Shona 6
Choose your preferred file format and safely download to your mobile device, PC, or tablet to read and listen to the sermon collections anytime, anywhere. All eBooks and AudioBooks are completely free.
Kururama kwaMwari kwakanyatsojeka, uye kwakatosiyana nekururama kwevanhu venyama. Kururama kwaMwari kunoratidzwa muevhangeri yemvura noMweya, iyo yakazadziswa nekubhapatidzwa kwaJesu naJohane, uye neropa rake paMuchinjikwa. Tinofanira kudzokera pakutenda kuri mukururama kwaMwari, tisati tanonoka.
Unoziva here chikonzero chakaita kuti Jesu abhapatidzwe naJohane Mubhapatidzi? Kana dai Johane akanga asina kubhapatidza Jesu, zvivi zvedu zvingadai zvisina kuturikwa paari. Johane Mubhapatidzi wakanga ari mukuru pavanhu vose vakaberekwa nevakadzi, uye rubhapatidzo rwaakapa kuna Jesu rwakanga rwuri faniro yakakwana yaMwari, yekuti zvivi zvedu zviturikwe pana Jesu.
Jesu akabhapatidzwa kuti atakurire zvivi zvenyika pamafudzi ake, uye ropa rake rakadeuka paMuchinjikwa kuti aripire mubairo wazvo wose. Izvi zvinhu zvose zvakashandura kunzwisisa kwangu kwakare pamusoro pekurwara patsva, apo ndaingoziva nezveropa raJesu paMuchinjikwa badzi.
Mwari, zvino, vakudzidzisai nezvekururama kwavo, kuti tinzwisise pamwe nokutenda zvakakwana mukururama kwavo. Ndinotenda Ishe pamusoro pemaropafadzo aya ose.
Although the Covid-19 pandemic has ended, there are still difficulties in sending or receiving our printed books by mail due to various difficult international situations. When the international situation improves and mailing normalizes, we will resume mailing printed books.