvozvo panguva dzino.
Pakati pevaKristu vemunyika, pane vanhu vazhinji vanofunga kuti vakave nokuziva Mweya Mutsvene. Vamwe vanotaura kuti vakave nokusangana naJesu muzviroto zvavo, uyevo vamwe vanozviti vane Mweya Mutsvene mukati mavo nokuti vakava nokubudirira pakudzinga madhimoni. Saizvozvovo, pane vanhu vazhinji kwazvo vane kutenda kunobva pashwiro dzavo pachavo. Asivo, kashoma apo vanhu vakaita seava vakava nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, kwamazvirokwazvo, kuburikidza nokutenda kuevhangeri yemvura noMweya.
Ndakambove nokurangarira zvichiva nokukatyamadza kwazvo kuti pakanga pasina mabhuku munyika muno pamusoro pokuwana kugara kweMweya Mutsvene, kuburikidza nokutenda kuevhangeri yakakwana yemvura noMweya. Vanhu vazhinji vanotaura pamusoro peshwiro dzavo noMweya Mutsvene, asi seiko pasina mabhuku epamusoro pokugara kweMweya Mutsvene? Mabhuku akadaro anonetsa kuwana, kunyange ukatsvaga kure sei, uye zvakadziva pasi rose.
Avo vanosimbirira, zvisiri izvo, kuti vakave nokugamuchira Mweya Mutsvene, vanova nokutivo vakave nokusangana naJesu pauzima, vakave nokushanyira kuHumambo hweKudenga uyevo nekugehena. Vanosimbirira kuti Jesu akazoti, “Wauya nechekumberi kwenguva. Une zvakawanda zvasara kuti zvizadzikiswe munyika mako, saka chimbodzokera kwaunokodzera.” Zvinhu zvakadaro hazvitadzikari. Asizve, Jesu wavakasangana naye uyu angave ari Jesu wamazvirokwazvo here? Jesu aigosangana navo here kana vachiri nezvivi mumoyo yavo? Jesu anogara mukati memutadzi here?
Ichokwadi kuti vaKristu vazhinji vanhasi havana kugara kweMweya Mutsvene, kunyange zvazvo vachichengetedza chikamu chokutenda kuna Jesu. Naizvozvo isu, avo vane Mweya Mutsvene mukati medu, tinofanira kuparadzira evhangeri inotungamira vamwe kuti vagamuchire chipo ichi. Munhu wose anofanira kugamuchira Mweya Mutsvene, uye kuti zvive nokudaro, kutenda kuevhangeri yemvura noMweya kwakakosha. Nokuti munhu anogona kugamuchira Mweya Mutsvene kana badzi achidavira kuevhangeri. Kuburikidza neevhangeri yezvokwadi, iyo yatinoziva tose, tinogona kugamuchira chipo cheMweya Mutsvene kubva kuna Mwari.
Tose tinofanira kutenda pamwe nokurumbidza Ishe nokutipa evhangeri yemvura noMweya. Ndakave nokusangana norufaro rweMweya Mutsvene apo vakandigombedzera kuti ndinyore bhuku rino. Kana bhuku rino rave nekudhindiswa, vanhu vazhinji vachave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene kuburikidza nokutenda kwavo kuevhangeri yemvura noMweya. “Makagamuchira Mweya Mutsvene pakutenda kwenyu here?” (Mabasa 19:2), akadaro Pauro kune avo-vaizova vadzidzi paEfeso.
Tose tinofanira kugamuchira Mweya Mutsvene. VaKristu, pasi rose, vanonyanya kudokwairira kugamuchira Mweya Mutsvene, panguva ino yokufungudzika kwenhoroondo yenyika. I am preaching the biblical way to receive the Holy Spirit, just as the Holy Spirit guides me to do. Ndiri kuparidza nezvenzira yomuBhaibheri yokugamuchira Mweya Mutsvene, sezvandinotungamirwa noMweya Mutsvene kuti ndiite. Kuti urarame upenyu hwemuchete, unofanira kudavira kuzvokwadi yokugara kweMweya Mutsvene. Nokuti ndiwo mukana wako wokupedzisira kuti ugamuchire Mweya Mutsvene zvakadzama mumoyo mako.
Ndinonzwa kugombedzerwa kuti ndiparadzire evhangeri iyo inobatsira munhu wose kuti agamuchire Mweya Mutsvene, nokuti Jesu Kristu vakandipa evhangeri yemvura noMweya, uyevo vakandisiya ndiine chipo choMweya Mutsvene, nokuda kwavo.
 
 
Vahedeni vanofaniravo kuva nokutenda kuevhangeri yemvura noMweya.
 
Bhaibheri rinododoodza nzira iyo vadzidzi vaJesu vayiita kuti vamwe vave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Kunyange navahedeni vaitochengetedza kutenda kwakafanana nokwevadzidzi, kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Zvakarevo, navahedeni, pachavo, vakatofanira kuva nokutenda kuevhangeri yemvura noMweya, uko kwaivavo nevadzidzi, kuti vave nokupinda munyika yaMwari. Nokudaro isu, tiri vahedeni, tinofaniravo kudavira kuevhangeri yezvokwadi kuti tive nokugamuchira Mweya Mutsvene. Mwari vakatuma Pita kuna Korineriyo, uyo aiva muhedeni, kuti ave nokujekeserwa neevhangeri yemvura noMweya, iyo yakafanira pakugamuchira Mweya Mutsvene.
Vatendi vechiJuda vakashamiswa kunzwa kuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururirwavo kuvahedeni. Apo Pita akadzokera kukereke yepaJerusarema mushure mokuparidzira evhangeri yemvura noMweya, avo vakanga vakadzingiswa vakamutsoropodza. “Wakapinda iwe kuvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo” (Mabasa 11:3). Asi Pita akavatsanangurira zvinhu zvose kubvira pazvakatangira.
Tsananguro yake yakaperekerwa zvomene muna Mabasa 11:5-17. “Ndakanga ndiri muguta reJopa, ndichinyengetera; ndikabatwa mweya, ndikavona chiratidzo; chimwe chinhu chakaburuka, chinenge mucheka mukuru unoburutswa kudenga wakasungwa miromo mina, chikasvika kwandiri; ndakati ndachitarisisa, nokucherekedza, ndikavona mhuka dzenyika dzinamakumbo mana nezvikara, nezvinokambaira, neshiri dzedenga, ndikanzwavo inzwi richiti kwandiri: ‘Simuka Petro, baya, udye.’ Asi ini ndikati: ‘Kwete Ishe, nokuti mumuromo mangu hamuna kumbopinda chinhu chisakanaka, chinetsvina.’ Asi inzwi rakapindura rwechipiri, richibva kudenga, richiti: ‘Icho chakanatswa naMwari, iwe usati, hachina kunaka.’ Izvozvi zvakaitwa katatu, zvose zvikakwidzwazve kudenga. Ipapo, tarira, pakarepo varume vatatu vamira pamberi peimba, matakanga tiri, vakanga vatumirwa kwandiri, vachibva Kesaria. Ipapo Mweya wakandivudza, kuti ndiende navo, ndisinganyunyuti. Nehama idzi nhanhatuvo dzakandiperekedza, tikapinda mumba nomurume uyu. Iye wakativudzavo kuti wakavona mutumwa amire mumba make, achiti: ‘Tumira Jopa, udane Simoni, unonzi Petro; iye uchakuvudza mashoko auchaponeswa nawo, iwe nemhuri yako yose.’ Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavo, sapamusoro peduvo, pakutanga. Ini ndikarangarira Shoko raShe, rokuti: ‘Johane wakabhapatidza nemvura, asi imi muchabhapatidzwa muMweya Mutsvene. Zvino kana Mwari akavapa chipo icho chaakatipa isu, pakutenda kwedu kunaShe Jesu Kristu, ini ndaigova ani, waigona kudzivisa Mwari?’”
Pita akataura kuti haana badzi kungoenda kuvanhu vasina kuchecheudwa akandodya navo, akavatauriravo evhangeri, nekuwonga kunhungamiro yeMwweya Mutsvene. Pavakanzwa zvinhu izvi vakave nokunyarara, ndokubva vava nokurumbidza Mwari, avo vakapa kutendeuka, uyevo nehupenyu kwavari vose – Korineriyo, nehama dzake, uyevo neshamwari dzake dzepedyo.
 
 
Evhangeri yechipostora yokugamuchira Mweya Mutsvene
  
Ko mishoni yakakosha yevaapostori ndeipi?
Kuparidzira evhangeri yemvura noMweya kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene.
 
Ko vaApostori vakaparidzira evhangeri yemvura noMweya zvamazvirokwazvo here? Tinofanira kutanga tabatisisa kuti muapostori Pita aidavira kuevhangeri yemvura noMweya here. MuBhaibheri, Pita akati, “Naiwo mufananidzo worubhapatidzo, runokuponesai zvino” (1 Pita 3:21). MuApostori Pita aidavira pazvokwadi kuti Jesu akaponesa vatadzi vose pazvivi zvavo, apo akave nokubhapatidzwa uye akafira paMuchinjikwa. Aidaviravo kuti apo Jesu akabhapatidzwa (Mateo 3:15), zvivi zvose zvakave nokuiswa kwaari, uye kuti akaroverwa akazove nokumuka, kuti aponese isu tose.
Mazuva ano pane vanhu vane kutenda kwakafanana nekwaPita. Avo vanoparidzira evhangeri yemvura noMweya ndivo avo vanoparidza evhangeri imweyo sezvayiitwa naPita. Zvokwadi iyi inokwanira, kuita kuti vatereri vave nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene.
Sokugamuchira Mweya Mutsvene kwakaita vanhu vazhinji, apo Pita akaparidzira evhangeri yemvura noMweya, tinoonavo vanhu vachidavira kuevhangeri, vachiva nokugamuchira Mweya Mutsvene; kana tikaparidza zvokwadi imweyo. Munhu haagamuchire Mweya Mutsvene kuburikidza nokungodavira, kusina kutsarukana, kuti munhu anova nokuenda kudenga kana achidavira badzi kuna Jesu saShe wake; asi kuburikidza nokudavira kuevhangeri yemvura noMweya, pachinhambo.
Pita akambove nokutora vahedeni sevanhu vakangoraudza zvishoma kuve tsikidzi dzinonanaira pasi. Zvichitevera kumurairo, vaiva vakafanana nemhuka dzakasviba, apo Jesu akange asati abhapatidzwa, uye asati afa paMuchinjikwa, pamwevo nekumuka. Asizve, kungange navahedeni vanogona kuropafadzwa nokugara kweMweya Mutsvene, kuburikidza nokudavira kuevhangeri yemvura noMweya. Saka inzwi rakataura kuna Pita, richiti, “Chakanatswa naMwari, usati, chine tsvina iwe” (Mabasa 10:15).
Isu, sevahedeni, takange tisingakwanise kugamuchira Mweya Mutsvene, asi tinogona kuwana kugara kweMweya Mutsvene, kuburikidza nokuva nokutenda kuevhangeri yemvura noMweya. Kana tichiparidzira evhangeri, nemoyo mirefu, kuvanhu vazere nendangariro dzavo pachezvavo; kazhinji tinovaona vachiva nokudavira kuevhangeri, uyevo vachizokwanisa kugamuchira Mweya Mutsvene pakupedzisira. Tinogona kuzovaonavo vachipupura kuti havana zvivi mumoyo yavo, mushure mekuva nokudavira kubhapatidzo uye nekuropa raJesu. Uku ndiko badzi kuti Mweya Mutsvene azove nokugara mukati mavo.
Chinangwa chedu, mukuparidzira evhangeri iyi, hachingozi badzi chekuita kuti vamwe vave nokuinzwisisa, asi kuvatungamira kuti vave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Zvokwadi yokuti, avo vanodavira kuevhangeri yatinoparidzira vanova nokuregererwa pazvivi zvavo zvose, yakakosha kwazvo. Uyevo zvokwadi yokuti, vanozova nokugamuchira kugara kweMweya Mutsvene, panguva imwecheteyo, yakanyanya kukoshavo zvakare. Hatingoparidziri badzi evhangeri kuvanhu vemunyika, asi kuti kuendavo nayo kumberi zvakare tichivatungamira kuti vagamuchire Mweya Mutsvene, panguva imwecheteyo.
Tinofanira kuparidzira evhangeri yemvura noMweya, nomutoo uyu, kune avo vanoidokwairira. Kana tikave nokudzimuka, mushure mokungoparidzira evhangeri badzi, chirevo chose chemabasa edu chinenge charasika. Tinofanira kuziva kuti evhangeri ino inotungamira vanhu kuti vawane kugara kweMweya Mutsvene. Kana tichiparidzira evhangeri, tichiva nokuziva izvi mundangariro, marimi oMweya Mutsvene achapararira semoto wemusango kuburikidza pasi rose.
Kana muvhangeri achidavira kuti evhangeri iyi inotungamira vanhu vemunyika kuti vagamuchire Mweya Mutsvene, anova nokunzwa kuve nokuziva, nechido, kuti bato rake haringozi badzi repamusoro pokugombedzera vanhu kuti vadavire kuna Jesu Kristu, asi nderokuvabatsira kugamuchira kugara kweMweya Mutsvene. Nokudaro, zvakakosha kwazvo kuti tive nokuparidzira evhangeri yemvura noMweya panguva dzino.
Munhu anongodikanwa badzi kuti aterere nenzeve dzake, uye nokudavira nemoyo wake, kuevhangeri yatinoparidzira kuti ave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Sezvazvakajeka, evhangeri yatiri kuparidzira ine basa guru pamusoro pohupenyu hwevanhu. Simba reevhangeri ndiyo kodzero pamwe neropafadzo inopiwa naMwari.
Pita aiva muvhangeri wevaJuda, apo Pauro akanga ari wevahedeni. Apo Pita akanga achinyengetera ari muimba yepamusoro, akaona Denga richizaruka, ndokubva chinhu chakaita sejira hombe, raiva rakasungwa makona mana, chadzika paari. Mariri makanga muine mhando dzose dzemhuka dzakasviba, idzo dzakarehwa kuti hadzibvumirwe kudyiwa muBhaibheri.
Pita aive asati ambodya chinhu chisina kunaka, kana chakasviba. Asivo, Mwari vakamuraira kuti abaye agova nekudzidya. Pita akaramba, achiti, “Kwete Ishe! Nokuti handisati ndambodya chinhu chisina kunaka, kana chakasviba!” Ndokubva inzwi rataura kwaari, richiti, “Icho chakanatswa naMwari, iwe usati, hachina kunaka.” Ko izvi zvinotsigira kuti chii? Mwari vari kutaura kuti Jesu akashambidza zvivi zvose zvenyika, kunyange nezvevahedeni, apo akabhapatidzwa uye akafira paMuchinjikwa.
Chirevo chepamweya cherayiro yaMwari kwaari, yokuti abaye uye agodya mhuka dzakasviba, chaiva chokudzidzisa Pita kuti kunyange vahedeni vanogona kuve vana vaMwari, kuburikidza nokudavira kuti Jesu akave nokutumwa munyika muno, akabhapatidzwa kuti zvivi zvedu zvose zvitorwe, uye akaroverwa kuti azvitongerwe.
Pita aiva achiri kutevera mirairo yomutemo, pane kuti aicherechedze nameso omweya okutenda, kunyange akange agamuchira Mweya Mutsvene. Asi Pita akatendevuka, akadavira kuti Mwari vakatoshambidzira kunyange nezvivi zvevahedeni nechekare. Pita akave nokuziva pfuma yeevhangeri yakaisvonaka, zvakadzama. Akaona Mweya Mutsvene achidzikira pavatereri vake, apo akaparidza mashoko aMwari.
Ko tingazive sei kuti vavhangeri vanhasi vakave nokugamuchira Mweya Mutsvene here kana kuti kwete? Zvinobva nokuti vanogamuchira evhangeri yemvura noMweya here. Munhu anodavira kuevhangeri yakaisvonaka, sezvairi, apo muvhangeri achiparidzira mashoko aMwari, anova nokugamuchira Mweya Mutsvene. Mweya Mutsvene, uyo anogara mumoyo wemuvhangeri uyu, anouyavo kuzogara maari. Muvhangeri pamwe nomutereri vanove nokuita ruwadzano pachavo sezvinoita shamwari dzepavuduku. Vanova nekuona rudo rwaMwari rwuchigara mukati meumwe neumwe wavo. Muvhangeri anova nokuona mutereri achiva nokuita umwe wevanhu vaMwari, kuburikidza nokugamuchira evhangeri yemvura noMweya.
Kana tichiparidza evhangeri, tinogona kuona Mweya Mutsvene achiburukira pavatendi, pavanongodavira kuevhangeri yemvura noMweya. Hachizi chiitiko chakapatsanurika kubva pakuponeswa. Ichi ndicho chikonzero chikuru icho tinofanira kuparidzira evhangeri yemvura noMweya. Evhangeri yatinoparidzira ndeiyo inotungamira vamwe kuti vagamuchire Mweya Mutsvene.
Avo vane kugara kweMweya Mutsvene ndivo vana vaMwari. Evhangeri yemvura noMweya haizi dzidziso, isina shwiro, yerimwe sangano, saka nokudaro, kana tichiiparidzira kune vamwe, vanova nokuwana kutenda, vagogamuchira Mweya Mutsvene, uyevo vagova vana vaMwari. Iyi iropafadzo yakakura sei! Ievhangeri inoshamisa sei! Uyevo, mabasa ake anoshamisa sei! Avo vanoparidzira evhangeri yemvura noMweya vanobatsira kuvaka Humambo hwoKudenga. Tinongoparidzira evhangeri badzi, asi vanova nokugamuchira Mweya Mutsvene.
Vamwe vanhu vanofunga kuti kudavira kuna Jesu ndechimwe chinhu, uyevo kugamuchira Mweya Mutsvene ndechimwevo. Nokudaro, vaKristu vachiri kunamatira Mweya Mutsvene. Asivo, Bhaibheri rinotaura kuti Mweya Mutsvene anouya pamusoro pavo kana vakanzwa uye vakadavira kuevhangeri yakaparidzwa nevaranda vake. Vanhu vakapoteredza nenyika yose vari kudokwairira Mweya Mutsvene. Evhangeri iyo yatinoparidzira inovatungamira kuti vagutswe zvishuvo zvavo. Ndiko kusaka tiine basa rokuparadzira evhangeri kunyika dzose. Tiri vana vaBaba, uye vadyi vavo venhaka, avo vakatendeka kuHutumwi Hukuru hwavo.
Tinofanira kuparidzira evhangeri nokutenda, tichizviisa mundangariro kuti mishoni yedu ndeyekuita kuti vanhu vave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Evhangeri yemvura noMweya ndechimwe chinhu icho vavhangeri vanofanira kudavira kwairi pachokwadi, vasati vaiparidzira kune vamwe. Vatereri vavo vanozobva vave nokugamuchira Mweya Mutsvene kuburikidza nokutenda kwavo kuevhangeri. Nenzira iyi, tinogona kufemera hupenyu husingaperi mukati meavo vose vanodavira kuevhangeri. Chinangwa chedu ndechokuti vave nokugamuchirwa kubva kumasimba erima uyevo vagosandurirwa kuHumambo hwoKudenga. Vavhangeri vanova nokusandurira vatadzi, avo vakanangiswa kuti vave nokufa, uye vari pasi pamasimba erima, kuHumambo hweMwanakomana waMwari. Ibasa rakakosha kwazvo rokusandura vatadzi kuti vave vana vaMwari.
Vanhu vazhinji havazive chinhu chakakosha pakugamuchira Mweya Mutsvene, uyevo vanoedza kumugamuchira nokuda kwekushereketa kwavo. Asivo, izvi zvinorakidza kuva zvisingabatsiri. Kutenda kuevhangeri badzi ndiko kunodikanwa, nokuti kutenda kunodzikinura munhu pazvivi kuzvivi zvose.
Ko iwe wakave nokugamuchira Mweya Mutsvene sei? Kuburikidza nokunyengetera here? Kana kuti zvimwe kuburikidza nokuiswa mavoko? Kwete, iyi handiyo nzira yacho. Tinogamuchira Mweya Mutsvene kana badzi tikadavira kuevhangeri yemvura noMweya. Tinofanira kunyengetera, uyevo nokuparidzira evhangeri, kuitira kuti vanhu vose vomunyika vagone kugamuchira Mweya Mutsvene.
Shoko rokuti “muapostori” rinoreva kuti “munhu akatumwa naMwari.” Ko vaapostori vanoita basa rei? Vanoparidzira evhangeri yemvura noMweya, kuti vanhu vave nokugamuchira Mweya Mutsvene. Haungadevo here kutora basa iri pamwe nesu? Tose tinofanira kuva nokugara kweMweya Mutsvene, tigokuparidzira kuvanhu vose. Haleluya! Rumbidzai zvokwadi yakakwana yeevhangeri iyo Ishe vakatipa, kuti tive nokugamuchira Mweya Mutsvene!